RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Zvirevo 1:1-31:31
  • Zvirevo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvirevo
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvirevo

ZVIREVO

1 Zvirevo zvaSoromoni,+ mwanakomana waDhavhidhi,+ mambo weIsraeri:+

 2 Zvekudzidza* uchenjeri+ uye kurayirwa;

Zvekunzwisisa mashoko euchenjeri;

 3 Zvinorayira munhu kuti awane njere,+

Kururama,+ akwanise kunzwisisa nyaya,+ uye ave akatendeka;

 4 Kuti zvipe ungwaru+ kune vasina ruzivo;

Zviite kuti jaya rive neruzivo uye rikwanise kunyatsofunga.+

 5 Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza;+

Munhu anonzwisisa anowana mazano euchenjeri+

 6 Kuti anzwisise zvirevo nemadimikira,*

Mashoko evakachenjera nezvirahwe zvavo.+

 7 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweruzivo.+

Mapenzi chete ndiwo anozvidza uchenjeri uye kurayirwa.*+

 8 Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako,+

Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+

 9 Iko kwakaita sekorona inoyevedza iri mumusoro wako+

Uye chishongo chakanaka chemuhuro mako.+

10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vakaedza kukufurira, usabvuma.+

11 Kana vakati: “Handei tese.

Ngatihwandirei kuti tideure ropa.

Tichahwanda takamirira vanhu vasina mhosva.

12 Tichavamedza vari vapenyu sezvinoita Guva,*

Vari zvavari, sevaya vanodzika kugomba.

13 Ngatitorei pfuma yavo yese inokosha;

Tichazadza dzimba dzedu nezvatinenge tapamba.

14 Unofanira kubatana nesu,*

Togovana tese zvakaenzana zvinhu zvatinenge taba.”*

15 Mwanakomana wangu, usavatevera.

Usaita kuti tsoka dzako dzipinde munzira yavo,+

16 Nekuti tsoka dzavo dzinomhanyira kunoita zvakaipa;

Dzinomhanyira kunodeura ropa.+

17 Zvechokwadi kupedza nguva kuteya mambure shiri dzichiona.

18 Ndokusaka ava vachihwandira kuti vadeure ropa;

Vanohwanda kuti vapfuudze upenyu hwevamwe.*

19 Idzi ndidzo nzira dzevaya vanotsvaga pfuma yekubiridzira,

Iyo inourayisa vaya vanoiwana.+

20 Uchenjeri hwechokwadi+ hunoshevedzera huri mumugwagwa.+

Hunoramba huchikwidza inzwi huri mumisika.+

21 Hunoshevedzera huri pakona pemigwagwa yakazara vanhu.

Hunotaura huri pamagedhi eguta huchiti:+

22 “Kusvikira riini imi vasina ruzivo muchiramba ruzivo?

Kusvikira riini imi vaseki muchingofadzwa nekuseka?

Uye kusvikira riini imi mapenzi muchingovenga ruzivo?+

23 Teererai* pandinokutsiurai.+

Ndichabva ndakudururirai mweya wangu;

Ndichaita kuti muzive mashoko angu.+

24 Nekuti ndaishevedzera asi maingoramba,

Ndaitambanudza ruoko rwangu asi hapana aizviona,+

25 Makaramba muchisiya mazano angu ese

Uye muchiramba kutsiurwa neni,

26 Ini ndichasekawo pamuchawirwa nenjodzi;

Ndichakunyombai pachasvika zvamunotya,+

27 Pachasvika zvamunotya sekusvika kunoita dutu,

Uye njodzi yenyu paichasvika sechamupupuri,

Pamunosvikirwa nenhamo nematambudziko.

28 Panguva iyoyo vacharamba vachindishevedza, asi handizopinduri;

Vachanditsvaga nemaziso matsvuku, asi havazondiwani,+

29 Nekuti vakavenga ruzivo,+

Uye havana kusarudza kutya Jehovha.+

30 Vakaramba zano rangu;

Havana kundiremekedza pese pandaivatsiura.

31 Saka vachawana zvinokodzerana nenzira yavo,*+

Uye vachazvimbirwa nemazano avo.*

32 Nekuti kutsauka kwevasina ruzivo kuchavauraya,

Uye kushayiwa hanya kwemapenzi kuchaaparadza.

33 Asi munhu anonditeerera achagara akachengeteka+

Uye haazonetseki achitya dambudziko.”+

2 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira zvandinotaura,

Wochengeta mirayiro yangu,+

 2 Uchinyatsoita kuti nzeve yako iteerere uchenjeri+

Uye mwoyo wako ude ungwaru;+

 3 Uyezve, kana ukachemera kunzwisisa+

Uye ukashevedzera kuti uwane ungwaru;+

 4 Kana ukaramba uchizvitsvaga sesirivha+

Uye ukaramba uchizvitsvaga sepfuma yakavanzwa;+

 5 Uchabva wanzwisisa kutya Jehovha,+

Uye uchawana ruzivo pamusoro paMwari.+

 6 Nekuti Jehovha pachake anopa uchenjeri;+

Mumuromo make munobuda ruzivo neungwaru.

 7 Anochengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira;

Iye inhoo yevaya vanofamba vakaperera kwaari.+

 8 Anorinda makwara ekururama,

Uye acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.+

 9 Uchabva wanzwisisa chinonzi kururama, kutonga zvakarurama, uye kusasarura,

Nzira yezvinhu zvese zvakanaka.+

10 Uchenjeri pahunopinda mumwoyo mako+

Uye ruzivo parunofadza mweya* wako,+

11 Kukwanisa kunyatsofunga kucharamba kuchikurinda,+

Uye ungwaru huchakuchengetedza,

12 Kuti zvikuponese panzira yakaipa,

Pamunhu anotaura zvinhu zvakatsauka,+

13 Pavaya vanosiya makwara ekururama

Vachifamba munzira dzerima,+

14 Pavaya vanofadzwa nekuita zvisina kunaka,

Vanonakidzwa nezvinhu zvakatsauka, zvakaipa,

15 Vaya vane nzira dzisina kururama

Uye vanonyengera mumakwara avo ese.

16 Zvichakuponesa pamukadzi asingazvibati,*

Pamashoko anotapira* emukadzi nzenza,*+

17 Anosiya shamwari yake yepedyo yeudiki*+

Uye anokanganwa sungano yaMwari wake;

18 Nekuti imba yake inonyura ichipinda murufu,

Uye nzira* dzake dzinoenda kune vaya vasina simba vari murufu.+

19 Hapana vanorara naye* vanozodzoka,

Uye havazowani makwara eupenyu.+

20 Saka tevera nzira yevanhu vakanaka

Uye ramba uri mumakwara evakarurama,+

21 Nekuti vakarurama chete ndivo vachagara panyika,

Uye vasina chavanopomerwa* vacharamba vari pairi.+

22 Kana vari vakaipa vachaparadzwa panyika,+

Uye vanyengeri vachabviswa pairi.+

3 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,*

Uye mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu,

 2 Nekuti zvichakuwedzera mazuva akawanda

Nemakore eupenyu nerugare.+

 3 Usarega rudo rusingachinji nekutendeka* zvichikusiya.+

Zvisungirire muhuro mako;

Zvinyore pahwendefa remwoyo wako;+

 4 Uchabva wawana nyasha uye uchanzi unonyatsonzwisisa

Pamberi paMwari nevanhu.+

 5 Vimba naJehovha+ nemwoyo wako wese,

Urege kuvimba nekunzwisisa* kwako.+

 6 Funga nezvake munzira dzako dzese,+

Uye iye acharuramisa makwara ako.+

 7 Usazviona sewakachenjera.+

Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.

 8 Izvi zvichaporesa muviri wako*

Uye zvichasimbisa mapfupa ako.

 9 Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha,+

Nezvibereko zvako zvekutanga* pazvinhu zvako zvaunowana;+

10 Matura ako achabva anyatsozara,+

Uye munopinda waini yako yasvinwa* muchafashukira newaini itsva.

11 Mwanakomana wangu, usaramba kurayira* kwaJehovha,+

Uye usasema kutsiura kwake,+

12 Nekuti Jehovha anotsiura vaanoda,+

Sezvinoita baba kumwanakomana wavanofarira.+

13 Anofara munhu anowana uchenjeri+

Uye munhu anowana ungwaru;

14 Kuhuwana kuri nani pane kuwana sirivha,

Uye kuva nahwo* kuri nani pane kuva negoridhe.+

15 Hunokosha kupfuura matombo ekorari;*

Hapana chaunoshuva kuva nacho chingaenzaniswa nahwo.

16 Upenyu hurefu huri muruoko rwahwo rwerudyi;

Pfuma nekukudzwa zviri muruoko rwahwo rweruboshwe.

17 Nzira dzahwo dzinofadza,

Uye makwara ahwo ese ane rugare.+

18 Ihwo muti weupenyu kune vaya vanohubata,

Uye vaya vanoramba vakahubatisisa vachanzi vanofara.+

19 Jehovha akasika nyika neuchenjeri.+

Akamisa denga zvakasimba neungwaru.+

20 Neruzivo rwake mvura yakadzika yakakamurwa

Uye denga rine makore rakadonhedza dova.+

21 Mwanakomana wangu, usabvisa pfungwa dzako pazviri.*

Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa;

22 Zvichakupa* upenyu,

Zvova chishongo chemuhuro mako;

23 Uchabva wafamba panzira yako wakachengeteka,

Uye tsoka yako haizogumburwi.*+

24 Paunorara, unenge usina chekutya;+

Ucharara, uye uchanakirwa nehope.+

25 Hauzotyi chero chinhu chinotyisa chinouya usingafungiri+

Kana dutu riri kuuya pane vakaipa.+

26 Nekuti uchakwanisa kunyatsovimba naJehovha;+

Achaita kuti tsoka yako isabatwa.+

27 Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa+

Kana uchikwanisa* kubatsira.+

28 Usati kumuvakidzani wako, “Chimboenda wozodzoka! Ndichakupa mangwana,”

Iwe uchigona kumupa iye zvino.

29 Usarongera muvakidzani wako zvakaipa+

Iye achigara newe achifunga kuti akachengeteka.

30 Usapopotedzana nemunhu pasina chikonzero,+

Kana pasina chakaipa chaakuitira.+

31 Usachiva munhu anoita zvemhirizhonga+

Kana kusarudza imwe yenzira dzake,

32 Nekuti Jehovha anosema munhu anonyengera,+

Asi ishamwari yepedyo yevakarurama.+

33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yemunhu akaipa,+

Asi anokomborera musha weakarurama.+

34 Nekuti anonyomba vaya vanotsvinya,+

Asi anofarira vanyoro.+

35 Vakachenjera vachawana nhaka yekukudzwa,

Asi mapenzi anorumbidza kusakudzwa.+

4 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa;+

Teererai kuti mugonzwisisa,

 2 Nekuti ndichakurayiridzai zvakanaka;

Musasiya kudzidzisa kwangu.*+

 3 Ndaiva mwanakomana chaiye kuna baba vangu+

Uye ndaidiwa chaizvo naamai vangu.+

 4 Baba vaindidzidzisa vachiti: “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu.+

Chengeta mirayiro yangu urambe uchirarama.+

 5 Wana uchenjeri, wana mwoyo unonzwisisa.+

Usakanganwa, uye usatsauka pane zvandinotaura.

 6 Usahusiya, uye huchakudzivirira.

Hude, uye huchakuchengetedza.

 7 Uchenjeri ndihwo hunokosha* kupfuura zvimwe zvese,+ saka wana uchenjeri,

Uye pazvese zvaunowana, wana mwoyo unonzwisisa.+

 8 Hukoshese kwazvo, uye huchakukwidziridza.+

Huchakukudza nekuti unohumbundira.+

 9 Huchaisa mumusoro mako chishongo chinoyevedza;

Huchakupfekedza korona yerunako.”

10 Teerera, mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinotaura,

Uye makore eupenyu hwako achava mazhinji.+

11 Ndichakurayiridza munzira yeuchenjeri;+

Ndichakutungamirira mumakwara ekururama.+

12 Paunofamba, hapana chinozokanganisa nhanho dzako;

Uye kana ukamhanya, hauzogumburwi.

13 Batisisa kurayirwa; usakuregedza.+

Kuchengetedze, nekuti ndihwo upenyu hwako.+

14 Usapinda mugwara revakaipa,

Uye usafamba munzira yevanhu vakaipa.+

15 Siyana nayo, usafamba nayo;+

Buda mairi, uye ipfuure.+

16 Nekuti havagoni kurara kana vasina kuita zvakaipa.

Vanoshaya hope kana vasina kuwisira mumwe munhu pasi.

17 Vanodya chingwa cheuipi,

Uye vanonwa waini yemhirizhonga.

18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chemangwanani

Chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.+

19 Nzira yevakaipa yakaita serima;

Havazivi chinoita kuti vagumburwe.

20 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu;

Nyatsoteerera* zvandinotaura.

21 Usabvisa pfungwa dzako pazviri;

Zvichengete zviri mukatikati memwoyo wako,+

22 Nekuti izvo upenyu kune vaya vanozviwana+

Uye utano kumiviri* yavo yese.

23 Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza,+

Nekuti mauri ndimo mune zvitubu zveupenyu.

24 Isa kutaura kusina kururama kure newe,+

Uye kutaura kwekunyengera ngakugare kure newe.

25 Maziso ako anofanira kunyatsotarisa mberi;

Ramba wakangotarisa mberi kwako.+

26 Gadzirira tsoka dzako nzira yakati chechetere,*+

Uye uchava nechokwadi nenzira dzako dzese.

27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+

Bvisa tsoka dzako pane zvakaipa.

5 Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu.

Nyatsoteerera* unzwe ungwaru hwangu,+

 2 Kuti uchengetedze mafungiro ako

Uye kuti muromo wako uchengetedze ruzivo.+

 3 Nekuti muromo wemukadzi asingazvibati* unodonha uchi semazinga,+

Uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta.+

 4 Asi pakupedzisira anoita sekamuti kanovava+

Uye akapinza sebakatwa rinocheka nekwese.+

 5 Tsoka dzake dzinodzika kurufu.

Nhanho dzake dzinotungamirira kuGuva* chaiko.

 6 Haafungi nezvegwara reupenyu.

Nzira yake inongotenderera, asi haazivi kuti yakananga kupi.

 7 Saka chinditeererai imi vanakomana vangu

Uye regai kutsauka pane zvandiri kutaura.

 8 Tambira kure naye;

Usaswedera pedyo nemusuo wemba yake,+

 9 Kuti urege kupa vamwe kukudzwa kwako+

Kana kukohwa makore ezvinhu zvinorwadza;+

10 Kuti vanhu vausingazivi varege kudya pfuma yako*+

Uye kuti zvinhu zvawakashandira zvirege kuenda kuimba yemutorwa.

11 Ukasadaro, unozogomera panopera upenyu hwako

Panoparara nyama yako nemuviri wako+

12 Wava kuti: “Chokwadi ndaivenga kurayirwa!*

Mwoyo wangu waizvidza kutsiurwa!

13 Handina kuteerera inzwi revarayiridzi vangu

Kana kunzwa zvaitaurwa nevadzidzisi vangu.

14 Iye zvino ndasara padiki diki kuti ndiparare zvachose

Pakati peungano yese.”*+

15 Inwa mvura yemumugodhi wako pachako

Nemvura yakachena* yemutsime rako pachako.+

16 Ungadirei kuti zvitubu zvako zviparadzirwe kunze,

Uye kuti hova dzako dzemvura dziparadzirwe mumisika?+

17 Ngazvive zvako wega,

Kwete zvevamwe vanhu vauinavo.+

18 Tsime rako pachako ngarikomborerwe,

Uye fara nemudzimai weudiki hwako,+

19 Sheshe yenondo ine rudo, mbudzi yemumakomo inofadza kwazvo.+

Mazamu ake ngaakugutse nguva dzese.

Gara uchitorwa mwoyo nerudo rwake nguva dzese.+

20 Saka mwanakomana wangu, ungadirei kutorwa mwoyo nemukadzi asingazvibati*

Kana kuti kumbundira chipfuva chemukadzi nzenza?*+

21 Nekuti nzira dzemunhu dziri mumaziso aJehovha;

Anoongorora makwara ake ese.+

22 Munhu akaipa achabatwa nekukanganisa kwake,

Uye achabatwa netambo dzechivi chake.+

23 Achafa nekuti airamba kurayirwa,*

Uye achatsauka nemhaka yeupenzi hwake hwakanyanya.

6 Mwanakomana wangu, kana wakabvumira muvakidzani wako kutora chikwereti uchivimbisa kuzomubhadharira,+

Kana wakabatana maoko nemutorwa uchibvumirana naye,+

 2 Kana wakateyiwa nezvawakavimbisa,

Wakabatwa nemashoko emuromo wako,+

 3 Ita izvi, mwanakomana wangu, uzvisunungure,

Nekuti wakawira muruoko rwemuvakidzani wako:

Enda unozvininipisa, ukurumidze kuteterera muvakidzani wako.+

 4 Usarega maziso ako achibatwa nehope,

Kana kuti maziso ako achitsimwaira.

 5 Zvipukunyutse sezvinoita mhara muruoko rwemuvhimi,

Sezvinoita shiri muruoko rwemubati weshiri.

 6 Iwe simbe, enda kusvosve;+

Cherechedza nzira dzaro uve akachenjera.

 7 Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri, kana mutongi,

 8 Rinogadzirira zvekudya zvaro muzhizha,+

Uye rinounganidza zvekudya zvaro nguva yekukohwa.

 9 Iwe simbe, kusvikira riini wakarara ipapo?

Uchamuka riini pawakarara?

10 Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,

Kumboti zororei wakapeta maoko,+

11 Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,

Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+

12 Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa anofamba-famba achitaura zvisina kururama;+

13 Anochonya neziso rake,+ achiita zviratidzo netsoka yake, achinongedza neminwe yake.

14 Nemwoyo unonyengera,

Anongogara achironga zvakaipa+ uye achiita kuti vanhu vakakavadzane.+

15 Saka dambudziko richamuwira asingafungiri;

Achapwanywa munguva pfupi pfupi zvekusakwanisa kuporazve.+

16 Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha;

Tingati kune zvinhu zvinomwe zvinomusemesa* zvinoti:

17 Maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ uye maoko anodeura ropa risina mhosva,+

18 Mwoyo unoronga mazano akaipa,+ uye tsoka dzinomhanyira zvakaipa,

19 Chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete,+

Uye munhu wese anoita kuti hama dzipesane.+

20 Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako,

Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+

21 Gara wakazvisungirira pamwoyo wako;

Zvisungirire muhuro mako.

22 Paunofamba, zvichakutungamirira;

Paunorara, zvichakurinda;

Uye paunomuka, zvichataura newe.*

23 Nekuti murayiro irambi,+

Uye mutemo chiedza,+

Uye kutsiurwa kwaunoitwa uchirayirwa* ndiyo nzira inoenda kuupenyu.+

24 Zvichakuchengetedza pamukadzi akaipa,+

Parurimi runotsvetera rwemukadzi nzenza.*+

25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako+

Kana kurega achikukwezva nemaziso ake anoyevedza,

26 Nekuti pfambi inoita kuti murume asare nechingwa chimwe chete chaicho,+

Asi mukadzi wemunhu anourayisa.*

27 Munhu angaisa mazimbe emoto muhomwe yepachipfuva nguo dzake dzikasatsva here?+

28 Kana kuti munhu angafamba pamazimbe emoto tsoka dzake dzikasatsva here?

29 Ndizvo zvakafanana nemunhu anorara nemudzimai wemuvakidzani wake;

Hapana angamubata* akatadza kurangwa.+

30 Vanhu havashore mbavha

Kana ikaba kuti iwane chekudya* kana iine nzara.

31 Asi kana ikabatwa, ichadzorera zvapetwa kanomwe;

Icharipa nezvinhu zvese zvinokosha zvemumba mayo.+

32 Munhu wese anoita upombwe nemukadzi haana pfungwa;*

Munhu anoita izvozvo anozviparadza.*+

33 Achangova nemaronda ega ega nekuzvidzwa,+

Uye nyadzi dzake hadzizombobviswi.+

34 Nekuti godo rinoita kuti murume wemunhu aviruke nehasha;

Haazonzwi tsitsi kana ava kutsiva.+

35 Haabvumi kuripwa;*

Haambofari nechipo chako, pasinei nekuti chakakura sei.

7 Mwanakomana wangu, chengeta zvandinotaura,

Uye chengetedza mirayiro yangu.+

 2 Chengeta mirayiro yangu urarame;+

Chengetedza mutemo wangu* semboni yeziso rako.

 3 Zvisungirire paminwe yako;

Zvinyore pahwendefa remwoyo wako.+

 4 Udza uchenjeri kuti, “Ndiwe hanzvadzi yangu,”

Uye dana kunzwisisa kuti “hama yangu,”

 5 Kuti zvikurinde pamukadzi asingazvibati,*+

Pamukadzi nzenza* nepamashoko ake anotapira.*+

 6 Ndakatarisa pasi nepahwindo remba yangu,

Nepahwindo remaburi maburi,

 7 Uye pandaitarisa vanhu vakapusa,*

Ndakacherechedza pakati pevechidiki rimwe jaya risina pfungwa.*+

 8 Rakapfuura nemugwagwa uri pedyo nepakona yake,

Uye rakafamba rakananga nekumba kwake

 9 Munguva yerubvunzavaeni, kumanheru,+

Zuva richangovira, kwava kutanga kusviba.

10 Ndakabva ndaona mumwe mukadzi achiuya kuzosangana naro,

Akapfeka sepfambi,*+ aine unyengeri mumwoyo make.

11 Anotaura nenzwi riri pamusoro uye haana chaanotya.+

Haambogari* pamba.

12 Unomuona ari kunze, pasina nguva wozoona ava mumisika,

Anomira-mira mumakona ese.+

13 Anoribata, oritsvoda;

Nechiso chisinganyari, anoti kwariri:

14 “Ndapa zvibayiro zverugare.+

Nhasi ndaripa mhiko dzangu.

15 Ndokusaka ndabuda kuzosangana newe,

Kuti ndikutsvage, saka ndabva ndakuwana!

16 Ndawaridza machira akanaka pamubhedha wangu,

Machira ekuIjipiti ane mavara mavara.+

17 Ndasasa mura, arosi, nesinamoni pamubhedha wangu.+

18 Uya tigutswe nerudo kusvikira mangwanani;

Ngatinakidzwei nekupanana rudo runopisa,

19 Nekuti murume wangu haapo;

Akafamba rwendo rurefu.

20 Akaenda nehomwe yemari,

Uye achatozodzoka kana rava jenaguru.”

21 Anoritsausa nekugona kwake kunyengetedza.+

Anoritsvetera nekutaura kunotapira.

22 Rinobva rangomutevera semombe iri kunourayiwa,

Sebenzi riri kunorangwa muzvisungo zvematanda,*+

23 Kusvikira museve watsemura chiropa charo;

Rinoita seshiri inomhanyira muchiteyeso, risingazivi kuti zvichariurayisa.*+

24 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;

Teererai zvandinotaura.

25 Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake.

Usarasikira mumakwara ake,+

26 Nekuti akadonhedza vakawanda vachifa,+

Uye vaakauraya vakawandisa.+

27 Imba yake inosvitsa kuGuva;*

Inodzika kusvika kudzimba dzemukati dzerufu.

8 Uchenjeri hahusi kushevedzera here?

Ungwaru hahusi kusimudza inzwi rahwo here?+

 2 Hunomira panzvimbo dzakakwirira+ pedyo nemugwagwa,

Pamharadzano dzenzira.

 3 Pedyo nemagedhi anopinda muguta,

Pamasuo anopindwa nawo,

Hunoramba huchishevedzera zvine simba huchiti:+

 4 “Ndiri kudanidzira kwamuri, imi vanhu;

Ndinoshevedzera kuvanhu vese.*

 5 Imi vasina ruzivo, dzidzai kuva neungwaru;+

Imi mapenzi, ivai nemwoyo unonzwisisa.*

 6 Teererai, nekuti zvandinotaura zvinokosha,

Muromo wangu unotaura zvakarurama;

 7 Nekuti muromo wangu unotaura chokwadi zvinyoronyoro,

Uye miromo yangu inosema zvakaipa.

 8 Zvese zvinotaurwa nemuromo wangu zvakarurama.

Hapana chakamonyana kana kuti chisina kururama.

 9 Zvese zvakati twasu kumunhu ane ungwaru

Uye zvakarurama kune vaya vakawana ruzivo.

10 Gamuchirai kurayira kwangu panzvimbo pesirivha,

Uye ruzivo panzvimbo pegoridhe rakanakisisa,+

11 Nekuti uchenjeri huri nani kupfuura matombo ekorari;*

Zvimwe zvinhu zvese zvinofadza hazvingaenzaniswi nahwo.

12 Ini uchenjeri, ndinogara pamwe chete neungwaru;

Ndakawana ruzivo uye simba rekukwanisa kunyatsofunga.+

13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+

Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+

14 Ndine mazano akanaka uye uchenjeri hunobatsira;+

Kunzwisisa+ uye simba+ ndezvangu.

15 Achishandisa ini, madzimambo anoramba achitonga,

Uye makurukota anorayira zvakarurama.+

16 Achishandisa ini, machinda anoramba achitonga,

Uye vakuru vakuru vanotonga zvakarurama.

17 Ndinoda vaya vanondida,

Uye vaya vanonditsvaga vachandiwana.+

18 Ndine pfuma nekubwinya,

Upfumi hunogara kwenguva refu uye kururama.

19 Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura goridhe, kunyange kutopfuura goridhe rakanatswa,

Uye zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura sirivha yakanakisisa.+

20 Ndinofamba mugwara rekururama,

Pakati penzira dzekutonga zvakarurama;

21 Ndinopa vaya vanondida nhaka yakakura,

Uye ndinozadza matura avo.

22 Jehovha akandisika kuti ndive kutanga kwenzira yake,+

Wekutangatanga pamabasa ake ekare kare.+

23 Ini ndakagadzwa kare kare,+

Pakutanga, nyika isati yatombovapo.+

24 Ini ndakaberekwa mvura yakadzika isati yavapo,+

Kusina zvitubu zvinofashukira nemvura.

25 Ini ndakaberekwa makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,

Zvikomo zvisati zvavapo,

26 Asati agadzira nyika nemasango ayo

Kana mavhinga ekutanga evhu renyika.

27 Paakagadzira denga,+ ndaivapo;

Paakaisa denderedzwa pamusoro pemvura,+

28 Paakasimbisa makore ekudenga,

Paakaita kuti pave nezvitubu zvemvura yakadzika,

29 Paakaisa murau pagungwa

Kuti mvura yaro irege kudarika murayiro wake,+

Paakamisa nheyo* dzenyika,

30 Ndaiva padivi pake ndiri mhizha.+

Ndini waaida kwazvo+ zuva rega rega;

Ndaigara ndichifara pamberi pake;+

31 Ndaifarira nyika yake yaakasika kuti igarwe,

Uye ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.*

32 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;

Chokwadi vanofara vaya vanochengeta nzira dzangu.

33 Teererai kurayirwa,+ muve vakachenjera,

Uye musakusiya.

34 Anofara munhu anonditeerera

Achikurumidza kuuya* pamasuo angu zuva rega rega,

Achimirira ari pedyo nemasuo angu;

35 Nekuti anondiwana achawana upenyu,+

Uye achanzwirwa nyasha naJehovha.

36 Asi anondipira gotsi ari kuzvikuvadza,*

Uye vaya vanondivenga, vanoda rufu.”+

9 Uchenjeri hwechokwadi hwakavaka imba yahwo;

Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.

 2 Hwakapedza kuvhiya nyama yahwo;

Hwakasanganisa waini yahwo;

Hwakaisawo zvekudya patafura yahwo.

 3 Hwakatuma vashandikadzi vahwo

Kuti vashevedzere vari panzvimbo dzakakwirira muguta vachiti:+

 4 “Munhu wese asina ruzivo, ngaauye kuno.”

Hunoti kumunhu asina pfungwa:*

 5 “Uya udye zvekudya zvangu

Nekunwa waini yandasanganisa.

 6 Siya kusava neruzivo kwako* urarame;+

Famba wakananga mberi munzira yekunzwisisa.”+

 7 Munhu anoruramisa museki anozviunzira ruzvidzo,+

Uye wese anotsiura munhu akaipa acharwadziswa.

 8 Usatsiura museki, nekuti achakuvenga.+

Tsiura munhu akachenjera, uye achakuda.+

 9 Ipa ruzivo kumunhu akachenjera, uye achawedzera kuchenjera.+

Dzidzisa munhu akarurama, uye achawedzera kudzidza.

10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri,+

Uye kuziva Mutsvenetsvene+ ndiko kunzwisisa.

11 Nekuti ini ndichaita kuti mazuva ako ave mazhinji,+

Uye uchawedzerwa makore kuupenyu hwako.

12 Kana ukava akachenjera, kuchenjera kwako kuchabatsira iwe pachako,

Asi kana uchituka, zvichakuwana iwe wacho.

13 Mukadzi benzi anotaura nenzwi riri pamusoro.+

Haana pfungwa uye haana kana chaanoziva.

14 Anogara pachigaro, pasuo remba yake

Munzvimbo dzakakwirira dzeguta,+

15 Achishevedzera kuvanhu vari kupfuura,

Vaya vari kufamba zvavo nenzira, achiti:

16 “Munhu wese asina ruzivo ngaauye kuno.”

Anotaura kuvaya vasina pfungwa* achiti:+

17 “Mvura yekuba inotapira,

Uye zvekudya zvinodyirwa pakahwanda zvinonaka.”+

18 Asi havazivi kuti imba yake ndeyevashakabvu,

Kuti vaenzi vake vari muGuva* rakadzika.+

10 Zvirevo zvaSoromoni.+

Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+

Asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.

 2 Pfuma inowanikwa nenzira dzakaipa haizobatsiri,

Asi kururama ndiko kunonunura parufu.+

 3 Jehovha haazoiti kuti munhu akarurama anzwe* nzara,+

Asi achanyima vakaipa zvavanopanga.

 4 Kugarira maoko kunokonzera urombo,+

Asi maoko anoshanda nesimba anounza upfumi.+

 5 Mwanakomana ane njere anounganidza zvirimwa muzhizha,

Asi mwanakomana anoita zvinonyadzisa anenge akafa nehope munguva yekukohwa.+

 6 Makomborero ari pamusoro wemunhu akarurama,+

Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.

 7 Kuyeukwa kwemunhu akarurama kunounza* chikomborero,+

Asi zita remunhu akaipa richaora.+

 8 Munhu ane mwoyo wakachenjera achabvuma kudzidziswa,*+

Asi munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+

 9 Munhu anofamba akaperera achafamba akachengeteka,+

Asi munhu ane nzira dzisina kururama achazivikanwa kuti ndizvo zvaari.+

10 Munhu anochonya neziso rake achinyengera anorwadzisa,+

Uye munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+

11 Muromo wemunhu akarurama itsime reupenyu,+

Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.+

12 Ruvengo ndirwo runomutsa kukakavadzana,

Asi rudo runofukidza kudarika kwese.+

13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yemunhu anonzwisisa,+

Asi shamhu ndeyemusana wemunhu asina pfungwa.*+

14 Vaya vakachenjera vanochengeta ruzivo,+

Asi muromo webenzi unotsvaga kuparadzwa.+

15 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rake rakakomberedzwa nemasvingo.

Varombo vanoparadzwa neurombo hwavo.+

16 Basa remunhu akarurama rinotungamirira kuupenyu;

Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinotungamirira kuchivi.+

17 Munhu anoteerera achirayirwa* inzira inoenda kuupenyu,*

Asi uya anoramba kutsiurwa anoita kuti vamwe varasike.

18 Munhu anovanza ruvengo rwake anotaura nhema,+

Uye munhu ari kuparadzira makuhwa* ibenzi.

19 Kana mashoko akawanda, kukanganisa hakushayikwi,+

Asi munhu wese anobata muromo wake akangwara.+

20 Rurimi rwemunhu akarurama rwakaita sesirivha yakanakisisa,+

Asi mwoyo wemunhu akaipa hauna ukoshi.

21 Muromo wemunhu akarurama unozorodza* vakawanda,+

Asi mapenzi anofa nekushayiwa njere.+

22 Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume,+

Uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.*

23 Kuita zvinhu zvinonyadzisa kwakafanana nemutambo kubenzi,

Asi uchenjeri ndehwemunhu ane ungwaru.+

24 Zvinotyiwa nemunhu akaipa zvichauya paari;

Asi vakarurama vachagutswa zvido zvavo.+

25 Dutu parinopfuura, munhu akaipa achange asisipo,+

Asi munhu akarurama akaita sefaundesheni inogara nekusingaperi.+

26 Sezvinoita vhiniga pamazino uye utsi mumaziso,

Ndizvo zvinoita simbe kumunhu anenge aituma.*

27 Kutya Jehovha kunorebesa upenyu,+

Asi makore evakaipa achatapudzwa.+

28 Zvinotarisirwa nevakarurama zvinoita* kuti vafare,+

Asi tariro yevakaipa ichaparara.+

29 Nzira yaJehovha inhare* kumunhu asina chaanopomerwa,+

Asi inoreva kuparadzwa kuvanhu vanoita zvakaipa.+

30 Munhu akarurama haazombowisirwi pasi,+

Asi vakaipa havazorambi vachigara panyika.+

31 Muromo wemunhu akarurama unobudisa uchenjeri,*

Asi rurimi rwakatsauka ruchadimburwa.

32 Muromo wemunhu akarurama unoziva zvinofadza,

Asi miromo yevakaipa yakatsauka.

11 Chikero chinobiridzira chinosemesa Jehovha,

Asi chiyero chakarurama* chinomufadza.+

 2 Kana kuzvikudza kukavapo, kunyadziswa kunobva kwatevera,+

Asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.+

 3 Vakarurama vanotungamirirwa nekurarama vasina chavanopomerwa,+

Asi kunyengera kwevasina kutendeka kuchavaparadza.+

 4 Pfuma haizobatsiri* pazuva rehasha,+

Asi kururama ndiko kuchanunura parufu.+

 5 Kururama kwemunhu asina chaanopomerwa kuchaita kuti gwara rake ritwasuke,

Asi munhu akaipa achawa nemhaka yeuipi hwake.+

 6 Kururama kwevakarurama kuchavanunura,+

Asi vanyengeri vachakanganiswa nezvido zvavo pachavo.+

 7 Munhu akaipa paanofa, tariro yake inoparara;

Uye zvaaitarisira pamusana pesimba rake zvinopararawo.+

 8 Munhu akarurama anonunurwa pamatambudziko,

Uye munhu akaipa anotora nzvimbo yake.+

 9 Nemuromo wake, munhu akatsauka pakutenda* anoparadza muvakidzani wake,

Asi neruzivo, vakarurama vanonunurwa.+

10 Kunaka kwevakarurama kunoita kuti guta rifare,

Uye vakaipa pavanoparara, panova nekupembera.+

11 Nekuda kwechikomborero chevakarurama guta rinokwidziridzwa,+

Asi miromo yevakaipa inorikoromora.+

12 Munhu wese anozvidza* muvakidzani wake haana pfungwa,*

Asi munhu anonyatsonzwisisa anoramba akanyarara.+

13 Munhu anotaura zvinosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzemumwe wake,+

Asi munhu akavimbika* anochengeta mashoko aanoziva.*

14 Kana pasina kutungamirira kweunyanzvi,* vanhu vanowa,

Asi panova nekubudirira* kana vanopa mazano vakawanda.+

15 Munhu wese anoita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake zvichamuipira,+

Asi munhu wese anoramba* kupinda muchibvumirano chekubatana maoko anenge akachengeteka.

16 Mukadzi ane unhu* anowana rukudzo,+

Asi varume vane utsinye, vanopamba pfuma.

17 Murume ane mutsa* anoita zvinomubatsira,*+

Asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.*+

18 Munhu akaipa anowana mubayiro wekunyengera,+

Asi uya anodyara kururama anowana mubayiro wechokwadi.+

19 Munhu anotsigira kururama zvakasimba achawana upenyu,+

Asi uya anodzingirirana nezvakaipa achawana rufu.

20 Vaya vane mwoyo isina kururama vanosemesa Jehovha,+

Asi vaya vasina chavanopomerwa munzira dzavo vanomufadza.+

21 Iva nechokwadi neizvi: Munhu akaipa haazoregi kurangwa,+

Asi vana vevakarurama vachapukunyuka.

22 Sezvakaita rin’i yegoridhe iri pamhino yenguruve,

Ndizvo zvakaita mukadzi ane runako asi asina kuchenjera.

23 Chido chemunhu akarurama chinoguma mune zvakanaka,+

Asi zvinotarisirwa nevakaipa zvinoguma nekuratidzwa hasha.

24 Mumwe anopa zvakawanda* asi anoguma ava nezvakawanda;+

Mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi anopedzisira ava murombo.+

25 Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira,*+

Uye munhu wese anozorodza vamwe* achazorodzwawo.+

26 Vanhu vachatuka munhu anonyima zviyo,

Asi vachakomborera munhu anozvitengesa.

27 Uya anoshingaira kuita zvakanaka anenge achitsvaga kufarirwa,+

Asi uya ari kutsvaga zvakaipa, izvozvo hazvimbotadzi kuuya paari.+

28 Anovimba nepfuma yake achawa,+

Asi vakarurama vachabudirira semashizha akasvibirira.+

29 Munhu wese anounzira mhuri yake dambudziko,* achagara nhaka yemhepo,+

Uye benzi richava muranda wemunhu ane mwoyo wakachenjera.

30 Zvibereko zvemunhu akarurama muti weupenyu,+

Uye uya anowana vanhu* akachenjera.+

31 Kana munhu akarurama panyika achipiwa mubayiro,

Ko kuzoti munhu akaipa uye mutadzi!+

12 Munhu anoda kurayirwa* anoda ruzivo,+

Asi uya anovenga kutsiurwa haafungi.*+

 2 Munhu akanaka anoita zvinhu zvinoita kuti afarirwe naJehovha,

Asi munhu anoronga mazano akaipa haafarirwi naye.+

 3 Hapana munhu anochengetedzwa nezvakaipa,+

Asi vakarurama havafi vakadzurwa.

 4 Mudzimai anoita zvakanaka ikorona kumurume wake,+

Asi mudzimai anoita zvinonyadzisa akaita sechirwere chinoodza mapfupa emurume wake.+

 5 Pfungwa dzevakarurama dzinofunga zvakarurama,

Asi kutungamirira kwevakaipa ndekweunyengeri.

 6 Mashoko evakaipa akafanana nemunhu anohwandira achida kuuraya,*+

Asi muromo wevakarurama unovaponesa.+

 7 Kana vakaipa vakundwa, vanenge vasisipo,

Asi imba yevakarurama icharamba yakamira.+

 8 Munhu anorumbidzwa nekuda kwekungwara kwemuromo wake,+

Asi ane mwoyo usina kururama achabatwa zvisina ruremekedzo.+

 9 Zviri nani kutarisirwa pasi asi uine mushandi,

Pane kuzvirumbidza iwe usina zvekudya.*+

10 Munhu akarurama anochengeta zvipfuwo zvake,*+

Asi kunyange ngoni dzevakaipa dzine utsinye.

11 Munhu anorima munda wake achagutswa nezvekudya,+

Asi uya anodzingirirana nezvinhu zvisina basa haana pfungwa.*

12 Munhu akaipa anochiva zvavhimwa nevamwe vanhu vakaipa,

Asi midzi yevakarurama inobereka michero.

13 Munhu akaipa anobatwa nekutaura kwake kwakaipa,+

Asi munhu akarurama anopona padambudziko.

14 Munhu anogutswa nezvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+

Uye basa remaoko ake richamupa mubayiro.

15 Benzi rinoona kunge nzira yaro yakarurama,+

Asi munhu akachenjera anobvuma kupiwa zano.+

16 Benzi rinoratidza kugumbuka kwaro pakarepo,*+

Asi munhu akangwara haana basa nazvo kana akadenhwa.

17 Munhu anopa uchapupu hwakatendeka anotaura chokwadi,*

Asi chapupu chenhema chinotaura zvekunyengera.

18 Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa,

Asi rurimi rweakachenjera runoporesa.+

19 Muromo unotaura chokwadi ucharamba uripo nekusingaperi,+

Asi rurimi runoreva nhema ruchangovapo kwekanguva.+

20 Unyengeri huri mumwoyo mevaya vanoronga kuita zvakaipa,

Asi vaya vanoita kuti pave nerugare* vanofara.+

21 Hapana chakaipa chichasangana nemunhu akarurama,+

Asi vakaipa vachamomoterwa nematambudziko.+

22 Miromo inoreva nhema inosemesa Jehovha,+

Asi vaya vakatendeka vanomufadza.

23 Munhu ane njere anovanza zvaanoziva,

Asi mwoyo webenzi unongorutsa mashoko eupenzi hwaro.+

24 Maoko anoshanda nesimba achatonga,+

Asi vanogarira maoko vachaitiswa basa rekumanikidzwa.+

25 Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza,+

Asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.+

26 Munhu akarurama anotsvaga mafuro ake,

Asi nzira yevakaipa inoita kuti varasike.

27 Simbe haidzingiriri mhuka yairi kuvhima,+

Asi kushanda nesimba ndiyo pfuma inokosha yemunhu.

28 Nzira yekururama inotungamirira kuupenyu;+

Mainopfuura namo hamuna rufu.

13 Mwanakomana akachenjera anobvuma kurayirwa* nababa vake,+

Asi museki haateereri kana achitsiurwa.*+

 2 Munhu achadya zvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+

Asi chido chevanyengeri ndechekungoita zvemhirizhonga.

 3 Munhu anobata muromo wake* anochengetedza upenyu hwake,*+

Asi munhu anoshama muromo wake asingaudzore achaparadzwa.+

 4 Simbe ine zvainopanga, asi haina* chinhu,+

Asi munhu anoshanda nesimba achagutswa.*+

 5 Vakarurama vanovenga manyepo,+

Asi vakaipa vanoita zvinonyadzisa uye zvinoshoresa.

 6 Kururama kunochengetedza munhu anofamba asina mhosva,+

Asi uipi hunowisira pasi mutadzi.

 7 Kune munhu anonyepedzera kuva mupfumi, asi iye asina chaainacho;+

Kune mumwe anonyepedzera kuva murombo, asi iye aine pfuma yakawanda.

 8 Upfumi ndihwo rudzikinuro rweupenyu hwemunhu,*+

Asi varombo havana kana anotombovanetsa.*+

 9 Chiedza chevakarurama chinopenya zvakajeka,*+

Asi rambi revakaipa richadzimwa.+

10 Kuzvikudza kunongoita kuti papedzisire pava nekukakavadzana,+

Asi uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.*+

11 Upfumi hunowanikwa nekukurumidza* huchakurumidza kupera,+

Asi upfumi hwemunhu anounganidza zvishoma nezvishoma* huchawedzera.

12 Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka,+

Asi kana chishuwo chikazadziswa, iwoyo muti weupenyu.+

13 Munhu wese anoshora zvaanenge achidzidziswa* achakohwa izvozvo,+

Asi uya anoremekedza murayiro achapiwa mubayiro.+

14 Zvinodzidziswa nemunhu* akachenjera zvinopa upenyu*+

Zvichibvisa munhu pamisungo yerufu.

15 Munhu anonzwisisa zvakadzama anonzwirwa nyasha,

Asi nzira yevanyengeri yakaoma kufamba.

16 Munhu akangwara anoita zvinhu zvinoratidza ruzivo,+

Asi benzi rinobudisa upenzi hwaro.+

17 Mutumwa akaipa anowira mudambudziko,+

Asi nhume yakatendeka inoporesa.+

18 Munhu wese anoramba kurayirwa* anova murombo uye anonyadziswa,

Asi uya anobvuma kururamiswa* achakudzwa.+

19 Kana chishuwo chazadziswa, munhu anofara,*+

Asi benzi rinovenga kusiya zvakaipa.+

20 Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera,+

Asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.+

21 Dambudziko rinotevera vatadzi,+

Asi vakarurama vanowana mubayiro wekubudirira.+

22 Munhu akanaka anosiyira vazukuru vake nhaka,

Asi pfuma yemutadzi ichachengeterwa munhu akarurama.+

23 Munda wakarimwa wemurombo unobereka zvekudya zvakawanda,

Asi pakasatongwa zvakarurama unogona kuparadzwa.*

24 Munhu asingashandisi shamhu yake* anovenga mwanakomana wake,+

Asi anomuda anogara achimurayira.*+

25 Munhu akarurama anodya kusvikira aguta,*+

Asi matumbu evakaipa haana chinhu.+

14 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,+

Asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.

 2 Munhu anofamba mukururama anotya Jehovha,

Asi munhu anofamba muunyengeri* anomuzvidza.

 3 Kutaura kwekuzvikudza kwebenzi kwakafanana neshamhu iri mumuromo maro,

Asi miromo yevakachenjera ichavadzivirira.

 4 Kana pasina mombe chidyiro chezvipfuwo chinenge chakachena,

Asi simba remikono yemombe rinoita kuti goho riwande.

 5 Chapupu chakatendeka hachinyepi,

Asi chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete.+

 6 Museki anotsvaga uchenjeri asi haahuwani,

Asi ruzivo runongouya nyore nyore kumunhu anonzwisisa.+

 7 Tambira kure nebenzi,

Nekuti hauzowani ruzivo pamiromo yaro.+

 8 Uchenjeri hunoita kuti munhu ane njere anzwisise nzira dzake,

Asi mapenzi anonyengerwa* neupenzi hwawo.+

 9 Mapenzi anotoita zvekutamba nekuva nemhosva,*+

Asi vakarurama vane chido chekuyanana.

10 Mwoyo ndiwo unoziva zviri kuurwadza,*

Uye hapana mumwe munhu angaziva kufara kwawo.

11 Imba yevakaipa ichaparadzwa,+

Asi tende revakarurama richabudirira.

12 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,+

Asi inoguma nerufu.+

13 Kunyange munhu achiseka, mwoyo wake unogona kunge uchirwadziwa,

Uye kufara kunogona kuguma nekushungurudzika.

14 Munhu ane mwoyo wakatsauka achakohwa mubayiro wenzira dzake,+

Asi munhu akanaka anokohwa mubayiro wezvaanoita.+

15 Munhu asina kuchenjera* anongotenda shoko rese rese,

Asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.+

16 Munhu akachenjera anongwarira obva pane zvakaipa,

Asi benzi harifungi* uye rinozvivimba.

17 Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zveupenzi,+

Asi munhu anotanga afunga* anovengwa.

18 Vasina kuchenjera* vachagara nhaka yeupenzi,

Asi vane njere vanopfekedzwa korona yeruzivo.+

19 Vanhu vakashata vachakotamira vakanaka,

Uye vanhu vakaipa vachakotama pamagedhi evakarurama.

20 Murombo anovengwa kunyange nevavakidzani vake,+

Asi mupfumi ane shamwari zhinji.+

21 Munhu anoshora muvakidzani wake anenge achitadza,

Asi munhu wese anonzwira nyasha vakaderera anofara.+

22 Vaya vanoronga kuita zvakaipa havazotsauki here?

Asi vaya vanofunga kuita zvakanaka vachawana rudo rusingachinji uye kutendeka.+

23 Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira,

Asi kungotaura zvisina basa kunounza urombo.+

24 Korona yevakachenjera ipfuma yavo;

Asi upenzi hwemafuza hunongova upenzi.+

25 Chapupu chechokwadi chinoponesa vanhu,*

Asi chiya chinonyengera chinongotaura zvekunyepa chete.

26 Mukutya Jehovha mune chivimbo chakasimba,+

Uye vana vake vachapotera imomo.+

27 Kutya Jehovha itsime reupenyu,

Kunobvisa munhu pamisungo yerufu.

28 Vanhu vakawanda ndivo kukudzwa kwamambo,+

Asi mutongi anoparara kana asina vanhu vekutonga.

29 Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo,+

Asi asina mwoyo murefu anoratidza upenzi hwake.+

30 Mwoyo wakadzikama unopa upenyu* kumuviri,

Asi godo rinoodza mapfupa.+

31 Uya anobiridzira munhu akaderera anoshora Muiti wake,+

Asi wese anonzwira murombo tsitsi anomukudza.*+

32 Munhu akaipa achawisirwa pasi nezvakaipa zvake,

Asi munhu akarurama achapotera mukururama kwake.+

33 Uchenjeri hunogara hwakadzikama mumwoyo memunhu anonzwisisa,+

Asi hunofanira kutoita zvekuzvizivisa pakati pemapenzi.

34 Kururama kunokwidziridza rudzi,+

Asi chivi chinonyadzisa rudzi.

35 Mambo anofadzwa nemushandi anoshandisa njere,+

Asi hasha dzake dziri pamunhu anoita zvinonyadzisa.+

15 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,+

Asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+

 2 Rurimi rweakachenjera runoshandisa ruzivo zvakanaka,+

Asi muromo webenzi unongorutsa upenzi.

 3 Maziso aJehovha ari pese pese,

Achitarisa vakaipa nevakanaka.+

 4 Rurimi rwakadzikama* muti weupenyu,+

Asi kutaura kusina kururama kunoodza mwoyo.*

 5 Benzi hariremekedzi baba varo kana richirayirwa,*+

Asi munhu ane njere anobvuma kururamiswa.*+

 6 Mumba memunhu akarurama makazara nepfuma,

Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinomuunzira dambudziko.+

 7 Muromo wemunhu akachenjera unoparadzira ruzivo,+

Asi mwoyo webenzi haudaro.+

 8 Chibayiro chevakaipa chinosemesa Jehovha,+

Asi munyengetero wemunhu akarurama unomufadza.+

 9 Jehovha anosema nzira yemunhu akaipa,+

Asi anoda uya anotevera kururama.+

10 Munhu anosiya gwara anoona kurangwa* sekwakaipa,*+

Asi munhu wese anovenga kutsiurwa achafa.+

11 Kana Guva* nenzvimbo yekuparadzwa* zviri pachena kuna Jehovha,+

Ko kuzoti mwoyo yevanhu!+

12 Museki haadi munhu anomururamisa.*+

Haatsvagi mazano kune vakachenjera.+

13 Mwoyo unofara unoita kuti chiso chisununguke,

Asi kurwadziwa kwemwoyo kunoputsa mweya.+

14 Mwoyo unonzwisisa unotsvaga ruzivo,+

Asi muromo wemapenzi unodya* upenzi.+

15 Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa,+

Asi munhu ane mwoyo unofara* anogara aine mabiko.+

16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha+

Pane kuva nepfuma yakawanda asi uchizvidya mwoyo.*+

17 Zviri nani kudya muriwo paine rudo+

Pane kudya nyama yemombe yakakora asi paine ruvengo.+

18 Munhu anokurumidza kushatirwa anomutsa gakava,+

Asi uya anononoka kutsamwa anonyaradza bopoto.+

19 Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa,*+

Asi gwara revakarurama rakaita semugwagwa wakati chechetere.+

20 Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+

Asi benzi rinozvidza amai varo.+

21 Munhu asina pfungwa* anonakidzwa neupenzi,+

Asi munhu ane ungwaru anofamba akananga kwaari kuenda.+

22 Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe,*

Asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.+

23 Munhu anofara paanopa mhinduro yakarurama,*+

Uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!+

24 Kumunhu ane njere, nzira yeupenyu inotungamirira kumusoro,+

Kuti asaenda kuGuva* riri pasi.+

25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza,+

Asi achachengetedza muganhu wechirikadzi.+

26 Jehovha anosema mazano emunhu akaipa,+

Asi mashoko anofadza akachena kwaari.+

27 Munhu anobiridzira kuti azvipfumise anounzira imba yake dambudziko,*+

Asi uya anovenga chiokomuhomwe acharamba achirarama.+

28 Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura,*+

Asi miromo yevakaipa inongorutsa zvakaipa.

29 Jehovha ari kure nevakaipa,

Asi anonzwa minyengetero yevakarurama.+

30 Maziso anopenya anoita* kuti mwoyo ufare;

Mashoko akanaka anosimbisa mapfupa.*+

31 Munhu anoteerera kutsiurwa kunopa upenyu

Anogara nevakachenjera.+

32 Munhu anoramba kurayirwa* anozvidza upenyu hwake,*+

Asi munhu wese anoteerera paanotsiurwa anowana mwoyo unonzwisisa.+

33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu kuva akachenjera,+

Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+

16 Munhu anogadzirira pfungwa dzemwoyo wake,*

Asi zvaanozotaura zvinobva* kuna Jehovha.+

 2 Nzira dzese dzemunhu dzinoita sedzakarurama* kwaari,+

Asi Jehovha anoongorora vavariro yacho.+

 3 Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha,*+

Uye zvirongwa zvako zvichabudirira.

 4 Jehovha akaita kuti zvinhu zvese zviende nepaanoda kuti chinangwa chake chizadziswe,

Kunyangewo kuti vakaipa vaparadzwe pazuva redambudziko.+

 5 Munhu wese ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.+

Ziva kuti haasi kuzorega kurangwa.

 6 Kukanganisa kunoyananisirwa nerudo rusingachinji pamwe chete nekutendeka,+

Uye kutya Jehovha kunoita kuti munhu abve pane zvakaipa.+

 7 Kana Jehovha achifadzwa nenzira dzemunhu,

Anoita kuti kunyange vavengi vake vave nerugare naye.+

 8 Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama+

Pane kuwana zvakawanda asi pasina kutonga zvakarurama.+

 9 Munhu anogona kuronga nzira yake mumwoyo make,

Asi Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.+

10 Chisarudzo chakafemerwa* chinofanira kuva pamiromo yamambo;+

Haatombofaniri kutonga nepasipo.+

11 Zviyereso nezvikero zvakarurama zvinobva kuna Jehovha;

Matombo ese ekuyeresa ari muhomwe ibasa rake.+

12 Maitiro akaipa anosemesa madzimambo,+

Nekuti chigaro cheumambo chinomiswa zvakasimba nekururama.+

13 Kutaura kwakarurama kunofadza madzimambo.

Iwo anoda munhu anotaura chokwadi.+

14 Hasha dzamambo dzakaita semutumwa werufu,+

Asi munhu akachenjera anodzitonhodza.+

15 Chiedza chiri pachiso chamambo chinopa upenyu;

Kufarirwa naye kwakaita segore remvura yemasutso.*+

16 Zviri nani kuwana uchenjeri pane kuwana goridhe.+

Kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.+

17 Mugwagwa mukuru wevakarurama unonyenyeredza zvakaipa.

Munhu wese anochengetedza nzira yake anochengetedza upenyu hwake.*+

18 Kuzvikudza kunotangira kuparara,

Uye kuzvitutumadza kunotangira kugumburwa.+

19 Zviri nani kuzvininipisa* pakati pevanyoro+

Pane kugovana nevanhu vanozvikwidziridza zvinhu zvavapamba.

20 Munhu anodzamisa pfungwa kana pamuka nyaya achabudirira,*

Uye munhu anovimba naJehovha anofara.

21 Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa,+

Uye anotaura nemutsa anowedzera* kunyengetedza.+

22 Njere itsime reupenyu kune vanadzo,

Asi mapenzi anorangwa neupenzi hwawo.

23 Munhu ane mwoyo wakachenjera anopa muromo wake njere+

Uye anowedzera kunyengetedza pamiromo yake.

24 Mashoko anofadza akaita sezinga reuchi,

Anotapira kumweya* uye anoporesa mapfupa.+

25 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,

Asi inoguma nerufu.+

26 Kana mushandi achida kudya anoshanda nesimba

Nekuti nzara* ndiyo inomutuma kuti adaro.+

27 Munhu asina maturo anochera zvakaipa;+

Zvaanotaura zvinoita semoto unopisa.+

28 Munhu anodenha* anoita kuti pave nekukakavadzana,+

Uye munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+

29 Munhu anoita zvemhirizhonga anonyengera muvakidzani wake

Uye anoita kuti aende nenzira isiriyo.

30 Anochonya ziso rake paanenge achironga zvakaipa.

Anoruma miromo yake paanenge achiita misikanzwa.

31 Kuchena musoro ikorona yerunako*+

Kana kuchiwanikwa munzira yekururama.+

32 Munhu anononoka kutsamwa+ anopfuura murume ane simba,

Uye uya anodzora hasha dzake* anopfuura munhu anokunda guta.+

33 Mujenya unokandirwa pamakumbo,+

Asi zvisarudzo zvese zvinobuda zvinobva kuna Jehovha.+

17 Zviri nani kutemura chingwa* paine runyararo,*+

Pane kuva neimba iri kuitwa mabiko* vanhu vachipopotedzana.+

 2 Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa;

Achagoverwa nhaka semumwe wevanakomana vacho.

 3 Sirivha inonatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe rinonatsirwa muchoto chekunatsira,+

Asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+

 4 Munhu akaipa anoteerera mashoko akashata,

Uye munhu anonyengera anoteerera rurimi runotaura makuhwa.+

 5 Munhu wese anotuka murombo anenge achishora Muiti wake,+

Uye munhu wese anofarira njodzi yemumwe haazoregi kurangwa.+

 6 Vazukurukomana* ikorona yevakwegura,

Uye madzibaba* ndivo kukudzwa kwevanakomana* vavo.

 7 Kana kutaura kwakarurama* kusina kukodzera benzi,+

Ko kuzoti nhema dzichitaurwa nemutongi!*+

 8 Chipo chakaita sedombo rinokosha kumuridzi wacho;+

Kwese kwaanoenda, chinoita kuti abudirire.+

 9 Munhu wese anoregerera* kutadzirwa kwaaitwa anenge achitsvaga rudo,+

Asi uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+

10 Kutsiura kunobatsira chaizvo kumunhu anonzwisisa+

Kupfuura kurova benzi kane zana.+

11 Munhu akaipa anongotsvaga kupanduka,

Asi achatumirwa mutumwa ane utsinye kuti amurange.+

12 Zviri nani kusangana nebheya rafirwa nevana varo

Pane kusangana nebenzi neupenzi hwaro.+

13 Kana munhu akatsiva zvakanaka nezvakaipa,

Zvakaipa hazvizobvi mumba make.+

14 Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma;*

Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+

15 Munhu anoti akaipa haana mhosva uye anoti munhu akarurama ane mhosva,+

Vese vanosemesa Jehovha.

16 Zvinobatsirei kuti benzi rive nezvinhu zvinogona kuribatsira kuva neuchenjeri,

Asi iro risina mwoyo unogamuchira uchenjeri hwacho?*+

17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+

Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+

18 Munhu asina njere anobatana maoko nemumwe achibvuma

Kuti mumwe atore chikwereti muzita rake pamberi pemuvakidzani wake.+

19 Munhu anoda zvegakava anoda kudarika.+

Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaga kuwa.+

20 Munhu ane mwoyo usina kururama haazobudiriri,*+

Uye munhu anotaura zveunyengeri achaparara.

21 Murume anova nemwana benzi achashungurudzika;

Uye baba vemwana benzi havana mufaro.+

22 Mwoyo unofara mushonga wakanaka,*+

Asi kusuruvara kunopedza* simba remunhu.*+

23 Munhu akaipa achabvuma chiokomuhomwe pachivande*

Kuti atsaudzire pakutonga.+

24 Uchenjeri huri pamberi chaipo pemunhu anonzwisisa,

Asi maziso ebenzi anodzungaira nenyika.+

25 Mwanakomana benzi anoshungurudza baba vake

Uye anotemesa musoro munhu akamubereka.+

26 Kuranga* munhu akarurama hakuna kunaka,

Uye kurova vanhu vanokudzwa kunopesana nezvakarurama.

27 Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake,+

Uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.+

28 Kunyange benzi rinoramba rakanyarara richanzi rakachenjera,

Uye munhu anosona muromo wake, achanzi anonzwisisa.

18 Munhu anozviparadzanisa nevamwe anotsvaga zvakangomunakira chete;

Anoramba* uchenjeri hwese hunobatsira.

 2 Benzi harifariri kunzwisisa;

Ringasva haro rabudisa zviri mumwoyo maro.+

 3 Panosvika munhu akaipa, kuzvidzwa kunosvikawo,

Uye kusakudzwa kunouya pamwe nekunyadziswa.+

 4 Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika.+

Chitubu cheuchenjeri rukova runotutuma.

 5 Hazvina kunaka kuitira munhu akaipa tsvete,+

Kana kurega kutonga zvakarurama munhu akarurama.+

 6 Zvinotaurwa nebenzi zvinokonzera bopoto,+

Uye muromo waro unorirovesa.+

 7 Muromo webenzi ndiwo unoriparadza,+

Uye miromo yaro musungo waro.*

 8 Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*+

Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+

 9 Munhu wese ane unyope pabasa rake

Ihama yemunhu anoparadza.+

10 Zita raJehovha inhare yakasimba.+

Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.*+

11 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rakakomberedzwa nemasvingo;

Mupfungwa dzake anoiona yakaita semadziro anomudzivirira.+

12 Mwoyo wemunhu ane manyawi unoita kuti awe,+

Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+

13 Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese,

Upenzi uye kuzvinyadzisa.+

14 Munhu akashinga mwoyo anogona kutsungirira achirwara,+

Asi ndiani angatsungirira kana akaora mwoyo?*+

15 Mwoyo wemunhu anonzwisisa unowana ruzivo,+

Uye nzeve yemunhu akachenjera inotsvaga kuwana ruzivo.

16 Chipo chemunhu chinomuvhurira nzira;+

Chinoita kuti apinde mune vanhu vakakurumbira.

17 Munhu anotanga kupira nyaya yake anoita seakarurama,+

Kusvikira mumwe wacho auya, omubvunzisisa.*+

18 Kukanda mijenya kunopedza gakava+

Uye kunogadzirisa nyaya pakati pevavengi vane simba.*

19 Hama inenge yatadzirwa yakaoma kutaura nayo kupfuura kurwisa guta rakakomberedzwa nemasvingo,+

Uye kukakavadzana kunogona kuparadzanisa vanhu semazariro erusvingo.+

20 Zvibereko zvemuromo wemunhu ndizvo zvichazadza dumbu rake;+

Achaguta nezvinobva mumiromo yake.

21 Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi;+

Vaya vanoda kurushandisa vachadya zvibereko zvarwo.+

22 Anowana mudzimai akanaka anenge awana chinhu chakanaka,+

Uye achafarirwa naJehovha.+

23 Murombo anotaura achiteterera,

Asi mupfumi anopindura nehasha.

24 Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa,+

Asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.+

19 Zviri nani kuva murombo uchifamba wakaperera+

Pane kuva benzi uchitaura manyepo.+

 2 Munhu asina ruzivo haana kunaka,+

Uye munhu anoita zvinhu achikurumidzira* ari kutadza.

 3 Upenzi hwemunhu ndihwo hunokanganisa nzira yake,

Mwoyo wake wozotsamwira Jehovha.

 4 Pfuma inokwezva shamwari dzakawanda,

Asi murombo achasiyiwa kunyange neshamwari yake.+

 5 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+

Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete haazopukunyuki.+

 6 Vakawanda vanotsvaga kufarirwa nemunhu anokudzwa,*

Uye munhu wese ishamwari yemunhu anopa zvipo.

 7 Hama dzese dzemurombo dzinomuvenga;+

Kuzoti shamwari dzake, dzinotomuramba!+

Anodzitevera nezvikumbiro, asi hapana anomupindura.

 8 Munhu wese anowana njere anoda upenyu hwake.*+

Munhu wese anokoshesa ungwaru achabudirira.*+

 9 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,

Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete achaparara.+

10 Kana benzi risingakodzeri kurarama zveumbozha,

Mushandi haangambotongi machinda!+

11 Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake,+

Uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.+

12 Hasha dzamambo dzakafanana nekuhon’a kweshumba,*+

Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa nemiti.

13 Mwanakomana benzi anounza nhamo pana baba vake,+

Uye mukadzi anogara achipopota* akaita sedenga remba risingamiri kudonha mvura.+

14 Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba,

Asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.+

15 Usimbe hunoita kuti munhu anyanye kunzwa hope,

Uye munhu ane usimbe achaziya* nenzara.+

16 Munhu anochengeta mirayiro anochengeta upenyu hwake;*+

Munhu asina basa nenzira dzake achafa.+

17 Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha,+

Uye iye achamuripa zvaanoita.*+

18 Rayira* mwanakomana wako pachiine tariro,+

Uye usava nemhosva yekufa* kwake.+

19 Munhu ane hasha dzakanyanya zvichamuwana;

Kana ukaedza kumununura, uchafanira kuramba uchingozviita.+

20 Teerera zano uye bvuma kurayirwa,*+

Kuti uve akachenjera mune ramangwana.+

21 Zvirongwa zviri mumwoyo memunhu zvizhinji,

Asi zano raJehovha ndiro richabudirira.*+

22 Chinodiwa pamunhu ndirwo rudo rwake rusingachinji;+

Uye zviri nani kuva murombo pane kuva munhu anonyepa.

23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu;+

Munhu anomutya achanyatsodekara, asina chinomuwana.+

24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,

Asi haina kana basa nekurudzosa pamuromo wayo.+

25 Rova museki,+ kuti asina ruzivo ave nenjere,+

Uye tsiura anonzwisisa, kuti awedzere ruzivo.+

26 Munhu anoitira baba vake utsinye neanodzinga amai vake

Mwanakomana anonyadzisa uye anoshoresa.+

27 Mwanakomana wangu, kana ukarega kuteerera uchirayirwa,

Ucharasika kubva pamashoko euchenjeri.

28 Chapupu chisingabatsiri chinonyomba kutonga kwakarurama,+

Uye muromo wemunhu akaipa unomedza zvinhu zvakaipa.+

29 Mutongo wakamirira vaseki,+

Uye kurohwa kwakamirira misana yemapenzi.+

20 Waini inotsvinya,+ doro harizvibati;+

Munhu wese anotsauswa nazvo haana kuchenjera.+

 2 Kutyisa kwamambo kwakafanana nekuhon’a kweshumba;*+

Munhu wese anomushatirisa anoisa upenyu hwake pangozi.+

 3 Munhu asingapindi mukukakavadzana anokudzwa,+

Asi benzi rinoita kunyura mugakava.+

 4 Simbe hairimi nekuti kuri kutonhora,

Saka inozopemha munguva yekukohwa painenge isisina chinhu.*+

 5 Pfungwa dziri mumwoyo* memunhu dzakaita semvura yakadzika,

Asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.

 6 Vanhu vakawanda vanozviti vakavimbika,*

Asi ndiani angawana munhu akatendeka?

 7 Munhu akarurama anofamba mukururama kwake.+

Vana* vake vanomutevera vanofara.+

 8 Kana mambo agara pachigaro chake kuti atonge,+

Anourutsa zvakaipa zvese nemaziso ake.+

 9 Ndiani angati: “Ndakachenesa mwoyo wangu;+

Ndakachena pachivi changu”?+

10 Zvekuyeresa zvinobiridzira uye chikero chenhema,*

Zvese zvinosemesa Jehovha.+

11 Kunyange mwana* anozivikanwa nemabasa ake,

Kuti tsika dzake dzakachena uye dzakarurama.+

12 Nzeve inonzwa neziso rinoona,

Zvese zviri zviviri zvakasikwa naJehovha.+

13 Usada hope, kuti urege kuva murombo.+

Svinura, kuti ugute nezvekudya.+

14 “Hachina kunaka, hachina kunaka!” anodaro mutengi;

Anobva aenda otanga kuzvirumbidza.+

15 Kune goridhe, uye kune matombo ekorari* akawanda,

Asi miromo ine ruzivo inokosha.+

16 Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;+

Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.*+

17 Zvekudya zvinowanikwa nekunyengera zvinonakira munhu,

Asi mukanwa make muchazara jecha.+

18 Kana muchipanana mazano, zvirongwa zvichabudirira,*+

Uye irwai hondo yenyu nekutungamirira kweunyanzvi.*+

19 Munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzavo;+

Usashamwaridzana nemunhu anofarira makuhwa.*

20 Munhu wese anotuka baba vake naamai vake,

Rambi rake richadzimwa kana kwava nerima.+

21 Nhaka inotanga kuwanikwa nemakaro

Haizokomborerwi pakuguma kwayo.+

22 Usati: “Ndichatsiva chakaipa!”+

Isa tariro muna Jehovha,+ uye achakuponesa.+

23 Zvekuyeresa zvinobiridzira zvinosemesa* Jehovha,

Uye chikero chinonyengera hachina kunaka.

24 Nhanho dzemunhu dzinotungamirirwa naJehovha;+

Munhu anganzwisisa seiko nzira yake?

25 Iwo musungo kana munhu akashevedzera asina kufunga, achiti, “Chitsvene!”+

Ozotanga kufunga zvaanenge apika pava paya.+

26 Mambo akachenjera anourutsa vakaipa+

Ofambisa pamusoro pavo vhiri rinoshandiswa pakupura.+

27 Mhepo inofemwa nemunhu irambi raJehovha,

Rinonyatsoongorora zvaari nechemukati.

28 Rudo rusingachinji nekutendeka zvinochengetedza mambo;+

Rudo rusingachinji runotsigira chigaro chake cheumambo.+

29 Kukudzwa kwemajaya ndiro simba rawo,+

Uye kubwinya kwevakwegura ndiro bvudzi ravo rachena.+

30 Kusvuuka nemaronda zvinobvisa* uipi,+

Uye kurohwa kunochenesa munhu nechemukati.

21 Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha.+

Anoita kuti uende chero kwese kwaanoda.+

 2 Nzira dzemunhu dzese dzinoita sedzakarurama kwaari,+

Asi Jehovha anoongorora mwoyo.*+

 3 Kuita zvakarurama uye kutonga zvakarurama

Kunofadza Jehovha kupfuura chibayiro.+

 4 Maziso anozvikudza uye mwoyo unozvitutumadza,

Irambi rinotungamirira vakaipa, uye zvinhu izvi chivi.+

 5 Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire,*+

Asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.+

 6 Kuwana upfumi nerurimi runoreva nhema

Kwakaita semhute inonyangarika, musungo unouraya.*+

 7 Mhirizhonga yevakaipa ichavatsvaira,+

Nekuti vanoramba kuita zvinhu zvakarurama.

 8 Nzira yemunhu ane mhosva yakamonyana,

Asi mabasa emunhu akachena akarurama.+

 9 Zviri nani kugara pakona yedenga remba

Pane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+

10 Munhu akaipa anopanga* zvakaipa;+

Haana basa nemuvakidzani wake.+

11 Panorangwa museki, munhu asina ruzivo anowedzera uchenjeri,

Uye munhu akachenjera paanova nenjere, anowedzera kuva neruzivo.*+

12 Akarurama* anoongorora imba yemunhu akaipa;

Anowisira vakaipa pasi kuti vaparare.+

13 Munhu wese anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kweakaderera

Achashevedzera asi haazopindurwiwo.+

14 Chipo chinopiwa pachivande chinodzora kutsamwa,+

Uye chiokomuhomwe chakavanzwa* chinodzora hasha dzinotyisa.

15 Kutonga zvakarurama kunofadza munhu akarurama,+

Asi kwakaipa chaizvo kune vaya vanoita zvakaipa.

16 Munhu anotsauka panzira yenjere

Achazorora pamwe chete nevaya vasina simba vari murufu.+

17 Munhu anoda zvemafaro achava murombo;+

Munhu anoda waini nemafuta haazopfumi.

18 Munhu akaipa rudzikinuro rwemunhu akarurama,

Uye munhu anonyengera achatorwa panzvimbo peakarurama.+

19 Zviri nani kugara murenje

Pane kugara nemukadzi anogara achipopota* uye asingatani kugumbuka.+

20 Pfuma inokosha nemafuta zvinowanika mumba memunhu akachenjera,+

Asi benzi richapfachura* zvariinazvo.+

21 Munhu wese anoda kuramba achiita zvakarurama uye achiratidza rudo rusingachinji

Achawana upenyu, kururama, nekukudzwa.+

22 Munhu akachenjera anogona kukwira* achipinda muguta revane simba,

Oputsa pakasimba pavanenge vachivimba napo.+

23 Munhu anochengetedza muromo wake nerurimi rwake

Anozvidzivirira* pamatambudziko.+

24 Kuzvirumbidza, kuzvikudza, nekuzvionera pamusoro ndiwo mashoko anoshandiswa

Pamunhu anoita zvinhu achizvikudza asingaise pfungwa pane zvaari kuita.+

25 Zvinopangwa nesimbe zvichaiurayisa,

Nekuti maoko ayo haadi kushanda.+

26 Inoswera ichingopanga zvemakaro,

Asi munhu akarurama anopa, asina chaanonyima.+

27 Chibayiro chinopiwa nemunhu akaipa chinosemesa.+

Kana achichipa nechinangwa chakaipa* chinotonyanya kusemesa.

28 Chapupu chinoreva nhema chichaparara,+

Asi munhu anoteerera achabudirira pane zvaanopupurira.*

29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+

Asi munhu akarurama ndiye ane nzira ichabudirira.*+

30 Hapana uchenjeri, kana ungwaru, kana zano zvingarwisana naJehovha.+

31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rekurwa,+

Asi ruponeso nderwaJehovha.+

22 Zita rakanaka* rinofanira* kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji;+

Kuremekedzwa* kunopfuura kuva nesirivha negoridhe.

 2 Mupfumi nemurombo vakafanana pakuti:*

Jehovha ndiye akavasika vese.+

 3 Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,

Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*

 4 Kuzvininipisa uye kutya Jehovha zvinoguma

Nepfuma nekukudzwa neupenyu.+

 5 Minzwa nemisungo zviri munzira yemunhu asina kururama,

Asi munhu wese anokoshesa upenyu hwake* anoramba ari kure nazvo.+

 6 Dzidzisa mwana* nzira yaanofanira kufamba nayo;+

Kunyange kana akwegura haazobvi mairi.+

 7 Mupfumi anotonga varombo,

Uye munhu anokwereta muranda weanomukweretesa.+

 8 Munhu wese anodyara kusarurama achakohwa dambudziko,+

Uye shamhu yekushatirwa kwake ichaparara.+

 9 Munhu asinganyimi* achakomborerwa,

Nekuti anopa varombo zvekudya zvake.+

10 Dzinga munhu anotsvinya,

Uye kukakavadzana kunobva kwapera;

Mabopoto* nekutukana zvichaguma.

11 Munhu anoda mwoyo wakachena uye anotaura nenyasha

Achava shamwari yamambo.+

12 Maziso aJehovha anochengetedza ruzivo,

Asi iye anopidigura mashoko emunhu anonyengera.+

13 Simbe inoti: “Panze pane shumba!

Ndingaurayiwa mumusika!”+

14 Miromo yevakadzi vasingazvibati* igomba rakadzika.+

Munhu anowanirwa mhosva naJehovha achawira mariri.

15 Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo memwana,*+

Asi shamhu yekurayira* ichahudzingira kure naye.+

16 Munhu anobiridzira murombo kuti awedzere pfuma yake+

Neuya anopa mupfumi zvipo

Vachapedzisira vava kutambura.

17 Rereka nzeve yako uteerere mashoko evakachenjera,+

Kuti mwoyo wako uzive nezvangu,+

18 Nekuti zvinofadza kuti uachengete mukatikati mako,+

Kuti ese azogara ari pamiromo yako.+

19 Kuti uve nechivimbo muna Jehovha,

Ndiri kukupa ruzivo nhasi.

20 Handiti ndatokunyorera,

Ndichikupa mazano neruzivo,

21 Kuti ndikudzidzise mashoko echokwadi uye akavimbika,

Kuti ukwanise kudzokera nemashoko akarurama kumunhu akutuma?

22 Usabira murombo nekuti murombo,+

Uye usadzvinyirira munhu akaderera pagedhi reguta,+

23 Nekuti Jehovha pachake achavamiririra panyaya dzavo+

Uye achapfuudza upenyu hwevaya* vanovabiridzira.

24 Usashamwaridzana nemunhu asingatani kutsamwa

Kana kufambidzana nemunhu anokurumidza kushatirwa,

25 Kuti usafa wakadzidza nzira dzake

Wozviteyera* musungo.+

26 Usava mumwe wevaya vanobatana maoko vachiita chibvumirano,

Vanobvumira vamwe kupiwa zvikwereti muzita ravo.+

27 Kana usina chekubhadhara nacho,

Uchatorerwa mubhedha wako chaiwo wawakarara pauri!

28 Usabvisa chiratidzo chekare chinoratidza pane muganhu

Chakaiswa nemadzitateguru ako.+

29 Unoona munhu anoziva basa rake here?

Achamira pamberi pemadzimambo;+

Haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.

23 Kana ukagara pasi kuti udye namambo,

Nyatsofungisisa zviri pamberi pako;

 2 Isa banga pahuro pako*

Kana uri munhu anodyisa.*

 3 Usachiva machikichori ake,

Nekuti zvekudya zvacho ndezvekunyengera.

 4 Usazvifondotsa kuti uwane pfuma.+

Mira uratidze kuti unonzwisisa.*

 5 Paunokanda maziso ako pairi, inenge isisipo,+

Nekuti chokwadi ichamera mapapiro segondo yobhururuka mudenga.+

 6 Usadya zvekudya zvemunhu akaomera;*

Usachiva machikichori ake,

 7 Nekuti iye akaita semunhu ari kunyora pasi kuti wadya zvakadii.*

Anokuudza kuti, “Idya, inwa,” asi iye asiri kurevesa.*

 8 Ucharutsa zvaunenge wadya

Uye uchange watambisa mashoko ako uchimutenda.

 9 Usataura benzi richinzwa,+

Nekuti richashora uchenjeri huri mumashoko ako.+

10 Usabvisa chiratidzo chekare chinoratidza pane muganhu+

Kana kupinda mumunda wenherera.

11 Nekuti Mudziviriri* wadzo ane simba;

Achavarwira pane zvauri kuvaitira.+

12 Mwoyo wako ngauteerere kana uchirayirwa*

Uye nzeve yako ngainzwe mashoko eruzivo.

13 Usarega kuranga* mwana.*+

Kana ukamurova neshamhu, haambofi.

14 Unofanira kumurova neshamhu,

Kuti umuponese* paGuva.*

15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako ukachenjera,

Mwoyo wangu uchabva wafara.+

16 Mukatikati mangu muchava nemufaro*

Miromo yako painotaura zvakarurama.

17 Mwoyo wako ngaurege kuitira shanje vatadzi,+

Asi itya Jehovha zuva rese,+

18 Nekuti kana ukadaro uchava neramangwana rakanaka+

Uye tariro yako haizoparadzwi.

19 Teerera, mwanakomana wangu, uve akachenjera,

Uye tungamirira mwoyo wako munzira yakarurama.

20 Usava pakati pevaya vanonwisa waini,+

Pakati pevaya vanodyisa nyama,+

21 Nekuti chidhakwa nemunhu anokara vachava varombo,+

Uye hope dzichapfekedza munhu mamvemve.

22 Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe,

Uye usazvidza amai vako nekuti vakwegura.+

23 Tenga* chokwadi uye usambochitengesa,+

Tengawo* uchenjeri nekurayirwa nekunzwisisa.+

24 Baba vemunhu akarurama vachafara zvechokwadi;

Munhu wese anobereka mwanakomana akachenjera achafadzwa naye.

25 Baba vako naamai vako vachafara,

Uye amai vakakubereka vachafara.

26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako,

Uye maziso ako ngaafarire nzira dzangu.+

27 Nekuti pfambi igomba rakadzika,

Uye mukadzi nzenza* itsime rakamanikana.+

28 Anohwandira segororo;+

Anowedzera uwandu hwevarume vasina kutendeka.

29 Ndiani ane nhamo? Ndiani asina kugadzikana?

Ndiani anokakavara? Ndiani ari kugunun’una?

Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asiri kunyatsoona?

30 Ndevaya vanogarisa pawaini;+

Vaya vanotsvaga* waini yakasanganiswa.

31 Usatarisa kutsvuka kunenge kwakaita waini

Ichivaima iri mumukombe, uye ichidzika zvinyoronyoro,

32 Nekuti pakupedzisira inoruma senyoka,

Uye inobudisa uturu sechiva.

33 Maziso ako achaona zvinhu zvisipo,

Uye mwoyo wako uchataura zvinhu zvisina basa.+

34 Uye uchaita sewakarara pakati pegungwa,

Sewakarara pamusoro pebango rengarava rakaenda mudenga.

35 Uchati: “Vakandirova, asi handina kuzvinzwa.*

Vakandirova, asi handina kuzviziva.

Ndichamuka riiniko?+

Ndiri kuda kunwa imwe.”*

24 Usaitira shanje vanhu vakaipa,

Uye usava neshungu dzekufambidzana navo,+

 2 Nekuti mwoyo yavo inofungisisa zvinhu zvemhirizhonga,

Uye miromo yavo inotaura nezvekukonzera dambudziko.

 3 Uchenjeri hunomisa imba,+

Uye ungwaru hunoisimbisa.

 4 Ruzivo runoita kuti dzimba dzayo dzemukati dzizare

Nezvinhu zvinokosha zvemarudzi akasiyana-siyana uye pfuma inofadza.+

 5 Munhu akachenjera ane simba,+

Uye ruzivo runoita kuti munhu awedzere simba rake.

 6 Kutungamirira kweunyanzvi* kuchaita kuti urwe hondo yako,+

Uye kana vanopa mazano vakawanda panova nekukunda.*+

 7 Uchenjeri hwechokwadi hauwanikwi nebenzi;+

Harina zvekutaura pagedhi reguta.

 8 Munhu wese anoronga mazano akaipa

Achanzi muruki wemazano akashata.+

 9 Mazano eupenzi* chivi,

Uye vanhu vanosema museki.+

10 Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika,*

Simba rako rinova shoma.

11 Nunura vaya vari kuendeswa kunofa,

Uye dzora vaya vari kutatarika vachienda kunourayiwa.+

12 Kana ukati, “Asi takanga tisingazvizivi,”

Iye anoongorora mwoyo* haazvizivi here?+

Iye ari kukuona* anozviziva

Uye achapa mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake.+

13 Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka;

Uchi hwemumazinga hunotapira mukanwa mako.

14 Ziva kuti uchenjeri hwakakunakirawo* saizvozvo.+

Kana ukahuwana, uchava neramangwana rakanaka

Uye tariro yako haizoparadzwi.+

15 Usahwandira pedyo neimba yemunhu akarurama uchida kuita zvakaipa;

Usaparadza nzvimbo yake yaanozororera.

16 Nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare,+

Asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.+

17 Kana muvengi wako akawa, rega kufara,

Uye kana akagumburwa, usafara nechemumwoyo;+

18 Ukadaro, Jehovha achazviona akasafara,

Uye achabva arega kumutsamwira.+

19 Usagumbuka pamusana pevanhu vakaipa;

Usaitira shanje vanhu vakaipa,

20 Nekuti munhu wese akaipa haana ramangwana;+

Rambi revakaipa richadzimwa.+

21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo.+

Uye usashamwaridzana nevanonyunyuta,*+

22 Nekuti njodzi ichauya pavari vasingafungiri.+

Ndiani anoziva kuti vachavaparadza* sei?+

23 Mashoko ayawo ndeevakachenjera:

Kusarura pakutonga hakuna kunaka.+

24 Munhu wese anoti kune munhu akaipa, “Wakarurama,”+

Achatukwa nevanhu uye achapiwa mhosva nemarudzi.

25 Asi zvichafambira zvakanaka vaya vanomutsiura;+

Vachawana makomborero ezvinhu zvakanaka.+

26 Vanhu vachatsvoda miromo yemunhu anopindura chokwadi.*+

27 Gadzirira basa rako rekunze, uye gadzirira zvinhu zvako zvese mumunda;

Wozovaka imba yako.

28 Usapa mhosva muvakidzani wako pasina chikonzero.+

Usashandisa miromo yako kunyengera vamwe.+

29 Usati: “Ndichamuita zvaakandiita;

Ndichamutsiva maererano nezvaakaita.”*+

30 Ndakapfuura nepamunda wesimbe,+

Pamunda wemizambiringa wemunhu asina pfungwa.*

31 Ndakaona kuti wakanga wazara masora;

Masora anobaya akanga ava pese pese,

Uye rusvingo rwawo rwematombo rwakanga rwaputsika.+

32 Ndakazvicherechedza ndikazviisa mumwoyo;

Ndakazviona uye ndakawana chidzidzo ichi:

33 Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,

Kumboti zororei wakapeta maoko,

34 Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,

Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+

25 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni,+ zvakanyorwa* nevarume vaHezekiya+ mambo weJudha:

 2 Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa,+

Uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukunyatsoongorora nyaya.

 3 Sekukwirira kwakaita denga uye kudzika kwakaita nyika,

Mwoyo yemadzimambo haiongororeki.

 4 Bvisa tsvina pasirivha,

Ibude yanyatsochena.+

 5 Bvisa munhu akaipa pamberi pamambo,

Chigaro chake chinyatsosimbiswa mukururama.+

 6 Usazvikwidziridza pamberi pamambo,+

Uye usagara pakati pevanoremekedzwa,+

 7 Nekuti zviri nani kuti iye ati kwauri, “Kwira kuno,”

Pane kuti akunyadzise pamberi pegurukota.+

 8 Usamhanyirira kuendesa nyaya kumatare,

Nekuti unozoita sei kana muvakidzani wako akakunyadzisa?+

 9 Pedzerana nemuvakidzani wako,+

Asi usabudisa zvaunenge waudzwa pachivande,*+

10 Kuti anenge akateerera asazokunyadzisa

Waparadzira mashoko akaipa* ausingazogoni kudzora.

11 Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera

Rakafanana nemaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.+

12 Mashoko emunhu akachenjera kana achitsiura nzeve inoteerera

Akafanana nemhete yegoridhe uye chishongo chegoridhe rakanatswa.+

13 Sezvinoita kutonhorera kwechando pazuva rekukohwa

Ndizvo zvakaita nhume yakatendeka kuvaya vakaituma,

Nekuti inozorodza tenzi* wayo.+

14 Sezvinoita makore nemhepo zvisinganayisi mvura

Ndizvo zvinoita munhu anozvirumbidza nezvechipo chaasina kumbopa.*+

15 Munhu anotungamirira anogona kunyengetedzwa nemwoyo murefu,

Uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+

16 Kana wawana uchi, idya hwakakukwanira,

Nekuti ukadya hwakawandisa, unogona kuzohurutsa.+

17 Tsoka yako ngaisanyanya kutsika mumba memuvakidzani wako,

Kuti arege kuneta newe okuvenga.

18 Munhu anopa uchapupu hwenhema achiroverera muvakidzani wake

Akafanana netsvimbo yehondo nebakatwa nemuseve wakapinza.+

19 Kuvimba nemunhu asina kuvimbika* panguva yedambudziko

Kwakafanana nezino rakameduka kana kuti tsoka inokamhina.

20 Munhu anoimbira mwoyo wakasuwa

Akafanana nemunhu anobvisa hembe kuchitonhora

Uye akafanana nevhiniga inodirwa musoda.+

21 Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya;

Kana aine nyota, mupe mvura yekunwa,+

22 Nekuti unenge uchitutira mazimbe emoto pamusoro wake,*+

Uye Jehovha achakupa mubayiro.

23 Mhepo yekuchamhembe inounza mvura zhinji,

Uye rurimi rune makuhwa runounza chiso chakashatirwa.+

24 Zviri nani kugara pakona yedenga remba

Pane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+

25 Mashoko akanaka anobva kunyika iri kure

Akaita semvura inotonhorera kumweya* waneta.+

26 Munhu akarurama anobvuma zvinoda munhu akaipa*

Akafanana nechitubu chakazara madhaka uye tsime rakashatiswa.

27 Kudya uchi hwakawandisa hakuna kunaka,+

Uye hazvina kunakawo kuti munhu azvitsvagire kukudzwa.+

28 Munhu asingadzori hasha dzake

Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.+

26 Sezvakaita chando muzhizha uye mvura mumwaka wekukohwa,

Kukudzwa hakuna kukodzera benzi.+

 2 Sezvo shiri ichitiza paine chikonzero uye nyenganyenga* ichibhururuka paine chikonzero,

Kutukwa hakuuyiwo pasina chikonzero chaicho.*

 3 Tyava ndeyebhiza, matomu ndeedhongi,+

Uye shamhu ndeyemisana yemapenzi.+

 4 Usapindura benzi neupenzi hwaro,

Kuti urege kufanana naro.*

 5 Pindura benzi neupenzi hwaro,

Kuti risafunga kuti rakachenjera.+

 6 Munhu anoisa nyaya mumaoko ebenzi

Akafanana nemunhu anozviremadza tsoka dzake uye anozvikuvadza.*

 7 Chirevo mumiromo yemapenzi

Chakafanana nemakumbo anokamhina emunhu akaremara.+

 8 Kukudza benzi

Kwakafanana nekusungirira dombo pachipfuramabwe.+

 9 Chirevo mumiromo yemapenzi

Chakafanana nekamuti kane minzwa kari muruoko rwechidhakwa.

10 Munhu anobhadhara benzi kana kuti anobhadhara munhu anenge achingopfuura hake kuti amushandire,

Akaita semunhu anopfura neuta achikuvadza munhu wese wese.*

11 Benzi rinodzokorora upenzi hwaro

Sezvinoita imbwa inodzokera kumarutsi ayo.+

12 Wakamboona munhu anofunga kuti akachenjera here?+

Benzi rinotova netariro kumupfuura.

13 Simbe inoti: “Mumugwagwa mune shumba diki,

Mumusika mune shumba!”+

14 Suo rinoramba richitenderera pamahinji aro,

Uye simbe inoramba ichipinduka iri pamubhedha wayo.+

15 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,

Asi inonzwa usimbe hwekurudzosa pamuromo wayo.+

16 Simbe inofunga kuti yakachenjera

Kupfuura vanhu vanomwe vanopindura zvine musoro.

17 Munhu anenge achipfuurawo zvake ogumburwa nekupopotedzana* kwevanhu vasinei naye

Akafanana nemunhu anobata nzeve dzembwa.+

18 Sezvinoita munhu anopenga anokanda zvombo zvinobvira moto, miseve, nerufu,*

19 Ndizvo zvinoita munhu anonyengedza muvakidzani wake ozoti, “Ndanga ndichitamba zvangu!”+

20 Kana pasina huni, moto unodzima,

Uye kana pasina munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe, kupopotedzana kunopera.+

21 Sezvo marasha achiita kuti pave nemazimbe uye huni dzichiita kuti pave nemoto,

Munhu ane nharo anoita kuti pave nekukakavadzana.+

22 Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*

Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+

23 Mashoko eushamwari anobva mumwoyo wakaipa

Akaita sesirivha inopenya yakazorwa pachaenga.*+

24 Munhu anovenga vamwe anoita kuti zvisazivikanwa achishandisa miromo yake,

Asi nechemukati anenge aine unyengeri.

25 Kunyange achitaura nenyasha, usavimba naye,

Nekuti mumwoyo make mune zvinhu zvinomwe zvinosemesa.*

26 Kunyange zvazvo ruvengo rwake ruchifukidzwa neunyengeri,

Uipi hwake huchabudiswa pachena muungano.

27 Munhu anochera gomba achawira mariri,

Uye munhu wese anokungurutsa dombo, richamudzokera.+

28 Rurimi runonyepa runovenga vaya varunokuvadza,

Uye muromo unorumbidza zvekubata kumeso unoparadzisa.+

27 Usazvikudza nezvezuva ramangwana,

Nekuti hauzivi kuti zuva rinotevera richaunza* chii.+

 2 Rumbidzwa nemumwe munhu,* kwete nemuromo wako;

Rumbidzwa nevamwe,* kwete nemiromo yako.+

 3 Dombo rinorema uye jecha rinoremawo,

Asi kunetseka kunokonzerwa nebenzi kunorema kupfuura zvese zviri zviviri.+

 4 Hasha dzine utsinye uye kushatirwa kwakaita semafashamo,

Asi ndiani angamisidzana negodo?+

 5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo runovanzwa.+

 6 Maronda anokonzerwa neshamwari akatendeka,+

Asi muvengi anotsvoda kakawanda.*

 7 Munhu akaguta anoramba* uchi hwemumazinga,

Asi kumunhu ane* nzara, kunyange zvinhu zvinovava zvinenge zvichitapira.

 8 Munhu anotiza achibva pamba pake

Akafanana neshiri inotiza dendere rayo.

 9 Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo;

Ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese.+

10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,

Uye usapinda mumba mehama yako pazuva raunenge uine dambudziko;

Muvakidzani ari pedyo ari nani pane hama iri kure.+

11 Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu,+

Kuti ndigone kupindura anondishora.+

12 Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,+

Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*

13 Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;

Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.*+

14 Kana munhu akafumira kukomborera mumwe wake nenzwi riri pamusoro,

Achanzi amutuka.

15 Mukadzi anogara achipopota* akafanana nedenga remba rinodonha kana kuchinaya.+

16 Munhu anokwanisa kumudzora anokwanisa kudzora mhepo

Uye kupfumbata mafuta muruoko rwake rwerudyi.

17 Simbi inorodza simbi,

Saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.*+

18 Anochengeta muonde achadya michero yawo,+

Uye anochengeta tenzi wake achakudzwa.+

19 Sekuoneka kunoita chiso mumvura,

Mwoyo wemunhu unoratidzawo zvakaita mwoyo wemumwe munhu.

20 Guva nenzvimbo yekuparadzwa* hazvimboguti,+

Uye maziso emunhu haamboguti.

21 Sezvo sirivha ichinatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe richinatsirwa muchoto chekunatsira,+

Munhu anoedzwa nekurumbidzwa kwaanoitwa.

22 Kunyange ukadzvura benzi nemutswi

Sezviyo zvakadzvurwa muduri,

Upenzi hwaro hahumbobvi pariri.

23 Unofanira kunyatsoziva kuti zvipfuwo zvako zvakamira sei.

Nyatsobata zvakanaka makwai* ako,+

24 Nekuti upfumi haugari nekusingaperi,+

Uye korona yamambo haigari kwezvizvarwa zvese.

25 Uswa hwakasvibirira hunopera, humwe uswa hwotanga kumera,

Uye zvinomera mumakomo zvinounganidzwa.

26 Makondohwe madiki anokuwanisa zvipfeko,

Uye nhongo ndidzo dzinoshandiswa pakutenga munda.

27 Uye uchava nemukaka wembudzi unokukwanira,

Unokwanira imba yako uye unokwana varandasikana vako.

28 Vakaipa vanotiza pasina ari kuvadzingirira,

Asi vakarurama vane chivimbo seshumba.*+

 2 Kana munyika muine zvitadzo,* machinda acho anoramba achibviswa achitsiviwa,+

Asi kana muchinda achibatsirwa nemunhu ane ungwaru uye ane ruzivo, anogara kwenguva refu.+

 3 Murombo anobiridzira vakaderera+

Akafanana nemvura inokukura zvekudya zvese.

 4 Vaya vanosiya mutemo vanorumbidza munhu akaipa,

Asi vaya vanochengeta mutemo vanovagumbukira.+

 5 Vanhu vakaipa havagoni kunzwisisa kutonga kwakarurama,

Asi vaya vanotsvaga Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvese.+

 6 Murombo anofamba mukururama kwake

Ari nani pane mupfumi ane nzira dzeuori.+

 7 Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo,

Asi anoshamwaridzana nevanhu vanodyisa anonyadzisa baba vake.+

 8 Munhu anowedzera pfuma yake nemubereko+ uye nechimbadzo

Anenge achiiunganidzira uya anonzwira nyasha varombo.+

 9 Munhu anoramba kuteerera mutemo,

Kunyange munyengetero wake unosemesa.+

10 Munhu anotungamirira munhu akarurama kunzira yakaipa achawira mugomba rake pachake,+

Asi vasina mhosva vachagara nhaka yezvakanaka.+

11 Mupfumi anozviona seakachenjera,+

Asi murombo ane ungwaru anogona kumuongorora.+

12 Kana akarurama akakunda, panova nekukudzwa kukuru,

Asi kana munhu akaipa akatanga kutonga, vanhu vanohwanda.+

13 Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri,+

Asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.+

14 Anofara munhu anogara akangwarira,*

Asi wese anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.+

15 Zvinoita shumba inohon’a nebheya riri kuda kurwisa

Ndizvo zvinoita mutongi akaipa achitonga vanhu vasina mubatsiri.+

16 Mutungamiriri asina ungwaru anoshandisa simba rake zvisiri izvo,+

Asi uya anovenga mubereko wekubiridzira acharebesa upenyu hwake.+

17 Munhu anoremerwa nemhosva yekudeura ropa kana apfuudza upenyu hwemumwe* acharamba achitiza kusvikira muguva.*+

Ngaparege kuva nemunhu anomutsigira.

18 Munhu anofamba asina mhosva achaponeswa,+

Asi ane nzira dzisina kururama achawa asingafungiri.+

19 Munhu anorima munda wake achaguta nezvekudya,

Asi uya anotandanisana nezvinhu zvisingakoshi achaguta nenhamo.+

20 Munhu akatendeka achawana makomborero akawanda,+

Asi uya anomhanyirira kuda kupfuma haazorambi asina mhosva.+

21 Kusarura hakuna kunaka;

Asi munhu anogona kuita zvakaipa kuti apiwe chimedu chechingwa.+

22 Munhu ane ruchiva* ane shungu dzekupfuma,

Asingazivi kuti urombo huchamuwira.

23 Munhu wese anotsiura mumwe munhu+ achazofarirwa zvikuru pakupedzisira+

Kupfuura uya anorumbidza munhu zvekumubata kumeso.

24 Munhu wese anobira baba naamai vake oti, “Hapana chakaipa,”+

Ishamwari yemunhu anoparadza.+

25 Munhu anokara anokonzera* kukakavadzana,

Asi wese anovimba naJehovha achabudirira.*+

26 Munhu anovimba nemwoyo wake ibenzi,+

Asi uya anofamba akachenjera achapukunyuka.+

27 Munhu wese anopa varombo haana chaachashayiwa,+

Asi uya anovhara maziso ake kana avaona achatukwa kazhinji.

28 Vakaipa pavanotanga kutonga, munhu anohwanda,

Asi pavanoparara, vakarurama vanowedzera.+

29 Munhu anoomesa mutsipa wake* achitsiurwa kakawanda+

Achazongoona atyorwa zvekusapora.+

 2 Kana vakarurama vakawanda, vanhu vanofara,

Asi kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.+

 3 Munhu anoda uchenjeri anoita kuti baba vake vafare,+

Asi munhu anoshamwaridzana nepfambi anopfachura upfumi hwake.+

 4 Kana mambo achitonga zvakarurama, nyika inogadzikana,+

Asi munhu anoda zvechiokomuhomwe anoiparadza.

 5 Munhu anorumbidza muvakidzani wake zvekumubata kumeso

Anotambanudzira tsoka dzake mambure.+

 6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvitadzo zvake,+

Asi munhu akarurama anoshevedzera nemufaro achipembera.+

 7 Munhu akarurama ane hanya nekodzero dzevarombo,+

Asi munhu akaipa haana kana basa nenyaya dzakadaro.+

 8 Varume vanozvirumbidza vanopisa guta,+

Asi vaya vakachenjera vanodzora kutsamwa.+

 9 Kana munhu akachenjera akatanga kunetsana nebenzi,

Panova nekukandana mashoko nekutukana asi hapana chinobuda.+

10 Varume vanoda kudeura ropa vanovenga munhu wese asina mhosva,*+

Uye vanotsvaga kupfuudza upenyu hwevanhu* vakarurama.*

11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese,+

Asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.+

12 Kana mutongi achiteerera nhema,

Vashandi vake vese vachava vakaipa.+

13 Murombo nemudzvinyiriri vakafanana pakuti:*

Jehovha ndiye anoita kuti maziso avo aone chiedza.*

14 Kana mambo achitonga varombo zvakarurama,+

Chigaro chake chicharamba chiripo.+

15 Shamhu* nekutsiura zvinopa uchenjeri,+

Asi mwana asingarangwi anonyadzisa amai vake.

16 Kana vakaipa vakawanda, uipi hunowedzera,

Asi vakarurama vachaona kuparara kwavo.+

17 Rayira* mwanakomana wako, uye achakuunzira zororo;

Uye achaita kuti ufare* chaizvo.+

18 Kana pasina zviratidzo,* vanhu havadzoreki,+

Asi vanofara vaya vanochengeta mutemo.+

19 Mushandi haazobvumi kururamiswa nemashoko,

Nekuti kunyange zvazvo achinzwisisa, haateereri.+

20 Wakamboona munhu anokurumidza kutaura here?+

Benzi rine tariro kumupfuura.+

21 Kana muranda achitunhidzwa kubvira paudiki,

Anozova munhu asingaongi muupenyu.

22 Munhu asingatani kutsamwa anomutsa gakava;+

Munhu wese anokurumidza kushatirwa anopara nyaya dzakawanda.+

23 Kuzvikudza kwemunhu kuchamuninipisa,+

Asi munhu wese anozvininipisa achakudzwa.+

24 Munhu anoshamwaridzana nembavha anovenga upenyu hwake.*

Anogona kunzwa kuti pari kudiwa uchapupu,* asi haatauri zvaanoziva.+

25 Kutya munhu kuzvipinza mumusungo,+

Asi munhu anovimba naJehovha achadzivirirwa.+

26 Vakawanda vanoedza kunzwirwa nyaya dzavo nemutongi,*

Asi Jehovha ndiye anotongera munhu zvakarurama.+

27 Munhu asina kururama anosemesa vakarurama,+

Asi munhu ane nzira yakarurama anosemesa munhu akaipa.+

30 Mashoko ane uremu akatorwa pane zvakataurwa naAguri mwanakomana waJake achitaura kuna Itieri, kuna Itieri naUkari.

 2 Pavanhu vese ndini munhu asina zvaanoziva,+

Uye handinzwisisi zvinhu zvinofanira kunzwisiswa nemunhu.

 3 Handina kudzidza uchenjeri,

Uye handina ruzivo runopiwa neMutsvenetsvene.

 4 Ndiani akambokwira kudenga akaburuka?+

Ndiani akambounganidza mhepo mumaoko ake?

Ndiani akamboputira mvura muchipfeko chake?+

Ndiani akasimbisa* migumo yese yenyika?+

Anonzi ani uye mwanakomana wake anonzi ani, kana uchiziva?

 5 Mashoko ese aMwari akachena.+

Iye inhoo kune vaya vanopotera kwaari.+

 6 Usawedzera chinhu pamashoko ake,+

Kuti arege kukutsiura,

Ukazobudiswa pachena kuti unonyepa.

 7 Pane zvinhu zviviri zvandiri kukukumbirai.

Musandinyima zvinhu izvozvo ndisati ndafa.

 8 Bvisai kusataura chokwadi uye nhema pandiri.+

Musandipa urombo kana upfumi.

Ingoitai kuti ndidye zvekudya zvangu zvinondikwanira,+

 9 Kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti, “Jehovha ndianiko?”+

Uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikashoresa zita raMwari wangu.

10 Usataura zvakaipa nezvemushandi kuna tenzi wake,

Kuti arege kukutuka woonekwa uine mhosva.+

11 Kune chizvarwa chinotuka baba vacho

Uye chisingakomboreri amai vacho.+

12 Kune chizvarwa chinozviona sechakachena+

Asi chisina kucheneswa tsvina yacho.

13 Kune chizvarwa chine maziso anozvikudza

Uye chine maziso anotarisa achizvikwidziridza!+

14 Kune chizvarwa chine mazino akaita semapakatwa

Uye chine shaya dzakaita semapanga ekuurayisa;

Chinoparadza vakaderera vepanyika

Nevarombo pakati pevanhu.+

15 Zvikwevaropa zvine vanasikana vaviri vanoshevedzera vachiti, “Tipei! Tipei!”

Kune zvinhu zvitatu zvisingamboguti,

Zvina zvisingamboti, “Zvakwana!”

16 Guva*+ uye chibereko chisingabereki,

Ivhu riri kushaya mvura,

Uye moto usingamboti, “Zvakwana!”

17 Ziso rinonyomba baba uye risina basa nekuteerera amai+

Richatodogorwa nemakunguo emubani,

Uye vana vemakondo vacharidya.+

18 Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa zvikuru,

Uye zvina zvandisinganzwisisi zvinoti:

19 Nzira yegondo mumatenga,

Nzira yenyoka padombo,

Nzira yengarava mugungwa,

Uye nzira yemurume ane musikana.

20 Aya ndiwo maitiro emukadzi anoita upombwe:

Anodya, opukuta muromo wake;

Anobva ati, “Hapana chakaipa chandaita.”+

21 Kune zvinhu zvitatu zvinodederesa nyika

Uye zvina zvaisingagoni kutsungirira zvinoti:

22 Kana muranda ava kutonga samambo,+

Kana benzi rava nezvekudya zvakawandisa,

23 Kana mukadzi anovengwa* akaroorwa,

Uye kana mushandikadzi akatora nzvimbo yatenzikadzi wake.+

24 Panyika pane zvimwe zvinhu zvina zvidikidiki,

Asi zvakasikwa zviine uchenjeri,* zvinoti:+

25 Masvosve, haasi zvisikwa zvine* simba,

Asi anounganidza zvekudya zvawo muzhizha.+

26 Mbira,+ hadzisi zvisikwa zvine* simba,

Asi dzinogadzira imba yadzo mumatombo.+

27 Mhashu,+ hadzina mambo,

Asi dzese dzinofamba dzakarongeka.*+

28 Kadzvinyu kanonzi chipfira,+ kanobatirira nemakumbo ako,

Uye kanopinda mumuzinda wamambo.

29 Kune zvinhu zvitatu zvinonakidza kutarisa zvichifamba,

Zvinhu zvina zvinonakidza kutarisa zvichifamba zvinoti:

30 Shumba, mhuka ine simba pamhuka dzese,

Isina wainotiza;+

31 Imbwa yekuvhimisa; nhongo;

Uye mambo ane uto rake.

32 Kana wakazvikwidziridza zveupenzi+

Kana kuti wakaronga kudaro,

Bata muromo wako.+

33 Nekuti sezvo kusvina mukaka kuchibudisa ruomba

Uye kudzvinya mhino kuchibudisa ropa,

Kudenha munhu kunoita kuti pave nekupopotedzana.+

31 Mashoko aMambo Remueri, mashoko ane uremu aakaudzwa naamai vake vachimurayira:+

 2 Ndokuudza kutiiko, nhai mwanakomana wangu,

Ndotiiko nhai mwanakomana wangu wandakazvara,

Nhai mwanakomana wemhiko dzangu?+

 3 Usapa vakadzi simba rako,+

Kana kutevera nzira dzinoparadza madzimambo.+

 4 Remueri iwe, hazvina kukodzera madzimambo,

Hazvina kukodzera madzimambo kuti anwe waini

Kana kuti vatongi vati, “Doro rangu riri kupi?”+

 5 Kuti varege kunwa vakakanganwa mitemo yakagadzwa,

Votyora kodzero dzevakaderera.

 6 Ipai doro vaya vava kufa+

Uye ipai waini vaya vari* kushungurudzika.+

 7 Regai vanwe vakanganwe nhamo dzavo,

Varege kuramba vachiyeuka matambudziko avo.

 8 Taura uchitsigira mbeveve;

Rwira kodzero dzevanhu vese vava kufa.+

 9 Taura uchivamiririra uye tonga zvakarurama;

Rwira kodzero dzevakaderera nevarombo.+

א [Aleph]

10 Ndiani angawana mudzimai anoita zvakanaka?*+

Anokosha kupfuura matombo ekorari* nekure.

ב [Beth]

11 Murume wake anovimba naye nemwoyo wese,

Uye hapana chinokosha chaanoshaya.

ג [Gimel]

12 Anopa murume wake mubayiro wezvakanaka, kwete zvakaipa,

Mazuva ese eupenyu hwake.

ד [Daleth]

13 Anotsvaga mvere dzemakwai nemachira;

Anonakidzwa nekushanda nemaoko ake.+

ה [He]

14 Anoita sengarava dzemutengesi,+

Achibva nezvekudya zvake kure.

ו [Waw]

15 Anomukawo huchiri usiku,

Achipa mhuri yake zvekudya

Nekupa varandakadzi vake migove yavo.+

ז [Zayin]

16 Anofunga nezvemunda outenga;

Anodyara munda wemizambiringa nezvaakashandira.*

ח [Heth]

17 Anogadzirira kuita basa rakaoma,*+

Uye anosimbisa maoko ake.

ט [Teth]

18 Anoona kuti kutengesa kwake kuri kumubatsira;

Rambi rake haridzimi usiku.

י [Yod]

19 Anobata chimuti chinobata shinda isati yakoswa,

Uye anobata chimuti chinokosa shinda yacho.+

כ [Kaph]

20 Anotambanudzira munhu akaderera chanza chake,

Uye anovhurira varombo maoko ake.+

ל [Lamed]

21 Haatyiri mhuri yake kana kuine chando,

Nekuti vese vanenge vakapfeka zvinodziya.*

מ [Mem]

22 Anozvigadzirira machira epamubhedha.

Zvipfeko zvake ndezvejira neshinda yepepuru.

נ [Nun]

23 Murume wake munhu anozivikanwa pamagedhi eguta,+

Paanogara pasi nevakuru venyika yacho.

ס [Samekh]

24 Anogadzira achitengesa zvipfeko zvejira

Uye anotengesera vatengesi mabhandi.

ע [Ayin]

25 Akapfeka simba nerunako,

Uye anotarisira ramangwana nechivimbo.*

פ [Pe]

26 Anotaura neuchenjeri;+

Mutemo wemutsa uri* parurimi rwake.

צ [Tsade]

27 Anotungamirira mabasa emumba make,

Uye haadyi zvekudya zveusimbe.+

ק [Qoph]

28 Vana vake vanosimuka, vomuti anofara;

Murume wake anosimuka, omurumbidza.

ר [Resh]

29 Kune vakadzi vakawanda vanoita zvakanaka,*

Asi iwe, chokwadi unovapfuura vese.

ש [Shin]

30 Kuyevedza kunogona kungova kwekunze chete, uye runako runogona kupera,*+

Asi mukadzi anotya Jehovha acharumbidzwa.+

ת [Taw]

31 Mupei mubayiro wezvaanoita,*+

Uye mabasa ake ngaamurumbidze pamagedhi eguta.+

ChiHeb., “Zvekuziva.”

Kana kuti “nemifananidzo.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “mutemo waamai.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Kanda mujenya wako pamwe chete nesu.”

Kana kuti “Toisa zvinhu zvedu muhomwe imwe chete.”

Kana kuti “mweya yevamwe.”

Kana kuti “Tendeukai.”

ChiHeb., “vachadya zvibereko zvenzira yavo.”

Kana kuti “nezvirongwa zvavo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “wausingazivi.” Zvinoratidza sekuti pari kutaurwa nezvemukadzi ane tsika dzinovengwa naMwari.

Kana kuti “anokwezva.”

ChiHeb., “mutorwa.” Zvinoratidza sekuti pari kureva mukadzi mutorwa asina ukama naMwari.

Kana kuti “murume wake weudiki.”

ChiHeb., “makwara.”

ChiHeb., “vanopinda maari.”

Kana kuti “vanoramba vakaperera.”

Kana kuti “mutemo wangu.”

Kana kuti “nechokwadi.”

Kana kuti “kusendama pakunzwisisa.”

ChiHeb., “guvhu rako.”

Kana kuti “Nezvakanakisisa.”

Kana kuti “muzvisviniro zvako.”

Kana kuti “kuranga.”

Kana kuti “kuva nahwo semubereko.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Zvinoratidza sekuti pari kurehwa zvataurwa mundima dzapfuura nezvaMwari.

Kana kuti “Zvichapa mweya wako.”

Kana kuti “haizoroveri pane chimwe chinhu.”

Kana kuti “Kana zviri musimba reruoko rwako.”

Kana kuti “mutemo wangu.”

Kana kuti “chinhu chikuru.”

ChiHeb., “Rerekera nzeve yako kune.”

ChiHeb., “kunyama.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Nyatsofunga nezvenzira yetsoka dzako.”

ChiHeb., “Rerekera nzeve yako.”

ChiHeb., “wausingazivi.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kupedza simba rako.”

Kana kuti “kurangwa.”

ChiHeb., “Pakati pegungano neungano.”

Kana kuti “inoyerera.”

ChiHeb., “wausingazivi.” Ona Zvi 2:16.

ChiHeb., “mutorwa.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “zvinosemesa mweya wake.”

Kana kuti “mutemo waamai.”

Kana kuti “zvichakudzidzisa.”

Kana kuti “uchirangwa.”

ChiHeb., “mutorwa.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “anoteya mweya unokosha.”

Kureva, mudzimai wemuvakidzani.

Kana kuti “igutse mweya wayo.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “anoparadza mweya wake.”

Kana kuti “rudzikinuro.”

Kana kuti “zvandinokudzidzisa.”

ChiHeb., “wausingazivi.” Ona Zvi 2:16.

ChiHeb., “mutorwa.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “anokwezva.”

Kana kuti “vasati vava nezvavanoziva.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “Aine nguo yepfambi.”

ChiHeb., “Tsoka yake haimbogari.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “zvichaurayisa mweya waro.”

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “kuvanakomana vevanhu.”

ChiHeb., “nzwisisai mwoyo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Paakapa murayiro nezvenheyo.”

Kana kuti “vanhu.”

Kana kuti “Achiramba akamuka ari.”

Kana kuti “kukuvadza mweya wake.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “Siyana nevasina ruzivo.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya wemunhu akarurama unzwe.”

Kana kuti “Mukurumbira wemunhu akarurama unounza.”

ChiHeb., “mirayiro.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “achirangwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ari munzira inoenda kuupenyu.”

Kana kuti “runyerekupe.”

Kana kuti “unotungamirira.”

Kana kuti “nekusuwa; nematambudziko.”

Kana kuti “kuna tenzi wayo.”

Kana kuti “Tariro yevakarurama inoita.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “unobereka chibereko cheuchenjeri.”

Kana kuti “chiyero chedombo chakakwana.”

Kana kuti “Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri.”

Kana kuti “asingadi Mwari.”

Kana kuti “anoshora.”

Kana kuti “njere.”

ChiHeb., “akatendeka pamweya.”

ChiHeb.,“anofukidza nyaya.”

Kana kuti “kweuchenjeri.”

Kana kuti “neruponeso.”

ChiHeb., “anovenga.”

Kana kuti “akanaka.”

Kana kuti “Murume ane rudo rusingachinji.”

Kana kuti “anoitira mweya wake zvakanaka.”

Kana kuti “anozvinyadzisa.”

ChiHeb., “anoparadzira.”

ChiHeb., “achakodzwa.”

ChiHeb., “anopa vamwe mvura yekunwa yakawanda.”

Kana kuti “anonyadzisa mhuri yake.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “haana njere.”

ChiHeb., “Mashoko evakaipa anohwandira achida kudeura ropa.”

ChiHeb., “chingwa.”

Kana kuti “mweya wechipfuwo chake.”

Kana kuti “njere.”

ChiHeb., “pamuromo wake.”

Kana kuti “zuva iroro.”

ChiHeb., “zvakarurama.”

ChiHeb., “vanopa mazano erugare.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “achiruramiswa.”

ChiHeb., “pamuromo pake.”

Kana kuti “anongwarira zvaanotaura.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mweya wayo hauna.”

ChiHeb., “achakodzwa.”

Kana kuti “rwemweya wemunhu.”

ChiHeb., “havatombotukwi.”

ChiHeb., “chinofara.”

Kana kuti “vanorangana.”

Kana kuti “zvisina kururama.”

ChiHeb., “anounganidza nemaoko.”

Kana kuti “anoshora shoko.”

Kana kuti “Mutemo wemunhu.”

Kana kuti “itsime reupenyu.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “kutsiurwa.”

Kana kuti “mweya unofara.”

Kana kuti “anogona kuparadzwa.”

Kana kuti “asingarayiri; asingarangi.”

Kana kuti “anomuda anomuranga.” Dzimwe shanduro dzinoti, “anomurayira pakarepo.”

Kana kuti “mweya wake waguta.”

Kana kuti “ane nzira dzisina kururama.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “anonyengera vamwe.”

Kana kuti “nekugadzirisa pakanganiswa.”

Kana kuti “kurwadza kwemweya wawo.”

Kana kuti “akapusa.”

Kana kuti “rinoviruka nehasha.”

Kana kuti “anonyatsofunga.”

Kana kuti “Vakapusa.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “utano.”

Kureva, Muiti.

Kana kuti “runoporesa.”

ChiHeb., “kunoputsa mweya.”

Kana kuti “richirangwa.”

Kana kuti “kutsiurwa.”

Kana kuti “kurayirwa.”

Kana kuti “sekwakaomarara.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “neAbhadhoni.”

Kana kuti “anomutsiura.”

Kana kuti “unotevera.”

Kana kuti “wakanaka.”

Kana kuti “ichikuvhiringidza.”

Kana kuti “seheji yeminzwa.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “kurangana.”

ChiHeb., “paanopa mhinduro yemuromo wake.”

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “anonyadzisa imba yake.”

Kana kuti “anongwarira mapinduriro ake; anofunga asati ataura.”

Kana kuti “Kutariswa nemufaro kunoita.”

ChiHeb., “anoita kuti mapfupa ave nemafuta.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “mweya wake.”

ChiHeb., “Zvirongwa zvemwoyo ndezvemunhu.”

Kana kuti “mhinduro yakanaka inobva; mhinduro yerurimi inobva.”

ChiHeb., “sedzakachena.”

ChiHeb., “Turira mabasa ako kuna Jehovha.”

Kana kuti “chinobva kuna Mwari.”

Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

Kana kuti “mweya wake.”

ChiHeb., “kuva akaderera pamweya.”

ChiHeb., “achawana zvakanaka.”

Kana kuti “kutaura zvakanaka kunowedzera.” ChiHeb., “kutapira kwemiromo kunowedzera.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “muromo.”

Kana kuti “anorongera vamwe.”

Kana kuti “yekukudzwa.”

ChiHeb., “anotonga mweya wake.”

Kana kuti “kudya chingwa chakaoma.”

Kana kuti “rugare.”

ChiHeb., “izere zvibayiro.”

Kana kuti “Vazukuru.”

Kana kuti “vabereki.”

Kana kuti “kwevana.”

Kana kuti “kwakanaka.”

Kana kuti “negurukota.”

ChiHeb., “anofukidza.”

ChiHeb., “mvura.”

Kana kuti “iro risina njere.”

ChiHeb., “haazowani zvakanaka.”

Kana kuti “Mwoyo unofara unorapa.”

Kana kuti “mweya wakaputsika unopedza.”

Kana kuti “kunoomesa mapfupa.”

ChiHeb., “chiokomuhomwe chepachipfuva.”

Kana kuti “Kuripisa.”

Kana kuti “Anoshora.”

Kana kuti “wemweya waro.”

Kana kuti “sezvinhu zvinomedzwa nemakaro.”

ChiHeb., “okwidziridzwa,” kureva kuti, ova pasingasvikiki.

Kana kuti “mweya wake wakaputsika.”

Kana kuti “omuongorora.”

ChiHeb., “unoparadzanisa vane simba.”

ChiHeb., “anokurumidza netsoka dzake.”

Kana kuti “asinganyime.”

Kana kuti “mweya wake.”

ChiHeb., “achawana zvakanaka.”

Kana kuti “kweshumba yava nezenze.”

Kana kuti “anonetsa.”

Kana kuti “mweya une usimbe uchaziya.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “achamupa mubayiro wezvaanoita.”

Kana kuti “Ranga.”

Kana kuti “usafarira kufa.”

Kana kuti “kurangwa.”

Kana kuti “chinangwa chaJehovha ndicho chichabudirira.”

Kana kuti “kweshumba yava nezenze.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Ichatsvaga munguva yekukohwa asi hapana chaichawana.”

ChiHeb., “Zano riri mumwoyo.”

Kana kuti “vanozviti vane rudo rusingachinji.”

ChiHeb., “Vanakomana.”

Kana kuti “Matombo maviri ekuyeresa akasiyana nezvekupimira zviviri zvakasiyana.”

Kana kuti “mukomana.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mutorwa.”

Kana kuti “zvichasimbiswa.”

Kana kuti “kweuchenjeri.”

Kana kuti “anokwezva nemiromo yake.”

Kana kuti “Matombo maviri ekuyeresa akasiyana anosemesa.”

Kana kuti “zvinokwesha.”

Kana kuti “vavariro yacho.”

Kana kuti “zvinobatsira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kune vaya vari kutsvaga rufu.”

Kana kuti “anonetsa.”

Kana kuti “Mweya weakaipa unopanga.”

Kana kuti “anoziva zvekuita.”

Kureva, Mwari.

ChiHeb., “chiokomuhomwe chiri pachipfuva.”

Kana kuti “anonetsa.”

ChiHeb., “richamedza.”

Kana kuti “anokunda.”

Kana kuti “Anodzivirira mweya wake.”

Kana kuti “achichipa achizvibata zvinonyadzisa.”

ChiHeb., “achataura nekusingaperi.”

Kana kuti “anoita kuti nzira yake ibudirire.”

ChiHeb., “Zita.”

Kana kuti “Mukurumbira wakanaka unofanira.”

ChiHeb., “Kufarirwa.”

ChiHeb., “vanosangana pamwe chete.”

Kana kuti “orangwa.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mukomana; wechidiki.”

ChiHeb., “ane ziso rakanaka.”

Kana kuti “Kuendesana kumatare.”

ChiHeb., “vausingazivi.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “memukomana; mewechidiki.”

Kana kuti “yekuranga.”

Kana kuti “mweya wevaya.”

Kana kuti “Woteyera mweya wako.”

Kana kuti “Zvidzore.”

Kana kuti “munhu ane mweya une makaro.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Rega kuvimba nekunzwisisa kwako.”

Kana kuti “zvemunhu ane ziso rakaipa.”

Kana kuti “ari kuverenga mumweya wake.”

ChiHeb., “mwoyo wake hausi pauri.”

ChiHeb., “Mudzikinuri.”

Kana kuti “uchirangwa.”

Kana kuti “kurayira.”

Kana kuti “mukomana; wechidiki.”

Kana kuti “uponese mweya wake.”

Kana kuti “paSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “Itsvo dzangu dzichafara.”

Kana kuti “Wana.”

Kana kuti “Wanawo.”

ChiHeb., “mutorwa.” Ona Zvi 2:16.

Kana kuti “vanoungana kuti varavidze.”

Kana kuti “kurwadziwa.”

Kana kuti “Ndichaitsvagazve.”

Kana kuti “kweuchenjeri.”

Kana kuti “nekubudirira; nekununurwa.”

Kana kuti “ebenzi.”

Kana kuti “panguva yenhamo.”

Kana kuti “vavariro yemunhu.”

Kana kuti “kuona mweya wako.”

Kana kuti “hunotapira kumweya wako.”

Kana kuti “vanoda kuchinja zvinhu.”

Kureva, Jehovha namambo.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kupindura pasina zvekutenderera kwakaita sekutsvoda.”

Kana kuti “Ndichamubata.”

Kana kuti “njere.”

Kana kuti “zvakanyorwa zvikaunganidzwa.”

Kana kuti “usafumura nyaya dzevamwe.”

Kana kuti “makuhwa.”

Kana kuti “mweya watenzi.”

ChiHeb., “nezvechipo chemanyepo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “nemunhu anonyengera.”

Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.

Kana kuti “anonetsa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “anodzedzereka pamberi peakaipa.”

Kana kuti “mherepere.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kutukwa pasina mhosva hakuitikiwo.”

Kana kuti “kuenzana naro.”

ChiHeb., “anonwa mhirizhonga.”

Kana kuti “vanhu vese.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “anopindira mukupopotedzana.”

Kana kuti “miseve inouraya.”

Kana kuti “sezvinhu zvinomedzwa nemakaro.”

Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.

Kana kuti “Nekuti mwoyo wake wese unosemesa.”

ChiHeb., “richazvara.”

ChiHeb., “nemutorwa.”

ChiHeb., “newekune imwe nyika.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “zvekunyepera; zvekumanikidzwa.”

ChiHeb., “anotsika-tsika.”

Kana kuti “kumweya une.”

Kana kuti “orangwa.”

Kana kuti “mutorwa.”

Kana kuti “anonetsa.”

ChiHeb., “chiso cheshamwari yake.”

Kana kuti “Sheori neAbhadhoni.”

Kana kuti “Isa mwoyo wako pamakwai; Isa pfungwa dzako pamakwai.”

Kana kuti “seshumba diki.”

Kana kuti “kupandukirana.”

Kana kuti “anogara achitya.”

Kana kuti “mweya wemumwe.”

Kana kuti “mugomba.”

Kana kuti “makaro.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mweya unozvikudza unokonzera.”

ChiHeb., “achakodzwa.”

Kana kuti “anoramba achiomesa musoro.”

Kana kuti “chaanopomerwa.”

Kana kuti “mweya yevanhu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Asi munhu akarurama anotsvaga kuchengetedza upenyu hwake.”

ChiHeb., “vanosangana pamwe chete.”

Kureva kuti ndiye anovapa upenyu.

Kana kuti “Kurayira; Kuranga.”

Kana kuti “Ranga.”

Kana kuti “achafadza mweya wako.”

Kana kuti “zviratidzo zveuprofita.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “Anogona kunzwa mhiko yekutuka.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kunzwirwa nyasha nemutongi.” ChiHeb., “vanotsvaga chiso chemutongi.”

ChiHeb., “akasimudza.”

Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “asingadiwi.”

Kana kuti “Asi zviine uchenjeri hwakanyanya.”

ChiHeb., “rudzi rune.”

ChiHeb., “rudzi rune.”

Kana kuti “dzakaita zvikwata zvikwata.”

Kana kuti “vane mweya uri.”

Kana kuti “mudzimai akanaka.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “nezvibereko zvemaoko ake.”

ChiHeb., “Anosunga muchiuno make nesimba.”

ChiHeb., “vakavirikidza.”

Kana kuti “anoseka zuva ramangwana.”

Kana kuti “Kurayira nerudo kuri; Mutemo werudo rusingachinji uri.”

Kana kuti “vakadzi vakanaka vakawanda.”

Kana kuti “haruna maturo.”

ChiHeb., “Mupei zvinobva pazvibereko zvemaoko ake.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe