BHUKU REKUTANGA REMAKORONIKE
5 Vanakomana vaJafeti vaiva Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari,+ Mesheki,+ naTirasi.+
6 Vanakomana vaGomeri vaiva Ashkenazi, Rifati, naTogama.+
7 Vanakomana vaJavhani vaiva Erishaa, Tashishi, Kitimu, naRodhanimu.
8 Vanakomana vaHamu vaiva Kushi,+ Mizraimu, Puti, naKenani.+
9 Vanakomana vaKushi vaiva Sebha,+ Havhira, Sabta, Raama,+ naSabteka.
Vanakomana vaRaama vaiva Shebha naDhedhani.+
10 Kushi akabereka Nimrodhi+ uyo akava munhu wekutanga kuva nesimba panyika.
11 Mizraimu akabereka Rudhimu,+ Anamimu, Rehabhimu, Naftuhimu,+ 12 Patrusimu,+ Kasruhimu (tateguru wevaFiristiya),+ naKaftorimu.+
13 Kenani akabereka Sidhoni,+ dangwe rake, naHeti,+ 14 pamwe chete nevaJebhusi,+ vaAmori,+ vaGigashi,+ 15 vaHivhi,+ vaAki, vaSini, 16 vaAvhadhi,+ vaZemari, nevaHamati.
18 Apakishadhi akabereka Shera,+ Shera akabereka Ebheri.
19 Ebheri akabereka vanakomana vaviri. Mumwe ainzi Peregi,*+ nekuti panguva yaakararama nyika yakaparadzaniswa.* Mumwe wacho ainzi Joktani.
20 Joktani akabereka Arumodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,+ 21 Hadhoramu, Uzari, Dhikra, 22 Obhari, Abhimaeri, Shebha, 23 Ofiri,+ Havhira,+ naJobhabhu; vese ava vaiva vanakomana vaJoktani.
28 Vanakomana vaAbrahamu vaiva Isaka+ naIshmaeri.+
29 Aya ndiwo matangiro akaita mhuri dzavo: Dangwe raIshmaeri raiva Nebhayoti,+ kwouya Kedhari,+ Adbheeri, Mibsamu,+ 30 Mishma, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, 31 Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshmaeri.
32 Vanakomana vakaberekwa naKetura,+ murongo* waAbrahamu, vaiva Zimrani, Jokshani, Medhani, Midhiyani,+ Ishbhaki, naShuwa.+
Vanakomana vaJokshani vaiva Shebha naDhedhani.+
33 Vanakomana vaMidhiyani vaiva Efa,+ Eferi, Hanoki, Abhidha, naEridhaa.
Vese ava vaiva vanakomana vaKetura.
34 Abrahamu akabereka Isaka.+ Vanakomana vaIsaka vaiva Isau+ naIsraeri.+
35 Vanakomana vaIsau vaiva Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.+
36 Vanakomana vaErifazi vaiva Temani,+ Omari, Zefo, Gatamu, Kenazi, Timna, naAmareki.+
37 Vanakomana vaReueri vaiva Nahati, Zera, Shamaa, naMiza.+
38 Vanakomana vaSeiri+ vaiva Rotani, Shobhari, Zibhiyoni, Ena, Dhishoni, Ezeri, naDhishani.+
39 Vanakomana vaRotani vaiva Hori naHomamu. Hanzvadzi yaRotani yaiva Timna.+
40 Vanakomana vaShobhari vaiva Aruvhani, Manahati, Ebhari, Shefo, naOnamu.
Vanakomana vaZibhiyoni vaiva Aya naEna.+
41 Mwanakomana* waEna aiva Dhishoni.
Vanakomana vaDhishoni vaiva Hemdhani, Eshbhani, Itrani, naKerani.+
42 Vanakomana vaEzeri+ vaiva Bhirihani, Zaavhani, naEkani.
Vanakomana vaDhishani vaiva Uzi naArani.+
43 Aya ndiwo madzimambo akatonga munyika yeEdhomu+ vaIsraeri* vasati vava kutongwa nemadzimambo:+ Bhira mwanakomana waBheori; uye guta rake rainzi Dhinhabha. 44 Bhira paakafa, akatsiviwa naJobhabhu mwanakomana waZera wekuBhozra.+ 45 Jobhabhu paakafa, akatsiviwa naHushamu wekunyika yevaTemani. 46 Hushamu paakafa, akatsiviwa naHadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiyani munyika yeMoabhi. Guta rake rainzi Avhiti. 47 Hadhadhi paakafa, akatsiviwa naSamra wekuMasreka. 48 Samra paakafa, akatsiviwa naShauri wekuRehobhoti pedyo neRwizi. 49 Shauri paakafa, akatsiviwa naBhaari-hanani mwanakomana waAkibhori. 50 Bhaari-hanani paakafa, akatsiviwa naHadhadhi. Guta rake rainzi Pau, uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatredhi, mwanasikana waMezahabhu. 51 Hadhadhi akazofa.
Madzishe eEdhomu aiva Ishe Timna, Ishe Aruvha, Ishe Jeteti,+ 52 Ishe Ohoribhama, Ishe Eraa, Ishe Pinoni, 53 Ishe Kenazi, Ishe Temani, Ishe Mibzari, 54 Ishe Magdhieri, Ishe Iramu. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.
2 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri:+ Rubheni,+ Simiyoni,+ Revhi,+ Judha,+ Isakari,+ Zebhuroni,+ 2 Dhani,+ Josefa,+ Bhenjamini,+ Naftari,+ Gadhi,+ naAsheri.+
3 Vanakomana vaJudha vaiva Ere, Onani, naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nemukadzi wechiKenani+ uyo aiva mwanasikana waShua. Asi Ere, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka akamuuraya. 4 Tamari,+ muroora waJudha akamuberekera Perezi+ naZera. Vanakomana vese vaJudha vaiva vashanu.
5 Vanakomana vaPerezi vaiva Hezroni naHamuri.
6 Vanakomana vaZera vaiva Zimri, Etani, Hemani, Karikori, naDhara. Vese pamwe chete vaiva vashanu.
7 Mwanakomana* waKami aiva Akari,* uya akaunzira Israeri dambudziko,*+ uye akaita zvisina kutendeka pachinhu chaifanira kuparadzwa.
8 Mwanakomana* waEtani aiva Azariya.
9 Vanakomana vaHezroni vaakabereka vaiva Jerameeri, Ramu,+ naKerubhai.*
10 Ramu akabereka Aminadhabhi.+ Aminadhabhi akabereka Nashoni, jinda rekuvanhu vekwaJudha. 11 Nashoni akabereka Sarima.+ Sarima akabereka Bhoazi.+ 12 Bhoazi akabereka Obhedhi. Obhedhi akabereka Jese.+ 13 Jese akabereka Eriyabhi dangwe rake, wechipiri ari Abhinadhabhi,+ wechitatu ari Shimea,+ 14 wechina ari Netaneri, wechishanu ari Radhai, 15 wechi6 ari Ozemu, uye wechi7 ari Dhavhidhi.+ 16 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi.+ Vanakomana vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhi, naAsaheri,+ vari vatatu. 17 Abhigairi akabereka Amasa,+ uye baba vaAmasa vaiva Jeteri muIshmaeri.
18 Karebhi* mwanakomana waHezroni akabereka vanakomana nemudzimai wake Azubha uye naJerioti, uye ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri, Shobhabhu, naAdhoni. 19 Azubha paakafa, Karebhi akaroora Efrati,+ uye akamuberekera Heri.+ 20 Heri akabereka Urai. Urai akabereka Bhezareri.+
21 Hezroni akazorara nemwanasikana waMakiri+ baba vaGiriyedhi.+ Paakamuroora, Hezroni akanga ava nemakore 60, uye akamuberekera Segubhu. 22 Segubhu akabereka Jairi,+ uyo aiva nemaguta 23 munyika yeGiriyedhi.+ 23 Gare gare vanhu veGeshuri+ neSiriya vakavatorera Havhoti-jairi,+ neKenati nemaguta madiki akaipoteredza, maguta 60. Vese ava vaiva vanhu vekwaMakiri baba vaGiriyedhi.
24 Pashure pekufa kwaHezroni+ kuKarebhi-efrata, Abhija mudzimai waHezroni akamuberekera Ashuri+ baba vaTekoa.*+
25 Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezroni vaiva, Ramu dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemu, naAhija. 26 Jerameeri aiva nemumwe mudzimai ainzi Atara. Ndiye aiva amai vaOnamu. 27 Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva Maazi, Jamini, naEkeri. 28 Vanakomana vaOnamu vaiva Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva Nadhabhi naAbhishuri. 29 Mudzimai waAbhishuri ainzi Abhihairi, uyo akamuberekera Abhani naMoridhi. 30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva Siredhi naApaimu. Asi Siredhi akafa asina vanakomana. 31 Mwanakomana* waApaimu aiva Ishi. Mwanakomana* waIshi aiva Sheshani, uye mwanakomana* waSheshani, Arai. 32 Vanakomana vaJadha munin’ina waShamai vaiva Jeteri naJonatani. Asi Jeteri akafa asina vanakomana. 33 Vanakomana vaJonatani vaiva Pireti naZaza. Ava ndivo vaiva vanhu vekwaJerameeri.
34 Sheshani akanga asina vanakomana, aingova nevanasikana chete. Zvino Sheshani aiva nemushandi wekuIjipiti ainzi Jaha. 35 Sheshani akapa mwanasikana wake kumushandi wake Jaha kuti ave mudzimai wake, uye akamuberekera Atai. 36 Atai akabereka Natani. Natani akabereka Zabhadhi. 37 Zabhadhi akabereka Efrari. Efrari akabereka Obhedhi. 38 Obhedhi akabereka Jehu. Jehu akabereka Azariya. 39 Azariya akabereka Herezi. Herezi akabereka Ereyasa. 40 Ereyasa akabereka Sismai. Sismai akabereka Sharumu. 41 Sharumu akabereka Jekamiya. Jekamiya akabereka Erishama.
42 Vanakomana vaKarebhi*+ munin’ina waJerameeri vaiva Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi, nevanakomana vaMarisha baba vaHebroni. 43 Vanakomana vaHebroni vaiva Kora, Tapua, Rekemu, naShema. 44 Shema akabereka Rahamu baba vaJokeyamu. Rekemu akabereka Shamai. 45 Mwanakomana waShamai aiva Maoni. Maoni ndiye aiva baba vaBheti-zuri.+ 46 Efa murongo* waKarebhi akabereka Harani, Moza, naGazezi. Harani akabereka Gazezi. 47 Vanakomana vaJadhayi vaiva Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa, naShaafi. 48 Maaka murongo* waKarebhi akabereka Shebheri naTihana. 49 Nekufamba kwenguva, akabereka Shaafi baba vaMadmana,+ Shevha baba vaMakibhena, naGibheya.+ Mwanasikana waKarebhi+ aiva Akisa.+ 50 Ava ndivo vaiva vanhu vakabva kuna Karebhi.
Vanakomana vaHeri+ dangwe raEfrata+ vaiva Shobhari baba vaKiriyati-jearimu,+ 51 Sarima baba vaBhetrehema,+ naHarefi baba vaBheti-gadheri. 52 Shobhari baba vaKiriyati-jearimu vaiva nevanakomana vaiti: Haroi nehafu yevaMenuhoti. 53 Mhuri dzaKiriyati-jearimu dzaiva vaItri,+ vaPuti, vaShumati, nevaMishrai. Ndivo vaiva madzitateguru evaZora+ nevaEshtaori.+ 54 Vanakomana vaSarima vaiva Bhetrehema,+ vaNetofa, Atroti-bheti-joabhi, hafu yevaManahati, nevaZori. 55 Mhuri dzevanyori dzaigara kuJabhezi dzaiva vaTirati, vaShimeyati, nevaSukati. Ava ndivo vaiva vaKeni+ vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.+
3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaDhavhidhi vakaberekerwa muHebroni:+ dangwe raiva Amnoni,+ akaberekwa naAhinoamu+ wekuJezreeri; wechipiri aiva Dhanieri, akaberekwa naAbhigairi+ wekuKameri; 2 wechitatu aiva Absaromu+ mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina aiva Adhonija+ mwanakomana waHagiti; 3 wechishanu aiva Shefatiya, akaberekwa naAbhitari; wechi6 aiva Itreyamu, akaberekwa naEgra mudzimai waDhavhidhi. 4 Vana 6 ava vakaberekerwa muHebroni; akatonga imomo kwemakore 7 nemwedzi 6, uye akatonga muJerusarema kwemakore 33.+
5 Ava ndivo vakaberekerwa muJerusarema:+ Shimea, Shobhabhu, Natani,+ naSoromoni;+ Bhati-shebha+ mwanasikana waAmieri ndiye aiva amai vavo vese vari vana. 6 Uye vamwe vanakomana 9 vaiva Ibhari, Erishama, Erifereti, 7 Noga, Nefegi, Jafiya, 8 Erishama, Eriyadha, naErifereti. 9 Vese ava vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingabatanidzi vanakomana vevarongo,* uye Tamari+ aiva hanzvadzi yavo.
10 Mwanakomana waSoromoni aiva Rehobhoamu,+ baba vaAbhija,+ uyo aiva baba vaAsa,+ uyo aiva baba vaJehoshafati,+ 11 uyo aiva baba vaJehoramu,+ uyo aiva baba vaAhaziya,+ uyo aiva baba vaJehoashi,+ 12 uyo aiva baba vaAmaziya,+ uyo aiva baba vaAzariya,+ uyo aiva baba vaJotamu,+ 13 uyo aiva baba vaAhazi,+ uyo aiva baba vaHezekiya,+ uyo aiva baba vaManase,+ 14 uyo aiva baba vaAmone,+ uyo aiva baba vaJosiya.+ 15 Vanakomana vaJosiya vaiva Johanani dangwe rake, wechipiri ari Jehoyakimu,+ wechitatu ari Zedhekiya,+ wechina ari Sharumu. 16 Mwanakomana waJehoyakimu aiva Jekoniya+ uyo aiva nemwanakomana ainzi Zedhekiya. 17 Vanakomana vaJekoniya musungwa vaiva Sheatiyeri, 18 Marikiramu, Pedhaya, Shenazari, Jekamiya, Hoshama, naNedhabhiya. 19 Vanakomana vaPedhaya vaiva Zerubhabheri+ naShimei; vanakomana vaZerubhabheri vaiva Meshuramu naHananiya (hanzvadzi yavo yaiva Sheromiti); 20 uye vamwe vanakomana vashanu vaiva Hashubha, Oheri, Bherekiya, Hasadhiya, naJushabhi-hesedhi. 21 Vanakomana vaHananiya vaiva Peratiya naJeshaya; mwanakomana* waJeshaya aiva Refaya; mwanakomana* waRefaya aiva Anani; mwanakomana* waAnani aiva Obhadhiya; mwanakomana* waObhadhiya aiva Shekaniya; 22 uye vanakomana vaShekaniya vaiva Shemaya nevanakomana vaShemaya: Hatushi, Igari, Bhariya, Neariya, naShafati, vese pamwe chete vari 6. 23 Vanakomana vaNeariya vaiva Erioenai, Hizkiya, naAzrikamu, vari vatatu. 24 Vanakomana vaErioenai vaiva Hodhavhiya, Eriyashibhi, Peraya, Akubhu, Johanani, Dheraya, naAnanai, vari 7.
4 Vanakomana vaJudha vaiva Perezi,+ Hezroni,+ Kami, Heri,+ naShobhari.+ 2 Reaya mwanakomana waShobhari, akabereka Jahati; Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaZora.+ 3 Ava ndivo vaiva vanakomana vababa* vaEtamu:+ Jezreeri, Ishma, naIdhibhashi (hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi), 4 uye Penueri aiva baba vaGedhori, uye Ezeri aiva baba vaHusha. Ava ndivo vaiva vanakomana vaHeri,+ dangwe raEfrata uye baba vaBhetrehema.+ 5 Ashuri+ baba vaTekoa+ vaiva nemadzimai maviri, Hera, naNaara. 6 Naara akamuberekera Ahuzamu, Heferi, Temeni, naHaahashtari. Ava ndivo vaiva vanakomana vaNaara. 7 Vanakomana vaHera vaiva Zereti, Izihari, naEtinani. 8 Kozi akabereka Anubhi, Zobhebha, nemhuri dzaAhaheri mwanakomana waHarumu.
9 Jabhezi aikudzwa chaizvo kupfuura hama dzake; uye amai vake vakamutumidza kuti Jabhezi,* vachiti: “Ndakamusununguka ndichirwadziwa.” 10 Jabhezi akashevedzera kuna Mwari waIsraeri, achiti: “Ndinokumbirawo kuti mundikomborere, mukudze nharaunda yangu uye kuti ruoko rwenyu ruve neni, mundichengete kuti ndisapinda mudambudziko, kuti pasava nechakaipa chinoitika kwandiri!” Saka Mwari akaita kuti zvaakanga akumbira zviitike.
11 Kerubhi hama yaShuha akabereka Mehiri, uyo aiva baba vaEshtoni. 12 Eshtoni akabereka Bheti-rafa, Paseya, naTehina baba vaIri-nahashi. Ava ndivo vaiva varume vekuReka. 13 Vanakomana vaKenazi vaiva Otinieri+ naSeraya, uye mwanakomana* waOtinieri aiva Hatati. 14 Meonotai akabereka Ofra. Seraya akabereka Joabhi baba vaGe-harashimu,* uyo aishevedzwa saizvozvo nekuti vanhu vacho vaiva mhizha.
15 Vanakomana vaKarebhi+ mwanakomana waJefune vaiva Iru, Eraa, naNaamu; uye mwanakomana* waEraa aiva Kenazi. 16 Vanakomana vaJeharereri vaiva Zifi, Zifa, Tiriya, naAsareri. 17 Vanakomana vaEzira vaiva Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni; mukadzi* wacho akabata pamuviri akabereka Miriyemu, Shamai, naIshbha baba vaEshtemoa. 18 (Mudzimai wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.) Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhitiya mwanasikana waFarao, uyo akaroorwa naMeredhi.
19 Vanakomana vemudzimai waHodhiya, hanzvadzi yaNahamu, vaiva baba vaKeira muGami nababa vaEshtemoa muMaakati. 20 Vanakomana vaShimoni vaiva Amnoni, Rina, Bheni-hanani, naTironi. Vanakomana vaIshi vaiva Zoheti naBheni-zoheti.
21 Vanakomana vaShera+ mwanakomana waJudha vaiva Ere baba vaReka, Raadha baba vaMarisha, nemhuri dzevagadziri vemachira akanaka chaizvo veimba yaAshbheya, 22 naJokimu, varume vekuKozebha, Joashi, naSarafi, avo vakava varume vevakadzi vechiMoabhi, naJashubhi-rehemu. Nhoroondo iyi yakanyorwa kare kare. 23 Vaiva vaumbi uye vaigara muNetaimu neGedhera. Vaigara ikoko uye vaishandira mambo.
24 Vanakomana vaSimiyoni+ vaiva Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera, naShauri.+ 25 Mwanakomana waShauri aiva Sharumu, aiva nemwanakomana ainzi Mibsamu, aiva nemwanakomana ainzi Mishma. 26 Vanakomana vaMishma vaiva Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake. 27 Shimei aiva nevanakomana 16 nevanasikana 6; asi hama dzake dzakanga dzisina vanakomana vakawanda, uye pamhuri dzavo hapana aiva nevanakomana vakawanda sevaiva nevarume vekwaJudha.+ 28 Vaigara muBheeri-shebha,+ muMoradha,+ muHazari-shuari,+ 29 muBhiriha, muEzemu,+ muToradhi, 30 muBhetueri,+ muHoma,+ muZikragi,+ 31 muBheti-makabhoti, muHazari-susimu,+ muBheti-bhiri, nemuShaaraimu. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi ava kutonga.
32 Misha yavo yaiva Etamu, Aini, Rimoni, Tokeni, neAshani,+ maguta mashanu, 33 pamwe chete nemisha yawo yese yaiva yakapoteredza maguta aya kusvika kuBhaari. Uku ndiko kunyorwa kwakaitwa mazita avo maererano nemadzinza avo uye idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. 34 Vamwe vaiva Meshobhabhi, Jamreki, Josha mwanakomana waAmaziya, 35 Joeri, Jehu mwanakomana waJoshibhiya mwanakomana waSeraya mwanakomana waAsieri, 36 naErioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya, 37 naZiza mwanakomana waShifi mwanakomana waEroni mwanakomana waJedhaya mwanakomana waShimri mwanakomana waShemaya; 38 ava vakanyorwa nemazita avo ndivo vaiva machinda pakati pemhuri dzavo, uye imba yemadzitateguru avo yakawedzera kukura. 39 Vakaenda pedyo neGedhori, kumabvazuva kwebani, kuti vatsvage mafuro ezvipfuwo zvavo. 40 Vakazowana mafuro akanaka ane uswa hwakawanda, uye nyika yacho yakanga yakakura, yakanyarara, uye isina chainetsa. Nzvimbo yacho yaimbogarwa nevanhu vekwaHamu.+ 41 Ava vane mazita akanyorwa vakauya mumazuva aMambo Hezekiya+ weJudha, vakaparadza matende evaHamu nevaMeunimu vaiva imomo. Vakavaparadza vese zvekuti hapasisina kana mumwe chete wavo aripo; uye vakagara munzvimbo yavo nekuti maiva nemafuro ezvipfuwo zvavo.
42 Vamwe vaSimiyoni, varume 500, vakaenda kuGomo reSeiri+ naPeratiya, Neariya, Refaya, naUzieri, vanakomana vaIshi avo vaivatungamirira. 43 Vakauraya vaAmareki vese+ vakanga vatiza, uye vachiri kugara ikoko nanhasi.
5 Ava ndivo vanakomana vaRubheni,+ dangwe raIsraeri. Ndiye aiva dangwe, asi nemhaka yekuti akasvibisa* mubhedha wababa vake,+ udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa+ mwanakomana waIsraeri, saka haana kunyorwa sedangwe pamazita emhuri yavo. 2 Kunyange zvazvo Judha+ akava pamusoro pevanakomana vababa vake, uye kwaari kuri iko kwakabva uya aizova mutungamiriri,+ udangwe hwaiva hwaJosefa. 3 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva Hanoki, Paru, Hezroni, naKami.+ 4 Vanakomana vaJoeri vaiva mwanakomana wake Shemaya, mwanakomana wake Gogi, mwanakomana wake Shimei, 5 mwanakomana wake Mika, mwanakomana wake Reaya, mwanakomana wake Bhaari, 6 uye mwanakomana wake Bheyera uyo akatapwa naMambo Tirigati-pirineseri+ weAsiriya. Bheyera aiva jinda revaRubheni. 7 Hama dzake sekunyorwa kwadzakaitwa maererano nemhuri dzavo dzaiva Jeyieri, uyo aiva mukuru wavo, naZekariya, 8 naBhira mwanakomana waAzazi mwanakomana waShema mwanakomana waJoeri. Vanhu veimba yaBhira vaigara muAroeri+ vachinosvika kuNebho nekuBhaari-meyoni.+ 9 Kumabvazuva nzvimbo yavaigara yaisvika panotangira renje paRwizi rwaYufratesi,+ nekuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda munyika yeGiriyedhi.+ 10 Mumazuva aSauro, vakarwa nevaHagri vakavakunda, saka vakagara mumatende avo munharaunda yese iri kumabvazuva kweGiriyedhi.
11 Vanhu vekwaGadhi vaigara pedyo navo munyika yeBhashani vachinosvika kuSareka.+ 12 Joeri ndiye aiva mukuru wavo, achiteverwa naShafamu, naJanayi naShafati uye vese vaiva muBhashani. 13 Hama dzavo dzemudzimba dzemadzibaba avo dzaiva Mikaeri, Meshuramu, Shebha, Jorai, Jakani, Ziya, naEbheri, vese pamwe chete vari 7. 14 Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri mwanakomana waJaroa mwanakomana waGiriyedhi mwanakomana waMikaeri mwanakomana waJeshishai mwanakomana waJadho mwanakomana waBhuzi. 15 Ahi mwanakomana waAbdhieri mwanakomana waGuni aiva mukuru weimba yemadzibaba avo. 16 Vaigara muGiriyedhi,+ muBhashani+ nemumaguta madiki aiva akaipoteredza, nemumafuro ese eSharoni kusvikira kwaaigumira. 17 Vese vakanyorwa maererano nemadzinza avo mumazuva aMambo Jotamu+ weJudha uye mumazuva aMambo Jerobhoamu*+ weIsraeri.
18 VaRubheni, nevaGadhi, nehafu yedzinza raManase vaiva nevarwi vane simba 44 760 muuto ravo, avo vaiva nenhoo nemapakatwa neuta,* uye vakanga vakadzidziswa hondo. 19 Vakarwa nevaHagri,+ naJeturi, naNafishi,+ naNodhabhu. 20 Vakabatsirwa kuvarwisa, zvekuti vaHagri nevese vavaiva navo vakaiswa muruoko rwavo, nekuti vakashevedzera kuna Mwari kuti avabatsire muhondo yacho, uye akanzwa kuteterera kwavo nekuti vaivimba naye.+ 21 Vakatora zvipfuwo zvavo, ngamera 50 000, makwai 250 000, nemadhongi 2 000, uye vakatapawo vanhu* 100 000. 22 Pakafa vanhu vakawanda nekuti hondo yacho yakarwiwa naMwari wechokwadi.+ Vakaramba vachigara munzvimbo yavo kusvikira panguva yavakatapwa.+
23 Hafu yedzinza raManase+ yakagara munyika yacho kubva kuBhashani kusvika kuBhaari-hemoni neSeniri nekuGomo reHemoni.+ Vakanga vakawanda chaizvo. 24 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba avo: Eferi, Ishi, Erieri, Azrieri, Jeremiya, Hodhavhiya, naJadhieri; vaiva varwi vane simba, varume vaiva nemukurumbira, uye vakuru vedzimba dzemadzibaba avo. 25 Asi vakaita zvisina kutendeka kuna Mwari wemadzitateguru avo, vakaita unzenza navanamwari vemarudzi enyika yacho+ akanga aparadzwa naMwari pamberi pavo. 26 Saka Mwari waIsraeri akaita kuti Mambo Puri weAsiriya+ (kureva, Mambo Tirigati-pirineseri+ weAsiriya) atape vaRubheni nevaGadhi nehafu yedzinza raManase, akavaendesa kuHeira, kuHabhori, kuHara, nekurwizi rwaGozani,+ uye vachiri ikoko nanhasi.
6 Vanakomana vaRevhi+ vaiva Geshoni, Kohati,+ naMerari.+ 2 Vanakomana vaKohati vaiva Amramu, Izihari,+ Hebroni, naUzieri.+ 3 Vana* vaAmramu+ vaiva Aroni,+ Mozisi,+ uye Miriyemu.+ Vanakomana vaAroni vaiva Nadhabhi, Abhihu,+ Eriyezari,+ naItamari.+ 4 Eriyezari akabereka Finiyasi;+ Finiyasi akabereka Abhishua. 5 Abhishua akabereka Bhuki; Bhuki akabereka Uzai. 6 Uzai akabereka Zerahiya; Zerahiya akabereka Merayoti. 7 Merayoti akabereka Amariya; Amariya akabereka Ahitubhu.+ 8 Ahitubhu akabereka Zadhoki;+ Zadhoki akabereka Ahimaazi.+ 9 Ahimaazi akabereka Azariya; Azariya akabereka Johanani. 10 Johanani akabereka Azariya. Aiva mupristi muimba yakavakwa naSoromoni muJerusarema.
11 Azariya akabereka Amariya; Amariya akabereka Ahitubhu. 12 Ahitubhu akabereka Zadhoki;+ Zadhoki akabereka Sharumu. 13 Sharumu akabereka Hirikiya;+ Hirikiya akabereka Azariya. 14 Azariya akabereka Seraya;+ Seraya akabereka Jehozadhaki.+ 15 Jehozadhaki akatapwa, Jehovha paakaendesa Judha neJerusarema kuutapwa achishandisa ruoko rwaNebhukadhinezari.
16 Vanakomana vaRevhi vaiva Geshomu,* Kohati, naMerari. 17 Aya ndiwo mazita evanakomana vaGeshomu: Ribhini naShimei.+ 18 Vanakomana vaKohati vaiva Amramu, Izihari, Hebroni, naUzieri.+ 19 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.
Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi maererano nemadzitateguru avo:+ 20 Kumhuri yekwaGeshomu+ kwaiva nemwanakomana wake Ribhini, mwanakomana wake Jahati, mwanakomana wake Zima, 21 mwanakomana wake Joa, mwanakomana wake Idho, mwanakomana wake Zera, mwanakomana wake Jeyaterai. 22 Vanakomana vaKohati vaiva* mwanakomana wake Aminadhabhi, mwanakomana wake Kora,+ mwanakomana wake Asiri, 23 mwanakomana wake Erikana, mwanakomana wake Ebhiyasafi,+ mwanakomana wake Asiri, 24 mwanakomana wake Tahati, mwanakomana wake Urieri, mwanakomana wake Uziya, mwanakomana wake Shauri. 25 Vanakomana vaErikana vaiva Amasai naAhimoti. 26 Kana ari Erikana, vanakomana vaErikana vaiva mwanakomana wake Zofai, mwanakomana wake Nahati, 27 mwanakomana wake Eriyabhi, mwanakomana wake Jerohamu, mwanakomana wake Erikana.+ 28 Vanakomana vaSamueri+ vaiva Joeri dangwe rake uye wechipiri aiva Abhija.+ 29 Vanakomana vaMerari vaiva* Mari,+ uye mwanakomana wake Ribhini, mwanakomana wake Shimei, mwanakomana wake Uza, 30 mwanakomana wake Shimea, mwanakomana wake Hagiya, uye mwanakomana wake Asaya.
31 Ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuti vatungamirire kuimba kwaiitwa paimba yaJehovha pashure pekunge Areka yaiswa* ipapo.+ 32 Vaitungamirira kuimba kwaiitwa patebhenekeri, iro tende rekusanganira, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha muJerusarema,+ uye vakaita basa ravo sekurayirwa kwavakaitwa.+ 33 Ava ndivo varume vaishumira vari pamwe chete nevanakomana vavo: KuvaKohati kwaiva naHemani+ muimbi, mwanakomana waJoeri+ mwanakomana waSamueri 34 mwanakomana waErikana+ mwanakomana waJerohamu mwanakomana waErieri mwanakomana waToa 35 mwanakomana waZufi mwanakomana waErikana mwanakomana waMahati mwanakomana waAmasai 36 mwanakomana waErikana mwanakomana waJoeri mwanakomana waAzariya mwanakomana waZefaniya 37 mwanakomana waTahati mwanakomana waAsiri mwanakomana waEbhiyasafi mwanakomana waKora 38 mwanakomana waIzihari mwanakomana waKohati mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri.
39 Hama yake Asafi+ yaimira kuruoko rwake rwerudyi; Asafi aiva mwanakomana waBherekiya mwanakomana waShimea 40 mwanakomana waMikaeri mwanakomana waBhaaseya mwanakomana waMarikija 41 mwanakomana waEtini mwanakomana waZera mwanakomana waAdhaya 42 mwanakomana waEtani mwanakomana waZima mwanakomana waShimei 43 mwanakomana waJahati mwanakomana waGeshomu mwanakomana waRevhi.
44 Vanhu vekwaMerari,+ hama dzavo, vaimira kuruoko rwake rweruboshwe; kwaiva naEtani+ mwanakomana waKishai mwanakomana waAbdhi mwanakomana waMaruki 45 mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waAmaziya mwanakomana waHirikiya 46 mwanakomana waAmzi mwanakomana waBhani mwanakomana waShemeri 47 mwanakomana waMari mwanakomana waMushi mwanakomana waMerari mwanakomana waRevhi.
48 Hama dzavo vaRevhi ndidzo dzakagadzwa pabasa rese repatebhenekeri, imba yaMwari wechokwadi.+ 49 Aroni nevanakomana vake+ vaiita kuti zvibayiro zvipfungaire paatari yekupisira zvibayiro+ nepaatari yerusenzi,+ vachiita mabasa aiva nechekuita nezvinhu zvitsvenetsvene, kuti vayananisire Israeri,+ maererano nezvese zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waMwari wechokwadi. 50 Ava ndivo vaiva vanhu vekwaAroni:+ mwanakomana wake Eriyezari,+ mwanakomana wake Finiyasi, mwanakomana wake Abhishua, 51 mwanakomana wake Bhuki, mwanakomana wake Uzai, mwanakomana wake Zerahiya, 52 mwanakomana wake Merayoti, mwanakomana wake Amariya, mwanakomana wake Ahitubhu,+ 53 mwanakomana wake Zadhoki,+ uye mwanakomana wake Ahimaazi.
54 Idzi ndidzo dzaiva nzvimbo dzavo dzekugara maererano nemisasa yavo* munharaunda dzavo: kana vari vazukuru vaAroni vekumhuri yevaKohati, avo vakava nemujenya wekutanga, 55 vakavapa Hebroni+ iri munyika yaJudha, nemafuro aiva akaipoteredza. 56 Asi munda weguta racho nemisha yaro vakazvipa Karebhi+ mwanakomana waJefune. 57 Vanhu vekwaAroni vakavapa maguta* ekupotera,+ Hebroni,+ uye Ribna+ nemafuro ayo, Jatiri,+ Eshtemoa nemafuro ayo,+ 58 Hireni nemafuro ayo, Dhebhiri+ nemafuro ayo, 59 Ashani+ nemafuro ayo, neBheti-shemeshi+ nemafuro ayo; 60 uye kubva kudzinza raBhenjamini vakapiwa Gebha+ nemafuro ayo, Aremeti nemafuro ayo, Anatoti+ nemafuro ayo. Maguta avo ese emhuri dzavo aiva 13.+
61 Vamwe vaKohati vese vakapiwa maguta 10,* akabva kumhuri yedzinza, akabva kuhafu yedzinza, hafu yaManase.+
62 VaGeshomu vakapiwa maguta 13 maererano nemhuri dzavo, akabva kudzinza raIsakari, dzinza raAsheri, dzinza raNaftari, nedzinza raManase muBhashani.+
63 VaMerari vakapiwa maguta 12 maererano nemhuri dzavo, pachishandiswa mujenya, akabva kudzinza raRubheni, kudzinza raGadhi, uye kudzinza raZebhuroni.+
64 Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya nemafuro awo.+ 65 Uyewo pachishandiswa mujenya vakavapa maguta aya akabva kudzinza raJudha, dzinza raSimiyoni, nedzinza raBhenjamini, maguta akanyorwa nemazita awo.
66 Dzimwe mhuri dzevaKohati dzaiva nemaguta akabva kudzinza raEfremu.+ 67 Vakavapa maguta* ekupotera, Shekemu+ nemafuro ayo munyika ine makomo yaEfremu, Gezeri+ nemafuro ayo, 68 Jokmeyamu nemafuro ayo, Bheti-horoni+ nemafuro ayo, 69 Aijaroni+ nemafuro ayo, neGati-rimoni+ nemafuro ayo; 70 uye kubva kuhafu yedzinza raManase, dzimwe mhuri dzese dzevaKohati dzakapiwa Aneri nemafuro ayo neBhireyamu nemafuro ayo.
71 Vakapa vaGeshomu Gorani+ iri muBhashani nemafuro ayo neAshtaroti nemafuro ayo,+ anova maguta akabva kuhafu yedzinza raManase; 72 uye kubva kudzinza raIsakari vakapiwa Kedheshi nemafuro ayo, Dhabherati+ nemafuro ayo,+ 73 Ramoti nemafuro ayo, neAnemu nemafuro ayo; 74 uye kubva kudzinza raAsheri vakapiwa Mashari nemafuro ayo, Abdhoni nemafuro ayo,+ 75 Hukoki nemafuro ayo, neRehobhu+ nemafuro ayo; 76 uye kubva kudzinza raNaftari vakapiwa Kedheshi+ iri muGarireya+ nemafuro ayo, Hamoni nemafuro ayo, neKiriyataimu nemafuro ayo.
77 Vamwe vaMerari vese vakavapa Rimono nemafuro ayo, Tabhori nemafuro ayo, anova maguta akabva kudzinza raZebhuroni;+ 78 uye munharaunda yeJodhani iri kuJeriko, kumabvazuva kwaJodhani, vakavapa kubva kudzinza raRubheni, Bhezeri iri murenje nemafuro ayo, Jahazi+ nemafuro ayo, 79 Kedhemoti+ nemafuro ayo, neMefaati nemafuro ayo; 80 uye kubva kudzinza raGadhi vakapiwa Ramoti iri muGiriyedhi nemafuro ayo, Mahanaimu+ nemafuro ayo, 81 Heshbhoni+ nemafuro ayo, neJazeri+ nemafuro ayo.
