Huku—Dzakakurumbira uye Dzakawanda Kwazvo
NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA
HUKU zvimwe ndiyo shiri yakakurumbira kudarika dzimwe dzose pasi pano. Maererano nokufungidzira kuripo, kune huku dzinodarika mabhiriyoni 13! Uye nyama yayo yakakurumbira zvokuti anenge makirogiramu mabhiriyoni 33 ayo anodyiwa gore rimwe nerimwe. Uyezve, munyika yose nhunzvi dzinokandira mazai mabhiriyoni 600 pagore.
Munyika dzokuMadokero, nyama yehuku yakawandisa uye yakachipa. Makumi emakore apfuura, vanhu vokuUnited States vakavimbiswa kuti kwaizova nenyama yehuku mupoto dzose kana mumwe aida kuvhoterwa kuva mutungamiriri wenyika aizosarudzwa. Zvisinei, mazuva ano, nyama yehuku haisichiri chinhu chomutambarakede sezvazvaimbova, kana kuti chinhu chinowanikwa nevanhu vashomanana chete. Shiri yakasiyana nedzimwe iyi yakavapo uye yakasvika sei pakukurumbira zvakadai? Uye zvakadini nenyika dzine urombo? Pane mukana upi noupi here wokuti dzivewo nedzakawanda?
Mashoko Pamusoro Peshiri Yacho
Huku inobva muboka reimwe shiri tsvuku yomusango yokuAsia. Vanhu vakakurumidza kuona kuti huku inogona kupfuyiwa zviri nyore. Inga wani makore 2 000 adarika, Jesu Kristu akataura nezvenzira iyo nhunzvi inounganidza nayo nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo. (Mateu 23:37; 26:34) Kushandiswa kwomuenzaniso wakadaro kunoratidza kuti vanhuwo zvavo vaiziva shiri iyi. Asi kwaiva kutozosvikira muzana remakore rechi19 apo kutengeswa kwenyama yehuku yakawanda nemazai kwakatanga.
Mazuva ano nyama yehuku ndiyo nyama yeshiri yakakurumbira kudarika dzimwe dzose. Huku dzinopfuyiwa mumamiriyoni emisha—kusanganisira mhuri dzomumaguta—dziri dzokudya uye dzokutengesa. Kutaura zvazviri, imhuka shoma dzinochengetwa mumapurazi dzinogona kuberekana munzvimbo dzakatsaukana-tsaukana sezvinoita huku. Nyika dzakawanda dzine mhando dzinofambirana nemamiriro adzo ezvokunze uye zvadzinoda. Dzimwe mhando dzacho dzinosanganisira Australorp yokuAustralia; Leghorn inozivikanwa kwazvo, yakabva kuMediterranean asi yakakurumbira zvikuru muUnited States; New Hampshire, Plymouth Rock, Rhode Island Red, uye Wyandotte, dzose dzakatangira kuUnited States; uye Cornish, Orpington, neSussex, dzakabva kuEngland.
Nzira dzesayenzi dzazvino uno dzokupfuya nadzo dzakaita kuti kuchengeta huku kuve rimwe remabhizimisi anobudirira zvikuru mune zvokurima. MuUnited States, varimi vanoshandisa nzira dzinonyatsodzorwa dzokupa zvokudya uye dzokuisa mumatendere, pamwe nenzira dzesayenzi dzokudzivirira nokurapa hosha. Vanhu vakawanda vanoshora nzira idzi dzokuchengeta huku dzakawanda vachiti ndedzoutsinye. Asi izvozvo hazvina kuita kuti varimi varege kutanga dzimwe nzira dzinobudirira dzokupfuya nadzo shiri idzi. Nzira dzemazuva ano dzokupfuya dzinoita kuti munhu mumwe chete akwanise kutarisira huku dzinokwana 25 000 kusvika ku50 000. Zvinotorera shiri dzacho mwedzi mitatu chete kuti dzisvitse uremu hunodiwa pakudzitengesa.a
Dzinopa Usavi
Shanyira chero hotera, resitorendi, kana kuti nzvimbo ipi neipi inotengeserwa zvokudya, uye kashoma kusaona nyama yehuku pazvokudya zvinenge zviripo. Kutaura zvazviri, maresitorendi akawanda munyika yose anobika nyama yehuku nounyanzvi. Nyama yehuku ichiri kusarudzwa pazviitiko zvinokosha mune dzimwe nzanga. Nzira dzinoshamisa zvikuru dzokubika nadzo shiri iyi dzakatangwa mudzimwe nyika, dzakadai seIndia. Zvokudya zvakadai senyama yehuku ine mhiripiri, lal murgi; nyama yehuku yakagayiwa-gayiwa, kurgi murgi; uye nyama yehuku yakanyikwa mutsangamidzi, adrak murgi, zvinorwerwesa rute!
Nei nyama yehuku yakakurumbira zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechokuti inowirirana zvakanyatsonaka notunhu tunoshandiswa pakukaringa kwakasiyana-siyana kupfuura zvinoita zvimwe zvokudya. Unoda yakabikwa sei? Yakakangwa, yakagochwa, yakabikwa mumafuta, kana kuti ine muto here? Vhura chero bhuku ripi rezvokubika, uye uchawana nzira dzakawanda kwazvo dzokubika nadzo nyama yehuku dzinoita kuti inake kwazvo.
