JEREMIYA
1 Aya ndiwo mashoko aJeremiya* mwanakomana waHirikiya, mumwe wevapristi vemuAnatoti+ munyika yaBhenjamini. 2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone,+ mambo weJudha, mugore rechi13 rekutonga kwake. 3 Rakauyawo mumazuva aJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, kusvikira pakupera kwegore rechi11 raZedhekiya+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, kusvikira Jerusarema ratapwa mumwedzi wechishanu.+
4 Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
Ndakakuita muprofita kumarudzi.”
6 Asi ini ndakati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha!
Handigoni kutaura,+ nekuti ndinongovawo hangu mukomana.”*+
7 Jehovha akabva ati kwandiri:
“Usati, ‘Ndinongovawo hangu mukomana.’
Nekuti unofanira kuenda kune vese vandichakutuma kwavari,
Uye unofanira kutaura zvese zvandinokurayira.+
9 Jehovha akabva atambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu.+ Uye Jehovha akati kwandiri: “Ndaisa mashoko angu mumuromo mako.+ 10 Hona nhasi ndakugadza kuti uve nesimba pamarudzi uye paumambo, kuti udzure nekukoromora, kuti uparadze nekuputsa, uye kuti uvake nekudyara.”+
11 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti: “Jeremiya, uri kuonei?” Saka ndakati: “Ndiri kuona bazi remuti wemuarumondi.”*
12 Jehovha akati kwandiri: “Waona zvakanaka, nekuti ndakanyatsomuka kuti ndizadzise shoko rangu.”
13 Shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti: “Uri kuonei?” Saka ndakati: “Ndiri kuona hari* iri kufashaira,* uye yakarereka, muromo wayo wakafuratira kuchamhembe.” 14 Jehovha akabva ati kwandiri:
“Dambudziko richatsvudzuka richibva kuchamhembe,
Richiuya pavagari vese vemunyika.+
15 Nekuti ‘ndiri kushevedza mhuri dzese dzeumambo hwekuchamhembe,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,+
‘Uye huchauya; humwe nehumwe huchagadzika chigaro chahwo
Pamagedhi eJerusarema,+
Nepamasvingo aro kumativi ese
Uye pamaguta ese eJudha.+
16 Ndichazivisa mitongo yangu pavari pamusoro pezvakaipa zvavo zvese,
Nekuti vakandisiya,+
Uye vari kukwidza utsi hwezvibayiro kune vamwe vanamwari,+
Vachikotamira mabasa emaoko avo.’+
Usavatya,+
Kuti ini ndirege kukutyisa pamberi pavo.
18 Nekuti nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nemasvingo,
Mbiru yesimbi, uye masvingo emhangura kuti urwisane nenyika yacho yese,+
Nemadzimambo eJudha nemachinda ayo,
Nevapristi vayo nevanhu vemunyika yacho.+
19 Vacharwa newe
Asi havazokukundi,
Nekuti ‘ndinewe+ kuti ndikuponese,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
2 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti: 2 “Enda unoudza Jerusarema kuti, ‘Zvanzi naJehovha:
“Ndinonyatsoyeuka kuzvipira kwako* pawaiva mudiki,+
Rudo rwawakaratidza panguva yawainge wakavimbiswa kuroorwa,+
Kunditevera kwawakaita murenje,
Munyika isina kudyarwa mbeu.+
3 Israeri aiva mutsvene kuna Jehovha,+ zvibereko zvekutanga zvegoho rake.”’
‘Chero munhu aimuparadza aibva ava nemhosva.
Aibva awirwa nedambudziko,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+
4 Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi imba yaJakobho,
Nemi mhuri dzese dzeimba yaIsraeri.
5 Zvanzi naJehovha:
“Madzitateguru enyu akawana mhosva ipi pandiri,+
Yakaita kuti aende kure neni zvakadaro,
Akafamba achitevera zvidhori zvisina zvazvinobatsira,+ naiwo akavawo vanhu vasina zvavanobatsira?+
6 Haana kubvunza kuti, ‘Jehovha ari kupi,
Iye akatibudisa munyika yeIjipiti,+
Akatitungamirira nemurenje,
Munyika ine magwenga+ nemakomba,
Nyika isinganayi mvura+ uye ine rima gobvu,
Nyika isina munhu anoifamba
Uye isina munhu anogara mairi?’
7 Ndakabva ndakuunzai kunyika ine minda yemichero,
Kuti mudye michero yayo nezvinhu zvayo zvakanaka.+
Asi makapinda mukasvibisa nyika yangu;
Makaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.+
8 Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Jehovha ari kupi?’+
Vaya vanoita zveMutemo havana kundiziva,
Vafudzi vakandipandukira,+
Vaprofita vakaprofita muzita raBhaari,+
Uye vakatevera vaya vaisagona kubatsira.
9 ‘Saka ndichakakavadzanazve nemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Uye ndichakakavadzana nevanakomana vevanakomana venyu.’
10 ‘Asi yambukai muende kunyika dzevaKitimu+ dziri* mumhenderekedzo yegungwa muone.
Tumirai shoko kuKedhari+ munyatsofungisisa;
Onai kuti zvinhu zvakadai zvakamboitika here.
11 Kune rudzi rwakambochinjanisa vanamwari varwo nevaya vasiri vanamwari here?
Asi vanhu vangu vakachinjanisa kukudzwa kwangu nezvinhu zvisingabatsiri.+
12 Ramba wakatarisa izvi uchishamiswa, iwe denga;
Dedera nekutya kukuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
13 ‘Nekuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa:
Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu,+
Uye vakazvicherera migodhi yemvura,
Migodhi* isingachengeti mvura.’
14 ‘Israeri mushandi kana kuti muranda akaberekwa mumusha here?
Saka nei akasiyiwa achipambwa?
Dzakaita kuti nyika yake ive chinhu chinotyisa.
Maguta ake atungidzwa nemoto, zvekuti hamuna anogaramo.
16 Vanhu vekuNofi*+ nekuTapanesi+ vanodya panhongonya pako.
17 Hauna kuzviunzira zvinhu izvi here
Nekusiya kwawakaita Jehovha Mwari wako+
Paaikutungamirira munzira?
19 Zvakaipa zvako zvinofanira kukururamisa,
Uye kusatendeka kwako kunofanira kukutsiura.
Ziva uone kuipa nekurwadza kwazvinoita+
Paunosiya Jehovha Mwari wako;
Hauna kunditya,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto.
Asi iwe wakati: “Handisi kuzoshumira,”
Nekuti waizvambarara uchiita upfambi+
Muzvikomo zvese zvakakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira.+
21 Ndakakudyara uri muzambiringa mutsvuku wakanaka kwazvo,+ wese zvawo uri mbeu yakanaka;
Saka wachinja sei pamberi pangu ukava nhungirwa dzakaipa dzemuzambiringa wemusango?’+
22 ‘Kunyange ukageza nesoda kana kushandisa sipo yakawanda,
Kukanganisa kwako kuchangoramba kuri gwapa pamberi pangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.
23 Ungati sei, ‘Handina kuzvisvibisa.
Handina kutevera vanaBhaari’?
Tarisa nzira yako mubani.
Funga zvawakaita.
Wakaita sengamera diki hadzi inomhanya chaizvo,
Inongomhanya-mhanya munzira dzayo zvisina chinangwa,
24 Dhongi remusango rajaira kugara murenje,
Rinofembedza mhepo richida mukono.
Ndiani angaridzora parinenge rava kuda mukono?
Pavanhu vanoritsvaga hapana anoita zvekutobuda ziya.
Vachariwana mumwaka* waro wekuda mukono.
25 Usaita kuti tsoka dzako dzifambe dzisina shangu
Uye kuti huro yako ive nenyota.
Asi wakati, ‘Hazvichabatsiri!+
26 Sekunyara kunoita mbavha kana yabatwa,
Imba yaIsraeri yanyadziswa,
Ivo nemadzimambo avo, machinda avo,
Nevapristi vavo nevaprofita vavo.+
27 Vanoti kumuti, ‘Ndiwe baba vangu,’+
Uye kudombo, ‘Wakandibereka.’
Asi ivo vanondifuratira, havanditarisi nezviso zvavo.+
Panguva yedambudziko ravo vachati,
‘Simukai mutiponese!’+
28 Zvino vanamwari vako vawakazvigadzirira vari kupi?+
Ngavasimuke kana vachikwanisa kukuponesa panguva yekutambudzika kwako,
Nekuti vanamwari vako vawanda semaguta ako, haiwa iwe Judha.+
29 ‘Nei muchiramba muchikakavadzana neni?
Nei makandipandukira mese zvenyu?’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
30 Ndakarova vanakomana venyu asi hapana zvazvakabatsira.+
31 Haiwa imi chizvarwa ichi, fungai shoko raJehovha.
Ndaita serenje kuna Israeri here
Kana kuti senyika yerima rinotyisa?
Nei vanhu vangu ava vakati, ‘Tinongofamba tichienda kwatada.
Hatizouyi kwamuri zvakare’?+
32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo here,
Uye mwenga angakanganwa machira ake anosungwa nechemumazamu* here?
Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwemazuva asingaverengeki.+
33 Haiwa iwe mukadzi, wakanyatsogadzira nzira yako uchitsvaga kudiwa!
Wakazvidzidzisa nzira dzezvakaipa.+
34 Kunyange nechezasi kwenguo dzako kune ropa revarombo vasina mhosva,*+
Kunyange zvazvo ndisina kuvawana vachipaza;
Ropa ravo riri panguo dzako dzese nechekuzasi kwadzo.+
35 Asi unoti, ‘Handina mhosva.
Chokwadi kutsamwa kwake kwabva pandiri.’
Iye zvino ndiri kukuunzira mutongo wako
Nekuti uri kuti, ‘Handina kutadza.’
36 Nei uchiona kuchinja-chinja kwaunoita nzira yako sechinhu chidiki?
37 Nekuda kweizviwo uchabuda wakabata musoro,+
Nekuti Jehovha aramba vaya vaunovimba navo;
Havazoiti kuti ubudirire.”
3 Vanhu vanobvunza kuti: “Kana murume akadzinga mudzimai wake, mudzimai wacho omusiya ova wemumwe murume, murume wacho angadzokazve kwaari here?”
Nyika iyoyo haina kusvibiswa zvakanyanya here?+
“Wakaita chipfambi nevanhu vazhinji,+
Saka iye zvino ungadzoka kwandiri here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
2 “Simudza maziso ako utarise kuzvikomo zvisina chinhu uone.
Ndepapi pausina kubatwa chibharo?
Waivagaririra mumigwagwa,
Semunhu anotama-tama* murenje.
Unoramba uchisvibisa nyika
Neupfambi hwako nezvakaipa zvako.+
5 Munhu angaramba akatsamwa nekusingaperi here,
Kana kuti angaramba aine chigumbu here?’
Izvi ndizvo zvaunotaura,
Asi unoramba uchiita zvakaipa zvese zvaunokwanisa.”+
6 Mumazuva aMambo Josiya,+ Jehovha akati kwandiri: “‘Waona zvakaitwa naIsraeri uyo asina kutendeka here? Akaenda mumakomo ese akakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira kuti aite zvechipfambi.+ 7 Kunyange pashure pekunge aita zvinhu zvese izvi, ndakaramba ndichimuudza kuti adzoke kwandiri;+ asi haana kudzoka; uye Judha akaramba achingotarisa mukoma wake anonyengera.+ 8 Pandakazviona ndakadzinga Israeri asina kutendeka ndikamupa gwaro rakazara rekumuramba+ nemhaka yeupombwe hwake.+ Asi Judha, munin’ina wake anonyengera haana kutya; naiyewo akaenda akanoita zvechipfambi.+ 9 Akaona upfambi hwake sechinhu chidiki, uye akaramba achisvibisa nyika, achiita upombwe nematombo nemiti.+ 10 Pasinei nezvese izvi, munin’ina wake Judha anonyengera haana kudzoka kwandiri nemwoyo wake wese, asi zvaiva zvekungonyepedzera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
11 Jehovha akabva ati kwandiri: “Israeri asina kutendeka akaratidza kuti akarurama* kupfuura Judha anonyengera.+ 12 Enda kuchamhembe uzivise mashoko aya ekuti:+
“‘“Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’+ ‘“Handizokutarisii ndakatsamwa,*+ nekuti ndakavimbika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ ‘“Handizorambi ndakatsamwa nekusingaperi. 13 Imi chingobvumai mhosva yenyu chete, nekuti makapandukira Jehovha Mwari wenyu. Makaramba muchingomwaya rudo rwenyu* kuvatorwa* pasi pemiti yese yakasvibirira, asi hamuna kuda kuteerera inzwi rangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’”
14 “Dzokai imi vanakomana vakatsauka,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndava tenzi wenyu chaiye;* uye ndichakutorai, mumwe chete kubva muguta uye vaviri kubva mumhuri, uye ndichakuunzai kuZiyoni.+ 15 Ndichakupai vafudzi vanoita zvandinoda,+ uye vachakufudzai neruzivo nenjere. 16 Muchava vazhinji, mobereka zvibereko muri munyika yacho pamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Havazotizve, ‘Areka yesungano yaJehovha!’ Haizouyi mupfungwa, uye havazoiyeuki kana kuisuwa, uye haizogadzirwizve. 17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti chigaro cheumambo chaJehovha;+ uye marudzi ese achaunganidzwa kune zita raJehovha kuJerusarema,+ uye havazoomesi misoro zvakare vachitevera mwoyo yavo yakaipa.”
18 “Mumazuva iwayo imba yaJudha neimba yaIsraeri dzichafamba pamwe chete,+ uye dzichabva kunyika yekuchamhembe dziri pamwe chete dzichipinda munyika yandakapa madzitateguru enyu kuti ive nhaka yawo.+ 19 Uye ndakati, ‘Ndakakuisa pakati pevanakomana ndikakupa nyika yakanaka kwazvo, nhaka yakanaka kupfuura dzese pamarudzi!’*+ Ndakafungawo kuti muchandishevedza kuti, ‘Baba vangu!’ uye kuti hamuzoregi kunditevera. 20 ‘Haiwa imi imba yaIsraeri, chokwadi makandinyengera, sezvinoita mudzimai anosiya murume wake* nekunyengera,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
21 Muzvikomo zvisina chinhu muri kunzwika ruzha,
Kuchema uye kuteterera kwevanhu veIsraeri,
Nekuti vakavhiringidza nzira yavo;
Vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.+
22 “Dzokai, imi vanakomana vakatsauka.
Ndichagadzirisa kutsauka kwenyu.”+
“Tiri pano! Tauya kwamuri,
Nekuti imi, haiwa Jehovha, muri Mwari wedu.+
23 Chokwadi zvikomo nemheremhere iri mumakomo ndezvenhema.+
Chokwadi ruponeso rwaIsraeri ruri kuna Jehovha Mwari wedu.+
24 Asi chinhu chinonyadzisa chaparadza* zvakabudirwa ziya nemadzitateguru edu kubvira tichiri vadiki,+
Iwo makwai avo nemombe dzavo,
Vanakomana vavo nevanasikana vavo.
25 Ngatirare pasi tichinyara,
Uye nyadzi dzedu ngadzitifukidze,
Nekuti takatadzira Jehovha Mwari wedu,+
Isu nemadzibaba edu kubvira tichiri vadiki kusvikira nhasi,+
Uye hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”
4 “Kana ukadzoka, haiwa iwe Israeri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Kana ukadzoka kwandiri
Uye kana ukabvisa zvidhori zvako zvinosemesa pamberi pangu,
Hauzovi munhu ari kutiza.+
2 Uye kana ukapika uchiti,
‘NaJehovha mupenyu!’ uchizviita muchokwadi, maererano nemutemo, uye mukururama,
Marudzi achawana* chikomborero kwaari,
Uye achazvirumbidza maari.”+
3 Nekuti zvanzi naJehovha kuvarume veJudha uye kuJerusarema:
“Rimai nyika inorimika,
Uye musaramba muchidyara pakati peminzwa.+
4 Zvichecheudzei nekuda kwaJehovha,
Uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu,+
Imi varume veJudha nevagari vemuJerusarema,
Kuti kutsamwa kwangu kurege kunganduma semoto,
Kwobvira pasina anodzima,
Nemhaka yemabasa enyu akaipa.”+
5 Zvitaurei muJudha, uye zvizivisei muJerusarema.
Shevedzerai uye ridzai hwamanda munyika yese.+
Shevedzerai kwazvo muti: “Unganai,
Ngatitizirei mumaguta akakomberedzwa nemasvingo.+
6 Simudzirai chiratidzo* kuZiyoni.
Tsvagai pekuhwanda uye musamira,”
Nekuti ndiri kuunza dambudziko richibva kuchamhembe,+ iko kuputsa kukuru.
Abuda munzvimbo yake kuti aite kuti nyika yako ive chinhu chinotyisa.
Maguta ako achaitwa matongo, achasara asina anogaramo.+
Chemai* uye ridzai mhere,
Nekuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kubva patiri.
9 “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “mwoyo wamambo uchabatwa nekutya,*+
Nemwoyo yemachindawo;
Vapristi vachatya chaizvo, uye vaprofita vachashamiswa.”+
10 Ndakabva ndati: “Maiwee Changamire Ishe Jehovha! Chokwadi makanyengera chaizvo vanhu ava+ pamwe chete neJerusarema muchiti, ‘Muchava nerugare,’+ ipo pahuro dzedu paine bakatwa.”*
11 Panguva iyoyo zvichanzi kuvanhu ava uye kuJerusarema:
“Pachava nemhepo inopisa inobva kuzvikomo zvisina chinhu zvemugwenga
Ichavhuvhuta pamwanasikana* wevanhu vangu;
Haisi kuuya kuzourutsa kana kuzochenesa.
12 Mhepo ine simba chaizvo iri kubva kunzvimbo idzi nekurayira kwangu.
Zvino ndichazivisa mitongo yangu pavari.
Mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo.+
Tine nhamo, nekuti tasara tisisina chinhu!
14 Geza mwoyo wako uchene pane zvakaipa, haiwa iwe Jerusarema, kuti uponeswe.+
Ucharamba uchingofunga zvakaipa kusvikira riini?
15 Nekuti inzwi rinozivisa shoko kubva kuDhani,+
Uye rinozivisa dambudziko kubva kumakomo ekwaEfremu.
16 Zvitaurei, chokwadi zvitaurei kumarudzi;
Zivisai zviri kuuya kuJerusarema.”
“Mauto anorinda* ari kuuya achibva kunyika iri kure,
Uye achashevedzera kumaguta eJudha.
17 Ivo vanouya kuzorirwisa vachibva kumativi ese sevarindi vemunda usina kusoserwa,+
Nekuti rakandipandukira,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
18 “Nzira dzako nemabasa ako zvichaunzwa pauri.+
Dambudziko rako rinorwadza zvisingaiti,
Nekuti rinonyatsosvika pamwoyo pako chaipo!”
19 Maiwee nhamo yangu* kani, nhamo yangu kani!
Ndiri kurwadziwa kwazvo mumwoyo mangu.*
Hana yangu iri kurova.
Handigoni kuramba ndakanyarara,
Nekuti ndanzwa* kurira kwehwamanda,
20 Paziviswa nezvedambudziko pamusoro pedambudziko,
Nekuti nyika yese yaparadzwa.
Matende angu angoerekana aparadzwa,
Munguva pfupi machira etende rangu aparadzwa.+
21 Ndicharamba ndichiona chiratidzo chacho* kusvikira riini,
Ndichinzwa kurira kwehwamanda kusvika riini?+
Ivo vanakomana vasina pfungwa, vasinganzwisisi.
Vanongwara* chaizvo pakuita zvakaipa,
Asi havazivi kuita zvakanaka.”
23 Ndakaona nyika, uye yakanga isina chinhu, iri dongo.+
Ndakatarisa denga, uye chiedza charo chakanga chisisipo.+
Izvi zvakaitwa naJehovha,
Zvakaunzwa nekutsamwa kwake kukuru.
Vanopinda mumabvokocho esango,
Uye vanokwira pamatombo.+
Maguta ese asiyiwa,
Uye hapana munhu ari kugara maari.”
30 Iye zvino uchaita sei zvawasakadzwa?
Waipfeka zvipfeko zvitsvuku,
Uchizvishongedza nezvishongo zvegoridhe,
Nekukudza maziso ako nezvizoro zvitema.
31 Nekuti ndanzwa inzwi rakaita seremukadzi ari kurwara,
Kutambudzika kwakaita sekwemukadzi ari kusununguka mwana wake wekutanga,
Iro inzwi remwanasikana weZiyoni anoramba achifemereka.
Anotambanudza zvanza zvake achiti:+
“Ndine nhamo, nekuti ndaneta* nevaurayi!”
5 Tendererai mumigwagwa yeJerusarema.
Tarisai kwese kwese mucherechedze.
Tsvagai mumisika yaro
Kuti muone kana mungawana munhu anoita zvakarurama,+
Anotsvaga kuva munhu akatendeka,
Uye ini ndichabva ndarikanganwira.
2 Kunyange kana vakati: “NaJehovha mupenyu!”
Vachange vachingopika zvenhema.+
3 Haiwa Jehovha, maziso enyu haatsvagi kutendeka here?+
Makavarova, asi hazvina zvazvakabatsira.*
Makavaparadza, asi vakaramba kurangwa.+
4 Asi ndakazviudza kuti: “Chokwadi ava vanofanira kunge vari ivo vanhu vakaderera.
Vanoita zveupenzi, nekuti havazivi nzira yaJehovha,
Iwo mutongo waMwari wavo.
5 Ndichaenda kuvarume vanokudzwa ndotaura navo,
Nekuti vanofanira kunge vakafunga nezvenzira yaJehovha,
Iwo mutongo waMwari wavo.+
Asi vese vakanga vatyora joko racho
Uye vadambura zvisungo.”
6 Ndokusaka shumba yemusango ichivarwisa,
Mhumhi yemurenje ichiramba ichivaparadza,
Uye mbada ichiramba yakamuka pamaguta avo.
Munhu wese anobuda mumaguta iwayo anobvamburwa-bvamburwa.
Nekuti kudarika kwavo kuzhinji;
Mabasa avo ekusatendeka mazhinji.+
7 Ndingakukanganwira sei pazvinhu zvakadai?
Vanakomana vako vandisiya,
Uye vanopika nezvinhu zvisiri Mwari.+
Ndakavapa zvese zvavaida,
Asi ivo vakaramba vachiita upombwe,
Uye vakadirana vachienda kuimba yepfambi.
9 “Handingaiti kuti vazvidavirire pazvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Ndingarega* kutsiva rudzi rwakadai here?”+
Bvisai nhungirwa dzaro dzakatanda,
Nekuti hadzisi dzaJehovha.
11 Nekuti imba yaIsraeri neimba yaJudha
Dzakandinyengera zvisingaiti,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Hapana dambudziko richatiwira;
Hapana bakatwa kana nzara zvatichaona.’+
Regai izvi zviitike kwavari!”
14 Saka zvanzi naJehovha, Mwari wemauto:
“Nekuti varume ava vari kutaura izvi,
Ndiri kuita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako,+
Uye vanhu ava ndivo huni,
Uye moto wacho uchavaparadza.”+
15 “Ndiri kukuunzirai rudzi runobva kure, haiwa imi imba yaIsraeri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Irwo rudzi runogara kwenguva refu.
16 Homwe yavo yemiseve yakaita seguva rakavhurika;
Vese zvavo varwi vane simba.
17 Vachadya zvamakakohwa nechingwa chenyu.+
Vachaparadza vanakomana venyu nevanasikana venyu.
Vachadya makwai enyu nemombe dzenyu.
Vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu.
Vachaparadza nebakatwa maguta enyu akakomberedzwa nemasvingo amunovimba nawo.”
18 “Asi kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “handizokuparadzii zvekukupedzai mese.+ 19 Uye pavanobvunza kuti, ‘Jehovha Mwari wedu aitirei zvinhu zvese izvi kwatiri?’ iwe uvapindure kuti, ‘Sekundisiya kwamakaita muchishumira mumwe mwari munyika yenyu, saizvozvowo muchashumira vanhu vekumwe munyika isiri yenyu.’”+
20 Zvitaurei muimba yaJakobho,
Uye zvizivisei munyika yeJudha, muchiti:
21 “Inzwai izvi imi mapenzi uye vanhu vasina pfungwa:*+
22 ‘Hamundityi here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Hamufaniri here kudedera pamberi pangu?
Ndini ndakaita kuti jecha rive muganhu wegungwa,
Murau unogara kwenguva refu warisingagoni kupfuura.
Kunyange zvazvo mafungu aro achisimuka, haangakundi;
Kunyange achitinhira, haakwanisi kuupfuura.+
24 Asi mumwoyo mavo havatauri kuti:
“Iye zvino ngatityei Jehovha Mwari wedu,
Iye anopa mvura mumwaka wayo,
Mvura yemunhuruka* nemvura yemasutso,*
Iye anotichengetera mavhiki akasarudzwa ekukohwa.”+
25 Kukanganisa kwenyu ndiko kwaita kuti zvinhu izvi zvisauya;
Zvivi zvenyu ndizvo zvakunyimisai zvinhu zvakanaka.+
26 Nekuti pavanhu vangu pane vanhu vakaipa.
Vanoramba vachinyatsotarisa sezvinoita vabati veshiri pavanohwandira.
Vanoteya chiteyeso chinouraya.
Vanhu ndivo vavanobata.
Ndokusaka vava nesimba uye vapfuma.
28 Vafuta uye vava kutsvedzerera;
Vanopfachukira nezvinhu zvakaipa.
29 “Handingaiti kuti vazvidavirire pazvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Ndingarega* kutsiva rudzi rwakadai here?
30 Munyika maitika chinhu ichi chinokatyamadza uye chinotyisa:
Uye vanhu vangu ndizvo zvavanofarira.+
Asi muchaita sei pachauya mugumo?”
6 Hwandai kure neJerusarema haiwa vanakomana vaBhenjamini.
Nekuti dambudziko rava kutosvika richibva kuchamhembe, dambudziko rakakura.+
2 Mwanasikana weZiyoni akafanana nemukadzi ane runako, akagarika.+
3 Vafudzi vachauya nezvipfuwo zvavo.
4 “Gadzirirai kumurwisa!
Simukai timurwise ari masikati!”
“Tine nhamo, nekuti kwava kuda kuvira,
Nekuti mimvuri yemanheru iri kuramba ichireba!”
6 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto:
“Temai miti muunganidze murwi wekukomba Jerusarema.+
Iguta rinofanira kuzvidavirira;
Rizere neudzvinyiriri chete.+
7 Rakachengeta zvakaipa zvaro zvichitonhorera,
Sezvinoita mugodhi unochengeta mvura yawo ichitonhorera.
Mariri munonzwika mhirizhonga nekuparadza;+
Urwere nedambudziko zvinogara zviri pamberi pangu.
8 Bvuma kuyambirwa, haiwa iwe Jerusarema kuti ndisakusiya ndasemeswa* newe;+
Ndichakuita dongo, nyika isingagarwi nevanhu.”+
9 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Vachanyatsounganidza vaIsraeri vakasara semazambiringa ekupedzisira pamuzambiringa.
Pfuudza ruoko rwako zvakare semunhu ari kutanha mazambiringa pamizambiringa.”
10 “Ndichataura naani ndimuyambire?
Ndiani achateerera?
Onai! Nzeve dzavo dzakavhara* zvekuti havakwanisi kuteerera.+
Onai! Kwavari shoko raJehovha rava chinhu chavanoshora;+
Havarifariri.
“Dururira kutsamwa kwacho pamwana ari mumugwagwa,+
Pamapoka emajaya akaungana.
Vese vachatapwa, murume pamwe chete nemudzimai wake,
Varume vakwegura pamwe chete nevaya vakwegura zvakanyanya.*+
Nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pavagari vemunyika yacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
13 “Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+
Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+
14 Vanoedza kurapa ronda revanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,
‘Kune runyararo! Kune runyararo!’
Iko kusina runyararo.+
15 Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita?
Havatombonyari!
Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+
Saka vachawa pakati pevaya vakawa.
Vachagumburwa pandichavaranga,” anodaro Jehovha.
16 Zvanzi naJehovha:
“Mirai pamharadzano dzemugwagwa muone.
Asi ivo vanoti: “Hatisi kuzofamba mairi.”+
Asi ivo vakati: “Hatisi kuzoteerera.”+
18 “Saka inzwai, haiwa imi marudzi!
Uye ziva zvichaitika kwavari,
Haiwa iwe ungano.
19 Teerera, haiwa iwe nyika!
Ndiri kuunza dambudziko pavanhu ava+
Nemhaka yezvirongwa zvavo,
Nekuti havana kuteerera mashoko angu
Uye vakaramba mutemo* wangu.”
20 “Ndine basa nazvo here kuti munouya nezvinonhuhwirira zvichena kubva kuShebha
Netsanga dzinonhuhwirira kubva kunyika iri kure?
Mipiro yenyu inopiswa handiigamuchiri,
Uye zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”+
21 Saka zvanzi naJehovha:
“Ndiri kuisira vanhu ava zvipinganidzo,
Uye vachagumburwa nazvo,
Vanababa nevanakomana pamwe chete,
Muvakidzani neshamwari yake,
Uye vese vachaparara.”+
22 Zvanzi naJehovha:
“Onai! Kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yekuchamhembe,
Uye pachamutswa rudzi rukuru runobva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
23 Vachabata uta nepfumo diki.
Vane utsinye uye havazovi netsitsi.
Inzwi ravo richatinhira segungwa,
Uye vakatasva mabhiza.+
Vanoronga uto ravo semurume wehondo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.”
24 Tanzwa mashoko pamusoro parwo.
25 Musabuda muchienda musango,
Uye musafamba mumugwagwa,
Nekuti muvengi ane bakatwa;
Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru.
Chema uchirwadziwa chaizvo semunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,+
Nekuti muparadzi achangoerekana auya kwatiri.+
27 “Ndakakuita* munhu anoedza simbi pakati pevanhu vangu,
Munhu anonyatsotsvaga;
Unofanira kucherechedza uye kuongorora nzira yavo.
Vakaita semhangura nesimbi;
Vese zvavo vakaipa.
Mumoto wadzo munobuda mutobvu.
7 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Mira pagedhi reimba yaJehovha uzivise mashoko aya ipapo ekuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mese vanhu veJudha vanopinda nepamagedhi aya muchinokotamira Jehovha. 3 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Chinjai nzira dzenyu nemabasa enyu uye ndichakubvumirai kuti murambe muchigara munzvimbo ino.+ 4 Musavimba nemashoko eunyengeri, moti, ‘Iyi* itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!’+ 5 Nekuti kana mukanyatsochinja nzira dzenyu nemabasa enyu; kana mukatonga nyaya yemunhu nemuvakidzani wake zvakanaka;+ 6 kana mukasadzvinyirira mutorwa, nherera uye chirikadzi;+ kana mukasadeura ropa risina mhosva munzvimbo ino; uye kana mukasatevera vamwe vanamwari muchizvikuvadzisa;+ 7 ndichakubvumirai kuti murambe muchigara munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu kuti irambe iri yawo.”’”*
8 “Asi muri kuvimba nemashoko eunyengeri;+ izvozvo hazvina zvazvichatombobatsira. 9 Mungaba+ nekuuraya nekuita upombwe nekupika zvenhema+ nekupa zvibayiro* kuna Bhaari+ nekutevera vamwe vanamwari vamusina kumboziva, 10 mozouya momira pamberi pangu muimba ino ine zita rangu muchiti, ‘Tichaponeswa,’ pasinei nezvinhu zvese izvi zvinosemesa zvamuri kuita here? 11 Mava kuona imba ino ine zita rangu sebako remakororo here?+ Ndazvionera ndega,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
12 “‘Zvisinei, endai kunzvimbo yangu kuShiro,+ kwandakatanga kuita kuti zita rangu rigare,+ munoona zvandakaiitira nemhaka yezvakaipa zvevanhu vangu vaIsraeri.+ 13 Asi makaramba muchiita zvinhu zvese izvi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye kunyange zvazvo ndakataura ndataurazve nemi, hamuna kuteerera.+ Ndakaramba ndichikushevedzai, asi hamuna kupindura.+ 14 Saka ndichaitira imba ine zita rangu+ yamuri kuvimba nayo,+ nenzvimbo iyi yandakakupai imi nemadzitateguru enyu, sezvandakaitira Shiro.+ 15 Ndichakurasai kwandisingakuonei, sekurasa kwandakaita hama dzenyu dzese, ivo vazukuru vese vaEfremu.’+
16 “Asi iwe usanyengeterera vanhu ava. Usavachemera kwandiri kana kuvanyengeterera kana kuvatetererera,+ nekuti handizokuteereri.+ 17 Hausi kuona here zvavari kuita mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema? 18 Vanakomana vari kutsvaga huni, vanababa vari kubatidza moto, uye madzimai ari kukanya mukanyiwa kuti vagadzirire Mambokadzi Wedenga*+ makeke emupiro, uye vari kudururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari vachindigumbura.+ 19 ‘Asi ndini wavari kurwadzisa* here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Havasi kuzvirwadzisa ivo pachavo here, vachizvinyadzisa?’+ 20 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Inzwai! Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino,+ pavanhu nepamhuka, pamiti yemusango nepazvibereko zvevhu; hasha dzangu dzichabvira uye hadzizodzimwi.’+
21 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Wedzerai zvibayiro zvinopiswa pane zvimwe zvibayiro zvenyu, mudye imi nyama yacho.+ 22 Nekuti pazuva randakabudisa madzitateguru enyu munyika yeIjipiti, handina kutaura nawo kana kuarayira nezvemipiro inopiswa nezvibayiro.+ 23 Asi ndakavapa murayiro uyu: “Teererai inzwi rangu, uye ndichava Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.+ Munofanira kufamba munzira yese yandinorayira, kuti zvikufambirei zvakanaka.”’+ 24 Asi ivo havana kuteerera, kana kurereka nzeve dzavo;+ asi vakatevera zvemumusoro mavo,* vachiomesa misoro vachitevera mwoyo yavo yakaipa,+ uye vakadzokera shure, kwete kuenda mberi, 25 kubvira pazuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira nhasi.+ Saka ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve zuva nezuva.*+ 26 Asi vakaramba kunditeerera, uye havana kurereka nzeve dzavo.+ Pane kudaro, vakaomesa misoro* yavo uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo!
27 “Uchavaudza mashoko aya ese,+ asi ivo havazokuteereri; uchashevedzera kwavari, asi havazokupinduri. 28 Uye uchati kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera inzwi raJehovha Mwari warwo, uye rwakaramba kurayirwa.* Kutendeka kwaparara uye hakutombotaurwi nezvako pakati pavo.’*+
29 “Gera bvudzi rako risina kugerwa* urirase, uye imba rwiyo rwekushungurudzika* muzvikomo zvisina chinhu, nekuti Jehovha aramba chizvarwa ichi chakamutsamwisa chaizvo uye achachisiya. 30 ‘Nekuti vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Vakaisa zvidhori zvavo zvinosemesa muimba ine zita rangu, kuti vaisvibise.+ 31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, iri muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vapise vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira uye zvisina kutombobvira zvauya mumwoyo mangu.’*+
32 “‘Saka inzwai! mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘paisingazombonzizve Tofeti kana kuti Bani reMwanakomana waHinomu,* asi Bani Rekuurayira. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira musisina nzvimbo.+ 33 Uye zvitunha zvevanhu ava zvichava zvekudya zveshiri dzedenga nezvemhuka dzepanyika, pasina anodzidzinga.+ 34 Ndichaita kuti mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema musanzwika inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru, inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga,+ nekuti nyika yacho ichasara yava matongo.’”+
8 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “mapfupa emadzimambo eJudha, nemapfupa emachinda ayo, nemapfupa evapristi, nemapfupa evaprofita, nemapfupa evagari vemuJerusarema achatorwa mumakuva avo. 2 Achaparadzirwa pasi pezuva, nemwedzi, neuto rese rekudenga zvavakada, vakazvishumira, vakazvitevera, vakazvitsvaga nekuzvikotamira.+ Haazounganidzwi, uyewo haazovigwi. Achava semupfudze panyika.”+
3 “Vaya vachapona pamhuri iyi yakaipa vachasarudza rufu panzvimbo pekurarama munzvimbo dzandichaita kuti vaite rumwe rumwe madziri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.
4 “Uye unofanira kuti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:
“Vangawira pasi vakasamukazve here?
Kana mumwe akadzoka, mumwe wacho haangadzokiwo here?
5 Nei vanhu ava vasina kutendeka vemuJerusarema vachingoramba vasina kutendeka?
Havabvi paunyengeri;
Vanoramba kudzoka.+
6 Ndakateerera, uye ndakaramba ndichinzwa, asi matauriro avaiita akanga asina kunaka.
Hapana murume akapfidza zvakaipa zvake kana akati, ‘Zvino ndaitei?’+
Mumwe nemumwe anoramba achidzokera kunzira yeveruzhinji sebhiza riri kumhanyira kunorwa.
7 Shuramurove iri mudenga inoziva mwaka yayo;*
Njiva nenyenganyenga* nekadhimba,* zvinoziva nguva yazvo yekudzoka.*
Asi vanhu vangu havanzwisisi mutongo waJehovha.”’+
8 ‘Mungati sei: “Takachenjera, uye tine mutemo* waJehovha”?
Nekuti chokwadi ndechekuti chinyoreso chinonyepa*+ chevanyori chiri kushandiswa panhema dzega dzega.
Vava kutya zvikuru uye vachabatwa.
Onai! Vakaramba shoko raJehovha,
Kuchenjera kwavo kuri papi?
10 Saka ndichapa madzimai avo kune vamwe varume,
Minda yavo kune vamwe vanhu;+
Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+
Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+
11 Vanoedza kurapa ronda remwanasikana wevanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,
“Kune runyararo! Kune runyararo!”
Iko kusina runyararo.+
12 Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita?
Havatombonyari!
Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+
Saka vachawa pakati pevaya vakawa.
Vachagumburwa pandichavaranga,’+ anodaro Jehovha.
13 ‘Pandichavaunganidza ndichaita kuti vapere,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
‘Hapazovi nemazambiringa achasara pamuzambiringa, pamuonde hapazovi nemaonde, uye mashizha achaoma.
Uye zvinhu zvandakavapa zvicharasika.’”
14 “Takagarireiko pano?
Ngatiunganei tipinde mumaguta akakomberedzwa nemasvingo+ tifire imomo.
Nekuti Jehovha Mwari wedu achatiparadza,
Uye ari kutipa mvura ine muchetura kuti tinwe,+
Nemhaka yekuti takatadzira Jehovha.
15 Taiva netariro yekuti pachava nerunyararo, asi hapana chakanaka chakauya,
Netariro yekuporeswa, asi kune zvinotyisa!+
16 KuDhani kuri kunzwika kupfepfedza kwemabhiza ake.
Kuchema kwemabhiza ake makono
Kwazunungusa nyika yese.
Anopinda oparadza nyika nezvese zviri mairi,
Guta nevagari varo.”
17 “Nekuti ndiri kutuma nyoka kwamuri,
Nyoka dzine uturu dzisingagoni kuitirwa mashiripiti,
Uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
18 Shungu dzangu hadzirapiki;
Mwoyo wangu uri kurwara.
19 Pane inzwi rekuchemera kubatsirwa riri kubva kunyika iri kure,
Riri kubva kumwanasikana wevanhu vangu richiti:
“Jehovha haasi muZiyoni here?
Kana kuti mambo waro haasi imomo here?”
“Vakandigumburirei nemifananidzo yavo yakavezwa,
Navanamwari vavo vekune dzimwe nyika vasina zvavanobatsira?”
20 “Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera,
Asi isu hatina kuponeswa!”
Ndavhunduka.
22 MuGiriyedhi hamuna bharisamu* here?+
Kana kuti hamuna murapi* here?+
Nei mwanasikana wevanhu vangu asina kupora?+
Ndaizochema siku nesikati,
Ndichichema vakaurayiwa pavanhu vangu.
2 Kudai hangu ndaiva nenzvimbo inogarwa nevafambi murenje!
“Vanobva pane zvakaipa vachienda pane zvakaipa,
Uye havanditeereri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
4 “Munhu wese ngaachenjerere muvakidzani wake,
Uye musavimba kunyange nehama yenyu.
5 Mumwe nemumwe anobiridzira muvakidzani wake,
Uye hapana anotaura chokwadi.
Vakadzidzisa rurimi rwavo kureva nhema.+
Vanozvinetesa nekuita zvakaipa.
6 Muri kugara pakati pevanyengeri.
Vakaramba kundiziva neunyengeri hwavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
7 Saka zvanzi naJehovha wemauto:
“Ndichavanatsa uye ndichavaedza,+
Nekuti chii chimwe chandingaita nemwanasikana wevanhu vangu?
8 Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura zvekunyengera.
Nemuromo wake, munhu anotaura zverugare kumuvakidzani wake,
Asi mumwoyo make anenge achihwandira.”
9 “Handingaiti kuti vazvidavirire pazvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Ndingarega* kutsiva rudzi rwakadai here?+
10 Ndichachema makomo uye ndichaungudza
Uye ndichaimba rwiyo rwekushungurudzika pamusoro pemafuro* erenje,
Nekuti akapiswa zvekuti hapana munhu anopfuura namo,
Uye kuchema kwezvipfuwo hakusi kunzwika.
Shiri dzedenga nemhuka zvatiza; zvaenda.+
11 Ndichaita kuti Jerusarema rive mirwi yematombo,+ nzvimbo inogara hunguhwe,*+
Uye ndichaita kuti maguta eJudha ave matongo, asina anogaramo.+
12 Ndiani akachenjera zvekuti anokwanisa kunzwisisa zvinhu izvi?
Muromo waJehovha wataura naani kuti audzewo vamwe?
Nei nyika yaparara?
Nei yabvuraudzwa serenje,
Zvekuti hapana ari kupfuura namo?”
13 Jehovha akapindura achiti: “Nekuti vakaramba mutemo* wangu wandakadzika pamberi pavo, uye nekuti havana kuutevera, vachirega kuteerera inzwi rangu. 14 Asi vakaomesa misoro vakatevera mwoyo yavo,+ uye vakatevera mifananidzo yaBhaari, sezvavakanga vadzidziswa nemadzibaba avo kuti vaite.+ 15 Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuita kuti vanhu ava vadye kamuti kanovava, uye ndichavanwisa mvura ine muchetura.+ 16 Ndichaita kuti vapararire pakati pemarudzi avasina kuziva, ivo kana madzibaba avo,+ uye ndichatuma bakatwa kuti rivatevere kusvikira ndavaparadza.’+
17 Zvanzi naJehovha wemauto,
‘Ratidzai kuti munonzwisisa.
Shevedzai vakadzi vanoimba nziyo dzekushungurudzika,*+
Uye daidzai vakadzi vane unyanzvi kuti vauye,
18 Kuti vakurumidze kuuya kuzotichema,
Kuti maziso edu ayerere misodzi
Uye maziso edu achururuke mvura.+
19 Nekuti inzwi rekuchema ranzwika muZiyoni richiti:+
“Chokwadi taparadzwa!
Tiri kunyara zvisingaiti!
Nekuti tasiya nyika yacho, uye vapwanya misha yedu.”+
20 Inzwai shoko raJehovha, imi vakadzi.
Nzeve dzenyu ngadziteerere shoko remuromo wake.
Dzidzisai vanasikana venyu rwiyo urwu rwekuchema,
Uye dzidzisanai rwiyo urwu rwekushungurudzika.+
21 Nekuti rufu rwauya nepamahwindo edu;
Rwapinda mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimba
Kuti rubvise vana mumigwagwa
Uye majaya mumisika.’+
22 Iti, ‘Zvanzi naJehovha:
“Zvitunha zvevanhu zvichawira pasi semupfudze mumunda,
Semutsetse wezvirimwa zvichangobva kuchekwa nemukohwi,
Pasina anozviunganidza.”’”+
23 Zvanzi naJehovha:
“Munhu akachenjera ngaarege kuzvirumbidza neuchenjeri hwake;+
Munhu ane simba ngaarege kuzvirumbidza nesimba rake;
Uye mupfumi ngaarege kuzvirumbidza neupfumi hwake.”+
24 “Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze neizvi:
Kuti anonzwisisa nezvangu uye ane ruzivo pamusoro pangu,+
Kuti ndini Jehovha, iye anoratidza rudo rusingachinji, anotonga zvakanaka uye anoita zvakarurama panyika,+
Nekuti ndinofarira zvinhu izvi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
25 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti munhu wese akachecheudzwa asi asina kuchecheudzwa azvidavirire,+ 26 pamwe chete neIjipiti+ neJudha+ neEdhomu+ nevaAmoni+ neMoabhi+ nevanhu vese vane bvudzi repamberi penzeve rakadimburirwa vari kugara murenje;+ nekuti marudzi ese haana kuchecheudzwa, uye imba yese yaIsraeri ine mwoyo isina kuchecheudzwa.”+
10 Inzwai shoko rataurwa naJehovha pamusoro penyu, haiwa imi imba yaIsraeri. 2 Zvanzi naJehovha:
“Musadzidza nzira yemamwe marudzi,+
Uye musatyiswa nezviratidzo zvekudenga,
Nekuti mamwe marudzi anotyiswa nazvo.+
3 Nekuti tsika dzemarudzi acho hadzisi chinhu.*
Unongova muti wesango unotemwa,
Wogadzirwa nemaoko emhizha ichishandisa mudziyo wayo.+
5 Haigoni kutaura kungofanana nedukununu rekutyisidzira shiri mumunda wemagaka;+
Inotoita zvekutakurwa nekuti haigoni kufamba.+
Musaitya nekuti haikuvadzi,
Kana kuita chero chinhu chakanaka.”+
6 Hapana akaita semi, haiwa Jehovha.+
Muri mukuru, uye zita renyu iguru uye rine simba.
7 Ndiani angarega kukutyai, haiwa imi Mambo wemarudzi,+ nekuti ndizvo zvakakodzera;
Nekuti pakati pevakachenjera vese vemamwe marudzi uye pakati peumambo hwavo hwese,
Hapana kana akaita semi.+
8 Vese havafungi uye mapenzi.+
Kurayirwa nemuti hakuna kana chiyamuro.*+
9 Sirivha yakaitwa nhetenhete inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye goridhe kubva kuUfazi,
Basa remhizha, remaoko emupfuri wesimbi.
Zvipfeko zvazvo ndezveshinda yebhuruu neshinda yepepuru.
Zvese zvakagadzirwa nevashandi vane unyanzvi.
10 Asi Jehovha ndiMwari zvechokwadi.
Ndiye Mwari mupenyu+ uye Mambo asingagumi.+
Nyika ichadengenyeka nekuda kwehasha dzake,+
Uye hapana marudzi achatsungirira kutsamwa kwake.
“Vanamwari vasina kusika denga nenyika
Vachaparara panyika uye pasi pedenga iri.”+
12 Ndiye akasika nyika nesimba rake,
Iye akasimbisa nyika neuchenjeri hwake+
Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+
14 Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo.
Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+
Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,
15 Haisi chinhu,* ibasa rinoshorwa.+
Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo.
16 Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,
Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,
Uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+
Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
17 Unganidza zvinhu zvako,
Haiwa iwe mukadzi akakombwa.
18 Nekuti zvanzi naJehovha:
“Ndiri kuvhiriridzira* vagari vemunyika yacho kunze kwayo panguva ino,+
Uye ndichaita kuti vatambudzike.”
19 Ndiri munhamo nekuda kwekukuvara* kwangu!+
Ronda rangu harirapiki.
Uye ndakati: “Chokwadi uhwu ndihwo urwere hwangu, uye ndinofanira kuhutsungirira.
20 Tende rangu raparadzwa, uye tambo dzetende rangu dzadamburwa dzese.+
Vanakomana vangu vandisiya, uye havasisipo.+
Hapasisina asara kuti atambanudze tende rangu kana kusungirira machira etende rangu.
Ndokusaka vasina kuratidza njere,
Uye makwai avo ese apararira.”+
22 Inzwai! Pane shoko riri kuuya!
Kutinhira kukuru kuri kubva kunyika yekuchamhembe,+
Kuti maguta eJudha aitwe matongo, nzvimbo inogara hunguhwe.*+
23 Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yemunhu haisi yake.
Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.+
24 Haiwa Jehovha, ndiruramisei nemutongo,
Asi kwete makatsamwa,+ kuti murege kundisiya ndisisiri chinhu.+
Nekuti vaparadza Jakobho,+
Chokwadi, vamuparadza kusvika vamutsakatisa,+
Uye vaita kuti nyika yake ive dongo.+
11 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Inzwai mashoko esungano iyi imi vanhu!
“Ataure* kuvarume veJudha nekuvagari vemuJerusarema 3 uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Munhu asingateereri mashoko esungano iyi ngaatukwe,+ 4 ayo andakarayira madzitateguru enyu pazuva randakaabudisa munyika yeIjipiti,+ muchoto chinonyungudutsirwa simbi,+ ndichiti, ‘Teererai inzwi rangu, uye itai zvinhu zvese zvandinokurayirai; muchava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wenyu,+ 5 kuti ndizadzise mhiko yandakapikira madzitateguru enyu, yekuti ndiape nyika inoyerera uchi nemukaka,+ sezvazviri nhasi.’”’”
Ndakabva ndapindura kuti: “Ameni,* haiwa Jehovha.”
6 Jehovha akabva ati kwandiri: “Zivisa mashoko aya ese mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema uchiti: ‘Inzwai, mashoko esungano iyi, muaite. 7 Nekuti ndakarayira zvakasimba madzitateguru enyu pazuva randakaabudisa munyika yeIjipiti kusvikira nhasi, ndichiarayira ndaarayirazve* ndichiti: “Teererai inzwi rangu.”+ 8 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; mumwe nemumwe akatoramba achiomesa musoro achitevera mwoyo wake wakaipa.+ Saka ndakavaunzira mashoko ese esungano ino andakavarayira kuti vaite, asi vakaramba kuaita.’”
9 Jehovha akabva ati kwandiri: “Varume veJudha nevagari vemuJerusarema vari kufurirana kuita zvakaipa. 10 Vakadzokera kuzvikanganiso zvemadzitateguru avo ekare, ayo akaramba kuteerera mashoko angu.+ Naivowo vakatevera vamwe vanamwari, vakavashumira.+ Imba yaIsraeri neimba yaJudha dzakaputsa sungano yangu yandakaita nemadzitateguru avo.+ 11 Saka zvanzi naJehovha, ‘Onai ndiri kuunza dambudziko pavari,+ ravasingazogoni kutiza. Pavanoshevedzera kwandiri kuti ndivabatsire, handizovateereri.+ 12 Vanhu vemumaguta eJudha nevagari vemuJerusarema vachabva vaenda kuna vanamwari vavari kupa zvibayiro* vokumbira kuti vabatsirwe,+ asi havasi kuzombovaponesa panguva yedambudziko ravo. 13 Nekuti vanamwari vako vawanda semaguta ako, haiwa iwe Judha, uye wakavaka atari dzamwari anonyadzisa dzakawanda semigwagwa yeJerusarema, kuti upire zvibayiro kuna Bhaari.’+
14 “Asi iwe* usanyengeterera vanhu ava. Usavachemera kwandiri kana kuvanyengeterera,+ nekuti handizoteereri pavachashevedzera kwandiri pamusoro pedambudziko ravo.
15 Mudiwa wangu ane kodzero yekuva mumba mangu here,
Ipo paine vanhu vakawanda kudai vakaita zvinhu zvakaipa zvavakaruka?
Vachaita kuti nyama tsvene* ivhariridze dambudziko parichauya pauri here?
Uchapembera nemufaro panguva iyoyo here?
16 Jehovha aimbokushevedza kuti muorivhi wakasvibirira,
Wakanaka uye une michero yakanaka.
Nekutinhira kukuru, akautungidza nemoto,
Uye vakatyora mapazi awo.
17 “Jehovha wemauto, Mudyari wako,+ azivisa kuti dambudziko richauya pauri nemhaka yezvakaipa zvakaitwa neimba yaIsraeri neimba yaJudha, idzo dzakandigumbura nekupa zvibayiro kuna Bhaari.”+
18 Jehovha akandiudza kuti ndizive;
Panguva iyoyo makaita kuti ndione zvavaiita.
19 Ndakanga ndakaita segwayana rakapfava riri kuendeswa kunourayiwa.
Handina kuziva kuti vaindirongera vachiti:+
“Ngatiparadzei muti nemichero yawo,
Uye ngatimubvisei panyika yevapenyu,
Kuti zita rake risayeukwa zvakare.”
Itai kuti ndione muchivatsiva,
Nekuti ndakaisa nyaya yangu kwamuri.
21 Saka zvanzi naJehovha kuvarume vekuAnatoti+ vari kutsvaga kukuuraya* uye vari kuti: “Usaprofita uchishandisa zita raJehovha,+ kuti tirege kukuuraya”; 22 zvanzi naJehovha wemauto: “Ndichaita kuti vazvidavirire. Majaya achaurayiwa nebakatwa+ uye vanakomana vavo nevanasikana vavo vachafa nenzara.+ 23 Hapana kunyange nevashoma vachasara pakati pavo, nekuti ndichaunza dambudziko pavarume vekuAnatoti,+ gore ravachaitwa kuti vazvidavirire.”
12 Haiwa Jehovha, imi makarurama+ pandinonyunyuta kwamuri,
Pandinotaura nemi nezvenyaya yekutonga zvakarurama.
Asi nei nzira yevakaipa ichibudirira,+
Uye nei vaya vanonyengera vasina zvinovanetsa mumwoyo?
2 Makavadyara uye vadzika midzi.
Vakura uye vabereka michero.
Hamubvi pamiromo yavo, asi pfungwa dzavo dzakadzama* dziri kure nemi.+
3 Asi imi munonyatsondiziva, haiwa Jehovha,+ munondiona;
Makaongorora mwoyo wangu mukaona kuti unoita zvamunoda.+
Vasarudzei semakwai ekuuraya,
Uye vatsaurei kuitira zuva rekuurayiwa.
4 Nyika icharamba ichioma kusvikira riini
Uye zvinomera zvemasango ese zvicharamba zvichioma kusvikira riini?+
Zvakaipa zvevaya vari kugara mairi
Zvaita kuti mhuka neshiri zviparadzwe.
Nekuti vakati: “Haasi kuona zvichaitika kwatiri.”
Uri kunzwa wakagadzikana munyika yerugare,
Asi uchaita sei pakati pemazibvokocho esango ari pedyo naJodhani?
Vakashevedzera nenzwi riri pamusoro kwauri.
Usatenda mavari
Kunyange kana vakataura zvinhu zvakanaka kwauri.
7 “Ndasiya imba yangu;+ ndabva panhaka yangu.+
Ndaisa mudiwa wangu wepamwoyo* mumaoko evavengi vake.+
8 Kwandiri nhaka yangu yava seshumba iri musango.
Yandidzvovera.
Saka ndava kuivenga.
9 Kwandiri nhaka yangu yakaita seshiri ine mavara inodya nyama;
Dzimwe shiri dzinodya nyama dzinoimomotera dzoirwisa.+
Uyai, unganai, imi zvikara zvese zvesango,
Uyai mudye.+
Vakasiya nyika yangu yakanaka yava renje risina chinhu.
11 Yava nyika isina chinhu.
Nyika yese yaitwa dongo,
Asi hapana ane basa nazvo.+
12 Vaparadzi vauya nemumakwara ese akapfumbira anopfuura nemurenje,
Nekuti bakatwa raJehovha riri kuparadza kubvira kumugumo wenyika kusvika kune mumwe mugumo wayo.+
Hapana ane* rugare.
13 Vakadyara gorosi asi vakakohwa minzwa.+
Vakashanda zvakaoma asi hapana chakabuda.
Vachanyara nezvavachakohwa
Nemhaka yekutsamwa kukuru kwaJehovha.”
14 Zvanzi naJehovha kuvavakidzani vangu vese vakaipa vari kubata nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri:+ “Ndiri kuvadzura panyika yavo,+ uye ndichadzura imba yaJudha pakati pavo. 15 Asi kana ndavadzura, ndichavanzwirazve tsitsi, ndodzosa mumwe nemumwe wavo kunhaka yake nekunyika yake.”
16 “Uye kana vakava nechokwadi chekuti vadzidza nzira dzevanhu vangu uye kupika nezita rangu vachiti, ‘NaJehovha mupenyu!’ sekudzidzisa kwavakaita vanhu vangu kupika naBhaari, vachagara nevanhu vangu. 17 Asi kana vakaramba kuteerera, ndichadzurawo rudzi irworwo, ndicharudzura nekuruparadza,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
13 Jehovha akati kwandiri: “Enda unotenga bhandi rejira urisunge muchiuno, asi usarinyika mumvura.” 2 Saka ndakatenga bhandi racho sezvakataurwa naJehovha, ndikarisunga muchiuno. 3 Uye shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri, richiti: 4 “Tora bhandi rawakatenga uye rawakasunga, usimuke uende kuna Yufratesi urivige ikoko mumukaha wedombo.” 5 Saka ndakaenda ndikariviga pedyo naYufratesi, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.
6 Asi kwapera mazuva mazhinji, Jehovha akati kwandiri: “Simuka uende kuRwizi rwaYufratesi unotora bhandi randakakurayira kuti uvige ikoko.” 7 Saka ndakaenda kuna Yufratesi ndikachera bhandi racho ndikaritora pandakanga ndariviga, uye ndakaona kuti rakanga raora, risingachabatsiri zvachose.
8 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 9 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichaita kuti kuzvikudza kweJudha nekuzvikudza kukuru kweJerusarema kuitewo saizvozvi.+ 10 Vanhu ava vakaipa, uye vanoramba kuteerera mashoko angu,+ vachiomesa misoro vachitevera mwoyo yavo,+ uye vachitevera vamwe vanamwari, vachivashumira uye vachivakotamira, saka vachaitawo sebhandi iri risingachabatsiri zvachose.’ 11 ‘Nekuti sekunamatira kunoita bhandi muchiuno chemunhu, ndakaitawo kuti imba yese yaIsraeri neimba yese yaJudha dzinamatire kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti vave kwandiri rudzi,+ zita,+ kurumbidzwa uye chinhu chakanaka. Asi havana kuteerera.’+
12 “Uye unofanirawo kuvaudza shoko iri rekuti, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Makate ese anofanira kuzadzwa waini.”’ Uye ivo vachakupindura vachiti, ‘Hatizvizivi nechekare here kuti makate ese anofanira kuzadzwa waini?’ 13 Ubve wati kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndichadhakisa newaini vagari vese vemunyika ino,+ madzimambo anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi, vapristi nevaprofita, nevagari vese vemuJerusarema. 14 Ndichavadhumanisa, vanababa nevanakomana saizvozvo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Handizonzwi tsitsi, kana kusuruvara, uye handizovanzwiri ngoni; hapana chichaita kuti ndirege kuvaparadza.”’+
15 Inzwai muteerere.
Musazvikudza, nekuti Jehovha ataura.
16 Kudzai Jehovha Mwari wenyu
Asati aunza rima
Uye tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa mumakomo panguva yerubvunzavaeni.
Ndichabudisa misodzi yakawanda, uye maziso angu achayerera misodzi,+
Nekuti boka rezvipfuwo zvaJehovha+ rapambwa.
18 Udza mambo naamai vake+ kuti, ‘Garai munzvimbo yakaderera,
Nekuti korona yenyu yakanaka ichadonha kubva mumusoro menyu.’
19 Maguta ekumaodzanyemba avharwa,* uye hapana anoavhura.
Judha wese atapwa, hapana asara.+
20 Simudza musoro uone vaya vari kubva kuchamhembe.+
Zvipfuwo zvawakapiwa zviri kupi, iwo makwai ako akanaka?+
Hauzovi nemarwadzo akaita seemukadzi ari kusununguka here?+
22 Uye paunoti mumwoyo mako, ‘Nei zvinhu izvi zvandiwira?’+
Kukanganisa kwako kukuru ndiko kwaita kuti nguo yako ifukurwe nechekuzasi+
Uye kuti zvitsitsinho zvako zvirwadziswe.
23 MuKushi* angachinja ganda rake here, kana mbada mavara ayo here?+
Kana izvozvo zvichikwanisika, saka imi munogonawo kuita zvakanaka,
Imi vakadzidziswa kuita zvakaipa.
24 Saka ndichavaparadzira semashanga ari kupeperetswa nemhepo yemugwenga.+
25 Uyu ndiwo mugove wako, chikamu chako chandakakuyerera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
26 Saka ndichafukurira nguo yako kuchiso chako,
Uye kushama kwako kuchaonekwa,+
27 Iwo mabasa ako eupombwe+ nekuchema kwako sekwebhiza riri kuda mukono,
Nechipfambi chako chakanyanyisa.*
Ndakaona maitiro ako anosemesa
Muzvikomo nemusango.+
Une nhamo haiwa Jerusarema!
Ucharamba usina kuchena kusvikira riini?”+
14 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pekusanaya kwemvura:+
2 Judha iri kuchema,+ uye magedhi ayo apera basa.
Ari kunyura pasi akasuruvara,
Uye pane kuchema kuri kunzwika muJerusarema.
3 Vanatenzi vavo vanotuma varanda* vavo kumvura.
Vanoenda kumakomba emvura* asi havawani mvura.
Vanodzokera nemidziyo isina chinhu.
Vari kunyara uye vari kurwadziwa,
Uye vanofukidza misoro yavo.
4 Pasi patsemuka
Nemhaka yekusanaya kwemvura munyika,+
Saka varimi vari kunetseka uye vafukidza misoro yavo.
5 Kunyange nondo iri musango inosiya mwana wayo wainobereka
Nekuti hapana uswa.
6 Madhongi emusango anomira muzvikomo zvisina chinhu.
7 Kunyange zvazvo kukanganisa kwedu kuchipupura kuti tine mhosva,
Haiwa Jehovha, itai chimwe chinhu kuitira zita renyu.+
Nekuti mabasa edu ekusatendeka mazhinji,+
Uye ndimi watakatadzira.
8 Haiwa imi tariro yaIsraeri, Muponesi+ wake panguva dzekutambudzika,
Nei muchiita semutorwa munyika,
Semunhu ari parwendo anongomira kuti arare usiku?
9 Nei muchiita semunhu avhiringidzika,
Semurume ane simba asingagoni kuponesa?
Musatirasa.
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pevanhu ava: “Vanoda zvekungodzungaira nenyika;+ havana kudzora tsoka dzavo.+ Saka Jehovha haavafariri.+ Iye zvino achayeuka kukanganisa kwavo uye achaita kuti vazvidavirire zvivi zvavo.”+
11 Jehovha akabva ati kwandiri: “Usanyengeterera kuti vanhu ava vaitirwe zvakanaka.+ 12 Pavanotsanya, handiteereri kuteterera kwavo,+ uye pavanopa zvibayiro zvinopiswa nemipiro yezviyo,* hazvindifadzi;+ ndichavaparadza nebakatwa, nenzara, uye nedenda.”*+
13 Ndakabva ndati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha! Vaprofita vari kuti kwavari, ‘Hapana bakatwa ramuchaona, uye nzara haizouyi pamuri, asi ndichakupai rugare rwechokwadi munzvimbo ino.’”+
14 Jehovha akabva ati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema muzita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kukuprofitirai chiratidzo chenhema vachifembera zvinhu zvisingabatsiri uye vanokuudzai zvinhu zvavanoruka mumwoyo mavo.+ 15 Saka zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kuprofita muzita rangu, kunyange zvazvo ndisina kuvatuma, uye vari kutaura kuti hapana bakatwa kana nzara zvichavapo munyika ino: ‘Vaprofita ivavo vachaparara nebakatwa nenzara.+ 16 Vanhu vavari kuprofitira vacharasirwa mumigwagwa yeJerusarema nekuda kwenzara nebakatwa, pasina anovaviga,+ ivo, madzimai avo, vanakomana vavo, kana vanasikana vavo, nekuti ndichadururira pavari dambudziko rakavakodzera.’+
17 “Unofanira kutaura shoko iri kwavari,
‘Maziso angu ngaayerere misodzi siku nesikati, ngaasamira,+
Nekuti mhandara yevanhu vangu yapwanyiwa uye yakuvadzwa zvakanyanya,+
Uye ronda rayo rakakura zvisingaiti.
Uye kana ndikapinda muguta,
Ndinoona zvirwere zvakakonzerwa nenzara!+
Nekuti muprofita nemupristi vari kudzungaira nenyika yavasingazivi.’”+
19 Makaramba Judha zvachose here, uye makasema* Ziyoni here?+
Makatiroverei zvekuti hatipori?+
Taiva netariro yekuti pachava nerunyararo, asi hapana chakanaka chakauya,
Netariro yekuporeswa, asi kune zvinotyisa!+
20 Tinobvuma zvakaipa zvedu, haiwa Jehovha,
Uye kukanganisa kwemadzitateguru edu,
Nekuti takakutadzirai.+
Yeukai uye musaputsa sungano yenyu nesu.+
22 Pazvidhori zvisina zvazvinobatsira zvemamwe marudzi pane chinganayisa mvura here,
Kana kuti denga ringagona kunayisa mvura rega here?
Hamusi imi mega here, haiwa Jehovha Mwari wedu?+
Tinotarisira kwamuri,
Nekuti imi mega ndimi makaita zvinhu zvese izvi.
15 Jehovha akabva ati kwandiri: “Kunyange dai pamberi pangu paizomira Mozisi naSamueri+ ndaisambonzwira* vanhu ava nyasha. Vadzinge pamberi pangu. Ngavaende. 2 Uye kana vakati kwauri, ‘Toendepi?’ iwe unofanira kuti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:
“Munhu wese akafanirwa nedenda rinouraya, ngaaende kunofa nedenda!
Munhu wese akafanirwa nebakatwa, ngaafe nebakatwa!+
Munhu wese akafanirwa nenzara, ngaafe nenzara!
Munhu wese akafanirwa nekutapwa, ngaatapwe!”’+
3 “‘Ndichatuma matambudziko mana* pavari,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘bakatwa kuti riuraye, imbwa kuti dzizvuzvurudze, shiri dzedenga uye mhuka dzepanyika kuti dzidye uye dziparadze.+ 4 Ndichavaita chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwepanyika+ nemhaka yaManase mwanakomana waHezekiya, mambo weJudha, nekuda kwezvaakaita muJerusarema.+
5 Ndiani achakunzwira tsitsi, haiwa iwe Jerusarema,
Ndiani achachema newe,
Uye ndiani achamira kuti abvunze kuti wakadii?’
6 ‘Wakandisiya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
‘Unoramba uchindipira gotsi.*+
Saka ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokuparadza.+
Ndaneta nekukunzwira tsitsi.*
7 Ndichavaurutsa neforogo pamagedhi enyika yacho.
Ndichaita kuti vafirwe nevana.+
Ndichaparadza vanhu vangu,
Nekuti vari kuramba kusiya nzira dzavo.+
8 Chirikadzi dzavo dzichawanda pamberi pangu kupfuura jecha remakungwa.
Ndichaunza muparadzi pavari zuva riri panhongonya, pana vanaamai nepamajaya.
Ndichaita kuti vangoerekana vava kunetseka uye vava kutya zvikuru.
Zuva rake ravira achiri masikati,
Zvichikonzera kunyadziswa uye kuzvidzwa.’*
‘Uye vashoma vakasara pakati pavo
Ndichavaurayisa nebakatwa pamberi pevavengi vavo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+
10 Ndine nhamo, haiwa amai vangu, nekuti makandibereka,+
Ini murume wekungopopotedzana uye kukakavadzana nenyika yese.
Handina kukweretesa, uye hapana wandakakwereta kwaari;
Asi vese zvavo vanondituka.
11 Jehovha akati: “Chokwadi ndichakushumira kuti zvikufambire zvakanaka;
Chokwadi ndichakumiririra kumuvengi panguva yekutambudzika,
Panguva yenhamo.
12 Munhu angagura-gura simbi here,
Simbi inobva kuchamhembe, uye mhangura?
13 Ndichaita kuti pfuma yako nezvinhu zvako zvinokosha zvitorwe+
Pasina mubhadharo, nemhaka yezvivi zvako zvese munharaunda dzako dzese.
Nekuti moto wabatidzwa nekutsamwa kwangu,
Uye uri kubvira kuti ukupisei.”+
15 Imi munoziva, haiwa Jehovha,
Ndiyeukei, mufunge nezvangu.
Nditsivirei vaya vanonditambudza.+
Musandirega ndichiparara,* nekuda kwekunonoka kutsamwa kwenyu.
Zivai kuti ndinotsungirira kuzvidzwa uku ndichiitira imi.+
16 Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya;+
Uye akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo,
Nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto.
17 Handifadzwi nekugara pane vaya vanoita mafaro akanyanyisa.+
18 Nei marwadzo angu asiri kupera uye ronda rangu risingarapiki?
Riri kuramba kupora.
Muchava kwandiri nzvimbo inoita seine mvura asi iyo isina here,
Nzvimbo isingagoni kuvimbwa nayo?
19 Saka zvanzi naJehovha:
“Kana ukadzoka, ndichabva ndakudzosa panzvimbo yako,
Uye uchamira pamberi pangu.
Kana ukaparadzanisa zvinhu zvinokosha nezvinhu zvisina zvazvinobatsira,
Uchava semuromo wangu.*
Vanenge vava kufanira kutouya kwauri,
Asi iwe hauzoendi kwavari.”
20 “Ndiri kukuita rusvingo rwemhangura rwakasimba kuvanhu ava.+
Chokwadi vacharwa newe,
Nekuti ini ndinewe, kuti ndikununure,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
21 “Ndichakununura paruoko rwevakaipa,
Ndokudzikinura muchanza chevane utsinye.”
16 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti: 2 “Usaroora, uye usava nevanakomana nevanasikana munzvimbo ino. 3 Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pevanakomana uye vanasikana vanoberekerwa muno, uye pamusoro pavanaamai vavo vanovabereka uye pamusoro pavanababa vavo vanoita kuti vaberekwe munyika ino: 4 ‘Vachafa nezvirwere zvinouraya,+ asi hapana achavachema kana kuvaviga; vachava semupfudze panyika.+ Vachafa nebakatwa nenzara,+ uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.’
5 Nekuti zvanzi naJehovha,
‘Usapinda muimba inoitwa mutambo wevanochema,
Uye usaenda kunochema kana kunovanyaradza.’+
‘Nekuti ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Pamwe chete nerudo rwangu rusingachinji netsitsi dzangu.+
6 Vakuru nevadiki vachafa munyika ino.
Havazovigwi,
Hapana achavachema,
Uye hapana achazvicheka-cheka kana kuzvigera muparavara nekuda kwavo.*
7 Hapana achapa zvekudya kune vaya vanenge vachichema,
Kuti avanyaradze pakufirwa kwavo;
Uyewo hapana achavapa kapu yekunyaradza
Kuti vanwe vachichema baba kana amai vavo.
8 Usapinda muimba yemabiko
Kuti ugare pasi navo uchidya nekunwa.’
9 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Mumazuva enyu ndichagumisa munzvimbo ino inzwi rekupembera neremufaro mukuru, inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga, imi muchizviona.’+
10 “Paunoudza vanhu ava mashoko ese aya, vachakubvunza kuti, ‘Nei Jehovha ataura kuti tichawirwa nedambudziko guru rese iri? Chii chatakakanganisa uye chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’+ 11 Unofanira kuvapindura kuti, ‘“Nekuti madzitateguru enyu akandisiya,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye akaramba achitevera vamwe vanamwari, achivashumira nekuvakotamira.+ Asi ini akandisiya, uye haana kuchengeta mutemo wangu.+ 12 Imi makaita zvakaipa kutopfuura madzitateguru enyu,+ uye mumwe nemumwe wenyu ari kutevera mwoyo wake wakaoma uye wakaipa pane kunditeerera.+ 13 Saka ndichakukandai kunze kwenyika ino muchinopinda munyika yamusina kuziva imi kana madzitateguru enyu,+ uye ikoko muchange mava kufanira kushumira vamwe vanamwari siku nesikati,+ nekuti handizokunzwirii nyasha.”’
14 “‘Zvisinei, mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pavasingazotizve: “NaJehovha mupenyu akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti!”+ 15 asi vachati: “NaJehovha mupenyu, akaunza vaIsraeri achivabvisa munyika yekuchamhembe nemunyika dzese dzaakanga avaparadzira kwadziri!” Ndichavadzosa kunyika yavo, yandakapa madzitateguru avo.’+
16 ‘Ndichashevedza vabati vehove vazhinji,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Uye vachavaraura vovabata.
Pashure peizvi ndichashevedza vavhimi vazhinji,
Uye vachavavhima mumakomo ese nemuzvikomo zvese
Nemumikaha yematombo.
17 Nekuti maziso angu ari kuona zvese zvavanoita.*
Zviri pachena kwandiri,
Uyewo kukanganisa kwavo hakuna kuvanzwa pamberi pangu.
18 Kutanga, ndichatsiva zvakaenzanirana nekukanganisa kwavo nechivi chavo,+
Nekuti vakasvibisa nyika yangu nezvidhori zvavo zvinosemesa zvisina upenyu
Uye vakazadza nhaka yangu nezvinhu zvavo zvinosemesa.’”+
19 Haiwa Jehovha, simba rangu nenhare* yangu,
Nzvimbo yangu yekutizira pazuva rekutambudzika,+
Marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika,
Uye achati: “Madzitateguru edu akagara nhaka nhema dzisingaiti,
Zvinhu pasina uye zvisina maturo, zvisina zvazvinobatsira.”+
21 “Saka ndichaita kuti vazive,
Panguva iyoyo ndichaita kuti vazive simba rangu neukuru hwangu,
Uye vachaziva kuti ndinonzi Jehovha.”
17 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi.
Chakatemerwa nechinyoreso chine muromo wedhaimondi pahwendefa remwoyo yavo
Uye panyanga dzeatari dzavo,
2 Uyewo vanakomana vavo vari kuyeuka atari dzavo nemapango avo anoyera*+
Pedyo nemuti wakasvibirira, muzvikomo zvakakwirira,+
3 Nemumakomo ari kumaruwa.
Ndichaita kuti pfuma yako, zvinhu zvako zvese zvinokosha zvipambwe+
Idzo nzvimbo dzako dzakakwirira nekuda kwechivi chiri munharaunda dzako dzese.+
4 Uchasiya wega nhaka yako yandakakupa.+
Uye ndichaita kuti ushandire vavengi vako munyika yausingazivi,+
Kucharamba kuchibvira.”
5 Zvanzi naJehovha:
6 Achaita semuti uri wega mugwenga.
Haazooni zvakanaka pazvinouya,
Asi achagara munzvimbo dzakaoma murenje,
Munyika ine munyu isingagariki.
8 Achaita semuti wakadyarwa pedyo nemvura,
Unoendesa midzi yawo kurukova.
Haazozvioni kuti kwava kupisa,
Asi mashizha ake achagara akasvibirira.+
Uye haazonetseki gore rakusinganayi mvura,
Uyewo haazoregi kubereka zvibereko.
9 Mwoyo unonyengera* kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.*+
Ndiani angauziva?
10 Ini, Jehovha, ndiri kunzvera mwoyo,+
Ndiri kuongorora pfungwa dzakadzama,*
Kuti ndipe mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake,
Zvinoenderana nezvibereko zvemabasa ake.+
11 Sechikwari chinounganidza zvachisina kukandira,
Pfuma yacho ichamusiya pakati peupenyu hwake,
Uye upenzi hwake huchabuda pachena.”
13 Haiwa Jehovha, tariro yaIsraeri,
Vaya vese vanokusiyai vachanyadziswa.
Vaya vanotsauka vachibva kwamuri* vachanyorwa muvhu,+
Nekuti vakasiya Jehovha, tsime remvura mhenyu.+
14 Haiwa Jehovha, ndiporesei uye ndichapora.
Ndiponesei, uye ndichaponeswa,+
Nekuti ndimi wandinorumbidza.
15 Inzwai! Kune vaya vari kuti kwandiri:
“Shoko raJehovha riri kupi?+
Tapota ngariuye!”
16 Asi ini handina kutiza ndichirega kukuteverai semufudzi,
Uye handina kumboti dai zuva redambudziko rauya zvaro.
Munonyatsoziva zvese zvakataurwa nemuromo wangu;
Zvese zvakaitika pamberi pechiso chenyu!
17 Musandityisa.
Ndimi nzvimbo yangu yekupotera pazuva redambudziko.
Itai kuti vavhundutswe,
Asi ini musandirega ndichivhundutswa.
19 Jehovha akati kwandiri: “Enda unomira pagedhi revanakomana vevanhu vacho iro rinoshandiswa nemadzimambo eJudha pakupinda nekubuda, uye pamagedhi ese eJerusarema.+ 20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha, vanhu vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, imi munopinda nepamagedhi aya. 21 Zvanzi naJehovha: “Chenjererai zvamunoita* uye musatakura chero mutoro upi zvawo pazuva reSabata kana kuupinza nepamagedhi eJerusarema.+ 22 Hapana chinhu chamunofanira kutakura muchibudisa mudzimba dzenyu pazuva reSabata; uye hamutombofaniri kuita basa.+ Chengetai zuva reSabata riri dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.+ 23 Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve yavo, uye vakaomesa misoro* yavo vachiramba kuteerera uye kurangwa.”’+
24 “‘“Asi kana mukanyatsonditeerera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “porega kuva nemutoro wamunopinza nepamagedhi eguta rino pazuva reSabata uye mochengeta zuva reSabata riri dzvene kuburikidza nekurega kuita basa chero ripi zvaro pariri,+ 25 madzimambo nemachinda anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ achapindawo nepamagedhi eguta rino ari mungoro uye pamabhiza, iwo nemachinda awo, varume veJudha nevagari vemuJerusarema;+ uye guta rino richaramba richigarwa. 26 Uye vanhu vachauya vachibva kumaguta eJudha, munzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, munyika yaBhenjamini,+ munyika yakadzikira,+ munzvimbo ine makomo, nekuNegebhu,* vachiuya muimba yaJehovha nemipiro inopiswa,+ zvibayiro,+ mipiro yezviyo,*+ nezvinonhuhwirira zvichena nezvibayiro zvekuonga.+
27 “‘“Asi kana mukasanditeerera muchirega kuchengeta zuva reSabata riri dzvene uye muchitakura mitoro nekupinda nayo nepamagedhi eJerusarema pazuva reSabata, ndichapisa magedhi aro uye moto wacho uchapisa shongwe dzakasimba dzeJerusarema+ uye hauzodzimwi.”’”+
18 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha: 2 “Simuka uende kuimba yemuumbi,+ uye ndichaita kuti unzwe mashoko angu ikoko.”
3 Saka ndakaenda kuimba yemuumbi uye ndakamuwana achiumba achishandisa mudziyo wekuumbisa. 4 Asi mudziyo waakanga achiumba nevhu hauna kubuda zvakanaka. Saka muumbi wacho akagadzira mumwe mudziyo waaida* nevhu racho.
5 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri richiti: 6 “‘Handikwanisi kukuitai sezvaitwa nemuumbi uyu here, haiwa imi imba yaIsraeri?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Inzwai! Sezvakaita ivhu riri muruoko rwemuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, haiwa imi imba yaIsraeri.+ 7 Pese pandichataura nezvekudzura, kuputsa, uye kuparadza rudzi kana umambo,+ 8 rudzi irworwo rwosiya zvakaipa zvarwo zvandakaruyambira, ndichachinjawo pfungwa* pamusoro pedambudziko randakanga ndasarudza kuunza paruri.+ 9 Asi pese pandinotaura nezvekuvaka nekudyara rudzi kana umambo, 10 irwo rwoita zvakaipa pamberi pangu uye rworega kuteerera inzwi rangu, ndichachinja pfungwa* pamusoro pezvakanaka zvandakasarudza kuruitira.’
11 “Zvino ndapota taura nevarume veJudha nevagari vemuJerusarema uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukugadzirirai dambudziko uye ndiri kukufungirai zano. Ndapota tendeukai panzira yenyu yakaipa, uye chinjai nzira dzenyu nezvamunoita.”’”+
12 Asi ivo vakati: “Hazvichabatsiri!+ Nekuti tichatevera kufunga kwedu, uye mumwe nemumwe wedu achatevera mwoyo wake wakaoma uye wakaipa.”+
13 Saka zvanzi naJehovha:
“Ndapota, bvunzai mega pakati pemarudzi.
Ndiani akambonzwa zvinhu zvakadai?
Mhandara yaIsraeri yaita chinhu chakaipa zvisingaiti.+
14 Chando cheRebhanoni chingabva pamatombo ari pamawere ayo here?
Kana kuti mvura inotonhorera iyo inoyerera ichibva kure ingapwa here?
15 Asi vanhu vangu vakandikanganwa.+
Nekuti vanopa zvibayiro* kuchinhu chisina zvachinobatsira,+
Uye vanoita kuti vanhu vagumburwe munzira dzavo, iwo makwara ekare kare,+
Kuti vafambe nemigwagwa yemusango isina kuenzana uye isina kuti chechetere,*
16 Kuti vaite kuti nyika yavo ive chinhu chinotyisa+
Uye chinhu chinoridzisa muridzo nekusingaperi.+
Munhu wese anopfuura nemo acharamba akatarisa achitya uye achadzungudza musoro.+
17 Ndichaita kuti vapararire pamberi pemuvengi sezvinoita mhepo yekumabvazuva.
Pazuva redambudziko ravo, ndichavafuratira, handizovatarisi.”+
18 Uye ivo vakati: “Uyai tirukire Jeremiya zano,+ nekuti mutemo* hauzoshayikwi kuvapristi vedu kana zano kuvarume vakachenjera kana shoko kumuprofita. Uyai titaure mashoko ekumupikisa* uye ngatirege kuteerera zvaanotaura.”
19 Nditeererei, haiwa Jehovha,
Uye inzwai zviri kutaurwa nevanondipikisa.
20 Zvakanaka zvinofanira kutsiviwa nezvakaipa here?
Nekuti vandicherera gomba kuti vandiuraye.*+
Yeukai kumira kwandakaita pamberi penyu kuti nditaure zvakanaka nezvavo,
Kuti ndibvise hasha dzenyu pavari.
Madzimai avo ngaafirwe nevana uye ngaave chirikadzi.+
Varume vavo ngavaurayiwe nedenda rinouraya,
Uye majaya avo ngaaurayiwe nebakatwa muhondo.+
22 Kuchema ngakunzwike mudzimba dzavo
Pamunongoerekana mavaunzira vapambi.
Nekuti vandicherera gomba kuti vandibate
Uye vaisira tsoka dzangu zviteyeso.+
Musafukidza kukanganisa kwavo,
Uye musadzima chivi chavo pamberi penyu.
19 Jehovha akati: “Enda unotenga chirongo kumuumbi.+ Tora vamwe vakuru vevanhu nevamwe vakuru vevapristi, 2 uende kuBani reMwanakomana waHinomu,+ paGedhi reZvaenga. Uye ikoko zivisa mashoko andichakuudza. 3 Uchataura kuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha nevagari vemuJerusarema. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri:
“‘“Ndava kuda kuunza dambudziko panzvimbo ino, uye nzeve dzemunhu wese achanzwa nezvaro dzichaunga. 4 Nekuti vakandisiya,+ vakaita kuti nzvimbo ino itadze kuzivikanwa.+ Vari kupa zvibayiro mairi kune vamwe vanamwari vavasina kumboziva ivo nemadzitateguru avo nemadzimambo eJudha, uye vazadza nzvimbo ino neropa revasina mhosva.+ 5 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvibayiro zvinopiswa kuna Bhaari,+ chinhu chandakanga ndisina kurayira kana kutaura nezvacho uye chisina kutombobvira chauya mumwoyo mangu.”’*+
6 “‘“Saka inzwai! mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “nzvimbo ino paisingazombonzizve Tofeti kana kuti Bani reMwanakomana waHinomu, asi Bani Rekuurayira.+ 7 Ndichaita kuti zvirongwa zveJudha neJerusarema zvisabudirira munzvimbo ino, uye ndichaita kuti vawiswe nebakatwa pamberi pevavengi vavo uye nemaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya.* Uye ndichaita kuti zvitunha zvavo zvidyiwe neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.+ 8 Ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinotyisa uye chinhu chinoita kuti vanhu varidze muridzo. Munhu wese achapfuura nemariri acharamba akatarisa achitya uye acharidza muridzo pamusoro pematambudziko aro ese.+ 9 Uye ndichaita kuti vadye nyama yevanakomana vavo neyevanasikana vavo, uye mumwe nemumwe achadya nyama yewekwake, nekuda kwekukombwa uye kupererwa kwavachaita pavachakomberedzwa nevavengi vavo nevaya vari kutsvaga kuvauraya.”’*+
10 “Ubve waputsa chirongo chacho varume vauchaenda navo vakatarisa, 11 woti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndichaputsa vanhu ava neguta rino saizvozvi, sezvinoita munhu ari kuputsa mudziyo wemuumbi zvekuti hauzogadziriki; uye vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina pekuvaviga.”’+
12 “‘Ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pamwe chete nevagari vayo, kuti guta rino riite seTofeti. 13 Uye dzimba dzemuJerusarema nedzimba dzemadzimambo eJudha dzichasviba senzvimbo ino yeTofeti,+ idzo dzimba dzese dzavaipira zvibayiro pamatenga adzo kuuto rese rekudenga,+ vachidururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari.’”+
14 Jeremiya paakadzoka kubva kuTofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kuti anoprofita, akamira pachivanze cheimba yaJehovha, akati kuvanhu vese: 15 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuunza paguta rino nemaguta aro ese akaripoteredza dambudziko randakataura nezvaro, nekuti vakaomesa misoro yavo vachirega* kuteerera mashoko angu.’”+
20 Pashuri mwanakomana waImeri, mupristi, uyo aivawo mutariri mukuru muimba yaJehovha, aiteerera Jeremiya paaiprofita zvinhu izvi. 2 Pashuri akabva arova muprofita Jeremiya, akamusunga nezvisungo zvematanda*+ zvaiva paGedhi Rekumusoro raBhenjamini, raiva pedyo neimba yaJehovha. 3 Asi pazuva rakatevera Pashuri paakabvisa Jeremiya pazvisungo zvacho, Jeremiya akati kwaari:
“Jehovha akupa zita, kwete rekuti Pashuri, asi rekuti Chinhu Chinotyisa Kumativi Ese.+ 4 Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Ndichakuita chinhu chinotyisa kwauri nekushamwari dzako dzese, uye vachaurayiwa nebakatwa revavengi vavo maziso ako akatarisa;+ uye ndichaisa vaJudha vese muruoko rwamambo weBhabhironi, uyo achavatapa ovaendesa kuBhabhironi, ovauraya nebakatwa.+ 5 Uye ndichaisa pfuma yese yeguta rino, upfumi hwaro hwese, zvinhu zvaro zvese zvinokosha, uye pfuma yese yemadzimambo eJudha mumaoko evavengi vavo.+ Vachazvipamba, vozvitora, voenda nazvo kuBhabhironi.+ 6 Asi iwe Pashuri, nevanhu vese vanogara mumba mako, muchatapwa. Uchaenda kuBhabhironi wonofira ikoko, uye uchavigwa ikoko pamwe chete neshamwari dzako dzese, nekuti wakaprofita nhema kwavari.’”+
7 Makandinyengedza, haiwa Jehovha, iniwo ndikabvuma kunyengedzwa.
Makashandisa simba renyu kundirwisa mukabudirira.+
Ndava chiseko zuva rese;
Munhu wese ari kundiseka.+
8 Nekuti pese pandinotaura, ndinofanira kushevedzera uye kuzivisa kuti,
“Mhirizhonga nekuparadzwa!”
Shoko raJehovha riri kuita kuti nditukwe uye ndinyombwe zuva rese.+
Asi mumwoyo mangu shoko rake rakava semoto unobvira wakavharirwa mumapfupa angu,
Ndakaneta nekuramba ndakanyarara;
Ndakanga ndisisakwanisi kutsungirira.+
“Mutsoropodzei; ngatimutsoropodzei!”
Munhu wese aindishuvira rugare aitarisira kuti zvindiipire achiti:+
“Zvichida achaita zveupenzi,
Tobva tamukunda, tomutsiva.”
11 Asi Jehovha aiva neni akaita semurwi anotyisa.+
Ndokusaka vaya vari kunditambudza vachizogumburwa uye vasingazobudiriri.+
Vachanyadziswa kwazvo, nekuti havasi kuzobudirira.
Kunyadziswa kwavo nekusingaperi hakuzokanganwiki.+
12 Asi imi, haiwa Jehovha wemauto, muri kuongorora munhu akarurama;
13 Imbirai Jehovha! Rumbidzai Jehovha!
Nekuti akanunura murombo* paruoko rwevanoita zvakaipa.
14 Zuva randakaberekwa ngaritukwe!
Zuva randakaberekwa naamai vangu ngarirege kukomborerwa!+
15 Ngaatukwe munhu akaunzira baba vangu mashoko akanaka, achiti:
“Maberekerwa mwanakomana, mwana mukomana!”
Achiita kuti ivo vafare chaizvo.
16 Munhu iyeye ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi.
Ngaanzwe kushevedzera mangwanani uye kurira kwechiratidzo chekunyevera masikati.
17 Nei asina kundiuraya ndichiri muchibereko,
Kuti amai vangu vave guva rangu
Uye chibereko chavo choramba chiine mwana?+
18 Nei ndakabuda muchibereko
Kuti ndione nhamo uye kushungurudzwa,
Kuti mazuva angu agume nekunyadziswa?+
21 Jeremiya akagamuchira shoko kubva kuna Jehovha, Mambo Zedhekiya+ paakamutumira Pashuri+ mwanakomana waMarikija naZefaniya+ mwanakomana waMaaseya, mupristi, achiti: 2 “Tapota tibvunzire kuna Jehovha, nekuti Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi ari kurwa nesu.+ Zvichida Jehovha achatiitira rimwe remabasa ake anoshamisa, zvekuti iye acharega kutirwisa.”+
3 Jeremiya akati kwavari: “Udzai Zedhekiya kuti, 4 ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Ndiri kuita kuti zvombo zvehondo zviri muruoko rwenyu zvikurwisei,* izvo zvamuri kurwisa nazvo mambo weBhabhironi+ nevaKadheya vakakukombai vari kunze kwerusvingo. Uye ndichazviunganidza* pakati peguta rino. 5 Ini pachangu ndicharwa nemi+ neruoko rwakatambanudzwa, neruoko rune simba, ndakatsamwa, ndiine hasha uye ndakagumbuka kwazvo.+ 6 Ndicharova vagari vemuguta rino, zvese vanhu nemhuka. Zvichafa nedenda guru.”’*+
7 “‘“Kana izvozvo zvapera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichaisa Mambo Zedhekiya weJudha nevashandi vake nevanhu veguta rino, kureva vaya vachapona padenda, pabakatwa, uye panzara, muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, mumaoko evavengi vavo, uye mumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya.*+ Iye achavauraya nebakatwa. Haazovanzwiri urombo, uye haazovanzwiri tsitsi kana kuvanzwira ngoni.”’+
8 “Uti kuvanhu ava, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuisa nzira yeupenyu nenzira yerufu pamberi penyu. 9 Vaya vanoramba vari muguta rino vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, uye nedenda. Asi munhu anobuda uye anoenda kunozviisa mumaoko evaKadheya vakakukombai acharamba achirarama, uye achava neupenyu hwake* sechinhu chaapamba.”’*+
10 “‘“Nekuti ndatarisa guta rino ndakatsamwa kuti ndiriunzire dambudziko, kwete zvakanaka,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi,+ uye acharipisa nemoto.”+
11 “‘Imi imba yamambo weJudha: Inzwai shoko raJehovha. 12 Haiwa imi imba yaDhavhidhi, zvanzi naJehovha:
“Tongai zvakarurama mangwanani ega ega,
Uye nunurai ari kubirwa paruoko rweanobiridzira,+
Kuti kutsamwa kwangu kurege kunganduma semoto+
Kwobvira pasina anodzima
Nemhaka yezvakaipa zvamunoita.”’+
13 ‘Ndiri kukurwisa haiwa iwe mugari wemubani,
Haiwa iwe dombo renyika yakati sandara,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
‘Asi kunemi munoti: “Ndiani achadzika kuzotirwisa?
Ndiani achapinda nechisimba matinogara?”
‘Ndichabatidza sango rake nemoto,
Uye iwo uchaparadza zvinhu zvese zvakamupoteredza.’”+
22 Zvanzi naJehovha: “Enda kuimba yamambo* weJudha, utaure shoko iri. 2 Unofanira kuti, ‘Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi mambo weJudha munogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi, imi nevashandi venyu nevanhu venyu, vaya vanopinda nepamagedhi aya. 3 Zvanzi naJehovha: “Tongai zvakanaka uye itai zvakarurama. Nunurai uya ari kubirwa kubva paruoko rweanobiridzira. Musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, uye nherera kana chirikadzi.+ Uye musadeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.+ 4 Nekuti kana mukanyatsoita zvinhu izvi, madzimambo anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ achapindawo nepamagedhi eimba ino ari mungoro uye ari pamabhiza, iwo nevashandi vawo nevanhu vawo.”’+
5 “‘Asi kana mukasateerera mashoko aya, ndinopika neni pachangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti imba ino ichava dongo.’+
6 “Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro peimba yamambo weJudha,
‘Wakaita seGiriyedhi kwandiri,
Sepamusoro peRebhanoni.
Asi ndichakuita renje;
Hapana guta rako richagarwa.+
Vachatema misidhari yako yakanakisisa
Voita kuti iwire mumoto.+
8 “‘Uye marudzi mazhinji achapfuura nepaguta rino otaurirana achiti: “Jehovha akaitirei zvakadai paguta iri guru?”+ 9 Vachapindura kuti: “Nekuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo, vakakotamira vamwe vanamwari, vakavashumira.”’+
10 Musachema munhu akafa,
Uye musamunzwira tsitsi.
Asi chemai kwazvo uya ari kuenda,
Nekuti haazodzokizve kuti aone nyika yaakaberekerwa.
11 “Nekuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumu*+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha uyo ari kutonga panzvimbo yababa vake Josiya+ uye akabva munzvimbo ino: ‘Haazodzokizve imomo. 12 Nekuti achafira kunzvimbo yavakamuendesa ari nhapwa, uye haazoonizve nyika ino.’+
13 Ane nhamo munhu anobiridzira kuti avake imba yake,
Uye anovaka dzimba dzake dzepamusoro asi asingazviiti mukururama,
Anoshandisa wekwake mahara,
Achiramba kumubhadhara;+
14 Uya ari kuti, ‘Ndichazvivakira imba hombe
Ine dzimba dzepamusoro dzakafara.
Ndichaiisa mahwindo
Ndoinamirira mapuranga emusidhari uye ndoipenda neruvara rutsvuku.’
15 Ucharamba uchitonga nekuti ndiwe unokunda vamwe pakushandisa misidhari here?
Baba vako vakadyawo nekunwa,
Asi vaitonga zvakanaka uye vaiita zvakarurama,+
Uye zvinhu zvakavafambira zvakanaka.
16 Vakarwira nyaya dzemunhu anotambura nemurombo,
Zvinhu zvikafamba zvakanaka.
‘Handiti ikoko ndiko kundiziva here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
17 ‘Asi maziso ako nemwoyo wako zvinongova papfuma yaunowana nenzira isina kururama,
Pakudeura ropa reasina mhosva,
Uye pakubiridzira nekutora zvinhu nechisimba.’
18 “Saka zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha,
‘Havazomuchemi vachiti:
“Maiwee, hama yangu! Maiwee, hanzvadzi yangu kani!”
Havazomuchemi vachiti:
“Maiwee, tenzi kani! Maiwee, changamire kani!”
20 Kwidza kuRebhanoni ushevedzere,
Simudza inzwi rako muBhashani,
Uye shevedzera uri kuAbharimu,+
Nekuti vese vanokuda kwazvo vaparadzwa.+
21 Ndakataura newe pawakanga usina chinokunetsa.
Asi wakati, ‘Handisi kuzoteerera.’+
Aya ndiwo maitiro ako kubvira uchiri mudiki,
Nekuti hauna kuteerera inzwi rangu.+
Uchabva wanyadziswa uye waninipiswa nemhaka yedambudziko rako rese.
23 Haiwa iwe unogara muRebhanoni,+
Ugere zvako pakati pemisidhari,+
Uchagomera chaizvo marwadzo paachauya pauri,
24 “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kunyange dai Koniya*+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha, aiva rin’i ine chidhindo* iri paruoko rwangu rwerudyi, ndaizongokubvisa ipapo! 25 Ndichakuisa mumaoko evaya vari kutsvaga kukuuraya,* mumaoko evaya vaunotya, muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi nemumaoko evaKadheya.+ 26 Iwe naamai vako vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika yamusina kuberekerwa, uye muchafira ikoko. 27 Uye havazombodzokeri kunyika yavanoda chaizvo.*+
28 Murume uyu Koniya anongovawo zvake hari inozvidzwa, yakaputsika here,
Mudziyo usina anouda?
Nei iye nevana vake vakandwa pasi
Uye vakandwa munyika yavasingazivi?’+
29 Haiwa iwe nyika, nyika, nyika, inzwa shoko raJehovha.
30 Zvanzi naJehovha:
‘Nyorai murume uyu seasina mwana,
Semurume asingazombobudiriri muupenyu hwake,*
Nekuti pavana vake hapana achabudirira
Kugara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi uye kutongazve munyika yeJudha.’”+
23 “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza nekuparadzira makwai emafuro angu!” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
2 Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pevafudzi vari kufudza vanhu vangu: “Makaparadzira makwai angu; makaramba muchiaparadzira, uye hamuna kufunga nezvawo.”+
“Saka ndichakurangai nekuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
3 “Ndichabva ndaunganidza makwai angu akasara kubva kunyika dzese dzandakaaparadzira kwadziri,+ ndoadzosa kumafuro awo,+ uye achabereka owanda.+ 4 Ndichaita kuti ave nevafudzi vachaafudza nemazvo.+ Haazotyizve kana kuvhundutswa, uye hapana richashayikwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+ 6 Pamazuva ake Judha achaponeswa,+ uye Israeri achagara akachengeteka.+ Achashevedzwa nezita rekuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.”+
7 “Zvisinei, mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “pavasingazotizve: ‘NaJehovha mupenyu akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti!’+ 8 asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa uye akadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kunyika yekuchamhembe nekunyika dzese dzandakanga ndavaparadzira kwadziri.’ Uye ivo vachagara munyika yavo.”+
9 Aya ndiwo mashoko angu kuvaprofita:
Mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo.
Mapfupa angu ese ari kudedera.
Ndakangofanana nemurume akadhakwa,
Nemurume akurirwa newaini,
Nekuda kwaJehovha uye nekuda kwemashoko ake matsvene.
Nzira yavo yakaipa uye vanoshandisa simba ravo zvisina kunaka.
11 “Muprofita nemupristi vasvibiswa.*+
Kunyange muimba yangu chaimo ndakatowana zvakaipa zvavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Nekuti ndichavaunzira dambudziko
Mugore rekutongwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
13 “Ndakaona zvinhu zvisingatarisiki muvaprofita vekuSamariya.+
Zvavanoprofita ndezvaBhaari,
Uye vanoita kuti vanhu vangu vaIsraeri varasike.
14 Uye ndakaona zvinhu zvinosemesa muvaprofita vemuJerusarema.
Vanoita upombwe+ uye vanofamba munhema;+
Vanosimbisa vanhu vanoita* zvakaipa,
Uye havasiyi zvakaipa zvavo.
15 Saka zvanzi naJehovha wemauto pamusoro pevaprofita vacho:
“Ndiri kuita kuti vadye kamuti kanovava,
Uye ndiri kuvapa mvura ine muchetura kuti vanwe.+
Nekuti kutsauka kwazara munyika yese kuchibva kuvaprofita vemuJerusarema.”
16 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Musateerera mashoko evaprofita vari kukuprofitirai.+
Vari kukunyeperai.*
Uye kumunhu wese anotevera mwoyo wake wakaoma vanoti,
‘Hapana dambudziko richakuwira.’+
18 Nekuti ndiani akamira pane vari pedyo pedyo naJehovha
Kuti aone uye anzwe shoko rake?
Ndiani akateerera shoko rake kuti arinzwe?
19 Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha;
Richatenderera pamisoro yevakaipa sechamupupuri chine simba.+
20 Kutsamwa kwaJehovha hakuzodzoki
Kusvikira aita zviri mumwoyo make uye azvipedza.
Muchanyatsozvinzwisisa mumazuva ekupedzisira.
21 Handina kutuma vaprofita vacho, asi ivo vakamhanya.
Handina kutaura navo, asi ivo vakaprofita.+
22 Asi kudai vakanga vamira pane vari pedyo pedyo neni,
Vangadai vakaita kuti vanhu vangu vanzwe mashoko angu
Uye vangadai vakaita kuti vatendeuke panzira yavo yakaipa uye pazvakaipa zvavo.”+
23 “Ndinongova Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kwete Mwari ari kurewo here?”
24 “Pane murume angahwanda panzvimbo yakavandika yandisingamuoni here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Handizadzi denga nenyika here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
25 “Ndanzwa vaprofita vari kuprofita nhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarota hope! Ndarota hope!’+ 26 Izvi zvekuprofita nhema zvicharamba zviri mumwoyo yevaprofita ava kusvikira riini? Vanoprofita zvinobva pakunyengera kwemwoyo yavo.+ 27 Vari kuda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu nehope dzavanoudzana, sekukanganwa kwakaita madzibaba avo zita rangu nemhaka yaBhaari.+ 28 Muprofita arota ngaarondedzere hope dzacho, asi uya ane shoko rangu ngaataure shoko rangu pachokwadi.”
“Mashanga akafanana papi nezviyo?”* ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
29 “Shoko rangu harina kungoita semoto here,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye sesando inopwanya dombo?”+
30 “Saka ndinopesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vari kubirana mashoko angu.”+
31 “Ndiri kupesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vanoshandisa rurimi rwavo kuti vati, ‘Azivisa kuti!’”+
32 “Ndiri kupesana nevaprofita vanorota hope dzenhema,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “avo vanodzirondedzera votsausa vanhu vangu nenhema dzavo uye nekuzvirumbidza kwavo.”+
“Asi ini handina kuvatuma kana kuvarayira. Saka hapana kana chavachabatsira vanhu ava,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
33 “Uye vanhu ava kana muprofita kana mupristi pavanokubvunza kuti, ‘Mutoro waJehovha* chii?’ iwe uvapindure kuti, ‘“Ndimi mutoro wacho! Uye ndichakurasai,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ 34 Kana ari muprofita kana mupristi kana vanhu vanoti, ‘Uyu ndiwo mutoro waJehovha!’* Ndichafunga nezvemurume iyeye uye nezveimba yake. 35 Mumwe nemumwe wenyu ari kuti kune mumwe wake uye kuhama yake, ‘Jehovha apindura kuti chii? Uye Jehovha ataurei?’ 36 Asi musataurazve nezvemutoro waJehovha, nekuti mutoro wacho ishoko rinotaurwa nemumwe nemumwe, uye makachinja mashoko aMwari mupenyu, Jehovha wemauto, Mwari wedu.
37 “Uti kumuprofita wacho, ‘Jehovha akupindurei? Uye Jehovha ataurei? 38 Uye kana mukaramba muchiti, “Mutoro waJehovha!”* zvanzi naJehovha: “Nemhaka yekuti munoti, ‘Shoko iri ndiro mutoro waJehovha,’ pasinei nekuti ndakuudzai kuti, ‘Musati: “Mutoro waJehovha!”’ 39 inzwai, ndichakusimudzai ndokukandai kure neni, imi neguta randakapa madzitateguru enyu. 40 Ndichaunza pamuri kuzvidzwa kusingaperi uye kunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganwiki.”’”+
24 Jehovha akabva andiratidza tswanda mbiri dzemaonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha, pashure pekunge Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi atapa Jekoniya*+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha, nemachinda eJudha, nemhizha, nevapfuri vesimbi;* akavatora muJerusarema akaenda navo kuBhabhironi.+ 2 Imwe tswanda yaiva nemaonde akanaka kwazvo semaonde anotanga kuibva, asi imwe tswanda yaiva nemaonde akaora chaizvo, akaora zvekuti aisadyika.
3 Jehovha akabva andibvunza kuti: “Uri kuonei Jeremiya?” Saka ndakati: “Maonde; akanaka acho akanaka zvekunaka zviya, asi akaora acho akaora zvekuora zviya, akaora zvekuti haadyiki.”+
4 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 5 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nhapwa dzeJudha dzandaendesa kunyika yevaKadheya dzichibva munzvimbo ino ndichadziona sedzakanaka semaonde aya akanaka. 6 Ziso rangu richaramba riri padziri kuti ndidzibatsire, uye ndichadzidzosa kunyika ino.+ Ndichadzivaka uye handizodziputsi; ndichadzidyara, uye handizodzidzuri.+ 7 Ndichadzipa mwoyo wekuti dzindizive kuti ndini Jehovha.+ Dzichava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wadzo,+ nekuti dzichadzoka kwandiri nemwoyo wese.+
8 “‘Asi kana ari maonde akaora, aya akaora zvekusadyika,+ zvanzi naJehovha: “Ndichaonawo saizvozvo Mambo Zedhekiya+ weJudha, nemachinda ake, nevashoma vari muJerusarema vasara munyika ino, nevaya vari kugara munyika yeIjipiti.+ 9 Ndichaita kuti umambo hwese hwepanyika hutye pahunoona dambudziko randichaunza pavari.+ Vachashorwa, vachava chirevo, chinhu chinozvidzwa, uye chakatukwa,+ kwese kwandichavaparadzira.+ 10 Ndichavatumira bakatwa,+ nzara, nedenda,*+ kusvikira vapera panyika yandakavapa ivo nemadzitateguru avo.”’”
25 Pakauya shoko kuna Jeremiya pamusoro pevanhu vese veJudha mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, iro raiva gore rekutanga raMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi. 2 Izvi ndizvo zvakataurwa nemuprofita Jeremiya pamusoro pevanhu* vese veJudha nevagari vese vemuJerusarema:
3 “Kubvira mugore rechi13 raJosiya+ mwanakomana waAmone, mambo weJudha, kusvikira nhasi, makore 23 aya, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ndakaramba ndichitaura ndataurazve nemi,* asi hamuna kuteerera.+ 4 Uye Jehovha akakutumirai vashumiri vake vese vaprofita, achivatuma avatumazve,* asi hamuna kuteerera, uyewo hamuna kurereka nzeve dzenyu kuti munzwe.+ 5 Vaiti, ‘Tapota mumwe nemumwe wenyu ngaatendeuke abve panzira dzenyu dzakaipa uye pane zvakaipa zvenyu;+ kana mukadaro muchagara kwenguva refu munyika yamakapiwa naJehovha kare kare, imi nemadzitateguru enyu. 6 Musatevera vamwe vanamwari muchivashumira nekuvakotamira, muchindigumbura nebasa remaoko enyu; nekuti ndingakuunzirai dambudziko.’
7 “‘Asi hamuna kunditeerera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Pane kudaro, makandigumbura nebasa remaoko enyu, muchizviunzira dambudziko.’+
8 “Saka zvanzi naJehovha wemauto, ‘“Nekuti hamuna kuteerera mashoko angu, 9 ndiri kushevedza mhuri dzese dzekuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndiri kushevedza Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichavaunza kuti varwise nyika ino+ nevagari vayo nemarudzi aya ese akavapoteredza.+ Ndichaita kuti vaparadzwe, ndovaita chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo uye dongo nekusingaperi. 10 Ndichaita kuti pasanzwika inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru pakati pavo,+ inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga,+ nekurira kweguyo, uye ndichadzima chiedza cherambi. 11 Nyika ino yese ichaitwa dongo uye chinhu chinoita kuti vanhu vatye, uye marudzi aya achava pasi pamambo weBhabhironi kwemakore 70.”’+
12 “‘Asi kana makore 70 apera,+ ndichatonga mambo weBhabhironi nerudzi irworwo nemhaka yekukanganisa* kwavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndichaita kuti nyika yevaKadheya ive dongo nekusingaperi.+ 13 Ndichaunza panyika yacho mashoko angu ese andakataura nezvenyika yacho, zvese zvakanyorwa mubhuku rino zvakaprofitwa naJeremiya pamusoro pemarudzi ese. 14 Nekuti marudzi mazhinji nemadzimambo makuru+ achavaita varanda,+ uye ini ndichavaitira zvinoenderana nezvavakaita uye nebasa remaoko avo.’”+
15 Nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ati kwandiri: “Tora kapu iyi yewaini yekutsamwa muruoko rwangu, unwise marudzi ese andinokutuma kwaari. 16 Achainwa odzedzereka, oita sevanhu vanopenga nekuti ndiri kutuma bakatwa pakati pawo.”+
17 Saka ndakatora kapu yacho muruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ese andakatumwa kwaari naJehovha:+ 18 kutanga neJerusarema nemaguta eJudha,+ madzimambo aro, nemachinda aro, kuti zvive matongo, chinhu chinotyisa, chinhu chinoridzisa muridzo uye chakatukwa,+ sezvazviri nhasi; 19 kwozotevera Farao mambo weIjipiti nevaranda vake nemachinda ake, nevanhu vake vese,+ 20 nevanhu vavo vese vemarudzi akasiyana-siyana; madzimambo ese enyika yeUzi; madzimambo ese enyika yevaFiristiya,+ Ashkeroni,+ Gaza, Ekroni, nevakasara pavanhu vekuAshdhodhi; 21 Edhomu,+ Moabhi,+ nevaAmoni;+ 22 madzimambo ese eTire, madzimambo ese eSidhoni,+ nemadzimambo echitsuwa chiri mugungwa; 23 Dhedhani,+ Tema, Bhuzi, nevaya vese vane bvudzi repamberi penzeve rakadimburirwa;+ 24 madzimambo ese evaArabhu,+ nemadzimambo ese emarudzi akasiyana-siyana anogara murenje; 25 madzimambo ese eZimri, madzimambo ese eEramu,+ nemadzimambo ese evaMedhiya;+ 26 nemadzimambo ese ekuchamhembe, ari pedyo neari kure, mumwe pashure pemumwe, nehumwe umambo hwese hwepanyika. Uye mambo weSheshaki*+ achanwa kana ivo vapedza.
27 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Inwai mudhakwe, murutse uye muwe zvekuti hamugoni kumuka+ nekuti ndiri kutuma bakatwa pakati penyu.”’ 28 Kana vakaramba kutora kapu yacho muruoko rwako kuti vanwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Munofanira kuinwa! 29 Nekuti kana ndiri kuunza dambudziko ndichitanga neguta rine zita rangu,+ imi mungarega kurangwa here?”’+
“‘Hamuzoregi kurangwa, nekuti ndiri kushevedza bakatwa kuti riuye pavagari vese vepanyika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.
30 “Uye unofanira kuprofita kwavari mashoko aya ese, woti kwavari,
‘Jehovha achadzvova ari kumusoro,
Uye achaita kuti inzwi rake rinzwike ari kunzvimbo yake tsvene yaanogara.
Nzvimbo yake yaanogara achaidzvovera zvine simba.
Achaimba rwiyo rwekukunda vagari vese vepanyika,
Achishevedzera sevaya vari kutsika-tsika muchisviniro chewaini.’
31 ‘Ruzha rukuru ruchasvika kumigumo yenyika,
Nekuti Jehovha ane gakava nemarudzi.
Iye pachake achapa mutongo kuvanhu vese.*+
Uye achaisa vakaipa kubakatwa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
32 Zvanzi naJehovha wemauto:
‘Inzwai! Pane dambudziko riri kupararira richibva kune rumwe rudzi richienda kune rumwe rudzi,+
Uye mhepo huru ine mvura icharegedzerwa ichibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
33 “‘Uye vaya vachaurayiwa naJehovha pazuva iroro vachava panyika yese, kubvira kumugumo wayo kusvika kune mumwe mugumo wayo. Havazochemwi, uyewo havazounganidzwi kana kuvigwa. Vachava semupfudze panyika.’
34 Ridzai mhere imi vafudzi, mushevedzere!
Umburukai imi vakuru veboka rezvipfuwo,
Nekuti nguva yekuurayiwa kwenyu neyekuparadzirwa kwenyu yasvika,
Uye muchawa semudziyo unokosha!
35 Vafudzi havana nzvimbo yekutizira,
Uye vakuru veboka rezvipfuwo havana pekupukunyuka napo.
36 Inzwai! Pane kushevedzera kwevafudzi
Uye kuchema kwevakuru veboka rezvipfuwo,
Nekuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.
37 Nzvimbo dzekugara dzine rugare dzasiyiwa dzisina chinhu chipenyu
Nekuda kwekutsamwa kukuru kwaJehovha.
38 Abuda seshumba ine simba* munzvimbo yake yaanogara,+
Nekuti nyika yavo yava chinhu chinotyisa
Nemhaka yebakatwa rine utsinye
Uye nemhaka yekutsamwa kwake kukuru.”
26 Panguva yakatanga kutonga Jehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, shoko iri rakauya richibva kuna Jehovha: 2 “Zvanzi naJehovha, ‘Mira pachivanze cheimba yaJehovha utaure pamusoro pevanhu* vese vemumaguta eJudha vari kuuya kuzonamata* paimba yaJehovha. Vaudze zvese zvandinokurayira; usabvisa kana shoko rimwe chete. 3 Zvichida vachateerera, mumwe nemumwe otendeuka panzira yake yakaipa, ini ndochinja pfungwa* pamusoro pedambudziko randiri kuda kuvaunzira nekuda kwemabasa avo akaipa.+ 4 Uti kwavari: “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukasanditeerera muchirega kutevera mutemo* wangu wandakaisa pamberi penyu, 5 uye muchirega kuteerera mashoko evashumiri vangu vaprofita, vandiri kutuma ndatumazve kwamuri,* avo vamusina kuteerera,+ 6 ndichaitawo kuti imba ino iite seShiro,+ uye ndichaita kuti guta rino rive chinhu chinoshandiswa pakutuka nemarudzi ese epanyika.’”’”+
7 Jeremiya paaitaura mashoko aya muimba yaJehovha, ainzwikwa nevapristi nevaprofita nevanhu vese.+ 8 Saka Jeremiya paakanga apedza kutaura zvese zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataurire vanhu vese, vapristi nevaprofita nevanhu vese vakabva vamubata vakati: “Unotofa chete. 9 Waprofitirei muzita raJehovha, uchiti, ‘Imba ino ichaita seShiro, uye guta rino richaparadzwa rosara risina anogaramo’?” Uye vanhu vese vakaunganira Jeremiya muimba yaJehovha.
10 Machinda eJudha paakanzwa mashoko aya, akabva kuimba yamambo* akaenda kuimba yaJehovha, akanogara pagedhi idzva raJehovha.+ 11 Vapristi nevaprofita vakati kumachinda acho nekuvanhu vese: “Murume uyu anofanira kutongerwa rufu,+ nekuti aprofita zvakaipa pamusoro peguta rino sezvamangonzwawo nenzeve dzenyu.”+
12 Jeremiya akabva ati kumachinda ese nekuvanhu vese: “Jehovha ndiye akandituma kuti ndiprofite mashoko ese amanzwa pamusoro peimba ino nepamusoro peguta rino.+ 13 Zvino chinjai nzira dzenyu nemaitiro enyu uye teererai inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye Jehovha achachinja pfungwa* pamusoro pedambudziko raataura kuti richakuwirai.+ 14 Asi ini ndiri mumaoko enyu. Ndiitirei chero zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka uye zvakarurama. 15 Ingozivai chete kuti kana mukandiuraya, muchaisa ropa risina mhosva pamuri nepaguta rino nepavagari varo, nekuti chokwadi Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ese aya muchinzwa.”
16 Machinda nevanhu vese vakabva vati kuvapristi nevaprofita: “Murume uyu haana kukodzera kutongerwa rufu, nekuti ataura nesu muzita raJehovha Mwari wedu.”
17 Uyewo vamwe vakuru vemunyika yacho vakasimuka vakatanga kutaura neungano yese yevanhu vacho vachiti: 18 “Mika+ wekuMoresheti akaprofita pamazuva aMambo Hezekiya+ weJudha, uye akati kuvanhu vese veJudha, ‘Zvanzi naJehovha wemauto:
“Ziyoni richarimwa semunda,
Jerusarema richava matongo,+
Uye gomo rine Imba* yacho richaita senzvimbo dzakakwirira dziri musango.”’*+
19 “Mambo Hezekiya weJudha nevanhu vese veJudha vakabva vamuuraya here? Haana here kutya Jehovha, akateterera kuti anzwirwe nyasha naJehovha,* zvekuti Jehovha akachinja pfungwa* pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti achaunza pavari?+ Saka tava kuda kuzviunzira* dambudziko guru.
20 “Uye paivawo nemumwe murume aiprofita muzita raJehovha, ainzi Urija mwanakomana waShemaya wekuKiriyati-jearimu,+ uyo akaprofita pamusoro peguta rino nenyika ino nemashoko akafanana neaJeremiya. 21 Mambo Jehoyakimu+ nevarume vake vese vaiva nesimba nemachinda ese vakanzwa mashoko ake, uye mambo akaronga kumuuraya.+ Urija paakazvinzwa, akabva atya akatizira kuIjipiti. 22 Mambo Jehoyakimu akabva atuma Erinatani+ mwanakomana waAkibhori kuIjipiti nevamwe varume vaaiva navo. 23 Vakatora Urija kuIjipiti vakaenda naye kuna Mambo Jehoyakimu, uyo akabva amuuraya nebakatwa,+ akakanda chitunha chake kumakuva evanhuwo zvavo.”
24 Asi Ahikamu+ mwanakomana waShafani+ akatsigira Jeremiya, zvekuti haana kuiswa mumaoko evanhu kuti aurayiwe.+
27 Panguva yakatanga kutonga Jehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha: 2 “Jehovha andiudza kuti, ‘Gadzira zvitorobho nemajoko, uzviise pamutsipa wako. 3 Ubve wazvitumira kuna mambo weEdhomu,+ mambo weMoabhi,+ mambo wevaAmoni,+ mambo weTire,+ uye kuna mambo weSidhoni+ neruoko rwenhume dzauya kuJerusarema kuna Mambo Zedhekiya weJudha. 4 Uvape murayiro uyu wekunoudza vanatenzi vavo:
“‘“Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri; muti kuna vanatenzi venyu, 5 ‘Ndini ndakasika nyika, vanhu, nemhuka zviri panyika nesimba rangu guru uye neruoko rwangu rwakatambanudzwa; uye ndakaipa chero munhu wandaida.*+ 6 Zvino ini ndaisa nyika idzi dzese muruoko rwemushumiri wangu Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi; uye ndamupawo kunyange mhuka dzesango kuti dzive pasi pake. 7 Marudzi ese achava pasi pake, iye nemwanakomana wake nemuzukuru wake kusvikira nguva yenyika yake yasvika,+ marudzi mazhinji nemadzimambo makuru paachamuita muranda wawo.’+
8 “‘“‘Kana pakava nerudzi kana umambo hunoramba kuzviisa pasi paMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi uye hunoramba kuisa mutsipa wahwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, ndicharanga rudzi irworwo nebakatwa,+ nenzara, nedenda,’* ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kusvikira ndavapedza neruoko rwake.’
9 “‘“‘Saka musateerera vaprofita venyu, nevanhu venyu vanofembera, varoti venyu, nevanokuitirai zvemashiripiti, nevaroyi venyu, vari kuti kwamuri: “Hamuzovi pasi pamambo weBhabhironi.” 10 Nekuti vari kukuprofitirai nhema, kuti muendeswe kure kure nenyika yenyu uye ini ndichakuparadzirai uye muchapera mese.
11 “‘“‘Asi rudzi runoisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rwova pasi pake, ndichaita kuti rurambe ruri* munyika yarwo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti ruirime nekugara mairi.’”’”
12 Ndakataurawo saizvozvo kuna Mambo Zedhekiya+ weJudha, ndichiti: “Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi mumushandire iye nevanhu vake, uye mucharamba muchirarama.+ 13 Imi nevanhu venyu munodirei kufa nebakatwa,+ nenzara,+ uye nedenda+ sezvataurwa naJehovha pamusoro perudzi rusingazozviisi pasi pamambo weBhabhironi? 14 Musateerera mashoko evaprofita vari kuti kwamuri, ‘Hamuzovi pasi pamambo weBhabhironi,’+ nekuti vari kukuprofitirai nhema.+
15 “‘Nekuti handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘asi vari kuprofita nhema muzita rangu, izvo zvichaita kuti ndikuparadzirei uye muchapera mese, imi nevaprofita vari kukuprofitirai.’”+
16 Uye ndakati kuvapristi nevanhu ava vese: “Zvanzi naJehovha, ‘Musateerera mashoko evaprofita venyu vari kukuprofitirai, vachiti: “Inzwai! Pasina nguva midziyo yeimba yaJehovha ichadzoswa kubva kuBhabhironi!”+ nekuti vari kukuprofitirai nhema.+ 17 Musavateerera. Zviisei pasi pamambo weBhabhironi uye mucharamba muchirarama.+ Munodirei kuti guta rino riitwe dongo? 18 Asi kana ivo vari vaprofita uye kana shoko raJehovha riri pavari, ndapota ngavateterere Jehovha wemauto kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nemuimba yamambo* weJudha, nemuJerusarema irege kuendeswa kuBhabhironi.’
19 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto pamusoro pembiru,+ neDziva,*+ nezvingoro,+ nemidziyo yakasara muguta rino, 20 isina kutorwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi paakatapa Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu, mambo weJudha, kubva muJerusarema achimuendesa kuBhabhironi, pamwe chete nevakuru vakuru vese veJudha neJerusarema;+ 21 chokwadi zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, pamusoro pemidziyo yakasara paimba yaJehovha, nemuimba yamambo* weJudha, uye muJerusarema: 22 ‘“Ichaendeswa kuBhabhironi+ uye icharamba iri ikoko kusvikira pazuva randichafunga nezvayo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Ndichabva ndaidzosa, ndoidzorera munzvimbo ino.”’”+
28 Gore rimwe chete iroro, panguva yakatanga kutonga Mambo Zedhekiya+ weJudha, mugore rechina, mumwedzi wechishanu, muprofita Hananiya mwanakomana waAzuri wekuGibhiyoni,+ akataura neni muimba yaJehovha, vapristi nevanhu vese vachizviona, achiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.+ 3 Makore maviri* asati apera ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yese yeimba yaJehovha yakatorwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi munzvimbo ino akaiendesa kuBhabhironi.’”+ 4 “‘Uye ndichadzosa Jekoniya+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha kunzvimbo ino, nenhapwa dzese dzeJudha dzakaenda kuBhabhironi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.’”
5 Muprofita Jeremiya akabva ataura nemuprofita Hananiya, vapristi uye vanhu vese vakanga vamire muimba yaJehovha vachizviona. 6 Muprofita Jeremiya akati: “Ameni!* Jehovha ngaazviite! Jehovha ngaazadzise mashoko ako awaprofita kuburikidza nekudzosa kunzvimbo ino midziyo yeimba yaJehovha nevanhu vese vakatapwa kubva kuBhabhironi! 7 Zvisinei, ndinokumbirawo kuti unzwe shoko iri randiri kutaura iwe nevanhu vese makateerera. 8 Makare kare vaprofita vakanditangira nevakakutangira vaiprofita pamusoro penyika zhinji neumambo hune simba, nezvehondo, nezvedambudziko uye nezvedenda.* 9 Kana muprofita akaprofita nezverugare, shoko remuprofita wacho roitika, zvichabva zvazivikanwa kuti chokwadi Jehovha ndiye akatuma muprofita wacho.”
10 Muprofita Hananiya akabva abvisa joko pamutsipa wemuprofita Jeremiya, akarityora.+ 11 Hananiya akabva ataura vanhu vese vakatarisa, achiti: “Zvanzi naJehovha, ‘Makore maviri asati apera, ndichatyorawo joko raMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi saizvozvi ndichiribvisa pamutsipa wemarudzi ese.’”+ Muprofita Jeremiya akabva aenda.
12 Pashure pekunge muprofita Hananiya atyora joko achiribvisa pamutsipa wemuprofita Jeremiya, shoko iri raJehovha rakauya kuna Jeremiya: 13 “Enda unoti kuna Hananiya, ‘Zvanzi naJehovha: “Watyora majoko emuti,+ asi uchagadzira majoko esimbi panzvimbo pawo.” 14 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndichaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi aya ese, kuti ave pasi paMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, uye iwo achava pasi pake.+ Ndichamupa kunyange mhuka dzesango.”’”+
15 Muprofita Jeremiya akabva ati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+ 16 Saka zvanzi naJehovha, ‘Inzwa! Ndiri kukubvisa panyika. Uchafa gore rino, nekuti wakafurira vanhu kupandukira Jehovha.’”+
17 Saka muprofita Hananiya akafa gore iroro, mumwedzi wechinomwe.
29 Aya ndiwo mashoko etsamba yakatumirwa nemuprofita Jeremiya kubva kuJerusarema ichienda kune vamwe vakuru vese vaiva pavanhu vakatapwa, kuvapristi, kuvaprofita, nekuvanhu vese, vakanga vatapwa naNebhukadhinezari kubva kuJerusarema akavaendesa kuBhabhironi, 2 pashure pekunge Mambo Jekoniya+ naamai vake,+ nevakuru vemumuzinda, nemachinda eJudha neeJerusarema, nemhizha nevapfuri vesimbi* vabuda muJerusarema.+ 3 Akatumira tsamba yacho neruoko rwaErasa mwanakomana waShafani+ naGemariya mwanakomana waHirikiya, avo vakatumwa naMambo Zedhekiya+ weJudha kuBhabhironi kuna Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Yaiti:
4 “Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri ati kuvanhu vese vakatapwa, vandakaita kuti vatapwe kubva kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi, 5 ‘Vakai dzimba mogaramo. Dyarai minda mudye michero yayo. 6 Wanai madzimai muve nevanakomana nevanasikana; wanirai vanakomana venyu madzimai uye roodzai vanasikana venyu, kuti naivowo vave nevanakomana nevanasikana. Wandai ikoko, uye musatapudzika. 7 Tsvagaiwo rugare rweguta randakakuendesai, murinyengeterere kuna Jehovha, nekuti kana iro riine rugare imiwo muchava nerugare.+ 8 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Musanyengerwa nevaprofita venyu nevanhu venyu vanofembera,+ uye musateerera hope dzavari kurota. 9 Nekuti ‘vari kukuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”’”
10 “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Kana makore 70 apera muri kuBhabhironi, ndichafunga nezvenyu,+ uye ndichazadzisa vimbiso yangu nekukudzosai munzvimbo ino.’+
11 “‘Nekuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko,+ kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.+ 12 Muchandishevedza mouya kuzonyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.’+
13 “‘Muchanditsvaga mondiwana,+ nekuti muchanditsvaga nemwoyo yenyu yese.+ 14 Uye ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Ndichaunganidza nhapwa dzenyu, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ese nekunzvimbo dzese dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Uye ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mutapwe muchibviswa mairi.’+
15 “Asi imi makati, ‘Jehovha akaita kuti tive nevaprofita muBhabhironi.’
16 “Nekuti zvanzi naJehovha kuna mambo agere pachigaro chaDhavhidhi+ nekuvanhu vese vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pamakatapwa, 17 ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndiri kuvatumira bakatwa, nenzara, nedenda,*+ uye ndichaita kuti vaite semaonde akaora,* akaora zvekusadyika.”’+
18 “‘Ndichavatevera nebakatwa,+ nenzara, uye nedenda, uye ndichavaita chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwepanyika,+ chinhu chakatukwa uye chinhu chinokatyamadza, chinhu chinoridzisa muridzo+ uye chinoshorwa pakati pemarudzi ese andichavaparadzira kwaari,+ 19 nekuti havana kuteerera mashoko angu andakavatumira nevashumiri vangu vaprofita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘ndichivatuma ndavatumazve.’*+
“‘Asi hamuna kuteerera,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
20 “Saka inzwai shoko raJehovha, imi mese vanhu vakatapwa, vandakabvisa kuJerusarema ndikaendesa kuBhabhironi. 21 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraya uye pamusoro paZedhekiya mwanakomana waMaaseya, avo vari kukuprofitirai nhema muzita rangu,+ ‘Ndiri kuvaisa muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uye achavauraya makatarisa. 22 Uye zvichaitika kwavari zvichava mashoko ekutuka achataurwa nevaJudha vese vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi. Vachati: “Jehovha ngaakuite saZedhekiya uye saAhabhi, vakagochwa mumoto namambo weBhabhironi!” 23 nekuti vakaita zvinhu zvinonyadzisa pakati peIsraeri,+ vachiita upombwe nemadzimai evavakidzani vavo uye vachitaura mashoko enhema muzita rangu, andisina kuvarayira.+
“‘“Ini ndini ndinoziva uye ndiri chapupu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’”
24 “Utiwo kuna Shemaya+ weNeheramu, 25 ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Nekuti iwe wakatumira tsamba muzita rako kuvanhu vese vari muJerusarema, kuna Zefaniya+ mwanakomana waMaaseya, mupristi, nekuvapristi vese, uchiti, 26 ‘Jehovha aita kuti uve mupristi panzvimbo paJehoyadha mupristi, kuti uve mutariri weimba yaJehovha, kuti munhu wese anopenga anoita semuprofita ave mumaoko ako uye kuti uise makumbo ake muzvisungo zvematanda uye maoko ake nemutsipa muzvisungo;*+ 27 saka nei usina kutsiura Jeremiya wekuAnatoti,+ uyo ari kuzviti muprofita wenyu?+ 28 Nekuti akatotitumira shoko kuBhabhironi, achiti: “Ichange iri nguva refu! Vakai dzimba mogaramo. Dyarai minda mudye michero yayo,+—”’”’”
29 Mupristi Zefaniya+ paakaverenga tsamba iyi muprofita Jeremiya achinzwa, 30 shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti: 31 “Tumira shoko kuvanhu vese vakatapwa, uchiti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya weNeheramu: “Nekuti Shemaya akaprofita kwamuri, kunyange zvazvo ini ndisina kumutuma, uye akaedza kuita kuti muvimbe nenhema,+ 32 saka zvanzi naJehovha, ‘Ndava kufunga nezvaShemaya weNeheramu nevazukuru vake. Hapana kana munhu wekwake ari pakati pevanhu ava achapona; uye iye haazooni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti akafurira vanhu kupandukira Jehovha.’”’”
30 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ese andinokuudza. 3 Nekuti “mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaunganidza vanhu vangu vakatapwa, vaIsraeri nevaJudha,”+ anodaro Jehovha, “uye ndichavadzosa kunyika yandakapa madzitateguru avo, uye ichava yavo zvakare.”’”+
4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha kuna Israeri naJudha.
5 Zvanzi naJehovha:
“Tanzwa ruzha rwekudedera;
Pane kutya kukuru, uye hapana rugare.
6 Ndapota, bvunzai kuti murume angasununguka mwana here?
Nei zviso zvese zvachenuruka?
7 Inhamo chaiyo! Nekuti zuva racho rinotyisa.*+
Hakuna rimwe rakafanana naro,
Inguva yekutambudzika kwaJakobho.
Asi iye achaponeswa pazuva racho.”
8 “Uye pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichatyora joko ndichiribvisa pamutsipa wako, uye ndichadambura zvitorobho zvako;* uye vatorwa* havazomuitizve muranda wavo.* 9 Vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.”+
10 “Uye iwe Jakobho mushumiri wangu, usatya,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Uye usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+
Nekuti ndichakuponesa ndichikubvisa kure
Uye vana vako ndichivabvisa kunyika yavari nhapwa.+
Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,
Pasina anovatyisa.”+
11 “Nekuti ndinewe,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kuti ndikuponese.
12 Nekuti zvanzi naJehovha:
“Hapana chinorapa pawakatyoka.+
Ronda rako harirapiki.
13 Hapana anokutetererera mhosva yako,
Ronda rako harirapiki.
Hapana mushonga unokurapa.
14 Vese vaikuda kwazvo vakukanganwa.+
Havachakutsvagi.
Nekuti ndakurova neshamhu yakafanana neyemuvengi,+
Nekuranga kwemunhu ane utsinye,
Nemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi zvako.+
15 Nei uchichema nekutyoka kwawakaita?
Marwadzo ako haarapiki!
Ndakuitira izvi
Nemhaka yekukura kwemhosva yako uye kuwanda kwezvivi+ zvako.
Vaya vanokutorera zvinhu nechisimba vachatorerwawo nechisimba,
Uye ndichaita kuti vese vanopamba zvinhu zvako vapambwewo.”+
17 “Asi ndichaita kuti uvezve neutano uye ndicharapa maronda ako,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Kunyange zvazvo vaikudana kuti nyakurambwa:
‘Ziyoni, nzvimbo isina anoitsvaga.’”+
18 Zvanzi naJehovha:
“Ndiri kuunganidza nhapwa dzematende aJakobho,+
Uye ndichanzwira tsitsi tebhenekeri dzake.
Guta racho richavakwazve pachikomo charo,+
Uye shongwe yakasimba ichamira panzvimbo yayo yakakodzera.
19 Uye kwavari kuchabva kuonga nemanzwi ekuseka.+
Ndichaita kuti vawande, uye havazovi vashoma;+
Ndichaita kuti vawande chaizvo,*
Uye havazovi rudzi rudiki.+
Ndicharanga vadzvinyiriri vake vese.+
21 Mukuru wake achava mumwe wevanhu vake,
Uye mutongi wake achagadzwa achibva pavanhu vake.
Ndichaita kuti auye pedyo, uye achauya kwandiri.”
“Nekuti pasina izvozvo ndiani aizoshinga* kuuya kwandiri?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
22 “Muchava vanhu vangu,+ uye ini ndichava Mwari wenyu.”+
23 Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha,+
Icho chamupupuri chine simba chinotenderera pamisoro yevakaipa.
Muchazvinzwisisa mumazuva ekupedzisira.+
31 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichava Mwari wemhuri dzese dzevaIsraeri, uye ivo vachava vanhu vangu.”+
2 Zvanzi naJehovha:
“Vanhu vaya vakapona pabakatwa ndivo vakanzwirwa nyasha murenje
Israeri paaifamba achienda kunzvimbo yake yekuzororera.”
3 Jehovha akazviratidza kwandiri ari kure, uye akati:
“Ndakakuda nerudo rusingaperi.
Ndokusaka ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri.*+
4 Ndichakuvakazve uye iwe uchavakwazve.+
6 Nekuti zuva richasvika varindi vari mumakomo ekwaEfremu pavachashevedzera kuti:
‘Simukai tikwire kuZiyoni kuna Jehovha Mwari wedu.’”+
7 Nekuti zvanzi naJehovha:
“Shevedzerai kuna Jakobho muchifara kwazvo.
Shevedzerai nemufaro nekuti muri pamusoro pemarudzi.+
Zvizivisei; rumbidzai, moti,
‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu vakasara pavaIsraeri.’+
8 Ndiri kuvadzosa kubva kunyika yekuchamhembe.+
Ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+
Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara,+
Mukadzi ane pamuviri pamwe chete neari kusununguka.
Vachadzoka kuno vari ungano huru.+
Ndichavatungamirira pavanenge vachiteterera kunzwirwa nyasha.
Ndichavatungamirira kuhova dzemvura,+
Mugwara rakarurama ravasingazogumburwi.
Nekuti ndiri Baba vaIsraeri, uye Efremu ndiye dangwe rangu.”+
“Iye akaparadzira Israeri achamuunganidza.
Achamuchengeta sekuchengeta kunoita mufudzi zvipfuwo zvake.+
12 Vachauya, vopembera nemufaro vari pamusoro peZiyoni,+
Vofarira kunaka kwaJehovha,*
Vofarira goho newaini itsva+ nemafuta,
Uye makwayana nemhuru dzemombe.+
Ndichachinja kuchema kwavo kuti kuve kupembera nemufaro.+
Ndichavanyaradza ndoita kuti vafare panzvimbo pekushungurudzika.+
14 Ndichagutsa vapristi* nezvinhu zvakawanda,*
Uye vanhu vangu vachagutswa nekunaka kwangu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
15 “Zvanzi naJehovha:
‘Pane inzwi riri kunzwika muRama,+ kushungurudzika nekuchema kunonzwisa tsitsi:
Rakeri ari kuchema vanakomana* vake.+
Aramba kunyaradzwa pakuchema vanakomana vake,
Nekuti havasisipo.’”+
16 Zvanzi naJehovha:
“‘Rega kuchema, uye maziso ako ngaarege kubudisa misodzi,
Nekuti basa rako rine mubayiro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
‘Vachadzoka kubva kunyika yemuvengi.’+
17 ‘Ramangwana rako rine tariro,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
‘Vanakomana vako vachadzoka kunharaunda yavo.’”+
18 “Chokwadi ndakanzwa kuchema kwaEfremu achiti,
‘Makandiruramisa sezvinoitwa mhuru isina kupingudzwa,
Uye ndakabvuma kururamiswa.
Ndidzosei uye ndichakurumidza kudzoka,
Nekuti ndimi Jehovha Mwari wangu.
19 Nekuti pandakanga ndadzoka, ndakazvidemba;+
Pandakaitwa kuti ndinzwisise, ndakazvirova pachidya neshungu.
Ndakanyara uye ndakaninipiswa,+
Nekuti ndainge ndakatakura kuzvidzwa kweudiki hwangu.’”
20 “Efremu haasi mwanakomana anokosha kwandiri uye wandinoda here?+
Nekuti kunyange ndichitaura naye kakawanda ndichimutsiura, ndichiri kungomuyeuka.
Ndokusaka mwoyo wangu uchinetseka nezvake.+
Chokwadi ndichamunzwira tsitsi,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Isa pfungwa pamugwagwa mukuru, panzira yaunofanira kuenda nayo.+
Dzoka, haiwa iwe mhandara yeIsraeri, dzoka kumaguta ako aya.
22 Uchasvika riini uine pfungwa mbiri, haiwa iwe mwanasikana asina kutendeka?
Nekuti Jehovha asika chinhu chitsva panyika:
Mukadzi achatoita zvekutsvaga murume.”
23 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Vachataurazve mashoko aya munyika yeJudha nemumaguta ayo, pandichadzosa nhapwa dzavo: ‘Jehovha ngaakukomborere, haiwa iwe nzvimbo yekugara yakarurama,+ haiwa iwe gomo dzvene.’+ 24 Vanhu veJudha nemaguta ayo ese vachagara mairi pamwe chete, varimi nevaya vanofudza zvipfuwo.+ 25 Nekuti ndichagutsa munhu akaneta,* uye ndichagutsa munhu wese ari kupera simba.”+
26 Ndakabva ndamuka ndikavhura maziso angu, uye ndakanga ndarara hope dzakanaka.
27 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti vanhu veimba yaIsraeri neimba yaJudha vawande, uye andichaitawo kuti zvipfuwo zvavo zviwande.”+
28 “Ndicharamba ndakavatarisa kuti ndivake, uye ndidyare, sekuramba ndakavatarisa kwandakaita kuti ndidzure uye ndiputse,+ kuti ndikoromore uye ndiparadze uye kuti ndikuvadze,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 29 “Mumazuva iwayo havachazotizve, ‘Vanababa ndivo vakadya mazambiringa anovavira, asi mazino evanakomana ndiwo akaita ugugu.’*+ 30 Asi mumwe nemumwe achafira kukanganisa kwake. Munhu achadya mazambiringa anovavira ndiye ane mazino achaita ugugu.”
31 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.+ 32 Ichange yakasiyana nesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ ‘sungano yangu yavakaputsa,+ kunyange zvazvo ndakanga ndiri tenzi wavo chaiye,’* ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
33 “Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Ndichaisa mutemo wangu mavari,+ uye ndichaunyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+
34 “Uye hapana achazodzidzisazve muvakidzani wake uye hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha!’+ nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndichavaregerera kukanganisa kwavo, uye handichazoyeukizve chivi chavo.”+
35 Zvanzi naJehovha,
Uyo anopa zuva kuti pave nechiedza masikati,
Nemitemo* yemwedzi nenyeredzi kuti pave nechiedza usiku,
Iye anobvongodza gungwa, oita kuti mafungu aro asagadzikana,
Iye ane zita rekuti Jehovha wemauto:+
36 “‘Kudai zvaizoitika kuti mirau iyi yakundikana,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Vana vaIsraeri vaizogumawo kuva rudzi pamberi pangu.’”+
37 Zvanzi naJehovha: “‘Kudai denga riri kumusoro raigona kuyerwa uye nheyo dzenyika iri pasi dzaigona kuongororwa, iniwo ndaizoramba vana vese vaIsraeri nekuda kwezvese zvavakaita,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”+
38 “Inzwai! Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “guta racho parichavakirwa+ Jehovha kubvira kuShongwe yaHananeri+ kusvika kuGedhi Repakona.+ 39 Uye tambo yekuyeresa+ ichati tande ichinosvika kuchikomo cheGarebhi, yobva yananga kudivi rekuGoa. 40 Uye bani rese rezvitunha neremadota,* nepane materu pese kusvika kuBani reKidroni,+ kunosvika kukona yekuGedhi reMabhiza+ nechekumabvazuva, zvichava chinhu chitsvene kuna Jehovha.+ Harizodzurwi kana kukoromorwa zvakare.”
32 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha mugore rechi10 raMambo Zedhekiya weJudha, kureva gore rechi18 raNebhukadhinezari.*+ 2 Panguva iyoyo mauto amambo weBhabhironi ainge akakomba Jerusarema, uye muprofita Jeremiya akanga akavharirwa muChivanze cheVarindi,+ muimba yamambo* weJudha. 3 Nekuti Mambo Zedhekiya weJudha akanga amuvharira,+ achiti, “Uri kuprofitirei zvakadaro? Uri kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye iye acharitora,+ 4 uye Mambo Zedhekiya weJudha haazopukunyuki pavaKadheya, nekuti chokwadi achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, uye achataura naye vakatarisana, vachionana chiso nechiso.”’+ 5 ‘Iye achaendesa Zedhekiya kuBhabhironi, uye acharamba ari ikoko kusvikira ndafunga nezvake,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Kunyange zvazvo muchiramba muchirwa nevaKadheya, hamuzobudiriri.’”+
6 Jeremiya akati: “Shoko raJehovha rauya kwandiri, richiti, 7 ‘Hanameri mwanakomana waSharumu hama yababa vako, achauya kwauri, oti: “Tenga munda wangu uri kuAnatoti,+ nekuti ndiwe uri pekutanga pavanhu vane kodzero yekuudzikinura.”’”+
8 Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu akauya kwandiri muChivanze cheVarindi, sezvakanga zvataurwa naJehovha, akati kwandiri: “Ndinokumbirawo kuti utenge munda wangu uri kuAnatoti, munyika yaBhenjamini, nekuti ndiwe une kodzero yekuutora uye kuudzikinura. Utenge uve wako.” Ndakabva ndaziva kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha.
9 Saka ndakatenga munda wacho wekuAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu. Ndakamuyerera mari yacho,+ mashekeri* 7 nemasirivha 10. 10 Ndakabva ndazvinyora mugwaro rechibvumirano,+ ndikarinama ndokuriisa chidhindo,* ndikashevedza zvapupu,+ ndikayera mari yacho pachikero. 11 Ndakatora gwaro rechibvumirano chekutenga, riya rakanga rakanamwa pachitevedzerwa murayiro uye mutemo, neriya rakanga rasiyiwa risina kunamwa, 12 uye ndakapa gwaro racho rechibvumirano chekutenga kuna Bharuki+ mwanakomana waNeriya+ mwanakomana waMaseya, paina Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu, nezvapupu zvakasaina mugwaro racho rechibvumirano chekutenga, nevaJudha vese vainge vagere muChivanze cheVarindi.+
13 Ndakabva ndarayira Bharuki ivo varipo, ndichiti: 14 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Tora magwaro aya, gwaro iri rechibvumirano chekutenga rakanamwa, nerimwe gwaro rechibvumirano rasiyiwa risina kunamwa, uaise mumudziyo wevhu, kuti achengetwe kwenguva refu.’ 15 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Dzimba neminda yembesa neminda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’”+
16 Pashure pekunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeriya gwaro rechibvumirano chekutenga, ndakabva ndanyengetera kuna Jehovha ndichiti: 17 “Haiwa Changamire Ishe Jehovha! Makasika denga nenyika muchishandisa simba renyu guru+ uye ruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hapana chinhu chakakuomerai, 18 imi munoratidza rudo rusingachinji kuzviuru, asi muchitsiva kukanganisa kwemadzibaba pavanakomana* vavo vanovatevera,+ imi Mwari wechokwadi, iye mukuru uye ane simba, ane zita rekuti Jehovha wemauto. 19 Mune zvinangwa zvikuru uye munoratidza simba pamabasa enyu,+ imi mune maziso anoona nzira dzese dzevanhu,+ kuti mupe mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake uye zvinoenderana nezvaanoita.+ 20 Makaita zviratidzo nezvishamiso munyika yeIjipiti zvichiri kuzivikanwa nanhasi, zvikaita kuti zita renyu rive nemukurumbira muIsraeri uye pakati pevanhu,+ sezvazviri nhasi. 21 Uye makabudisa vanhu venyu vaIsraeri munyika yeIjipiti nezviratidzo, nezvishamiso, neruoko rune simba, neruoko rwakatambanudzwa uye nemabasa anotyisa zvikuru.+
22 “Nekufamba kwenguva, makavapa nyika ino yamakapika kuti muchapa madzitateguru avo,+ nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 23 Uye vakapinda vakaitora, asi havana kuteerera inzwi renyu kana kufamba mumutemo wenyu. Havana chavakaita pazvinhu zvese zvamakavarayira kuti vaite, saka makaita kuti dambudziko rese iri rivawire.+ 24 Onai! Vanhu vauya vakaunganidza mirwi yekukomba guta kuti varitore,+ uye guta racho richava mumaoko evaKadheya vari kurirwisa nemhaka yebakatwa,+ nenzara, nedenda;*+ zvese zvamakataura zvaitika, sezvamuri kuona. 25 Asi imi haiwa Changamire Ishe Jehovha, mandiudza kuti, ‘Tenga munda nemari uye shevedza zvapupu,’ kunyange zvazvo zvitori pachena kuti guta racho richaiswa muruoko rwevaKadheya.”
26 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya richiti: 27 “Ndini Jehovha, Mwari wevanhu vese.* Pane chinhu chakandiomera here? 28 Saka zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino kuvaKadheya uye muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uye acharitora.+ 29 VaKadheya avo vari kurwisa guta rino vachapinda vopisa guta rino nemoto uye vachariroromesa+ pamwe chete nedzimba dzaipirwa zvibayiro nevanhu kuna Bhaari pamatenga adzo vachidururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari, vachindigumbura.’+
30 “‘Nekuti vanhu veIsraeri neJudha vanga vachingoita zvakaipa pamberi pangu kubvira vachiri vadiki;+ vaIsraeri vanoramba vachingondigumbura nebasa remaoko avo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 31 ‘Nekuti kubva pazuva ravakavaka guta rino kusvikira nhasi, ranga richingonditsamwisa uye richindigumbura,+ zvekuti rinofanira kubviswa pamberi pangu,+ 32 nemhaka yezvakaipa zvese zvakaitwa nevaIsraeri nevaJudha vachindigumbura, ivo nemadzimambo avo,+ nemachinda avo,+ vapristi vavo nevaprofita vavo,+ nevarume veJudha nevagari vemuJerusarema. 33 Vakaramba vachindipira makotsi vasinganditarisi.+ Kunyange zvazvo ndakaedza ndaedzazve kuvadzidzisa,* hapana kana mumwe chete wavo aiteerera kuti abvume kurayirwa.*+ 34 Uye vakaisa zvidhori zvavo zvinosemesa muimba ine zita rangu, vachiisvibisa.+ 35 Uyewo vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vaite kuti vanakomana vavo nevanasikana vavo vapfuure nemumoto vachiitira Moreki,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira+ uye zvisina kumbobvira zvauya mumwoyo mangu* kuti ndivaudze kuti vaite zvinhu zvinosemesa kudaro, vachiita kuti Judha atadze.’
36 “Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro peguta rino ramuri kuti richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi kuburikidza nebakatwa, nenzara, nedenda, 37 ‘Ndichavaunganidza kubva kunyika dzese dzandakavaparadzira kwadziri ndakatsamwa, ndakagumbuka, uye ndakashatirwa kwazvo,+ uye ndichavadzosa kunzvimbo ino ndoita kuti vagare vasina chekutya.+ 38 Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+ 39 Ndichavapa mwoyo mumwe chete+ nenzira imwe chete kuti vagare vachinditya, zvovafambira zvakanaka ivo nevana vavo vanovatevera.+ 40 Uye ndichaita sungano navo inogara nekusingaperi,+ zvekuti handizoregi kuvaitira zvakanaka;+ uye ndichaita kuti vanditye mumwoyo mavo kuti varege kutsauka vachibva kwandiri.+ 41 Ndichapembera nemufaro pamusoro pavo kuti ndivaitire zvakanaka,+ ndichavadyara zvakasimba munyika ino+ nemwoyo wangu wese, nemweya* wangu wese.’”
42 “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Sekuunza kwandaita dambudziko guru rese iri pavanhu ava, saizvozvo ndichavaunzirawo zvakanaka zvese zvandiri kuvavimbisa.+ 43 Minda ichatengwazve munyika ino,+ kunyange zvazvo muchiti: “Idongo risina munhu kana mhuka uye yaiswa mumaoko evaKadheya.”’
44 “‘Minda ichatengwa nemari, magwaro echibvumirano chekutenga achanyorwa onamwa achiiswa chidhindo,* uye zvapupu zvichashevedzwa munyika yaBhenjamini,+ nemunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta eJudha,+ nemumaguta enzvimbo ine makomo, nemumaguta enyika yakadzikira,+ nemumaguta ari kumaodzanyemba, nekuti ndichadzosa nhapwa dzavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
33 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya kechipiri, paakanga achakavharirwa muChivanze cheVarindi,+ richiti: 2 “Zvanzi naJehovha Muiti wenyika, iye Jehovha akaiumba akaisimbisa kwazvo; Jehovha ndiro zita rake, 3 ‘Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura ndobva ndangokuudza zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa zvausati waziva.’”+
4 “Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino uye dzimba dzemadzimambo eJudha dzakaputswa nemhaka yemirwi yakagadzirirwa kukomba guta uye nemhaka yebakatwa,+ 5 uye pamusoro pevaya vari kuuya kuzorwisa vaKadheya, vachizadza nzvimbo idzi nezvitunha zvevaya vandakauraya ndakatsamwa uye ndakagumbuka, vaya vane zvakaipa zvakaita kuti ndivanzire guta rino chiso changu: 6 ‘Ndichariporesa uye ndichaita kuti rive neutano+ uye ndichavarapa ndovapa rugare rukuru nechokwadi.+ 7 Ndichadzosa nhapwa dzeJudha nenhapwa dzeIsraeri,+ uye ndichadzivaka sezvandakaita pakutanga.+ 8 Ndichadzinatsa pazvivi zvadzo zvese zvadzakanditadzira,+ uye ndichadziregerera zvivi zvadzo zvese uye kunditadzira kwadzakaita.+ 9 Uye kwandiri guta rino richava zita rekupembera nemufaro, kurumbidzwa uye runako pamberi pemarudzi ese enyika achanzwa zvakanaka zvese zvandichaitira vanhu vangu.+ Vachatya uye vachadedera+ nekuda kwezvakanaka zvese uye rugare rwese rwandicharipa.’”+
10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munzvimbo ino yamuchati idongo risina munhu kana zvipfuwo, mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema yakaparadzwa, isina munhu kana mugari kana zvipfuwo, muchatangazve kunzwika 11 inzwi rekupembera nemufaro nenzwi remufaro mukuru,+ inzwi remurume ari kuroora nenzwi remwenga, inzwi revaya vanoti: “Ongai Jehovha wemauto, nekuti Jehovha akanaka;+ rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi!”’+
“‘Vachauya nemipiro yekuonga muimba yaJehovha,+ nekuti ndichadzosa nhapwa dzenyika yacho, sezvazvaiva pakutanga,’ anodaro Jehovha.”
12 “Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Munzvimbo ino yava dongo, isina munhu kana zvipfuwo, uye mumaguta ayo ese, muchavazve nemafuro ekuti vafudzi vazorodze zvipfuwo zvavo imomo.’+
13 “‘Mumaguta ekumakomo, nemumaguta enyika yakadzikira, nemumaguta ekumaodzanyemba, nemunyika yaBhenjamini, nemunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema+ nemumaguta eJudha,+ zvipfuwo zvichapfuurazve nepasi pemaoko euya anenge achizviverenga,’ anodaro Jehovha.”
14 “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘andichazadzisa vimbiso yakanaka yandataura pamusoro peimba yaIsraeri neimba yaJudha.+ 15 Mazuva iwayo uye panguva iyoyo ndichaita kuti patungire nhungirwa yakarurama yaDhavhidhi,*+ uye iye achaita kuti munyika yacho mutevedzerwe mutemo uye muve nekururama.+ 16 Mazuva iwayo, Judha ichaponeswa+ uye Jerusarema richagara rakachengeteka.+ Uye richanzi: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’”+
17 “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Pavazukuru vaDhavhidhi hapazomboshayikwi murume anogara pachigaro cheumambo cheimba yaIsraeri,+ 18 uyewo kuvapristi vedzinza raRevhi hakuzoshayikwi murume anomira pamberi pangu kuti ape mipiro inopiswa, kuti apise mipiro yezviyo* uye kuti ape zvibayiro.’”
19 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 20 “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukakwanisa kuputsa sungano yangu ine chekuita nemasikati uye sungano yangu ine chekuita neusiku, kuti masikati neusiku zvirege kuuya panguva yazvo yakakodzera,+ 21 sungano yangu nemushumiri wangu Dhavhidhi ichaputswawo,+ zvekuti haangavi nemwanakomana anotonga pachigaro chake cheumambo,+ uyewo sungano yangu nevapristi vedzinza raRevhi, vashumiri vangu,+ ichaputswawo. 22 Ndichaita kuti vana* vemushumiri wangu Dhavhidhi nevaRevhi vari kundishumira vawande seuto rekudenga risingaverengeki uye sejecha regungwa risingayereki.’”
23 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya, richiti: 24 “Hauna kunzwa here zviri kutaurwa nevanhu ava? Vari kuti, ‘Jehovha acharamba mhuri mbiri dzaakasarudza.’ Havasi kuremekedza vanhu vangu uye havachavaoni serudzi.
25 “Zvanzi naJehovha: ‘Sekudzika kwandakaita sungano yangu ine chekuita nemasikati neusiku,+ iyo mitemo* yekudenga neyepanyika,+ 26 handizomborambiwo vana* vaJakobho nevemushumiri wangu Dhavhidhi uye handizoregi kutora vatongi pavana* vake kuti vatonge vazukuru* vaAbrahamu, Isaka, naJakobho. Nekuti ndichaunganidza nhapwa dzavo+ ndodzinzwira tsitsi.’”+
34 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi neuto rake rese neumambo hwese hwenyika hwaiva pasi pake nemarudzi ese pavakanga vachirwisa Jerusarema nemaguta aro ese:+
2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Enda unotaura naMambo Zedhekiya+ weJudha, uti kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.+ 3 Iwe hauzopukunyuki paruoko rwake, nekuti uchatobatwa woiswa muruoko rwake.+ Uchaonana namambo weBhabhironi chiso nechiso uye achataura newe makatarisana, uye uchaenda kuBhabhironi.’+ 4 Asi inzwa shoko raJehovha, haiwa iwe Zedhekiya mambo weJudha, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro pako: “Hauzourayiwi nebakatwa. 5 Uchafa murugare,+ uye vachakupisira moto wekukukudza sezvavakaitira madzibaba ako, iwo madzimambo ekare akakutangira, uye vachakuchema vachiti, ‘Maiwee tenzi kani!’ nekuti ‘ini ndataura shoko racho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”’”’”
6 Muprofita Jeremiya akabva audza Mambo Zedhekiya weJudha mashoko aya ese muJerusarema, 7 mauto amambo weBhabhironi paakanga achirwisa Jerusarema nemaguta ese eJudha akanga asiyiwa,+ neRakishi+ neAzeka;+ nekuti ndiwo chete maguta ainge akakomberedzwa nemasvingo akanga asara pamaguta eJudha.
8 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha pashure pekunge Mambo Zedhekiya aita sungano nevanhu vese vaiva muJerusarema kuti avazivise nezvekusunungurwa,+ 9 kuti mumwe nemumwe asunungure varanda vake vechiHebheru, varume nevakadzi, kuti parege kuva nemunhu anoramba achiita muranda hama yake yechiJudha. 10 Saka machinda ese nevanhu vese vakateerera. Vakanga vaita sungano yekuti munhu wese asunungure varandarume vake nevarandakadzi vake uye kuti arege kuvaita varanda zvakare. Vakateerera, vakavarega vachienda. 11 Asi nekufamba kwenguva, vakadzosa varandarume vacho nevarandakadzi vacho vavakanga vasunungura, uye vakatangazve kuvamanikidza kuva varanda. 12 Saka shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti:
13 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Ndakaita sungano nemadzitateguru enyu+ pazuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda,+ ndichiti: 14 “Panopera makore manomwe, mumwe nemumwe wenyu ngaasunungure hama yake yechiHebheru, yaakatengeserwa uye yakamushandira kwemakore 6; munofanira kuisunungura.”+ Asi madzitateguru enyu haana kuteerera kana kurereka nzeve dzawo kwandiri. 15 Uye munguva ichangopfuura,* imi makatendeuka mukaita zvakarurama pamberi pangu kuburikidza nekuzivisa kusunungurwa kuhama dzenyu, uye makaita sungano pamberi pangu muimba ine zita rangu. 16 Asi makabva machinja, mukasvibisa zita rangu+ pamakadzosa varandarume nevarandakadzi venyu, vamakanga masunungura zvichienderana nezvavaida,* uye makavamanikidza kudzokera muuranda.’
17 “Saka zvanzi naJehovha: ‘Hamuna kunditeerera panyaya yekuti mumwe nemumwe wenyu azivise nezverusununguko kuhama yake uye kumunhu wekwake.+ Saka iye zvino ndava kukuzivisai nezvekusunungurwa kwenyu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti muiswe kubakatwa, kudenda,* nekunzara,+ uye ndichaita kuti muve chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwenyika.+ 18 Uye izvi ndizvo zvichaitika kuvarume vakaputsa sungano yangu pavakarega kuita mashoko ari musungano yavakaita pamberi pangu panguva yavakacheka mhuru nepakati vakapfuura nepakati pezvidimbu zvayo,+ 19 iwo machinda eJudha, nemachinda eJerusarema, vakuru vemumuzinda, vapristi, nevanhu vese vemunyika yacho, avo vakapfuura nepakati pezvidimbu zviviri zvemhuru yacho: 20 Ndichavaisa mumaoko evavengi vavo nemumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya,* uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.+ 21 Uye ndichaisa Mambo Zedhekiya weJudha nemachinda ake mumaoko evavengi vavo nemumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya* nemumaoko emauto amambo weBhabhironi,+ avo vava kurega kukurwisai.’+
22 “‘Ndichapa murayiro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndichavadzosa kuguta rino, uye vacharirwisa, voritora, voripisa nemoto;+ uye ndichaita kuti maguta eJudha ave matongo asina anogaramo.’”+
35 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha mumazuva aJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, richiti: 2 “Enda kuimba yevaRekabhi+ utaure navo, uuye navo muimba yaJehovha, mune imwe yedzimba dzekudyira; ubve wavapa waini kuti vanwe.”
3 Saka ndakatora Jaazaniya mwanakomana waJeremiya mwanakomana waHabhaziniya, nehama dzake, nevanakomana vake vese, neimba yese yevaRekabhi 4 ndikauya navo muimba yaJehovha. Ndakavapinza muimba yekudyira yevanakomana vaHanani mwanakomana waIgdhariya, munhu waMwari wechokwadi, iyo yaiva pedyo neimba yekudyira yemachinda yaiva pamusoro peimba yekudyira yaMaaseya mwanakomana waSharumu muchengeti wesuo. 5 Ndakabva ndaisa makapu azere newaini nemidziyo yekunwira izere newaini pamberi pevarume veimba yevaRekabhi ndikati kwavari: “Inwai waini.”
6 Asi ivo vakati: “Hatisi kuzonwa waini, nekuti Jehonadhabhi*+ mwanakomana waRekabhi, tateguru vedu, akatirayira kuti, ‘Hamufaniri kutombonwa waini, imi kana vanakomana venyu. 7 Uye hamufaniri kuvaka imba, kudyara mbeu, kana kudyara munda wemizambiringa, kana kuutenga. Asi munofanira kuramba muchigara mumatende, kuti mugare kwenguva refu munyika yamuri kugara muri vatorwa.’ 8 Saka tinoramba tichiteerera inzwi raJehonadhabhi mwanakomana watateguru vedu Rekabhi pazvinhu zvese zvaakatirayira, nekusatombonwa waini, isu, madzimai edu, vanakomana vedu, nevanasikana vedu. 9 Uye hativaki dzimba dzekugara, uye hatina minda yemizambiringa kana minda yezvirimwa kana mbeu. 10 Tinoramba tichigara mumatende uye tichiteerera zvese zvatakarayirwa natateguru vedu Jehonadhabhi.* 11 Asi Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi paakauya kuzorwisa nyika,+ takati, ‘Uyai tipinde muJerusarema kuti tipone pauto revaKadheya uye revaSiriya,’ uye iye zvino tava kugara muJerusarema.”
12 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti: 13 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Enda unoti kuvarume veJudha nevagari vemuJerusarema: “Hamuna kuramba muchikurudzirwa kuteerera mashoko angu here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 14 “Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vazukuru vake kuti varege kunwa waini, uye vakateerera mashoko ake nekurega kuinwa kusvikira nhasi, vachiteerera murayiro watateguru wavo.+ Asi ini ndakataura ndataurazve* nemi, asi hamuna kunditeerera.+ 15 Ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve,*+ ndichiti, ‘Ndapota, mumwe nemumwe ngaatendeuke panzira dzenyu dzakaipa,+ uye itai zvakarurama! Musatevera vamwe vanamwari uye musavashumira. Kana mukadaro mucharamba muchigara munyika yandakakupai imi nemadzitateguru enyu.’+ Asi hamuna kurereka nzeve dzenyu kana kunditeerera. 16 Vazukuru vaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakaita zvavakarayirwa natateguru wavo,+ asi vanhu ava havana kunditeerera.”’”
17 “Saka zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndiri kuunzira vaJudha nevagari vese vemuJerusarema dambudziko rese randakavayambira nezvaro,+ nekuti ndakataura navo asi havana kuteerera, uye ndakaramba ndichishevedzera kwavari asi havana kupindura.’”+
18 Uye Jeremiya akati kuimba yevaRekabhi: “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Nekuti makateerera murayiro waJehonadhabhi tateguru venyu uye muri kuramba muchichengeta mirayiro yake yese, muchinyatsoita zvaakakurayirai, 19 zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Pavazukuru vaJehonadhabhi* mwanakomana waRekabhi hapazomboshayikwi murume anoshumira pamberi pangu.”’”
36 Mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Tora gwaro* unyore mashoko ese andakakuudza pamusoro peIsraeri neJudha+ nemarudzi ese,+ kubvira pazuva randakatanga kutaura newe pamazuva aJosiya kusvikira nhasi.+ 3 Zvichida veimba yaJudha pavachanzwa nezvedambudziko rese randiri kuda kuvaunzira, vachatendeuka panzira dzavo dzakaipa, kuti ndivaregerere kukanganisa kwavo nechivi chavo.”+
4 Jeremiya akabva ashevedza Bharuki+ mwanakomana waNeriya, uye Jeremiya akataura mashoko ese aakanga audzwa naJehovha, Bharuki achianyora mugwaro racho.+ 5 Jeremiya akabva arayira Bharuki achiti: “Ini ndakavharirwa uye handigoni kupinda muimba yaJehovha. 6 Saka iwe ndiwe unofanira kupinda, woverenga zvinonzwika mashoko aJehovha awakanyora mugwaro ndichikuudza. Averenge vanhu vanenge vari paimba yaJehovha pazuva rekutsanya vachinzwa; izvi zvichaita kuti vanhu vese veJudha vari kuuya kubva kumaguta avo vaanzwe. 7 Zvichida chikumbiro chavo chekunzwirwa nyasha chichasvika kuna Jehovha, uye mumwe nemumwe achatendeuka panzira dzake dzakaipa, nekuti pane kutsamwa kukuru nehasha zvataurwa naJehovha kuti zvichauya pavanhu ava.”
8 Saka Bharuki mwanakomana waNeriya akaita zvese zvaakanga arayirwa nemuprofita Jeremiya; akaverenga gwaro raiva nemashoko aJehovha zvinonzwika ari paimba yaJehovha.+
9 Mugore rechishanu raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, mumwedzi wechi9, vanhu vese vaiva muJerusarema nevanhu vese vakauya muJerusarema vachibva kumaguta eJudha vakazivisa kuti vanhu vatsanye pamberi paJehovha.+ 10 Bharuki akabva averenga zvinonzwika gwaro raiva nemashoko aJeremiya paimba yaJehovha, muimba yaGemariya+ mwanakomana wemunyori Shafani,+ pachivanze chekumusoro, pagedhi idzva reimba yaJehovha,+ vanhu vese vachinzwa.
11 Mikaya mwanakomana waGemariya mwanakomana waShafani paakanzwa mashoko ese aJehovha aiva mugwaro racho, 12 akadzika kuimba yamambo,* kuimba yemunyori. Machinda ese akanga akagara* ikoko: munyori Erishama,+ naDheraya mwanakomana waShemaya, naErinatani+ mwanakomana waAkibhori,+ naGemariya mwanakomana waShafani, naZedhekiya mwanakomana waHananiya, nemamwe machinda ese. 13 Mikaya akavaudza mashoko ese aakanga anzwa, Bharuki paakaverenga gwaro racho vanhu vese vachinzwa.
14 Machinda ese akabva atuma Jehudhai mwanakomana waNetaniya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waKushai kuna Bharuki, achiti: “Uya negwaro rawaverenga vanhu vachinzwa.” Bharuki mwanakomana waNeriya akapinda mavaiva akabata gwaro racho. 15 Vakati kwaari: “Tapota, gara pasi utiverengere.” Saka Bharuki akavaverengera gwaro racho.
16 Pavakangonzwa mashoko acho ese, vakatarisana vachitya, uye vakati kuna Bharuki: “Tinotofanira kuudza mambo mashoko aya ese.” 17 Uye vakabvunza Bharuki kuti: “Tapota tiudze kuti wakanyora sei mashoko ese aya. Ndiye aikuudza here?” 18 Bharuki akavapindura kuti: “Ndiye akandiudza mashoko ese aya, uye ndakaanyora mugwaro iri neingi.” 19 Machinda acho akati kuna Bharuki: “Endai munohwanda, iwe naJeremiya, uye ngaparege kuva nemunhu anoziva kwamunenge muri.”+
20 Vakabva vapinda maiva namambo, muchivanze, vakaisa gwaro racho muimba yemunyori Erishama, uye vakaudza mambo zvese zvavakanga vanzwa.
21 Saka mambo akatuma Jehudhai+ kuti anotora gwaro racho, uye akanoritora muimba yemunyori Erishama. Jehudhai akatanga kuriverengera mambo nemachinda ese akanga amire pedyo namambo. 22 Mambo akanga agere muimba yenguva yechando, mumwedzi wechi9,* mbaura ichipfuta pamberi pake. 23 Jehudhai paaipedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina, mambo aibva acheka paverengwa pacho nebanga remunyori, okanda mumoto waiva mumbaura, kusvika gwaro racho rese raperera mumoto waiva mumbaura. 24 Mambo nevashandi vake vese avo vainge vanzwa mashoko ese aya, havana kutya kana kubvarura nguo dzavo. 25 Kunyange zvazvo Erinatani+ naDheraya+ naGemariya+ vakateterera mambo kuti arege kupisa gwaro racho, haana kuvateerera. 26 Mambo akarayirawo Jerameeri mwanakomana wamambo, Seraya mwanakomana waAzrieri, naSheremiya mwanakomana waAbdheeri kuti vanobata munyori Bharuki nemuprofita Jeremiya, asi Jehovha akaramba akavavanza.+
27 Pashure pekunge mambo apisa gwaro raiva nemashoko akanga anyorwa naBharuki achiudzwa naJeremiya, shoko raJehovha rakauyazve kuna Jeremiya,+ richiti: 28 “Tora rimwe gwaro unyore mashoko ese aiva mugwaro rekutanga rakapiswa naMambo Jehoyakimu weJudha.+ 29 Uye uti kuna Mambo Jehoyakimu weJudha, ‘Zvanzi naJehovha: “Wakapisa gwaro iri, ukati, ‘Wakarinyorerei kuti: “Mambo weBhabhironi achatouya kuzoparadza nyika ino, oita kuti isare isina munhu kana mhuka”?’+ 30 Saka zvanzi naJehovha kuna Mambo Jehoyakimu weJudha, ‘Haazovi nemunhu anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi,+ uye chitunha chake chichangosiyiwa chichitsva nezuva masikati uye chichioma nechando usiku.+ 31 Ndichaita kuti iye nevazukuru* vake nevashandi vake vazvidavirire kukanganisa kwavo, uye ndichaunza pavari uye pavagari vemuJerusarema nepavarume veJudha dambudziko rese randakataura kuti richauya pavari,+ ivo vakasateerera.’”’”+
32 Jeremiya akabva atora rimwe gwaro akaripa munyori Bharuki mwanakomana waNeriya,+ uyo akanyora achiudzwa naJeremiya mashoko ese aiva mugwaro rakanga rapiswa naMambo Jehoyakimu weJudha.+ Uye pakawedzerwa mamwe mashoko akawanda akaita saiwayo.
37 Zvino Mambo Zedhekiya+ mwanakomana waJosiya akatanga kutonga panzvimbo paKoniya*+ mwanakomana waJehoyakimu, nekuti Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akamugadza kuti ave mambo munyika yeJudha.+ 2 Asi iye nevashandi vake nevanhu vemunyika yacho havana kuteerera mashoko aJehovha aakataura achishandisa muprofita Jeremiya.
3 Mambo Zedhekiya akatuma Jehukari+ mwanakomana waSheremiya naZefaniya+ mwanakomana wemupristi Maaseya kumuprofita Jeremiya, achiti: “Tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.” 4 Jeremiya ainge akasununguka kufamba pakati pevanhu, nekuti vakanga vasati vamuisa mujeri.+ 5 Panguva iyi uto raFarao rakanga rasimuka kubva kuIjipiti,+ uye vaKadheya avo vainge vakakomba Jerusarema vakanzwa nezvazvo. Saka vakabva kuJerusarema.+ 6 Shoko raJehovha rakabva rauya kumuprofita Jeremiya, richiti: 7 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Muti kuna mambo weJudha, uyo akutumai kuzondibvunza: “Inzwa! Uto raFarao iro riri kuuya kuzokubatsirai richadzokera kunyika yaro, Ijipiti.+ 8 Uye vaKadheya vachadzoka, vorwisa guta rino, voritora uye voripisa nemoto.”+ 9 Zvanzi naJehovha: “Musazvinyepera* muchiti, ‘VaKadheya vacharega kutirwisa,’ nekuti ivo havasi kuzoenda. 10 Kunyange kana mukauraya uto rese revaKadheya vari kukurwisai pongosara varume vanenge vakuvara chete, vaizongobuda mumatende avo, vopisa guta rino nemoto.”’”+
11 Uto revaKadheya parakarega kurwisa Jerusarema nekuda kweuto raFarao,+ 12 Jeremiya akasimuka kuJerusarema akaenda kunyika yaBhenjamini+ kuti anowana mugove wake ikoko pakati pevanhu vake. 13 Asi paakasvika paGedhi raBhenjamini, mukuru wevarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muprofita Jeremiya, akati: “Uri kutizira kuvaKadheya!” 14 Asi Jeremiya akati: “Aiwa! Handisi kutizira kuvaKadheya.” Asi iye haana kumuteerera. Saka Irija akabata Jeremiya, akapinda naye maiva nemachinda. 15 Machinda acho akatsamwira Jeremiya chaizvo,+ uye akamurova, akamuvharira*+ muimba yemunyori Jehonatani, iyo yakanga yava kushandiswa sejeri. 16 Jeremiya akaiswa mujeri repasi, mudzimba dzepasi, uye akaramba ari imomo kwemazuva mazhinji.
17 Mambo Zedhekiya akabva atumira shoko kuti vanomutora, uye mambo akamubvunza vari vega mumba* make.+ Akabvunza kuti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Riripo!” uye akabva ati, “Muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi!”+
18 Jeremiya akatiwo kuna Mambo Zedhekiya: “Chii chandakakutadzirai imi nevashandi venyu nevanhu ava, zvamakandiisa mujeri? 19 Zvino vaprofita venyu varipi avo vakakuprofitirai vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuuya kuzokurwisai imi nenyika ino’?+ 20 Zvino ndinzweiwo ishe wangu mambo. Ndapota, inzwai chikumbiro changu chekunzwirwa nyasha. Musandidzorera kuimba yemunyori Jehonatani,+ nekuti ndingafira ikoko.”+ 21 Saka Mambo Zedhekiya akarayira kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi,+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chese chaiva muguta chapera.+ Uye Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.
38 Zvino Shefatiya mwanakomana waMetani, Gedhariya mwanakomana waPashuri, Jukari+ mwanakomana waSheremiya, naPashuri+ mwanakomana waMarikija vakanzwa mashoko akanga achitaurirwa vanhu vese naJeremiya, achiti: 2 “Zvanzi naJehovha, ‘Munhu anoramba ari muguta rino achaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.*+ Asi munhu achaenda kunozviisa mumaoko evaKadheya* acharamba achirarama uye achava neupenyu hwake* sechinhu chaapamba* uye achapona.’+ 3 Zvanzi naJehovha, ‘Guta rino richatoiswa mumaoko euto ramambo weBhabhironi, uye acharitora.’”+
4 Machinda akati kuna mambo: “Tapota, itai kuti murume uyu aurayiwe,+ nekuti mashoko iwayo aari kutaura ari kunetesa mauto* asara muguta rino nevanhu vese. Nekuti murume uyu haasi kuda kuti vanhu ava vave nerugare asi ari kuda kuti vawirwe nedambudziko.” 5 Mambo Zedhekiya akapindura kuti: “Ari mumaoko enyu, mambo haana zvaanogona kuita kuti akudzivisei.”
6 Saka vakatora Jeremiya, vakamukanda mumugodhi wemvura waMarikija mwanakomana wamambo, waiva muChivanze cheVarindi.+ Vakadzikisa Jeremiya netambo. Zvino mumugodhi macho makanga musina mvura, maingova nematope chete, uye Jeremiya akatanga kunyura mumatope acho.
7 Ebhedhi-mereki+ muItiopiya, uyo aiva mukuru wemuimba yamambo,* akanzwa kuti vakanga vaisa Jeremiya mumugodhi. Zvino mambo akanga akagara paGedhi raBhenjamini,+ 8 saka Ebhedhi-mereki akabuda muimba yamambo* akataura namambo, achiti: 9 “Ishe wangu mambo, varume ava vaitira muprofita Jeremiya zvakaipa! Vamukanda mumugodhi, uye achafira imomo nenzara, nekuti muguta hamusisina chingwa.”+
10 Mambo akabva arayira Ebhedhi-mereki muItiopiya, achiti: “Tora varume 30 muno, ubudise muprofita Jeremiya mumugodhi asati afa.” 11 Saka Ebhedhi-mereki akatora varume vacho, akapinda muimba yamambo,* akaenda munzvimbo iri pasi pemunochengeterwa pfuma,+ uye vakatora mamvemve nemachira akasakara imomo, vakazvidzikisira Jeremiya mumugodhi netambo. 12 Ebhedhi-mereki muItiopiya akabva ati kuna Jeremiya: “Ndapota, isa mamvemve nemachira akasakara muhapwa dzako wobva wazoisa tambo.” Jeremiya akaita saizvozvo, 13 uye vakadhonza Jeremiya netambo, vakamubudisa mumugodhi macho. Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.+
14 Mambo Zedhekiya akaita kuti muprofita Jeremiya ashevedzwe kuti auye kwaaiva kusuo rechitatu, riri muimba yaJehovha, uye mambo akati kuna Jeremiya: “Pane zvandiri kuda kukubvunza. Usawana chaunondivanzira.” 15 Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya: “Kana ndikakuudzai, hamumboregi kundiuraya. Uye kana ndikakupai mazano, hamusi kuzonditeerera.” 16 Saka Mambo Zedhekiya akapika kuna Jeremiya vari vega, achiti: “NaJehovha mupenyu, akatipa upenyu huno, handikuurayi, uye handizokuisi mumaoko evarume ava vari kuda kukuuraya.”*
17 Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya: “Zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Kana mukazviisa mumaoko emachinda amambo weBhabhironi, muchapona* uye guta rino harizopiswi nemoto, uye imi neimba yenyu hamuzofi.+ 18 Asi kana mukarega kuzviisa mumaoko emachinda amambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko evaKadheya, uye vacharipisa nemoto,+ uye hamuzopukunyuki mumaoko avo.’”+
19 Mambo Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya: “Ndiri kutya vaJudha vaya vakatizira kuvaKadheya, nekuti kana ndikaiswa mumaoko avo, vanogona kundiitira utsinye.” 20 Asi Jeremiya akati: “Hamuzoiswi mumaoko avo. Ndapota, teererai inzwi raJehovha pane zvandiri kukuudzai, uye zvichakufambirai zvakanaka, uye mucharamba muchirarama.* 21 Asi kana mukaramba kuzviisa mumaoko emachinda acho, izvi ndizvo zvandaratidzwa naJehovha: 22 Vakadzi vese vasara muimba yamambo* weJudha vari kuendeswa kumachinda amambo weBhabhironi,+ uye vari kuti,
Vaita kuti tsoka yenyu inyure mumatope.
Iye zvino vatendeuka vakatiza.’
23 Vari kuendesa madzimai enyu ese nevanakomana venyu kuvaKadheya, uye hamuzopukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi,+ uye muchapisisa guta rino nemoto.”+
24 Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya: “Usaita kuti pave neanoziva zvinhu izvi, kuti urege kufa. 25 Uye kana machinda akanzwa kuti ndataura newe ouya kwauri oti, ‘Tapota tiudze zvawaudza mambo. Usava nechaunotivanzira uye hatizokuurayi.+ Mambo ati chii kwauri?’ 26 uti kwaari, ‘Ndanga ndichikumbira mambo kuti arege kundidzorera kuimba yaJehonatani kuti ndirege kufira ikoko.’”+
27 Papera nguva, machinda ese akapinda maiva naJeremiya akamubvunza. Akaaudza zvese zvaakanga anzi namambo ataure. Saka hapana zvavakazotaura naye, nekuti hapana akanga avanzwa vachitaurirana. 28 Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi kusvika pazuva rakatorwa Jerusarema;+ akanga achirimo pakatorwa Jerusarema.+
39 Mugore rechi9 raMambo Zedhekiya weJudha, mumwedzi wechi10, Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi neuto rake rese vakasvika kuJerusarema, vakarikomba.+
2 Mugore rechi11 raZedhekiya, mumwedzi wechina, pazuva rechi9 remwedzi wacho, vakaputsa rusvingo rweguta racho.+ 3 Uye machinda ese amambo weBhabhironi, aiti, Nerigari-sharezeri muSamgari, Nebho-sasekimu muRabsarisi,* Nerigari-sharezeri muRabmagi,* nemamwe machinda ese amambo weBhabhironi akapinda, akagara paGedhi Repakati.+
4 Mambo Zedhekiya weJudha nevarwi vese pavakavaona, vakatiza+ vakabuda muguta usiku nenzira yekumunda wamambo, nepagedhi raiva pakati pemasvingo maviri, uye vakaramba vachienda nenzira yekuArabha.+ 5 Asi uto revaKadheya rakavadzingirira, uye vakabatira Zedhekiya murenje riri pedyo neJeriko.+ Vakamutora vakaenda naye kuna Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi kuRibra+ munyika yeHamati,+ uko kwaakamupa mutongo wake. 6 Mambo weBhabhironi akaita kuti vanakomana vaZedhekiya vaurayiwe kuRibra ikoko iye akatarisa, uye mambo weBhabhironi akaita kuti vakuru vakuru vese veJudha vaurayiwe.+ 7 Akabva apofumadza maziso aZedhekiya, achibva amusunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura, kuti amuendese kuBhabhironi.+
8 VaKadheya vakabva vapisa imba yamambo* nedzimba dzevanhu,+ uye vakaputsa masvingo eJerusarema.+ 9 Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vese vakanga vasara muguta, nevakanga vatizira kwaari, nevese vakanga vasara, akavaendesa kuBhabhironi.
10 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vaiva varombo vekupedzisira munyika yeJudha, vaya vakanga vasina kana chinhu. Pazuva iroro akavapawo minda yemizambiringa neminda yembesa yekuti vashande mairi.*+
11 Zvino Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akapa Nebhuzaradhani mukuru wevarindi mirayiro iyi pamusoro paJeremiya: 12 “Mutore umuchengete; usamuitira zvakaipa uye mupe zvese zvaanokukumbira.”+
13 Saka Nebhuzaradhani mukuru wevarindi, Nebhushazibhani muRabsarisi,* Nerigari-sharezeri muRabmagi,* nevarume vakuru vese vamambo weBhabhironi vakatumira shoko, 14 vakaita kuti Jeremiya abudiswe muChivanze cheVarindi,+ vakamuisa mumaoko aGedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ kuti aunzwe kumba kwake. Saka akatanga kugara pakati pevanhu.
15 Jeremiya paakanga akavharirwa muChivanze cheVarindi,+ shoko raJehovha rakauya kwaari richiti: 16 “Enda unoudza Ebhedhi-mereki+ muItiopiya kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndiri kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino ndichiunza dambudziko, kwete zvakanaka, uye pazuva iroro iwe uchazviona zvichiitika.”’
17 “‘Asi ndichakununura pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye hauzoiswi mumaoko evarume vaunotya.’
18 “‘Nekuti chokwadi ndichakupukunyutsa, uye hauzourayiwi nebakatwa. Uchava neupenyu hwako* sechinhu chawapamba,*+ nekuti wakavimba neni,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
40 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha pashure pekunge Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi amusunungura kuRama.+ Akanga amuendesa ikoko akasungwa necheni, uye aiva pakati pevanhu vese vekuJerusarema neJudha vakanga vachiendeswa kuBhabhironi. 2 Mukuru wevarindi akabva atora Jeremiya akati kwaari: “Jehovha Mwari wako akagara ataura kuti dambudziko iri richauya panzvimbo ino, 3 uye Jehovha ariunza sezvaakataura chaizvo, nekuti makatadzira Jehovha uye hamuna kuteerera inzwi rake. Ndokusaka izvi zvaitika kwamuri.+ 4 Zvino nhasi ndiri kusunungura cheni dziri mumaoko ako. Kana uchida kuenda neni kuBhabhironi, handei, uye ndichakuchengeta. Asi kana usingadi kuenda neni kuBhabhironi, rega hako. Tarisa! Nyika yese iri pamberi pako. Enda chero kwaunoda.”+
5 Jeremiya asati atendeuka kuti adzokere, Nebhuzaradhani akati: “Dzokera kuna Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire maguta eJudha, ugare naye pakati pevanhu; kana kuti enda chero kwaunoda.”
Mukuru wevarindi akabva amupa zvekudya nechipo, akamurega achienda. 6 Saka Jeremiya akaenda kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa,+ akagara naye pakati pevanhu vakanga vasiyiwa munyika yacho.
7 Nekufamba kwenguva, vakuru vese vemauto vaiva musango nevarume vavaiva navo, vakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuti atungamirire nyika yacho uye kuti akanga amugadza kuti atungamirire varume, nevakadzi, nevana, ivo varombo vemunyika yacho vakanga vasina kutorwa vachiendeswa kuBhabhironi.+ 8 Saka vakaenda kwaiva naGedhariya kuMizpa.+ Paiva naIshmaeri+ mwanakomana waNetaniya, Johanani+ naJonatani vanakomana vaKareya, Seraya mwanakomana waTanhumeti, vanakomana vaEfai muNetofa, naJezaniya+ mwanakomana wemuMaakati, pamwe chete nevarume vavo. 9 Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akaita mhiko kwavari nevarume vavaiva navo, achiti: “Musatya kushandira vaKadheya. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi, uye zvichakufambirai zvakanaka.+ 10 Asi ini ndichagara muMizpa, kuti ndikumiririrei kuvaKadheya* vanouya kwatiri. Asi imi isai mazambiringa, michero yezhizha, nemafuta mumidziyo yenyu yamunochengetera zvinhu, mogara mumaguta amakatora.”+
11 VaJudha vese vaiva muMoabhi, Amoni, neEdhomu, nevaya vaiva mune dzimwe nyika dzese, vakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga aita kuti vamwe vanhu vasare vachigara muJudha, uye kuti akanga agadza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuti ave mutungamiriri wavo. 12 Saka vaJudha vese vakatanga kudzoka vachibva kunzvimbo dzese dzavakanga vapararira vachienda, uye vakauya munyika yeJudha, kuna Gedhariya kuMizpa. Vakagadzira waini yakawanda chaizvo, uye vakaunganidza michero yezhizha yakawanda kwazvo.
13 Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaiva musango, vakauya kuna Gedhariya kuMizpa. 14 Vakati kwaari: “Hauzivi here kuti Bhaarisi, mambo wevaAmoni,+ atuma Ishmaeri mwanakomana waNetaniya kuti akuuraye?”*+ Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu haana kutenda zvavaitaura.
15 Johanani mwanakomana waKareya akabva ati kuna Gedhariya vari pavo vega muMizpa: “Ndinoda kuenda kunouraya Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye hapana achazviziva. Angasiyirwei iye achida kukuuraya* uye vaJudha vese vakaungana kwauri vangasiyirwei vachipararira uye vaJudha vakasara vangasiyirwei vachiparara?” 16 Asi Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKareya: “Usaita zvakadaro, nekuti zvauri kutaura pamusoro paIshmaeri ndezvenhema.”
41 Mumwedzi wechi7 Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba* yeumambo, ari mumwe wevakuru vekwamambo, akauya nevamwe varume gumi kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa.+ Pavakanga vachidya vese vari muMizpa, 2 Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaaiva navo, vakasimuka vakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa. Saka akauraya munhu akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho. 3 Ishmaeri akaurayawo vaJudha vese vaiva naGedhariya muMizpa, nevarwi vevaKadheya vaiva imomo.
4 Pazuva rechipiri Gedhariya aurayiwa, pasati pava nemunhu akaziva nezvazvo, 5 pakauya varume 80 kubva kuShekemu,+ kuShiro+ uye kuSamariya.+ Vakanga vakagera ndebvu dzavo, nguo dzavo dzakabvaruka, vakazvicheka-cheka,+ uye mumaoko avo maiva nemipiro yezviyo* nezvinonhuhwirira zvichena,+ vachizviunza kuimba yaJehovha. 6 Saka Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akabuda muMizpa kuti anovachingura, achifamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari: “Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.” 7 Asi pavakapinda muguta, Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume vaaiva navo vakavauraya, vakavakanda mumugodhi wemvura.
8 Asi pakati pavo paiva nevarume gumi vakati kuna Ishmaeri: “Musatiuraya, nekuti tine gorosi, bhari, mafuta, neuchi zvatakaviga musango.” Saka haana kuvauraya pamwe chete nehama dzavo. 9 Ishmaeri akakanda zvitunha zvese zvevarume vaakanga auraya mumugodhi wemvura mukuru, uya wakanga wacherwa naMambo Asa achitya Mambo Bhaasha weIsraeri.+ Ndiwo mugodhi wakazadzwa zvitunha zvevarume vacho naIshmaeri mwanakomana waNetaniya.
10 Ishmaeri akatora vanhu vese vakanga vasara muMizpa,+ kusanganisira vanasikana vaMambo nevanhu vese vakanga vasara muMizpa vakanga vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wevarindi mumaoko aGedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akavatapa, achibva asimuka kuti ayambuke kuvaAmoni.+
11 Johanani+ mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo pavakanzwa zvakaipa zvese zvakanga zvaitwa naIshmaeri mwanakomana waNetaniya, 12 vakatora varume vese vakaenda kunorwisa Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye vakamuwanira pedyo nemvura zhinji yaiva* muGibhiyoni.
13 Vanhu vese vaiva naIshmaeri vakafara chaizvo pavakaona Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo. 14 Vanhu vese vakanga vatapwa naIshmaeri kuMizpa+ vakabva vatendeuka, vakadzokera naJohanani mwanakomana waKareya. 15 Asi Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akatiza Johanani nevarume 8 pavarume vake, akaenda kuvaAmoni.
16 Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo vakatora vanhu vese vekuMizpa, vaya vavakanunura kubva kuna Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, paakanga auraya Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Vakadzosa varume, varwi, madzimai, vana, nevakuru vemumuzinda kubva kuGibhiyoni. 17 Saka vakaenda vakagara munzvimbo yevanenge vari parwendo yaKimhamu yaiva pedyo neBhetrehema,+ vachida kuzopfuurira kunopinda muIjipiti+ 18 nemhaka yevaKadheya. Nekuti vakanga vava kuvatya, sezvo Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akanga auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, uyo akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.+
42 Vakuru vese vemauto, naJohanani+ mwanakomana waKareya, naJezaniya mwanakomana waHoshaya, nevanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru, vakabva vaenda 2 kumuprofita Jeremiya vakati: “Tapota inzwai kukumbira kwedu kunzwirwa nyasha mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, muchimiririra vanhu vese ava vakasara, nekuti pangosara vashoma paruzhinji rwese rwevanhu,+ sezvamuri kuona. 3 Jehovha Mwari wenyu ngaatiudze nzira yatinofanira kufamba nayo uye zvatinofanira kuita.”
4 Muprofita Jeremiya akapindura achiti: “Ndazvinzwa, uye ndiri kunyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira. Ndichakuudzai mashoko ese amuchapindurwa naJehovha. Hapana kana shoko randicharega kukuudzai.”
5 Ivo vakati kuna Jeremiya: “Jehovha ngaave chapupu chechokwadi uye chakavimbika kwatiri kana tikasanyatsoita zvatichaudzwa naJehovha Mwari wenyu kuburikidza nemi. 6 Ringava shoko rakanaka kana kuti rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuti zvitifambire zvakanaka nekuti tinenge tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”
7 Papera mazuva gumi, shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya. 8 Saka akashevedza Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo nevamwe vanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru.+ 9 Akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, wamakandituma kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu chekunzwirwa nyasha pamberi pake: 10 ‘Kana imi mukaramba muri munyika ino, ndichakuvakai uye handizokuputsii, ndichakudyarai uye handizokudzurii, nekuti ndichazvidemba* nedambudziko randakakuunzirai.+ 11 Musatya mambo weBhabhironi, wamuri kutya.’+
“‘Musamutya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndinemi, kuti ndikuponesei uye ndikununurei muruoko rwake. 12 Ndichakunzwirai tsitsi,+ uye iye achakunzwirai tsitsi, okudzorerai kunyika yenyu.
13 “‘Asi kana mukati: “Aiwa, hatisi kuzoramba tiri munyika ino!” morega kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu 14 muchiti, “Aiwa, tichaenda kunyika yeIjipiti,+ kwatisingazooni hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kana kushaya zvekudya; uye tichagara ikoko,” 15 inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vaJudha vakasara. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Kana mukashinga kuenda kuIjipiti, mobva maenda kunogara ikoko,* 16 bakatwa racho ramuri kutya richakuwanai ikoko kunyika yeIjipiti, naiyo nzara yamuri kutya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.+ 17 Uye varume vese avo vari kushinga kuda kuenda kuIjipiti kuti vagare ikoko vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.* Hapana kana mumwe chete wavo achapukunyuka dambudziko randichavaunzira.”’
18 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Sekudururwa kwakaitwa kutsamwa kwangu nehasha dzangu pavagari vemuJerusarema,+ hasha dzangu dzichadururwawo pamuri kana mukaenda kuIjipiti, uye muchava chinhu chakatukwa, chinotyisa, chinomhurwa, uye chinozvidzwa,+ uye hamuzofi makaonazve nzvimbo ino.’
19 “Jehovha ataura pamusoro penyu, haiwa imi vaJudha vakasara. Musaenda kuIjipiti. Chokwadi zivai kuti ndakuyambirai nhasi 20 kuti kukanganisa kwenyu kuchakuurayisai.* Nekuti makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, motiudza zvese zvinotaurwa naJehovha Mwari wedu, uye tichazviita.’+ 21 Ini ndakuudzai nhasi, asi hamusi kuzoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu kana kuva nechamunoita pane zvese zvaandituma kuti ndikuudzei.+ 22 Saka zivai kuti chokwadi muchaurayiwa nebakatwa, nenzara, uye nedenda munzvimbo yamuri kuda kuenda kunogara.”+
43 Jeremiya paakanga apedza kutaura nevanhu vese mashoko aya ese aJehovha Mwari wavo, mashoko ese zvawo aakanga atumwa naJehovha Mwari wavo kuti avaudze, 2 Azariya mwanakomana waHoshaya, naJohanani+ mwanakomana waKareya, nevarume vese vaizvikudza vakati kuna Jeremiya: “Zvauri kutaura ndezvekunyepa! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uti, ‘Musaenda kuIjipiti kunogara ikoko.’ 3 Asi Bharuki+ mwanakomana waNeriya ndiye ari kukufurira kuti utaure zvisina kunaka kwatiri kuti tiiswe mumaoko evaKadheya, kuti vatiuraye kana kutitapa vachitiendesa kuBhabhironi.”+
4 Saka Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto nevanhu vese havana kuteerera shoko raJehovha rekuti varambe vari munyika yeJudha. 5 Pane kudaro, Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vakatora vaJudha vese vakanga vasara, avo vakanga vadzoka kunogara munyika yeJudha vachibva kumarudzi ese kwavakanga vapararira.+ 6 Vakatora varume, madzimai, vana, vanasikana vamambo, nevanhu vese vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, vaina Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ uye vakatorawo muprofita Jeremiya naBharuki mwanakomana waNeriya. 7 Uye vakapinda munyika yeIjipiti, nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha, uye vakatonosvika kuTapanhesi.+
8 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya ari muTapanhesi, richiti: 9 “Tora matombo makuru neruoko rwako, uavige mumadhaka ari pamasitepisi ezvidhinha ari pamusuo weimba yaFarao iri muTapanhesi, varume vechiJudha vakatarisa. 10 Ubve wati kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndiri kushevedza Nebhukadhinezari* mambo weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichaisa chigaro chake cheumambo pamusoro pematombo iwaya andaviga, uye achatambanudzira tende rake reumambo pamusoro pawo.+ 11 Uye achauya orwisa nyika yeIjipiti.+ Munhu wese akafanirwa nedenda rinouraya achafa nedenda rinouraya, munhu wese akafanirwa nekutapwa achatapwa, munhu wese akafanirwa nebakatwa achaurayiwa nebakatwa.+ 12 Ndichatungidza dzimba* dzavanamwari veIjipiti nemoto,+ uye iye achadzipisa, ovatapa. Achatora nyika yeIjipiti ozviputira nayo, sekuzviputira kunoita mufudzi nenguo yake, uye achabva ikoko murugare.* 13 Achaputsa-putsa mbiru* dzeBheti-shemeshi* munyika yeIjipiti, uye achapisa dzimba* dzavanamwari veIjipiti nemoto.”’”
44 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya pamusoro pevaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti,+ vaya vari kugara muMigdhori,+ muTapanhesi,+ muNofi*+ nemunyika yePatrosi,+ richiti: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Makaona dambudziko rese randakaunzira Jerusarema+ nemaguta ese eJudha, uye nhasi ava matongo, uye hapana ari kugara maari.+ 3 Imhaka yezvakaipa zvavakaita vachindigumbura nekuenda kunopa zvibayiro+ uye kunoshumira vamwe vanamwari vavasina kumbobvira vaziva ivo vacho, kana imi, kana madzitateguru enyu.+ 4 Ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve,* ndichiti: “Ndapota musaita zvinhu zvakadai zvinosemesa uye zvandinovenga.”+ 5 Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo kuti vasiye zvakaipa zvavo vachirega kupa vamwe vanamwari zvibayiro.+ 6 Saka kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvakadururwa, zvikabvira mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, akangosara ava matongo asina chinhu, sezvaari nhasi.’+
7 “Zvino zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Nei muri kuzviunzira* dambudziko guru, richaita kuti varume vese nevakadzi, vana nevacheche vese vaparare muJudha, pasina anosara? 8 Munondigumburirei nemabasa emaoko enyu, muchipa zvibayiro kune vamwe vanamwari munyika yeIjipiti yamakaenda kunogara? Muchaparara mova chinhu chinoshandiswa pakutuka uye chinhu chinoshorwa pakati pemarudzi ese epanyika.+ 9 Makanganwa here mabasa akaipa chaizvo emadzitateguru enyu nemabasa akaipa chaizvo emadzimambo eJudha+ nemabasa akaipa chaizvo emadzimai awo,+ uyewo mabasa enyu akaipa chaizvo nemabasa akaipa chaizvo emadzimai enyu,+ akaitwa munyika yeJudha nemumigwagwa yeJerusarema? 10 Nanhasi havasi kuzvininipisa,* havasi kutya,+ uyewo havasi kufamba mumutemo wangu nemirau yangu yandakaisa pamberi penyu imi nemadzitateguru enyu.’+
11 “Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndasarudza kukuunzirai dambudziko, kuti ndiparadze vaJudha vese. 12 Ndichatora vaJudha vakasara avo vakashinga kuenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko uye vachaparara vese munyika yeIjipiti.+ Vachaurayiwa nebakatwa, uye vachapera nenzara; kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachaurayiwa nebakatwa uye nenzara. Uye vachava chinhu chakatukwa, chinhu chinotyisa, chinoshorwa uye chinozvidzwa.+ 13 Ndicharanga vaya vari kugara munyika yeIjipiti, sekuranga kwandakaita Jerusarema nebakatwa, nenzara, uye nedenda.*+ 14 Uye vaJudha vakasara avo vakaenda kunogara kunyika yeIjipiti havazopukunyuki kana kupona kuti vadzokere kunyika yeJudha. Vachashuva kudzokera kuti vanogara ikoko, asi havazodzokeri, kunze kwevashoma vachapukunyuka.’”
15 Varume vese avo vaiziva kuti madzimai avo akanga achipa zvibayiro kune vamwe vanamwari, nemadzimai ese akanga akamira ipapo, vari boka guru, nevanhu vese vakanga vachigara munyika yeIjipiti,+ muPatrosi,+ vakapindura Jeremiya vachiti: 16 “Shoko rawatiudza muzita raJehovha hatisi kuzoriteerera. 17 Asi tichatoita mashoko ese atataura nemiromo yedu, kuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa,+ sezvatakaita isu nemadzitateguru edu, madzimambo edu, nemachinda edu tiri mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, pataidya chingwa tichiguta, takapfuma, uye tisina kana dambudziko. 18 Kubva patakarega kupa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa, hatisisina chatiinacho uye tapera nebakatwa nenzara.”
19 Uye madzimai akatiwo: “Pataipa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro tichimudururira mipiro yezvinwiwa, takambomugadzirira makeke emupiro akaumbwa saiye, nekumudururira mipiro yezvinwiwa tisina kubvumirwa nevarume vedu here?”
20 Jeremiya akabva apindura vanhu vese, varume nemadzimai avo, nevanhu vese vaaitaura navo, achiti: 21 “Zvibayiro zvamakapa mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema,+ imi nemadzitateguru enyu, nemadzimambo enyu, nemachinda enyu nevanhu vemunyika yacho, zvakayeukwa naJehovha uye zvakauya mumwoyo make! 22 Jehovha akazopedzisira asisakwanise kuramba achiona tsika dzenyu dzakaipa nezvinhu zvinosemesa zvamakaita, uye nyika yenyu yakava dongo, chinhu chinotyisa uye chinoshandiswa pakutuka, isina anoigara, sezvazviri nhasi.+ 23 Makapa zvibayiro izvi uye makatadzira Jehovha, muchirega kuteerera inzwi raJehovha, uye kufamba mumutemo wake, mumirau yake nemuzviyeuchidzo zvake, ndokusaka mawirwa nedambudziko iri, sezvazvava nhasi.”+
24 Jeremiya akabva ati kuvanhu vese nekuvakadzi vese: “Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari munyika yeIjipiti. 25 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Zvamakataura nemiromo yenyu, imi nemadzimai enyu, makazvizadzisa nemaoko enyu nekuti makati: “Tichatozadzisa mhiko dzedu dzekuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa.”+ Vakadzi imimi muchatozadzisa mhiko dzenyu, moita zvamakapika.’
26 “Saka inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti: ‘“Ndiri kupika nezita rangu guru,” anodaro Jehovha, “kuti zita rangu harichazoshandiswizve pakupika nechero murume weJudha+ munyika yese yeIjipiti anoti, ‘NaChangamire Ishe Jehovha mupenyu!’+ 27 Zvino ndiri kuramba ndakavatarisa kuti ndiunze dambudziko, kwete chinhu chakanaka;+ varume vese veJudha vari munyika yeIjipiti vachaparara nebakatwa uye nenzara, kusvikira vasisipo.+ 28 Vashoma chete ndivo vachapukunyuka bakatwa, vodzokera kunyika yeJudha vachibva kunyika yeIjipiti.+ Uye vaJudha vese vakasara, vakaenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko vachaziva kuti ishoko raani rakazadzika, ravo kana kuti rangu!”’”
29 “‘Ichi ndicho chiratidzo kwamuri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘chekuti ndichakurangai munzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu ekuti ndichakuunzirai dambudziko achatozadzika. 30 Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuisa Farao Hofra, mambo weIjipiti, mumaoko evavengi vake uye evaya vari kutsvaga kumuuraya,* sekuisa kwandakaita Mambo Zedhekiya weJudha muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uyo aiva muvengi wake, achitsvaga kumuuraya.”’”*+
45 Iri ndiro shoko rakataurwa nemuprofita Jeremiya kuna Bharuki+ mwanakomana waNeriya paakanyora mashoko aya mubhuku achiudzwa naJeremiya+ mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha:
2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pako iwe Bharuki, 3 ‘Iwe wakati: “Ndine nhamo, nekuti Jehovha awedzera shungu pakurwadziwa kwangu! Ndaneta nekugomera kwangu, uye ndashaya nzvimbo yekuzororera.”’
4 “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: “Inzwa! Ndiri kuputsa zvandakavaka, uye ndiri kudzura zvandakadyara, iyo nyika yacho yese.+ 5 Asi iwe uri kuzvitsvagira* zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaga zvinhu izvozvo.”’
“‘Nekuti ndava kuda kuunza dambudziko panyama yese,’*+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye chero kwaungaenda, ndichakupa upenyu hwako* sechinhu chawapamba.’”*+
46 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pemarudzi:+ 2 NezveIjipiti,+ pamusoro peuto raFarao Neko+ mambo weIjipiti, uyo aiva pedyo neRwizi rwaYufratesi uye akakundwa paKakemishi naMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha:
4 Sungai mabhiza mutasve, imi vatasvi vemabhiza.
Mirai munzvimbo dzenyu uye pfekai ngowani.
Penyesai mapfumo uye pfekai nguo dzenyu dzesimbi.
5 ‘Nei ndichivaona vachivhunduka?
Vari kudzoka shure, varwi vavo vakundwa.
Varohwa nehana vakatiza, varwi vavo havana kutendeuka.
Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
6 ‘Vaya vanomhanya chaizvo havasi kugona kutiza, uye varwi havasi kugona kupukunyuka.
Kuchamhembe, pedyo neRwizi rwaYufratesi,
Vagumburwa vakadonha.’+
7 Ndiani uyo ari kuuya seRwizi rwaNire,
Senzizi dzine mvura isina kugadzikana?
8 Ijipiti inouya seRwizi rwaNire,+
Senzizi dzine mvura isina kugadzikana,
Uye inoti, ‘Ndichaenda ndofukidza nyika.
Ndichaparadza guta nevaya vari kugara mariri.’
9 Endai imi mabhiza!
Mhanyai kwazvo imi ngoro!
Varwi ngavaende mberi,
Kushi naPuti, vanoshandisa nhoo,+
10 “Zuva iroro nderaChangamire Ishe, Jehovha wemauto, zuva rekutsiva, rekuti atsive mhandu dzake. Uye bakatwa richadya roguta, uye richaguta neropa ravo, nekuti Changamire Ishe, iye Jehovha wemauto ane chibayiro munyika yekuchamhembe pedyo neRwizi rwaYufratesi.+
Wakazvirapa nemishonga yakawanda asi hazvina kubatsira,
Nekuti hapana mushonga unokurapa.+
Nekuti murwi ari kupiringishana nemumwe murwi,
Vese vowira pasi.”
13 Iri ndiro shoko rakaudzwa muprofita Jeremiya naJehovha pamusoro pekuuya kwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi kuzorwisa nyika yeIjipiti:+
14 “Zvitaurei muIjipiti, zvizivisei muMigdhori.+
Uye zvizivisei muNofi* nemuTapanhesi.+
Itii, ‘Mirai munzvimbo dzenyu mugadzirire,
Nekuti bakatwa richaparadza kumativi ako ese.
15 Nei varume vako vane simba vakukurwa?
Havana kumira vakasimba,
Nekuti Jehovha avawisira pasi.
16 Vari kugumburwa vari vazhinji, vachiwira pasi.
Vari kutaurirana vachiti:
“Simuka! Ngatidzokere kuvanhu vekwedu uye kumusha kwedu
Nemhaka yebakatwa rine utsinye.”’
17 Ikoko vakazivisa kuti,
‘Farao mambo weIjipiti anongovawo ruzha rusina maturo
18 ‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto,
‘Achapinda* seTabhori+ riri pakati pemakomo
Uye seKameri+ riri pedyo negungwa.
19 Rongedza mukwende wako kuti uende kuutapwa,
Iwe mwanasikana ari kugara muIjipiti.
20 Ijipiti yakaita setsiru rakanaka kwazvo,
Asi nhunzi dzinoruma dzichauya kuzoirwisa dzichibva kuchamhembe.
21 Varwi vayo vayakatenga vakaita semhuru dzakakodzwa,
Asi naivowo vatendeuka vakatiza pamwe chete.
22 ‘Ruzha rwayo rwakaita serwenyoka iri kuzvonyongoka,
Nekuti vari kuivinga nesimba, vaine matemo,
Sevarume vari kutema miti.*
23 Vachatema sango rayo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kunyange zvazvo raiita serisingapindiki.
Nekuti vakawanda chaizvo kupfuura mhashu uye havaverengeki.
24 Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa.
Achaiswa mumaoko evanhu vekuchamhembe.’+
25 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Iye zvino ndiri kufunga nezvaAmone+ wekuNo,*+ nezvaFarao, nezveIjipiti, navanamwari vayo+ nemadzimambo ayo, iye Farao nevaya vese vanovimba naye.’+
26 “‘Ndichavaisa mumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya,* kuna Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi+ nevashandi vake. Asi pashure paizvozvo ichagarwa sezvayaimboitwa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
Jakobho achadzoka ogara zvakanaka, pasina chinomunetsa,
Pasina anovatyisa.+
28 Saka usatya, iwe mushumiri wangu Jakobho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndinewe.
47 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pevaFiristiya,+ Farao asati akunda Gaza. 2 Zvanzi naJehovha:
“Inzwa! Mvura iri kuuya ichibva kuchamhembe.
Ichava rukova rwakafashamira.
Uye ichafashamira panyika nezvinhu zvese zviri pairi,
Paguta nevaya vari kugara mariri.
Varume vachachema,
Uye munhu wese ari kugara munyika yacho acharidza mhere.
3 Mutsindo wemahwanda emabhiza ake makono pauchanzwika,
Pachatinhira ngoro dzake dzehondo
Uye pacharira mavhiri ake,
Vanababa vachatadza kunyange kutendeukira vanakomana vavo,
Nekuti maoko avo achati regwede,
4 Nekuti zuva riri kuuya richaparadza vaFiristiya vese;+
MuTire+ nemuSidhoni+ richaparadza munhu wese akasara aivabatsira pakurwa.
Ashkeroni yanyararidzwa.+
Haiwa iwe akasara webani ravo,
Ucharamba uchizvicheka-cheka kusvikira riini?+
6 Nhai iwe bakatwa raJehovha!+
Ucharamba uchiita ruzha kusvikira riini?
Dzokera mumuhara mako.
Zorora unyarare.
7 Ko ringanyarara sei
Iye Jehovha arirayira?
Arayira kuti rirwise Ashkeroni nemhenderekedzo yegungwa,+
Ikoko ndiko kwaarituma kuti riende.”
48 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, pamusoro peMoabhi:+
“Nebho+ ine nhamo, nekuti yaparadzwa!
Kiriyataimu+ yanyadziswa uye yatorwa.
Nzvimbo yekupotera* yanyadziswa uye yavhundutswa.+
2 Havacharumbidzi Moabhi.
Vakairongera muHeshbhoni+ kuti iparare vachiti:
‘Uyai, ngatiiparadze irege kuva rudzi.’
Newewo Madmeni, ramba wakanyarara,
Nekuti bakatwa riri kukutevera.
4 Moabhi yaputswa.
Vana vayo vari kuchema.
5 Vari kukwidza mukwidza wekuRuhiti vachingochema.
Uye pamateru ekubva kuHoronaimu vari kunzwa kuchema kwekurwadziwa nemhaka yedambudziko.+
Munofanira kuita semujunipa uri murenje.
7 Unovimba nemabasa ako nepfuma yako,
Saka iwewo uchakundwa.
Uye Kemoshi+ achatapwa
Pamwe chete nevapristi vake nemachinda ake.
Bani richaparara,
Uye nyika yakati sandara ichaparadzwa sezvataurwa naJehovha.
9 Misirai Moabhi chiratidzo,
Nekuti paichange ichiparara kuita matongo ichatiza,
Uye maguta ayo achava chinhu chinotyisa,
Asina anogaramo.+
10 Ngaatukwe uya anoita basa raJehovha asi asingaiti nemwoyo wese!
Ngaatukwe uya anodzora bakatwa rake kuti risadeura ropa!
11 Kubva vachiri vadiki, vaMoabhi vanga vakagara zvakanaka,
Sewaini yakagara pamasese.
Havasati vambodururwa kubva mune mumwe mudziyo vachiiswa mune mumwe,
Uye havana kumbobvira vatapwa.
Ndokusaka manakiro avo parurimi asina kumbochinja,
Uye kunhuhwirira kwavo kusina kuchinja.
12 “‘Saka inzwa! mazuva achauya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘andichavatumira varume kuti vavapidigure. Vachavakutura vosiya midziyo yavo isina chinhu, uye vachaputsa-putsa makate avo. 13 VaMoabhi vachanyara naKemoshi, sekunyara kunoita imba yaIsraeri neBheteri yayaivimba nayo.+
14 Mungashinga here kuti: “Tiri varwi vane simba vakagadzirira kurwa”?’+
Ndizvo zvataurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto.+
17 Vaya vese vakavapoteredza vachatovanzwira tsitsi,
Vaya vese vanoziva zita ravo.
Vaudzei kuti: ‘Inga tsvimbo yakasimba yatyorwa, iwo mudonzvo werunako!’
18 Dzika pasi uchibva pakukudzwa kwako,
Ugare pasi uine nyota,* haiwa iwe mwanasikana ari kugara muDhibhoni,+
Nekuti muparadzi weMoabhi auya kuzokurwisa,
19 Mira pamugwagwa urambe wakatarisa, iwe mugari wemuAroeri.+
Bvunza murume ari kutiza nemukadzi ari kupukunyuka kuti, ‘Chii chaitika?’
20 Moabhi yanyadziswa uye yavhundutswa.
Ridzai mhere uye shevedzerai.
Zivisai muAnoni+ kuti Moabhi yaparadzwa.
21 “Kutonga kwauya panyika yakati sandara,+ paHoroni, Jahazi,+ neMefaati;+ 22 paDhibhoni,+ Nebho,+ neBheti-dhibrataimu; 23 paKiriyataimu,+ Bheti-gamuri, neBheti-miyoni;+ 24 paKeriyoti+ neBhozra; nepamaguta ese enyika yeMoabhi, ari pedyo neari kure.
26 ‘Mudhakisei,+ nekuti azvikudza pamberi paJehovha,+
Moabhi ari kuumburuka pamarutsi ake,
Uye ava chiseko.
27 Israeri haana kuva chiseko kwauri here?+
Akawanikwa pakati pembavha here,
Zvekuti ungamudzungudzira musoro uchitaura zvakaipa nezvake?
28 Ibvai mumaguta mugare padombo, imi vagari vemuMoabhi,
Uye itai senjiva inovaka dendere rayo pamawere.’”
29 “Takanzwa nezvekudada kwaMoabhi, uyo anozvikudza kwazvo,
Uye takanzwa nezvekuzvitutumadza kwake, kudada kwake, nekuzvikudza kwake, uye kuzvikwidziridza kwemwoyo wake.”+
30 “‘Ndinoziva nezvekushatirwa kwake kukuru,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Asi mashoko ake asina maturo achashaya basa.
Hapana chavachaita.
31 Ndokusaka ndichachema Moabhi;
Ndichashevedzera pamusoro pevaMoabhi vese
Uye ndichachema varume vekuKiri-heresi.+
Nhungirwa dzako idzo dziri kukura zvakanaka dzayambuka gungwa.
Dzasvika kugungwa, kuJazeri.
Michero yako yemuzhizha negoho rako remazambiringa
Zvasvikirwa nemuparadzi.+
Ndaita kuti waini imire kuyerera ichibva muchisviniro chewaini.
Hapana achange achitsika-tsika achishevedzera nemufaro.
Kushevedzera kwacho kuchange kuri kumwewo kushevedzera.’”+
34 “‘Pane kushevedzera kuri kubva kuHeshbhoni+ kuchinonzwika kuEreyare.+
Vanosimudza manzwi avo achinzwika kuJahazi,+
Kubva kuZoari kusvika kuHoronaimu,+ kusvika kuEgrati-sherishiya.
Kunyange mvura yeNimrimu ichaoma.+
35 Ndichaita kuti muMoabhi musare musina munhu
Anouya nemupiro panzvimbo yakakwirira,
Neuya anopa zvibayiro kunamwari wake,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Nekuti pfuma yaakawana ichaparara.
Nekuti ndaputsa Moabhi
Sehari yaraswa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
39 ‘Yavhundutswa chaizvo! Ridzai mhere!
Moabhi yatendeuka ichinyara!
Moabhi yava chiseko,
Chinhu chinotyisa kune vese vakaipoteredza.’”
40 “Nekuti zvanzi naJehovha:
‘Sezvinoita gondo parinodzika nekukurumidza richibva mudenga,+
Achatambanudza mapapiro ake pamusoro peMoabhi.+
41 Maguta achatorwa,
Uye nhare dzayo dzichatorwa nechisimba.
Zuva iroro, mwoyo yevarwi veMoabhi
Ichaita semwoyo wemukadzi ari kusununguka.’”
43 Pamberi pako pane zvinhu zvinotyisa, negomba nechiteyeso,
Haiwa iwe mugari wemuMoabhi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
44 ‘Wese anenge achitiza zvinhu zvinotyisa achawira mugomba,
Uye wese anenge achibuda mugomba achabatwa nechiteyeso.’
‘Nekuti ndichaunzira vaMoabhi gore rekurangwa kwavo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
45 ‘Vaya vari kutiza vamira mumumvuri weHeshbhoni vasisina simba.
Nekuti muHeshbhoni muchabuda moto
Uye muSihoni muchabuda rimi remoto.+
Uchaparadza huma yeMoabhi
Nedehenya revanakomana vemheremhere.’+
46 ‘Une nhamo iwe Moabhi!
Vanhu vaKemoshi+ vaparara.
Nekuti vanakomana vako vatapwa,
Uye vanasikana vako vaendeswa kuutapwa.+
47 Asi ndichaunganidza nhapwa dzeMoabhi mumazuva ekupedzisira,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
‘Mutongo weMoabhi unogumira pano.’”+
49 Zvanzi naJehovha pamusoro pevaAmoni:+
“Israeri haana vanakomana here?
Haana mugari wenhaka here?
Nei Marikamu+ atora nyika yaGadhi?+
Uye nei vanhu vake vachigara mumaguta aIsraeri?”
2 “‘Saka inzwai! mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Andichaita kuti panzwike chiratidzo chehondo chekurwisa* Rabha+ yevaAmoni.+
Ichasara yangova murwi wematongo,
Uye maguta madiki akaipoteredza achapiswa nemoto.’
‘Uye Israeri achatora vaya vakamutorera nyika yake,’+ anodaro Jehovha.
3 ‘Ridza mhere, haiwa iwe Heshbhoni, nekuti Ai yaparadzwa!
Shevedzerai, haiwa imi maguta madiki akapoteredza Rabha.
Pfekai masaga.
Ridzai mhere mufambe-fambe pamatanga akavakwa nematombo,*
Nekuti Marikamu achatapwa
Pamwe chete nevapristi vake nemachinda ake.+
4 Unodadirei nemapani,
Nebani rako rinoyerera,* haiwa iwe mwanasikana asina kutendeka,
Anovimba nepfuma yake
Uye anoti: “Ndiani achauya kuzondirwisa?”’”
5 “‘Ndiri kukuunzira chinhu chinotyisa,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,
‘Chichibva kune vaya vese vakakupoteredza.
Muchaparadzirwa muchienda kwese kwese,
Uye hapana achaunganidza vaya vanotiza.’”
6 “‘Asi pashure paizvozvo ndichaunganidza nhapwa dzevaAmoni,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
7 Zvanzi naJehovha wemauto pamusoro peEdhomu:
“MuTemani+ hamusisina kana uchenjeri here?
Mazano akanaka aparara here kune vaya vanonzwisisa?
Uchenjeri hwavo hwaora here?
8 Tizai, tendeukai mudzoke!
Endai munogara munzvimbo dzakadzika, haiwa imi vagari vemuDhedhani!+
Nekuti ndichaunza dambudziko pana Isau,
Pachasvika nguva yekuti ndifunge nezvake.
9 Kana vanotanha mazambiringa vakapinda mauri,
Havasiyi mamwe kuti azonhongwa here?
Kudai mbavha dzaizouya usiku,
Dzaizongoparadza kusvika padzinoda chete.+
10 Asi ini ndichasiya Isau asina chinhu.
Ndichaita kuti nzvimbo dzake dzaanohwanda dzive pachena,
Kuti atadze kuhwanda.
11 Siya nherera dzako,
Uye ndichadzichengeta kuti dzirege kufa,
Uye chirikadzi dzako dzichavimba neni.”
12 Nekuti zvanzi naJehovha: “Inzwa! Kana vaya vasina kupiwa mutongo wekuti vanwe kapu yacho vachifanira kuinwa, iwe ungasiyiwa usina kutomborangwa here? Hauzosiyiwi usina kurangwa, nekuti unofanira kuinwa.”+
13 “Nekuti ndapika neni pachangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kuti Bhozra ichava chinhu chinotyisa,+ chinhu chinoshorwa, chinhu chakaparadzwa uye chinhu chakatukwa; uye maguta ayo ese achagara ari matongo.”+
14 Pane shoko randanzwa kuna Jehovha,
Pane nhume yatumwa kumarudzi kuti inoti:
“Unganai muuye kuzomurwisa;
Gadzirirai hondo.”+
16 Kudederesa vanhu kwawakaita kwakunyengera,
Naiko kuzvikudza kwemwoyo wako,
Haiwa iwe anogara mumikaha yedombo,
Anogara muchikomo chakareba kupfuura zvimwe.
Kunyange zvazvo uchivaka dendere rako pakakwirira sezvinoita gondo,
Ndichakuburutsa kubva ipapo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
17 “Uye Edhomu ichava chinhu chinotyisa.+ Munhu wese anenge achipfuura nepairi acharamba akatarisa achitya, uye acharidza muridzo nekuda kwematambudziko ayo ese. 18 Sezvakaitika pakaparadzwa Sodhomu neGomora nemaguta aiva pedyo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “hapana munhu achagara imomo uye hapana murume achagara mairi.+
19 “Pane munhu achauya kuzorwisa mafuro akachengeteka seshumba+ iri kubuda mumabvokocho esango ari pedyo naJodhani, asi pasina nguva ndichaita kuti atize achibva maari. Uye ndichagadza uya akasarudzwa kuti amutungamirire. Nekuti ndiani akaita seni, uye ndiani angamirisana neni? Mufudzi upi angamira pamberi pangu?+ 20 Saka imi vanhu inzwai zvasarudzwa naJehovha pamusoro peEdhomu, uye pfungwa dzaafungira vagari vemuTemani:+
Chokwadi vana vemakwai vachazvuzvurudzwa.
Achaita kuti nzvimbo yavo yavanogara ive dongo nemhaka yavo.+
21 Mutsindo wekudonha kwavo waita kuti nyika idengenyeke.
Pane kushevedzera!
Kushevedzera kwanzwika kuGungwa Dzvuku chaiko.+
22 Achakwira mudenga odzika nekukurumidza sezvinoita gondo,+
Uye achatambanudza mapapiro ake paBhozra.+
Zuva iroro mwoyo yevarwi veEdhomu
Ichaita semwoyo wemukadzi ari kusununguka.”
“Hamati+ neApadhi zvanyadziswa,
Nekuti zvanzwa mashoko akaipa.
Zvapera nekutya.
Mugungwa mune kunetseka kusingagoni kudzikamiswa.
24 Dhamasiko haisisina ushingi.
Yatendeuka kuti itize, asi yabatwa nekutya kukuru.
Yabatwa nekutambudzika nemarwadzo,
Semukadzi ari kusununguka.
25 Nei guta rairumbidzwa risina kusiyiwa,
Iro guta rekupembera nemufaro?
26 Nekuti majaya aro achawira mumisika yaro,
Uye varwi vese vachaparara zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.
27 “Ndichatungidza rusvingo rweDhamasiko nemoto,
Uyo uchaparadza shongwe dzaBheni-hadhadhi dzakavakwa zvakasimba.”+
28 Zvanzi naJehovha pamusoro peKedhari+ neumambo hweHazori hwakarwiswa naMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi:
“Simukai, endai kuKedhari
Muparadze vanakomana vekuMabvazuva.
29 Matende avo nezvipfuwo zvavo zvichatorwa,
Machira avo ematende nezvinhu zvavo zvese.
Ngamera dzavo dzichatorwa,
Uye vachashevedzera kwavari vachiti, ‘Kwese kwese kuri kutyisa zvikuru!’”
30 “Tizai, endai kure!
Endai munogara munzvimbo dzakadzika, haiwa imi vagari vemuHazori,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Nekuti Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akufungirai zano rekuti akurwisei,
Uye akurongerai kuti akurwisei.”
31 “Simukai, endai munorwisa rudzi rwakagara murunyararo,
Ruri kugara rusina chekutya!” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Haruna masuo kana mazariro;* vanogara kwavo vega.
32 Ngamera dzavo dzichatorwa nechisimba,
Uye zvipfuwo zvavo zvizhinji zvichapambwa.
Vaya vanodimburira bvudzi ravo repamberi penzeve,+
Ndichavaparadzira kumhepo yese,*
Uye ndichaunza dambudziko ravo richibva kumativi ese,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Hapana achagara imomo,
Uye hapana murume achagara mairi.”
34 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro peEramu+ panguva yakatanga kutonga Mambo Zedhekiya+ weJudha: 35 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndiri kutyora uta hweEramu,+ ipo panobva* simba ravo. 36 Ndichaunza mhepo ina paEramu dzichibva kumigumo mina yedenga, uye ndichavaparadzira kumhepo dzese idzi. Hapana rudzi rusingazovi nevanhu vekuEramu vakapararira.’”
37 “Ndichaparadza vaEramu pamberi pevavengi vavo uye pamberi pevaya vari kutsvaga kuvauraya;* uye ndichavaunzira dambudziko, iko kutsamwa kwangu kukuru,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Uye ndichatuma bakatwa kuti rivatevere kusvikira ndavaparadza vese.”
38 “Ndichaisa chigaro changu cheumambo muEramu,+ uye ndichaparadza mambo nemachinda ndiri imomo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
39 “Asi mumazuva ekupedzisira ndichaunganidza nhapwa dzekuEramu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
50 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi,+ pamusoro penyika yevaKadheya, achishandisa muprofita Jeremiya:
2 “Zvitaurei pakati pemarudzi muzvizivise.
Simudzai chiratidzo* muzvizivise.
Musava nechamunovanza!
Itii, ‘Bhabhironi rakundwa.+
Bheri anyadziswa.+
Merodhaki avhundutswa.
Mifananidzo yaro yanyadziswa.
Zvidhori zvaro zvinosemesa* zvavhundutswa.’
3 Nekuti pane rudzi rwauya kuzorirwisa ruchibva kuchamhembe.+
Runoita kuti nyika yaro ive chinhu chinotyisa;
Hapana ari kugara mariri.
Vanhu nezvipfuwo vatiza;
Vaenda.”
4 “Mazuva iwayo uye panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vanhu veIsraeri neveJudha vachauya pamwe chete.+ Vachafamba vachichema,+ uye vachatsvaga Jehovha Mwari wavo pamwe chete.+ 5 Vachabvunza nzira yekuZiyoni, zviso zvavo zvakatarisa ikoko,+ vachiti, ‘Uyai tiende kuna Jehovha, tiite sungano inogara nekusingaperi uye isingazokanganwiki.’+ 6 Vanhu vangu vava makwai akarasika.+ Vafudzi vavo ndivo vakaita kuti varasike.+ Vakavatungamirira kumakomo, vachivatenderedza mumakomo nemuzvikomo. Vakanganwa nzvimbo yavo yekuzororera. 7 Vaya vese vari kuvawana vari kuvaparadza,+ uye vavengi vavo vari kuti, ‘Hatina mhosva, nekuti vakatadzira Jehovha, vakatadzira nzvimbo inogarwa nekururama uye tariro yemadzitateguru avo, iye Jehovha.’”
8 “Tizai muBhabhironi,
Budai munyika yevaKadheya,+
Uye itai sezvipfuwo zviri kufamba zviri pamberi pezvimwe zvipfuwo.
Acharonga uto rawo ouya kuzorirwisa;
Kukundwa kwaro kuchabva ikoko.
10 Kadheya ichava chinhu chekupamba.+
Vese vaya vanoipamba vachanyatsogutswa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Nekuti makaramba muchibinha pasi setsiru riri muuswa,
Uye makaramba muchichema semabhiza makono.
Iye akakuberekai aodzwa mwoyo.
Ndiye mudiki pane mamwe marudzi,
Renje risina mvura uye gwenga.+
Wese achapfuura nemuBhabhironi acharamba akatarisa achitya,
Oridza muridzo nekuda kwematambudziko aro ese.+
14 Rongai uto renyu muuye kuzorwisa Bhabhironi kumativi ese,
Imi mese muri kukombamisa uta.
15 Shevedzerai zvinotyisa kumativi aro ese pakurwa naro.
Rakanda mapfumo pasi.
Ritsivei.
Riitirei zvarakaita.+
Nemhaka yebakatwa rine utsinye, mumwe nemumwe achadzokera kuvanhu vake,
Mumwe nemumwe achatizira kunyika yake.+
17 “Vanhu veIsraeri makwai akapararira.+ Shumba ndidzo dzakavaparadzira.+ Vakatanga kuparadzwa namambo weAsiriya;+ kukazouya Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi uyo akan’en’ena mapfupa avo.+ 18 Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Ndichaitira mambo weBhabhironi nenyika yake zvandakaitira mambo weAsiriya.+ 19 Ndichadzosa Israeri kumafuro ake,+ uye achafura paKameri nepaBhashani,+ uye achaguta* mumakomo aEfremu+ neeGiriyedhi.’”+
20 “Mazuva iwayo uye panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Mhosva yaIsraeri ichatsvagwa,
Asi ichashayikwa,
Uye zvivi zvaJudha zvichashayikwa,
Nekuti ndichakanganwira vaya vandakasiya vari vapenyu.”+
21 “Endai munorwisa nyika yeMerataimu uye kunorwisa vagari vemuPekodhi.+
Ngavarakashwe uye ngavaparadzwe zvachose,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Itai zvese zvandakurayirai.
22 Munyika mune ruzha rwehondo,
Njodzi yakakura.
23 Inga sando yenyika yese yagurwa uye yaputswa!+
Inga Bhabhironi rava chinhu chinotyisa pakati pemarudzi!+
24 Ndakakuteyera musungo, uye wakabatwa, haiwa iwe Bhabhironi,
Uye hauna kuzviziva.
Wakawanikwa ukabatwa,+
Nekuti Jehovha ndiye wawakapikisa.
Nekuti Changamire Ishe Jehovha wemauto, ane basa
Munyika yevaKadheya.
26 Uyai kuzorirwisa muchibva kunzvimbo dziri kure.+
Vhurai matura aro.+
Rirongei semirwi yezvirimwa.
Riparadzei zvachose.+
Ngarisare risina munhu.
Vane nhamo, nekuti zuva ravo rasvika,
Nguva yavo yekutongwa!
28 Kune ruzha rwevaya vari kutiza,
Vaya vari kupukunyuka munyika yeBhabhironi,
Kuti vazivise muZiyoni nezvekutsiva kwaJehovha Mwari wedu,
Iko kutsiva nekuda kwetemberi yake.+
Dzikai musasa makaripoteredza; musasiya kana munhu mumwe chete achipukunyuka.
Ritsivei zvinoenderana nezvarakaita.+
Riitirei sezvarakaita.+
Nekuti razvikudza pamberi paJehovha,
Pamberi peMutsvene waIsraeri.+
30 Saka majaya aro achawa mumisika yaro,+
Uye varwi varo vese vachaparara* zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
31 “Inzwa! Ndiri kukurwisa,+ haiwa iwe akaoma musoro,”+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,
“Nekuti zuva rako richatouya, randichaita kuti uzvidavirire.
Uye ndichatungidza maguta ako nemoto,
Uyo uchaparadza zvinhu zvese zvakakupoteredza.”
33 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Vanhu veIsraeri neveJudha vari kudzvinyirirwa,
Uye vaya vese vakavatapa vari kuramba vainavo.+
Vari kuramba kuvasunungura.+
34 Asi Mudzikinuri wavo ane simba.+
Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
Chokwadi achavamiririra panyaya yavo,+
Kuti azorodze nyika+
Uye kuti aunze kusagadzikana pavagari vemuBhabhironi.”+
35 “Kune bakatwa riri kurwisa vaKadheya,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Riri kurwisa vagari vemuBhabhironi nemachinda aro nevakachenjera varo.+
36 Kune bakatwa riri kurwisa vanotaura zvisina maturo,* uye vachaita semapenzi.
Kune bakatwa riri kurwisa varwi vemo, uye vachavhunduka.+
37 Kune bakatwa riri kurwisa mabhiza avo nengoro dzavo,
Nevanhu vese vemarudzi akasiyana-siyana vari pakati paro,
Uye ivo vachaita sevakadzi.+
Kune bakatwa riri kurwisa pfuma yaro, uye vachapambwa.+
38 Nharaunda ine mvura yaro iri kuparadzwa, uye mvura yacho ichapwa.+
Nekuti inyika yemifananidzo yakavezwa,+
Uye vanoramba vachipenga nemhaka yezviratidzo zvavo zvinotyisa.
Harizofi rakagarwa zvakare,
Uyewo harizovi nzvimbo inogarwa kwezvizvarwa nezvizvarwa.”+
40 “Sezvakaitika Mwari paakaparadza Sodhomu neGomora+ nemaguta aiva pedyo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “hapana munhu achagara imomo, uye hapana murume achagara mariri.+
41 Kune rudzi ruri kuuya kubva kuchamhembe;
Kumativi ari kure kwazvo enyika+
Kuchabva rudzi rukuru nemadzimambo makuru.+
42 Vanoshandisa uta nemapfumo madiki.+
Vane utsinye uye havazonzwi tsitsi.+
Ruzha rwavo runotinhira segungwa,+
Vari pamabhiza avo.
Vanobatana, voronga uto ravo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weBhabhironi.+
Ari kunetseka,
Ari kurwadziwa semukadzi ari kusununguka.
44 “Pane munhu achauya kuzorwisa mafuro akachengeteka seshumba iri kubuda mumabvokocho esango ari pedyo naJodhani, asi pasina nguva ndichaita kuti vatize vachibva mariri. Uye ndichagadza uya akasarudzwa kuti amutungamirire.+ Nekuti ndiani akaita seni, uye ndiani angamirisana neni? Mufudzi upi angamira pamberi pangu?+ 45 Saka imi vanhu inzwai zvasarudzwa naJehovha pamusoro peBhabhironi,+ uye pfungwa dzaafungira nyika yevaKadheya.
Chokwadi vana vemakwai vachazvuzvurudzwa.
Achaita kuti nzvimbo yavo yavanogara ive dongo nemhaka yavo.+
46 Ruzha rwekukundwa kweBhabhironi ruchaita kuti nyika idengenyeke,
Uye kushevedzera kuchanzwika pakati pemarudzi.”+
51 Zvanzi naJehovha:
2 Ndichatuma vaurutsi kuBhabhironi,
Uye vachariurutsa, voita kuti nyika yaro isare isina chinhu;
Vachauya kuzorirwisa kumativi ese pazuva redambudziko.+
3 Uya anopfura neuta ngaarege kukombamisa uta hwake.
Uye ngaparege kuva nemunhu anosimuka akapfeka nguo yake yesimbi yehondo.
Musanzwira majaya aro tsitsi.+
Paradzai uto raro rese.
5 Nekuti Israeri naJudha havana kusiyiwa naMwari wavo vari chirikadzi, iye Jehovha wemauto.+
Asi nyika yavo* izere nemhosva pakuona kweMutsvene waIsraeri.
Musafira kukanganisa kwaro.
Nekuti inguva yekutsiva kwaJehovha.
Ari kuritsiva zvarakaita.+
7 Bhabhironi ranga riri kapu yegoridhe iri muruoko rwaJehovha;
Rakadhakisa nyika yese.
8 Bhabhironi rangoerekana rawa uye raputsika.+
Richemei!+
Ritsvagirei bharisamu kuitira marwadzo aro; zvichida ringaporeswa.”
9 “Takaedza kurapa Bhabhironi, asi harina kupora.
Risiyei tiende, mumwe nemumwe kunyika yake.+
Nekuti kutongwa kwaro kwasvika kudenga;
Kuri mudenga semakore.+
Uyai tirondedzere basa raJehovha Mwari wedu tiri muZiyoni.”+
11 “Penyesai miseve;+ torai nhoo dzeraundi.*
Jehovha amutsa mwoyo yemadzimambo evaMedhiya,+
Nekuti ari kuda kuparadza Bhabhironi.
Nekuti uku kutsiva kwaJehovha, kutsiva nekuda kwetemberi yake.
12 Simudzirai masvingo eBhabhironi chiratidzo.*+
Wedzerai kurinda, isai varindi.
Itai kuti vaya vakahwandira vagadzirire.
Nekuti Jehovha ndiye afunga zano racho,
Uye achaitira vagari vemuBhabhironi zvaakataura.”+
13 “Haiwa iwe mukadzi anogara pamvura zhinji,+
Ane pfuma zhinji,+
Kuguma kwako kwasvika, iko kuguma* kwekuwana kwako mubereko.+
14 Jehovha wemauto apika naiye pachake* achiti,
‘Ndichakuzadza nevanhu vakawanda semhashu,
Uye vachashevedzera vachifarira kuti vakukunda.’+
15 Ndiye akasika nyika nesimba rake,
Akasimbisa nyika neuchenjeri hwake,+
Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+
16 Paanoita kuti inzwi rake rinzwike,
Mvura iri mudenga inotinhira,
Uye anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika.
17 Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo.
Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+
Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,
18 Haisi chinhu,*+ ibasa rinoshorwa.
Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo.
19 Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,
Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,
Jehovha wemauto ndiro zita rake.”+
20 “Uri tsvimbo yangu yehondo, chombo chehondo,
Nekuti ndichakushandisa kuputsa-putsa marudzi.
Ndichakushandisa kuparadza umambo.
21 Ndichakushandisa kuputsa-putsa bhiza nemutasvi waro.
Ndichakushandisa kuputsa-putsa ngoro yehondo nemutyairi wayo.
22 Ndichakushandisa kuputsa-putsa murume nemukadzi.
Ndichakushandisa kuputsa-putsa akwegura nemukomana.
Ndichakushandisa kuputsa-putsa jaya nemhandara.
23 Ndichakushandisa kuputsa-putsa mufudzi nezvipfuwo zvake.
Ndichakushandisa kuputsa-putsa murimi nechipani chake.
Ndichakushandisa kuputsa-putsa magavhuna nevatevedzeri vevatongi.
24 Ndichatsiva Bhabhironi nevagari vese vemuKadheya
Nemhaka yezvakaipa zvese zvavakaita muZiyoni imi makatarisa,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
25 “Ndichakurwisa,+ haiwa iwe gomo rinoparadza,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Iwe muparadzi wenyika yese.+
Ndichakutambanudzira ruoko rwangu ndokukungurutsa uchibva pamatombo,
Ndoita kuti uve gomo rakatsva.”
26 “Vanhu havazotori dombo repakona kana dombo renheyo* pauri,
Nekuti uchava matongo nekusingaperi,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
27 “Simudzai chiratidzo* munyika yacho.+
Ridzai hwamanda pakati pemarudzi.
Gadzai* marudzi kuti arirwise.
Rishevedzerei umambo hweArarati,+ Mini neAshkenazi.+
Rayirai mukuru anopinza vanhu basa kuti arirwise.
Itai kuti mabhiza auye sezvinoita mhashu dzine tumvere.
28 Gadzai* marudzi kuti arirwise,
Madzimambo eMedhiya,+ magavhuna ayo nevatevedzeri vevatongi vayo,
Nenharaunda dzese dzavanotonga.
29 Uye nyika ichadengenyeka, ichadedera,
Nekuti zvakafungwa naJehovha pamusoro peBhabhironi zvichaitwa,
Kuti nyika yeBhabhironi ive chinhu chinotyisa, isina anogaramo.+
30 Varwi veBhabhironi vamira kurwa.
Vakagara munhare* dzavo.
Simba ravo rapera.+
Vava kuita sevakadzi.+
Dzimba dzaro dzapiswa nemoto.
31 Nhume inomhanyira kunosangana neimwe nhume,
Uye mutumwa kuti anosangana nemumwe mutumwa,
Kuti vaudze mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa rese zvaro,+
Kuti zvikepe zvenhokwe zvapiswa nemoto,
Uye kuti varwi vapera nekutya.”
33 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri:
“Mwanasikana weBhabhironi akaita seburiro.*
Inguva yekumutsika-tsika zvakasimba.
Nguva yekukohwa ichamusvikira pasina nguva.”
Andigadzika pasi semudziyo usina chinhu.
Andimedza sezvinoita nyoka huru;+
Azadza dumbu rake nezvinhu zvangu zvinonaka.
Andisukurudza.
35 ‘Kurwiswa kwandakaitwa uye kwakaitwa nyama yangu ngakuve paBhabhironi!’ anodaro mugari wemuZiyoni.+
‘Uye ropa rangu ngarive pavagari vemuKadheya!’ rinodaro Jerusarema.”
36 Saka zvanzi naJehovha:
Ndichaomesa gungwa raro, uye ndichaomesa matsime aro.+
37 Uye Bhabhironi richava mirwi yematombo,+
Chinhu chinotyisa uye chinoridzisa muridzo,
Risina anogaramo.+
38 Vachadzvova pamwe chete seshumba dzine simba.*
Vachaomba sevana veshumba.”
39 “Pavanenge vafarisa, ndichavagadzirira mabiko avo ndovadhakisa,
Kuti vapembere nemufaro;+
Uye vacharara hope dzisingaperi,
Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
40 “Ndichadzika navo semakwai makono ari kunourayiwa,
Semakondohwe pamwe chete nembudzi.”
Bhabhironi zvarangova chinhu chinotyisa pakati pemarudzi!
42 Gungwa rauya pamusoro peBhabhironi.
Rarifukidza nemafungu aro mazhinji.
43 Maguta aro ava chinhu chinotyisa, nyika isina mvura uye gwenga.
Nyika isingazogarwi nemunhu uye isina munhu achazombopfuura nemairi.+
Marudzi haazodiranizve achienda kwaari,
Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.+
Tizai kuti mupone*+ pakutsamwa kukuru kwaJehovha!+
46 Mwoyo yenyu ngairege kutya kana kuvhundutswa nemashoko achanzwiwa munyika.
Mashoko acho achauya gore rimwe chete,
Uye gore rinotevera racho pachauya mamwe mashoko,
Emhirizhonga munyika uye ekurwisana kwevatongi.
47 Saka inzwai! mazuva achasvika
Andichafunga nezvemifananidzo yakavezwa yeBhabhironi.
Nyika yaro yese ichanyadziswa,
Uye vanhu varo vese vakaurayiwa vachati katakata pakati paro.+
48 Denga nenyika nezvese zviri mazviri
Zvichapembera nemufaro pamusoro peBhabhironi,+
Nekuti vaparadzi vacharivinga vachibva kuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
49 “Bhabhironi harina kungouraya vaya vakaurayiwa pavaIsraeri chete,+
Asi muBhabhironi makafirawo vaya vakaurayiwa vepanyika yese.
50 Imi vanopona pabakatwa, rambai muchienda, musamira!+
Yeukai Jehovha muri kure,
Uye fungai Jerusarema mumwoyo menyu.”+
51 “Tanyadziswa, nekuti tanzwa mashoko ekushora.
Kunyara kwafukidza zviso zvedu,
Nekuti vanhu vekune imwe nyika* vauya kuzorwisa nzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”+
52 “Saka inzwai! mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Andichafunga nezvemifananidzo yaro yakavezwa,
Uye munyika yaro yese munhu akakuvadzwa achagomera.”+
Vaparadzi varo vachabva kwandiri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
54 “Teererai! Pane kushevedzera kuri kubva kuBhabhironi,+
Ruzha rwedambudziko guru ruri kubva kunyika yevaKadheya,+
55 Nekuti Jehovha ari kuparadza Bhabhironi,
Achanyaradza inzwi raro guru,
Uye mafungu avo achaomba semvura zhinji.
Inzwi ravo richanzwiwa.
56 Nekuti muparadzi achauya paBhabhironi;+
Varwi varo vachabatwa,+
Uta hwavo huchaparadzwa,
Nekuti Jehovha ndiMwari wekutsiva.+
Achatotsiva chete.+
57 Ndichadhakisa machinda aro nevarume vavo vakachenjera,+
Magavhuna aro nevatevedzeri vevatongi varo nevarwi varo,
Uye vacharara hope dzisingaperi,
Dzavasingazomuki,”+ ndizvo zvinotaurwa naMambo, ane zita rekuti Jehovha wemauto.
58 Zvanzi naJehovha wemauto:
“Rusvingo rweBhabhironi, kunyange zvazvo rwakafara, ruchakoromorwa rwese,+
Uye magedhi aro, kunyange akareba, achapiswa nemoto.
Marudzi achashandira pasina;
Marudzi achazvinetesa nezvinhu zvichangoiswa mumoto.”+
59 Iri ndiro shoko rakataurwa nemuprofita Jeremiya achiripa semurayiro kuna Seraya mwanakomana waNeriya+ mwanakomana waMaseya paakaenda naMambo Zedhekiya weJudha kuBhabhironi mugore rechina rekutonga kwake; Seraya aiva mutariri aiona nezvezvinhu zvamambo. 60 Jeremiya akanyora mubhuku rimwe chete nezvedambudziko rese raizouya paBhabhironi, iwo mashoko ese aya akanyorerwa Bhabhironi. 61 Jeremiya akatiwo kuna Seraya: “Paunosvika kuBhabhironi, woriona, uverenge mashoko ese aya zvinonzwika. 62 Ubve wati, ‘Haiwa Jehovha, makati nzvimbo ino ichaparadzwa yosara isina chinogaramo, angava munhu kana mhuka, uye kuti ichava dongo nekusingaperi.’+ 63 Uye paunopedza kuverenga bhuku iri, risungirire dombo urikande pakati paYufratesi. 64 Ubve wati, ‘Bhabhironi richanyura seizvi uye harizobudizve+ nemhaka yedambudziko randiri kuunza pariri; uye vachaneta.’”+
Mashoko aJeremiya anogumira pano.
52 Zedhekiya+ aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 3 Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+ 4 Mugore rechi9 rekutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi akauya neuto rake rese kuzorwisa Jerusarema. Vakadzika musasa kuti varirwise, vakavaka rusvingo rwairipoteredza rwekurikomba.+ 5 Guta racho rakakombwa kusvika mugore rechi11 raMambo Zedhekiya.
6 Mumwedzi wechina, pazuva rechi9 remwedzi wacho,+ nzara yakanga yanyanya muguta, uye vanhu vemunyika yacho vakanga vasisina zvekudya.+ 7 Rusvingo rweguta racho rwakazoputswa uye varwi vese vakatiza muguta racho usiku vakabuda nepagedhi raiva pakati pemasvingo maviri pedyo nemunda wamambo, vaKadheya pavakanga vakakomba guta; uye vakaramba vachienda nenzira yekuArabha.+ 8 Asi uto revaKadheya rakatevera Mambo Zedhekiya+ rikamubatira murenje riri pedyo neJeriko, uye uto rake rese rakapararira richimusiya. 9 Vakabva vabata mambo, vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra munyika yeHamati, uye akamupa mutongo wake. 10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa, uye akaurayawo machinda ese eJudha muRibra imomo. 11 Mambo weBhabhironi akabva apofumadza maziso aZedhekiya,+ akamusunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura, akaenda naye kuBhabhironi, akamuisa mujeri kusvikira pazuva raakafa.
12 Mumwedzi wechishanu, pazuva rechi10 remwedzi wacho, kureva gore rechi19 raMambo Nebhukadhinezari* mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi, uyo aishumira mambo weBhabhironi, akasvika muJerusarema.+ 13 Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,* nedzimba dzese dzemuJerusarema; akapisawo dzimba dzese huru. 14 Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+
15 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vakaderera nevamwe vanhu vese vakanga vasara muguta. Akatorawo vanhu vakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nedzimwe mhizha dzese.+ 16 Asi Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vaiva varombo vekupedzisira munyika yacho kuti vashande muminda yemizambiringa uye kuti vaite basa rekumanikidzwa.+
17 VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru dzemhangura+ dzeimba yaJehovha, nezvingoro+ neDziva remhangura+ zvaiva muimba yaJehovha, vakaenda nemhangura yacho yese kuBhabhironi.+ 18 Vakatora makeni, mafoshoro, zvekudzimisa moto, ndiro,+ makapu,+ nemidziyo yese yemhangura yaishandiswa pabasa repatemberi. 19 Mukuru wevarindi akatora mabheseni,+ midziyo yekuisira moto, ndiro, makeni, zvigadziko zvemarambi,+ makapu, nendiro izvo zvaiva zvegoridhe rakanatswa nesirivha yakanatswa.+ 20 Kana dziri mbiru mbiri, Dziva, mikono 12 yemombe dzemhangura+ dzaiva pasi peDziva racho, nezvingoro zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naMambo Soromoni, uremu hwemhangura yakagadziriswa zvinhu izvi hwakanga husingayereki.
21 Kana dziri mbiru, mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti* 18, uye tambo yakareba makubhiti 12 yaikwana kuitenderedza;+ ukobvu hwayo hwaiva upamhi hweminwe mina,* uye mukati mayo maiva nemhango. 22 Musoro waiva pairi waiva wemhangura; musoro mumwe chete wakanga wakareba makubhiti mashanu;+ uye mambure nemapomegraneti* izvo zvakanga zvakapoteredza musoro wacho, zvese zvakanga zvakagadzirwa nemhangura. Mbiru yechipiri yainge yakangoita saizvozvo, nemapomegraneti acho. 23 Mumativi maiva nemapomegraneti 96; mapomegraneti acho ese aiva 100, achitenderera nemambure acho.+
24 Mukuru wevarindi akatorawo Seraya+ mutungamiriri wevapristi, nemupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu.+ 25 Uye akatora mumwe mukuru wemumuzinda muguta racho uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro muuto, nevanhu vanomwe vaiva shamwari dzepedyo dzamambo vakawanikwa muguta, nemunyori wemukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vemunyika yacho, nevarume 60 pavanhu vemunyika yacho vakanga vachiri muguta. 26 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akavatora, akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra. 27 Mambo weBhabhironi akavabaya akavauraya kuRibra+ munyika yeHamati. Saka vaJudha vakatapwa kubva munyika yavo.+
28 Ava ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhinezari:* gore rechi7, vaJudha 3 023.+
29 Gore rechi18 raNebhukadhinezari,*+ pakatorwa vanhu* 832 muJerusarema.
30 Gore rechi23 raNebhukadhinezari,* Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vaJudha, vanhu* 745.+
Vanhu vese vakatapwa vaiva 4 600.
31 Mugore rechi37 rekutapwa kwaMambo Jehoyakini+ weJudha, mumwedzi wechi12, pazuva rechi25 remwedzi wacho, Mambo Evhiri-merodhaki weBhabhironi, mugore raakava mambo, akabva asunungura Mambo* Jehoyakini weJudha, akamubudisa mujeri.+ 32 Akataura naye zvakanaka, akasimudzira chigaro chake cheumambo kuti chive pamusoro pezvigaro zveumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzemujeri, uye nguva dzese aidya pamberi pamambo mazuva ese eupenyu hwake. 34 Aigara achipiwa zvekudya namambo weBhabhironi zuva nezuva, mazuva ese eupenyu hwake, kusvikira pazuva raakafa.
Zita iri rinogona kunge richireva kuti “Jehovha Anokwidziridza.”
Kana kuti “Ndakakusarudza.”
Kana kuti “ndakakutsaura.”
ChiHeb., “usati wabuda muchibereko.”
Kana kuti “ndichiri mudiki.”
ChiHeb., “reuya akamuka.”
Kana kuti “hari yekubikira ine muromo muhombe.”
ChiHeb., “iri kupfutidzwa,” zvichiratidza kuti iri pamoto wakapfutidzwa.
ChiHeb., “sunga hudyu dzako.”
Kana kuti “rudo rwako rusingachinji.”
Kana kuti “kuzvitsuwa zvevaKitimu zviri.”
Kana kuti “Migodhi yakatsemuka.”
Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”
Kana kuti “vekuMemfisi.”
Kureva, rwizi rwunobuda muRwizi rwaNire.
Kureva, Yufratesi.
ChiHeb., “mumwedzi.”
Kana kuti “vanamwari vekumwe.”
Kana kuti “bhandi rake repamuchato rejira.”
Kana kuti “remweya isina mhosva.”
ChiHeb., “SemuArabhu.”
Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
ChiHeb., “pahuma yako.”
Kana kuti “mweya wake wakarurama.”
ChiHeb., “Handizoiti kuti chiso changu chidonhe.”
Kana kuti “nzira dzenyu.”
Kana kuti “kuvanamwari vekumwe.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “murume wenyu.”
ChiHeb., “pamauto emarudzi.”
Kana kuti “shamwari yake.”
Kana kuti “mwari anonyadzisa aparadza.”
ChiHeb., “achazviwanira.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
Kana kuti “Rovai zvipfuva zvenyu.”
Kana kuti “uchashaya ushingi.”
Kana kuti “iro bakatwa rasvika pamweya yedu.”
Uku kudetemba uchitaura chimwe chinhu seuri kureva munhu, zvichida pachiratidza kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro.
ChiHeb., “Varindi,” kureva vaya vanogara vakatarisa guta kuti vazive nguva yekurwisa.
ChiHeb., “ura hwangu.”
ChiHeb., “mumadziro emwoyo wangu.”
Kana kuti “mweya wangu wanzwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “ruzha rwekushevedzera zvinotyisa pahondo.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
Kana kuti “Vanochenjera.”
Kana kuti “handizozvidembi.”
Kana kuti “mweya wako.”
Kana kuti “mweya wangu waneta.”
ChiHeb., “havana kupera simba.”
Kana kuti “Mweya wangu ungarega.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Haako.”
Kureva, shoko raMwari.
ChiHeb., “imi mapenzi asina mwoyo.”
Kana kuti “yebumharutsva.” Iyi imvura inotanga kunaya tichangobva muchirimo
Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
Kana kuti “Mweya wangu ungarega.”
Kana kuti “mweya wangu usakusiya wasemeswa.”
ChiHeb., “Nzeve yavo haina kuchecheudzwa.”
ChiHeb., “nevaya vazere nemazuva.”
Kana kuti “Mweya yenyu iwane.”
Kana kuti “murayiro.”
Kureva, Jeremiya.
Uyu mudziyo unoshandiswa kufuridza moto kuti upfute zvine simba.
ChiHeb., “Izvi,” kureva zvivakwa zvese zvepatemberi.
Kana kuti “kubvira nariini kusvikira nariini.”
Kana kuti “nekukwidza utsi hwezvibayiro.”
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Kana kuti “kugumbura; kudenha.”
Kana kuti “zano ravo.”
ChiHeb., “ndichimukira zuva nezuva ndichivatuma.”
ChiHeb., “mitsipa.”
Kana kuti “kurangwa.”
ChiHeb., “kwadimburwa pamiromo yavo.”
Kana kuti “rakatsaurwa.”
Kana kuti “rwekuchema.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”
Kana kuti “kumbobvira zvauya mupfungwa dzangu.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”
Kana kuti “nguva dzayo.”
Kana kuti “nemherepere.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nehoriori.”
Kana kuti “yekutama.”
Kana kuti “murayiro.”
Kana kuti “chenhema.”
Kana kuti “mafuta anonyaradza marwadzo.”
Kana kuti “chiremba.”
Kana kuti “Mweya wangu ungarega.”
Kana kuti “rwekuchema mafuro.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Kana kuti “murayiro.”
Kana kuti “dzekuchema.”
Kana kuti “hadzibatsiri.”
Kana kuti “zvakunobatsira.”
ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa vhesi 11.
Kana kuti “mhute isimuke.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
Kana kuti “Haibatsiri.”
Kana kuti “kupotsera.”
Kana kuti “kwekutyoka.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Zvinoratidza sekuti pari kureva Jeremiya.
Kana kuti “Ngazviitike.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichiarayira.”
Kana kuti “kukwidzira utsi hwezvibayiro.”
Kureva, Jeremiya.
Kureva, zvibayiro zvaipiwa mutemberi.
ChiHeb., “itsvo.”
Kana kuti “kutsvaga mweya wako.”
ChiHeb., “itsvo dzavo.”
Kana kuti “anodiwa nemweya wangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Iri kuchema.”
ChiHeb., “nyama ine.”
Kana kuti “Mweya wangu uchachema uri pawo wega.”
Kana kuti “akombwa.”
Kana kuti “MuItiopiya.”
Kana kuti “chinonyadzisa.”
Kana kuti “vadiki.”
Kana kuti “kumigodhi yemvura.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “nechirwere.”
Kana kuti “mweya wenyu wakasema.”
Kana kuti “mweya wangu waisambonzwira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “marudzi mana emitongo.” ChiHeb., “mhuri ina.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uchifamba nenhendeshure.”
Kana kuti “nekuzvidemba.”
Kana kuti “Mweya wake uri.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ranyadziswa uye ratsverudzwa.”
ChiHeb., “Musandibvisa.”
Kana kuti “neshoko rekutuka.”
Kana kuti “Uchataura uchindimiririra.”
Kana kuti “havazokukundi.”
Idzi itsika dzepamariro dzevahedheni dzinogona kunge dzaiitwa nevaIsraeri vakapanduka.
ChiHeb., “nzira dzavo dzese.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti mabatidzwa semoto mukutsamwa kwangu.”
Kana kuti “Munhu ane simba.”
ChiHeb., “Anoita kuti nyama ive ruoko rwake.”
Kana kuti “munhu ane simba.”
Kana kuti “chivimbo chake.”
Kana kuti “unofurira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “haurapiki.”
ChiHeb., “itsvo.”
Kana kuti “nenzira isina kururama.”
ChiHeb., “kwandiri,” zvinoratidza sekuti pari kureva Jehovha.
Kana kuti “nekuvaparadza kakapetwa kaviri.”
Kana kuti “mweya yenyu.”
ChiHeb., “mitsipa.”
Kana kuti “nekumaodzanyemba.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “sezvakanga zvakarurama mumaziso emuumbi kuti agadzire.”
Kana kuti “ndichazvidembawo.”
Kana kuti “ndichazvidemba.”
Kana kuti “vanokwidza utsi hwezvibayiro.”
Kana kuti “isina kugadzirwa.”
Kana kuti “murayiro.”
ChiHeb., “timurove nerurimi.”
Kana kuti “vauraye mweya wangu.”
Kana kuti “kumbobvira chauya mupfungwa dzangu.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “mweya yavo.”
ChiHeb., “mitsipa yavo kuti varege.”
ChiHeb., “itsvo.”
Kana kuti “mweya wemurombo.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “zvikudzokerei.”
Kana kuti “ndichaunganidza vanhu vacho.”
Kana kuti “nechirwere chakaipisisa.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “achatiza neupenyu hwake.”
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”
ChiHeb., “Ndichatsvenesa.”
Anonziwo Jehoahazi.
ChiHeb., “Marwadzo ekusununguka.”
Anonziwo Jehoyakini uye Jekoniya.
Kana kuti “chisimbiso.”
Kana kuti “mweya wako.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “kunyika inofadza mweya yavo.”
ChiHeb., “pamazuva ake.”
Kana kuti “nemugari wenhaka akarurama.”
Kana kuti “vapanduka.”
ChiHeb., “Vanosimbisa maoko evanoita.”
Kana kuti “Vari kuita kuti mutarisire zvinhu zvekunyepa.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.” Shoko racho rechiHebheru rinoreva zvinhu zviviri: “mutongo waMwari une simba” kana kuti “chinhu chinorema.”
Kana kuti “Aya ndiwo mashoko aJehovha akaita semutoro.”
Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Anonziwo Jehoyakini uye Koniya.
Dzimwe shanduro dzinoti, “vavaki vemasvingo.”
Kana kuti “nechirwere.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “kuvanhu.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichitaura.”
ChiHeb., “achimukira mangwanani achivatuma.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “ndicharanga mambo weBhabhironi nerudzi irworwo nekukanganisa.”
Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Bhabheri (Bhabhironi).
ChiHeb., “kunyama yese.”
Kana kuti “seshumba yava nezenze.”
Kana kuti “utaure nevanhu.”
Kana kuti “kuzokotama.”
Kana kuti “ndozvidemba.”
Kana kuti “murayiro.”
ChiHeb., “kumukira mangwanani ndichivatuma.”
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”
Kana kuti “achazvidemba.”
Kana kuti “temberi.”
Kana kuti “yakakwirira izere nemiti.”
Kana kuti “kuti aedze kupfavisa chiso chaJehovha.”
Kana kuti “akazvidemba.”
Kana kuti “kuunzira mweya yedu.”
ChiHeb., “kune akakodzera mumaziso angu.”
Kana kuti “nechirwere.”
ChiHeb., “ruzorore.”
Kana kuti “nemumuzinda wamambo.”
Kureva, Dziva remhangura repatemberi.
Kana kuti “nemumuzinda wamambo.”
ChiHeb., “Makore maviri emazuva.”
Kana kuti “Ngazviitike!”
Kana kuti “nezvechirwere.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vavaki vemasvingo.”
Kana kuti “nechirwere.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akatsemuka.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “musimbi dzemumutsipa.”
Kana kuti “padumbu.”
ChiHeb., “iguru.”
ChiHeb., “tambo dzako.”
Kana kuti “vekune imwe nyika.”
Kana kuti “havazovaitizve varanda vavo.”
Kana kuti “Ndichakururamisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vakudzwe.”
ChiHeb., “aizopa mwoyo wake sechibatiso.”
Kana kuti “Ndokusaka ndakaramba ndichikuratidza rudo rusingachinji.”
Kana kuti “Woenda uchitamba sezvinoita vaya vari kuseka.”
Kana kuti “Omudzosa achimutora.”
Kana kuti “zvinhu zvakanaka zvinobva kuna Jehovha.”
Kana kuti “Mweya yavo ichava.”
Kana kuti “mweya yevapristi.”
ChiHeb., “nemafuta.”
Kana kuti “vana.”
Kana kuti “mweya wakaneta.”
ChiHeb., “akagomara.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “murume wavo.”
Kana kuti “Nemirau.”
Kana kuti “neremadota ane mafuta,” kureva madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.
ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “chisimbiso.”
ChiHeb., “muchipfuva chevanakomana.”
Kana kuti “nechirwere.”
ChiHeb., “wenyama yese.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “ndaimukira mangwanani ndichivadzidzisa.”
Kana kuti “kurangwa.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”
Kana kuti “mupfungwa dzangu.”
Kana kuti “chisimbiso.”
Kana kuti “mugari wenhaka akarurama waDhavhidhi.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “mirau.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “nhasi.”
Kana kuti “nezvaidiwa nemweya yavo.”
Kana kuti “kuchirwere.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “mweya yavo.”
ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.
ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “ndaimukira mangwanani ndichitaura.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”
ChiHeb., “Jonadhabhi.” Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Jehonadhabhi.
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”
Kana kuti “Vakuru vese vemumuzinda vakanga vakagara.”
Kutanga pakati paNovember kusvika pakati paDecember. Ona Mashoko Ekuwedzera B15.
ChiHeb., “mbeu.”
Anonziwo Jehoyakini uye Jekoniya.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “Musanyepera mweya yenyu.”
ChiHeb., “akamuisa muimba yezvisungo zvemumakumbo.”
Kana kuti “mumuzinda.”
Kana kuti “nechirwere.”
ChiHeb., “anobuda achienda kuvaKadheya.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “achatiza neupenyu hwake.”
ChiHeb., “maoko emauto.”
Kana kuti “wemumuzinda wamambo.”
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Kana kuti “vari kutsvaga mweya wako.”
Kana kuti “mweya wenyu ucharamba uchirarama.”
Kana kuti “mweya wenyu ucharamba uchirarama.”
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
ChiHeb., “Varume verugare rwako.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “Nerigari-sharezeri, Samgari-nebho, Sasekimu, Rabsarisi,” maererano nekupatsanurwa kwakaitwa mashoko aya mune zvimwe zvinyorwa zvechiHebheru.
Kana kuti “mukuru wevanoita zvemashiripiti (wevazivi venyeredzi).”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “muzinda wamambo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nemabasa ekumanikidzwa.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mutungamiriri wevakuru vemumuzinda.”
Kana kuti “mukuru wevanoita zvemashiripiti (wevazivi venyeredzi).”
Kana kuti “nemweya wako.”
Kana kuti “Uchaponesa upenyu hwako.”
ChiHeb., “kuti ndimire pamberi pevaKadheya.”
Kana kuti “auraye mweya wako?”
Kana kuti “achiuraya mweya wako.”
ChiHeb., “wembeu.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Dzimwe shanduro dzinoti, “nedziva guru raiva.”
Kana kuti “ndicharwadziwa.”
Kana kuti “kunogara ikoko kwenguva pfupi.”
Kana kuti “nechirwere.”
Kana kuti “kuchaurayisa mweya yenyu.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “temberi.”
Kana kuti “asina kukuvadzwa.”
Kana kuti “shongwe refu dzematombo.”
Kana kuti “dzeImba (dzeTemberi) yeZuva,” kureva, Herioporisi.
Kana kuti “temberi.”
Kana kuti “muMemfisi.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”
Kana kuti “kuunzira mweya yenyu.”
Kana kuti “kuzvidemba.”
Kana kuti “nechirwere.”
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Kana kuti “mweya wake.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “kutarisira.”
Kana kuti “pavanhu vese.”
Kana kuti “mweya wako.”
Kana kuti “ndichakuponesa.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “muMemfisi.”
ChiHeb., “nguva yakasarudzwa.”
Kureva, aizokunda Ijipiti.
Kana kuti “Memfisi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ichava dongo risina chinhu.”
Kana kuti “kutsvaga huni.”
Kureva, Tebhesi.
Kana kuti “mweya yavo.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “Ndichakururamisa.”
Kureva, Krete.
Kureva kuti vachagera misoro yavo nemhaka yekuchema uye kunyadziswa.
Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
Kana kuti “muponese mweya yenyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “panyika yakaoma.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
ChiHeb., “Nyanga.”
Kana kuti “usingazogadzikani pamusoro peMoabhi.”
Kureva, nyere yairidzwa pamariro.
Kana kuti “usingazogadzikani pamusoro pevarume.”
Kureva, nyere yairidzwa pamariro.
Dzimwe shanduro dzinoti, “ruzha rwekushevedzera zvinotyisa pakurwisa.”
Kana kuti “pamatanga emakwai.”
Kana kuti “rakaorera.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
Kana kuti “kumativi ese.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
ChiHeb., “panotangira.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya wake uchaguta.”
ChiHeb., “vachanyararidzwa.”
Kana kuti “vaprofita venhema.”
Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Kadheya.
Kureva, nyika yevaKadheya.
Kana kuti “muponese mweya yenyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “zadzai homwe dzemiseve.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
ChiHeb., “kuyerwa.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “mhute isimuke.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
Kana kuti “Haibatsiri.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndiye akagadzirawo mudonzvo wenhaka yake.”
Kana kuti “refaundesheni.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
ChiHeb., “Tsvenesai.”
ChiHeb., “Tsvenesai.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Kana kuti “seshumba dzava nezenze.”
Iri rinoita sezita rechibhende raishandisirwa Bhabheri (Bhabhironi).
Kana kuti “muponese mweya yenyu.”
Kana kuti “vatisingazivi.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “nemuzinda wamambo.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Upamhi hwemunwe mumwe chete hwaiva masendimita 1,85. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
ChiHeb., “naNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya.”
ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya.”
ChiHeb., “asimudza musoro waMambo.”