7 Vanakomana vaIsakari vaiva Tora, Pua, Jashubhi, naShimroni,+ vari vana. 2 Vanakomana vaTora vaiva Uzai, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibsamu, naShemueri, vari vakuru vedzimba dzemadzibaba avo. Kuna Tora kwakabva varwi vaiva nesimba, avo vaiva 22 600 mumazuva aDhavhidhi. 3 Vanhu* vekwaUzai vaiva Izrahiya nevanakomana vaIzrahiya vaiti: Mikaeri, Obhadhiya, Joeri, naIshiya, uye vese vari vashanu vaiva machinda.* 4 Uye muzvizvarwa zvavo maererano nedzimba dzemadzibaba avo vaiva nevarwi 36 000 muuto ravo vaikwanisa kuenda kuhondo, nekuti vaiva nemadzimai mazhinji nevanakomana vazhinji. 5 Hama dzavo dzekumhuri dzese dzekwaIsakari dzaiva varwi vane simba 87 000, sekunyorwa kwazvakaitwa muzvinyorwa zvemadzinza.+
6 Vanakomana vaBhenjamini+ vaiva Bhira,+ Bhekeri,+ naJedhiyaeri,+ vari vatatu. 7 Vanakomana vaBhira vaiva Ezbhoni, Uzai, Uzieri, Jerimoti, naIrii, vari vashanu. Vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba avo uye varwi vane simba, uye muzvinyorwa zvedzinza ravo vaiva 22 034.+ 8 Vanakomana vaBhekeri vaiva Zemira, Joashi, Eriyezeri, Erioenai, Omri, Jeremoti, Abhija, Anatoti, naAremeti, vese ava vaiva vanakomana vaBhekeri. 9 Muzvinyorwa zvedzinza ravo, zvevakuru vedzimba dzemadzibaba avo nevana vavo, vaiva varwi vane simba 20 200. 10 Vanakomana vaJedhiyaeri+ vaiva Bhirihani uye vanakomana vaBhirihani vaiva: Jeushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenaana, Zetani, Tashishi, naAhishahari. 11 Vese ava vaiva vanakomana vaJedhiyaeri, maererano nevakuru vedzimba dzemadzibaba avo, varwi vane simba 17 200 vaiva vakagadzirira kuenda kuhondo.
12 VaShupimu nevaHupimu vaiva vanakomana vaIri;+ vaHushimu vaiva vanakomana vaAheri.
13 Vanakomana vaNaftari+ vaiva Jazieri, Guni, Jezeri, naSharumu, vari vanhu* vekwaBhiriha.+
14 Vanakomana vaManase+ vaiva: Asrieri, akaberekwa nemurongo* wake wekuSiriya. (Murongo wacho akabereka Makiri+ baba vaGiriyedhi. 15 Makiri akawanira Hupimu naShupimu madzimai, uye hanzvadzi yake yainzi Maaka.) Wechipiri ainzi Zerofehadhi,+ asi Zerofehadhi aiva nevanasikana.+ 16 Maaka mudzimai waMakiri, akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Pereshi; uye mumwe mwanakomana wake ainzi Shereshi; uye vanakomana vake vaiva Uramu naRekemu. 17 Mwanakomana* waUramu aiva Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGiriyedhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase. 18 Hanzvadzi yake yaiva Hamoreketi, iyo yakabereka Ishihodhi, Abhi-ezeri, naMahra. 19 Vanakomana vaShemidha vaiva Ahiyani, Shekemu, Riki, naAniyamu.
20 Vanakomana vaEfremu+ vaiva Shutera,+ mwanakomana wake Bheredhi, mwanakomana wake Tahati, mwanakomana wake Ereyadha, mwanakomana wake Tahati, 21 mwanakomana wake Zabhadhi, mwanakomana wake Shutera, Ezeri, naEreyadhi. Varume vemuGati+ avo vakaberekerwa imomo vakaenda kunoba zvipfuwo zvevanakomana vaEfremu vakauraya Ezeri naEreyadhi. 22 Baba vavo Efremu vakachema kwemazuva mazhinji, uye hama dzavo dzakaramba dzichiuya kuzovanyaradza. 23 Pashure paizvozvo, akarara nemudzimai wake akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Asi akamutumidza kuti Bheria,* nekuti mukadzi wacho akamubereka panguva yakawirwa imba yake nedambudziko. 24 Mwanasikana wake aiva Sheera, uyo akavaka Bheti-horoni+ Yezasi+ neYekumusoro neUzeni-sheera. 25 Uye kwaivawo nemwanakomana wake Refa, naReshefi, uye mwanakomana wake Tira, mwanakomana wake Tahani, 26 mwanakomana wake Radhani, mwanakomana wake Amihudhi, mwanakomana wake Erishama, 27 mwanakomana wake Nuni, uye mwanakomana wake Joshua.*+
28 Nhaka yavo nenharaunda yavo yavaigara yaiva Bheteri+ nemaguta madiki akaipoteredza, uye kumabvazuva vaiva neNaarani, uye kumavirira vaiva neGezeri nemaguta madiki akaipoteredza, neShekemu nemaguta madiki akaipoteredza, vachinosvika kuAya* nemaguta madiki akaipoteredza; 29 uye pedyo nevanhu vekwaManase vaiva neBheti-sheyani+ nemaguta madiki akaipoteredza, Taanaki+ nemaguta madiki akaipoteredza, Megidho+ nemaguta madiki akaipoteredza, neDhori+ nemaguta madiki akaipoteredza. Umu ndimo maigara vanhu vekwaJosefa mwanakomana waIsraeri.
30 Vanakomana vaAsheri vaiva Imnaa, Ishvha, Ishvhi, naBheria,+ uye hanzvadzi yavo yaiva Sera.+ 31 Vanakomana vaBheria vaiva Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhizaiti. 32 Hebheri akabereka Jafreti, Shomeri, naHotamu, nehanzvadzi yavo Shua. 33 Vanakomana vaJafreti vaiva Pasaki, Bhimihari, naAshvhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafreti. 34 Vanakomana vaShemeri* vaiva Ahi, Roga, Jehubha, naAramu. 35 Vanakomana vehama yake Heremu* vaiva Zofa, Imna, Shereshi, naAmari. 36 Vanakomana vaZofa vaiva Sua, Haneferi, Shuari, Bherai, Imraa, 37 Bhezeri, Hodhi, Shaama, Shirisha, Itrani, naBheera. 38 Vanakomana vaJeteri vaiva Jefune, Pispa, naAra. 39 Vanakomana vaUra vaiva Araa, Hanieri, naRiziya. 40 Vese ava ndivo vaiva vanakomana vaAsheri, vakuru vedzimba dzemadzibaba avo, vakasarudzwa, varume vane simba, vakuru vemachinda; uye uwandu hwavo hwaiva muzvinyorwa zvemadzinza+ hwaisvika varume 26 000+ vaikwanisa kuenda kuhondo.
8 Bhenjamini+ akabereka Bhira,+ dangwe rake, wechipiri ari Ashbheri,+ wechitatu ari Ahara, 2 wechina ari Noha, uye wechishanu ari Rafa. 3 Vanakomana vaBhira vaiva Adhari, Gera,+ Abhihudhi, 4 Abhishua, Naamani, Ahoa, 5 Gera, Shefufani, naHuramu. 6 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEhudhi, vakuru vedzimba dzemadzibaba evagari vemuGebha,+ avo vakatapwa vakaendeswa kuManahati: 7 Naamani, Ahija, uye Gera uyo akavaendesa kuutapwa. Gera akabereka Aza naAhihudhi. 8 Shaharaimu akabereka vana munyika yeMoabhi, pashure pekunge avadzinga. Madzimai ake aiva Hushimu naBhaara.* 9 Nemudzimai wake Hodheshi akabereka Jobhabhu, Zibhiya, Mesha, Marikamu, 10 Jeuzi, Sakiya, naMima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vedzimba dzemadzibaba avo.
11 Hushimu akamuberekera Abhitubhu naEripaari. 12 Uye vanakomana vaEripaari vaiva Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono+ neRodhi+ nemaguta madiki akaipoteredza), 13 Bheria, naShema. Ava vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba evagari vemuAijaroni.+ Ndivo vakadzinga vagari vemuGati. 14 Uye kwaiva naAhiyo, Shashaki, Jeremoti, 15 Zebhadhiya, Aradhi, Edheri, 16 Mikaeri, Ishpa, Joha, vanakomana vaBheria; 17 naZebhadhiya, Meshuramu, Hizki, Hebheri, 18 Ishmerai, Izriya, Jobhabhu, vanakomana vaEripaari; 19 naJakimu, Zikri, Zabdhi, 20 Erienai, Ziretai, Erieri, 21 Adhaya, Bheraya, Shimrati, vanakomana vaShimei; 22 naIshpani, Ebheri, Erieri, 23 Abdhoni, Zikri, Hanani, 24 Hananiya, Eramu, Anatotija, 25 Ifidheya, Penueri, vanakomana vaShashaki; 26 naShamsherai, Shehariya, Atariya, 27 Jaareshiya, Eriya, Zikri, vanakomana vaJerohamu. 28 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba muzvizvarwa zvavo. Vakuru vacho vaigara muJerusarema.
29 Jeyieri baba vaGibhiyoni, aigara muGibhiyoni.+ Mudzimai wake ainzi Maaka.+ 30 Mwanakomana wake wedangwe aiva Abdhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Nadhabhi, 31 Gedhori, Ahiyo, naZekeri. 32 Mikroti akabereka Shimeya. Uye vese vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema pamwe chete nedzimwewo hama dzavo.
33 Neri+ akabereka Kishi; Kishi akabereka Sauro;+ Sauro akabereka Jonatani,+ Mariki-shua,+ Abhinadhabhi,+ naEshbhaari.*+ 34 Mwanakomana waJonatani aiva Meribhi-bhaari.*+ Meribhi-bhaari akabereka Mika.+ 35 Vanakomana vaMika vaiva Pitoni, Mereki, Tarea, naAhazi. 36 Ahazi akabereka Jehoadha; Jehoadha akabereka Aremeti, Azmavheti, naZimri. Zimri akabereka Moza. 37 Moza akabereka Bhineya, aiva nemwanakomana ainzi Rafaa, aiva nemwanakomana ainzi Ereyasa, aiva nemwanakomana ainzi Azeri. 38 Azeri aiva nevanakomana 6, uye mazita avo aiva: Azrikamu, Bhokeru, Ishmaeri, Sheariya, Obhadhiya, naHanani. Vese ava vaiva vanakomana vaAzeri. 39 Vanakomana vaEsheki hama yake vaiva Uramu dangwe rake, wechipiri ari Jeushi, uye wechitatu ari Erifereti. 40 Vanakomana vaUramu vaiva varwi vane simba vaigona kushandisa* uta, uye vaiva nevanakomana nevazukuru vazhinji, vaiva 150. Vese ava vaiva vekwaBhenjamini.
9 VaIsraeri vese vakanyorwa maererano nemadzinza avo, uye vakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri. VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nemhaka yekusatendeka kwavo.+ 2 Vanhu vakanga vari vekutanga kudzokera kunogara kunhaka yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vapristi, vaRevhi, nevashandi vepatemberi.*+ 3 Vamwe vanhu vekwaJudha,+ nevekwaBhenjamini,+ nevekwaEfremu, nevekwaManase vakanogara muJerusarema uye vaiva: 4 Utai mwanakomana waAmihudhi mwanakomana waOmri mwanakomana waImri mwanakomana waBhani, wekwaPerezi+ mwanakomana waJudha. 5 Uye kuvaShiro, kwaiva naAsaya uyo aiva dangwe, nevanakomana vake. 6 Kuvanakomana vaZera+ kwaiva naJeueri nehama dzavo 690.
7 KwaBhenjamini kwaiva naSaruu mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waHodhavhiya mwanakomana waHasenua, 8 Ibneya mwanakomana waJerohamu, Eraa mwanakomana waUzai mwanakomana waMikri, naMeshuramu mwanakomana waShefatiya mwanakomana waReueri mwanakomana waIbnija. 9 Hama dzavo semanyorerwo azvakaitwa muzvinyorwa zvedzinza ravo dzaiva 956. Varume ava vese vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba avo.*
10 Kuvapristi kwaiva naJedhaya, Jehoyaribhi, Jakini,+ 11 Azariya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu, mutungamiriri weimba* yaMwari wechokwadi, 12 Adhaya mwanakomana waJerohamu mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikija, Maasai mwanakomana waAdhieri mwanakomana waJazera mwanakomana waMeshuramu mwanakomana waMeshiremiti mwanakomana waImeri, 13 nehama dzavo, vakuru vedzimba dzemadzibaba, varume 1 760 vaiva nesimba uye vaivimbwa navo, vainge vakagadzirira kuita basa repaimba yaMwari wechokwadi.
14 KuvaRevhi kwaiva naShemaya+ mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzrikamu mwanakomana waHashabhiya vese vari vekwaMerari; 15 naBhakbhakari, Hereshi, Garari, Mataniya mwanakomana waMaika mwanakomana waZikri mwanakomana waAsafi, 16 Obhadhiya mwanakomana waShemaya mwanakomana waGarari mwanakomana waJedhutuni, naBherekiya mwanakomana waAsa mwanakomana waErikana, uyo aigara mumisha yevaNetofa.+
17 Varindi vepamagedhi+ vaiva Sharumu, Akubhu, Tarimoni, Ahimani, nehama yavo Sharumu uyo aiva mukuru wavo, 18 uye kusvikira panguva iyoyo aiva pagedhi ramambo kumabvazuva.+ Ava ndivo vaiva varindi vepamagedhi emisasa yevaRevhi. 19 Sharumu mwanakomana waKore mwanakomana waEbhiyasafi mwanakomana waKora, nehama dzake dzeimba yababa vake, dzekwaKora, vaitungamirira basa, vachichengeta masuo etende, uye madzitateguru avo aivawo vatungamiriri vemusasa waJehovha, achichengeta panopindwa napo. 20 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari+ ndiye aimbova mutungamiriri wavo kare; Jehovha aiva naye. 21 Zekariya+ mwanakomana waMesheremiya aiva murindi wepasuo retende rekusanganira.
22 Vese vakasarudzwa kuti vave varindi vepamagedhi vaiva 212. Vainge vagere mumisha yavo vachitevera manyorerwo ainge akaitwa madzinza avo.+ Dhavhidhi naSamueri muoni+ ndivo vakavagadza pabasa ravo nekuti vakanga vakavimbika. 23 Ivo nevanakomana vavo vaitungamirira basa rekurinda magedhi eimba yaJehovha,+ iyo imba yetende. 24 Varindi vepamagedhi vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kuchamhembe, nekumaodzanyemba.+ 25 Nguva nenguva, hama dzavo dzaifanira kuuya kubva kumisha yadzo dzoita mazuva 7 dzichishanda pamwe chete navo. 26 Paiva nevakuru vana vevarindi vepamagedhi vakagadzwa kuti vaite basa racho nekuti vaiva vakavimbika. Vaiva vaRevhi, uye vaiona nezvedzimba* nemaichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi.+ 27 Vaipedza usiku hwese vari munzvimbo dzavo kumativi ese eimba yaMwari wechokwadi, nekuti vaiita basa rekurinda, uye vaichengeta kiyi vachivhura imba yacho mangwanani ega ega.
28 Vamwe vavo vaiona nezvemidziyo+ yebasa racho; vaiiverenga pavaipinda nayo voiverengazve pavaiibudisa. 29 Vamwe vavo vakagadzwa kuti vaone nezvemidziyo, nemidziyo yese mitsvene,+ nefurawa yakatsetseka,+ waini,+ mafuta,+ zvinonhuhwirira zvichena,+ nemafuta ebharisamu.+ 30 Vamwe vanakomana vevapristi vaigadzira musanganiswa wemafuta ebharisamu. 31 Matitiya wekuvaRevhi, uyo aiva dangwe raSharumu wekwaKora, akagadzwa kuti aone nezvezvinhu zvaibikirwa mupani+ nekuti aiva akavimbika. 32 Dzimwe hama dzavo dzekuvaKohati, dzaiona nezvezvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ dzichibika zvingwa zvacho pasabata rimwe nerimwe.+
33 Ava ndivo vaiva vaimbi, vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi. Vaimbi ava vaiva mudzimba.* Vakanga vasingapiwi mamwe mabasa; nekuti vaifanira kuva pabasa ravo siku nesikati. 34 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi semanyorerwo azvakaitwa muzvinyorwa zvedzinza ravo, vari vatungamiriri. Vaigara muJerusarema.
35 Jeyieri baba vaGibhiyoni, aigara muGibhiyoni.+ Mudzimai wake ainzi Maaka. 36 Mwanakomana wake wedangwe aiva Abdhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi, 37 Gedhori, Ahiyo, Zekariya, naMikroti. 38 Mikroti akabereka Shimeyamu. Uye vese vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema pamwe chete nedzimwewo hama dzavo. 39 Neri+ akabereka Kishi; Kishi akabereka Sauro;+ Sauro akabereka Jonatani,+ Mariki-shua,+ Abhinadhabhi,+ naEshbhaari. 40 Mwanakomana waJonatani aiva Meribhi-bhaari.+ Meribhi-bhaari akabereka Mika.+ 41 Vanakomana vaMika vaiva Pitoni, Mereki, Tareya, naAhazi. 42 Ahazi akabereka Jara; Jara akabereka Aremeti, Azmavheti, naZimri. Zimri akabereka Moza. 43 Moza akabereka Bhineya aiva nemwanakomana ainzi Refaya, aiva nemwanakomana ainzi Ereyasa, aiva nemwanakomana ainzi Azeri. 44 Azeri aiva nevanakomana 6 uye mazita avo aiva Azrikamu, Bhokeru, Ishmaeri, Sheariya, Obhadhiya, naHanani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaAzeri.
10 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri. Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+ 2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMariki-shua,+ vanakomana vaSauro. 3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana, vakamukuvadza.+ 4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa varege kuuya, vondiitira utsinye.”+ Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+ 5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa, iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa. 6 Saka Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa, uye vese veimba yake vakafa pamwe chete.+ 7 VaIsraeri vese vaiva mubani pavakaona kuti munhu wese akanga atiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta avo vachitiza; vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.
8 Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vakafa muGomo reGiribhoa.+ 9 Saka vakatora zvipfeko zvake, vakadimbura musoro wake, vakatora zvombo zvake* uye vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho kuzvidhori zvavo+ nekuvanhu vacho. 10 Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba* yamwari wavo vakaroverera dehenya rake paimba yaDhagoni.+
11 Vanhu vese vekuJabheshi+ iri muGiriyedhi pavakanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya,+ 12 varwi vese vakasimuka, vakatakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake. Vakaenda nazvo kuJabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pemuti mukuru uri muJabheshi,+ uye vakatsanya kwemazuva 7.
13 Saka Sauro akafira kusatendeka kwake kuna Jehovha nekuti akanga asina kuteerera shoko raJehovha,+ uyewo nekuti akabvunza svikiro+ 14 pane kubvunza Jehovha. Saka akamuuraya, akapa Dhavhidhi mwanakomana waJese umambo.+
11 Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vese vakaungana kwaiva naDhavhidhi kuHebroni+ vakati kwaari: “Inzwai! Tiri pfupa renyu nenyama yenyu.*+ 2 Kare Sauro paaiva mambo, ndimi maitungamirira vaIsraeri pavaienda kunorwa.*+ Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri: ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri, uye uchava mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.’”+ 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva namambo kuHebroni, uye Dhavhidhi akaita sungano navo pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Samueri.+
4 Gare gare Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakaenda kuJerusarema, kureva Jebhusi,+ nyika yaigarwa nevaJebhusi.+ 5 Vagari vekuJebhusi vakashora Dhavhidhi vachiti: “Hausi kuzopinda muno!”+ Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akatora nhare* yeZiyoni,+ iyo yava kunzi Guta raDhavhidhi.+ 6 Saka Dhavhidhi akati: “Anenge atanga kuuraya vaJebhusi achava mutungamiriri* uye muchinda.” Joabhi+ mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda, uye akava mutungamiriri. 7 Dhavhidhi akabva atanga kugara munhare yacho. Ndokusaka vakaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. 8 Akatanga kuvaka guta racho kumativi ese, kubva paMurwi Wevhu* kusvika kune dzimwe nharaunda dzaro, uye Joabhi akagadziridza zvimwe zvinhu zvese zveguta racho. 9 Saka Dhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba,+ uye Jehovha wemauto aiva naye.
10 Ava ndivo vakuru vevarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba, vaimutsigira zvakasimba muumambo hwake, pamwe chete nevaIsraeri vese, kuti vamuite mambo maererano neshoko raJehovha pamusoro paIsraeri.+ 11 Aya ndiwo mazita evarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba: Jashobheyamu+ mukuru wevatatu+ uyo aiva mwanakomana wemuHakimoni. Pane imwe nguva akatora pfumo rake akauraya vanhu 300.+ 12 Aiteverwa naEriyezari+ mwanakomana waDhodho muAhohi.+ Aiva mumwe wevarwi vacho vatatu vaiva nesimba. 13 Aiva naDhavhidhi kuPasi-dhamimu,+ kwakanga kwaungana vaFiristiya kuti varwe. Zvino kwaiva nemunda wakanga uzere bhari, uye vanhu vakanga vatiza vaFiristiya. 14 Asi iye akamira pakati pemunda wacho akaita kuti usatorwa uye akaramba achiuraya vaFiristiya, zvekuti Jehovha akaita kuti pave nekukunda kukuru.*+
15 Vakuru vatatu pavakuru 30, vakaenda kudombo kwaiva naDhavhidhi kubako reAdhuramu,+ uto revaFiristiya parakanga rakadzika musasa muBani reRefaimu.+ 16 Panguva iyoyo Dhavhidhi aiva munhare, uye paiva nevarwi vevaFiristiya vaiva muBhetrehema. 17 Dhavhidhi akabva ataura zvaiva pamwoyo pake achiti: “Kudai ndaikwanisa hangu kunwa mvura yemumugodhi uri pedyo negedhi rekuBhetrehema!”+ 18 Vatatu vacho vakabva vapinda mumusasa wevaFiristiya nechisimba, vakachera mvura mumugodhi waiva pedyo negedhi rekuBhetrehema, vakaenda nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi akaramba kuinwa, akaidururira pasi pamberi paJehovha. 19 Iye akati: “Handingamboiti zvakadaro kuna Mwari wangu! Ndinganwa ropa revarume ava vaisa upenyu hwavo* pangozi here?+ Nekuti vaisa upenyu hwavo* pangozi kuti vauye nayo.” Saka akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nevarwi vake vatatu vaiva nesimba.
20 Abhishai+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi+ akava mukuru wevamwe vatatu; akatora pfumo rake akauraya vanhu 300, uye aiva nembiri yakaita seyevatatu vaya.+ 21 Pavamwe vatatu vacho, ndiye aikudzwa kupfuura vamwe vaviri, uye ndiye aiva mukuru wavo; asi haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vekutanga.
22 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha aiva murume akashinga* akaita mabasa mazhinji muKabhuzeeri.+ Akauraya vanakomana vaviri vaArieri wekuMoabhi, uye akapinda mugomba mumwe musi kuchinaya chando, akauraya shumba.+ 23 Akaurayawo mumwe murume wekuIjipiti akanga akanyanyisa kukura, akareba makubhiti mashanu.*+ Kunyange zvazvo muIjipiti wacho akanga akabata pfumo rakaita sedanda revanogadzira machira,+ akaenda kunorwa naye aine tsvimbo, akabvuta pfumo racho muruoko rwemuIjipiti wacho, akamuuraya nepfumo rake.+ 24 Izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, uye aiva nembiri yakaita seyevarwi vatatu vaiva nesimba. 25 Kunyange zvazvo aikudzwa kutopfuura vane makumi matatu, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vaya.+ Asi Dhavhidhi akamugadza kuva mukuru wevarindi vake.
26 Varwi vaiva nesimba muuto vaiva Asaheri+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi, Erihanani mwanakomana waDhodho wekuBhetrehema,+ 27 Shamoti muHarori, Herezi muPeroni, 28 Ira+ mwanakomana waIkeshi muTekoa, Abhi-ezeri+ muAnatoti, 29 Sibhekai+ muHusha, Irai muAhohi, 30 Maharai+ muNetofa, Heredhi+ mwanakomana waBhaana muNetofa, 31 Itayi mwanakomana waRibhai wekuGibhiya yevaBhenjamini,+ Bhenaya muPiratoni, 32 Hurai wekunzizi* dzeGaashi,+ Abhieri muAbhati, 33 Azmavheti muBhaharumu, Eriyabha muShaaribhoni, 34 vanakomana vaHashemu muGizoni, Jonatani mwanakomana waShagee muHarari, 35 Ahiyamu mwanakomana waSakari muHarari, Erifari mwanakomana waUri, 36 Heferi muMekera, Ahija muPeroni, 37 Hezro muKameri, Naarai mwanakomana waEzbhai, 38 Joeri hama yaNatani, Mibhari mwanakomana waHagri, 39 Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mutakuri wezvombo zvaJoabhi mwanakomana waZeruya; 40 Ira muItri, Garebhi muItri, 41 Uriya+ muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai, 42 Adhina mwanakomana waShiza wekwaRubheni, mukuru wevaRubheni, nevamwe 30 vaaiva navo; 43 Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitni, 44 Uzia muAshterati, Shama naJeyieri, vanakomana vaHotamu muAroeri; 45 Jedhiyaeri mwanakomana waShimri, nehama yake Joha muTizi; 46 Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavhiya vanakomana vaErinaamu, naItima muMoabhi; 47 Erieri, Obhedhi, naJaasieri muMezobha.
12 Ava ndivo varume vakaenda kwaiva naDhavhidhi kuZikragi+ paakanga asingakwanisi kufamba akasununguka nemhaka yaSauro+ mwanakomana waKishi, uye vaiva vamwe vevarwi vane simba vaimubatsira muhondo.+ 2 Vaiva neuta, uye vaikwanisa kupotsera matombo nechipfuramabwe+ kana kupfura miseve neuta vachishandisa ruoko rwerudyi kana rweruboshwe.+ Vaiva hama dzaSauro dzekwaBhenjamini.+ 3 Mukuru wavo aiva Ahiezeri, pamwe chete naJoashi, vese vari vanakomana vaShemaa muGibhiya;+ Jezieri naPereti vanakomana vaAzmavheti,+ Bheraka, Jehu muAnatoti, 4 Ishmaya muGibhiyoni,+ murwi aiva nesimba pakati pevane makumi matatu+ ari mukuru wevane makumi matatu vacho; uyewo Jeremiya, Jahazieri, Johanani, Jozabhadhi muGedhera, 5 Eruzai, Jerimoti, Bheariya, Shemariya, Shefatiya muHarifi, 6 Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri, naJashobheyamu, vekwaKora;+ 7 naJoera naZebhadhiya vanakomana vaJerohamu wekuGedhori.
8 Paivawo nevamwe vaGadhi vakaenda kunobatana naDhavhidhi kunhare* yaiva murenje;+ vaiva varwi vane simba uye mauto akadzidziswa hondo. Vaigara vakagadzirira vaine nhoo huru nemapfumo, uye zviso zvavo zvakanga zvakaita sezveshumba, vachimhanya semhara dziri mumakomo. 9 Ezeri ndiye aiva shasha yavo, Obhadhiya ari wechipiri, Eriyabhi ari wechitatu, 10 Mishmana ari wechina, Jeremiya ari wechishanu, 11 Atai ari wechi6, Erieri ari wechi7, 12 Johanani ari wechi8, Erizabhadhi ari wechi9, 13 Jeremiya ari wechi10, Makibhanai ari wechi11. 14 Ava vaiva vekwaGadhi,+ vakuru veuto. Mudiki wavo akanga akaenzana nevarwi 100, uye mukuru wacho nevarwi 1 000.+ 15 Ava ndivo varume vakayambuka Rwizi rwaJodhani mumwedzi wekutanga parwakanga rwakafashukira kumahombekombe arwo, uye vakadzinga vanhu vese vaigara mumapani, kumabvazuva nekumavirira.
16 Vamwe varume vekwaBhenjamini nevekwaJudha vakauyawo kwaiva naDhavhidhi kunhare yake.+ 17 Dhavhidhi akabva abuda, akasangana navo, akati kwavari: “Kana mauya kwandiri nerugare kuzondibatsira, mwoyo wangu uchabatana nemi. Asi kana mauya kuti muzonditengesa kumhandu dzangu, iwo maoko angu asina chakaipa chaaita, Mwari wemadzibaba edu ngaazvione, atonge.”+ 18 Mweya waMwari wakabva wauya pana Amasai,+ mukuru wevane makumi matatu akati:
“Tiri vako, haiwa Dhavhidhi, uye tiri kudivi rako, haiwa mwanakomana waJese.+
Rugare, rugare ngaruve newe, uye rugare ngaruve neari kukubatsira,
Nekuti Mwari wako ari kukubatsira.”+
Saka Dhavhidhi akavagamuchira, akavagadza kuti vave vamwe vevakuru vevarwi.
19 Vamwe vekwaManase vakabatanawo naDhavhidhi paakauya nevaFiristiya kuzorwa naSauro; asi haana kubatsira vaFiristiya, nekuti pashure pekunge madzishe evaFiristiya+ ataurirana, akamudzinga achiti: “Achatiza obatana nashe wake Sauro, uye tichaurayiwa.”+ 20 Paakaenda kuZikragi,+ varume vanotevera vekwaManase vakatiza vakanobatana naye: Adnaa, Jozabhadhi, Jedhiyaeri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu, naZiretai, vakuru vezviuru vekwaManase.+ 21 Vakabatsira Dhavhidhi kurwisa boka revapambi, nekuti vese vaiva varume vane simba, vakashinga,+ uye vakava vakuru muuto racho. 22 Zuva nezuva vanhu vakaramba vachiuya kuna Dhavhidhi+ kuzomubatsira kusvikira musasa wacho wakura semusasa waMwari.+
23 Uku ndiko kuwanda kwevatungamiriri vevaya vakanga vakagadzirira kurwa vakauya kuna Dhavhidhi kuHebroni+ kuti vamupe umambo hwaSauro sezvakanga zvarayirwa naJehovha.+ 24 Varume vekwaJudha avo vaiva nenhoo huru nemapfumo vaiva 6 800, uye vainge vakagadzirira hondo. 25 Pavanhu vekwaSimiyoni, varume vaiva muuto, vaine simba uye vakashinga, vaiva 7 100.
26 PavaRevhi paiva ne4 600. 27 Jehoyadha+ ndiye aiva mutungamiriri wevanakomana vaAroni,+ uye vaaiva navo vaiva 3 700, 28 pamwe chete naZadhoki,+ jaya raiva nesimba uye rakashinga, nevakuru 22 vemuimba yemadzibaba ake.
29 PavaBhenjamini, hama dzaSauro,+ paiva ne3 000, uye vakawanda vacho vaimbotsigira imba yaSauro. 30 PavaEfremu paiva nevarume 20 800 vaiva nesimba, vakashinga uye vaiva nemukurumbira mudzimba dzemadzibaba avo.
31 Pahafu yedzinza raManase paiva ne18 000 vakanga vasarudzwa nemazita kuti vauye kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo. 32 Padzinza raIsakari, vaya vainzwisisa nguva uye vaiziva zvaifanira kuitwa nevaIsraeri vaiva vatungamiriri 200 vedzinza racho, uye hama dzavo dzese dzaiva pasi pavo. 33 KwaZebhuroni kwaiva ne50 000 vaikwanisa kupinda muuto, vaigona kurwa vakaronga uto ravo vaine zvombo zvese zvehondo, vese vakabatana naDhavhidhi vakanyatsozvipira kwaari.* 34 KwaNaftari kwaiva nevakuru 1 000 uye vaiva nevanhu 37 000 vaiva nenhoo huru nemapfumo. 35 KuvaDhani, vaya vaigona kurwa vakaronga uto ravo vaiva 28 600. 36 KwaAsheri, vaya vaikwanisa kupinda muuto kuti varwe vakaronga uto ravo vaiva 40 000.
37 Mhiri kwaJodhani,+ kuvaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase, kwaiva nevarwi 120 000 vaiva nemhando dzese dzezvombo. 38 Vese ava vaiva varume vehondo vaigona kurwa vari muuto rakarongwa; vakauya nemwoyo wese kuHebroni kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo wevaIsraeri vese, uyewo vamwe vaIsraeri vese vaida* kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo.+ 39 Vakaramba vaina Dhavhidhi ikoko kwemazuva matatu, vachidya nekunwa zvavakanga vagadzirirwa nehama dzavo. 40 Uyewo vaya vaiva pedyo navo, kunyange vaya vaiva kure, kwaIsakari, Zebhuroni, nekwaNaftari, vaiuya nezvekudya zvakatakurwa nemadhongi, ngamera, manyurusi, nemombe, zvekudya zvaiti furawa, makeke emaonde akaomeswa neemazambiringa akaomeswa, waini, mafuta, nemombe nemakwai zvakawanda, nekuti muIsraeri maiva nemufaro mukuru.
13 Dhavhidhi akataura nevakuru vezviuru nevemazana nevatungamiriri vese.+ 2 Dhavhidhi akabva ati kuungano yese yaIsraeri: “Kana zvakanaka kwamuri uye kana zvakanaka kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munzvimbo dzese dzeIsraeri uyewo kuvapristi nevaRevhi vari mumaguta avo+ ane mafuro, kuti vauye vazobatana nesu. 3 Uye ngatidzosei Areka+ yaMwari wedu.” Nekuti vakanga vasingaichengeti zvakanaka mumazuva aSauro.+ 4 Ungano yese yakabvumirana nazvo, nekuti vanhu vese vakazviona sezvakanaka. 5 Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vese kubva kurwizi rweIjipiti* kusvika kuRebhohamati,*+ kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu.+
6 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakakwidza kuBhaara,+ kuKiriyati-jearimu yeJudha, kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi, iye Jehovha, uyo agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ panoshevedzwa zita rake. 7 Asi vakaisa Areka yaMwari wechokwadi mungoro itsva+ uye vakaibvisa kumba kwaAbhinadhabhi, uye Uza naAhiyo ndivo vaifambisa ngoro yacho.+ 8 Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakanga vachipembera pamberi paMwari wechokwadi nesimba ravo rese, vachiimba nziyo, vachiridza udimbwa, nezvimwe zviridzwa zvine tambo, nematambureni,+ nesimbi dzinorovaniswa,+ nemabhosvo.+ 9 Asi pavakasvika paburiro* raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake akabata Areka yacho, nekuti yakanga yava kudonhedzwa nemombe. 10 Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, uye akamurova nekuti akanga atambanudzira ruoko rwake kuAreka,+ uye akafira ipapo pamberi paMwari.+ 11 Asi Dhavhidhi akatsamwa nekuti Jehovha akanga aratidza hasha dzake kuna Uza; uye nzvimbo iyoyo inonzi Perezi-uza* nanhasi.
12 Saka Dhavhidhi akatya Mwari wechokwadi pazuva iroro uye akati: “Ndichaunza sei Areka yaMwari wechokwadi kuguta rangu?”+ 13 Dhavhidhi haana kuunza Areka yacho kwaaiva kuGuta raDhavhidhi, asi akaita kuti iendeswe kumba kwaObhedhi-edhomu wekuGati. 14 Areka yaMwari wechokwadi yaiva kumba kwaObhedhi-edhomu uye yakaramba iri ikoko kwemwedzi mitatu. Jehovha akaramba achikomborera imba yaObhedhi-edhomu nezvese zvaaiva nazvo.+
14 Mambo Hiramu+ weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematombo,* nevavezi vematanda kuti vamuvakire imba.*+ 2 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga asimbisa umambo hwake pana Israeri,+ nekuti akasimudzira chaizvo umambo hwake achiitira vanhu vake vaIsraeri.+
3 Dhavhidhi akatora mamwe madzimai+ muJerusarema, uye Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana nevanasikana.+ 4 Aya ndiwo mazita evana vaakabereka muJerusarema:+ Shamua, Shobhabhu, Natani,+ Soromoni,+ 5 Ibhari, Erishua, Eripereti, 6 Noga, Nefegi, Jafiya, 7 Erishama, Bheeriyadha, naErifereti.
8 VaFiristiya pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga azodzwa kuti ave mambo wevaIsraeri vese,+ vaFiristiya vese vakakwidza vachienda kunotsvaga Dhavhidhi.+ Dhavhidhi paakazvinzwa, akabuda kuti anorwa navo. 9 VaFiristiya vakabva vauya, uye vairamba vachirwisa vagari vemuBani reRefaimu.+ 10 Dhavhidhi akabvunza Mwari, achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akabva ati kwaari: “Enda, nekuti chokwadi ndichavaisa muruoko rwako.”+ 11 Saka Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu,+ uye akavauraya ikoko. Dhavhidhi akabva ati: “Mwari wechokwadi apaza vavengi vangu achishandisa ruoko rwangu, sekupazwa kunoitwa madziro nemvura.” Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhaari-perazimu.* 12 VaFiristiya vakasiya vanamwari vavo ipapo, uye pashure pekunge Dhavhidhi apa murayiro, vanamwari vacho vakapiswa mumoto.+
13 Gare gare vaFiristiya vakarwisazve mubani.+ 14 Dhavhidhi akabva abvunzazve Mwari, asi Mwari wechokwadi akati kwaari: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka.+ 15 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva warwisa, nekuti Mwari wechokwadi achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.”+ 16 Saka Dhavhidhi akaita zvaakarayirwa naMwari wechokwadi,+ uye vakaparadza uto revaFiristiya kubva kuGibhiyoni kusvika kuGezeri.+ 17 Mukurumbira waDhavhidhi wakapararira kunyika dzese, uye Jehovha akaita kuti marudzi ese amutye.+
15 Akaramba achizvivakira dzimba muGuta raDhavhidhi, uye akagadzira nzvimbo yekuisa Areka yaMwari wechokwadi, akaidzikira tende.+ 2 Panguva iyoyo Dhavhidhi ndipo paakati: “Hapana anofanira kutakura Areka yaMwari wechokwadi kunze kwevaRevhi, nekuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure Areka yaJehovha, uye kuti varambe vachimushumira.”+ 3 Dhavhidhi akabva aunganidza vaIsraeri vese kuJerusarema kuti vaunze Areka yaJehovha kunzvimbo yaakanga aigadzirira.+
4 Dhavhidhi akaunganidza vanhu vekwaAroni+ nevaRevhi:+ 5 pavaKohati paiva naUrieri mukuru wavo nehama dzake 120; 6 pavaMerari paiva naAsaya+ mukuru wavo nehama dzake 220; 7 pavaGeshomu paiva naJoeri+ mukuru wavo nehama dzake 130; 8 pavanhu vekwaErizafani+ paiva naShemaya mukuru wavo nehama dzake 200; 9 pavanhu vekwaHebroni paiva naErieri mukuru wavo nehama dzake 80; 10 pavanhu vekwaUzieri+ paiva naAminadhabhi mukuru wavo nehama dzake 112. 11 Dhavhidhi akashevedzawo vapristi vaiti Zadhoki+ naAbhiyatari,+ nevaRevhi vaiti Urieri, Asaya, Joeri, Shemaya, Erieri, naAminadhabhi, 12 akati kwavari: “Ndimi vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi. Zvitsvenesei, imi nehama dzenyu, muuye neAreka yaJehovha Mwari waIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. 13 Sezvo musina kuitakura pakutanga,+ Jehovha Mwari wedu akatitsamwira zvikuru,+ nekuti hatina kutsvaga nzira yakakodzera yekuzviita.”+ 14 Saka vapristi nevaRevhi vakazvitsvenesa kuti vauye neAreka yaJehovha Mwari waIsraeri.
15 VaRevhi vakabva vatakura Areka yaMwari wechokwadi pamapfudzi avo nemapango ekuitakurisa,+ sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha. 16 Dhavhidhi akabva audza vakuru vevaRevhi kuti vagadze hama dzavo dzaiva vaimbi kuti dziimbe dzichifara chaizvo, pachiridzwa zviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ nesimbi dzinorovaniswa.+
17 Saka vaRevhi vakagadza Hemani+ mwanakomana waJoeri, uye pahama dzake vakagadza Asafi+ mwanakomana waBherekiya, uye pahama dzavo vaMerari, vakagadza Etani+ mwanakomana waKushaya. 18 Vaiva nehama dzavo dzeboka rechipiri,+ dzaiti, Zekariya, Bheni, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriyabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitiya, Eriferehu, naMikineya naObhedhi-edhomu naJeyieri avo vaiva varindi vepamagedhi. 19 Vaimbi vaiti Hemani,+ Asafi,+ naEtani, ndivo vaizoridza zviridzwa zvemhangura zvinorovaniswa;+ 20 uye Zekariya, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriyabhi, Maaseya, naBhenaya, vairidza zviridzwa zvine tambo zvairira mutinhimira weAramoti;*+ 21 uye Matitiya,+ Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-edhomu, Jeyieri, naAzaziya, vairidza udimbwa hwairira mutinhimira weSheminiti,*+ vachitungamirira. 22 Kenaniya+ mukuru wevaRevhi ndiye aiona nezvekutakurwa kweAreka, nekuti aiva nyanzvi, 23 uye Bherekiya naErikana vaiva varindi vepagedhi remaichengeterwa Areka. 24 Vapristi vaiti Shebhaniya, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekariya, Bhenaya, naEriyezeri vairidza mabhosvo achiririra pamusoro vari pamberi peAreka yaMwari wechokwadi,+ uye Obhedhi-edhomu naJehiya vaivawo varindi vepagedhi remaichengeterwa Areka.
25 Dhavhidhi nevakuru vaIsraeri nevakuru vezviuru vakaendawo vachifara chaizvo+ kunotora areka yesungano yaJehovha kumba kwaObhedhi-edhomu.+ 26 Mwari wechokwadi paakabatsira vaRevhi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira mikono midiki 7 yemombe nemakondohwe 7.+ 27 Dhavhidhi akanga akapfeka nguo isina maoko yejira rakanaka chaizvo, sezvakanga zvakaitwa nevaRevhi vese vakanga vakatakura Areka, vaimbi, naKenaniya uyo aiona nezvekutakurwa kweAreka achitungamirira vaimbi; Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi* yejira.+ 28 VaIsraeri vese vakanga vachiunza areka yesungano yaJehovha vachishevedzera vachifara,+ vachiridza hwamanda, mabhosvo,+ nesimbi dzinorovaniswa, ukuwo zviridzwa zvine tambo neudimbwa zvichiririra pamusoro.+
29 Asi areka yesungano yaJehovha payakasvika kuGuta raDhavhidhi,+ Mikari+ mwanasikana waSauro akatarisa pasi nepahwindo, akaona Mambo Dhavhidhi achisvetuka-svetuka achipembera, achibva atanga kumushora mumwoyo make.+
16 Saka vakapinda neAreka yaMwari wechokwadi, vakaiisa mutende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi;+ uye vakapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare pamberi paMwari wechokwadi.+ 2 Dhavhidhi paakapedza kupa zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zverugare,+ akakomborera vanhu muzita raJehovha. 3 Uyewo akapa vaIsraeri vese, murume wese nemukadzi wese chingwa cheraundi, nekeke remichero yemichindwe, nekeke remazambiringa akaomeswa. 4 Akabva agadza vamwe vaRevhi kuti vashumire pamberi peAreka yaJehovha,+ kuti vakudze,* vaonge, uye varumbidze Jehovha Mwari waIsraeri. 5 Asafi+ ndiye aiva mukuru wavo, achiteverwa naZekariya; uye Jeyieri, Shemiramoti, Jehieri, Matitiya, Eriyabhi, Bhenaya, Obhedhi-edhomu, naJeyieri+ ndivo vairidza zviridzwa zvine tambo neudimbwa;+ uye Asafi airidza simbi dzinorovaniswa,+ 6 vapristi Bhenaya naJahazieri vachiridza mabhosvo nguva dzese pamberi peareka yesungano yaMwari wechokwadi.
7 Pazuva iroro Dhavhidhi ndipo paakanyora kekutanga rwiyo rwekutenda Jehovha akarayira Asafi+ nehama dzake kuti varuimbe vachiti:
10 Zvirumbidzei pamusoro pezita rake dzvene.+
Mwoyo yevaya vari kutsvaga Jehovha ngaifare.+
11 Tsvagai Jehovha+ uye simba rake.
Tsvagai chiso chake* nguva dzese.+
12 Yeukai mabasa anoshamisa aakaita,+
Zvishamiso zvake nemitongo yaakazivisa,
13 Imi vana* vemushumiri wake Israeri,+
Imi vanakomana vaJakobho, vakasarudzwa.+
Mitongo yake iri munyika yese.+
15 Yeukai sungano yake nekusingaperi,
Vimbiso yaakaita* kuzvizvarwa zvine chiuru,+
16 Sungano yaakaita naAbrahamu,+
Nemhiko yaakapika kuna Isaka,+
17 Yaakadzika semurau kuna Jakobho,+
Uye sesungano inogara nekusingaperi kuna Israeri,
18 Achiti, ‘Ndichakupa nyika yeKenani+
Kuti ive nhaka yako yawakapiwa.’+
20 Vaifamba vachibva kune rumwe rudzi vachienda kune rumwe,
Vachibva kune humwe umambo vachienda kune vamwe vanhu.+
21 Haana kurega mumwe munhu achivadzvinyirira,+
Asi akatsiura madzimambo nekuda kwavo,+
22 Achiti, ‘Musabata vazodziwa vangu,
Uye musaitira vaprofita vangu zvakaipa.’+
23 Imbirai Jehovha, imi nyika yese!
Zivisai ruponeso rwake zuva nezuva!+
24 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,
Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.
25 Nekuti Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa.
Anoshamisa kupfuura vamwe vanamwari vese.+
28 Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi mhuri dzemarudzi,
Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+
Kotamirai* Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene.*+
30 Dederai pamberi pake, imi nyika yese!
Nyika* yakanyatsosimbiswa, zvekuti haigoni kubviswa pairi.*+
32 Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvese zvizere mariri;
Masango ngaapembere nemufaro nezvese zviri maari.
35 Itii, ‘Tiponesei, haiwa Mwari weruponeso rwedu,+
Tiunganidzei mutinunure pamarudzi,
Kuti tionge zita renyu dzvene+
Uye tikurumbidzei tichipembera nemufaro.+
36 Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe
Nariini nariini.’”
Vanhu vese vakabva vati, “Ameni!”* uye vakarumbidza Jehovha.
37 Dhavhidhi akabva asiya Asafi+ nehama dzake ipapo pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti vashumire vari pamberi peAreka nguva dzese,+ sezvaifanira kuitwa zuva rimwe nerimwe.+ 38 Obhedhi-edhomu nehama dzake 68, uye Obhedhi-edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva varindi vepagedhi. 39 Akaisa mupristi Zadhoki+ nevamwe vapristi pamberi petebhenekeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira kuGibhiyoni+ 40 kuti vape zvibayiro zvinopiswa kuna Jehovha nguva dzese paatari yekupisira zvibayiro, mangwanani nemanheru, uye kuti vaite zvese zvakanyorwa muMutemo waJehovha zvaakarayira Israeri.+ 41 Ivava vaiva pamwe chete naHemani naJedhutuni+ nevamwe varume vese vakaita zvekusarudzwa nemazita avo kuti vaonge Jehovha,+ nekuti “rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi”;+ 42 vaiva pamwe chete naHemani+ naJedhutuni kuti varidze mabhosvo, nesimbi dzinorovaniswa nezviridzwa zvaishandiswa kurumbidza Mwari* wechokwadi; uye vanakomana vaJedhutuni+ vaiva pagedhi. 43 Vanhu vese vakabva vaenda kudzimba dzavo, uye Dhavhidhi akaenda kunokomborera veimba yake.
17 Dhavhidhi paakanga angogadzikana muimba yake,* akati kumuprofita Natani:+ “Onai ndiri kugara muimba yemiti yemisidhari,+ asi areka yesungano yaJehovha iri mumachira etende.”+ 2 Natani akapindura Dhavhidhi achiti: “Itai chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Mwari wechokwadi anemi.”
3 Usiku ihwohwo chaihwo shoko raMwari rakauya kuna Natani, richiti: 4 “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Hausi iwe uchandivakira imba yekuti ndigare.+ 5 Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri kusvikira nhasi, asi ndaigara ndichibva mune rimwe tende ndichienda mune rimwe tende uye ndichibva mune imwe tebhenekeri ndichienda mune imwe.*+ 6 Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevatongi veIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’
7 “Saka udza mushumiri wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 8 Ndichava newe kwese kwaunoenda,+ uye ndichaparadza* vavengi vako vese pamberi pako;+ uye ndichaita kuti uve nezita rakafanana nerevarume vanokudzwa panyika.+ 9 Ndichasarudzira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo ndoita kuti vagare mairi, vachagara imomo uye havazonetswi zvakare; varume vakaipa havazovatambudzizve* sezvavaimboita kare,+ 10 kubvira pazuva randakagadza vatongi pavanhu vangu vaIsraeri.+ Uye ndichakunda vavengi vako vese.+ Uyewo ndinokuudza kuti, ‘Jehovha achakuvakira imba.’*
11 “‘“Pauchafa woenda kune madzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mumwe wevanakomana vako, ave mambo pashure pako,+ uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 12 Ndiye achandivakira imba,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 13 Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Handizobvisi rudo rwangu rusingachinji paari+ semabvisiro andakaruita pane uya akakutangira.+ 14 Ndichaita kuti arambe ari mumba mangu nemuumambo hwangu nekusingaperi,+ uye chigaro chake cheumambo chichagara nekusingaperi.”’”+
15 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko aya ese nezvinhu zvese izvi zvaakaratidzwa.
16 Mambo Dhavhidhi akabva apinda akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Nhai Jehovha Mwari, ndini aniwo zvangu? Uye imba yangu chii zvamandiitira zvese izvi?+ 17 Kuwedzera pane izvozvo, haiwa Mwari, muri kutaurawo kuti imba yemushumiri wenyu ichagara kwenguva refu,+ uye mandiona semunhu anofanira kuwedzera kukwidziridzwa,* haiwa Jehovha Mwari. 18 Chii chimwe chingataurwa nemushumiri wenyu Dhavhidhi kwamuri nezverukudzo rwandapiwa, imi muchinyatsoziva mushumiri wenyu kudaro?+ 19 Haiwa Jehovha, maita zvinhu zvikuru zvese izvi muchiratidza ukuru hwenyu nekuti ndizvo zvinodiwa nemwoyo wenyu* uye mazviitira mushumiri wenyu.+ 20 Haiwa Jehovha, hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu;+ zvinhu zvese zvatakanzwa nenzeve dzedu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. 21 Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari wechokwadi akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake.+ Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira pamakaita zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa,+ muchidzinga marudzi pamberi pevanhu venyu+ vamakadzikinura muIjipiti. 22 Makaita kuti vanhu venyu vaIsraeri varambe vari vanhu venyu;+ uye imi, haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+ 23 Zvino, imi Jehovha, itai kuti vimbiso yamaita pamusoro pemushumiri wenyu neimba yake irambe iri yechokwadi, uye itai sezvamavimbisa.+ 24 Zita renyu ngarirambe riripo* uye ngarikudzwe+ nekusingaperi, kuti vanhu vataure kuti, ‘Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ndiMwari waIsraeri,’ uye imba yemushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe pamberi penyu.+ 25 Nekuti imi, Mwari wangu, mazivisa mushumiri wenyu chinangwa chenyu chekumuvakira imba.* Ndokusaka mushumiri wenyu aita ushingi hwekunyengetera kwamuri seizvi. 26 Imi Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi, uye mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka pamusoro pemushumiri wenyu. 27 Saka farirai kukomborera imba yemushumiri wenyu, uye ngairambe iri pamberi penyu nekusingaperi, nekuti haiwa Jehovha, makomborera, uye yakomborerwa nekusingaperi.”
18 Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya, akavakunda,+ uye akatorera vaFiristiya Gati+ nemaguta madiki akaipoteredza. 2 Akabva akunda Moabhi,+ uye vaMoabhi vakava varanda vaDhavhidhi vachibhadhariswa mutero.+
3 Dhavhidhi akakunda Mambo Hadhadhezeri+ weZobha+ pedyo neHamati+ paaiva munzira kuti anotanga kutonga kuRwizi rwaYufratesi.+ 4 Dhavhidhi akamutorera ngoro 1 000, vatasvi vemabhiza 7 000, nevarwi vaifamba netsoka 20 000.+ Dhavhidhi akabva adimbura marunda* emakumbo emabhiza ese aidhonza ngoro, akasiya mabhiza 100.+ 5 VaSiriya vekuDhamasiko pavakauya kuzobatsira Mambo Hadhadhezeri weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiriya 22 000.+ 6 Dhavhidhi akabva aisa mapoka evarwi muSiriya yekuDhamasiko, uye vaSiriya vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhara mutero kwaari. Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+ 7 Dhavhidhi akatorawo nhoo dzegoridhe dzeraundi dzevaranda vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema. 8 Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo kuTibhati nekuKuni, maguta aHadhadhezeri. Soromoni akaigadzirisa Dziva remhangura,+ mbiru, nemidziyo yemhangura.+
9 Mambo Tou weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda uto rese raMambo Hadhadhezeri+ weZobha,+ 10 akabva angotuma mwanakomana wake Hadhoramu kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadii nekumukorokotedza kuti akanga arwa naHadhadhezeri akamukunda, (nekuti Hadhadhezeri akanga amborwisana naTou kakawanda), uye akauya nezvinhu zvemhando dzese zvegoridhe, sirivha, nemhangura. 11 Mambo Dhavhidhi akatsaura* zvinhu izvi kuti zvive zvaJehovha,+ pamwe chete nesirivha negoridhe zvaakanga atora kumarudzi ese: zvakabva kuEdhomu nekuMoabhi, kuvaAmoni,+ vaFiristiya+ nekuvaAmareki.+
12 Abhishai+ mwanakomana waZeruya+ akauraya vaEdhomu 18 000 muBani reMunyu.+ 13 Akaisa mapoka evarwi muEdhomu, uye vaEdhomu vese vakava varanda vaDhavhidhi.+ Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+ 14 Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vese,+ uye aiitira vanhu vake vese zvakarurama, achiita kuti nyaya dzavo dzitongwe zvakanaka.+ 15 Joabhi mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru weuto,+ Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi ari munyori wezvaiitika, 16 Zadhoki mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Shavhisha aiva munyori. 17 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye aitungamirira vaKereti+ nevaPereti.+ Uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva pamusoro pevamwe vese vari vatevedzeri vamambo.
19 Nahashi mambo wevaAmoni akazofa, uye mwanakomana wake akava mambo panzvimbo yake.+ 2 Dhavhidhi akabva ati: “Ndicharatidza rudo rusingachinji+ kuna Hanuni mwanakomana waNahashi, nekuti baba vake vakandiratidza rudo rusingachinji.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinomunyaradza nekuti akanga afirwa nababa vake. Asi varanda vaDhavhidhi pavakasvika munyika yevaAmoni+ kuti vanyaradze Hanuni, 3 machinda evaAmoni akati kuna Hanuni: “Munofunga kuti kutumira kwaita Dhavhidhi vanyaradzi kwamuri kukudza baba venyu here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kuti vanyatsoona zvakaita nyika nekuisora* vokubvisai pachigaro here?” 4 Saka Hanuni akatora varanda vaDhavhidhi akavagera,+ akadimbura nguo dzavo nepakati nechepamagaro avo, akavadzinga. 5 Dhavhidhi paakaudzwa nezvevarume vacho, akabva angotumira vanhu kuti vanosangana navo, nekuti varume vacho vakanga vanyadziswa zvakanyanya; uye mambo akavaudza kuti: “Garai muJeriko+ kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mozodzoka henyu.”
6 Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakaona kuti vakanga vava kuvengwa chaizvo naDhavhidhi, saka Hanuni nevaAmoni vakatumira matarenda* 1 000 esirivha kuti vakumbire ngoro nevatasvi vemabhiza kuMesopotamiya,* kuAramu-maaka, nekuZobha.+ 7 Saka vakabhadhara ngoro 32 000, pamwe chete namambo weMaaka nevanhu vake. Vakabva vauya vakadzika misasa pakatarisana neMedhebha.+ VaAmoni vakaungana vachibva mumaguta avo kuti varwe.
8 Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akatuma Joabhi+ neuto rese kusanganisira varwi vake vaiva nesimba kupfuura vese.+ 9 VaAmoni vakabva vabuda, vakaronga mauto avo pasuo reguta, asi madzimambo akanga auya aiva kwawo ega musango.
10 Joabhi paakaona kuti mauto acho akanga achiuya kuzorwisana naye vamwe vari mberi vamwe vari shure, akasarudza vamwe vevarwi vaiva shasha dzekurwa muIsraeri akavaronga kuti varwe nevaSiriya.+ 11 Akaisa vamwe varume vese mumaoko aAbhishai mwana waamai vake,+ kuti avaronge kuti varwe nevaAmoni. 12 Akabva ati: “Kana vaSiriya+ vava kundikunda, unofanira kuuya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vava kukukunda, ndichakununura. 13 Tinofanira kutosimba uye kushinga+ kuti tirwire vanhu vedu uye maguta aMwari wedu, uye Jehovha achaita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”
14 Joabhi nevarume vaaiva navo vakabva vafamba vachienda kunorwisana nevaSiriya, uye ivo vakamutiza.+ 15 VaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vakanga vatiza, vakabva vatizawo Abhishai mwana waamai vake, vakapinda muguta. Pashure paizvozvo Joabhi akasvika muJerusarema.
16 VaSiriya pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri, vakatuma nhume kuti dzinoshevedza vaSiriya vaiva munharaunda yeRwizi,*+ vachitungamirirwa naShofaki mukuru weuto raHadhadhezeri.+
17 Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva aunganidza vaIsraeri vese, akayambuka Jodhani, akasvika kwavaiva, akaronga mauto kuti arwe navo. Dhavhidhi akaronga mauto kuti asangane nevaSiriya, uye vakarwa naye.+ 18 Asi vaSiriya vakatiza vaIsraeri; uye Dhavhidhi akauraya vatyairi vengoro 7 000 nevarwi 40 000 vaifamba netsoka vevaSiriya, uye akauraya Shofaki mukuru weuto racho. 19 Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri,+ vakakurumidza kuyanana naDhavhidhi vakava pasi pake;+ uye vaSiriya vakanga vasisade kubatsira vaAmoni zvakare.
20 Pakutanga kwegore,* panguva yaienda madzimambo kunorwa, Joabhi+ akatungamirira uto kunorwa uye akaparadza nyika yevaAmoni; akaenda kunokomba Rabha,+ Dhavhidhi akasara ari muJerusarema.+ Joabhi akarwisa Rabha akaiparadza.+ 2 Dhavhidhi akabva abvisa korona yaiva mumusoro maMarikamu,* akaona kuti yairema tarenda* rimwe chete regoridhe, uye yaiva nematombo anokosha. Korona yacho yakaiswa mumusoro maDhavhidhi. Akapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo muguta racho.+ 3 Akabudisa vanhu vaiva mariri, akaita kuti vaite basa+ rekucheka matombo nerimwe basa ravaiita nemidziyo yesimbi yakapinza nematemo. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ese evaAmoni. Dhavhidhi akabva azodzokera kuJerusarema nemauto ese.
4 Pashure peizvi, hondo yakamuka nevaFiristiya kuGezeri. Panguva iyoyo, Sibhekai+ muHusha akauraya Sipai wekuvaRefaimu,+ uye vakakundwa.
5 Hondo yakamukazve nevaFiristiya, uye Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami, hama yemuGati ainzi Goriyati.+ Pfumo raRami raiva nemubato wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira.+
6 Hondo yakatangazve kuGati,+ uko kwaiva nerimwe zirume rainge rakanyanyisa kukura,+ raiva nemaoko ane zvigunwe 6 paruoko rumwe nerumwe, nezvigunwe 6 patsoka imwe neimwe, zvese pamwe chete zviri 24; uye nairowo raiva rekuvaRefaimu.+ 7 Rakaramba richishora+ Israeri. Saka Jonatani mwanakomana waShimea,+ mukoma waDhavhidhi, akariuraya.
8 Ava ndivo vaiva vanhu vekuvaRefaimu+ vekuGati,+ uye vakaurayiwa naDhavhidhi nevanhu vake.
21 Satani* akafunga kurwisa vaIsraeri, akafurira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.+ 2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhi+ nekuvakuru vevanhu: “Endai munoverenga vaIsraeri kubva kuBheeri-shebha kusvika kuDhani;+ mozondiudza zvamawana kuti ndizive kuti vangani.” 3 Asi Joabhi akati: “Jehovha ngaawedzere vanhu vake zvakapetwa kazana! Ishe wangu mambo, vese havasi varanda vashe wangu nechekare here? Nei ishe wangu achida kuita izvi? Nei achida kuita kuti vaIsraeri vave nemhosva?”
4 Asi shoko ramambo rakakunda raJoabhi. Saka Joabhi akaenda, akatenderera neIsraeri yese, achibva azouya kuJerusarema.+ 5 Joabhi akabva apa Dhavhidhi nhamba yevanhu vakanga vaverengwa. VaIsraeri vese vakasvika varume 1 100 000 vaiva nemapakatwa, uye vaJudha vakasvika varume 470 000 vaiva nemapakatwa.+ 6 Asi haana kuverenga vaRevhi nevaBhenjamini paakaverenga vanhu,+ nekuti shoko ramambo harina kufadza Joabhi zvachose.+
7 Mwari wechokwadi akagumburwa nazvo, saka akarova Israeri. 8 Dhavhidhi akabva ati kuna Mwari wechokwadi: “Ndatadza+ chaizvo nezvandaita izvi. Saka ndapota, regererai mhosva yemushumiri wenyu,+ nekuti ndaita zveupenzi chaizvo.”+ 9 Jehovha akabva ataura naGadhi,+ muoni waDhavhidhi, achiti: 10 “Enda unoti kuna Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chaunoda kuti ndiunze pauri.”’” 11 Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Sarudza kuti unoda 12 kuti kuve nenzara kwemakore matatu here,+ kana kuti uite mwedzi mitatu uchiparadzwa nevavengi vako, bakatwa revavengi vako richikubaya,+ kana kuti kuve nemazuva matatu ebakatwa raJehovha, munyika muine denda,+ ngirozi yaJehovha ichiparadza+ munharaunda yese yevaIsraeri.’ Nyatsofungisisa zvandinofanira kunopindura kune andituma.” 13 Saka Dhavhidhi akati kuna Gadhi: “Nyaya iyi iri kunditambudza chaizvo. Regai hangu ndiwire muruoko rwaJehovha, nekuti tsitsi dzake dzakakura chaizvo;+ musandirega ndichiwira muruoko rwemunhu.”+
14 Jehovha akabva aunza denda+ pavaIsraeri, zvekuti pakafa vanhu 70 000 muIsraeri.+ 15 Mwari wechokwadi akatumawo ngirozi kuJerusarema kuti inoriparadza; asi payakanga yava kuda kuriparadza, Jehovha akazviona, akazvidemba* pamusoro pedambudziko racho,+ uye akati kungirozi yakanga ichiparadza: “Zvakwana!+ Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yakanga yakamira pedyo neburiro* raOrinani+ muJebhusi.+
16 Dhavhidhi paakatarisa, akaona ngirozi yaJehovha yakamira pakati penyika nedenga, muruoko rwayo muine bakatwa rakanga rakavhomorwa+ rakatambanudzirwa kuJerusarema. Dhavhidhi nevakuru vakabva vapfugama, vakakotamisa misoro yavo;+ uye vese vainge vakapfeka masaga.+ 17 Dhavhidhi akati kuna Mwari wechokwadi: “Handisi ini here ndakati vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza uye ndini ndakakanganisa;+ asi makwai aya akaitei? Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndapota, ruoko rwenyu ngarundirove ini neimba yababa vangu; asi musaunza denda iri pavanhu venyu.”+
18 Ngirozi yaJehovha yakabva yaudza Gadhi+ kuti audze Dhavhidhi kuti aende kunovakira Jehovha atari paburiro raOrinani muJebhusi.+ 19 Saka Dhavhidhi akaenda akanoita zvakanga zvataurwa naGadhi muzita raJehovha. 20 Munguva iyi, Orinani akatendeuka akaona ngirozi yacho, uye vanakomana vake vana vaaiva navo vakabva vahwanda. Orinani akanga achipura gorosi. 21 Dhavhidhi paakaenda kwaaiva, Orinani akatarisa ndokuona Dhavhidhi, achibva akurumidza kubva paburiro, uye akapfugama pamberi paDhavhidhi, akadzikisa musoro wake. 22 Dhavhidhi akati kuna Orinani: “Nditengesere* nzvimbo ine buriro, kuti ndivakire Jehovha atari pairi. Nditengesere nemutengo wakakwana, kuti denda riri pavanhu rimiswe.”+ 23 Asi Orinani akati kuna Dhavhidhi: “Itorei henyu kuti ive yenyu, uye ishe wangu mambo ngaaite zvakamunakira.* Onai, ndiri kupa mombe kuti dzive zvibayiro zvinopiswa nechirei chekupurisa+ kuti chive huni, uye gorosi kuti rive mupiro wezviyo.* Ndiri kukupai zvese.”
24 Asi Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani: “Aiwa, ndinofanira kuitenga nemutengo wakakwana, nekuti handingatori zvinhu zvako ndozvipa Jehovha kana kupa zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.”+ 25 Saka Dhavhidhi akapa Orinani goridhe rairema mashekeri* 600 kuti atenge nzvimbo yacho. 26 Dhavhidhi akabva avakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare, uye akashevedzera kuna Jehovha, uyo akamupindura nemoto+ wakabva kudenga ukaenda paatari yekupisira zvibayiro. 27 Jehovha akabva arayira ngirozi+ yacho kuti idzorere bakatwa rayo mumuhara. 28 Panguva iyoyo, Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura ari paburiro raOrinani muJebhusi, akaramba achibayira zvibayiro ipapo. 29 Asi panguva iyoyo tebhenekeri yaJehovha iyo yakanga yagadzirwa naMozisi murenje yaiva panzvimbo yakakwirira kuGibhiyoni pamwe chete neatari yekupisira zvibayiro.+ 30 Asi Dhavhidhi akanga asina kukwanisa kuenda pamberi payo kuti anobvunza Mwari, nekuti aitya bakatwa rengirozi yaJehovha.
22 Dhavhidhi akabva ati: “Iyi ndiyo imba yaJehovha Mwari wechokwadi, uye iyi ndiyo atari yezvibayiro zvinopiswa ichashandiswa nevaIsraeri.”+
2 Dhavhidhi akabva arayira kuti vatorwa+ vaigara munyika yeIsraeri vaunganidzwe, uye akavapa basa rekucheka nekuveza matombo ekuvakisa imba yaMwari wechokwadi.+ 3 Dhavhidhi akaunganidzawo simbi dzakawanda chaizvo dzekugadzirisa zvipikiri zvemasuo emagedhi uye dzekugadzirisa zvekusungisa, nemhangura yakawanda chaizvo yaisagona kuyerwa,+ 4 nematanda emisidhari+ asingaverengeki, nekuti vaSidhoni+ nevaTire+ vakauya nematanda emisidhari akawanda chaizvo kuna Dhavhidhi. 5 Uye Dhavhidhi akati: “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki uye haana ruzivo,+ asi imba ichavakirwa Jehovha ichange yakanaka chaizvo,+ zvekuti mukurumbira wayo nekunaka+ kwayo zvichazivikanwa kunyika dzese.+ Saka ndichagadzirira zvekuti azoshandisa.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvinhu zvakawanda chaizvo asati afa.
6 Uyewo akashevedza mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avakire Jehovha Mwari waIsraeri imba. 7 Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Ndaiva nechido mumwoyo mangu chekuti ndivakire zita raJehovha Mwari wangu imba.+ 8 Asi shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, ‘Wakadeura ropa rakawandisa, uye hondo dzawakarwa ihuru. Hauzovakiri zita rangu imba,+ nekuti wakadeura ropa rakawandisa panyika pamberi pangu. 9 Uchava nemwanakomana+ uyo achava munhu werugare,* uye ndichamuzorodza pavavengi vake vese vari kumativi ese;+ nekuti achanzi Soromoni,*+ uye ndichaita kuti vaIsraeri vave nerugare nerunyararo mumazuva ake.+ 10 Ndiye achavakira zita rangu imba.+ Achava mwanakomana wangu, uye ini ndichava baba vake.+ Ndichasimbisa chigaro cheumambo hwake pana Israeri nekusingaperi.’+
11 “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ngaave newe, ubudirire, uvake imba yaJehovha Mwari wako, sezvaakataura pamusoro pako.+ 12 Jehovha ngaangokupa ungwaru nekunzwisisa+ paachakupa simba rekutonga Israeri, kuti uchengete mutemo waJehovha Mwari wako.+ 13 Uchabva wabudirira kana ukanyatsochengeta mirau+ nezvakatongwa zvakarayirwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri.+ Shinga, usimbe. Usatya kana kuvhunduka.+ 14 Ndakashanda zvakaoma kuti ndiunganidzire imba yaJehovha matarenda* 100 000 egoridhe nematarenda 1 000 000 esirivha, nemhangura yakawanda chaizvo nesimbi+ zvisingagoni kuyerwa uremu hwazvo, uye ndakagadzirira matanda nematombo,+ asi uchazozviwedzera. 15 Une vanhu vazhinji vanoita basa, vanocheka matombo nevanoveza matombo,+ nevavezi vematanda, nevanhu vakawanda vane unyanzvi pamabasa akasiyana-siyana.+ 16 Goridhe racho, sirivha, mhangura nesimbi hazvigoni kuyerwa.+ Simuka utange basa, uye Jehovha ngaave newe.”+
17 Dhavhidhi akabva arayira machinda ese eIsraeri kuti abatsire mwanakomana wake Soromoni achiti: 18 “Jehovha Mwari wenyu haasi pakati penyu here uye haana kukuzorodzai kumativi ese here? Nekuti akandipa vagari vese vemunyika, uye nyika yakundwa pamberi paJehovha nepamberi pevanhu vake. 19 Zvipirei nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese kuti mutsvage Jehovha Mwari wenyu,+ mutange kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari wechokwadi,+ kuti muunze areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari wechokwadi+ kuimba ichavakirwa zita raJehovha.”+
23 Dhavhidhi paakanga akwegura, ava pedyo nekufa, akagadza mwanakomana wake Soromoni kuti ave mambo weIsraeri.+ 2 Akabva aunganidza machinda ese eIsraeri, nevapristi,+ nevaRevhi.+ 3 VaRevhi vaiva nemakore 30 zvichikwira vakaverengwa;+ uye nhamba yavo vachiverengwa murume mumwe nemumwe yaiva 38 000. 4 Pana ivava, 24 000 vaitungamirira basa repaimba yaJehovha, uye 6 000 vaiva vakuru nevatongi,+ 5 uye paiva ne4 000 vairinda pamagedhi,+ ne4 000 vairumbidza+ Jehovha vachiridza zviridzwa zviya zvakanzi naDhavhidhi, “Ndakazvigadzirira kurumbidza.”
6 Dhavhidhi akabva avaronga vari mumapoka*+ evanakomana vaRevhi: Geshoni, Kohati, naMerari.+ 7 KuvaGeshoni kwaiva naRadhani naShimei. 8 Vanakomana vaRadhani vaiva Jehieri uyo aiva mukuru wavo, Zetamu, naJoeri,+ vari vatatu. 9 Vanakomana vaShimei vaiva Sheromoti, Hazieri, naHarani, vari vatatu. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzemadzibaba vekwaRadhani. 10 Vanakomana vaShimei vaiva Jahati, Zina, Jeushi, naBheria. Ava vari vana vaiva vanakomana vaShimei. 11 Jahati ndiye aiva mukuru wavo, achiteverwa naZizaa. Asi Jeushi naBheria havana kuva nevanakomana vakawanda, saka vaiverengwa seimba imwe chete yemadzibaba vachishanda basa rimwe chete.
12 Vanakomana vaKohati vaiva Amramu, Izihari,+ Hebroni, naUzieri,+ vari vana. 13 Vanakomana vaAmramu vaiva Aroni+ naMozisi.+ Asi Aroni akatsaurwa+ zvachose kuti atsvenese Nzvimbo Tsvenetsvene, iye nevanakomana vake, kuti vape zvibayiro pamberi paJehovha, kuti vamushumire uye kuti vagare vachikomborera vanhu muzita rake.+ 14 Asi kana ari Mozisi munhu waMwari wechokwadi, vanakomana vake vaiverengwa sevedzinza revaRevhi. 15 Vanakomana vaMozisi vaiva Geshomu+ naEriyezeri.+ 16 Pavanakomana vaGeshomu, Shebhueri+ ndiye aiva mukuru wavo. 17 Kuvanakomana vaEriyezeri, Rehabhiya+ ndiye aiva mukuru wavo; Eriyezeri haana kuva nevamwe vanakomana, asi vanakomana vaRehabhiya vakanga vakawanda chaizvo. 18 Kuvanakomana vaIzihari,+ Sheromiti+ ndiye aiva mukuru wavo. 19 Vanakomana vaHebroni vaiva Jeriya uyo aiva mukuru wavo, Amariya ari wechipiri, Jahazieri ari wechitatu, Jekameyamu+ ari wechina. 20 Vanakomana vaUzieri+ vaiva Mika uyo aiva mukuru wacho, Ishiya ari wechipiri.
21 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.+ Vanakomana vaMari vaiva Eriyezari naKishi. 22 Eriyezari akafa, asi akanga asina vanakomana, aingova nevanasikana chete. Saka vakatorwa nehama* dzavo vanakomana vaKishi, kuti vave madzimai avo. 23 Vanakomana vaMushi vaiva Mari, Edheri, naJeremoti, vari vatatu.
24 Ava ndivo vaiva vanakomana vaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo uye maererano nevakuru vedzimba dzemadzibaba. Vakaverengwa vakanyorwa nemazita avo kubva pamakore 20 zvichikwira uye vaiita basa repaimba yaJehovha. 25 Nekuti Dhavhidhi akanga ati: “Jehovha Mwari waIsraeri apa vanhu vake zororo,+ uye achagara muJerusarema nekusingaperi.+ 26 Uyewo vaRevhi havazofaniri kutakura tebhenekeri kana midziyo yayo chero ipi zvayo inoshandiswa pabasa rayo.”+ 27 Nekuti maererano nezvakapedzisira kurayirwa naDhavhidhi, vaRevhi vaiva nemakore 20 zvichikwira vakaverengwa. 28 Basa ravo raiva rekubatsira vanakomana vaAroni+ pabasa reimba yaJehovha, vachiona nezvezvivanze,+ dzimba dzekudyira, kunatswa kwezvinhu zvese zvitsvene, nebasa rese raida kuitwa repaimba yaMwari wechokwadi. 29 Vaivabatsira pakugadzira zvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ furawa yakatsetseka yemupiro wezviyo,* zvingwa zvitete zvisina mbiriso,+ makeke aibikirwa mugango, mukanyiwa wakasanganiswa,+ uye pabasa rese rekuyera nekupima zvinhu. 30 Vaifanira kumira mangwanani ega ega+ vachionga uye vachirumbidza Jehovha, voita zvimwe chetezvo manheru.+ 31 Vaibatsira pese paipiwa zvibayiro zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata,+ pakugara kwemwedzi,+ uye pamwaka yemitambo,+ maererano neuwandu hwakanyorwa mumirau yemaitirwo azvo, vachiita izvozvo nguva dzese pamberi paJehovha. 32 Vaiitawo basa ravo repatende rekusanganira, nerenzvimbo tsvene uye vaibatsira hama dzavo vanakomana vaAroni pabasa repaimba yaJehovha.
24 Vanhu vekwaAroni vakanga vakaiswa mumapoka aya: Vanakomana vaAroni vaiva Nadhabhi, Abhihu,+ Eriyezari, naItamari.+ 2 Zvisinei, Nadhabhi naAbhihu vakatangira baba vavo kufa,+ uye havana kumbova nevanakomana; asi Eriyezari+ naItamari vakaramba vari vapristi. 3 Dhavhidhi naZadhoki+ wekuvanakomana vaEriyezari naAhimereki wekuvanakomana vaItamari vakavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo. 4 Sezvo vanakomana vaEriyezari vaiva nevakuru vakawanda kupfuura vanakomana vaItamari, vakavakamura zvichienderana nekuwanda kwavo: Vanakomana vaEriyezari vaiva nevakuru 16 vedzimba dzemadzibaba avo, uye vanakomana vaItamari vaiva nevakuru 8 vedzimba dzemadzibaba avo.
5 Vakavakamurawo vachishandisa mijenya,+ boka rimwe richitevera rimwe, nekuti paiva nevakuru venzvimbo tsvene nevakuru vaMwari wechokwadi vaibva kuvanakomana vaEriyezari nekuvanakomana vaItamari. 6 Shemaya mwanakomana waNetaneri munyori wevaRevhi akabva anyora mazita avo pamberi pamambo, nemachinda, nemupristi Zadhoki,+ naAhimereki+ mwanakomana waAbhiyatari,+ nevakuru vedzimba dzemadzibaba evapristi neevaRevhi, pachiti pakasarudzwa imba imwe chete yemadzibaba kwaEriyezari posarudzwa imwe chete kwaItamari.
7 Mujenya wekutanga wakabuda uri waJehoyaribhi; wechipiri uri waJedhaya, 8 wechitatu uri waHarimu, wechina uri waSeorimu, 9 wechishanu uri waMarikija, wechi6 uri waMijamini, 10 wechi7 uri waHakozi, wechi8 uri waAbhija,+ 11 wechi9 uri waJeshua, wechi10 uri waShekaniya, 12 wechi11 uri waEriyashibhi, wechi12 uri waJakimu, 13 wechi13 uri waHupa, wechi14 uri waJeshebhiyabhi, 14 wechi15 uri waBhiriga, wechi16 uri waImeri, 15 wechi17 uri waHeziri, wechi18 uri waHapizezi, 16 wechi19 uri waPetahiya, wechi20 uri waJehezikeri, 17 wechi21 uri waJakini, wechi22 uri waGamuri, 18 wechi23 uri waDheraya, wechi24 uri waMaaziya.
19 Aya ndiwo marongerwo avakanga vakaitwa pabasa ravo+ pese pavaipinda muimba yaJehovha vachitevedzera zvaiitwa natateguru wavo Aroni, sekurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha Mwari waIsraeri.
20 Vamwe vaRevhi vese ndeava: pavanakomana vaAmramu+ paiva naShubhaeri;+ pavanakomana vaShubhaeri, paiva naJedheya; 21 kwaRehabhiya:+ pavanakomana vaRehabhiya paiva naIshiya aiva mukuru wavo; 22 pavaIzihari paiva naSheromoti;+ pavanakomana vaSheromoti paiva naJahati; 23 pavanakomana vaHebroni paiva naJeriya+ aiva mukuru wavo, Amariya ari wechipiri, Jahazieri ari wechitatu, Jekameyamu ari wechina; 24 pavanakomana vaUzieri paiva naMika; pavanakomana vaMika paiva naShamiri. 25 Hama yaMika yaiva Ishiya; pavanakomana vaIshiya paiva naZekariya.
26 Vanakomana vaMerari+ vaiva Mari naMushi; pavanakomana vaJaaziya paiva naBheno. 27 Vanakomana vaMerari ndeava: kwaJaaziya kwaiva naBheno, Shohamu, Zakuri, naIbri; 28 kwaMari kwaiva naEriyezari uyo asina kumbova nevanakomana;+ 29 vekwaKishi ndeava: vanakomana vaKishi vaiva Jerameeri; 30 uye vanakomana vaMushi vaiva Mari, Edheri, naJerimoti.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo. 31 Vakakandawo mijenya+ sezvakangoitwa nehama dzavo vanakomana vaAroni pamberi paMambo Dhavhidhi, Zadhoki, Ahimereki, nevakuru vedzimba dzemadzibaba evapristi neevaRevhi. Padzimba dzemadzibaba, mukuru wavo aingobatwa zvakaenzana nemunin’ina wake.
25 Dhavhidhi nevakuru vemapoka ebasa vakasarudzawo vamwe vanakomana vaAsafi, Hemani, naJedhutuni+ kuti vashumire vachiprofita neudimbwa, zviridzwa zvine tambo,+ nesimbi dzinorovaniswa.+ Mazita evarume vacho vakasarudzwa kuti vaite basa iri ndeaya, 2 pavanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netaniya, naAsharera, vanakomana vaAsafi avo vaitungamirirwa naAsafi, uyo aiprofita achitungamirirwa namambo. 3 KwaJedhutuni:+ vanakomana vaJedhutuni vaiva Gedhariya, Zerai, Jeshaya, Shimei, Hashabhiya, naMatitiya,+ vari 6, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita nerudimbwa, achionga nekurumbidza Jehovha.+ 4 KwaHemani:+ vanakomana vaHemani vaiva Bhukiya, Mataniya, Uzieri, Shebhueri, Jerimoti, Hananiya, Hananai, Eriyata, Gidhariti, Romamti-ezeri, Joshbhekasha, Maroti, Hotiri, naMahaziyoti. 5 Vese ava vaiva vanakomana vaHemani, muoni wamambo wenyaya dzine chekuita naMwari wechokwadi kuti arumbidzwe;* saka Mwari wechokwadi akapa Hemani vanakomana 14 nevanasikana vatatu. 6 Vese ava vaitungamirirwa nababa vavo kuti vaimbe paimba yaJehovha, vaine zviridzwa zvesimbi zvinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ vachiita basa repaimba yaMwari wechokwadi.
Asafi, Jedhutuni, naHemani vaiva pasi pamambo.
7 Vese pamwe chete nehama dzavo idzo dzakanga dzakadzidziswa kuimbira Jehovha vaiva 288, vese vari nyanzvi. 8 Saka vakakanda mijenya+ kuti vapiwe mabasa avo, vachidaro kumukuru nemudiki, uye kunyanzvi neari kudzidzira.
9 Mujenya wakatanga kubuda waiva waAsafi uri waJosefa,+ wechipiri waiva waGedhariya+ (iye nehama dzake nevanakomana vake vaiva 12); 10 wechitatu waiva waZakuri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 11 wechina waiva waIzri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 12 wechishanu waiva waNetaniya,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 13 wechi6 waiva waBhukiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 14 wechi7 waiva waJesharera, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 15 wechi8 waiva waJeshaya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 16 wechi9 waiva waMataniya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 17 wechi10 waiva waShimei, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 18 wechi11 waiva waAzareri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 19 wechi12 waiva waHashabhiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 20 wechi13 waiva waShubhaeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 21 wechi14 waiva waMatitiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 22 wechi15 waiva waJeremoti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 23 wechi16 waiva waHananiya, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 24 wechi17 waiva waJoshbhekasha, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 25 wechi18 waiva waHananai, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 26 wechi19 waiva waMaroti, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 27 wechi20 waiva waEriyata, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 28 wechi21 waiva waHotiri, vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 29 wechi22 waiva waGidhariti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 30 wechi23 waiva waMahaziyoti,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12; 31 wechi24 waiva waRomamti-ezeri,+ vanakomana vake nehama dzake, vari 12.
26 Aya ndiwo aiva mapoka evarindi vepamagedhi:+ kwaKora kwaiva naMesheremiya+ mwanakomana waKore wekuvanakomana vaAsafi. 2 Mesheremiya aiva nevanakomana ava: Zekariya ndiye aiva dangwe, Jedhiyaeri ari wechipiri, Zebhadhiya ari wechitatu, Jatinieri ari wechina, 3 Eramu ari wechishanu, Jehohanani ari wechi6, Erieho-enai ari wechi7. 4 Obhedhi-edhomu aiva nevanakomana ava: Shemaya ndiye aiva dangwe, Jehozabhadhi ari wechipiri, Joa ari wechitatu, Sakari ari wechina, Netaneri ari wechishanu, 5 Amieri ari wechi6, Isakari ari wechi7, uye Peuretai ari wechi8; nekuti Mwari akamukomborera.
6 Mwanakomana wake Shemaya akabereka vanakomana vakanga vari vatongi veimba yababa vavo, nekuti vaiva varume vaiva nesimba vaivimbwa navo. 7 Vanakomana vaShemaya vaiva: Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi; uye hama dzake Erihu naSemakiya dzaivawo varume vaivimbwa navo. 8 Vese ava vaiva vekuvanakomana vaObhedhi-edhomu; ivo nevanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaivimbwa navo, vakakodzera kushumira, uye vaiva 62 vekwaObhedhi-edhomu. 9 Mesheremiya+ aiva nevanakomana nehama dzake, varume 18 vaivimbwa navo. 10 Hosa wekuvanakomana vaMerari aiva nevanakomana. Shimri ndiye aiva mukuru, nekuti baba vake vakamugadza kuti ave mukuru wavo kunyange zvazvo akanga asiri dangwe, 11 Hirikiya ari wechipiri, Tebhariya ari wechitatu, Zekariya ari wechina. Vanakomana vese vaHosa kubatanidza nehama dzake dzese vaiva 13.
12 Pamapoka aya evarindi vepamagedhi, vakuru vavo vaiva nemabasa sezvakanga zvakangoitawo hama dzavo, kuti vashumire paimba yaJehovha. 13 Saka vakakanda mijenya,+ pasinei nekukura kwedzimba dzemadzibaba avo, kuti vave nemagedhi ekurinda. 14 Mujenya wekumabvazuva wakabva wabuda uri waSheremiya. Vakakanda mijenya kuti vaone kwaizoenda mwanakomana wake Zekariya, chipangamazano aiva neungwaru, mugove wake ukabuda uri wekuchamhembe. 15 WaObhedhi-edhomu waiva kumaodzanyemba, uye vanakomana vake+ vakanzi vashandire kumatura. 16 WaShupimu naHosa+ waiva kumavirira pedyo neGedhi reShareketi pedyo nemugwagwa mukuru unokwidza kumusoro, rimwe boka revarindi riri kudivi rekuno, rimwe riri kune rimwe divi; 17 kumabvazuva kwaiva nevaRevhi 6; kuchamhembe kuine vaRevhi vana zuva rimwe nerimwe uye kumaodzanyemba kwaiva nevaRevhi vana zuva rimwe nerimwe; uye pamatura+ paiva nevaviri vaviri; 18 kunzvimbo yaiva nedenga yaiva kumavirira kwaiva nevaRevhi vana pamugwagwa mukuru,+ uye vaviri panzvimbo yaiva nedenga. 19 Aya ndiwo akanga ari mapoka evarindi vepamagedhi vekuvanakomana vaKora nevekuvaMerari.
20 KuvaRevhi, Ahija ndiye aiona nezvemaichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi nemaichengeterwa pfuma yezvinhu zvakatsveneswa.*+ 21 Pavanakomana vaRadhani, kureva vanakomana vemwana wekwaGeshoni, paiva naJehiyeri+ uyo aiva mumwe wevakuru vedzimba dzemadzibaba ekwaRadhani 22 uye vanakomana vaJehiyeri, Zetamu nehama yake Joeri. Ndivo vaiona nezvemaichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha.+ 23 KuvaAmramu, nevaIzihari, nevaHebroni, nevaUzieri,+ 24 Shebhueri mwanakomana waGeshomu mwanakomana waMozisi aiva mutungamiriri aiona nezvematura. 25 Kuhama dzake, kwaEriyezeri,+ kwaiva nemwanakomana wake Rehabhiya,+ mwanakomana wake Jeshaya, mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Zikri, uye mwanakomana wake Sheromoti. 26 Sheromoti uyu nehama dzake ndivo vaiona nezvemese maichengeterwa pfuma yezvinhu zvakatsveneswa,+ zvakanga zvatsveneswa naMambo Dhavhidhi+ nevakuru vedzimba dzemadzibaba,+ nevakuru vezviuru nevemazana, nevakuru veuto. 27 Vakanga vatsvenesa zvinhu zvaibva kuhondo+ nezvakanga zvapambwa+ kuti vagadziridze imba yaJehovha; 28 uyewo paiva nezvese zvakanga zvatsveneswa nemuoni+ Samueri, naSauro mwanakomana waKishi, naAbhineri+ mwanakomana waNeri, naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.+ Chinhu chese chaitsveneswa nemunhu chaiiswa mumaoko aSheromiti neehama dzake.
29 PavaIzihari,+ Kenaniya nevanakomana vake havana kupiwa basa paimba yaMwari asi vakagadzwa kuva vatungamiriri nevatongi+ muIsraeri.
30 PavaHebroni,+ Hashabhiya nehama dzake, varume 1 700 vaivimbwa navo, vaitungamirira vaIsraeri munharaunda yekumavirira kwaJodhani pabasa rese raJehovha nebasa ramambo. 31 PavaHebroni, Jerija+ ndiye aiva mukuru. Mugore rechi40 rekutonga kwaDhavhidhi+ pakati pavo pakatsvagwa varume vaiva nesimba uye vakashinga, vachibva vawanikwa muJazeri+ yaiva muGiriyedhi. 32 Hama dzake dzaiva varume 2 700 vaivimbwa navo, vari vakuru vedzimba dzemadzibaba. Saka Mambo Dhavhidhi akavagadza kuti vatungamirire vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza revanhu vekwaManase pazvinhu zvese zvaiva nechekuita naMwari wechokwadi nezvaiva nechekuita namambo.
27 Uhwu ndihwo uwandu hwevaIsraeri, vakuru vedzimba dzemadzibaba, vakuru vezviuru nevemazana,+ nevatungamiriri vavo vaishandira mambo+ pazvinhu zvese zvaiva nechekuita nemapoka aiuya achienda mwedzi nemwedzi, kwemwedzi yese yegore; boka rimwe nerimwe raiva nevanhu 24 000.
2 Jashobheyamu+ mwanakomana waZabdhieri ndiye aitungamirira boka rekutanga remwedzi wekutanga, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 3 Pavanakomana vaPerezi,+ ndiye aiva mukuru wevakuru vese vemapoka akasarudzwa kuti ashumire mumwedzi wekutanga. 4 Dhodhai+ muAhohi+ ndiye aitungamirira boka remwedzi wechipiri, achibatsirwa naMikroti, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 5 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha+ mutungamiriri wevapristi, ndiye aiva mukuru weboka rechitatu remwedzi wechitatu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 6 Bhenaya uyu aiva murwi ane simba pavane makumi matatu ari mukuru wevane makumi matatu vacho, uye boka rake raitungamirirwa nemwanakomana wake Amizabhadhi. 7 Mukuru wechina wemwedzi wechina aiva Asaheri,+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi,+ achiteverwa nemwanakomana wake Zebhadhiya, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 8 Mukuru wechishanu wemwedzi wechishanu aiva Shamuhuti muIzrahiya, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 9 Mukuru wechi6 wemwedzi wechi6 aiva Ira+ mwanakomana waIkeshi muTekoa,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 10 Mukuru wechi7 wemwedzi wechi7 aiva Herezi+ muPeroni wekuvaEfremu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 11 Mukuru wechi8 wemwedzi wechi8 aiva Sibhekai+ muHusha wevaZera,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 12 Mukuru wechi9 wemwedzi wechi9 aiva Abhi-ezeri+ muAnatoti+ wevaBhenjamini, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 13 Mukuru wechi10 wemwedzi wechi10 aiva Maharai+ muNetofa wevaZera,+ uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 14 Mukuru wechi11 wemwedzi wechi11 aiva Bhenaya+ muPiratoni wekuvanakomana vaEfremu, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000. 15 Mukuru wechi12 wemwedzi wechi12 aiva Heridhai muNetofa, wekwaOtinieri, uye muboka rake maiva nevanhu 24 000.
16 Ava ndivo vaiva vatungamiriri vemadzinza aIsraeri: KuvaRubheni, Eriyezeri mwanakomana waZikri ndiye aiva mutungamiriri; kuvaSimiyoni, Shefatiya mwanakomana waMaaka; 17 kwaRevhi, Hashabhiya mwanakomana waKemueri; kwaAroni, Zadhoki; 18 kwaJudha, Erihu,+ mumwe wevakoma vaDhavhidhi; kwaIsakari, Omri mwanakomana waMikaeri; 19 kwaZebhuroni, Ishmaya mwanakomana waObhadhiya; kwaNaftari, Jerimoti mwanakomana waAzrieri; 20 kuvaEfremu, Hoshea mwanakomana waAzaziya; kuhafu yedzinza raManase, Joeri mwanakomana waPedhaya; 21 kuhafu yedzinza raManase raiva muGiriyedhi, Idho mwanakomana waZekariya; kwaBhenjamini, Jaasieri mwanakomana waAbhineri;+ 22 kwaDhani, Azareri mwanakomana waJerohamu. Aya ndiwo aiva machinda emadzinza aIsraeri.
23 Dhavhidhi haana kuverenga vaya vaiva nemakore 20 zvichidzika, nekuti Jehovha akanga avimbisa kuti aizoita kuti vaIsraeri vawande senyeredzi dzedenga.+ 24 Joabhi mwanakomana waZeruya akanga atanga kuverenga vanhu, asi haana kupedza; uye Mwari akatsamwira vaIsraeri* nemhaka yekuverenga vanhu ikoko,+ uye nhamba yacho haina kunyorwa munhoroondo yenguva yaMambo Dhavhidhi.
25 Azmavheti mwanakomana waAdhieri ndiye aiona nezvemaichengeterwa pfuma yamambo.+ Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiona nezvematura aiva* muminda, nemumaguta, nemumisha, nemushongwe. 26 Ezri mwanakomana waKerubhi ndiye aitungamirira vashandi vaiita basa rekurima. 27 Shimei muRama ndiye aiona nezveminda yemizambiringa; Zabdhi muShifmoti ndiye aiona nezvemaichengeterwa waini yaigadzirwa nemazambiringa ainge akohwewa. 28 Bhaari-hanani muGedheri ndiye aiona nezveminda yemiorivhi nemiti yemitsamvi+ yaiva muShefera;+ Joashi ndiye aiona nezvemaichengeterwa mafuta. 29 Shitrai muSharoni+ ndiye aiona nezvemapoka emombe dzaifura muSharoni, uye Shafati mwanakomana waAdrai ndiye aiona nezvemapoka emombe dzaiva mumapani. 30 Obhiri muIshmaeri ndiye aiona nezvengamera; Jedheya muMeronoti ndiye aiona nezvemadhongi.* 31 Jazizi muHagri ndiye aiona nezvemakwai nembudzi. Vese ava vaiva vakuru vezvinhu zvaMambo Dhavhidhi.
32 Jonatani,+ mwana wemukoma waDhavhidhi, aiva chipangamazano uye murume ainzwisisa, uye aivawo munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aichengeta vanakomana vamambo.+ 33 Ahitoferi+ aiva chipangamazano wamambo, uye Hushai+ muAki aiva shamwari* yamambo. 34 Vatevedzeri vaAhitoferi vaiva Jehoyadha mwanakomana waBhenaya,+ naAbhiyatari;+ uye Joabhi+ aiva mukuru weuto ramambo.
28 Dhavhidhi akabva aunganidza machinda ese eIsraeri kuJerusarema: machinda emadzinza, vakuru vemapoka+ aishumira mambo, vakuru vezviuru nevakuru vemazana,+ vakuru vezvinhu zvese nezvipfuwo zvese zvamambo+ nezvevanakomana vake,+ pamwe chete nevakuru vemumuzinda, nemurume wese aiva nesimba uye akashinga.+ 2 Mambo Dhavhidhi akabva asimuka, akati:
“Pamusoroi hama dzangu nevanhu vangu. Ndaiva nechido mumwoyo mangu chekuvaka imba yekuti areka yesungano yaJehovha izororere uye ive chekutsika chetsoka dzaMwari wedu,+ uye ndakagadzirira zvinodiwa pakuvaka.+ 3 Asi Mwari wechokwadi akati kwandiri, ‘Hauzovakiri zita rangu imba+ nekuti uri murume wehondo uye wakadeura ropa.’+ 4 Zvisinei, Jehovha Mwari waIsraeri akandisarudza paimba yese yababa vangu kuti ndive mambo weIsraeri nekusingaperi,+ nekuti akasarudza Judha kuti ave mutungamiriri+ uye muimba yaJudha akasarudza imba yababa vangu,+ uye pavanakomana vababa vangu, ndini waakafarira, kuti andigadze kuva mambo weIsraeri yese.+ 5 Jehovha akandipa vanakomana vakawanda uye pavanakomana vacho vese,+ akasarudza mwanakomana wangu Soromoni+ kuti agare pachigaro cheumambo chaJehovha achitungamirira vaIsraeri.+
6 “Akati kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, nekuti ndamusarudza kuti ave mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake.+ 7 Ndichasimbisa umambo hwake nekusingaperi+ kana akanyatsozvipira kuramba achichengeta mirayiro yangu nemitongo yangu+ sezvaari kuita iye zvino.’ 8 Saka ndiri kutaura pamberi pevaIsraeri vese, iyo ungano yaJehovha, Mwari wedu achinzwa, ndichiti: Nyatsochengetai uye tsvagai mirayiro yese yaJehovha Mwari wenyu, kuti mutore nyika yakanaka+ moita kuti ive nhaka yevanakomana venyu vanokuteverai yavacharamba vainayo.
9 “Zvino iwe mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera*+ uye nemweya* unofara,* nekuti Jehovha anoongorora mwoyo yese,+ uye anonzwisisa kese kangafungwa nemunhu.+ Kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane,+ asi kana ukamusiya achakuramba nekusingaperi.+ 10 Funga nezvazvo, nekuti Jehovha akusarudza kuti uvake imba kuti ive nzvimbo tsvene. Shinga utange basa.”
11 Dhavhidhi akabva apa mwanakomana wake Soromoni purani+ yevharanda neyedzimba dzayo,+ nedzimba dzayo dzekuchengetera zvinhu, nedzimba dzepadenga rayo, nedzimba dzayo dzemukati, neimba yechekukwidibirisa chekuyananisa.*+ 12 Akamupa purani yezvinhu zvese yaakanga apiwa achiita zvekufemerwa* yezvivanze+ zveimba yaJehovha, yedzimba dzese dzekudyira dzaiva kumativi ese, yedzimba dzekuchengetera pfuma yeimba yaMwari wechokwadi, uye dzimba dzepfuma yezvinhu zvakatsveneswa;*+ 13 akamurayirawo zvekuita pamusoro pemapoka evapristi+ neevaRevhi, pamusoro pebasa rese repaimba yaJehovha, nemidziyo yese yebasa repaimba yaJehovha; 14 uye pamusoro peuremu hwegoridhe, goridhe remidziyo yese yemabasa akasiyana-siyana, neuremu hwemidziyo yese yesirivha, uye hwemidziyo yese yemabasa akasiyana-siyana; 15 neuremu hwezvigadziko zvemarambi zvegoridhe+ nemarambi azvo egoridhe, uremu hwezvigadziko zvemarambi zvakasiyana-siyana nemarambi azvo, neuremu hwezvigadziko zvemarambi zvesirivha, hwechigadziko chimwe nechimwe chemarambi nemarambi acho zvichienderana nezvachaishandiswa; 16 uyewo uremu hwegoridhe rematafura ezvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ retafura imwe neimwe, pamwe chete nesirivha yematafura esirivha, 17 nemaforogo, ndiro, nemajagi zvegoridhe rakanatswa, neuremu hwendiro diki dzegoridhe,+ hwendiro diki imwe neimwe, neuremu hwendiro diki dzesirivha, hwendiro diki imwe neimwe. 18 Akamupawo uremu hwegoridhe rakanatswa reatari yerusenzi,+ neremufananidzo wengoro,+ kureva makerubhi+ egoridhe ainge akatambanudza mapapiro awo, akavharidzira pamusoro peareka yesungano yaJehovha. 19 Dhavhidhi akati: “Ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye akandipa njere dzekuti ndigone kunyora zvese+ zviri papurani+ yacho.”
20 Dhavhidhi akabva ati kumwanakomana wake Soromoni: “Shinga usimbe, utange basa. Usatya kana kuvhunduka, nekuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe.+ Haazokuregi kana kukusiya,+ asi achava newe kusvikira basa rese reimba yaJehovha rapera. 21 Aya ndiwo mapoka evapristi+ neevaRevhi+ ebasa rese reimba yaMwari wechokwadi. Une vanhu vane chido uye unyanzvi hwekuita mabasa ese,+ pamwe chete nemachinda+ nevanhu vese avo vachaita zvese zvaunovaudza kuti vaite.”
29 Mambo Dhavhidhi akati kuungano yese: “Mwanakomana wangu Soromoni, uyo asarudzwa naMwari,+ mudiki uye haana ruzivo,+ asi basa racho rakakura nekuti haisi temberi yemunhu* asi ndeyaJehovha Mwari.+ 2 Ndakashanda nesimba rangu rese ndichigadzirira kuvakwa kweimba yaMwari wangu, ndikapa goridhe rekugadzirisa zvinhu zvegoridhe, sirivha yekugadzirisa zvinhu zvesirivha, mhangura yekugadzirisa zvinhu zvemhangura, simbi yekugadzirisa zvinhu zvesimbi,+ nematanda+ ekugadzirisa zvinhu zvematanda, matombo eonikisi, nematombo anonamatidzwa nedhaka, tumatombo twekushongedza, matombo ese anokosha, nematombo earabhasta akawanda. 3 Uyewo sezvo ndichifarira imba yaMwari wangu,+ ndine pfuma yangu+ yegoridhe nesirivha yandiri kupa kuimba yaMwari wangu, kuwedzera pane zvese zvandakagadzirira imba tsvene, 4 kusanganisira matarenda* 3 000 egoridhe rekuOfiri,+ nematarenda 7 000 esirivha yakanatswa zvekunamirira pamadziro edzimba, 5 zvekugadzirisa zvinhu zvegoridhe, zvinhu zvesirivha, nezvinhu zvese zvinofanira kugadzirwa nemhizha. Saka ndiani ari kuzvipira nhasi kuuya nechipo muruoko rwake chekupa Jehovha?”+
6 Machinda edzimba dzemadzibaba, nemachinda emadzinza aIsraeri, vakuru vezviuru nevemazana,+ nevakuru vebasa ramambo+ vakabva vazvipira. 7 Vakapa matarenda 5 000 egoridhe, madhariki* 10 000, matarenda 10 000 esirivha, matarenda 18 000 emhangura, nematarenda 100 000 esimbi zvekushandisa paimba yaMwari wechokwadi. 8 Munhu wese aiva nematombo anokosha akaapa kuti aiswe maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha umo maichengetwa naJehieri+ muGeshoni.+ 9 Vanhu vakafara chaizvo nekupa kwavakaita zvinhu izvi, nekuti vakapa mipiro kuna Jehovha nemwoyo wese,+ uye Mambo Dhavhidhi akafarawo chaizvo.
10 Dhavhidhi akabva arumbidza Jehovha pamberi peungano yese. Dhavhidhi akati: “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, baba vedu, rumbidzwai nariini nariini. 11 Haiwa Jehovha, ukuru+ nesimba+ nerunako nekubwinya nekukudzwa+ ndezvenyu, nekuti zvinhu zvese zviri kudenga nepanyika ndezvenyu.+ Haiwa Jehovha, umambo ndehwenyu.+ Ndimi muri kuzviita kuti muve mukuru pane zvese. 12 Pfuma nekukudzwa zvinobva kwamuri,+ uye munotonga zvinhu zvese,+ muruoko rwenyu mune simba+ neukuru,+ uye ruoko rwenyu runogona kusimudzira munhu+ uye kupa vanhu vese simba.+ 13 Imi Mwari wedu, tinokutendai uye tinorumbidza zita renyu rakanaka.
14 “Asi ini ndini aniwo zvangu uye vanhu vangu chiiko kuti tikupei mipiro tichizvidira sezvataita? Nekuti zvinhu zvese zvinobva kwamuri, uye takupai zviri kubva muruoko rwenyu. 15 Nekuti tiri vatorwa pamberi penyu uye vanhu vanobva kune imwe nyika, sezvakanga zvakaita madzitateguru edu ese.+ Nekuti mazuva edu panyika akaita semumvuri,+ haana tariro. 16 Haiwa Jehovha Mwari wedu, pfuma yese iyi yataunganidza kuti tikuvakirei imba yezita renyu dzvene yakabva muruoko rwenyu, uye yese ndeyenyu. 17 Haiwa Mwari wangu, ndinonyatsoziva kuti munoongorora mwoyo,+ uye kuti munofarira munhu akaperera kwamuri.*+ Ini ndapa zvinhu zvese izvi nemwoyo wakarurama,* ndichizvidira, uye ndiri kufara chaizvo kuona vanhu venyu vari pano vachikupai vachizvidira. 18 Haiwa Jehovha, Mwari wemadzitateguru edu Abrahamu, Isaka, naIsraeri, itai kuti pfungwa idzi nechido charatidzwa nevanhu venyu zvirambe zviri mumwoyo yavo nekusingaperi, muite kuti mwoyo yavo ive kwamuri.+ 19 Ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakanyatsozvipira kwamuri+ kuti achengete mirayiro yenyu,+ zviyeuchidzo zvenyu, nemirau yenyu, uye kuti aite zvinhu zvese izvi, ovaka temberi* yandakagadzirira zvekuvakisa.”+
20 Dhavhidhi akabva ati kuungano yese: “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Ungano yese yakabva yarumbidza Jehovha Mwari wemadzitateguru avo, uye vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo pamberi paJehovha uye pamberi pamambo. 21 Zuva rakatevera racho vakaramba vachipa zvibayiro kuna Jehovha nekupa mipiro inopiswa+ kuna Jehovha, mikono midiki 1 000 yemombe, makondohwe 1 000, makwayana makono 1 000, nemipiro yavo yezvinwiwa;+ vakapa zvibayiro zvakawanda zvevaIsraeri vese.+ 22 Vakaramba vachidya uye vachinwa pamberi paJehovha zuva iroro vachifara chaizvo,+ uye vakagadza Soromoni mwanakomana waDhavhidhi kechipiri kuti ave mambo, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutungamiriri,+ uyewo Zadhoki kuti ave mupristi.+ 23 Soromoni akabva agara pachigaro cheumambo chaJehovha+ ari mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira, uye vaIsraeri vese vaimuteerera. 24 Machinda+ ese nevarwi vaiva nesimba,+ nevanakomana vese vaMambo Dhavhidhi,+ vakazviisa pasi paMambo Soromoni. 25 Jehovha akaita kuti Soromoni ave mukuru chaizvo pamberi pevaIsraeri vese uye akamupa rukudzo rukuru samambo rusina kumbobvira rwava namambo chero upi zvake weIsraeri akamutangira.+
26 Dhavhidhi mwanakomana waJese akatonga vaIsraeri vese; 27 akatonga Israeri kwemakore 40. Akatonga kwemakore 7 muHebroni,+ uye akatonga kwemakore 33 muJerusarema.+ 28 Akafa anyatsokwegura,+ agutswa neupenyu hurefu,* pfuma, nekukudzwa; uye mwanakomana wake Soromoni akava mambo panzvimbo yake.+ 29 Kana iri nhoroondo yaMambo Dhavhidhi, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa mumashoko emuoni Samueri, muprofita Natani,+ nemuoni Gadhi,+ 30 pamwe chete nekutonga kwese kwaakaita, simba rake, nezvaiitika kwaari nekuvaIsraeri, nekuumambo hwese hwakanga hwakamupoteredza panguva yake.
Mazita anotevera ndeevanakomana vaAramu. Ona Ge 10:23.
Kureva kuti “Kuparadzaniswa.”
Kana kuti “vagari vepanyika vakaparadzaniswa.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Kureva kuti “Anounza Dambudziko; Anounza Kuraswa.” Ndiye anonziwo Akani pana Jos 7:1.
Kana kuti “kuraswa.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Ndiye anonziwo Karebhi muvhesi 18, 19, 42.
Anonziwo Kerubhai muvhesi 9.
Mamwe mazita muchitsauko chino anenge achireva nzvimbo. Saka pakanzi “baba” panogona kureva munhu akatanga kuita kuti pave neguta racho.
ChiHeb., “Vanakomana.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Anonziwo Kerubhai muvhesi 9.
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Mamwe mazita muchitsauko chino anenge achireva nzvimbo. Saka pakanzi “baba” panogona kureva munhu akatanga kuita kuti pave neguta racho.
Zita rekuti Jabhezi rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “marwadzo.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Kureva kuti “Bani reMhizha.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Zvichida pari kureva Bhitiya ari muvhesi 18.
Kana kuti “akazvidza.”
Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
ChiHeb., “uye vaikombamisa uta.”
Kana kuti “mweya yevanhu.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Ndiye anonziwo Geshoni muvhesi 1.
Kana kuti “Zvizvarwa zvaKohati zvaiva.”
Kana kuti “Zvizvarwa zvaMerari zvaiva.”
Kana kuti “yauya kuzozorora.”
Kana kuti “nemisasa yavo yakakomberedzwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “guta,” sezviri pana Jos 21:13.
Kana kuti “vakapiwa maguta 10 pachishandiswa mujenya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “guta,” sezviri pana Jos 21:21.
ChiHeb., “Vanakomana.”
ChiHeb., “vakuru.”
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Kureva kuti “Nedambudziko.”
Kana kuti “Jehoshua,” kureva kuti “Jehovha Ruponeso.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Gaza” asi haisi Gaza yekuFiristiya.
Anonziwo Shomeri muvhesi 32.
Anofanira kunge ari iye Hotamu muvhesi 32.
Dzimwe shanduro dzinoti, “pashure pekunge adzinga madzimai ake Hushimu naBhaara.”
Anonziwo Ishi-bhosheti.
Anonziwo Mefibhosheti.
ChiHeb., “vaikombamisa.”
Kana kuti “nevaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
ChiHeb., “vakuru vavanababa veimba yemadzibaba avo.”
Kana kuti “wetemberi.”
Kana kuti “nezvedzimba dzekudyira.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
Kana kuti “mudzimba dzekudyira.”
Kana kuti “zvipfeko zvake zvehondo.”
Kana kuti “mutemberi.”
Kana kuti “Tiri hama dzenyu chaidzo.”
ChiHeb., “ndimi maibuda nekupinda nevaIsraeri.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mukuru.”
Kana kuti “paMiro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”
Kana kuti “neruponeso rukuru.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “mweya yavo.”
ChiHeb., “mwanakomana wemurume akashinga.”
Akanga akareba mamita anenge 2,23. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “vese vaibatana naDhavhidhi vakanga vasina mwoyo miviri.”
ChiHeb., “vaiva nemwoyo mumwe chete.”
Kana kuti “kubva kuShihori yeIjipiti.”
Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
Kureva kuti “Kuputikira Uza Nehasha.”
Kana kuti “nevavaki vemasvingo.”
Kana kuti “muzinda.”
Kureva kuti “Shasha Yekupaza.”
ChiHeb., “vayeuke.”
Kana kuti “muridzirei rwiyo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Taurai nezvemabasa.”
Kana kuti “Tsvagai kuva pamberi pake.”
Kana kuti “vazukuru.” ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “Shoko raakarayira.”
Kana kuti “kukudzwa.”
Kana kuti “Namatai.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nekuda kwekubwinya kweutsvene hwake.”
Kana kuti “Nyika inobereka.”
Kana kuti “kuzununguswa.”
Kana kuti “auya.”
Kana kuti “Ngazviitike!”
Kana kuti “nezviridzwa zverwiyo rwaMwari.”
Kana kuti “mumuzinda wake.”
Zvichida pari kureva kuti “kubva panzvimbo yakadzikwa tende kuenda pane imwe uye kubva panzvimbo yekugara kuenda pane imwe.”
ChiHeb., “ndichadimbura.”
ChiHeb., “havazovanetesizve.”
Kana kuti “achakupa dzinza remadzimambo.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “semunhu ane chinzvimbo chepamusoro.”
Kana kuti “ndizvo zvamunoda.”
Kana kuti “ngarive rakatendeka.”
Kana kuti “chekumupa dzinza remadzimambo.”
Kana kuti “madzira.”
Kana kuti “apone.”
Kana kuti “akatsvenesa.”
Kana kuti “apone.”
Kana kuti “nekuiongorora.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “kuAramu-naharaimu.”
Kureva, Yufratesi.
Kureva, mumasutso.
Marikamu chinogona kunge chaiva chidhori chainamatwa nevaAmoni.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dzimwe shanduro dzinoti, “mupikisi.”
Kana kuti “akashungurudzika.”
ChiHeb., “Ndipe.”
ChiHeb., “zvakanaka mumaziso ake.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “wezororo.”
Zita iri rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Rugare.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “avapatsanura kuita mapoka.”
ChiHeb., “hanzvadzi.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “kuti asimudze nyanga yake.”
Kana kuti “yezvinhu zvakatsaurwa.”
ChiHeb., “kutsamwa kwakava pana Israeri.”
Kana kuti “nezvezvivakwa zvaichengeterwa pfuma zvaiva.”
ChiHeb., “nezvemadhongi makadzi.”
Kana kuti “shamwari yepedyo.”
Kana kuti “wakanyatsozvipira.”
Kana kuti “unoda.”
Kana kuti “neimba yekuyananisa.”
ChiHeb., “apiwa nemweya.”
Kana kuti “zvakatsaurwa.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
Kana kuti “nhare yemunhu; muzinda wamambo.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dhariki raiva mari yegoridhe yekuPezhiya. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “akarurama.”
Kana kuti “nemwoyo wese.”
Kana kuti “nhare.”
ChiHeb., “nemazuva.”