MUPARIDZI
1 Mashoko emuunganidzi,+ mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema.+
2 “Hazvina zvazvinobatsira* zvachose!” anodaro muunganidzi,
“Hazvina zvazvinobatsira zvachose! Zvinhu zvese hazvina zvazvinobatsira!”+
4 Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya,
6 Mhepo inoenda kumaodzanyemba, yotenderera ichienda kuchamhembe;
Inoramba ichingotenderera; mhepo inoramba ichitenderera.
7 Nzizi* dzese dzinoyerera dzichipinda mugungwa, asi gungwa racho harizari.+
Kunobva nzizi dzichiyerera, ndiko kwadzinodzokera, dzoyerera zvakare.+
8 Zvinhu zvese zvinonetesa;
Hapana angatombogona kutaura nezvazvo.
Ziso harigutswi nekuona;
Uye nzeve haizari nekunzwa.
9 Zvakanga zviripo ndizvo zvichavapozve,
Uye zvakamboitwa zvichaitwazve;
Hapana chinhu chitsva pasi pezuva.+
10 Pane chinhu here chinganzi nemunhu, “Ona ichi, chitsva”?
Chakagara chiriko kubvira kare kare;
Chakagara chiriko tisati tatombovapo.
11 Hapana anoyeuka vanhu vekare;
Uye hapana achayeuka vachazouya;
Naivowo havazoyeukwi nevamwe vachazouya.+
12 Ini, muunganidzi, ndiri mambo waIsraeri muJerusarema.+ 13 Ndakaisa mwoyo wangu pakudzidza uye kuongorora neuchenjeri+ zvinhu zvese zvakaitwa pasi pedenga,+ basa rinotambudza rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari rinoita kuti varambe vaine zvekuita.
14 Ndakaona mabasa ese aiitwa pasi pezuva,
Uye zvese zvakanga zvisina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo chaiko!+
15 Chakakombama hachigoni kutwasanudzwa,
Uye chisipo hazviiti kuti chiverengwe.
16 Ndakabva ndati nechemumwoyo: “Iye zvino ndava neuchenjeri hwakawanda kupfuura munhu wese akavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema,+ uye mwoyo wangu wava neuchenjeri chaizvo pamwe neruzivo.”+ 17 Ndakaita kuti mwoyo wangu uzive uchenjeri uye uzive upengo* uye uzive kuita zveupenzi,+ uye izviwo kudzingana nemhepo.
18 Nekuti uchenjeri hukawandisa hunokonzera kuvhiringidzika kwakanyanya,
Zvekuti munhu wese anowedzera ruzivo anowedzera marwadzo.+
2 Ndakabva ndati nechemumwoyo: “Rega ndimboedza zvemafaro* ndione kuti chii chakanaka chandinowana.” Asi ndakaona zvisina kana zvazvaibatsira!
2 Ndakataura nezvekuseka ndikati, “Kupenga!”
Uye nezvemafaro* ndakati, “Zvinobatsireiko?”
3 Ndakada kumbofadza mwoyo wangu nekunwa waini+ ndichida kunzwa kuti zvinoita sei, pese ipapo ndichiramba ndiine uchenjeri hwangu; ndakatomboita zveupenzi kuti ndione kuti ndezvipi zvakanyatsonakira vanhu pamazuva mashoma avainawo vachirarama pasi pedenga. 4 Ndakaita mabasa makuru.+ Ndakazvivakira dzimba;+ ndakadyara minda yangu yemizambiringa.+ 5 Ndakazvigadzirira mapindu ane miti nemaruva, ndikadyara miti yemichero yakasiyana-siyana. 6 Ndakazvigadzirira madziva emvura yekudiridza sango rakanga riine miti yakasimwa. 7 Ndakava nevarandarume nevarandakadzi,+ uye vamwe varanda vakaberekerwa muimba yangu.* Ndakavawo nezvipfuwo zvizhinji, mombe nemakwai,+ zvakawanda kupfuura zvaiva nevakambotonga muJerusarema ndisati ndavapo. 8 Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe,+ pfuma yemadzimambo* neyematunhu.+ Ndakazvitsvagira vaimbi vechirume nevechikadzi, nezvinhu zvinofadza vanakomana vevanhu chaizvo, mukadzi, ndingatoti, vakadzi vakawanda. 9 Saka ndakava nemukurumbira kupfuura vese vakambovapo ndisati ndavapo muJerusarema.+ Uye ndakaramba ndiine uchenjeri hwangu.
10 Handina kuzvinyima chero chii zvacho chandaida.*+ Handina kunyima mwoyo wangu chero mafaro awaida,* nekuti mwoyo wangu waifara nekuda kwekushanda nesimba kwandaiita, uye uyu ndiwo waiva mubayiro* wekushanda kwangu nesimba.+ 11 Asi pandakafungisisa nezvemabasa ese emaoko angu uye kushanda nesimba kwandaiita ndichifa nebasa,+ ndakaona kuti zvese zvakanga zvisina zvazvinobatsira, kwaiva kudzingana nemhepo;+ hapana kana chinhu chine ukoshi chaihwo* pasi pezuva.+
12 Ndakabva ndatanga kufunga nezveuchenjeri, upengo uye kuita zveupenzi.+ (Nekuti munhu achazotevera pashure pamambo angaitei? Anongoita zvinhu zvakatoitwa kare.) 13 Uye ndakaona kuti uchenjeri hunobatsira kupfuura upenzi,+ sekubatsira kunoita chiedza kupfuura rima.
14 Munhu akachenjera ane maziso ari mumusoro;*+ asi benzi rinofamba murima.+ Ndakazoonawo kuti magumo avo vese akafanana.+ 15 Ndakabva ndati nechemumwoyo: “Zvinoitika kubenzi ndizvo zvichaitikawo kwandiri.”+ Saka, chii chandakawana nekuti ndakanga ndakachenjera chaizvo? Saka ndakati nechemumwoyo: “Izviwo hazvina zvazvinobatsira.” 16 Nekuti hapana acharamba achiyeukwa nekusingaperi, angava akachenjera kana kuti benzi.+ Mumazuva achauya, vanhu vese vachakanganwika. Uye munhu akachenjera achafa sei? Sezvinongoitawo benzi.+
17 Saka ndakasvika pakuvenga upenyu,+ nekuti ndaiona sekuti zvinhu zvese zvaiitwa pasi pezuva zvaindishungurudza, nekuti zvese zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+ kudzingana nemhepo chaiko.+ 18 Ndakasvika pakuvenga zvese zvandakanga ndashandira nesimba pasi pezuva,+ nekuti ndinofanira kuzvisiyira munhu achazonditevera.+ 19 Uye ndiani anoziva kana munhu wacho achange akachenjera kana kuti ari benzi?+ Asi ndiye achava muridzi wezvinhu zvese zvandakashandira nesimba chaizvo neuchenjeri kuti ndiwane pasi pezuva. Izviwo hazvina zvazvinobatsira. 20 Saka ndakatanga kuora mwoyo pamusoro pebasa rakaoma rese randakanga ndafondoka ndichiita pasi pezuva. 21 Nekuti munhu anogona kushanda nesimba achishandisa uchenjeri, ruzivo neunyanzvi, asi anofanira kupa mugove wake munhu* asina kumbozvishandira.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye idambudziko chairo.
22 Munhu anonyatsowanei pakushanda nesimba kwaanoita uye pashungu dzaanenge ainadzo dzinoita kuti ashande nesimba pasi pezuva?+ 23 Nekuti mazuva ake ese, basa rake rinomuunzira marwadzo nekunetseka,+ uye kunyange usiku mwoyo wake hauzorori.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.
24 Hapana chiri nani pane kuti munhu adye, anwe uye afadzwe nekushanda* kwake nesimba.+ Izviwo ndakaona kuti zvinobva muruoko rwaMwari wechokwadi,+ 25 nekuti ndiani anodya nekunwa kundipfuura?+
26 Anopa munhu anomufadza uchenjeri, ruzivo nemufaro,+ asi mutadzi anomupa basa rekuunganidza zvinhu ozvipa munhu anofadza Mwari wechokwadi.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.
3 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,
Nguva inoitika chinhu chese pasi pedenga:
2 Nguva yekuberekwa nenguva yekufa;
Nguva yekudyara nenguva yekudzura zvakadyarwa;
3 Nguva yekuuraya nenguva yekuporesa;
Nguva yekukoromora nenguva yekuvaka;
4 Nguva yekuchema nenguva yekuseka;
Nguva yekuridza mhere nenguva yekutamba;*
5 Nguva yekurasa matombo nenguva yekuunganidza matombo;
Nguva yekumbundira nenguva yekurega kumbundira;
6 Nguva yekutsvaga nenguva yekurega kutsvaga uchiti hazvichawaniki;
Nguva yekuchengeta nenguva yekurasa;
7 Nguva yekubvarura+ nenguva yekusona;
Nguva yekunyarara+ nenguva yekutaura;+
8 Nguva yekuda nenguva yekuvenga;+
Nguva yehondo nenguva yerugare.
9 Mushandi anowaneiko pabasa rake rese?+ 10 Ndakaona basa rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari kuti vagare vakabatikana. 11 Iye akaita zvinhu zvese zvakanaka* panguva yazvo.+ Akatoisa nguva isingagumi mumwoyo mavo; kunyange zvakadaro, vanhu havafi vakanzwisisa basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.
12 Ndakaona kuti hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti vafare uye kuti vaite zvakanaka muupenyu hwavo,+ 13 uyewo kuti munhu wese adye nekunwa uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwake nesimba. Icho chipo chaMwari.+
14 Ndava kuziva kuti zvinhu zvese zvinoitwa naMwari wechokwadi zvichagara nekusingaperi. Hapana chekuwedzera kana kutapudza pazviri. Mwari wechokwadi akazviita zvakadaro, kuti vanhu vamutye.+
15 Zvese zvinoitika zvakatomboitika, uye zvichauya zvakagara zviripo;+ asi Mwari wechokwadi anotsvaga zvanga zvichiedza kuitwa.*
16 Ndakaonawo izvi pasi pezuva: Panzvimbo pekutonga zvakarurama paiva neuipi, uye panzvimbo pekururama paiva neuipi.+ 17 Saka ndakati nechemumwoyo: “Mwari wechokwadi achatonga vese, vakarurama nevakaipa,+ nekuti zvinhu zvese nemabasa ese zvine nguva yazvo.”
18 Ndakataurawo nechemumwoyo kuti Mwari wechokwadi achaedza vanakomana vevanhu ovaratidza kuti vakafanana nemhuka, 19 nekuti kune magumo evanhu nemagumo emhuka; zvese zvinoguma zvakafanana.+ Kufa kunoita chimwe, ndiko kufa kunoita chimwe chacho; zvese zvine simba reupenyu rimwe chete.+ Saka munhu hapana paanopfuura mhuka, nekuti zvese hazvina zvazvinobatsira. 20 Zvese zvinoenda kunzvimbo imwe chete.+ Zvese zvinobva kuguruva,+ uye zvese zvinodzokera kuguruva.+ 21 Ndiani anonyatsoziva kana simba reupenyu revanhu richikwira kudenga, uye kana simba reupenyu remhuka richidzika panyika?+ 22 Uye ndakaona kuti hapana chinhu chiri nani pane kuti munhu afadzwe nebasa rake,+ nekuti ndiwo mubayiro* wake; nekuti ndiani angamuita kuti aone zvichaitika kana iye aenda?+
4 Ndakatangazve kufunga mabasa ese eudzvinyiriri anoitwa pasi pezuva. Ndakaona misodzi yevanhu vaidzvinyirirwa, uye pakanga pasina aivanyaradza.+ Uye vaya vaivadzvinyirira vaiva nesimba, uye pakanga pasina aivanyaradza. 2 Uye ndakaona kuti vakafa vaiva nani pane vapenyu vachiri kurarama.+ 3 Uye ari nani kupfuura vese ndeuya asati aberekwa,+ uyo asati aona zvinhu zvinotambudza zviri kuitwa pasi pezuva.+
4 Uye ndakaona kushanda nesimba* uye basa reunyanzvi zvinobva pakukwikwidzana kunenge kuchiita vanhu;+ izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.
5 Benzi rinopeta maoko aro nyama yaro ichiparara.*+
6 Zviri nani kumboti zororei pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri uchidzingana nemhepo.+
7 Ndakaisa pfungwa dzangu pachimwezve chinhu chisina zvachinobatsira pasi pezuva: 8 Kune munhu ari ega asina waanogara naye; haana mwanakomana kana hama, asi anongoramba ari pabasa rake rakaoma. Maziso ake haambofi akagutswa nepfuma.+ Asi anombozvibvunza here kuti, ‘Ndiani wandiri kushandira zvakaoma ndichizvinyima* zvinhu zvakanaka’?+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye ibasa rinonzwisa tsitsi.+
9 Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete+ nekuti vane mubayiro wakanaka pakushanda kwavo nesimba. 10 Nekuti kana mumwe akawa, mumwe wacho anobatsira mumwe wake kusimuka. Asi chii chichaitika kune uya anowa kana asina mumwe angamubatsira kusimuka?
11 Uyezve, kana vaviri vakarara pamwe chete, vachadziyirwa, asi mumwe chete angadziyirwa sei? 12 Uye munhu anogona kukurirwa nemumwe munhu kana ari ega, asi kana vava vaviri, vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.*
13 Mwana murombo asi iye akachenjera ari nani pana mambo akwegura asi asisina njere+ dzekuti ateerere kana achinyeverwa.+ 14 Nekuti akabuda* mujeri kuti ave mambo,+ kunyange zvazvo akaberekwa ari murombo muumambo hweuyu.+ 15 Ndakafunga nezvevapenyu vese vanofamba-famba pasi pezuva, uye kuti chii chinoitika kune wechidiki anotora nzvimbo yanga iine mumwe. 16 Kunyange zvazvo vatsigiri vake vasingaperi, vaya vanozotevera vanenge vasingamufariri.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.
5 Chenjerera tsoka dzako pese paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi;+ zviri nani kuti uende kunoteerera+ pane kunopa chibayiro sezvinoita mapenzi,+ nekuti haazivi kuti zvaari kuita zvakaipa.
2 Usakurumidza nemuromo wako, kana kurega mwoyo wako uchimhanyirira kutaura pamberi paMwari wechokwadi,+ nekuti Mwari wechokwadi ari kudenga asi iwe uri panyika. Ndokusaka mashoko ako achifanira kuva mashoma.+ 3 Nekuti kurota kunobva pakuwandirwa nezvekuita,+ uye kuwawata kwebenzi kunobva pakuwandirwa nemashoko.+ 4 Pese paunoita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuiripa,+ nekuti haafariri mapenzi.+ Ripa zvaunenge wapika.+ 5 Zviri nani kurega kupika pane kupika usingaripi.+ 6 Usabvumira muromo wako kukuitisa* chivi,+ uye usati pamberi pengirozi* kwaiva kukanganisa.+ Ungadirei kuti Mwari wechokwadi atsamwe nezvaunotaura oparadza basa remaoko ako?+ 7 Nekuti sezvo kuwandirwa nezvekuita kuchiita kuti pave nekurota,+ kuwandirwawo nemashoko hakuna zvakunobatsira. Asi itya Mwari wechokwadi.+
8 Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa, pachitongwa zvisina kururama uye kururama kusiri kutevedzerwa mudunhu rako, usashamiswa nazvo.+ Nekuti gurukota iroro riri kuonekwa neuya ari pamusoro paro, uye kune vamwe vatori pamusoro pavo.
9 Uyewo, vese vanogovana zvibereko zvenyika; kunyange namambo anodya zvinobva mumunda.+
10 Munhu anoda sirivha haambofi akagutswa nesirivha, uye munhu anoda pfuma haambogutswi nemari yaanowana.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.+
11 Zvinhu zvakanaka pazvinowedzera, vanozvidya vanowedzerawo.+ Uye muridzi wazvo anobatsirwei nazvo, kunze kwekungozvitarisa nemaziso ake?+
12 Hope dzemunhu anoshanda dzinonaka, angave achidya zvishoma kana zvizhinji, asi zvinhu zvizhinji zvemupfumi zvinomutadzisa kurara.
13 Pane dambudziko guru randakaona pasi pezuva: pfuma yakaunganidzwa nemuridzi wayo ikamukanganisa. 14 Pfuma iyoyo yakaparara nepamusana pezvinhu zvisina* kuzofamba zvakanaka, uye paanozobereka mwanakomana, anenge asisina nhaka yekumusiyira.+
15 Sekubuda kwakaita munhu mudumbu raamai vake, achaenda asina kupfeka, sekubuda kwaakaita.+ Uye hapana kana chaanogona kutakura pazvese zvaakashandira nesimba.+
16 Izviwo idambudziko guru: Semauyiro aakaita, ndiwo maendero aachaita; uye munhu anoramba achishanda nesimba achidzingana nemhepo anowanei?+ 17 Uyewo, mazuva ese anodyira murima, achivhiringidzika zvakanyanya, achirwara uye akatsamwa.+
18 Izvi ndizvo zvandakaona kuti zvakanaka uye zvakakodzera: kuti munhu anofanira kudya nekunwa uye kufadzwa nekushanda nesimba pabasa rake rakaoma+ raanoita pasi pezuva, pamazuva mashoma eupenyu aakapiwa naMwari wechokwadi, nekuti iwoyo ndiwo mubayiro* wake.+ 19 Uyewo, Mwari wechokwadi paanopa munhu pfuma nezvinhu zvekurarama nazvo,+ oita kuti akwanise kunakidzwa nazvo, munhu iyeye anofanira kutora mubayiro* wake uye anofanira kufadzwa nekushanda kwake nesimba. Ichi chipo chaMwari.+ 20 Nekuti haazombooni* kufamba kunoita mazuva muupenyu hwake, nekuti Mwari wechokwadi anoita kuti agare akabatikana achifara mumwoyo.+
6 Pane rimwezve dambudziko randakaona pasi pezuva, uye rinogara richisangana nevanhu: 2 Mwari wechokwadi anopa munhu pfuma nezvinhu zvekurarama nazvo nekukudzwa, zvekuti haana chaanoshaya pazvinhu zvaanoda;* asi Mwari wechokwadi haaiti kuti afadzwe nazvo, asi anoita kuti mumwewo munhu afadzwe nazvo. Izvi hazvina zvazvinobatsira uye zvinotambudza chaizvo. 3 Kana murume akava nevana zana uye akararama kwemakore akawanda osvika pakukwegura, asi asingafadzwi* nezvinhu zvake zvakanaka asati asvika kuguva,* ndinoti mwana anozvarwa akafa ari nani kumupfuura.+ 4 Nekuti iye akauyira pasina uye akaenda murima, uye zita rake rakaputirwa murima. 5 Kunyange zvazvo asina kumboona zuva uye asina kana chaaiziva, ari nani* pane uya wekutanga.+ 6 Zvinobatsirei kurarama zviuru zvemakore zvakapetwa kaviri asi pasina mufaro? Vese havaendi kunzvimbo imwe chete here?+
7 Kushanda nesimba kwese kunoitwa nemunhu, anenge achiitira muromo wake;+ asi anongoramba achida kudya.* 8 Nekuti munhu akachenjera anopfuura benzi pachii,+ uye zvinobatsirei kana murombo achiziva zvekuita kuti ararame?* 9 Zviri nani kufadzwa nezvinoonekwa nemaziso pane kuda zvinhu zvausingakwanisi kuva nazvo.* Izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo.
10 Chinhu chese chiripo chagara chakapiwa zita, uye zvinozivikanwa kuti munhu chii; uye haagoni kuitisana nharo neuya* ane simba kumupfuura. 11 Kuwanda kwemashoko,* ndikowo kuwanda kwekusabatsira kwawo; uye munhu angabatsirwei nawo? 12 Ndiani anoziva zvakanyatsonakira munhu kuti aite muupenyu pamazuva mashoma eupenyu hwake husina zvahunobatsira, anopfuura semumvuri?+ Nekuti ndiani angaudza munhu zvichazoitika pasi pezuva kana aenda?
7 Zita rakanaka* riri* nani pane mafuta akanaka,+ uye zuva rekufa riri nani pane zuva rekuberekwa. 2 Zviri nani kuenda kuimba yekuchema pane kuenda kuimba yemabiko,+ nekuti ndiwo magumo emunhu wese, uye vapenyu vanofanira kuzvifungisisa mumwoyo mavo. 3 Zviri nani kunetseka pane kuseka,+ nekuti kusuruvara kwechiso kunoita kuti mwoyo unzwe zviri nani.+ 4 Mwoyo yevakachenjera iri muimba yekuchema, asi mwoyo yemapenzi iri muimba yekufara.*+
5 Zviri nani kuteerera kutsiura kwemunhu akachenjera+ pane kuteerera rwiyo rwemapenzi. 6 Nekuti kuseka kwebenzi kwakaita sekuputika kunoita minzwa iri kubvira pasi pehari;+ uye izviwo hazvina zvazvinobatsira. 7 Asi kudzvinyirirwa kunogona kuita kuti munhu akachenjera aite sebenzi, uye chiokomuhomwe chinokanganisa mwoyo.+
8 Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo. Zviri nani kuva nemwoyo murefu pane kuzvikudza.+ 9 Usakurumidza kugumbuka,*+ nekuti kugumbuka kunogara muchipfuva chemapenzi.*+
10 Usati, “Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?” nekuti kubvunza izvi kushaya uchenjeri.+
11 Uchenjeri pamwe chete nenhaka zvakanaka uye zvinobatsira vaya vanoona chiedza chemasikati.* 12 Nekuti uchenjeri hunodzivirira+ sekudzivirira kunoita mari,+ asi ruzivo rwakanakira pakuti: Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.+
13 Funga basa raMwari wechokwadi, nekuti ndiani angatwasanudza zvaakakombamisa?+ 14 Kana zuva rakanaka, ratidza kuti rakanaka,+ asi kana riri zuva redambudziko, ziva kuti Mwari ndiye akariita uyewo ndiye akaita rimwe racho,+ kuti vanhu vasava nechokwadi nezvezvichaitika kwavari mune ramangwana.+
15 Muupenyu hwangu husina zvahunobatsira+ ndakaona zvinhu zvese, kubva kumunhu akarurama anoparara mukururama kwake+ kusvika kumunhu akaipa anorarama kwenguva yakareba pasinei neuipi hwake.+
16 Usanyanya kuva akarurama,+ kana kuratidza kuti wakanyanya kuchenjera.+ Unodirei kuzviparadza?+ 17 Usanyanya kuva akaipa, kana kuva benzi.+ Unodirei kukurumidza kufa?+ 18 Zvakanaka chaizvo kuti uteerere yambiro iyi asi usingasiyi imwe yacho;+ nekuti munhu anotya Mwari achazviteerera zvese.
19 Uchenjeri hunoita kuti munhu akachenjera ave nesimba kupfuura varume gumi vakasimba vari muguta.+ 20 Nekuti hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka asingatadzi.+
21 Uyewo, usava nehanya nemashoko ese anotaurwa nevanhu;+ zvichida unogona kuzonzwa mushandi wako achikutuka; 22 nekuti unonyatsozviziva mumwoyo mako kuti iwe wakambotukawo vamwe kakawanda.+
23 Zvese izvi ndakazviedza neuchenjeri, uye ndakati: “Ndichava akachenjera.” Asi ndakazvitadza. 24 Zvinhu zvakatoitika zvava kure chaizvo uye zvakanyanya kudzama. Ndiani angazvinzwisisa?+ 25 Ndakaita kuti mwoyo wangu ude kuziva, kuongorora uye kutsvaga uchenjeri uye chinokonzera kuti zvinhu zviitike, uye kuti ndinzwisise kuipa kweupenzi uye ufuza hweupengo.+ 26 Ndakabva ndaona izvi: Mukadzi anoshungurudza kupfuura rufu akaita semambure emuvhimi, mwoyo wake wakaita semambure ekukukudzisa, uye maoko ake akaita secheni dzemujeri. Munhu anofadza Mwari wechokwadi achatiza mukadzi iyeye,+ asi mutadzi anobatwa naye.+
27 “Onai, izvi ndizvo zvandakawana,” anodaro muunganidzi.+ “Ndakaongorora chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane mhedziso yacho, 28 asi zvandaigara ndichitsvaga* handina kuzviwana. Ndakawana murume* mumwe chete pavanhu chiuru, asi handina kuwana mukadzi pavari vese. 29 Izvi chete ndizvo zvandakaona: Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama,+ asi vakatsvaga mazano akawanda.”+
8 Ndiani akafanana nemunhu akachenjera? Ndiani anoziva kuti dambudziko rinogadziriswa sei?* Uchenjeri hwemunhu hunojekesa chiso chake, uye hunoita kuti chiso chake chakasungika chisununguke.
2 Ndinoti: “Teerera mirayiro yamambo+ nekuti wakaita mhiko pamberi paMwari.+ 3 Usakurumidza kubva pamberi pake.+ Usamira uchitsigira chakaipa;+ nekuti anogona kuita chero zvaanoda, 4 nekuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo;+ ndiani angati kwaari, ‘Muri kuitei?’”
5 Munhu anochengeta murayiro haana chinomuwana,+ uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yekuita chinhu uye nzira yacho yekuchiita.*+ 6 Nekuti nyaya imwe neimwe ine nguva yayo uye magadzirisirwo ayo,*+ nekuti matambudziko evanhu akawandisa. 7 Hapana anoziva zvichaitika, saka ndiani angamuudza kuti zvichaitika sei?
8 Sezvo pasina munhu ane simba rekutonga simba reupenyu* kana kuti anogona kudzora simba reupenyu, hapanawo ane simba pamusoro pezuva rekufa.+ Sezvo pasina munhu anobvumirwa kudzokera kumba hondo iri pakati, uipi hahuzosiyiwo vaya vanohuita vachipukunyuka.*
9 Zvese izvi ndakazviona, uye ndakaisa mwoyo wangu pamabasa ese aiitwa pasi pezuva, munhu achitonga munhu achimubata zvakaipa.*+ 10 Uye ndakaona vakaipa vachivigwa, vaya vaimbopinda nekubuda munzvimbo tsvene, asi pasina nguva, vakanga vasisayeukwi muguta mavaiita izvozvo.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.
11 Sezvo mutongo wezvakaipa usina kukurumidza kupiwa,+ mwoyo yevanhu inobva yashingiswa kuita zvakaipa.+ 12 Kunyange zvazvo mutadzi angaita zvakaipa kane zana orarama kwenguva refu, ini ndinoziva kuti zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi, nekuti vanomutya.+ 13 Asi hazvizombofambiri zvakanaka munhu akaipa,+ uye haazowedzeri mazuva ake akaita semumvuri,+ nekuti haatyi Mwari.
14 Pane zvinhu zvisina zvazvinobatsira* zvinoitika panyika: Kune vanhu vakarurama vanobatwa sekuti vakaita zvakaipa,+ uye kune vanhu vakaipa vanobatwa sekuti vakaita zvakarurama.+ Ndinoti izviwo hazvina zvazvinobatsira.
15 Saka ini ndakati zviri nani kufara,+ nekuti hapana chinhu chiri nani pasi pezuva kupfuura kuti munhu adye, anwe uye afare; izvi ndizvo zvaanofanira kuita paanenge achishanda nesimba mumazuva eupenyu hwake,+ aanopiwa naMwari wechokwadi pasi pezuva.
16 Ndakaita kuti mwoyo wangu uve neuchenjeri uye uone basa rese riri kuitwa panyika,+ ndichitotadza kurara siku nesikati.* 17 Ndakabva ndafunga nezvebasa rese raMwari wechokwadi, ndikaona kuti vanhu havagoni kunzwisisa zvinoitika pasi pezuva.+ Pasinei nekuti vanhu vanoedza zvakadii, havagoni kuzvinzwisisa. Kunyange vachizviti vakachenjera zvekukwanisa kuziva, havakwanisi kunyatsozvinzwisisa.+
9 Saka ndakafungisisa zvese izvi ndikaona kuti vakarurama nevakachenjera, pamwe chete nemabasa avo, vari muruoko rwaMwari wechokwadi.+ Vanhu havazivi rudo neruvengo zvaivapo ivo vasati vavapo. 2 Vese vane magumo akangofanana,+ munhu akarurama nemunhu akaipa,+ munhu akanaka neakachena neasina kuchena, vaya vanopa zvibayiro nevaya vasingapi zvibayiro. Munhu akanaka akangofanana nemutadzi; munhu anopika akangofanana nemunhu anongwarira asati aita mhiko. 3 Izvi ndizvo zvinhu zvinorwadza zvinoitika pasi pezuva: Nekuti vese vane magumo akafanana,+ mwoyo yevanhu yakazarawo nezvakaipa; uye mumwoyo yavo mune upengo pavanenge vari vapenyu, uye vanobva vafa!*
4 Munhu wese ari pakati pevapenyu ane tariro, nekuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.+ 5 Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa,+ asi vakafa havana kana chavanoziva,+ uye havasisina kana mubayiro,* nekuti zvese zvaizivikanwa nezvavo hazvichayeukwi.+ 6 Uyewo, rudo rwavo nekuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, uye havasisina kana mugove pazvese zvinoitwa pasi pezuva.+
7 Enda, udye zvekudya zvako uchifara, unwe waini yako nemwoyo unofara,+ nekuti Mwari wechokwadi akatofarira mabasa ako.+ 8 Zvipfeko zvako ngazvive zvichena,* uye usarega kuzora mafuta mumusoro.+ 9 Nakidzwa neupenyu uine mudzimai wako wepamwoyo+ mazuva ese eupenyu hwako husina zvahunobatsira, awakapiwa naMwari pasi pezuva, mazuva ese ekusabatsira kwako, nekuti ndiwo mugove wako muupenyu uye pabasa rako rakaoma raunofondoka uchiita pasi pezuva.+ 10 Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.
11 Ndine zvimwewo zvandakaona pasi pezuva, kuti vanomhanya chaizvo havasi ivo vanowanzokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo,+ vakachenjera havasi ivo vanowanzova nezvekudya, vakangwara havasi ivo vanowanzova nepfuma,+ uye vaya vane ruzivo havasi ivo vanowanzobudirira,+ nekuti vese vanosangana nezvinhu zvavasingatarisiri* panguva yavasingafungiri. 12 Nekuti munhu haazivi nguva yake.+ Sekubatwa kunoitwa hove mumambure akaipa uye sekubatwa kunoitwa shiri nechiteyeso, vanakomana vevanhu vanobatwa panoitika njodzi,* painovawira vasingafungiri.
13 Nezveuchenjeri, ndakaonawo izvi pasi pezuva, uye zvakandishamisa: 14 Paiva neguta diki raiva nevarume vashoma; uye mumwe mambo aiva nesimba akauya kuzorirwisa uye akarikomba ndokuvaka masvingo makuru ekuti arirwise. 15 Mariri maiva nemurume murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta racho neuchenjeri hwake. Asi hapana akayeuka murume iyeye murombo.+ 16 Uye ndakangoti: ‘Uchenjeri huri nani pane kuva nesimba;+ asi uchenjeri hwemurombo hunoshorwa, uye mashoko ake haateererwi.’+
17 Zviri nani kuteerera mashoko emunhu akachenjera anotaurwa zvinyoronyoro pane mashoko ekushevedzera emunhu anotonga mapenzi.
18 Uchenjeri huri nani kupfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe chete anogona kuparadza zvinhu zvizhinji zvakanaka.+
10 Sezvo nhunzi dzakafa dzichiita kuti mafuta akasanganiswa zvakanaka anhuhwe uye apupume, upenzi hushoma hunovharidzira uchenjeri nekukudzwa.+
2 Mwoyo wemunhu akachenjera unomutungamirira munzira yakarurama,* asi mwoyo webenzi unoritungamirira munzira isina kururama.*+ 3 Benzi parinofamba munzira chero ipi zvayo, rinenge risina pfungwa,+ uye rinoita kuti munhu wese azive kuti ibenzi.+
4 Kana mutongi akakuitira hasha, usabva panzvimbo yako,+ nekuti unyoro hunodzikamisa zvivi zvikuru.+
5 Pane chimwe chinhu chinotambudza chandakaona pasi pezuva, chinokanganiswa nevaya vane masimba:+ 6 Upenzi hunoiswa munzvimbo zhinji dzakakwirira, asi vapfumi vanoramba vari munzvimbo dzakaderera.
7 Ndakaona varanda vari pamabhiza asi machinda achifamba netsoka sevaranda.+
8 Munhu anochera gomba anogona kuwira mariri;+ uye munhu anoputsa rusvingo rwematombo anogona kurumwa nenyoka.
9 Munhu anochera matombo anogona kukuvadzwa nawo, uye munhu anotsemura matanda anogona kukuvadzwa nawo.*
10 Kana mudziyo wesimbi wakagomara uye munhu akasaurodza, achaisa simba rakawanda pakuushandisa. Asi uchenjeri hunobatsira kuti munhu abudirire.
11 Kana nyoka ikaruma isati yaitirwa mashiripiti, hazvina zvazvinobatsira kumunhu wacho anoita zvemashiripiti.*
12 Mashoko anobva mumuromo memunhu akachenjera anoita kuti afarirwe,+ asi miromo yebenzi ndiyo inoriparadza.+ 13 Mashoko anotanga kubuda mumuromo maro ndeeupenzi,+ uye mashoko arinopedzisira kutaura ndeekupenga kunoparadza. 14 Asi benzi rinoramba richingotaura.+
Munhu haazivi zvichaitika; ndiani angamuudza zvichauya kana asisipo?+
15 Kushanda nesimba kunoita benzi kunorinetesa, nekuti haritombozivi kuti rinoenda sei kuguta.
16 Nyika iri munhamo chaiyo kana mambo wacho ari mukomana+ uye machinda acho achitofumira kuita mabiko! 17 Nyika inofara chaizvo kana mambo wacho ari mwanakomana wekuimba huru uye machinda acho achidya panguva yakakodzera kuti ave nesimba, kwete kuti adhakwe!+
18 Usimbe hwakanyanyisa hunoita kuti mapango edenga remba awire mukati, uye kugarira maoko kunoita kuti imba ipinde mvura.+
19 Chingwa ndechekuti* vanhu vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hunakidze;+ asi mari ndiyo inoshanda pazvinhu zvese.+
20 Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,*+ uye usatuka mupfumi uri muimba yako yekurara; nekuti shiri* inogona kutakura inzwi racho,* kana kuti chisikwa chine mapapiro chinogona kudzokorora zvakataurwa.
11 Kanda* chingwa chako pamusoro pemvura,+ nekuti pashure pemazuva mazhinji uchachiwanazve.+ 2 Ipa mugove vanhu vanomwe kana kuti kunyange vasere,+ nekuti hauzivi dambudziko richaitika panyika.
3 Kana makore akazara nemvura, anodurura mvura panyika; uye kana muti ukawira kumaodzanyemba kana kuchamhembe, pachange pawira muti wacho ndipo pauchange uri.
4 Munhu anotarisa mhepo haazodyari mbeu, uye uya anotarisa makore haazokohwi.+
5 Sezvo usingazivi kushanda kunoita simba reupenyu mumapfupa emwana ari mudumbu remukadzi ane pamuviri,+ hauziviwo basa raMwari wechokwadi, uyo anoita zvinhu zvese.+
6 Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru;+ nekuti hauzivi kuti ndezvipi zvichabudirira, ichi here kana kuti icho, kana kuti zvese zvichaita zvakanaka.
7 Chiedza chakanaka, uye zvakanaka kuti maziso aone zuva. 8 Nekuti kana zvikaitika kuti munhu ararama makore mazhinji, ngaanakidzwe nawo ese.+ Asi anofanira kuyeuka kuti mazuva erima anogona kunge akawanda; ese anotevera haana zvaanobatsira.+
9 Fara hako, iwe jaya, uchiri mudiki, uye mwoyo wako ngaufare mumazuva eudiki hwako. Tevera nzira dzemwoyo wako uye enda kwaunotungamirirwa nemaziso ako; asi ziva kuti Mwari wechokwadi achakutongera zvinhu* zvese izvi.+ 10 Saka bvisa zvinotambudza pamwoyo pako, ubvise zvinhu zvinokanganisa muviri wako,* nekuti udiki neupwere hazvina zvazvinobatsira.+
12 Saka yeuka Musiki wako Anokudzwa mumazuva eudiki hwako,+ mazuva ekutambudzika asati asvika,+ uye makore asati asvika pauchazoti: “Handinakidzwi neupenyu”; 2 zuva nechiedza nemwedzi nenyeredzi zvisati zvasviba,+ uye makore asati adzokera pashure pekunaya kwemvura;* 3 pazuva rinodedera varindi* veimba, varume vane simba vakotama, vakadzi varega kukuya nekuti vava vashoma, uye vakadzi vanotarisa nepamahwindo vava kuona rima;+ 4 masuo akatarisa kumugwagwa paanenge avharwa, kurira kweguyo kwava kunzwikira pasi pasi, munhu omutswa nekurira kweshiri, uye vanasikana vese verwiyo vava kunzwikira pasi pasi.+ 5 Munhu anenge ava kutyawo kuenda pakakwirira, mumugwagwa mava nezvinovhundutsa. Uye muarumondi watumbuka,+ hwiza yava kuzvizvuzvurudza, muchero unoita kuti munhu ade kudya usisabatsiri, nekuti munhu ari kufamba achienda kuimba yake inogara kwenguva refu+ uye vari pamariro vava kufamba-famba mumugwagwa;+ 6 tambo yesirivha isati yabviswa, ndiro yegoridhe isati yaputswa, uye chirongo chiri pachitubu chisati chapwanyika, uye chinoshandiswa kuchera mvura patsime chisati chaparadzwa. 7 Guruva robva radzokera panyika,+ sezvarakanga rakaita, uye simba reupenyu rodzokera kuna Mwari wechokwadi akaripa.+
8 “Hazvina zvazvinobatsira zvachose!” anodaro muunganidzi.+ “Zvinhu zvese hazvina zvazvinobatsira.”+
9 Kuwedzera pakuva akachenjera, muunganidzi akaramba achidzidzisa vanhu zvaaiziva,+ uye akafungisisa, akatsvagisisa, kuti aunganidze* zvirevo zvizhinji.+ 10 Muunganidzi akatsvaga kuti awane mashoko anofadza+ uye kuti anyore mashoko akarurama echokwadi.
11 Mashoko evakachenjera akaita sezvibayiso zvemombe,+ uye mashoko avo avakaunganidza akaita sezvipikiri zvakaroverwa; akapiwa achibva kumufudzi mumwe chete. 12 Kana zviri zvimwe kunze kweizvi, mwanakomana wangu, rega ndikuyambire: Kugadzira mabhuku mazhinji hakuperi, uye kunyanya kuzvipira kwaari kunonetesa nyama.+
13 Iyi ndiyo mhedziso yenyaya yacho pashure pekunge zvese zvanzwikwa: Itya Mwari wechokwadi+ uchengete mirayiro yake,+ nekuti ichi ndicho chinhu chikuru chinofanira kuitwa nemunhu.+ 14 Nekuti Mwari wechokwadi achatonga mabasa ese, kusanganisira zvese zvakavanzwa, kuti aone kana zvakanaka kana kuti zvakaipa.+
Kana kuti “maturo.”
ChiHeb., “inomira.”
Kana kuti “Nzizi dzemuchando.”
Kana kuti “upenzi hwakanyanyisa.”
Kana kuti “zvekufara.”
Kana kuti “nezvekufara.”
ChiHeb., “vamwe vanakomana veimba.”
Kana kuti “pfuma inowanikwa nemadzimambo.”
ChiHeb., “chaikumbirwa nemaziso angu.”
Kana kuti “kufara kwawaida.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “chinhu chinobatsira.”
Kana kuti “maziso akavhurika.”
Kana kuti “kuzviisa zvese mumaoko emunhu.”
Kana kuti “uye mweya wake uwane zvakanaka pakushanda.”
ChiHeb., “yekukwakuka; yekusvetuka-svetuka.”
Kana kuti “zvakanyatsorongwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “zvakapfuura.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “basa rakaoma.”
ChiHeb., “uye rinodya nyama yaro.”
Kana kuti “ndichinyima mweya wangu.”
Kana kuti “haidambuki nyore nyore.”
Zvimwe pari kutaurwa mwana akachenjera.
ChiHeb., “kuitisa nyama yako.”
Kana kuti “pemutumwa.”
Kana kuti “pebasa raaiita risina.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “mugove.”
Kana kuti “haazoyeuki.”
Kana kuti “zvinodiwa nemweya wake.”
Kana kuti “mweya wake usingafadzwi.”
Kana kuti “uye kunyange guva risati rava rake.”
ChiHeb., “ane zororo.”
Kana kuti “mweya wake haugutswi.”
ChiHeb., “afambe pamberi pevapenyu.”
Kana kuti “pane kufamba-famba kwemweya.”
Kana kuti “kumiririra nyaya yake pamberi peuya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kwezvinhu.”
ChiHeb., “Zita.”
Kana kuti “Mukurumbira wakanaka uri.”
Kana kuti “yemafaro.”
ChiHeb., “kugumbuka pamweya wako.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kugumbuka chiratidzo chebenzi.”
Kureva, vapenyu.
Kana kuti “zvaitsvagwa nemweya wangu.”
Kana kuti “murume akarurama.”
Kana kuti “kududzirwa kwenyaya?”
Kana kuti “uye mutongo wacho.”
Kana kuti “mutongo wayo.”
Kana kuti “mhepo yekufema; mweya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uipi hwavo hahukwanisi kununura vakaipa.”
Kana kuti “achimukuvadza.”
Kana kuti “zvinotsamwisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti vanhu havarari angava masikati kana usiku.”
ChiHeb., “zvadaro, kuvakafa!”
Kana kuti “mubhadharo.”
Kureva, zvipfeko zvakajeka zvinoratidza kufara, kwete zvipfeko zvekuchema.
Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “zvisingagari zvaonekwa.”
Kana kuti “dambudziko.”
ChiHeb., “uri kuruoko rwake rwerudyi.”
ChiHeb., “uri kuruoko rwaro rweruboshwe.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “anofanira kuangwarira.”
ChiHeb., “kunyanzvi yerurimi.”
Kana kuti “Zvekudya ndezvekuti.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kunyange uri pamubhedha wako.”
ChiHeb., “chisikwa chinobhururuka chekudenga.”
Kana kuti “mashoko acho.”
Kana kuti “Endesa.”
Kana kuti “achaita kuti uzvidavirire pazvinhu.”
ChiHeb., “nyama yako.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “adzoka nemvura inonaya.”
Kana kuti “vachengeti.”
Kana kuti “aronge.”