TSAMBA YEKUTANGA KUNA TIMOTI
1 Pauro, muapostora waKristu Jesu akatumwa naMwari Muponesi wedu uye naKristu Jesu, tariro yedu,+ 2 kuna Timoti,*+ mwana chaiye+ mukutenda:
Nyasha nengoni nerugare zvinobva kuna Mwari Baba nekuna Kristu Jesu Ishe wedu ngazvive newe.
3 Pandakanga ndava kuenda kuMakedhoniya ndakambokukurudzira kuti urambe uri muEfeso uye izvi ndizvo zvandiri kukukurudzirazve kuti uite, ndichiitira kuti urayire vamwe varimo kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso, 4 kana kuteerera ngano+ nenhoroondo dzemadzinza. Zvinhu zvakadaro hazvina zvazvinobatsira,+ asi kuti zvinoita kuti vanhu vataure zvavasina chokwadi nazvo uye hazvienderani nezvatakapiwa naMwari kuti zvisimbise kutenda kwedu. 5 Chinangwa chemurayiro uyu ndechekuti tinofanira kuva nerudo+ runobva pamwoyo wakachena nemuhana yakanaka nepakutenda+ kusina unyengeri. 6 Vamwe vakatsauka pakuita zvinhu izvi, vakatanga kubatikana nenyaya dzisina zvadzinobatsira.+ 7 Vanoda kuva vadzidzisi+ vemutemo, asi havanzwisisi zvinhu zvavanotaura kana zvinhu zvavanosimbirira kudzidzisa.
8 Tinoziva kuti Mutemo wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka, 9 achiziva kuti mutemo hauna kuitirwa munhu akarurama, asi wakaitirwa vaya vasingateereri mutemo+ nevanopanduka, vasingadi Mwari, vatadzi, vasina kuvimbika nevasina kuchena, vanouraya vanababa uye vanouraya vanaamai, mhondi, 10 mhombwe,* varume vanoita zveungochani,* vanoba vanhu, vanoreva nhema, vanopika zvenhema, uye zvinhu zvese zvinopesana nedzidziso yakanaka*+ 11 inoenderana nemashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara, andakapiwa kuti ndizivise.+
12 Ndinotenda Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, nekuti akaona kuti ndakatendeka nekundipa kwaakaita ushumiri,+ 13 kunyange zvazvo ndaimbova munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.+ Asi ndakanzwirwa tsitsi nekuti ndaizviita ndisingazivi uye ndisina kutenda. 14 Asi nyasha dzandakaratidzwa naShe wedu dzakawanda zvikuru pamwe nekutenda nerudo zviri muna Kristu Jesu. 15 Shoko iri nderechokwadi uye rinofanira kubvumwa zvakakwana: Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi.+ Ini ndini mutadzi mukuru pavari vese.+ 16 Kunyange zvakadaro, ndakanzwirwa tsitsi kuitira kuti Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake wese achishandisa muenzaniso wangu unopfuura mimwe yese, kuti vaya vachaisa kutenda kwavo maari nechinangwa chekuwana upenyu husingaperi, vanditevedzere.+
17 Saka Mambo asingagumi,+ asingafi,*+ asingaoneki,+ iye Mwari oga,+ ngaapiwe kukudzwa nembiri nariini nariini. Ameni.
18 Ndiri kukurayira mwanangu Timoti, maererano nezvakaprofitwa nezvako, kuitira kuti urambe uchirwa hondo yakanaka,+ 19 uine kutenda nehana yakanaka,+ iyo yakaraswa nevamwe, zvikaita kuti kutenda kwavo kuparare sengarava yaita tsaona. 20 Vamwe vavo ndiHimeniyo+ naArekizanda, uye ndakavaisa kuna Satani+ kuti varangwe, vadzidze kusamhura.
2 Saka ndinotanga nekukurudzira kuti munyengeterere vanhu vakasiyana-siyana muchiteterera nekuvakumbirira nekuonga, 2 kusanganisira madzimambo nevaya vese vane zvinzvimbo zvepamusoro,+ kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama uye hune runyararo, takanyatsozvipira kuna Mwari uye tichiita zvinhu nemwoyo wese.+ 3 Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi peMuponesi wedu, Mwari,+ 4 uyo anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe+ uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi. 5 Nekuti kuna Mwari mumwe chete,+ nemurevereri mumwe chete+ pakati paMwari nevanhu,+ ariwo munhu, Kristu Jesu,+ 6 uyo akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese;*+ izvi ndizvo zvichapupurirwa nezvazvo panguva yacho chaiyo. 7 Nekuda kweuchapupu uhwu,+ ndakagadzwa kuti ndive muparidzi uye muapostora,+ (ndiri kutaura chokwadi, handisi kunyepa), mudzidzisi wemamwe marudzi+ panyaya yekutenda uye yechokwadi.
8 Saka ndinoda kuti munzvimbo dzese dzamunoungana, varume varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika,+ vasingaiti hasha+ uye nharo.+ 9 Vakadzi vanofanirawo kupfeka zvipfeko zvine mutsigo,* zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka, kwete kuruka bvudzi negoridhe kana nemaparera kana kupfeka zvinhu zvinonyanya kudhura,+ 10 asi ngavapfeke nenzira inokodzera vakadzi vakazvipira kuna Mwari,+ nemabasa akanaka.
11 Mukadzi ngaadzidze akanyarara* achinyatsozviisa pasi.+ 12 Handibvumiri mukadzi kuti adzidzise kana kuti atonge murume, asi anofanira kuramba akanyarara.*+ 13 Nekuti Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.+ 14 Uyewo Adhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi ndiye akanyengerwa kwazvo,+ akava mutadzi. 15 Asi achachengetedzwa nekubereka vana,+ ndokunge aramba ari* mukutenda nemurudo nemuutsvene aine pfungwa dzakanaka.+
3 Mashoko aya ndeechokwadi: Kana murume achivavarira kuva mutariri,+ ari kuda basa rakanaka. 2 Saka mutariri anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa, murume ane mudzimai mumwe chete, anoita zvinhu zvine mwero, ane pfungwa dzakanaka,+ akarongeka, anogamuchira vaenzi zvakanaka,*+ anokwanisa kudzidzisa,+ 3 asiri chidhakwa,+ asingaiti mhirizhonga,* asi anonzwisisa,+ asingapopoti,+ asingakari mari,+ 4 murume anotungamirira imba yake zvakanaka, ane vana vanozviisa pasi nemwoyo wese+ 5 (nekuti kana murume asingagoni kutungamirira imba yake, angazotungamirira sei ungano yaMwari?), 6 kwete murume achangobva kutendeuka,+ kuti arege kuzokurirwa nekuzvikudza, akapiwa mutongo wakafanana newaDhiyabhorosi. 7 Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka nevanhu vari kunze,*+ kuti arege kuzvidzwa* uye kupinda mumusungo waDhiyabhorosi.
8 Vashumiri veungano vanofanirawo kuva vanhu vanoita zvinhu nemwoyo wese, vasina mashoko maviri,* vasinganwisi waini, vasingakari pfuma,+ 9 vanochengeta chakavanzika chitsvene* chekutenda vaine hana yakachena.+
10 Uyewo vanofanira kutanga vaedzwa kuti vaonekwe kana vachikodzera; vozoshanda sevashumiri, kana vasina zvavanopomerwa.+
11 Vakadzi vanofanirawo kuita zvinhu nemwoyo wese, vasingatauri zvinosvibisa mazita evamwe,+ vachiita zvinhu zvine mwero, vakatendeka muzvinhu zvese.+
12 Vashumiri veungano vanofanira kuva nemudzimai mumwe chete, vachitungamirira vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka. 13 Nekuti varume vanoshumira zvakanaka vari kuwana zita rakanaka uye rusununguko rwekutaura pakutenda kuri muna Kristu Jesu.
