Nhambo Inokosha—Uchauya Here?
SAVARANDA vanodzvinyirirwa muEgipita anopfuura makore 3 500 apfuura, vaIsraeri vaiva nedikanwo yakakomba yokununurwa. Asi Farao akaramba kuita kuti varanda vake vaende. Naizvozvo Jehovha Mwari akaita kuti vaIsraeri vauraye gwaiana ndokusasa ropa raro pamagwatidziro amasuo napazvivivo zvedzimba dzavo. Usiku ihwohwo humene ngirozi Yake yakadarika dzimba dzine ropa pamagwatidziro amasuo asi yakauraya matangwe mudzimba dzavaEgipita vose. Pana ikoko Farao akaita kuti vaIsraeri vaende vakasununguka. Chibviro chaipapo, pamusi wechinoitika chegore negore chaapo ngirozi yakadarika dzimba dzavaIsraeri, vaJudha vakachengeta ichi chinoitika.
Gare gare, Jesu Kristu akaoneka pasi pano. Rimwe zuva Johane Mubhapatidzi, uyo akanga abhapatidza Jesu, akanongedzera kwaari ndokuti: “Tarirai, gwaiana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Johane 1:29, NW) Sezvo ropa regwaiana rePaseka rakareva rununuro nokuda kwamatangwe avaIsraeri, naizvozvo ropa rakadururwa raKristu rinogona kununura kubva muchivi norufu.
Jesu akatanga chidyo chokurangarira rufu rwake rwechibairo. Iye akapa chingwa vaapostora vake vakatendeka ndokuti: “Torai, mudye. Ichochi chinoreva muviri wangu.” Ipapo akavapa mukombe wewaini ndokuti: “Inwai pauri, imi mose; nokuti iwoyu unoreva ‘ropa resungano,’ iro rinofanira kudururwa nokuda kwavazhinji nokuda kwekanganwirwo yezvivi.” Uyezve, Jesu akati: “Rambai muchiita ichi mukundirangarira.” (Mateo 26:26-28; Ruka 22:19, 20) Naizvozvo Jesu akareva kuti kunofanira kuva kuchengetwa kwegore negore kworufu rwake.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuzvikumbanira mukuchengetwa ikoku kweChirangaridzo. Unogona kupinda kuHoro yoUmambo iri pedyosa nomusha wako. Nzvera neZvapupu zvaJehovha zvomunzvimbomo nokuda kwenguva chaiyo nenzvimbo. Musi wokuchengeta muna 1992 uchava Chishanu, April 17.