Kurumbidza Jehovha Mukuimba Makabatana
‘KUIMBA kwakanga kuri chimwe chinhu chakanyandura manyemwe ndokubudisa misodzi mumeso—kwakanga kwakanaka zvikuru. Hapana marimba enziyo aidikanwa, uye uko kwairatidzika kuva kuimba kwamativi akaoma kwakaitwa nenzira iri nyore inoshamisa. Tsinhirano yakanga yakanaka zvikuru.’
Uku kutaura kwakaitwa nowaichimbova purezidhendi weWatch Tower Society, Nathan H. Knorr, pashure pokupinda gungano reZvapupu zvaJehovha muZambia. Kunosanorondedzera mubvumo unonyandura wamazana amanzwi aVatema akaimba rwiyo mutsinhirano.
Kuimba rutivi rwomuitiro waVatema. Mumusha chaiwo waVatema, hakusi kwechienzi kuona vakadzi vachisakura vachiimba nziyo dzegamuchidzanwa, pwere dzichiimba nziyo dzadzo dzadzinoda sezvadzinokama n’ombe, uye varume vachiimba nziyo dzinosimbisa sokunge kuti vanokushudzira madhonza avo kukweva mutoro wavo unorema. Mumusha mune rwiyo rwounenge mubato uri wose.
Muzvikoro zvizhinji zvaVatema, vana vanodzidziswa kuimba kupfurikidza nomutoo wegadziriro yamanotsi etonic sol-fa. Chii tonic sol-fa? Zvikurukuru, mutoo wokuimba nama“do, re, mi” wakaitwa kuti ukurumbire nebhaisikopo renziyo rine mukurumbira makore akati kuti kare. Manotsi edo, re, mi, fa, sol, la, ti, do anowirirana namanotsi masere egadziriro inoimbwa pamarimba enziyo dzoKumadokero. Iyi gadziriro yamanotsi amabhii inoshandisa zviratidzo zvamakoroni, madheshi, makoma, nemitsetse kuratidzira chiverengero chamabhiti ari mubar uye kukweviwa kwamanotsi. Manzwi mana (soprano, alto, tenor, uye bass) anorongwa rimwe pasi perimwe, uye ndikoku kubatanidzwa kwamanzwi kunobudisa nziyo yakadaro inonyandura mweya. Vazhinji vanobvuma kuti uyu mutoo uri nyore zvikuru kudzidza uye kuimba nawo kupfuura mutoo wezviratidzo zvestaff unoshandiswa zvakafara zvikuru.
Nokudaro, nziyo dziri mubhuku renziyo dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha, rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo, dzakashandurirwa mumanotsi etonic sol-fa nokuda kwezvinyorwa zvose zvaVatema. Kutanga, maawa mazhinji akapedzerwa pakuridza piono kuwiriranisa nziyo netsinhirano yamativi mana enguva dzose. Ipapo, rimwe nerimwe ramanzwi acho rakashandurirwawo mumanotsi amabhii etonic sol-fa. Tevere, mumwe munhu akarovedzera negadziriro yamanotsi esol-fa akagoverwa kuimba inzwi rimwe nerimwe renziyo iri yose kuti anzvere kururama kwenoti rimwe nerimwe. Makomupiyuta ipapo akashandiswa kuronga manotsi etonic sol-fa pamwe chete namashoko orwiyo rumwe norumwe. Pakupedzisira kwakanga kuchibvira kugadzirira kutsikirira nziyo inoravika zviri nyore yaunoona yakaratidzirwa papeji rino.
Chii chakava muuyo? Zvapupu zvaJehovha muAfrica zvinogona kukumbanidza manzwi azvo murumbidzo yomufaro kuna Jehovha. Mashoko eimwe yenziyo anosaratidzira kunzwa kwazvo: “Todanidza murukundo. Takapiwa zvizhinji! Toimbira Mwari kwazvo takabatana muhumwe.”
[Madhodhodho enziyo yoUmambo ari papeji 30]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)