RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 3/8 p. 31
  • Nherera dzechiAfghan Dzaida Kuona Purazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nherera dzechiAfghan Dzaida Kuona Purazi
  • Mukai!—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Tarisira Nherera Nechirikadzi Pakutambudzika Kwadzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Huku—Dzakakurumbira uye Dzakawanda Kwazvo
    Mukai!—2001
  • Matambudziko Evarimi Anokonzerwa Nei?
    Mukai!—2003
  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?
    Mukai!—1998
Mukai!—1991
g91 3/8 p. 31

Nherera dzechiAfghan Dzaida Kuona Purazi

SEZVO nzanga yazvino uno iri kungoramba ichiva guta, mamirioni avana haana kutongoona purazi nemhuka dzaro. Zvamazvirokwazvo, vana vanobva Afghanistan vaisatongosvika pakuwanzoona purazi reAmerica. Naizvozvo fungidzira mufaro weboka duku ravana vakadaro, nherera, vakashatswa navakaremadzwa nehondo, kuva vanokwanisa kushanyira Watchtower Farms, iri paWallkill, ine daro ramaawa maviri kuchamhembe kweNew York pakufamba nemotokari.

Vashanduri vechiAfghan vakauya neiri boka kuzovabetsera kunzwisisa mubato wose wapane ichi chivako chakasiana wokutsikirira nokurima kunoitwa neZvapupu zvaJehovha uye unotarisirwa navashandi vanozvipira vane chiuru chimwe, vanoumba mhuri yapaWatchtower Farms.

Shanyo yacho yakatanga nokubatwa kwokuchingamidzwa netii nezvipapata, uko pashure pakwo boka rakaenda kundoona kushanda kwomuchina muhombe wokutsikirira wamavara mana unoshandiswa kutsikirira magazini eNharireyomurindi naMukai! Mumwe anotungamirira chakairo akati: “Ndakashamiswa kuti ivo vakafadzwa nokushanda zvakanaka nomwero wokushanda, kunyange zvazvo mwoyo yavo yakanga yakagadzwa pakuda kuona mhuka dzomupurazi.”

Akapfuurira, kuti: “Ipapo, takaenda kumhuru, uko vana vakava nebanza rokupuruzira uye kudyisa mhuka. Chakanga chiri chinoitika chokuona—vana vachimhanya kundotora mamwe mashizha manyoro okudyisa mhuka duku. Pachikwere chehuku, ivo vose vakakweverwa kuona nhiyo. Zvinofadza zvikuru, pakubvunzwa zviri zvokudya zvavo zvavanoda zvikuru zveAmerica, ivo vakapindura kuti, ‘Mativi ehuku akakangwa akasanganiswa nemivhenganiswa apazvitoro zveKentucky!’”

Apo nguva yokudya kwamasikati yakasvika, vakagoverana zvokudya zvomupunga nehuku vari pamwe chete nemhuri huru yapapurazi mukamuri rokudyira. Pashure pacho, mitezo yemhuri yakadirana kuzokwazisa ava vechiduku vanobva kure zvikuru. Kwakanga kuri pachena kuti vaida vana.

Mumasikati vana vacho vakafarikanya kukwira maturakita uye kubata chidhiraivho. Chokwadika, vose vaida kukwira bhiza, uye chishuvo ichecho chakagutswa nokukurumidza. Chii chaiva mufaro mukuru wakatevera? Imba yokudzima mwoto yeWatchtower Farms, ine motokari yayo huru, ine ruvara rutsvuku rwakajeka! Mufaro wakadini! Waigona kuona muzviso zvavo sezvavaiita majana okukwira vachiridza bhero. Zvikurukuru vana munyika yose vanoda zvinhu zvimwe chetezvo—zvine ruvara noruzha!

Pavakabvunzwa nokuda kwokunzwa kwavo pamusoro peshanyo yacho, Ahmad, mukomana mukuru, akati: “Ndafarikanya michina yokutsikirira, kunyengetera pamberi napashure pezvokudya—uye chinhu chiri chose pazvokudya zvokuzvipakurira!” Vose zvavo vakada mhuka uye kutasva bhiza.

Ichi chinoitika chipfupi chinoenzanisira kuti mutsa, kunherera kana kuti kune munhu upi noupiwo zvake, unogona kubatira serumbidzo yakaisvonaka yokutenda kwechiKristu uye Mwari ane rudo, Jehovha. Sokureva kunoita Bhaibheri: “Chimiro chokunamata kuri kwakachena nokusina gwapa mumurangariro waMwari wedu naBaba ndeichi: kutarisira nherera nechirikadzi mudambudziko ravo, uye kuzviita iwe umene kuti urambe usina gwapa rinobva munyika.” (Jakobho 1:27, NW)—Yakapirwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe