RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt VaRoma 1:1-16:27
  • VaRoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaRoma
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaRoma

TSAMBA KUVAROMA

1 Pauro, muranda waKristu Jesu, uyo akadanwa kuti ave muapostora, akatsaurwa kuti aparidze mashoko akanaka aMwari,+ 2 aakagara avimbisa kare muMagwaro matsvene achishandisa vaprofita vake, 3 pamusoro peMwanakomana wake, akaberekwa mudzinza raDhavhidhi*+ panyama, 4 asi akaziviswa nesimba seMwanakomana waMwari+ maererano nemweya mutsvene paakamutswa kuvakafa,+ iye Jesu Kristu Ishe wedu. 5 Kuburikidza naye takanzwirwa nyasha uye takaitwa kuti tive vaapostora+ kuitira kuti marudzi+ ese ateerere zvichibva pakutenda muzita rake. 6 Nemiwo makadanwa kubva mumarudzi iwayo kuti muve vanhu vaJesu Kristu. 7 Ndinonyorera vaya vese vari muRoma vanodiwa naMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene:

Nyasha nerugare zvaMwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

8 Kutanga, ndinotenda Mwari wangu nekuna Jesu Kristu pamusoro penyu mese, nekuti kutenda kwenyu kuri kutaurwa nezvako munyika yese. 9 Nekuti Mwari wandinoitira basa dzvene nemweya wangu wese, ndichizivisa mashoko akanaka pamusoro peMwanakomana wake, ndiye anondipupurira kuti ndinogara ndichitaura nezvenyu muminyengetero yangu,+ 10 ndichikumbira kuti kana zvichibvira iye zvino ndibudirirewo kuuya kwamuri kana Mwari achida. 11 Nekuti ndiri kusuwa kukuonai, kuti ndikupei chipo chemweya kuti musimbiswe; 12 kana kuti tikurudzirane,+ imi muchindikurudzira nekutenda kwenyu ini ndichikukurudziraiwo nekwangu.

13 Asi hama, ndinoda kuti muzive kuti ndakaedza kakawanda kuuya kwamuri, asi nguva yese iyi ndanga ndichitadziswa kuuya kuzowana zvibereko pakati penyu sekuwana kwandakazviita pakati pemamwe marudzi ese. 14 Ndine chikwereti kuvaGiriki nevasiri vaGiriki, kune vakachenjera nevasina kuchenjera; 15 saka ndinoda chaizvo kukuzivisaiwo mashoko akanaka kuRoma ikoko.+ 16 Nekuti handinyari nemashoko akanaka;+ iwo anotova simba raMwari rekuponesa kumunhu wese anotenda,+ kutanga kumuJudha+ uyewo kumuGiriki.+ 17 Nekuti maari,* kururama kwaMwari kuri kubudiswa pachena kune vanotenda,+ uye izvi zvinosimbisa kutenda kwavo, sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Asi munhu akarurama achararama nekutenda.”+

18 Nekuti Mwari ari kuratidza hasha dzake+ ari kudenga pavanhu vese vasingamuteereri uye vasina kururama vari kuita kuti chokwadi chisazivikanwa+ vachishandisa nzira yavo isina kururama, 19 nekuti zvese zvinogona kuzivikanwa nezvaMwari zvinonyatsooneka pakati pavo, sezvo Mwari akaita kuti zvinyatsojeka kwavari.+ 20 Nekuti kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, kubvira pakasikwa nyika, vanhu vagara vachikwanisa kuziva simba rake risingagumi+ uye kuva kwake Mwari,+ nekuti vanogona kuzvinzwisisa kubva pazvinhu zvakasikwa,+ zvekuti havangazoti takanga tisingazivi. 21 Nekuti kunyange zvazvo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari uye havana kumuonga, asi pfungwa dzavo dzakatanga kufunga zvisina musoro uye mwoyo yavo isina ungwaru yakava nerima.+ 22 Kunyange zvazvo vaizviti vakachenjera, vakava mapenzi, 23 vakachinja kubwinya kwaMwari asingaori kuti kufanane nemufananidzo wemunhu anoora neweshiri nezvisikwa zvine makumbo mana nezvinokambaira.+

24 Saka Mwari, achiita zvinoenderana nekuchiva kwemwoyo yavo, akavasiya vachiita zvisina kuchena, kuti varege kuremekedza miviri yavo pachavo. 25 Vakasarudza kutenda nhema pane kutenda chokwadi chaMwari, vakanamata uye vakaitira zvinhu zvakasikwa basa dzvene panzvimbo pekuitira Musiki, anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni. 26 Ndokusaka Mwari akavarega vachiva nechishuwo chinonyadzisa chekurara vese,+ nekuti vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa vakatanga kuita zvinopesana nemasikirwo avo;+ 27 ndizvo zvakaitwawo nevanhurume; vakasiya zvavakasikwa vachifanira kuita nevanhukadzi, vakachivana vega zvinotyisa, vanhurume nevanhurume,+ vachiita zvinonyadzisa uye vachiwana chirango chakakwana, chinoenderana nekutadza kwavo.+

28 Sezvo vakaona zvisina kukodzera kuti vabvume kuti Mwari ariko, Mwari akavarega vachiva nemafungiro akaipa, kuti vaite zvinhu zvisina kukodzera.+ 29 Uye vakanga vakazara nekusarurama kwese,+ uipi, makaro,+ nezvakaipa, vakazara neruchiva,+ umhondi,+ kukakavadzana, unyengeri,+ neutsinye,+ vari vanhu vane makuhwa, 30 vanonyeya vamwe,+ vanovenga Mwari, vasingaremekedzi vamwe, vanozvikudza, vanozvirumbidza, vanorongera vamwe zvakaipa, vasingateereri vabereki,+ 31 vasinganzwisisi,+ vasingachengeti zvibvumirano, vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasina tsitsi. 32 Kunyange zvazvo vanhu ava vachinyatsoziva murayiro waMwari wakarurama, wekuti vanhu vanoita zvinhu zvakadaro vakakodzera kufa,+ vanongoramba vachizviita, vachitotsigira vanozviita.

2 Saka iwe munhu, kana uchitonga vamwe, haugoni kunzi hauna mhosva, pasinei nekuti ndiwe ani;+ nekuti pauri kutonga mumwe, uri kuzvipa mhosva, nekuti iwe wacho unotonga unoitawo zvaari kuita iye.+ 2 Tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi, kuchirwisana nevaya vanoita zvinhu zvakadaro.

3 Asi iwe munhu, paunotonga vanhu vanoita zvinhu zvakadaro iwe uchizviitawo, unofunga kuti uchapona here pakutonga kwaMwari? 4 Kana kuti unozvidza here pfuma yemutsa wake+ uye kunonoka kwake kutsamwa nemwoyo murefu wake,+ usingazivi kuti Mwari ari kuratidza mutsa wake achiedza kuita kuti upfidze zvivi zvako?+ 5 Asi nekuomesa kwauri kuita musoro uchirega kupfidza zvivi mumwoyo mako, uri kuzviunganidzira hasha pazuva rehasha dzaMwari raacharatidza kutonga kwake kwakarurama.+ 6 Uye achaitira mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake:+ 7 upenyu husingaperi kune vaya vari kutsvaga kubwinya nekukudzwa nekusaora+ vachitsungirira mubasa rakanaka; 8 asi hasha nekutsamwa kune vaya vane nharo uye vasingateereri chokwadi, vachiteerera zvinhu zvisina kururama.+ 9 Pachava nekutambudzika nenhamo pamunhu wese* anoita zvakaipa, kutanga pamuJudha uyewo pamuGiriki; 10 asi kubwinya nekukudzwa nerugare zvichava pamunhu wese anoita zvakanaka, kutanga pamuJudha+ uyewo pamuGiriki.+ 11 Nekuti Mwari haasaruri.+

12 Nekuti vese vakatadza vasina mutemo vachapararawo vasina mutemo;+ asi vese vakatadza vari pasi pemutemo vachatongwa nemutemo.+ 13 Nekuti vanonzwa mutemo havasi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vanotevedzera mutemo vachanzi vakarurama.+ 14 Nekuti vanhu vemamwe marudzi, avo vasina mutemo,+ pavanoita zvinhu zvemutemo maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. 15 Ivo ndivo vanoratidza vega kuti mutemo wakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo ichipupurirana navo, uye zvavanofunga zvinoita kuti vapiwe mhosva kana kuti vanzi havana mhosva. 16 Izvi zvichaitika pazuva richashandiswa Kristu Jesu naMwari kuti atonge zvinhu zvevanhu zvakavanzika,+ maererano nemashoko akanaka andinozivisa.

17 Kana uchizviti uri muJudha,+ uchivimba neMutemo uye uchidada nekuti unonamata Mwari, 18 uchiziva kuda kwake uye uchibvumira zvinhu zvakanaka nekuti unodzidziswa Mutemo,+ 19 uye uine chokwadi kuti uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevaya vari murima, 20 mururamisi wevasingafungi, mudzidzisi wevana, uye uchinyatsonzwisisa maumbirwo akaitwa ruzivo nechokwadi zviri muMutemo, 21 hauzvidzidzisi here, sezvo uri iwe unodzidzisa vamwe?+ Iwe unoparidza kuti “Usaba,”+ haubi here? 22 Iwe unoti “Usaita upombwe,”+ hauiti upombwe here? Iwe unosema zvidhori, haubiri temberi here? 23 Iwe unodada neMutemo, hauzvidzi Mwari here nekutyora kwaunoita Mutemo? 24 Nekuti “zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhaka yenyu,” sekunyorwa kwazvakaitwa.+

25 Kuchecheudzwa+ kunongobatsira chete kana uchitevedzera mutemo;+ asi kana uchityora mutemo, kuchecheudzwa kwako hakuna zvakunobatsira. 26 Saka kana munhu asina kuchecheudzwa+ achitevedzera zvinhu zvakarurama zviri muMutemo, kusachecheudzwa kwake hakunganzi kuchecheudzwa here?+ 27 Uye munhu asina kuchecheudzwa panyama, kana achitevedzera Mutemo, achakutonga iwe unotyora mutemo kunyange zvazvo uine bumbiro rawo rakanyorwa uye wakachecheudzwa. 28 Nekuti anonzi muJudha haasi uya akadaro nechekunze,+ uye kuchecheudzwa hakusi kuya kwekunze, kwakaitwa panyama.+ 29 Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechemukati,+ uye kuchecheudzwa kwake ndekuya kwemwoyo+ kunoitwa nemweya, kwete kunobva pabumbiro remutemo rakanyorwa.+ Kurumbidzwa kwemunhu iyeye kunobva kuna Mwari, kwete kuvanhu.+

3 Saka muJudha anganzi ari nani pane vamwe pakudii, kana kuti kuchecheudzwa kunobatsirei? 2 Anopfuura vamwe pazvese. Chekutanga, vaJudha vakapiwa mashoko matsvene aMwari.+ 3 Saka nyaya yacho iri papi? Kana vamwe vasina kutenda, kushayiwa kwavo kutenda kuchaita kuti Mwari anzi haana kutendeka here? 4 Hazvingambodaro! Asi Mwari ngaawanikwe ari wechokwadi,+ kunyange zvikaitika kuti vanhu vese vanzi vanoreva nhema,+ sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Kuti mashoko enyu aratidze kuti makarurama uye mukunde pamunenge muchitongwa.”+ 5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiita kuti kururama kwaMwari kuonekwe, tichati kudii? Mwari haana kururama here paanoratidza hasha dzake? (Ndiri kutaura sematauriro anoita vanhu.) 6 Hazvingamboiti! Kana zvikadaro Mwari achatonga sei nyika?+

7 Asi kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chikwidziridzwe zvekuti anokudzwa, nei ini ndava kutongwa semutadzi? 8 Uye sei tisingatauri sezvinotaurwa nevamwe vanhu vanoreva nhema vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zviuye”? Kutongwa kwevanhu ivavo kunonyatsokodzerana navo.+

9 Saka totii? Tinganzi tiri nani here? Kana! Nekuti tambotaura kuti vaJudha nevaGiriki, vese vane chivi;+ 10 sekunyorwa kwazvakaitwa: “Hapana munhu akarurama, kana mumwe chete zvake;+ 11 hapana ane njere; hapana anotsvaga Mwari. 12 Vanhu vese vakatsauka, vese zvavo vava vanhu vasina zvavanobatsira; hapana anoratidza vamwe mutsa, kana mumwe chete zvake.”+ 13 “Huro dzavo iguva rakavhurika; vanonyengera nerurimi rwavo.”+ “Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo.”+ 14 “Miromo yavo izere nekutuka nekuvava.”+ 15 “Tsoka dzavo dzinomhanyira kunodeura ropa.”+ 16 “Kuparadza nekuonesa vamwe nhamo ndiwo maitiro avo, 17 uye havazivi nzira yerugare.”+ 18 “Kutya Mwari hakusi pamberi pavo.”+

19 Tinoziva kuti zvinhu zvese zvinotaurwa neMutemo ndezvevaya vari pasi peMutemo, kuti miromo yese ishaye chekutaura uye nyika yese izvidavirire kuna Mwari pachirango chinobva kwaari.+ 20 Saka hapana munhu achanzi akarurama* pamberi pake nemabasa emutemo,+ nekuti mutemo ndiwo unoita kuti chivi chinyatsozivikanwa.+

21 Asi pasina kushandisa mutemo, kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena,+ sekupupurirwa kwazvinoitwa neMutemo neVaprofita kuti,+ 22 kururama kwaMwari kunobva mukutenda muna Jesu Kristu, kuti kubatsire vese vane kutenda. Nekuti hapana musiyano.+ 23 Nekuti vanhu vese vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari,+ 24 uye vakapiwa chipo chepachena+ chekunzi vakarurama nenyasha dzake+ kuburikidza nekusunungurwa nerudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.+ 25 Mwari akamupa sechibayiro kuti vanhu vayanane naye*+ kuburikidza nekutenda muropa rake.+ Izvi akazviitira kuti aratidze kururama kwake, nekuti Mwari, nemwoyo murefu wake, akaregerera zvivi zvakaitika kare. 26 Izvi akazviitira kuti azoratidza kururama kwake+ mumwaka uno, kuti ave akarurama paanenge achiti munhu anotenda muna Jesu akarurama.+

27 Saka pane chikonzero chekuti munhu azvirumbidze here? Hapana zvachose. Zvichirambidzwa nemutemo upi? Uya wemabasa here?+ Aiwa, asi mutemo wekutenda. 28 Nekuti tinoti munhu anonzi akarurama nekutenda, kwete nemabasa emutemo.+ 29 Kana kuti iye ndiMwari wevaJudha chete here?+ Haasi Mwari wevanhu vemamwe marudziwo here?+ Hongu ndewevanhu vemamwe marudziwo.+ 30 Sezvo Mwari ari mumwe chete,+ achati vanhu vakachecheudzwa vakarurama+ nekuda kwekutenda uye vanhu vasina kuchecheudzwa vakarurama+ nekuda kwekutenda kwavo. 31 Saka tinobvisa mutemo nekuda kwekutenda kwedu here? Kana! Tinotosimbisa mutemo.+

4 Kana zvakadaro, tichati Abrahamu tateguru vedu panyama vakawanei? 2 Semuenzaniso, kudai Abrahamu akanzi akarurama nekuda kwemabasa, angadai aine chikonzero chekuzvirumbidza, asi kwete pamberi paMwari. 3 Nekuti rugwaro runotii? “Abrahamu akatenda muna Jehovha,* uye akanzi akarurama.”+ 4 Kana munhu achishanda, mubhadharo waanopiwa haunganzi kungonzwirwawo nyasha, asi kuti mubhadharo wakamukodzera. 5 Asi kumunhu asingashandi asi achitenda muna Mwari uyo anoti munhu ane zvivi akarurama, kutenda kwake kunonzi kururama.+ 6 Sekutaura kunoitawo Dhavhidhi nezvemufaro wemunhu anonzi naMwari akarurama zvisingabvi pamabasa achiti: 7 “Vanofara vaya vakaregererwa mabasa avo ekutyora mutemo, uye vane zvivi zvakafukidzwa;* 8 anofara munhu ane chivi chisingazoyeukwi naJehovha.”*+

9 Saka mufaro uyu unouya pavanhu vakachecheudzwa chete here kana kuti unouyawo pavanhu vasina kuchecheudzwa?+ Nekuti tinoti: “Kutenda kwaAbrahamu kwakaita kuti anzi akarurama.”+ 10 Saka akanzi akarurama zvinhu pazvakanga zvakaita sei? Paakanga achecheudzwa here kana kuti asina kuchecheudzwa? Akanga asati achecheudzwa. 11 Uye akapiwa chiratidzo+ chekuchecheudzwa kuti chive chisimbiso chekururama kwakabva pakutenda kwaaiva nako paakanga asati achecheudzwa, kuti ave baba vevaya vese vanotenda+ vasina kuchecheudzwa, kuti vanzi vakarurama; 12 uye kuti ave baba vevakachecheudzwa, kwete baba vevaya vakangochecheudzwa chete, asi vaya vanofambawo zvakanaka mumakwara ekutenda kwaiva nababa vedu Abrahamu+ vasati vachecheudzwa.

13 Nekuti Abrahamu kana vana vake havana kuvimbiswa kuti vaizogara nhaka yenyika+ nekuti vakanga vachengeta mutemo, asi vakavimbiswa nekuti vakanga vanzi vakarurama zvichibva pakutenda.+ 14 Nekuti kana vaya vanotevedzera mutemo vari vagari venhaka, kutenda kunenge kusisabatsiri uye vimbiso yacho inenge isisashandi. 15 Chokwadi ndechekuti Mutemo unounza kuitirwa hasha,+ asi pasina mutemo, hapanawo kutadza.+

16 Ndokusaka vimbiso yakapiwa nekuda kwekutenda, kuti ive maererano nekungonzwirwawo nyasha,+ kuti ive yechokwadi kuvana vake vese,+ kwete chete kune vanochengeta Mutemo asiwo kune vanotenda sezvaiita Abrahamu, baba vedu tese.+ 17 (Izvi zvakangoita sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakugadza kuti uve baba vemarudzi mazhinji.”)+ Izvi zvaionekwa naMwari, waakanga atenda maari, uyo anoita kuti vakafa vave vapenyu uye anodana zvinhu zvisipo sekunge zviripo.* 18 Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+ 19 Uye kunyange zvazvo asina kupera simba pakutenda, akafunga nezvemuviri wake, uyo wakanga watoita sewakafa (sezvo akanga ava nemakore angasvika 100),+ uyewo kufa kwechibereko chaSara.*+ 20 Asi nezvaakanga avimbiswa naMwari, haana kuzununguka pakutenda; asi akasimbiswa nekutenda kwake, akakudza Mwari 21 aine chokwadi chakazara chekuti Mwari aikwanisa kuita zvaakanga avimbisa.+ 22 Saka “akanzi akarurama.”+

23 Asi shoko rekuti “akanzi” harina kungonyorerwa iye chete;+ 24 rakanyorerwawo isu tichanzi vakarurama, nekuti tinotenda muna iye akamutsa Jesu Ishe wedu kuvakafa.+ 25 Mwari akabvumira kuti aurayiwe nekuda kwezvitadzo zvedu+ uye akamumutsa kuti tinzi takarurama.+

5 Saka sezvo takanzi takarurama nekuda kwekutenda,+ ngativei nerugare* naMwari munaShe wedu Jesu Kristu,+ 2 akaita kuti kutenda kwedu kukwanise kutipinza munyasha idzi dzatakamira madziri;+ uye ngatifarei* patariro yekubwinya kwaMwari. 3 Kwete izvozvo chete, asi ngatifarei* patinenge tiri mumatambudziko,+ nekuti tinoziva kuti kutambudzika kunoita kuti titsungirire;+ 4 kutsungirira kuchiita kuti tifarirwe naMwari;+ kufarirwa ikoko kuchiita kuti tive netariro,+ 5 uye tariro haiiti kuti tiore mwoyo;+ nekuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nemweya mutsvene watakapiwa.+

6 Nekuti patakanga tichiri vanhu vasina simba,+ Kristu akafira vanhu vakaipa nguva yacho payakanga yakwana. 7 Nekuti kashoma kuti munhu afire munhu akarurama; asi zvimwe angatoshinga kufira munhu akanaka. 8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.+ 9 Saka sezvo takanzi takarurama neropa rake,+ tinotova nechokwadi chekuti tichaponeswa nemaari pahasha dzaMwari.+ 10 Nekuti kana takayananiswa naMwari pataiva vavengi vake achishandisa rufu rweMwanakomana wake,+ tinotova nechokwadi chekuti tichaponeswa neupenyu hwake, zvatava vanhu vakayananiswa. 11 Kwete izvozvo chete, asi tiri kufarawo muna Mwari nekunaShe wedu Jesu Kristu, uyo akaita kuti tikwanise kuyanana naMwari.+

12 Saka chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi,+ rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza+—. 13 Nekuti chivi chakanga chiri panyika Mutemo usati wavapo, asi munhu haanganzi ane chivi kana pasina mutemo.+ 14 Kunyange zvakadaro, rufu rwakatonga samambo kubvira kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, ruchitonga kunyange vaya vasina kutadza sekutadza kwakaita Adhamu, uyo akanga akafanana naiye aizouya.+

15 Asi chipo chacho hachina kufanana nechitadzo chacho. Nekuti kana vanhu vakawanda vakafa nemhaka yechitadzo chemunhu mumwe chete, nyasha dzaMwari nechipo chake chepachena icho chakavapo nenyasha dzemunhu mumwe chete,+ Jesu Kristu, zvingatadza here kubatsirawo* vanhu vakawanda?+ 16 Uyewo chipo chepachena hachina kufanana nemaitikiro azvakaita pakatadza munhu mumwe chete.+ Nekuti mutongo wakapiwa pashure pechitadzo chimwe chete waiva wekuti vanhu vese vane mhosva,+ asi chipo chakapiwa pashure pezvitadzo zvakawanda chaiva chekuti vanhu vanzi vakarurama.+ 17 Nekuti kana chitadzo chemunhu mumwe chete chakaita kuti rufu rutonge samambo zvichibva pamunhu iyeye,+ vaya vanogamuchira kuwanda kwenyasha dzaMwari nekwechipo chepachena chekururama+ vangatadza here kutonga semadzimambo+ muupenyu zvichibva pamunhu mumwe chete, iye Jesu Kristu?+

18 Saka sezvo chitadzo chemunhu mumwe chete chakaita kuti vanhu vese vanzi vane mhosva,+ chiito chimwe chete chekururamisa chakaitawo kuti vanhu vese+ vanzi vakarurama zvekukodzera kuwana upenyu.+ 19 Nekuti kusateerera kwemunhu mumwe chete kwakaita kuti vakawanda vanzi vatadzi,+ saka kuteerera kwemunhu mumwe chete kuchaitawo kuti vakawanda vanzi vakarurama.+ 20 Mutemo wakaiswa pachena kuti zvitadzo zviwedzere.+ Asi nekuwedzera kwakaita chivi, nyasha dzaMwari dzakatonyanya kuwedzerawo. 21 Zvichiitirwei? Zvichiitirwa kuti, sezvo chivi chakatonga samambo pamwe nerufu,+ nyasha dzaMwari dzitongewo samambo kuburikidza nekururama kunotungamirira kuupenyu husingaperi kuburikidza naJesu Kristu Ishe wedu.+

6 Saka totii? Toramba tiri muchivi here kuti tirambe tichingonzwirwawo nyasha? 2 Hazvifaniri kudaro zvachose! Tingaramba sei tichirarama muchivi+ isu takafa machiri?+ 3 Kana kuti hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu+ takabhabhatidzwa murufu rwake?+ 4 Saka takavigwa pamwe chete naye nerubhabhatidzo rwedu murufu rwake,+ kuti sekumutswa kwakaitwa Kristu kuvakafa nekubwinya kwaBaba, isuwo tinofanira kufamba muupenyu hutsva.+ 5 Kana takabatana naye murufu rwakafanana nerwake,+ chokwadi tichabatanawo naye parumuko rwakafanana nerwake.+ 6 Nekuti tinoziva kuti unhu hwedu hwekare hwakarovererwa pamwe chete naye+ kuti muviri wedu une chivi ushaye simba,+ kuti tirege kuramba tiri varanda vechivi.+ 7 Nekuti uya anenge afa asunungurwa pachivi* chake.

8 Uyezve kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo naye. 9 Nekuti tinoziva kuti sezvo Kristu akamutswa kuvakafa,+ haachafizve;+ rufu harusisiri tenzi paari. 10 Nekuti rufu rwaakafa, akafira chivi* kamwe chete zvikabva zvakwana,+ asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. 11 Saka nemiwo zvionei semakafa kuchivi asi muchiraramira Mwari muna Kristu Jesu.+

12 Saka musarega chivi chichiramba chichikutongai samambo mumiviri yenyu inofa+ kuti muteerere kuchiva kwayo. 13 Uye musaramba muchipa miviri yenyu* kuchivi sezvombo zvekusarurama, asi imi vacho zviisei kuna Mwari sevanhu vakamutswa kuvakafa, muchipawo miviri yenyu* kuna Mwari sezvombo zvekururama.+ 14 Nekuti chivi hachifaniri kuva tenzi pamuri, sezvo musiri pasi pemutemo+ asi pasi penyasha.+

15 Saka zviri kureva kutii? Toita chivi here nekuti hatisi pasi pemutemo asi pasi penyasha?+ Hazvifaniri kudaro zvachose! 16 Hamuzivi here kuti kana muchizvipa kumunhu sevaranda vanoteerera, muri varanda vewamunoteerera wacho,+ vangava vechivi+ chinotungamirira kurufu+ kana kuti vekuteerera kunotungamirira kukururama? 17 Asi tinotenda Mwari kuti kunyange zvazvo maimbova varanda vechivi, makava vanhu vanoteerera zvichibva pamwoyo madzidzisiro iwayo amakaiswa kwaari. 18 Sezvo makasunungurwa pakuva varanda vechivi,+ makava varanda vekururama.+ 19 Ndiri kutaura sematauriro anoita vanhu ndichizviitira kusasimba kwenyama yenyu; nekuti sekupa kwamakaita nhengo dzenyu kuti dzive varanda vekusachena nekusateerera mutemo kunotungamirira kukusateerera mutemo, iye zvino chipaiwo nhengo dzenyu sevaranda vekururama kunotungamirira kuutsvene.+ 20 Nekuti pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka pakururama.

