RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 1/8 pp. 28-29
  • Kuroorana Kana Kuti Kugara Pamwe Chete—Ndechipi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuroorana Kana Kuti Kugara Pamwe Chete—Ndechipi?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugara Pamwe Chete—Kune Betsero Here?
  • Roorano—Nzira Iri Nani Zvikuru
  • “Ngavaroore”
  • Kugadzirira Nokuda Kweroorano Inobudirira
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Tinofanira Kugara Tese Tisati Tachata Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekugara Pamwe Chete Musina Kuchata?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 1/8 pp. 28-29

Murangariro weBhaibheri

Kuroorana Kana Kuti Kugara Pamwe Chete—Ndechipi?

“TICHAROORANA rini?” Makore mashomanene saane 35 akapfuura, uyu mubvunzo ungave wakarangarirwa navaviri vanodana vakanga vachivimbisana. Zvisinei, nhasi kune banza rakanaka rokuti mubvunzo wakadaro ungamutswa navanhu vaviri vatove vachigara pamwe chete. Nguva dzachinja uye ndozvaitawo zvimiro zvendangariro kuroorano. Ndeipi nzira iri nani zvikuru: Kuroorana, kana kuti kugara pamwe chete nomunhu waunosarudza?

Nzvero dzinoratidzira kuti muBrazil, France, Sweden, United States, uye dzimwe nyika zhinji, kugara pamwe chete pasina roorano kunogamuchirwa zvikuru. Kungava kunowirirana nezvimiro zvendangariro zvazvino uno, asi hakusati kuri kutsva. Chiri chitsva ndicho zvimiro zvendangariro kumuitirowo. Chaisimborangarirwa kuva kurarama muchivi zvino chiri kuregererwa kana kuti kutenderwa navazhinji sechakafanira nomutoo wakakwana.

Kugara Pamwe Chete—Kune Betsero Here?

Vamwe vanhu vanotaura kuti gadziriro yokugara pamwe chete ine mufungo, zvainobvumira vaviri kuti vazivane zvakanaka vasati vapinda muchisungo chechigarire zvikuru cheroorano. Dzimwe betsero vamwe vanonongedzera kwadziri: Kunogonesa vavirivo kutapudza ndyiko kupfurikidza nokugoverana rendi; kunovapa kuzvimirira vasingatsamiri pavabereki; kunogovera ushamwaridzani hunodikanwa, kubatanidza vatano. Vaviri vasina kuroorana vakura vanotaura kuti kupfurikidza nokugara pamwe chete havarasikirwi nemibhadharo yechengeteko yenzanga yehurumende.

Zvisinei, chimwe chibvumikiso chakasimba chinodzivisa kugara pamwe chete pasina roorano ndeichi: Shamwari ipi kana ipi inogona kugumisa gadziriro yacho panguva ipi neipi kupfurikidza bedzi nokuenda. Kutaura idi, Le Monde rezuva nezuva reFrance rakashuma kuti muSweden neNorway, hafu youkama hwokugara pamwe chete haigari makore maviri, uye kubvira pa 60 kusvikira ku 80 muzana inoputsika mumakore asingasviki mashanu.

Roorano—Nzira Iri Nani Zvikuru

Avo vanotsigira gadziriro yokugara pamwe chete vanganongedzera kurugwaro rweroorano se“chidimbu chepepa” bedzi, chimwe chinhu chisiri choukoshi hunoshanda. Ichi chimiro chendangariro chinoshandiswawo mumifananidzo inokusiya une chiringa yeTV namabhaisikopo, pamwe chete nomuupenyu hwapachivande hwavakatanhamara. Naizvozvo, zvino ngatirangarirei ukoshi hwechokwadi hwe“chidimbu chepepa” chacho.

Paunopinda muhukutsirani hwebhizimisi kana kuti kutenga nzvimbo kana kuti kukwereta mari kuno mumwe munhu, neiko uchiita kuti mashoko anyorwe uye kunyange kupupurira kusainwa kwamagwaro? Chimwe chikonzero ndechokuti musengwa wakaitwa navakutsirani vose vari vaviri, uye kuri kukubetserwa kwavose vari vaviri kuti mashoko anyorwe. Somuenzaniso, kana mumwe mukutsirani akafa, kutsakatika, kana kuti kungorasikirwa bedzi neyeuko, mashoko achiri anosungira pamutemo. Ndozvakunoitawo neroorano. Muchinoitika chorufu rwomumwe mukwanyina kana kuti vose vari vaviri, mutemo mune dzimwe nyika zhinjisa unoita gadziriro nokuda kwemitezo yemhuri ichiri mipenyu. Ikoku kunowanzoshaikwa mugadziriro yokugara pamwe chete. Ndiwowu musengwa unoita musiano pakati pavanogara pamwe chete neroorano. Uye rugwaro rweroorano chiyeuchidzo kuna vanyakuroorana chomusengwa wokuda, kukudza, uye kuchengetana uye revo yemhiko dzeroorano.