Sezvo ichiwanikwa munyika dzakawanda, nyama yehuku yakati chipei. Inofarirwawo nenyanzvi dzinodzidza nezvezvokudya, sezvo iine mapuroteni, mavhitaminzi, uye maminerals zvakanakira muviri womunhu. Asi, nyama yehuku haina kudya kunopa simba rakawanda, manda yakawanda, nemamwe mafuta.
Kupa Nyika Dzichiri Kubudirira Zvokudya
Chokwadi, hadzisi nyika dzose dzine nyama yehuku nemazai akawanda. Izvi zvinokosha tichitarisa mushumo weboka reCouncil for Agricultural Science and Technology, waiti: “Nhamba yevanhu vose vari panyika inotarisirwa kuwedzera kusvika pamabhiriyoni 7,7 panosvika gore ra2020 . . . Zvisinei, kuwedzera kukuru kwevanhu vose (95%) kunotarisirwa kuitika munyika dzichiri kubudirira.” Mashoko aya anobva atonyanya kuipa paunofunga kuti vanhu mamiriyoni 800 vari kutambura nokushayiwa kudya kunovaka muviri!
Kunyange zvakadaro, vanamazvikokota vakawanda vanofunga kuti nyama yehuku inogona kuita basa guru pakudyisa vanhu vari kufa nenzara ava uye pakupa mari inodiwa zvikuru nevarimi. Chinetso ndechokuti kupfuya shiri idzi dzakawanda kungaomera varimi varombo. Nokutika, munyika dzine urombo, huku dzinonyanya kupfuyiwa mumaruzevha kana kuseri kwedzimba. Uye munzvimbo dzakadaro, kashoma kuti huku dzichengeterwe munzvimbo dzakachengeteka. Masikati dzinobvumirwa kumbeya-mbeya pamadiro uye kuzvitsvakira zvokudya, dzichizodzokera kumba manheru, dzimwe nguva dzichirara mumiti kana kuti muzvirugu zvemarata.
Hazvishamisi kuti shiri dzakawanda dzinopfuyiwa nomutoo uyu dzinonyanya kufa—dzimwe dzinourayiwa nehosha yechibhubhubhu uye dzimwe nezvikara, mhuka uye vanhu. Varimi vakawanda havana ruzivo kana mari yokutenga zvokudya zvinokwanira huku dzavo, kudzivakira zvirugu zvakanaka, kana kudzidzivirira pahosha. Nokuda kwezvikonzero izvi zvirongwa zvakatangwa kuti zvibatsire kudzidzisa varimi munyika dzichiri kubudirira. Somuenzaniso, Food and Agriculture Organization yeUnited Nations, (sangano reUN rinoona nezvezvokudya nokurima) munguva ichangopfuura rakatanga chirongwa chemakore mashanu “kubatsira varombo vomumaruwa muAfrica nokupfuya huku dzakawanda.”
Pari zvino hazvisati zvava kuzivikanwa kuti chii chichabuda pazvirongwa izvi zvine vavariro dzakanaka. Saka zvinoita kuti vagari vomunyika dzakapfuma vafungisise chokwadi chokuti chimwe chinhu chakajairika senhindi yenyama yehuku inotova chinhu chisingawaniki nyore kuvagari vepasi vakawanda. Kune vakadai, pfungwa yokuti ‘huku mupoto dzose’ ingaratidzika sechiroto chisingafi chakaitika panguva ino.
[Mashoko omuzasi]
a Kunyange zvazvo huku dzichichengetwa nokuda kwemazai adzo, muUnited States, 90 muzana dzinochengeterwa nyama yadzo.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 32]
Utsanana Pakubata Nyama Yehuku Isina Kubikwa
“Nyama yehuku isina kubikwa inogona kuva notupuka tune ngozi, twakadai soutachiona hwesalmonella, saka zvakakosha kungwaririra pakuigadzira. Nguva dzose geza maoko ako, pokuchekera, banga uye zvigero zvokuchekesa nyama yehuku mumvura inopisa ine sipo usati wabata nyama yacho uye wapedza. Zvinokurudzirwa kushandisa pokuchekera panogona kuzogezwa nemvura inopisa zvikuru . . . uye kana zvichiita, kuchengetera pokuchekera pacho nokuda kwenyama yehuku isina kubikwa chete. Ita kuti chando chose chiri panyama chinyunguduke usati wabika.”—The Cook’s Kitchen Bible.
[Mifananidzo iri papeji 30]
Dzimwe mhando dzehuku i“White Leghorn,” “Gray Jungle Fowl,” “Orpington,” “Polish,” uye “Speckled Sussex”
[Kwazvakatorwa]
Dzimwe dzose kunze kweWhite Leghorn: © Barry Koffler/www.feathersite.com
[Mifananidzo iri papeji 31]
Zvakawanda zviri kuitwa kuitira kubatsira varimi vari munyika dzichiri kubudirira kuti vapfuye huku dzakawanda
[Mufananidzo uri papeji 31]
MuUnited States, 90 muzana yehuku dzinochengeterwa nyama yadzo