21 Saka panguva iyoyo maibereka zvibereko zvakaita sei? Zvinhu zvamava kunyara nazvo iye zvino. Nekuti zvinhu izvozvo zvinoguma nerufu.+ 22 Asi sezvo iye zvino makasunungurwa pachivi mukava varanda vaMwari, muri kubereka zvibereko munzira yeutsvene,+ uye izvi zvinoguma neupenyu husingaperi.+ 23 Nekuti mubayiro wechivi ndirwo rufu,+ asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu+ ndihwo upenyu husingaperi.+

7 Hama, kungava here kuti hamuzivi (nekuti ndiri kutaura nevaya vanoziva mutemo) kuti Mutemo nditenzi pamunhu kana achiri mupenyu? 2 Semuenzaniso, mukadzi akaroorwa akasungwa nemutemo kumurume wake paanenge achiri mupenyu; asi kana murume wake akafa, iye asunungurwa pamutemo wemurume wake.+ 3 Saka kana akaroorwa nemumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anganzi imhombwe.+ Asi kana murume wake akafa, iye asununguka pamutemo wemurume wake, zvekuti kana akaroorwa nemumwe murume anenge asiri mhombwe.+

4 Saka hama dzangu, imiwo makaitwa vakafa kuMutemo nemuviri waKristu, kuti muve vemumwe munhu,+ uya akamutswa kuvakafa,+ kuti tiberekere Mwari zvibereko.+ 5 Nekuti patairarama maererano nenyama, zvido zvekutadza, izvo zvaimutswa neMutemo, zvakanga zvichishanda mumiviri* yedu kuti zvibereke zvibereko zvinokonzera rufu.+ 6 Asi iye zvino takasunungurwa paMutemo,+ nekuti takafa pane chaitidzora, kuti mweya utiite varanda patsva,+ kwete zvataiitwa kare nebumbiro rakanyorwa.+

7 Saka totii? Mutemo chivi here? Hazvifaniri kudaro zvachose! Chokwadi ndingadai ndisina kusvika pakuziva chinonzi chivi kudai pakanga pasina Mutemo.+ Semuenzaniso, ndingadai ndisina kuziva chinonzi kuchiva kudai Mutemo usina kuti: “Usachiva.”+ 8 Asi chivi pachakawana mukana wachakapiwa nemurayiro, chakaita kuti mandiri muve nekuchiva kwemarudzi ese, nekuti mutemo usipo chivi chakanga chakafa.+ 9 Ndingatoti ndaimbova mupenyu mutemo usati wavapo. Asi pakasvika murayiro, chivi chakavazve chipenyu, ini ndikafa.+ 10 Uye murayiro waifanira kuendesa kuupenyu+ ndakauwana uchiendesa kurufu. 11 Nekuti chivi pachakawana mukana wachakapiwa nemurayiro, chakandinyengedza, chikandiuraya chichiushandisa. 12 Saka Mutemo pachawo mutsvene, uye murayiro mutsvene, wakarurama uye wakanaka.+

13 Saka ndakaurayiwa nechinhu chakanaka here? Hazvina kana kumbodaro! Asi chivi ndicho chakandiuraya, kuti zvibude pachena kuti chivi ndicho chiri kukonzera rufu mandiri chichishandisa chinhu chakanaka,+ kuti murayiro unyatsobudisa kuipa kwakaita chivi.+ 14 Nekuti tinoziva kuti Mutemo ndewemweya, asi ini ndiri munhu wenyama, akatengeswa kuchivi.+ 15 Nekuti handizivi zvandiri kuita. Nekuti handiiti zvandinoda, asi ndinoita zvandinovenga. 16 Asi kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvuma kuti Mutemo wakanaka. 17 Asi iye zvino handisisiri ini ndiri kuzviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita.+ 18 Nekuti ndinoziva kuti mandiri, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nekuti ndine chido chekuita zvakanaka, asi simba racho rekuzviita handina.+ 19 Nekuti handiiti zvakanaka zvandinoda, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. 20 Saka kana ndichiita zvandisingadi, handisisiri ini ndiri kuzviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita.

21 Ndinobva ndawana mutemo uyu mandiri: Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.+ 22 Ndinonyatsofarira mutemo waMwari nezvandiri nechemukati,+ 23 asi ndinoona mumuviri mangu* mumwe mutemo uchirwisana nemutemo wepfungwa dzangu+ uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi+ uri mumuviri mangu.* 24 Ndiri munhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa? 25 Ndinotenda Mwari nekuna Jesu Kristu Ishe wedu! Saka nepfungwa dzangu ini ndiri muranda wemutemo waMwari, asi nenyama yangu ndiri muranda wemutemo wechivi.+

8 Saka vaya vari pamwe naKristu Jesu havawanirwi mhosva. 2 Nekuti mutemo wemweya, uyo unopa upenyu huri pamwe naKristu Jesu, wakakusunungurai+ pamutemo wechivi newerufu. 3 Zvakakundikana kuitwa neMutemo+ nekuti wakanga usina simba+ munyama, Mwari akazviita nekutuma Mwanakomana wake+ akafanana nemunhu wenyama inotadza,+ kuti abvise chivi uye ape mhosva chivi chiri munyama, 4 kuti zvinodiwa neMutemo zvakarurama zvizadziswe matiri+ isu tinofamba maererano nemweya,+ kwete maererano nenyama. 5 Nekuti vaya vanorarama maererano nenyama vanoisa pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama,+ asi vaya vanorarama maererano nemweya, pazvinhu zvemweya.+ 6 Nekuti kufunga kwenyama kunoreva rufu,+ asi kufunga kwemweya kunoreva upenyu nerugare;+ 7 nekuti kufunga kwenyama kunoreva kuvengana naMwari,+ sezvo nyama isingazviisi pasi pemutemo waMwari, uye haitokwanisi kudaro. 8 Saka vaya vanoita maererano nenyama havagoni kufadza Mwari.

9 Asi imi, kana mweya waMwari uchigara mamuri zvechokwadi, muri kuita maererano nemweya,+ kwete nenyama. Asi kana munhu asina mweya waKristu, munhu iyeyu haasi waKristu. 10 Asi kana Kristu ari pamwe nemi,+ muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya ndiwo upenyu nekuti makarurama. 11 Saka kana mweya waiye akamutsa Jesu kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa+ achaitawo kuti miviri yenyu inofa ive mipenyu+ achishandisa mweya wake unogara mamuri.

12 Saka hama, tine zvatinofanira kuita, kwete kuzviitira nyama yedu kuti tirarame maererano nenyama;+ 13 nekuti kana muchirarama maererano nenyama, chokwadi muchafa; asi kana mukauraya mabasa emuviri+ muchishandisa mweya, muchararama.+ 14 Nekuti vese vanotungamirirwa nemweya waMwari, ndivo vanakomana vaMwari.+ 15 Nekuti hamuna kugamuchira mweya weuranda unokonzera kutya zvakare, asi makagamuchira mweya wekuti mutorwe* muve vanakomana, unova ndiwo mweya watinoshevedzera nawo kuti: “Abha,* Baba!”+ 16 Mweya wacho pachawo unopupurirana nemweya wedu+ kuti tiri vana vaMwari.+ 17 Saka kana tiri vana, tinogarawo nhaka, nhaka yaMwari, asi tinogara nhaka+ iyi pamwe chete naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe chete+ kuti tizokudzwawo pamwe chete.+

18 Nekuti ndinoona kuti kutambura kwepanguva ino hapana zviripo kana kuchienzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa matiri.+ 19 Nekuti zvisikwa zviri kumirira nemwoyo wese zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.+ 20 Nekuti zvisikwa zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira,+ kwete nekuda kwazvo, asi nekuda kwaiye akaita kuti zvidaro, paine tariro 21 yekuti zvisikwa zvichasunungurwawo+ muuranda hwekuora zvova nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari. 22 Nekuti tinoziva kuti nguva yese iyi zvisikwa zvese zviri kungogomera pamwe chete uye zviri kurwadziwa pamwe chete. 23 Hazvisi izvozvo chete, asi isuwo vacho vane zvibereko zvekutanga, kureva mweya, isu pachedu tinogomera nechemukati,+ tichimirira nemwoyo wese kuti atitore* atiite vanakomana vake,+ tisunungurwe mumiviri yedu nerudzikinuro. 24 Nekuti takaponeswa mutariro iyi; asi tariro inoonekwa haisi tariro, nekuti munhu angatarisira chinhu kana achichiona here? 25 Asi kana tichitarisira+ chatisingaoni,+ tinoramba takachimirira nemwoyo wese tichitsungirira.+

26 Saizvozvowo, mweya unopindira uchitibatsira nekuti hatina simba;+ nekuti chinonetsa ndechekuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi mweya unotikumbirira patinenge tichigomera tichitadza kubudisa mashoko. 27 Asi iye anoongorora mwoyo+ anoziva zvinenge zvichirehwa nemweya, nekuti uri kuteterera maererano nekuda kwaMwari uchibatsira vatsvene.

28 Tinoziva kuti Mwari anoita kuti mabasa ake ese apindirane kuti zvinakire vaya vanoda Mwari, vakadanwa maererano nechinangwa chake;+ 29 nekuti vaya vaakatanga kufunga nezvavo akagara avagadzawo kuti vafananidzwe nemufananidzo weMwanakomana wake,+ kuti ave dangwe+ pakati pehama dzakawanda.+ 30 Uyezve vaya vaakagara agadza+ ndivo vaakabva adana;+ uye vaya vaakadana ndivo vaakabva ati vakarurama.+ Vaya vaakati vakarurama ndivo vaakabva azokudza.+

31 Saka totii nazvo? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angamirisana nesu?+ 32 Sezvo asina kutombozeza kupa Mwanakomana wake kuti atifire tese,+ angatadza here kutipawo zvimwe zvese pamwe naye? 33 Ndiani achati vanhu vakasarudzwa naMwari vane mhosva?+ Mwari ndiye anovati vakarurama.+ 34 Ndiani achavawanira mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, uye kupfuura izvozvo, ndiye akatomutswa kuvakafa, ndiye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari+ uye ndiyewo anoteterera achitimiririra.+

35 Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu?+ Kutambura here kana nhamo kana kutambudzwa kana nzara kana kushaya zvekupfeka kana njodzi kana bakatwa?+ 36 Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Nekuda kwenyu tiri kuswera tichiurayiwa; takanzi tiri makwai anofanira kuurayiwa.”+ 37 Asi zvinhu zvese izvi tiri kuzvikunda zvese+ tichibatsirwa naiye akatida. 38 Nekuti ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba+ 39 kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa nerudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

9 Ndiri kutaura chokwadi muna Kristu; handisi kunyepa, sezvo hana yangu ichipupurirana neni mumweya mutsvene, 2 kuti ndiri kushungurudzika kwazvo uye marwadzo andiri kunzwa mumwoyo haasi kupera. 3 Nekuti ndinoshuva kuti dai ndiri ini hangu ndakaparadzaniswa naKristu semunhu akatukwa kuti zvibatsire hama dzangu, hama dzangu panyama, 4 vaIsraeri. Vakatorwa* sevanakomana,+ vakapiwa kukudzwa, sungano,+ Mutemo,+ basa dzvene,+ uye vimbiso.+ 5 Ivo vakabva kumadzitateguru,+ uye Kristu akabva kwavari panyama.+ Mwari, ari pamusoro pezvese, ngaarumbidzwe nekusingaperi. Ameni.

6 Asi hakusi kuti shoko raMwari rakundikana. Nekuti havasi vese vanobva kuna Israeri vanenge vari “vaIsraeri” chaivo.+ 7 Uye hazvirevi kuti vese vana nekuti vakabva kuna Abrahamu;*+ asi, “Uya achanzi mwana wako* achauya nekuna Isaka.”+ 8 Kureva kuti, vana panyama havasi vana vaMwari chaivo,+ asi vana vakauya nekuvimbiswa+ ndivo vanoverengwa sevana.* 9 Nekuti mashoko akavimbiswa aiva ekuti: “Ndichadzoka panguva ino uye Sara achava nemwanakomana.”+ 10 Hapasi ipapo chete, asi zvakaitikawo pakabata Ribheka pamuviri pemapatya nemurume uyu, iye Isaka tateguru vedu;+ 11 nekuti, kuti chinangwa chaMwari pamusoro pekusarudza chirambe chiri pana iye* anodana, kwete pamabasa, vana ava vasati vatomboberekwa uye vasati vaita chakanaka kana chakaipa, 12 mukadzi wacho akaudzwa kuti: “Mukuru achava muranda wemudiki.”+ 13 Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakada Jakobho, asi ndakavenga Isau.”+

14 Saka totii? Mwari haatongi zvakarurama here? Kwete, handizvo!+ 15 Nekuti iye anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandinoda kunzwira ngoni, uye ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.”+ 16 Saka haisi nyaya yekuti munhu ane chido chacho kana kuti anoedza zvakadii,* asi zviri kuna Mwari ane ngoni.+ 17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+ 18 Saka anonzwira ngoni waanoda, asi anorega waanoda achiomesa mwoyo.+

19 Muchabva mati kwandiri: “Nei achiri kuwanira vanhu mhosva? Nekuti ndiani akapikisa kuda kwake?” 20 Asi ndiwe ani, iwe munhu, kuti upindure Mwari?+ Chinhu chakaumbwa chinoti here kune akachiumba: “Nei wakandigadzira ndakadai?”+ 21 Handizvo here kuti muumbi anoita zvaanoda nemukanyiwa mumwe chete wevhu,+ achiumba mumwe mudziyo unoshandiswa zvinokudzwa uye mumwe unoshandiswa zvisingakudzwi? 22 Ko zvino zvakasiyanei nezvakaitwa naMwari, uyo aida kuratidza hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, asi akaratidza mwoyo murefu kwazvo kumidziyo yekuitirwa hasha yakakodzera kuparadzwa? 23 Uye kana akaita izvi kuti azivise pfuma yekukudzwa kwake pamidziyo yengoni,+ yaakagara agadzirira kuti aizokudza, 24 kureva isu, vaakadana kubva pakati pevaJudha nevemamwe marudzi,+ saka nyaya yacho iri papi? 25 Ndiwo matauriro aanoita mubhuku raHosiya, kuti: “Vaya vasiri vanhu vangu+ ndichavadana kuti ‘vanhu vangu,’ uye mukadzi uya akanga asingadiwi ndichamudana kuti ‘anodiwa’;+ 26 uye munzvimbo yavakambonzi, ‘Hamusi vanhu vangu,’ vachanzi, ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’”+

27 Zvakare, Isaya anoshevedzera nezvaIsraeri, kuti: “Kunyange zvazvo vanakomana vaIsraeri vangava vakaita sejecha regungwa, vashoma vavo chete ndivo vachaponeswa.+ 28 Nekuti Jehovha* achaita kuti vanhu vari panyika vazvidavirire, achazviita zvizere uye asinganonoki.”+ 29 Uye sekutaura kwakagara kwaita Isaya kuti: “Kudai Jehovha* wemauto asina kutipa vana,* tingadai takaita seSodhomu, uye tingadai takafanana neGomora.”+

30 Saka totii? Vanhu vemamwe marudzi, kunyange zvazvo vaisatevera kururama, vakawana kururama,+ kururama kunobva mukutenda;+ 31 asi Israeri, kunyange zvazvo aitevera mutemo wekururama, haana kusvika paitaurwa nemutemo wacho. 32 Akatadziswa nei? Nekuti haana kuutevera nekutenda, asi nemabasa. Vakagumburwa “nedombo rekugumbura”;+ 33 sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Onai! Ndiri kuisa muZiyoni dombo+ rekugumbura uye dombo remhosva, asi uya anotenda mariri haamboodzwi mwoyo.”+

10 Hama, chido changu mumwoyo mangu uye chikumbiro changu kuna Mwari, ndechekuti ivo vaponeswe.+ 2 Nekuti ndinovapupurira kuti vanoshingaira kushumira Mwari,+ asi havazviiti vachinyatsomuziva zvakarurama. 3 Nekuti nekusaziva kwavo kururama kwaMwari,+ vachitsvaga kuita zvavanofunga ivo vega+ kuti ndizvo zvakarurama, havana kuzviisa pasi pekururama kwaMwari.+ 4 Nekuti Kristu ndiye mugumo weMutemo,+ kuti munhu wese anotenda ave nekururama.+

5 Nekuti Mozisi anonyora nezvekururama kunounzwa neMutemo achiti: “Uchaita kuti munhu anouchengeta ararame.”+ 6 Asi kururama kunobva mukutenda kunoti: “Usati mumwoyo mako,+ ‘Ndiani achakwira kudenga?’+ kureva kuti, kuti aburutse Kristu, 7 kana kuti, ‘Ndiani achadzika mugomba rakadzikadzika?’+ kureva kuti, kuti amutse Kristu kuvakafa.” 8 Asi rugwaro runoti kudii? Runoti, “Shoko racho riri pedyo newe, mumuromo mako nemumwoyo mako”;+ kureva, “shoko” rekutenda, ratiri kuparidza. 9 Nekuti kana uchizivisa pachena nemuromo wako kuti Jesu ndiShe,+ uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa. 10 Nekuti munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena+ nemuromo kuti awane ruponeso.

11 Nekuti rugwaro runoti: “Hapana anotenda maari achaodzwa mwoyo.”+ 12 Nekuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki.+ Kuna Ishe mumwe chete wevanhu vese, anopfumisa vese vanomudana. 13 Nekuti “munhu wese anodana zita raJehovha* achaponeswa.”+ 14 Asi vachamudana sei kana vasingatendi maari? Uyewo, vachatenda sei maari ivo vasina kunzwa nezvake? Uyewo, vachanzwa sei kana pasina mumwe munhu anoparidza? 15 Uyewo, vachaparidza sei kana vasina kutumwa?+ Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Dzakanaka sei tsoka dzevaya vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!”+

16 Kunyange zvakadaro, havasi vese vakateerera mashoko akanaka. Nekuti Isaya anoti: “Jehovha,* ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri?”+ 17 Saka kutenda kunouya kana munhu anzwa shoko.+ Uyewo, shoko racho rinouya panoparidzwa nezvaKristu. 18 Asi ndinobvunza kuti, Mashoko acho havana kuanzwa here? Chokwadi ndechekuti, “inzwi racho rakasvika munyika yese, uye mashoko acho akasvika kumagumo enyika.”+ 19 Asi ndinobvunza kuti, VaIsraeri vakanga vasingazivi here?+ Kutanga Mozisi anoti: “Ndichaita kuti muve negodo ndichishandisa vanhu pasina; ndichaita kuti muviruke nehasha ndichishandisa rudzi rune mapenzi evanhu.”+ 20 Asi Isaya anozonyatsobuda pachena achiti: “Ndakawanikwa nevaya vakanga vasiri kunditsvaga;+ ndakazivikanwa nevaya vakanga vasingabvunzi nezvangu.”+ 21 Asi anoti nezvaIsraeri: “Ndakaita zuva rese ndakatambanudzira maoko angu kuvanhu vasingateereri uye vakaoma musoro.”+

11 Saka ndinobvunza kuti, Mwari akaramba vanhu vake here?+ Kwete, handizvo! Nekuti iniwo ndiri muIsraeri, mumwe wevana vaAbrahamu,* wedzinza raBhenjamini. 2 Mwari haana kuramba vanhu vake, vaakatanga kuziva.+ Hamuzivi here zvinotaura rugwaro nezvaEriya, paakateterera kuna Mwari achinyunyuta nezvaIsraeri? 3 Achiti, “Jehovha,* ivo vakauraya vaprofita venyu, vakaparadza atari dzenyu, ini ndega ndini ndasara, uye iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+ 4 Asi shoko raMwari rinoti kudii kwaari? “Ndichiine varume 7 000, vane mabvi asina kupfugamira Bhaari.”+ 5 Saka kunyange panguva ino pane vamwe vasara vachiripo+ maererano nekusarudzwa kwakaitwa kuburikidza nenyasha dzaMwari. 6 Saka kana vakasarudzwa nenyasha dzaMwari,+ hazvichanzi vakasarudzwa nekuda kwemabasa;+ zvikadaro nyasha dzinenge dzisisiri nyasha.

7 Saka totii? Israeri haana kuwana chacho chaaitsvaga nemwoyo wese, asi vaya vakasarudzwa vakachiwana.+ Vamwe vese vakaitwa kuti pfungwa dzavo dzigomare,+ 8 sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Mwari akaita kuti vabatwe nehope huru,+ akavapa maziso asingaoni uye nzeve dzisinganzwi, kusvikira nhasi uno.”+ 9 Uyewo, Dhavhidhi anoti: “Itai kuti tafura yavo ive musungo uye chiteyeso uye chinhu chinogumbura, yova chinhu chichavaranga. 10 Maziso avo ngaave nerima kuti varege kuona, uye itai kuti misana yavo igare yakakotama.”+

11 Saka ndinobvunza kuti, Vakagumburwa vakawa zvachose here? Kwete, handizvo! Asi kukanganisa kwavo kuri kuita kuti vanhu vemamwe marudzi vawane ruponeso, kuti ivo vanzwe godo.+ 12 Zvino kana kukanganisa kwavo kuchireva pfuma kunyika, uye kuderera kwavo kuchireva pfuma kuvanhu vemamwe marudzi,+ ko kuzoti kana varipo vese vakakwana!

13 Iye zvino ndava kutaura nemi vanhu vemamwe marudzi. Sezvo ndiri muapostora kune mamwe marudzi,+ ndinokudza ushumiri hwangu+ 14 kuti ndione kana ndichikwanisa kuita kuti vanhu vekwangu vave negodo ndoponesa vamwe vavo. 15 Nekuti kana kuraswa kwavo+ kuri kuita kuti nyika iyananiswe naMwari, kugamuchirwa kwavo kucharevei kunze kweupenyu kubva kurufu? 16 Uye kana mukanyiwa unotorwa sezvibereko zvekutanga uri mutsvene, mukanyiwa wese mutsvenewo; uye kana mudzi uri mutsvene, mapazi acho matsvenewo.

17 Asi kana mamwe mapazi acho akabviswa, uye iwe, kunyange zvazvo uri muorivhi wemusango, wakanamatidzwa pakati pawo ukatanga kuwana pfuma yemudzi wemuorivhi, 18 usadadira mapazi acho. Asi kana ukaadadira,+ yeuka kuti hausi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura. 19 Uchabva wati: “Mapazi akabviswa kuti ini ndinamatidzwe.”+ 20 Ichocho ichokwadi! Iwo akabviswa nekuti akanga asina kutenda,+ asi iwe wakamira nekutenda.+ Usazvikudza, asi itya. 21 Nekuti kana Mwari asina kusiya mapazi epo aripo, haazokusiyiwo. 22 Saka funga nezvemutsa waMwari+ uye hasha dzake. Mwari anoitira hasha vaya vakawa,+ asi anokunzwira mutsa, chero bedzi uchiramba uri mumutsa wake; kana ukasadaro, newewo uchatemwa. 23 Uye ivowo vachanamatidzwa kana vakasiya kusatenda kwavo,+ nekuti Mwari anokwanisa kuvanamatidza zvakare. 24 Nekuti kana iwe wakatemwa pamuorivhi wagara uri wemusango ukanamatidzwa pamuorivhi wemumunda, izvo zvisiri izvo zvinowanzoitwa, ko mapazi emuorivhi chaiwo angatadza here kunamatidzwa pamuti wemuorivhi paakabva?

25 Nekuti handidi kuti imi hama mutadze kuziva chakavanzika chitsvene* ichi,+ motanga kuzviona semakachenjera: Vamwe vaIsraeri vakagomara pfungwa kusvikira vanhu vese vemamwe marudzi vakasarudzwa vapinda, 26 uye vaIsraeri vese+ vachaponeswa saizvozvi. Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Mununuri* achabva muZiyoni+ obvisa tsika dzakaipa muna Jakobho. 27 Iyi ndiyo sungano yangu navo,+ pandinobvisa zvivi zvavo.”+ 28 Ichokwadi kuti kana tichitaura nezvemashoko akanaka, ivo vavengi vaMwari nekuda kwenyu; asi kana tichitaura nezvekusarudza kwaMwari, ivo vanodiwa nekuda kwemadzitateguru avo.+ 29 Nekuti Mwari haadembi zvipo zvaanenge apa uye vanhu vaanenge adana. 30 Nekuti kungofanana nemi makanga musingateereri Mwari,+ mukanzwirwa tsitsi+ nemhosva yekusateerera kwavo,+ 31 ivowo havana kuteerera zvikaita kuti imi munzwirwe tsitsi kuti naivowo vanzwirwewo tsitsi. 32 Nekuti Mwari akabvumira kuti vese vave varanda vekusateerera,+ kuti avanzwire tsitsi vese.+

33 Chokwadi pfuma yaMwari neuchenjeri hwake neruzivo zvakadzama! Chokwadi mitongo yake haigoni kuongororwa uye nzira dzake hadzigoni kunzwisiswa! 34 Nekuti “ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha,* kana kuti ndiani anomupa mazano?”+ 35 Kana kuti, “ndiani akatanga kumupa chimwe chinhu, zvekuti anofanira kuchidzorerwa?”+ 36 Nekuti zvinhu zvese zvinobva kwaari uye zviripo naye uye ndezvake. Iye ngaakudzwe nekusingaperi. Ameni.

12 Saka hama, ndinokutetererai netsitsi dzaMwari kuti mupe miviri yenyu+ sechibayiro chipenyu uye chitsvene+ chinogamuchirwa naMwari, basa dzvene ramunoita muchishandisa pfungwa dzenyu.+ 2 Uye regai kusiya nyika ino ichikuumbai,* asi pfungwa dzenyu ngadzishandurwe,+ kuti muve vatsva, muzive mega+ kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.

3 Nekuti nekungonzwirwawo nyasha kwandakaitwa, ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga,+ asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka, mumwe nemumwe sekupiwa* kwaakaitwa chiyero chekutenda naMwari.+ 4 Nekuti sezvo tiine nhengo zhinji pamuviri mumwe chete,+ asi nhengo dzacho dzisingaiti mabasa akafanana, 5 isu, kunyange zvazvo takawanda, tiri muviri mumwe chete uri pamwe naKristu, asi mumwe nemumwe wedu inhengo yakabatana nedzimwe.+ 6 Saka sezvo tiine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzatakangoratidzwawo,+ kana chiri chipo chekuprofita, ngatiprofitei zvinoenderana nekutenda kwedu; 7 kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu; kana kuti uya anodzidzisa, ngaave pakudzidzisa kwake;+ 8 kana kuti uya anokurudzira, ngaakurudzire;+ uya anopa,* ngaazviite akasununguka;+ uya anotungamirira, ngaazviite nemwoyo wese;+ uya anonzwira vamwe tsitsi, ngaazviite achifara.+

9 Rudo rwenyu ngarurege kuva neunyengeri.+ Semai zvakaipa;+ batisisai zvakanaka. 10 Parudo rwenyu sehama, dananai nemwoyo wese. Pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye.+ 11 Shandai nesimba, musingaiti zveusimbe.+ Pisai nemweya.+ Shandirai Jehovha* sevaranda.+ 12 Farai patariro. Tsungirirai pakutambudzika.+ Rambai muchinyengetera.+ 13 Ipaiwo vatsvene zvavanenge vachishayiwa.+ Garai muchigamuchira vaenzi zvakanaka.+ 14 Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai;+ komborerai uye musatuka.+ 15 Farai nevanofara; chemai nevanochema. 16 Onai vamwe semaonero amunozviita; musaisa pfungwa dzenyu pazvinhu zvakakwirira, asi tungamirirwai nezvinhu zvakaderera.+ Musazviona semakachenjera.+

17 Musadzorera chakaipa nechakaipa.+ Fungai zvakanakira vanhu vese. 18 Kana zvichiita, itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese.+ 19 Musatsiva, vadiwa, asi zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha;+ nekuti zvakanyorwa kuti: “‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.”*+ 20 Asi “kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya; kana aine nyota, mupe chekunwa; nekuti ukadaro unenge watutira mazimbe emoto pamusoro wake.”*+ 21 Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.+

13 Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba,+ nekuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari;+ vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.+ 2 Saka wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari; vaya vanorwisana nahwo vachatongwa. 3 Nekuti vatongi havatyiwi nevaya vanoita mabasa akanaka, asi vaya vanoita akaipa.+ Unoda here kugara usingatyi vaya vane masimba? Ramba uchiita zvakanaka,+ uye vachakurumbidza; 4 nekuti ivo vanoshumira Mwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya, nekuti havabati bakatwa pasina. Nekuti ivo vashumiri vaMwari, vanotsiva vachiratidza hasha pamunhu* anoita zvakaipa.

5 Saka pane chikonzero chakasimba chekuti muzviise pasi, musingangozviitiri hasha idzodzo chete asiwo nekuda kwehana yenyu.+ 6 Ndokusaka muchibhadharawo mitero; nekuti ivo vashandi vaMwari vanogara vachibatsira ruzhinji nechinangwa ichi. 7 Ipai vese zvakavakodzera: kune anoti anoda mutero, mutero;+ kune anoti anoda muripo, muripo; kune anoti anoda kutyiwa, kutyiwa kwacho;+ kune anoti anoda kukudzwa, kukudzwa kwacho.+

8 Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwekudanana;+ nekuti wese anoda mumwe wake azadzisa mutemo.+ 9 Nekuti bumbiro remutemo rinoti, “Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usachiva,”+ uye mimwe mirayiro yese iripo, inobatanidzwa mumashoko aya ekuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 10 Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa;+ saka rudo kuzadziswa kwemutemo.+

11 Uye itai izvi nekuti munoziva mwaka, kuti yatova nguva yekuti mumuke kuhope,+ nekuti iye zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi. 12 Usiku hwafamba; kwava kuda kuedza. Saka ngatibvisei mabasa erima+ uye ngatipfekei zvombo zvechiedza.+ 13 Ngatifambei zvine unhu+ sezvinoita vanhu kana ari masikati, kwete kuita mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa, upombwe uye tsika dzakafumuka,*+ uye kukakavadzana negodo.+ 14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu,+ uye musaita zvekuronga kugutsa kuchiva kwenyama.+

14 Gamuchirai munhu asina kusimba pakutenda,+ asi musamutonga pamusoro pemaonero aanoita zvinhu.* 2 Mumwe munhu ane kutenda kunomubvumira kudya zvinhu zvese, asi munhu asina kusimba anodya muriwo chete. 3 Munhu anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi ngaarege kutonga anodya,+ nekuti Mwari akamugamuchira. 4 Ndiwe ani unotonga mushandi wemumwe munhu?+ Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake.+ Achamiswa, nekuti Jehovha* anogona kumumisa.

5 Mumwe munhu anoti rimwe zuva rinopfuura rimwe;+ mumwe munhu anoti rimwe zuva rakafanana nemamwe ese;+ mumwe nemumwe ngaave nechokwadi nezvaanosarudza. 6 Uya anochengeta zuva anorichengeta achiitira Jehovha.* Uya anodyawo, anodya achiitira Jehovha,* nekuti anoonga Mwari;+ uye uya asingadyi anorega kudya achiitira Jehovha,* asi anoonga Mwari.+ 7 Chokwadi ndechekuti hapana kana mumwe wedu anozviraramira,+ uye hapana anozvifira. 8 Nekuti kana tichirarama, tinoraramira Jehovha,*+ uye kana tichifa, tinofira Jehovha.* Saka kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.*+ 9 Nekuti Kristu akafira izvozvi akavazve mupenyu, kuti ave Ishe pamusoro pevakafa nevapenyu.+

10 Asi iwe unotongerei hama yako?+ Kana kuti unoshorerei hama yako? Nekuti tese tichamira pamberi pechigaro chaMwari chekutonga.+ 11 Nekuti zvakanyorwa kuti: “‘Neupenyu hwangu,’+ anodaro Jehovha,* ‘mabvi ese achandipfugamira, uye rurimi rwese ruchabvuma Mwari pachena.’”+ 12 Saka mumwe nemumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.+

13 Saka ngatichiregai kutongana,+ asi ngatiedzei kusaisa pamberi pehama chinhu chinoigumbura kana chinoitadzisa kufamba.+ 14 Ndinoziva uye ndine chokwadi munaShe Jesu kuti hapana chinhu chakasviba pachacho;+ chinongoitika ndechekuti kana munhu akafunga kuti chimwe chinhu chakasviba, chinobva chava chakasviba kwaari. 15 Nekuti kana hama yako ichigumburwa nezvekudya, hausisiri kufamba maererano nerudo.+ Usaparadza uyo akafirwa naKristu nezvekudya zvako.+ 16 Saka musaita kuti zvakanaka zvamunoita zvitaurwe nezvazvo sezvakaipa. 17 Nekuti Umambo hwaMwari hahurevi kudya nekunwa,+ asi hunoreva kururama nerugare nemufaro zvinounzwa nemweya mutsvene. 18 Nekuti munhu wese anoshandira Kristu saizvozvo anogamuchirwa naMwari uye anofarirwa nevanhu.

19 Saka ngatirambei tichiita zvinhu zvinoita kuti pave nerugare+ uye zvinoita kuti tivakane.+ 20 Regai kuputsa basa raMwari nekuda kwezvekudya chete.+ Ichokwadi kuti zvinhu zvese zvakachena, asi zvakaipa kuti munhu azvidye kana zvichigumbura mumwe.+ 21 Zviri nani kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.+ 22 Kutenda kwauinako, ngakuve kwako wega pamberi paMwari. Anofara munhu asingazvitongesi pazvinhu zvaanoti zvakanaka. 23 Asi kana asina chokwadi nazvo, atopiwa mhosva kana akadya, nekuti haadyi zvichibva pakutenda. Zvinhu zvese zvisingabvi pakutenda chivi.

15 Asi isu takasimba tinofanira kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba,+ tisingazvifadzi.+ 2 Mumwe nemumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka, kuti amuvake.+ 3 Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza,+ asi sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Kuzvidza kwevaya vanokuzvidzai kwawira pandiri.”+ 4 Nekuti zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe,+ kuti tive netariro+ inobva pakutsungirira kwedu+ uye pakunyaradza kunobva muMagwaro. 5 Saka Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo ngaaite kuti muve nemafungiro seaiva naKristu Jesu, 6 kuti mubatane+ nenzwi rimwe chete* pakukudza Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu.

7 Saka gamuchiranai,+ sekugamuchirwawo kwamakaitwa naKristu,+ kuti Mwari akudzwe. 8 Nekuti ndinokuudzai kuti Kristu akava mushumiri wevaya vakachecheudzwa+ achiratidza kuti Mwari ndewechokwadi, kuti asimbise vimbiso dzakaitwa naMwari kumadzitateguru avo,+ 9 uye kuti mamwe marudzi akudze Mwari nekuda kwetsitsi dzake.+ Sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Ndokusaka ndichakubvumai pachena ndiri pakati pemamwe marudzi, uye ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.”+ 10 Uyezve anoti: “Farai, imi marudzi, nevanhu vake.”+ 11 Uyezve: “Rumbidzai Jehovha,* imi marudzi ese, uye vanhu vese ngavamurumbidze.”+ 12 Uyezve Isaya anoti: “Pachava nemudzi waJese,+ uya anomuka kuti atonge marudzi;+ marudzi achaisa tariro yawo paari.”+ 13 Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nemufaro mukuru nerugare nekuvimba kwamunoita naye, kuti tariro yenyu iwedzere* nesimba remweya mutsvene.+

14 Ini ndine chokwadi nemi, hama dzangu, kuti imi muzerewo nerunako, makazadzwa neruzivo rwese, uye kuti munokwanisa kudzidzisana.* 15 Asi ndakunyorerai zvimwe zvacho ndichinyatsotaura sezvazviri, kuti ndikuyeuchidzei zvakare, nekuda kwenyasha dzandakaratidzwa naMwari 16 kuti ndive mushandi waKristu Jesu anobatsira ruzhinji kumamwe marudzi.+ Ndiri kuita basa dzvene remashoko akanaka aMwari,+ kuti mamwe marudzi aya ave mupiro unogamuchirika, wakatsveneswa nemweya mutsvene.