Mumwe mukadzi akaroorwa anotaura neiyi nzira: “Zvimwe ndava wechinyakare, asi musengwa weroorano unondiita ndinzwe ndakachengeteka zvikuru.” Anodzokorora izvo Mwari akataura apo akabatanidza pamwe chete muroorano vaviri vokutanga vohunhu: “Ndicho chikonzero nei murume achasia baba vake namai vake uye iye anofanira kunamatira kumudzimai wake uye ivo vanofanira kuva nyama imwe.”a (Genesi 2:24) Humwe hunoshamisa! Nokudaro, “nyama imwe” inobvira bedzi muukama hwakakwana, hwachose chose, hwapamutemo, hwenduramo—husiri kumwewo zvako.

Kunyange zvazvo zvakadaro, vamwe vanhu vanotaura kuti vanoziva nezvavamwe vaviri vanogara pamwe chete vasina kuroorana bva vane ukama hwakasimba.

“Ngavaroore”

Bhaibheri rinopa chikonzero chakanakisisa chokuti vaviri vasagare pamwe chete vasina kuroorana. “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano ngahuve husina svipiso, nokuti Mwari uchatonga zvifeve nemhombwe,” inodaro VaHebheru 13:4. Bhaibheri pachena uye zvakapfava rinotaura kuti kugara pamwe chete kunze kweroorano ufeve. Asika chii chaizvoizvo chinorehwa no“ufeve”? Rimwe duramashoko rinohurondedzera se“vatano yavanhu iri kunze kweiri pakati pomurume nomudzimai wake.” Kuti isu tive nehana yakanaka, iri zano reBhaibheri rinofanira kuteverwa: ‘Mwari anoda kuti murege ufeve.’—1 VaTesaronika 4:3.

Asi zvakadiniko kana vamwe vanova nechinetso nokudzora sundo dzavo dzevatano? Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kana vasina kuzvidzora, ngavaroore, nokuti kuri nani zvikuru kuti varoore panokuva vanopiswa noruchiva.” Uye zvakare: “Asi kana munhu upi noupi achifunga kuti iye ari kuzvibata zvisina kufanira kurucheno rwake, . . . ngavaroore.” (1 VaKorinte 7:9, 36) Cherekedza kuti Pauro haana kutaura ku‘ita izvo ivo vanoda ndokugara pamwe chete’ asi, “Ngavaroore.”

Hakusi kuti roorano inofanira kurangarirwa somutoo wokugutsa nawo zvishuvo zvevatano. Vaviri vanofanira kuzivana vasati varoorana. Asika unogona sei kuita kudaro kutoti mukagara pamwe chete? Kupfimba kunoremekedzwa kunogovera banza rakakwana nokuda kwaikoko. Unofanira kusarudza zvaunokarira muroorano uye nomukwanyina wako. Ndezvipi zviri zvinodikanwa zvako zvokunyama, zvendangariro, uye zvomudzimu? Ko munhu wauri kurangarira somukwanyina anobvira achakubetsera kuzvizadza here?—Mateo 5:3.

Pashure pokurangarira zviri pamusoro apa, pasina panikiro uchabvuma kuti panzira mbiri—kugara pamwe chete kana kuti kuroorana—yechipiri iri nani zvikuru. Vaviri vanogara pamwe chete muroorano vanoita kudaro pasina mhaka kana kuti rutyo, uye vanofarikanya ruremekedzo rweshamwari nehama dzokunyama. Vana vavo havasati vachizova nekuvadziko dzendangariro nokuda kwokuve vakaberekerwa kunze kwomuchato. Uye chinoisvokosha zvikuru, vaviri vakadaro vanofadza Mwari kupfurikidza nokuratidza ruremekedzo nokuda kwegadziriro yeroorano.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rechiHebheru rokuti da·vaqʹ (“kunamatira”) “rine mufungo wokuomerera kune mumwe munhu muchidakadaka noruvimbiko.” (Theological Wordbook of the Old Testament) MuchiGiriki, rinowanwa mushoko rerevo yo“kubatanidza neguru,” “kusimbisa,” “kubatanidza pamwe chete zvakasimba.”

[Mufananidzo uri papeji ]

Muchato womuzana ramakore rechi 16

[Kwazvakatorwa]

Peasant Wedding, by Pieter Bruegel the Elder, 16th century

With kind permission of the Kunsthistorisches Museum, Vienna

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe