TSAMBA YAJAKOBHO
1 Ini Jakobho,+ muranda waMwari uye waShe Jesu Kristu, ndinoti kumadzinza 12 akapararira kwese kwese:
Kwaziwai!
2 Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo,+ 3 sezvo muchiziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire.+ 4 Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.+
5 Saka kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari+ uye achahupiwa,+ nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.*+ 6 Asi ngaarambe achikumbira aine kutenda+ uye aine chivimbo chizere,+ nekuti munhu asina chivimbo akafanana nefungu regungwa rinofambiswa nemhepo richisairirwa kwese kwese. 7 Chokwadi, munhu iyeye ngaarege kutarisira kuti ane chaachapiwa naJehovha.* 8 Munhu iyeye ane mwoyo miviri+ uye haana kutsiga pane zvese zvaanoita.
9 Asi hama yakaderera ngaipembere nemufaro pamusoro pekukwidziridzwa kwayo,+ 10 uye mupfumi ngaapembere nekuti ava panzvimbo yepasi,+ nekuti achaparara seruva remusango. 11 Sezvinoita zuva rinobuda richipisa rosvavisa zvinomera, maruva azvo odonha, zvosara zvisingayevedzi, mupfumi achapararawo ari mushishi kutsvaga pfuma.+
12 Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo,+ nekuti paanokunda achapiwa korona yeupenyu,+ yakavimbiswa naJehovha* kune vaya vanoramba vachimuda.+ 13 Munhu paanenge achiedzwa ngaarege kuti: “Ndiri kuedzwa naMwari.” Nekuti hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu. 14 Asi mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.*+ 15 Ruchiva parunenge rwakura,* runobva rwabereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.+
16 Musatsauswa, hama dzangu dzinodiwa. 17 Zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana zvinobva kumusoro,+ kuna Baba vezviedza zvekudenga avo vasingachinji,+ vakasiyana nemumvuri unochinja.+ 18 Nekuti ndizvo zvaaida, akaita kuti tiberekwe neshoko rake rechokwadi,+ kuti tive imwe mhando yezvibereko zvekutanga pazvisikwa zvake.+
19 Zivai izvi hama dzangu dzinodiwa: Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura,+ uye kunonoka kutsamwa,+ 20 nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.+ 21 Saka bvisai zvese zvisina kuchena nekanhu kese kakaipa,*+ uye bvumai neunyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kukuponesai.*
22 Ivai vaiti veshoko kwete vanzwi chete,+ muchizvinyengera nezvinhu zvenhema. 23 Nekuti kana munhu achingonzwa shoko asingariiti,+ akafanana nemunhu anotarisa chiso chake mugirazi. 24 Nekuti anozvitarisa, oenda, obva atokanganwa kuti iye munhu akaita sei. 25 Asi munhu anonyatsotarisa mumutemo wakakwana werusununguko,+ asingausiyi, achafara pane zvaanoita; haana kuva munzwi anokanganwa, asi aita zvaanzwa.+
26 Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba,*+ ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira. 27 Kunamata kwakachena uye kusina kusviba kuna Mwari wedu uye Baba vedu ndeuku: kuchengeta nherera+ nechirikadzi+ pakutambudzika kwadzo,+ uye kuramba usina kusvibiswa nenyika.+
2 Hama dzangu, mungati muri kutenda muna Ishe wedu anokudzwa Jesu Kristu imi muchisarura here?+ 2 Nekuti kana munhu ane marin’i egoridhe paminwe yake uye ane zvipfeko zvakanaka kwazvo akauya pamunenge makaungana, uye murombo akapfeka zvine tsvina akauyawo, 3 munofarira uya akapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo here moti kwaari: “Gara apa panzvimbo yakanaka,” asi moti kumurombo: “Iwe ramba wakamira,” kana kuti: “Gara apo pedyo nechitsiko chetsoka dzangu”?+ 4 Kana muchidaro, hamusi kusarurana here+ uye masiyanei nevatongi vanopa mitongo yakaipa?+
5 Teererai hama dzangu dzinodiwa. Mwari haana here kusarudza vanhu vanoonekwa sevarombo nenyika kuti vapfume pakutenda+ uye kuti vave vagari venhaka yeUmambo hwaakavimbisa vaya vanomuda?+ 6 Asi imi makazvidza varombo. Vapfumi havasi ivo vari kukudzvinyirirai,+ vachikuzvuzvurudzirai kumatare here? 7 Havazvidzi zita rakanaka ramakapiwa here? 8 Zvino kana imi muchichengeta mutemo wamambo sezviri murugwaro urwu runoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita,”+ muri kuita zvakanaka. 9 Asi kana muchiramba muchisarura,+ muri kutadza, uye mutemo unoratidza kuti muri vatadzi.+
10 Nekuti kana munhu achiteerera Mutemo wese asi oputsa murayiro mumwe chete paMutemo wacho, anenge atotyora Mutemo wacho wese.+ 11 Nekuti uya akati, “Usaita upombwe,”+ akatiwo, “Usauraya.”+ Zvino kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, unenge uchitotyora mutemo. 12 Rambai muchitaura uye muchiita sezvinoita vaya vachatongwa nemutemo wevanhu vakasununguka.*+ 13 Nekuti munhu asina tsitsi achatongwa pasina tsitsi.+ Tsitsi dzinokunda kutonga.
14 Hama dzangu, zvinobatsirei kana munhu achiti ane kutenda asi asina mabasa?+ Kutenda ikoko kungamuponesa here?+ 15 Kana pakava nehama kana kuti hanzvadzi dzisina zvekupfeka uye dzisina zvekudya zvinokwana zuva racho, 16 mumwe wenyu oti kwadziri, “Endai henyu zvichaita; dziyirwai, mugute,” asi musingadzipi zvadzinoda kuti dzirarame, zvinobatsirei?+ 17 Saizvozvowo, kutenda kusina mabasa kwakafa.+
18 Kunyange zvakadaro, mumwe munhu angati: “Iwe une kutenda, ini ndine mabasa. Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.” 19 Handiti unotenda here kuti kuna Mwari mumwe chete? Uri kuita zvakanaka. Asi kunyange madhimoni anotendawo achidedera.+ 20 Asi iwe munhu asina ruzivo, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa hakuna zvakunobatsira? 21 Baba vedu Abrahamu havana here kunzi vakarurama nemabasa pashure pekunge vabayira Isaka mwanakomana wavo paatari?+ 22 Wazvionaka kuti kutenda kwavo kwairatidzwa nemabasa uye kuti kutenda kwavo kwainge kwakakwana nemhaka yemabasa avo,+ 23 zvikazadzisa rugwaro runoti: “Abrahamu akatenda muna Jehovha,* akanzi akarurama,”+ uye akasvika pakunzi shamwari yaJehovha.*+
24 Sezvamuri kutoona, munhu anoonekwa kuti akarurama nemabasa, kwete nekutenda chete. 25 Saizvozvowo, pfambi iya Rakabhi haina kunzi yakarurama nemabasa here, pashure pekugamuchira nhume zvakanaka, ikadzibudisa neimwe nzira?+ 26 Chokwadi muviri usina simba reupenyu* wakafa,+ saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.+
3 Hama dzangu, havasi vazhinji venyu vanofanira kuva vadzidzisi, sezvo tichiziva kuti tichawana mutongo mukuru.*+ 2 Nekuti tese tinokanganisa kazhinji.+ Kana munhu asingakanganisi pakutaura, munhu iyeye akakwana, uye anokwanisawo kudzora muviri wake wese. 3 Kana tikaisa matomu pamiromo yemabhiza tichida kuti atiteerere, miviri yawo yese inenge yava kutoita zvatinoda. 4 Fungaiwo nezvengarava: Kunyange zvazvo dzakakura chaizvo uye dzichifambiswa nemhepo ine simba, chidzoreso chidikidiki ndicho chinoshandiswa kuti dziende kunenge kuchidiwa nemutyairi wacho.
5 Saizvozvowo, rurimi inhengo diki yemuviri asi runozvikudza kwazvo. Fungai kuti zvinoda moto mudiki sei kupisa sango rakakura! 6 Rurimi runotovawo moto.+ Panhengo dzemiviri yedu, rurimi rwakafanana nenyika izere nezvakaipa, nekuti runosvibisa muviri wese,+ rwopisa upenyu hwese hwemunhu, irwo rwopiswa nemoto muGehena.* 7 Nekuti marudzi ese emhuka dzesango neeshiri nezvinhu zvinokambaira nezvisikwa zvemugungwa anogona kupingudzwa nevanhu uye vakatomboapingudza. 8 Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi. Harudzoreki uye runokuvadza; ruzere neuturu hunouraya.+ 9 Tinorushandisa kurumbidza Baba vedu Jehovha* asi tichirushandisawo kutuka vanhu vakasikwa “vakafanana naMwari.”+ 10 Muromo mumwe chete unorumbidza uye unotuka.
Hama dzangu, hazvina kunaka kuti zvinhu zvakadaro zviitike.+ 11 Chitubu chingabuda mvura yakanaka neinovava here? 12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana kuti muzambiringa ungabereka maonde here?+ Uyewo chitubu chine mvura ine munyu hachigoni kubuda mvura yakanaka.
13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Mararamiro ake akanaka ngaaratidze kuti pazvinhu zvaanoita ane unyoro hunobva pakuva neuchenjeri. 14 Asi kana muine godo rakanyanya+ nenharo+ mumwoyo menyu, musazvikudza+ muchipesana nechokwadi. 15 Uhwu hahusi uchenjeri hunobva kumusoro; ndehwepanyika,+ ndehweumhuka, uye ndehweudhimoni. 16 Nekuti pese pane godo nenharo panoitikawo nyonganyonga nezvinhu zvese zvakaipa.+
17 Asi uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena,+ uyewo hune rugare,+ hunonzwisisa,+ hunoda kuteerera, huzere netsitsi nemabasa akanaka,+ hahusaruri,+ uye hahunyengeri.+ 18 Uyewo muchero wekururama unodyarwa murugare+ kuitira vaya* vanoita kuti pave nerugare.+
4 Chii chiri kukonzera hondo nekurwa pakati penyu? Hazvisi kukonzerwa neruchiva rwenyama yenyu ruri kurwa mamuri* here?+ 2 Munoda zvinhu asi hamusi kuzviwana. Munoramba muchiuraya uye muchichiva, asi hapana chamunokwanisa kuwana. Munoramba muchirwa uye muchiita hondo.+ Hamuna chamuinacho nekuti hamukumbiri. 3 Pamunokumbira pacho, hapana chamunopiwa nekuti munokumbirira zvisina kunaka, kuti mushandise zvinhu zvacho kuita zvido zvenyama yenyu.
4 Imi mhombwekadzi,* hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Saka munhu wese anoda kuva shamwari yenyika anenge achitozviita muvengi waMwari.+ 5 Munofunga kuti rugwaro runotaura pasina here, parunoti: “Mweya weshanje ugere matiri unoita kuti tirambe tichingochiva zvinhu zvese”?+ 6 Zvisinei, nyasha dzatinoratidzwa naMwari dzakakura kupfuura izvi. Saka rugwaro rwacho runoti: “Mwari anopesana nevanozvikudza,+ asi ane nyasha kune vanozvininipisa.”+
7 Saka zviisei pasi paMwari;+ asi rwisanai naDhiyabhorosi,+ uye achakutizai.+ 8 Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.+ Chenesai maoko enyu imi vatadzi,+ munatse mwoyo yenyu+ imi vane mwoyo miviri. 9 Suwai uye chemai musvimhe misodzi.+ Kuseka kwenyu ngakuchinje kuve kuchema, uye mufaro wenyu ngauve kupererwa. 10 Zvininipisei pamberi paJehovha,*+ uye iye achakukwidziridzai.+
11 Hama, regai kutaura zvakaipa pamusoro pehama dzenyu.+ Munhu wese anotaura zvakaipa pamusoro pehama yake kana anotonga hama yake anenge achishora mutemo uye achitonga mutemo. Zvino kana uchitonga mutemo, hausi kuita zvinodiwa nemutemo asi uri mutongi. 12 Pane mumwe chete anopa mitemo uye Mutongi,+ iye anokwanisa kuponesa nekuparadza.+ Asi iwe ndiwe ani kuti utonge hama yako?+
13 Chinzwai zvino imi munoti: “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,”+ 14 asi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.+ Nekuti muri mhute inooneka nguva pfupi yobva yanyangarika.+ 15 Pane kudaro, munofanira kuti: “Kana Jehovha* achida,+ tichararama toita ichi kana icho.” 16 Asi zvino munodada nekuzvirumbidza kwenyu muchizvitutumadza. Kuzvirumbidza kwese kwakadaro kwakaipa. 17 Saka kana munhu achiziva zvinhu zvakarurama asi orega kuzviita, anenge achiita chivi.+
5 Inzwai imi vapfumi, chemai muridze mhere nemhaka yematambudziko achakuwirai.+ 2 Pfuma yenyu yaora, uye nguo dzenyu dzadyiwa nezvitemamachira.*+ 3 Goridhe renyu nesirivha yenyu zvapera nengura, uye ngura yazvo ichapupurira kuti mune mhosva uye ichadya nyama yenyu. Zvinhu zvamakaunganidza zvichaita semoto mumazuva ekupedzisira.+ 4 Mibhadharo yamakanyima vashandi vakakohwa minda yenyu iri kuramba ichishevedzera, uye kuchema kwevakohwi vachikumbira kubatsirwa kwasvika munzeve dzaJehovha* wemauto.+ 5 Makararama upenyu hweumbozha uye maiita zvekungofadza nyama yenyu panyika. Makadya mukakora muchimirira zuva rekuurayiwa kwenyu.+ 6 Makapa mhosva munhu akarurama uye makamuuraya. Iye haasi kukushorai here?
7 Saka hama rambai muchimirira nemwoyo murefu kusvikira pakuvapo kwaShe.+ Fungai nezvemurimi uyo anoramba achimirira zvibereko zvinokosha zvevhu, anozvimirira nemwoyo murefu kusvikira mvura yekutanga nemvura yekupedzisira yanaya.+ 8 Nemiwo ivai nemwoyo murefu;+ simbisai mwoyo yenyu, nekuti kuvapo kwaShe kwava pedyo.+
9 Hama, musagunun’unirana* kuti murege kutongwa.+ Onai! Mutongi akatomira pasuo. 10 Hama, fungai nezvevaprofita vakataura muzita raJehovha*+ motevedzera muenzaniso wavo wekutsungirira matambudziko+ uye kuva nemwoyo murefu.+ 11 Tinoti vanofara* vaya vakatsungirira.+ Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho+ uye makaona zvaakazoitirwa naJehovha,*+ kuti Jehovha* ane tsitsi huru uye ane ngoni.+
12 Asi kupfuura zvese hama dzangu, regai kupika nedenga kana nenyika kana kuita chero imwe mhiko. Asi “Hongu” wenyu ngaave hongu, uye “Kwete,” wenyu, kwete,+ kuti murege kutongwa.
13 Pakati penyu pane ane dambudziko here? Ngaarambe achinyengetera.+ Pane ari kufara here? Ngaaimbe mapisarema.+ 14 Pakati penyu pane anorwara here? Ngaashevedze vakuru+ veungano, uye ngavamunyengeterere vachimuzora+ mafuta muzita raJehovha.* 15 Munyengetero unopiwa nekutenda uchaporesa murwere wacho,* uye Jehovha* achamusimbisa. Uyewo kana aine zvivi zvaakaita, acharegererwa.
16 Saka reururai muchiudzana zvivi zvenyu+ pachena uye nyengetereranai kuti muporeswe. Kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.*+ 17 Eriya aingovawo munhu sesu, asi paakanyengetera nemwoyo wese kuti kusanaya, mvura haina kunaya munyika yacho kwemakore matatu nemwedzi 6.+ 18 Akanyengeterazve, denga rikanayisa mvura, nyika yacho ikabereka.+
19 Hama dzangu, kana pakati penyu pakava neanotsauswa pachokwadi, mumwe omudzora, 20 zivai kuti munhu anodzora mutadzi panzira yake yekukanganisa+ achamuponesa* parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.+
Kana kuti “asingapi mhosva.”
Kana kuti “ruchiva rwake rwomukwezva sehwambo.”
ChiGir., “rwabata pamuviri.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvakaipa zvizhinji.”
Kana kuti “kuponesa mweya yenyu.”
Kana kuti “asingaisi matomu parurimi rwake.”
ChiGir., “nemutemo werusununguko.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
Kana kuti “wakaoma.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nevaya.”
ChiGir., “munhengo dzenyu.”
Kana kuti “vasina kuvimbika.”
Utwu tuzvipembenene tunodya machira.
Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
Kana kuti “musanyunyutirana.”
Kana kuti “vakakomborerwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu anenge akaneta.”
ChiGir., “kune simba guru pakunenge kuchishanda.”
Kana kuti “achaponesa mweya wake.”