17 Saka ndine chikonzero chekupembera nemufaro muna Kristu Jesu pamusoro pezvinhu zvine chekuita naMwari. 18 Nekuti handingambotauri zvimwe zvinhu kunze kwezviya zvakaitwa naKristu achindishandisa kuti mamwe marudzi ateerere, pachishandiswa shoko rangu nezviito, 19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso,+ uye simba remweya waMwari, zvekuti kubvira muJerusarema kutenderera kusvikira kwese kuIririkumu ndakanyatsoparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 20 Ndakaita izvi ndiine chinangwa chekuti ndisazivisa mashoko akanaka munzvimbo dzakanga dzatoitwa kuti zita raKristu rizivikanwe, kuti ndirege kuvaka pakatotanga kuvakwa nemumwe munhu; 21 asi sekunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Vaya vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye vaya vasina kunzwa vachanzwisisa.”+

22 Ndokusaka ndaitadziswa kakawanda kuuya kwamuri. 23 Asi iye zvino handisisina nzvimbo isina kuparidzirwa munharaunda ino, uye ndava nemakore ndichida kuuya kwamuri. 24 Saka pandinoenda kuSpeini, ndiri kutarisira kukuonai uye kuti muzondiperekedza kana tambova nenguva tese. 25 Asi iye zvino ndava kumboenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.+ 26 Nekuti vekuMakedhoniya neAkaya vakafara kupawo zvimwe zvinhu zvavo semupiro kuti upiwe varombo vari pakati pevatsvene kuJerusarema.+ 27 Chokwadi, vakazviita vachifara, uye vakanga vaine chikwereti navo; nekuti sezvo vemamwe marudzi vakabatsirwawo navo pazvinhu zvemweya, ivowo vanofanira kuvashumira nezvinhu zvekurarama nazvo.+ 28 Saka kana ndapedza izvi uye ndasvitsa mupiro uyu zvakanaka, ndichabva ndapfuura nekwamuri ndichienda kuSpeini. 29 Uye ndinoziva kuti pandinouya ikoko ndichauya nechikomborero chakazara chinobva kuna Kristu.

30 Iye zvino hama, ndinokukurudzirai munaShe wedu Jesu Kristu uye murudo runobva mumweya, kuti mundinyengetererewo zvakasimba kuna Mwari sezvandiri kuitawo ini,+ 31 kuti ndinunurwe+ pavanhu vasingatendi vari muJudhiya uye kuti ushumiri hwangu hwekuJerusarema hugamuchirwe nevatsvene,+ 32 kuti kana kuri kuda kwaMwari, ndisvike kwamuri ndichifara, ndozorodzwa pamwe chete nemi. 33 Mwari anopa rugare ngaave nemi mese.+ Ameni.

16 Ndinokuzivisai nezvaFebhi, hanzvadzi yedu, anoshumira muungano iri muKenkreya,+ 2 kuti mumugamuchire munaShe nenzira yakakodzera vatsvene uye kuti mumubatsire pazvese zvaangada,+ nekuti akarwira vakawanda, kusanganisira ini.

3 Ndikwazisirei Priska naAkwira,+ vamwe vangu vandinoshanda navo mubasa raKristu Jesu, 4 vakaisa upenyu hwavo* pangozi kuti vandiponese.+ Ndinovatenda uye vanotendwawo neungano dzese dzemamwe marudzi. 5 Kwazisaiwo ungano iri mumba mavo.+ Kwazisai hama yangu inodiwa Epeneto, mumwe wezvibereko zvekutanga zvaKristu muEzhiya. 6 Kwazisai Mariya, uyo akakushandirai nesimba. 7 Kwazisai hama dzangu+ Andronikasi naJuniyasi, vandakambosungwa pamwe chete navo, varume vanozivikanwa zvikuru nevaapostora uye vava nenguva yakareba kundidarika vari pamwe naKristu.

8 Ndikwazisirei Ampriyato, hama yandinoda zvikuru munaShe. 9 Kwazisai Ubhanosi, mumwe wedu mubasa raKristu, naStakusi hama yangu inodiwa. 10 Kwazisai Aperesi, akavimbika kuna Kristu. Kwazisai imba yaAristobhuro. 11 Kwazisai Herodhiyoni, hama yangu. Kwazisai veimba yaNarikiso vari munaShe. 12 Kwazisai Trifena naTrifosa, vakadzi vari kushanda nesimba munaShe. Kwazisai Pesisi, hanzvadzi yedu inodiwa, nekuti akashanda nesimba munaShe. 13 Kwazisai Rufusi, akasarudzwa munaShe, naamai vake avo vandinotorawo saamai vangu. 14 Kwazisai Asinikrito, Fregoni, Hemesi, Patrobhasi, Hemasi, nehama dzavainadzo. 15 Kwazisai Firorogasi naJuriya, Nereusi nehanzvadzi yake, naOrimbasi, nevatsvene vese vavainavo. 16 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Ungano dzese dzaKristu dzinokukwazisai.

17 Saka ndinokukurudzirai, hama, kuti mucherechedze vaya vanopesanisa vanhu uye vanoisira vamwe zvinogumbura vachiita zvakasiyana nedzidziso dzamakadzidza, musiyane navo.+ 18 Nekuti vanhu vakadaro varanda vematumbu avo kwete vaShe wedu Kristu, uye vanoshandisa kutaura kwekutsvetera nekubata kumeso vachikwezva mwoyo yevanhu vanenge vasingafungiri. 19 Kuteerera kwenyu kwakacherechedzwa nevanhu vese, saka munondifadza. Asi ndinoda kuti muve vakachenjera pazvinhu zvakanaka, asi vasina chavanoziva pazvinhu zvakaipa.+ 20 Mwari anopa rugare ava kuda kupwanya Satani+ pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.

21 Timoti, mumwe wangu wandinoshanda naye, anokukwazisai, naRusiyasi, naJasoni, naSosipata, hama dzangu.+

22 Ini, Tetio, anyora tsamba ino, ndinokukwazisai munaShe.

23 Gayo,+ ane kumba kwandiri kugara uye kunopindira ungano yese, anokukwazisai. Erasto, mubati wehomwe* weguta, anokukwazisai, naKwarito, munin’ina wake. 24* ——

25 Kwaari uyo anogona kuita kuti muve vakasimba maererano nemashoko akanaka andinozivisa uye kuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nekuzarurwa kwechakavanzika chitsvene*+ chakaramba chakanyararwa kwenguva refu 26 asi chakazobudiswa pachena iye zvino uye chakaitwa kuti chizivikanwe neMagwaro euprofita pakati pemarudzi ese maererano nemurayiro waMwari asingagumi kuti vanhu vateerere zvichibva pakutenda; 27 kwaari Mwari, anova ndiye ega akachenjera,+ ngakuve nekukudzwa nekuna Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.

ChiGir., “sembeu yaDhavhidhi.”

Kureva, mashoko akanaka.

Kana kuti “pamweya wemunhu wese.”

ChiGir., “nyama ichanzi yakarurama.”

Kureva, Mwari.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “zvakakanganwirwa.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “anoita kuti zvinhu zvisipo zvivepo.”

ChiGir., “mbeu.”

Kana kuti “kushaya mbereko kwaSara.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “tine rugare.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “tinofara.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “tinofara.”

Kana kuti “kudururirwawo.”

Kana kuti “aregererwa chivi.”

Kureva kuti, akafira kuti abvise chivi.

ChiGir., “nhengo dzemiviri yenyu.”

ChiGir., “nhengo dzemiviri yenyu.”

ChiGir., “munhengo dzemiviri.”

ChiGir., “munhengo dzemuviri wangu.”

ChiGir., “munhengo dzemuviri wangu.”

Shoko racho rechiGiriki rinoshandiswa pamunhu anoita kuti mwana asiri wake wekubereka ave wake zvepamutemo.

Iri ishoko rechiHebheru kana kuti rechiAramaiki rinoreva kuti “Baba!” Rinoshandiswa nevana vadiki vachidana vanababa vavo.

Ona mashoko emuzasi ekutanga ari pana VaR 8:15.

Ona mashoko emuzasi ekutanga ari pana VaR 8:15.

ChiGir., “imbeu yaAbrahamu.”

ChiGir., “mbeu yako.”

ChiGir., “sembeu.”

Kureva, Mwari.

ChiGir., “kana kuti anomhanya.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “mbeu.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “wembeu yaAbrahamu.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Muponesi.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva ino achikuumbai.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “sekugoverwa.”

Kana kuti “anobvisa mupiro.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.

Kana kuti “vachiranga munhu.”

Kana kuti “kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pemibvunzo inomuka mumwoyo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “nemuromo mumwe chete.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “ifashukire.”

Kana kuti “kurayirana.”

ChiGir., “mitsipa yavo.”

Kana kuti “mutariri.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A3.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe