RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 7/8 p. 24
  • Zvikarakadzo Nokuda Kwamatepi Ako Amakaseti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikarakadzo Nokuda Kwamatepi Ako Amakaseti
  • Mukai!—1988
Mukai!—1988
g88 7/8 p. 24

Zvikarakadzo Nokuda Kwamatepi Ako Amakaseti

UNODZVANYA bhatani rokuridza, unogara pasi, ndokugadzirira kuva anovaraidzwa. Asika kamwe kamwe, mutinhimira wakajeka, unorira nokukurumidza mukunzwika kwakakwirira kwokuti hwi-i hwi-i. Unokwakuka, asi kwava kunyanyononoka. Tepu yekaseti yanga ichikupa mufaro wakadaro zvino yamonyanamonyana nenzira isina tariro muukochekoche hwakashata. Tepi yako yashatswa.

Zvinoitika zvakafanana naikoku zvinowanzoitika zvikuru, asi pane chimwe chinhu chaunogona kuita chingazvidzivisa. Panguva imwe cheteyo, kuchakugonesa kuwana zvakanakisisa mumatepi ako. Hezvino zvikarakadzo zvishomanene nokuda kwamatepi ako amakaseti:

◼ Chengeta makaseti ako ari mumabhokisi awo kana kuti maarubhamu. Iwawa achadzivisa huruva ndokukiya mareel ekaseti zvokuti tepi haizati ichingurangura. Ikoku kunoderedza ngozi yokumonyana kwetepi mumuchina wedapanzwi.

◼ Usatongosiya makaseti pedyo nechinhu chinopisa kana kuti muzuva, zvakadai senzvimbo iri pamberi pefafitera romushure remotokari yako.

◼ Usasiya makaseti ako ari pedyo negudzanzwi, pamusoro peterevhizheni, pedyo norunhare, kana kuti pedyo nechimwe chinhu chine magineti. Iwo angadzimwa murutivi kana kuti kunyange chose chose.

◼ Garochenesa misoro yemagineti, zvitenderereso zvinodzvinyirira tepi, simbi dzinotenderedza tepi, namativi ose esimbi ari munzira yetepi. Unogona nguva dzose kusvika aya mativi nomutoo uri nyore zvikuru kupfurikidza nokuvhura chivharo chenzvimbo yetepi. Kutoti kana bhuku remirairidzo richirondedzera neimwe nzira, ungaita iri basa rokuchenesa netumiti twakamonerwa donje neisopropyl alcohol. Dzivisa kudzvinyirira pamisoro, sezvo nzvimbo yawo yakasanogadzirirwa. Chokwadi, hausati uchifanira kusiya donje ripi neripi mumuchina.

◼ Muchina unokweva magineti unobetsera zvikuru mukubvisa magineti inosaririra iri inokuwadza kukushanda kwedapanzwi. Asi simbisira kudzima nzvimbo yetepi ndokuisa makaseti kure kwakati kuti nenzira yomuchina unobvisa magineti. Uye ngwarira kusaroverera kana kuti kupara misoro. Kuita kuti basaro rive nyore zvikuru kwazvo, kuna makaseti akatogadzirwa okuchenura kana kuti okubvisa magineti aunogona kutenga.

Kana iyi miitiro yokuchengetedza ichiratidzika kuva yakanyanyokuomera, bvunza mumwe kukubetsera. Matepi amakaseti namadapanzwi apararira zvikuru mazuva ano zvokuti hakuzati kwakaoma kuwana shamwari inogona kukuratidza chokuita. Asika, kuchenura nokubvisa magineti mudziyo wako nguva dzose nokuchengeta makaseti ako zvakanaka kuchakugonesa kufarikanya matepi ako kwenguva refu.

Pamisi ichangobva kupfuura iyi, Watchtower Society yakabudisa anenge makaseti 500 000 mwedzi mumwe nomumwe. Iwawa anobatanidza matepi amabhuku eBhaibheri, zvinoitika zvine misoro yeBhaibheri, negadziriro dzenziyo dzamarimba enziyo dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Mutoo uyu wazvino uno wekurukurirano uno rutivi runokosha mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo mupasi rose.—Mateo 24:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe