MUPARIDZI
ZVIRI MUBHUKU RACHO
1
2
Kuongorora zvakaedza kuitwa naSoromoni (1-11)
Uchenjeri hwevanhu hune pahunogumira (12-16)
Kushanda zvakaoma hakuna zvakunobatsira (17-23)
Idya, inwa, uye nakidzwa nebasa (24-26)
3
Chimwe nechimwe chine nguva yacho (1-8)
Kunakidzwa neupenyu chipo chinobva kuna Mwari (9-15)
Mwari anotonga vanhu vese zvakarurama (16, 17)
Vanhu vanofa sezvinongoita mhuka (18-22)
4
Vakafa vari nani pane vanodzvinyirirwa (1-3)
Kushanda nesimba zvine mwero (4-6)
Kukosha kweshamwari (7-12)
Upenyu hwemutongi hunogona kusava nezvahunobatsira (13-16)
5
Chenjerera zvaunoita pamberi paMwari (1-7)
Vakaderera vanotariswa nevakakwirira (8, 9)
Kusabatsira kwepfuma (10-20)
6
7
Zita rakanaka uye zuva rekufa (1-4)
Kutsiura kwemunhu akachenjera (5-7)
Mugumo wechinhu uri nani pane kutanga kwacho (8-10)
Zvakanakira uchenjeri (11, 12)
Mazuva akanaka uye akaipa (13-15)
Usapfuura mwero pane zvaunoita (16-22)
Zvakaonekwa nemuunganidzi (23-29)
8
9
Vese vane magumo akafanana (1-3)
Nakidzwa neupenyu kunyange uchiziva kuti uchafa (4-12)
Vakafa havana chavanoziva (5)
MuGuva hamuna basa rinoitwa (10)
Zvinhu zvinoitika panguva isingafungirwi uye zvisingatarisirwi (11)
Uchenjeri haukosheswi nguva dzese (13-18)
10
Upenzi hushoma hunovharidzira uchenjeri (1)
Zvakaipira kusaita zvinhu nemazvo (2-11)
Matambudziko anosangana nebenzi (12-15)
Upenzi hwevamwe vatongi (16-20)
11
12