Vatano Yavane Mitezo Yevatano Mimweyo Navakuru Vorudzidziso
Ko chaizvoizvo pane ukama chaihwo here? Magazini inoremekedzwa zvikuru inonzi The Atlantic Monthly inocherechedza kuti: “Vakuru vakuru voutano vanobata nezvirwere zvinopfuudzirwa nevatano kwenguva yakareba vave vachiziva nezvokuwanda kwevatano yavane mitezo mimweyo pakati pavaprista vechiKaturike. Mumashoko omumwe mukuru mukuru akadaro, ‘Ini navamwe vatungamiriri vakawanda veutano hwavose avo ndakakurukura navo pamsoro peiyi nhau vanofunga kuti munzanga yedu vasati vari pasi pechikamu chetatu chavaprista vechiKaturike vari pasi pamakore makumi mana namashanu vanoita vatano yavane mitezo yevatano mimweyo, uye vazhinji vanoita vatano. Vanoedza kuita navakawanda zvikuru, vatano ine ngozi zvikuru yadzose.’”—February 1987, peji 48.
Zvakadiniko nevatano yavane mitezo mimweyo navatungamiriri vorudzidziso vamamwe marudzidziso? Pashure pokukurukura chiverengero chezvinoitika zveAIDS pakati pavaprista vechiKaturike, The New York Times yakacherechedza pamsoro peichi chirwere icho zvikurukuru chinoparadzirwa mumuitiro wevatano yavane mitezo mimweyo kuti: “AIDS yakatapura chiverengero chakakura chavaAmerica, kubatanidza varabhi, vaprista veEpiscopal, vashumiri veBaptist navamwe vatungamiriri vorudzidziso.”