14 Ndiri kukunyorera zvinhu izvi, kunyange zvazvo ndiri kutarisira kuuya ikoko nekukurumidza, 15 kuitira kuti kana ndikanonoka, uzive kuti unofanira kuzvibata sei muimba yaMwari,+ ungano yaMwari mupenyu, mbiru nefaundesheni inotsigira chokwadi. 16 Hazvirambiki kuti chakavanzika chitsvene chekuzvipira kuna Mwari uku chinhu chikuru, chekuti: ‘Iye akaratidzwa pachena panyama,+ akanzi akarurama mumweya,+ akazviratidza kungirozi,+ akaparidzwa nezvake pakati pemamwe marudzi,+ akatendwa munyika,+ akagamuchirwa kudenga mukubwinya.’
4 Asi shoko rakafemerwa rinonyatsotaura* zvakajeka kuti munguva inouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafemerwa kunotsausa*+ nedzidziso dzemadhimoni, 2 neunyengeri hwevanhu vanonyepa,+ vane hana dzinoita sedzakapiswa nesimbi inoisa mucherechedzo. 3 Vanorambidza vanhu kuroorana+ uye vanorambidza vanhu zvekudya+ zvakasikwa naMwari kuti zvidyiwe+ nekuonga nevaya vane kutenda+ uye vanoziva chokwadi zvakarurama. 4 Nekuti zvisikwa zvese zvaMwari zvakanaka,+ uye hapana chinofanira kurambwa+ kana chichigamuchirwa nekuonga, 5 nekuti chinoitwa kuti chive chitsvene neshoko raMwari nekuchinyengeterera.
6 Kana ukapa hama mazano aya, uchava mushumiri waKristu Jesu akanaka, akarerwa nemashoko ekutenda needzidziso yakanaka yawakanyatsotevera.+ 7 Asi ramba ngano+ dzekumhura sedziya dzinotaurwa nechembere. Asi iva nechinangwa chekuzvidzidzisa kuzvipira kuna Mwari. 8 Nekuti kusimbisa muviri kunobatsira zvishoma, asi kuzvipira kuna Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, sezvo kuine vimbiso yeupenyu huno neupenyu huchauya.+ 9 Mashoko iwayo ndeechokwadi uye anofanira kubvumwa zvakakwana. 10 Ndokusaka tiri kushanda nesimba, tichirwisa,+ nekuti takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu, anova ndiye Muponesi+ wevanhu vese,+ kunyanya wevakatendeka.
11 Ramba uchirayira nekudzidzisa vanhu zvinhu izvi. 12 Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki. Asi iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pakuzvibata, parudo, pakutenda, patsika dzakachena.* 13 Ramba uchishingairira kuverenga paruzhinji,+ kukurudzira, uye kudzidzisa, kusvikira ndauya. 14 Usarega kushandisa chipo chiri mauri chawakapiwa kuburikidza neuprofita, pakaiswa maoko pauri nedare revakuru.+ 15 Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese. 16 Ramba uchizvichenjerera iwe pachako, nekudzidzisa kwako.+ Ramba wakashinga pakuita zvinhu izvi, nekuti kana ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.+
5 Usatsiura murume mukuru nehasha.+ Asi taura naye zvakanaka seuri kutaura nababa, uye taura nevarume vadiki sevanin’ina, 2 vakadzi vakuru savanaamai, vakadzi vadiki sehanzvadzi nekuchena kwese.
3 Batsira* chirikadzi kana dziri chirikadzi chaidzo.*+ 4 Asi kana chirikadzi iine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kuratidza kuti vakazvipira kuna Mwari mumba mavo+ uye ngavachichengetawo vabereki vavo navanambuya vavo,+ nekuti izvi ndizvo zvinofadza Mwari.+ 5 Mukadzi anenge ari chirikadzi chaiyo uye akasiyiwa asina chaainacho, tariro yake iri muna Mwari+ uye anoramba achiteterera kuna Mwari, achinyengetera siku nesikati.+ 6 Asi uya anongoda zvekufadza nyama, akafa kunyange zvazvo ari mupenyu. 7 Saka ramba uchipa mirayiro iyi, kuti vasava nechavanopomerwa. 8 Chokwadi kana munhu asingachengeti vekwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, anenge aramba kutenda uye akaipa kupfuura munhu asingatendi.+
9 Chirikadzi inofanira kunyorwa pasi kuti ibatsirwe kana isiri pasi pemakore 60, iri mudzimai aiva nemurume mumwe chete, 10 ichizivikanwa nemabasa akanaka,+ kana yakarera vana,+ kana yaigamuchira vaenzi zvakanaka,+ kana yaigeza tsoka dzevatsvene,+ kana yaibatsira vanotambura,+ kana yaizvipira kuita mabasa ese akanaka.
11 Asi usanyora chirikadzi diki kuti dzibatsirwe, nekuti kana chishuwo chadzo chebonde chava kudziparadzanisa naKristu, dzinobva dzada kuroorwa. 12 Uye dzinowana mutongo nekuti dzinenge dzasiya kutenda kwadzaiva nako pakutanga.* 13 Ipapo ndipo padzinotangawo kushaya zvekuita, dzichifamba dzichitevedza dzimba dzevamwe; kwete izvozvo chete, asi dzinenge dzava kuitawo makuhwa dzichipindira munyaya dzevamwe,+ dzichitaura zvinhu zvadzisingafaniri kutaura. 14 Saka chido changu ndechekuti chirikadzi dzechidiki dziroorwe,+ dzibereke vana,+ dziite mabasa epamba, kuti dzirege kupa munhu anopikisa mukana wekutsoropodza. 15 Ndingatoti vamwe vakatotsauswa kuti vatevere Satani. 16 Kana paine mukadzi anotenda, ane hama dzake chirikadzi, ngaadzibatsire kuitira kuti ungano isaremedzwe, ingobatsira chirikadzi chaidzo.*+
17 Vakuru vanotungamirira zvakanaka+ vanofanira kunzi vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri,+ kunyanya vaya vanoshanda nesimba pakutaura nepakudzidzisa.+ 18 Nekuti rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe* kana ichipura zviyo,”+ uyewo, “Mushandi akakodzera kuwana mubayiro wake.”+ 19 Usabvuma kana murume mukuru achipomerwa imwe nyaya, kunze kwekunge paine uchapupu hwezvapupu zviviri kana zvitatu.+ 20 Vaya vanoita chivi vatsiure+ pamberi pevanhu vese,+ kuti vamwe vese vasazozviita.* 21 Ndinokuudza zvakasimba pamberi paMwari naKristu Jesu nengirozi dzakasarudzwa, kuti uchengete mirayiro iyi usina divi rawakarerekera kana kuita rusarura.+
22 Usakurumidza kuisa maoko ako pamunhu;*+ uye usabatanidzwa muzvivi zvevamwe; ramba wakachena.
23 Usaramba uchingonwa mvura chete, asi inwa waini shomanana nekuda kwemudumbu mako uye kurwara-rwara kwaunogara uchiita.
24 Zvivi zvevamwe vanhu zvinobuda pachena, zvekuti vanobva vatotongwa, asi zvevamwe zvinozoonekwa pava paya.+ 25 Mabasa akanaka anobudawo pachena+ uye aya asingakurumidzi kubuda haagoni kuramba akavanzika.+
6 Vanhu vese vari pajoko reuranda ngavarambe vachiziva kuti vanatenzi vavo vakakodzera kukudzwa zvizere,+ kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kutaurwa zvakaipa nezvazvo.+ 2 Uyewo, vaya vane vanatenzi vanotenda ngavarege kuvashora vachiti ihama. Asi vanofanira kuvashandira nechido chakatowedzera, nekuti vaya vari kubatsirwa nemabasa avo akanaka vatendi uye vanhu vanodiwa.
Ramba uchidzidzisa zvinhu izvi uchipa mirayiro iyi. 3 Kana munhu akadzidzisa imwe dzidziso, asingabvumirani nedzidziso yakanaka*+ inobva kunaShe wedu Jesu Kristu, kana dzidziso inoenderana nekuzvipira kuna Mwari,+ 4 anenge achizvitutumadza uye haana chaanonzwisisa.+ Anofarira zvenharo nekukakavadzana pamusoro pemashoko.+ Zvinhu izvi zvinoita kuti pave negodo, kukakavadzana, kutukana, kufungirana zvakaipa, 5 uye nharo dzisingaperi pamusoro petunyaya tusina basa dzinoitwa nevanhu vane pfungwa dzakakanganisika+ nevasisazivi chokwadi, vanofunga kuti kuzvipira kuna Mwari inzira yekuwana nayo pfuma.+ 6 Kutaura chokwadi, kuzvipira kuna Mwari+ pamwe chete nekugutsikana ipfuma huru. 7 Nekuti hapana chatakauya nacho munyika, uye hapana chatinobuda nacho.+ 8 Saka kana tiine zvekudya nezvekupfeka,* tichagutsikana nezvinhu izvi.+
9 Asi vaya vane shungu dzekupfuma vanowira mumuedzo nemumusungo+ nemukuchiva zvinhu zvizhinji zvisina musoro uye zvinokanganisa, zvichinyudza vanhu mukuparadzwa nemukurasikirwa.+ 10 Nekuti kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvese zvakaipa, uye vachivavarira kuzadzisa chido ichocho, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pese pese nemarwadzo akawanda.+
11 Asi iwe munhu waMwari, tiza zvinhu izvi. Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, uye unyoro.+ 12 Irwa kurwa kwakanaka kwekutenda; batisisa upenyu husingaperi hwawakadanirwa uye hwawakazivisa zvakanaka pachena pamberi pezvapupu zvakawanda.
13 Pamberi paMwari, uyo anochengetedza zvinhu zvese zviri zvipenyu, uye paKristu Jesu, uyo akapa uchapupu hwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,+ ndinokurayira 14 kuti uchengete murayiro zvekuti haupiwi mhosva uye hauna chaunopomerwa kusvikira pakuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu,+ 15 uko kucharatidzwa kana nguva yacho yakwana naiye anofara, iye ega Mutongi Ane Simba. Iye ndiye Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe,+ 16 iye ega asingafi,+ anogara muchiedza chisingasvikiki,+ asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.+ Kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
17 Rayira vaya vakapfuma munyika ino* kuti varege kuzvikudza, uye kuti vasaise tariro yavo papfuma inogona kungoparara,+ asi pana Mwari, uyo anotipa zvinhu zvese zvinotifadza.+ 18 Vaudze kuti vaite zvakanaka, vapfume pamabasa akanaka, vasanyima, vapewo vamwe zvavainazvo,+ 19 vozvichengetera pfuma isingaparare, inova faundesheni yakanaka yeramangwana,+ kuti vabatisise upenyu chaihwo.+
20 Timoti, chengetedza zvinhu zvakaiswa mumaoko ako,+ uchifuratira mashoko asina zvaanobatsira anoshatisa zvinhu zvitsvene, nemashoko ekupikisa enhema dzavanoti ruzivo.+ 21 Vamwe vachishamisira neruzivo rwakadaro, vakatsauka pakutenda.
Nyasha dzaMwari ngadzive nemi.
Kureva kuti “Uya Anokudza Mwari.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
ChiGir., “varume vanorara nevarume.”
Kana kuti “inopa utano; inobatsira.”
Kana kuti “asingaori.”
Kana kuti “vakasiyana-siyana.”
Kana kuti “zvinoremekedzeka.”
Kana kuti “akadzikama.”
Kana kuti “akadzikama.”
ChiGir., “varamba vari.”
Kana kuti “anobata zvakanaka vanhu vaasingazivi.”
Kana kuti “asingarovi.”
Kana kuti “kuva nemukurumbira wakanaka.”
Kana kuti “kunyadziswa.”
Kana kuti “vasinganyengeri.”
Kana kuti “mweya unonyatsotaura.”
ChiGir., “mweya inotsausa.”
Kana kuti “pakuva akachena.”
ChiGir., “Kudza.”
Kana kuti “dzinonyatsoda rubatsiro”; kureva, dzisina anodzichengeta.
Kana kuti “dzasiya zvadzakambovimbisa.”
Kana kuti “dzinonyatsoda rubatsiro”; kureva, dzisina anodzichengeta.
ChiGir., “wemukono wemombe.”
ChiGir., “vatye.”
Kureva kuti, usakurumidza kugadza munhu.
Kana kuti “inopa utano; inobatsira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nepekugara.” ChiGir., “nechekuzvifukidza.”
Kana kuti “mumamiriro ano ezvinhu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.