RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 1/8 pp. 3-4
  • Tino Utano Hwakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tino Utano Hwakadini?
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mufananidzo Nhasi
  • Kutarira Mberi
  • Utano Hwakanaka—Chii Chaunogona Kuita Pamusoro Pahwo?
    Mukai!—1990
  • Utano Chii?
    Mukai!—1990
  • Kudzivirira Kwaungaita Utano Hwako
    Mukai!—1999
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 1/8 pp. 3-4

Tino Utano Hwakadini?

MADHORA ANA MAMIRIONI ane chiuru pazuva! Ndiwo anopambadzwa navanhu muUnited States pakutarisirwa kwavanhu. Vagari vomuFederal Republic yeGermany vanopedza chinopfuura chikamu chechishanu chechibereko chavo chikuru chorudzi, kana kuti chinopfuura madeutsche mark ana mamirioni ane zviuru 340 pagore, kutarisira zvinodikanwa zvoutano hwavo. Mugariro wacho wakafanana muna mamwe marudzi ane mabasa okugadzirwa kwezvinhu zvikurusa achiri kubudirira.

Hapana panikiro yokuti mugariwo zvake womune idzi nyika ari kuva anoitira hanya zvikuru utano. Mabhuku namavhidhiyo pamusoro pezvokudya nomutambo wokurovedza muviri zvinopfuurira kuva nenzvimbo dzapamusoro pandaza yezvinhu zvinotengwa zvikurusa. Zvokudya zvoutano, mavhitamini, zvipfeko zvomutambo yokusimbisa muviri, nezvipfeko zvokurovedza muviri zvakava bhizimisi ramadhora amazana akazananirana. Uye mumazuva ano mufananidzo womunhu anobudirira hauzati uchirizve wembozha inotsenga mudzanga asi munhu akapfeka zvakanaka, akatsvinda, anoitira hanya mugariro wakanaka woutano.

Sezvo ngwariro yose iyi nefariro zvichipiwa kuutano nougwinyi hwakanaka, ko isu tine utano hwakanaka zvomenemene kupinda vanhu vezvizvarwa zvekare here? Ko zvitsama zvikurusa zvakapedzerwa pazvikwereti zvokurapa netarisiro yougwinyi zvakaparira garikano yokunyama nokuda kwedu tose here? Zvamazvirokwazvo, tino utano hwakadini?

Mufananidzo Nhasi

Mukusiana nezvatingakarira, mishumo inobva kune dzose dziri mbiri nyika dzakapfuma nedzino urombo dzakapota nyika inoratidzira kuti vanhu nhasi vari kure nomufananidzo woutano. Uchireva pamusoro pomugariro wakasiana-siana woutano hwenyika yose, mushumo wakagadzirwa neWorldwatch Institute unoti: “Kunyange zvazvo zvinodikanwa zvavo zvokutarisirwa kwoupenyu zvichisiana zvikurukuru, vapfumi navarombo vane chinhu chimwe chetecho: vose vari vaviri vanofa nomutoo usiri madikanwa. Vakapfuma vanofa nehosha yomwoyo nekenza, varombo vanofa namanyoka, mabayo, uye gwirikwiti.”

Pasinei hapo neenderero mberi dzenzvero yokurapa, hosha yomwoyo nekenza zvinopfuurira kuva denda renyika dzakabudirira. Chokwadi, mushumo uri muThe New England Journal of Medicine unoti: “Hationi chikonzero chokuva netariro pamusoro peenderero mberi yose mumakore azvino uno. Hapana chikonzero chokufunga kuti, yose zvayo, kenza iri kumbova isingazivikanwi.” Kana ruri rubudiriro rwougwinyi, mugariro wacho unosanopetwa naDr. Michael McGinnis weU.S. Department of Health and Human Services, kuti: “Voruzhinji zvikuru vanoziva ukoshi hwougwinyi. Asi ivo vamene havana kuita chiito. VaAmerica havana kugwinya sezvavanofunga kuti vakadaro.”

Kuno rumwe rutivi rwechiyero, “chikamu chechina chavanhu venyika chinoshaiwa mvura yakachena yokunwa nenzvimbo dzinorasirwa matsvina avanhu dzine utsanana,” unodaro mushumo weWorldwatch. “Somuuyo, hosha dzamanyoka dzakapararira muNyika Dzichiri Kubudirira uye chisakiso chikuru chenyika chokufa kwavacheche.” Manyoka, mabayo, gwirikwiti, diphtheria, rurindi, nedzimwe hosha, dzinouraya vana vana mamirioni 15 vari pasi pezera ramakore mashanu gore rimwe nerimwe ndokudzivisa kukura kwenguva dzose kwamamwe mamirioni. Asi, chikatyamadzo chaichoicho ndechokuti magurukotera anorangarira kuti kuzhinjisa kwaikoku kunogona kusatana kudziviswa.

Kunyange vana vari mumarudzi achiri kubudirira vangaponeswa pangwavaira dzakadaro, kune zvimwe zviratidzo zvinotyisa izvo upenyu hwose hwepwere nhasi huri kuderera panzvimbo pokuvandudzika. Somuenzaniso, The Guardian yeLondon, pasi pomusoro unoti “Vana ‘Vaiva Noutano Hwakanaka Makore Ane 35 Akapfuura,’” rinoshuma kuti kunzvera kwakaitwa neMedical Research Council kwakawana “wedzero huru mukupinzwa muchipatara kwavana vane zera ramakore rinosvika kumana, wedzero ine katatu yezvinoitika zveasima, uye nakatanhatu yeeczema pakati pechizvarwa chitsva.” Dzakawanwawo dzakanga dziri wedzero huru muhosha dzetsvigiri, kunyanyofuta, kufunganya, uye dzendangariro.

Nzvero dzorudzi rwose muUnited States dzakawadzanyura kuti mugariro womuviri wavana vechikoro nhasi hauzati uri zvaunofanira kuva. “Ndichakavanzika chinoisvochengetwa muAmerica nhasi—shaikwo yougwinyi hwepwere,” anodaro George Allen, sachigaro weDare raPurezidhendi Pamusoro Pougwinyi Hwomuviri Nemitambo. Zviverengero zvazvino uno zvakabudiswa nedare zvinoratidzira kuti 40 muzana yavakomana uye 70 muzana yavasikana vane zera ramakore rinovambira pa 6 kusvikira ku 17 havagoni kuita kusimudzira chirebvu chavo kunopfuura kumwe. Kumwe kunzvera kwakawana kuti vechiduku nhasi vane BP yakakwirira, mwero youtano husina kutsarukana yecholesterol yeropa namafuta mumiviri, tisingadudzi hedu zvinetso zvakakomba zvendangariro, uyewo zvinetso zvokushandisa zvisino kufanira mirimo nezvinwiwa zvinodhakisa.

Kutarira Mberi

Vazhinjisa vedu vanoziva kuti mugariro wedu woutano muupenyu hwose hunotemwa, kusvikira kutambanuko yakati kuti, kupfurikidza nomugariro woutano hwomukati mohumwana hwedu. Naizvozvo, hakuzati kuchishamisa kuti George Allen akacherechedza, kuti: “Chandiri kuitira hanya pamusoro pacho ndechokuti kana usingaiti kuti pwere idzidzire ugwinyi zvino, havazati vachizotongoudzidza savakuru.” Kumwe cheteko ndozvakunoitawo namarudzi achiri kubudirira, kunze kwokuti vana vazhinji havazati vachipiwa banza rokukura kuva vakuru vano utano.

Sezvazvinotambudza, zvinetso hazvisati zvichipedzwa. Somunhu mumwe nomumwe, pasinei hapo nokwaunogara, pane chimwe chinhu chaunogona kuita pamusoro poutano hwako nohwohwo hwemhuri yako. Zvisinei, zvakawanda zvinotsamira pakurangarira kwako utano hwako uye iwe umene. Zvamazvirokwazvo, mibvunzo ingabvunzwa: Utano chii? Chii chaunogona kuita pamusoro pokuchengeta utano hwakanaka? Iyi mibvunzo icharangarirwa munyaya dzinotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe