BHUKU RECHIPIRI REMADZIMAMBO
1 Pashure pekufa kwaAhabhi, vaMoabhi+ vakapandukira vaIsraeri.
2 Panguva iyoyo Ahaziya ndipo paakawira pasi nepaburi raiva nesefa achibva muimba yepadenga remba yake muSamariya, achibva akuvara. Saka akatuma nhume, akati kwadziri: “Endai munobvunza Bhaari-zebhubhu, mwari weEkroni,+ kuti munzwe kuti ndichapora here pakukuvara uku kwandaita.”+ 3 Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Eriya*+ muTishbhi: “Simuka uende kunosangana nenhume dzamambo weSamariya, uti kwadziri, ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvamuri kuenda kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni?+ 4 Saka zvanzi naJehovha: “Hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.”’” Eriya akabva aenda.
5 Nhume dzacho padzakadzoka kuna mambo, akabva ati kwadziri: “Madzokerei?” 6 Dzakati kwaari: “Pane murume auya kuzosangana nesu akatiudza kuti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai, muti kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvauri kutuma vanhu kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’”’”+ 7 Akabva avabvunza kuti: “Murume wacho auya kuzosangana nemi akakuudzai mashoko aya anga akaita sei?” 8 Saka vakati kwaari: “Murume wacho anga akapfeka nguo yemvere,+ akasunga bhandi reganda muchiuno make.”+ Akabva ati: “NdiEriya muTishbhi.”
9 Mambo akabva amutumira mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Paakakwidza kwaaiva, akamuwana akagara pamusoro pegomo. Akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi,+ zvanzi namambo, ‘Burukai.’” 10 Asi Eriya akapindura mukuru wevanhu 50 achiti: “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kubva kudenga+ ukuparadze nevarume vako 50.” Moto wakabva waburuka kudenga ukamuparadza nevarume vake 50.
11 Saka mambo akamutumira mumwe mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Akaenda akanoti kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, zvanzi namambo, ‘Burukai nekukurumidza.’” 12 Asi Eriya akavapindura achiti: “Kana ndiri munhu waMwari wechokwadi, moto ngauburuke kubva kudenga ukuparadze nevarume vako 50.” Moto waMwari wakabva waburuka kubva kudenga ukamuparadza nevarume vake 50.
13 Mambo akabva atumazve mukuru wevanhu 50 wechitatu aine varume vake 50. Asi mukuru wevanhu 50 wechitatu akakwira, akapfugama pamberi paEriya, akatanga kuteterera kunzwirwa nyasha, akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, ndapota, upenyu hwangu neupenyu hwevaranda venyu ava 50 ngahukoshe kwamuri. 14 Moto watoburuka kubva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vevanhu 50 vatanga kuuya nemapoka avo evanhu 50, asi zvino upenyu hwangu ngahukoshe* kwamuri.”
15 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Eriya: “Dzika naye. Usamutya.” Saka akasimuka, akaenda naye kwaiva namambo. 16 Eriya akabva ati kuna mambo: “Zvanzi naJehovha, ‘Wakatuma nhume kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni.+ MuIsraeri hamuna Mwari here?+ Wakaregererei kubvunza kuti anoti chii? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’” 17 Saka akafa, maererano neshoko raJehovha rakanga rataurwa naEriya; uye sezvo akanga asina mwanakomana, Jehoramu*+ akava mambo panzvimbo yake, mugore rechipiri raJehoramu+ mwanakomana waJehoshafati mambo weJudha.
18 Kana iri nhoroondo yese yaAhaziya,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?
2 Jehovha paakanga ava kuda kukwidza Eriya+ kudenga* nedutu,+ Eriya naErisha+ vakabva kuGirigari.+ 2 Eriya akati kuna Erisha: “Ndapota, sara pano, nekuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda kuBheteri.+ 3 Vanakomana vevaprofita* vaiva muBheteri vakabva vauya kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?”+ Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”
4 Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJeriko.”+ Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakasvika kuJeriko. 5 Vanakomana vevaprofita avo vaiva muJeriko vakabva vaenda kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?” Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”
6 Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJodhani.” Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda vese vari vaviri. 7 Zvino vanakomana 50 vevaprofita vakaendawo, vakamira vachiona vari nechekure, vaviri vacho pavakanga vakamira pedyo naJodhani. 8 Eriya akabva atora nguo yake yebasa,+ akaipeta, akarova mvura, ikaparadzana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti vese vari vaviri vakayambuka nepakaoma.+
9 Vachangoyambuka, Eriya akati kuna Erisha: “Kumbira chaunoda kuti ndikuitire ndisati ndabviswa kwauri.” Saka Erisha akati: “Ndinokumbirawo kupiwa chikamu chakapetwa kaviri+ chemweya wenyu.”*+ 10 Akapindura kuti: “Wakumbira chinhu chakaoma. Kana ukandiona pandichabviswa kwauri, zvawakumbira zvichaitika; asi kana ukasandiona, hazvizoitiki.”
11 Sezvavakanga vachifamba vachitaura zvavo, ngoro yemoto nemabhiza emoto+ zvakangoerekana zvaparadzanisa vaviri vacho, uye Eriya akakwira kudenga* ari mudutu.+ 12 Erisha paakanga akatarisa, aishevedzera achiti: “Baba vangu, baba vangu! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ Paakanga asisamuoni, akabata nguo dzake akadzibvarura nepakati.+ 13 Pashure paizvozvo akanhonga nguo+ yaEriya yebasa yakanga yadonha ichibva paari, akadzokera akanomira pamahombekombe aJodhani. 14 Akabva atora nguo yaEriya yakanga yadonha ichibva paari, akarova mvura akati: “Jehovha Mwari waEriya ari kupi?” Erisha paakarova mvura yacho, yakabva yakamukana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti akayambuka.+
15 Vanakomana vevaprofita avo vaiva kuJeriko pavakamuona achiri kure, vakati: “Mweya waEriya wagara pana Erisha.”+ Saka vakaenda kunomuchingura, vakapfugama vakakotamisa misoro pamberi pake. 16 Vakati kwaari: “Varanda venyu vane varume 50 vakasimba. Tapota, regai vaende kunotsvaga tenzi wenyu. Zvimwe mweya waJehovha wamusimudza, ukamukanda* pane rimwe gomo kana kuti mune mumwe mupata.”+ Asi iye akati: “Musavatuma.” 17 Zvisinei, vakaramba vachimumanikidza kusvikira ava kunyara, saka akati: “Vatumei.” Vakatuma varume vacho 50, avo vakaramba vachimutsvaga kwemazuva matatu, asi havana kumuwana. 18 Vakabva vadzokera kwaari vakamuwana achigara muJeriko.+ Akabva ati kwavari: “Handina here kukuudzai kuti musaenda?”
19 Nekufamba kwenguva, varume veguta racho vakati kuna Erisha: “Sezvamuri kuona tenzi wangu, guta riri panzvimbo yakanaka,+ asi mvura ndiyo yakaipa, uye nyika haisi kubereka.”* 20 Iye akabva ati: “Ndipei ndiro diki itsva, muise munyu imomo.” Saka vakauya nayo kwaari. 21 Akabva abuda, akaenda pachitubu chemvura yacho, akakanda munyu imomo,+ akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichaurayi kana kuita kuti nyika isabereka.’”* 22 Nanhasi mvura yacho ichakanatswa, maererano neshoko rakataurwa naErisha.
23 Akabva ikoko akakwidza kuBheteri. Paakanga ari munzira achienda, vakomana vadiki vakabuda muguta vakatanga kumunyomba,+ uye vakaramba vachiti kwaari: “Iwe nyamhanza, kwira! Iwe nyamhanza, kwira!” 24 Akazotendeuka, akavatarisa, akavatuka muzita raJehovha. Mhuka hadzi mbiri dzinonzi mabheya+ dzakabva dzabuda musango, dzikabvambura-bvambura vana 42 pavana vacho.+ 25 Akabva ipapo akaramba achienda kuGomo reKameri,+ uye achibva ikoko akadzokera kuSamariya.
3 Jehoramu+ mwanakomana waAhabhi akava mambo weIsraeri muSamariya mugore rechi18 raMambo Jehoshafati weJudha, uye akatonga kwemakore 12. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuzosvika pana baba vake kana amai vake, nekuti akabvisa shongwe inoyera yaBhaari yakanga yagadzirwa nababa vake.+ 3 Zvisinei, akaramba achiita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuzvisiya.
4 Zvino Mesha mambo weMoabhi aiva mupfuyi wemakwai, uye aibhadhara mutero wemakwayana 100 000 nemakondohwe asina kuveurwa 100 000 kuna mambo weIsraeri. 5 Ahabhi paakangofa,+ mambo weMoabhi akapandukira mambo weIsraeri.+ 6 Saka Mambo Jehoramu akabuda muSamariya pazuva iroro, akaunganidza vaIsraeri vese. 7 Akatumirawo shoko kuna Mambo Jehoshafati weJudha, achiti: “Mambo weMoabhi andipandukira. Uchaenda neni kunorwisa Moabhi here?” Iye akati: “Ndichaenda newe.+ Ini newe tiri vanhu vamwe chete. Vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete. Mabhiza angu nemabhiza ako mamwe chete.”+ 8 Akabva abvunza kuti: “Toenda nenzira ipi?” Iye akapindura kuti: “Nenzira yekurenje reEdhomu.”
9 Mambo weIsraeri namambo weJudha namambo weEdhomu+ vakabva vasimuka vakaenda. Pashure pekunge vapoterera vachienda kwemazuva 7, vakashaya mvura yekuti mauto nezvipfuwo zvavakanga vainazvo zvinwe. 10 Mambo weIsraeri akati: “Inga inhamo chaiyo! Jehovha ashevedza madzimambo matatu aya kuti angoaisa mumaoko evaMoabhi!” 11 Jehoshafati akabva ati: “Kuno hakuna muprofita waJehovha here watinogona kukumbira kuti atibvunzire Jehovha?”+ Saka mumwe wevaranda vamambo weIsraeri akapindura achiti: “Kuna Erisha+ mwanakomana waShafati, uyo aidira mvura pamaoko aEriya.”*+ 12 Jehoshafati akabva ati: “Ane shoko raJehovha.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaenda kwaaiva.
13 Erisha akati kuna mambo weIsraeri: “Ndinei nemi?*+ Endai kuvaprofita vababa venyu nekuvaprofita vaamai venyu.”+ Asi mambo weIsraeri akati kwaari: “Aiwa usadaro, nekuti Jehovha ndiye ashevedza madzimambo matatu aya kuti aaise mumaoko evaMoabhi.” 14 Erisha akabva ati: “NaJehovha wemauto mupenyu wandinoshumira,* kudai ndanga ndisingaremekedzi Mambo Jehoshafati+ weJudha, ndaisazokutarisai kana kuona kuti muripo.+ 15 Ndishevedzerei munhu anoridza rudimbwa.”*+ Munhu airidza rudimbwa paakangotanga kuridza, ruoko rwaJehovha rwakauya paari.+ 16 Akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Cherai migero yakawanda mubani rino, 17 nekuti zvanzi naJehovha: “Hamuzooni mhepo, uye hamuzooni mvura ichinaya; asi bani rino richazara nemvura,+ uye muchanwa mvura yacho, imi nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu.”’ 18 Asi kuna Jehovha zvinhu zvidiki izvi,+ nekuti achatoisawo vaMoabhi mumaoko enyu.+ 19 Munofanira kuparadza maguta ese akakomberedzwa nemasvingo,+ nemaguta ese akanaka chaizvo, munofanira kutema miti yese yakanaka, munofanira kuvhara zvitubu zvese zvemvura, uye kuzadza matombo muminda yese yakanaka.”+
20 Zvino mangwanani, panguva yekupiwa kwemupiro wezviyo,*+ pakangoerekana pava nemvura yaiyerera ichibva nechekuEdhomu, uye nyika yacho yakazara nemvura.
21 VaMoabhi vese vakanzwa kuti madzimambo acho akanga auya kuzorwa navo, saka vakaunganidza varume vese vaikwanisa kupakata zvombo,* uye vakanomira pamuganhu. 22 Pavakafumomuka mangwanani, zuva rakanga richipenya pamvura, uye kuvaMoabhi vaiva kune rimwe divi, mvura yacho yakanga yakatsvuka seropa. 23 Vakati: “Iropa iri! Chokwadi madzimambo acho aurayana nebakatwa. Saka imi vaMoabhi, endai munopamba!”+ 24 Pavakasvika mumusasa wevaIsraeri, vaIsraeri vakasimuka, vakatanga kuparadza vaMoabhi, avo vakabva vatiza.+ Vakapinda muMoabhi, vachienda vachiparadza vaMoabhi. 25 Vakaputsa maguta, uye murume mumwe nemumwe akakanda dombo muminda yese yakanaka, vachiizadza nematombo; vakavhara zvitubu zvese zvemvura,+ uye vakatema miti yese yakanaka.+ Masvingo ematombo eKiri-hareseti+ chete ndiwo akazosara akamira, uye vaipotsera matombo nezvipfuramabwe vakakomba guta racho, vakariparadza.
26 Mambo weMoabhi paakaona kuti akanga akundwa, akatora varume 700 vaiva nemapakatwa kuti vamanikidzire kupinda vachienda kuna mambo weEdhomu;+ asi vakatadza kuzviita. 27 Saka akatora mwanakomana wake wedangwe akanga achizomutsiva pachigaro akamupa sechibayiro chinopiswa+ parusvingo. VaIsraeri vakatsamwirwa chaizvo, saka vakabva varega kumurwisa vakadzokera kunyika yavo.
4 Mumwe wemadzimai evanakomana vevaprofita+ akachema kuna Erisha, achiti: “Muranda wenyu, iye murume wangu akafa, uye imi munonyatsoziva kuti muranda wenyu aitya Jehovha.+ Iye zvino pauya mukweretesi kuzotora vana vangu vaviri kuti vave varanda vake.” 2 Erisha akabva ati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei? Ndiudze, chii chauinacho mumba?” Iye akapindura kuti: “Muranda wenyu haana kana chaainacho mumba kunze kwechirongo* chemafuta.”+ 3 Iye akabva ati: “Enda kunze unokumbira midziyo isina chinhu kuvavakidzani vako vese. Usakumbira mishoma. 4 Ubve wapinda mumba wovhara suo iwe nevanakomana vako muri mukati. Zadza midziyo yacho yese, uise inenge yazara padivi.” 5 Saka mukadzi wacho akabva aenda.
Paakapinda mumba nevanakomana vake, akavhara suo, uye ivo vakamupa midziyo yacho, akaramba achidira.+ 6 Midziyo yacho payakazara, akati kune mumwe mwanakomana wake: “Huya nemumwe mudziyo.”+ Asi akati kwaari: “Hapasisina mimwe midziyo.” Mafuta acho akabva agumawo.+ 7 Saka akapinda akaudza munhu waMwari wechokwadi, uyo akabva ati: “Enda unotengesa mafuta acho, ubhadhare zvikwereti zvako, uye iwe nevanakomana vako munogona kurarama nemari inosara.”
8 Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi,+ kwaiva nemumwe mukadzi akanga akakurumbira, uye mukadzi wacho akamukurudzira kuti adye zvekudya ipapo.+ Pese paaipfuura nepo, aimira kuti adye. 9 Saka akati kumurume wake: “Ndinoziva kuti murume anogara achipfuura nepano munhu mutsvene waMwari. 10 Ndapota, ngatimuvakirei imba diki pamusoro pedenga,+ tomuisira mubhedha, tafura, chigaro, nechigadziko cherambi. Pese paanouya kuno, anogona kugara imomo.”+
11 Rimwe zuva akasvika ikoko, akaenda muimba yepamusoro pedenga kuti arare. 12 Akabva ati kumushandi wake Gehazi:+ “Shevedza mukadzi uya muShunemi.”+ Saka akamushevedza, uye mukadzi wacho akamira pamberi pake. 13 Akabva ati kuna Gehazi: “Ndapota, muudze kuti, ‘Wakapinda basa chairo kuti utiitire zvese izvi.+ Unoda kuitirwei?+ Ndiende kunotaura namambo+ kana nemukuru weuto ndichikumiririra here?’” Asi mukadzi wacho akapindura kuti: “Ndiri kugara pakati pehama dzangu.” 14 Saka akati: “Zvino oitirwei?” Gehazi akati: “Haana mwanakomana,+ uye murume wake akwegura.” 15 Iye akabva ati: “Mushevedze.” Saka akamushevedza, uye mukadzi wacho akamira pasuo. 16 Akabva ati: “Panguva ino gore rinouya, uchange wakabata mwanakomana mumaoko ako.”+ Asi mukadzi wacho akati: “Aiwa tenzi wangu, muri munhu waMwari wechokwadi! Musanyepera muranda wenyu.”
17 Zvisinei, mukadzi wacho akava nepamuviri, akabereka mwanakomana panguva iyoyo gore rakatevera racho, sezvaakanga audzwa naErisha. 18 Mwana wacho akakura, uye rimwe zuva akaenda kwaiva nababa vake, avo vaiva nevakohwi. 19 Akaramba achiti kuna baba vake: “Musoro wangu, musoro wangu kani!” Baba vake vakabva vati kumushandi: “Mutakure uende naye kuna amai vake.” 20 Saka akamutakura akadzokera naye kuna amai vake, uye akagara pamakumbo avo kusvikira masikati, achibva afa.+ 21 Amai vake vakabva vakwira vakanomuradzika pamubhedha wemunhu waMwari wechokwadi,+ vakavhara suo vachibva vaenda. 22 Mukadzi wacho akabva ashevedza murume wake akati: “Ndiri kukumbirawo kutora mumwe wevashandi nedhongi, ndimhanyire kumunhu waMwari wechokwadi ndidzoke.” 23 Asi iye akati: “Uri kuenderei kunomuona nhasi? Hakusi kugara kwemwedzi+ kana sabata.” Zvisinei iye akati: “Usanetseka, zvinhu zvese zvakanaka.” 24 Saka akaisa chigaro padhongi, akati kumushandi wake: “Famba uchikurumidza. Usanonoka kufamba uchindityira, kunze kwekunge ndakuudza kuti udaro.”
25 Saka akaenda kumunhu waMwari wechokwadi kuGomo reKameri. Munhu waMwari wechokwadi paakangomuona achiri kure, akati kumushandi wake Gehazi: “Tarisa uone mukadzi muShunemi ari uko uyo. 26 Ndapota mhanya unomuchingura, umubvunze kuti, ‘Wakadii? Murume wako akadii? Mwana wako akadii?’” Mukadzi wacho akabva ati: “Zvese zvakanaka.” 27 Paakasvika kumunhu waMwari wechokwadi pagomo, akabva abata tsoka dzake.+ Gehazi akabva auya pedyo kuti amusundire kure, asi munhu waMwari wechokwadi akati: “Musiye, nekuti ari kunetseka chaizvo,* uye Jehovha andivanzira nezvazvo, haana kundiudza.” 28 Mukadzi wacho akabva ati: “Ndakakumbira mwanakomana kunashe wangu here? Handina here kuti, ‘Musaita kuti nditarisire zvinhu zvenhema’?”+
29 Erisha akabva ati kuna Gehazi: “Monera nguo dzako muchiuno,+ utakure mudonzvo wangu muruoko rwako uende. Kana ukasangana nemunhu, usamukwazisa; uye kana munhu akakukwazisa, usamupindura. Enda unoisa mudonzvo wangu pachiso chemukomana wacho.” 30 Amai vemukomana wacho vakabva vati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.”+ Saka akasimuka akaenda naye. 31 Gehazi akatungamira mberi kwavo, akanoisa mudonzvo pachiso chemukomana wacho, asi hapana chakanzwika kana kupfakanyika.+ Akadzokera kuti anosangana naErisha akamuudza kuti: “Mukomana wacho haana kumuka.”
32 Erisha paakapinda mumba macho, akawana mukomana wacho akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.+ 33 Akapinda akavhara suo, vari vaviri mukati, akatanga kunyengetera kuna Jehovha.+ 34 Akabva akwira pamubhedha, akarara pamusoro pemwana wacho akaisa muromo wake pamuromo wemwana wacho, uye akaisa maziso ake pamaziso ake, nezvanza zvake pazvanza zvake, akaramba akarara pamusoro pake, uye muviri wemwana wakatanga kudziya.+ 35 Akafamba achiti akaenda mberi odzoka shure ari mumba macho, achibva akwira pamubhedha akarara pamusoro pake zvakare. Mukomana wacho akahotsira ka7, achibva azosvinura.+ 36 Erisha akabva ashevedza Gehazi akati: “Shevedza mukadzi muShunemi.” Saka akamushevedza, akapinda maaiva. Akabva ati: “Simudza mwanakomana wako.”+ 37 Mukadzi wacho akapinda, akapfugama pedyo netsoka dzake, akadzikisa musoro wake, achibva asimudza mwanakomana wake, akabuda.
38 Erisha paakadzokera kuGirigari, munyika yacho maiva nenzara.+ Vanakomana vevaprofita+ vakanga vakagara pamberi pake, uye akati kumushandi wake:+ “Isa hari huru pamoto, ubikire vanakomana vevaprofita zvekudya.” 39 Saka mumwe wavo akaenda kusango kuti anotanha muriwo wemusango, akawana muti wemusango unotanda, akatanha michero yawo, akazadza nguo yake. Akabva adzoka, akaichekerera muhari yekubikira, asingazivi kuti chaiva chii. 40 Vakazozvipakurira varume vacho kuti vadye, asi pavakangodya zvekudya zvacho, vakashevedzera vachiti: “Muhari mune rufu, haiwa munhu waMwari wechokwadi.” Havana kukwanisa kuzvidya. 41 Saka akati: “Unzai furawa.” Akaikanda muhari, akati: “Pakurirai vanhu vadye.” Muhari makanga musisina chinokuvadza.+
42 Pane mumwe murume akabva kuBhaari-sharisha,+ uye akaunzira munhu waMwari wechokwadi zvingwa 20 zvebhari+ zvakabikwa nezvibereko zvinotanga kuibva, nehomwe yaiva nezviyo zvitsva.+ Erisha akabva ati: “Ipa vanhu vadye.” 43 Asi mushandi wake akati: “Ndingaisira varume 100 zvekudya izvozvi here?”+ Iye akabva ati: “Ipa vanhu vadye, nekuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya uye vachatosiya zvimwe.’”+ 44 Akazviisa pamberi pavo, vakadya vakasiya zvimwe,+ maererano neshoko raJehovha.
5 Naamani, mukuru weuto ramambo weSiriya, aiva murume akakurumbira uye airemekedzwa chaizvo nashe wake, nekuti Jehovha akanga amushandisa kuti vaSiriya vakunde. Aiva murwi ane simba, kunyange zvazvo aiva nemaperembudzi.* 2 Pane imwe nguva vaSiriya pavakanga vaenda kunopamba, vakatapa musikana mudiki kunyika yeIsraeri, uyo akava muranda wemudzimai waNaamani. 3 Akati kuna tenzikadzi wake: “Kudai ishe wangu aikwanisa kuenda kumuprofita+ ari muSamariya! Iye aizomuporesa maperembudzi ake.”+ 4 Saka akaenda* akanoudza ishe wake akataura zvakanga zvataurwa nemusikana wekuIsraeri.
5 Mambo weSiriya akabva ati: “Enda iye zvino! Ndichatumira tsamba kuna mambo weIsraeri.” Saka akaenda aine matarenda* gumi esirivha, nezvidimbu 6 000 zvegoridhe, nenguo gumi dzekuchinja. 6 Akaenda netsamba yacho kuna mambo weIsraeri, iyo yaiti: “Netsamba ino yauya kwauri, ndatumawo muranda wangu Naamani kuti umuporese maperembudzi ake.” 7 Mambo weIsraeri paakangoverenga tsamba yacho, akabvarura nguo dzake, akati: “Ndini Mwari here, zvekuti ndingauraya munhu kana kumuita kuti arambe ari mupenyu?+ Ari kutumira munhu uyu kwandiri, achindiudza kuti ndimuporese maperembudzi ake! Muri kungozvionawo mega kuti ari kutsvaga kunetsana neni.”
8 Asi Erisha munhu waMwari wechokwadi paakanzwa kuti mambo weIsraeri akanga abvarura nguo dzake, akabva angotumira shoko kuna mambo achiti: “Mabvarurirei nguo dzenyu? Ndapota, regai auye kwandiri kuti azive kuti muIsraeri mune muprofita.”+ 9 Saka Naamani akauya aine mabhiza ake nengoro dzake dzehondo, akamira pasuo reimba yaErisha. 10 Asi Erisha akatuma nhume kuti imuudze kuti: “Enda unogeza kanomwe+ muJodhani+ uye nyama yako ichanaka, uye uchachena.” 11 Naamani akabva atsamwa, akatanga kuenda achiti: “Ndanga ndichiti, ‘Achabuda ouya kwandiri, omira apa, odana zita raJehovha Mwari wake, achifambisa-fambisa ruoko rwake pamaperembudzi acho kuti aarape.’ 12 Abhana naFapari, nzizi dzeDhamasiko,+ hadzisi nani kupfuura mvura yese yeIsraeri here? Handingagezimo ndikachena here?” Akabva atendeuka, akaenda akatsamwa chaizvo.
13 Zvino vashandi vake vakaenda kwaari, vakati: “Baba vangu, kudai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chakaoma, maisazochiita here? Ko zvino zvaangokuudzai kuti, ‘Geza, uchene’?” 14 Akabva aenda, akazvinyudza* muJodhani kanomwe, maererano neshoko remunhu waMwari wechokwadi.+ Nyama yake yakabva yanaka ikaita seyemukomana mudiki,+ uye akabva achena.+
15 Akabva adzokera kumunhu waMwari wechokwadi,+ iye nevanhu vese vaaiva navo,* uye akamira pamberi pake, akati: “Iye zvino ndava kuziva kuti panyika pese hapana Mwari kunze kwemunyika yeIsraeri.+ Zvino ndapota, gamuchirai chipo* chemuranda wenyu.” 16 Asi Erisha akati: “NaJehovha mupenyu wandinoshumira,* handisi kuzochigamuchira.”+ Akamumanikidza kuti achigamuchire, asi iye aingoramba. 17 Naamani akazoti: “Kana musingadi henyu, ndapota muranda wenyu ngaapiwe ivhu renyika ino rinotakurwa nemanyurusi maviri, nekuti muranda wenyu haazopizve mupiro unopiswa kana chibayiro kune vamwe vanamwari kunze kwaJehovha. 18 Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi chimwe chete: Ishe wangu paanopinda muimba* yaRimoni kuti amukotamire, anozendama paruoko rwangu, saka ndinofanira kukotama muimba yaRimoni. Pandinokotama muimba yaRimoni, ndapota, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pane izvi.” 19 Iye akabva ati kwaari: “Enda nerugare.” Pashure pekunge asimuka achibva kwaari, uye afamba chinhambwe chakati, 20 Gehazi+ mushandi waErisha, munhu waMwari wechokwadi,+ akati nechemumwoyo: ‘Tenzi wangu haana kugamuchira zvauya nemuSiriya uyu Naamani;+ angomusiya zvake achienda. NaJehovha mupenyu, ndichamhanya ndichimutevera, ndotora chimwe chinhu kwaari.’ 21 Saka Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu achimhanya achiuya kwaari, akaburuka mungoro yake kuti asangane naye, akati: “Kwakanaka here?” 22 Iye akati: “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Majaya maviri anobva kunyika ine makomo yaEfremu ekuvanakomana vevaprofita, achangobva kusvika kwandiri. Ndinokumbirawo kuti muvape tarenda resirivha nenguo mbiri dzekuchinja.’”+ 23 Naamani akati: “Tora hako matarenda maviri.” Akaramba achimumanikidza,+ uye akaputira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, nenguo mbiri dzekuchinja, akazvipa vashandi vake vaviri, avo vakabva vazvitakura vari pamberi pake.
24 Paakasvika kuOferi,* akazvitora mumaoko avo, akazviisa mumba, akarega varume vacho vachienda. Pashure pekunge vaenda, 25 akapinda akamira pedyo natenzi wake. Erisha akabva ati kwaari: “Gehazi, uri kubva kupi?” Asi iye akati: “Mushandi wenyu haana kwaamboenda.”+ 26 Erisha akati kwaari: “Mwoyo wangu wanga usiri ikoko newe here paburuka murume wacho mungoro yake kuti asangane newe? Ndiyo nguva yekugamuchira sirivha kana kugamuchira nguo kana minda yemiorivhi kana minda yemizambiringa kana makwai kana mombe kana varandarume kana varandakadzi here?+ 27 Zvino maperembudzi aNaamani+ achanamatira iwe nezvizvarwa zvako nekusingaperi.” Pakarepo akabva pamberi pake ava nemaperembudzi, akachena sechando.+
6 Vanakomana vevaprofita+ vakati kuna Erisha: “Tarisai muone! Nzvimbo yatiri kugara nemi yakanyanya kumanikana zvekuti hatisi kukwana. 2 Tinokumbirawo kuenda kuJodhani. Regai mumwe nemumwe wedu anotora danda ikoko, tivake nzvimbo yedu yekugara ikoko.” Akati: “Endai.” 3 Mumwe wavo akati: “Hamungaendiwo nevaranda venyu here?” Akabva ati: “Tichaenda tese.” 4 Saka akaenda navo, uye vakasvika kuJodhani, vakatanga kutema miti. 5 Mumwe wavo paakanga achitema muti, demo rakasvotoka pamupini, rikawira mumvura, uye akachema achiti: “Maiwee, tenzi wangu kani, rakaita zvekukumbirwa!” 6 Munhu waMwari wechokwadi akabva ati: “Rawira papi?” Saka akamuratidza nzvimbo yacho. Akabva atema kamuti akakakanda ipapo, akaita kuti demo racho riyangarare. 7 Akati: “Ritore.” Saka akatambanudza ruoko rwake akaritora.
8 Zvino mambo weSiriya akaenda kunorwa nevaIsraeri.+ Akabvunza mazano kuvaranda vake akabva ati: “Ndichanodzika musasa nemi panzvimbo yekuti neyekuti.” 9 Munhu waMwari wechokwadi+ akabva atumira shoko kuna mambo weIsraeri, achiti: “Chenjererai kuti murege kupfuura nepanzvimbo iyi, nekuti ndiko kuri kuuya vaSiriya.” 10 Saka mambo weIsraeri akatumira shoko kunzvimbo yaakanga anyeverwa nezvayo nemunhu waMwari wechokwadi. Akaramba achimunyevera, uye akarega kuenda kunzvimbo dzacho.+
11 Izvi zvakagumbura mambo* weSiriya, saka akashevedza varanda vake akati kwavari: “Ndiudzei! Pakati pedu ndiani ari kudivi ramambo weIsraeri?” 12 Mumwe muranda wake akabva ati: “Hapana, ishe wangu! Erisha muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri zvinhu zvamunotaura muri muimba yenyu yekurara.”+ 13 Akati: “Endai munotsvaga kwaari, kuti nditume varume vaende kunomubata.” Gare gare akaudzwa kuti: “Ari kuDhotani.”+ 14 Akabva angotumira mabhiza ikoko nengoro dzehondo neuto guru; vakasvika usiku, vakakomba guta racho.
15 Mushandi* wemunhu waMwari wechokwadi paakafumomuka achibva abuda panze, akaona kuti uto raiva nemabhiza nengoro dzehondo rakanga rakomba guta. Mushandi wake akabva ati kwaari: “Maiwee, tenzi wangu kani! Tichaita seiko?” 16 Asi iye akati: “Usatya!+ Nekuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”+ 17 Erisha akabva atanga kunyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso ake kuti aone.”+ Jehovha akabva asvinudza maziso emushandi wacho uye akaona kumakomo kuzere nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto+ zvakapoteredza Erisha.+
18 VaSiriya pavakauya kwaaiva, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati: “Ndapota, pofumadzai rudzi urwu.”+ Saka akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. 19 Erisha akabva ati kwavari: “Iyi haisi iyo nzira yacho, uye iri harisi iro guta racho. Nditeverei ndikuendesei kumurume wamuri kutsvaga.” Asi iye akavaendesa kuSamariya.+
20 Pavakasvika muSamariya, Erisha akati: “Haiwa Jehovha, svinudzai maziso avo kuti vaone.” Saka Jehovha akasvinudza maziso avo, uye vakaona kuti vaiva pakati peSamariya. 21 Mambo weIsraeri paakavaona, akati kuna Erisha: “Baba vangu, ndivauraye here, ndivauraye here?” 22 Asi iye akati: “Usavauraya. Unouraya vanhu vawatapa nebakatwa rako neuta hwako here? Vape chingwa nemvura kuti vadye nekunwa,+ vodzokera kunashe wavo.” 23 Saka akavaitira mabiko makuru, uye vakadya, vakanwa, achibva azovarega vachidzokera kunashe wavo. Mapoka evanhu vaipamba evaSiriya+ haana kuzombouyazve munyika yeIsraeri kana kamwe chete zvako.
24 Pashure paizvozvo, Bheni-hadhadhi mambo weSiriya akaunganidza uto rake rese, akaenda akakomba Samariya.+ 25 Saka muSamariya makaita nzara huru,+ uye vakaramba vakaikomba kusvikira musoro wedhongi+ wava kuita masirivha 80, uye chikamu chimwe chete pazvina chekebhu* yemadororo enjiva chava kuita masirivha mashanu. 26 Mambo weIsraeri paakanga achipfuura ari parusvingo, mumwe mukadzi akashevedzera kwaari achiti: “Tibatsireiwo, haiwa ishe wangu mambo!” 27 Iye akabva ati: “Kana Jehovha asiri kukubatsira, ini ndingawanawo kupi zvekukubatsira nazvo? Kubva paburiro* here? Kana kuti kubva muchisviniro chewaini kana kuti chemafuta here?” 28 Mambo akabvunza mukadzi wacho kuti: “Chii chiri kunetsa?” Iye akati: “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Unza mwanakomana wako timudye nhasi, uye tichadya mwanakomana wangu mangwana.’+ 29 Saka takabika mwanakomana wangu, tikamudya.+ Zuva rakatevera ndakati kwaari, ‘Unza mwanakomana wako timudye.’ Asi akaviga mwanakomana wake.”
30 Mambo paakangonzwa mashoko emukadzi wacho, akabvarura nguo dzake.+ Paakapfuura ari parusvingo, vanhu vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo dzake. 31 Akabva ati: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri paari nhasi!”+
32 Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vakagara naye. Mambo akatuma mumwe murume mberi kwake, asi nhume yacho isati yasvika, Erisha akati kuvakuru vacho: “Mazviona here kuti mwanakomana uyu wemhondi+ atuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Garai makangwarira kuti kana nhume yacho yasvika, muvhare suo, murambe makaribata makamuvharira panze. Mutsindo wetsoka dzashe wake hausi shure kwake here?” 33 Achiri kutaura navo, nhume yacho yakasvika kwaari, uye mambo akati: “Dambudziko iri rabva kuna Jehovha. Ndicharambirei ndakamirira Jehovha?”
7 Zvino Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: ‘Mangwana panenge panguva ino, seya* yefurawa yakatsetseka ichaita shekeri,* uye maseya maviri ebhari achaita shekeri pagedhi reSamariya.’”*+ 2 Mubatsiri aivimbwa naye namambo akati kumunhu waMwari wechokwadi: “Kunyange kana Jehovha akazarura magedhi emvura kudenga, zvinhu zvakadaro zvingaitika here?”+ Iye akabva ati: “Uchazviona nemaziso ako,+ asi hauzozvidyi.”+
3 Kwaiva nevarume vana vaiva nemaperembudzi vainge vari pagedhi reguta,+ uye vakataurirana vachiti: “Tingagarirei pano kusvikira tafa? 4 Kana tikati, ‘Ngatipindei muguta,’ imo muguta muri imo mune nzara,+ tinofira imomo. Uye kana tikagara pano, tichangofa. Saka handei kumusasa wevaSiriya. Kana vakatisiya tiri vapenyu, tichararama, asi kana vakatiuraya, tinongofa zvedu.” 5 Vakabva vasimuka murima remanheru vakapinda mumusasa wevaSiriya. Pavakasvika kumucheto kwemusasa wevaSiriya, vakawana kusina munhu.
6 Nekuti Jehovha akanga aita kuti uto revaSiriya rinzwe kutinhira kwengoro dzehondo nemutsindo wemabhiza, kutinhira kweuto guru.+ Saka vakataurirana vachiti: “Mambo weIsraeri abhadhara madzimambo evaHiti nemadzimambo eIjipiti kuti auye kuzotirwisa!” 7 Vakabva vangosimuka vakatiza murima remanheru, vachisiya matende avo, mabhiza, nemadhongi avo, nemusasa wacho wese wakangodaro, uye vakatiza kuti vasaurayiwa.*
8 Varume vaiva nemaperembudzi pavakasvika kumucheto kwemusasa, vakapinda mune rimwe tende, vakatanga kudya nekunwa. Vakatora sirivha, negoridhe, nenguo zvaiva imomo vakanozviviga. Vakabva vadzoka, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvinhu imomo, vakaenda kunozviviga.
9 Vakazotaurirana vachiti: “Zvatiri kuita hazvina kunaka. Nhasi izuva remashoko akanaka! Kana tikaita zvekunonoka, tomirira kusvikira kwaedza, tinenge tichitofanira kurangwa. Regai tiende tinozvitaura kuimba yamambo.” 10 Saka vakaenda vakashevedzera kuvarindi vepamagedhi eguta, vakavaudza kuti: “Tapinda mumusasa wevaSiriya, asi taona musina munhu, hapana kana munhu watanzwa. Tangoona muine mabhiza nemadhongi akasungirirwa nematende asiyiwa akangodaro.” 11 Varindi vepamagedhi vakabva vangoshevedzera, uye shoko racho rakasvika muimba yamambo.
12 Mambo akabva angomuka usiku akati kuvaranda vake: “Ndapota, regai ndikuudzei zvatarongerwa nevaSiriya. Vanoziva kuti tine nzara,+ saka vabuda mumusasa kuti vahwande musango, vachiti, ‘Vachabuda muguta, uye tichavabata vari vapenyu, topinda muguta.’”+ 13 Mumwe wevaranda vake akabva ati: “Ndapota, itai kuti vamwe varume vatore mabhiza mashanu asara muguta. Nekuti vachangopedzisira vaita sevaIsraeri vese vasara muno. Vachangopedzisira vaita sevaIsraeri vese vakaparara. Regai tivatume tione.” 14 Saka vakatora ngoro mbiri dzaiva nemabhiza, uye mambo akavatuma kumusasa wevaSiriya, achiti: “Endai munoona.” 15 Vakavatevera kusvikira kuJodhani, uye vakawana nzira yese yakazara nguo nemidziyo zvakanga zvaraswa nevaSiriya pavaitiza vavhunduka. Nhume dzacho dzakabva dzadzoka dzikaudza mambo nezvazvo.
16 Vanhu vakabva vabuda, vakapamba musasa wevaSiriya, zvekuti seya yefurawa yakatsetseka yakanga yava kuita shekeri, uye maseya maviri ebhari akanga ava kuita shekeri, maererano neshoko raJehovha.+ 17 Mambo ainge agadza mubatsiri waaivimba naye kuti ave mutungamiriri pagedhi, asi vanhu vakamutsika-tsika pagedhi kusvika afa, sezvakanga zvaudzwa mambo nemunhu waMwari wechokwadi, mambo paakauya kwaari. 18 Zvakaitika semataurirwe azvakaitwa nemunhu waMwari wechokwadi kuna mambo, achiti: “Maseya maviri ebhari achaita shekeri, uye seya yefurawa yakatsetseka ichaita shekeri mangwana panguva ino pagedhi reSamariya.”+ 19 Asi mubatsiri wacho akanga ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Kunyange kana Jehovha akazarura magedhi emvura kudenga, zvinhu zvakadaro zvingaitika here?” Uye Erisha akanga amupindura achiti: “Uchazviona nemaziso ako, asi hauzozvidyi.” 20 Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nekuti vanhu vakamutsika-tsika pagedhi kusvikira afa.
8 Erisha akati kumukadzi aiva nemwanakomana waakanga amutsa:+ “Simuka uende, iwe neimba yako, unogara uri mutorwa chero kwaunenge waenda, nekuti Jehovha arayira kuti pave nenzara,+ uye ichauya panyika kwemakore 7.” 2 Saka mukadzi wacho akasimuka akaita zvakataurwa nemunhu waMwari wechokwadi. Akaenda nevanhu veimba yake, akanogara munyika yevaFiristiya+ kwemakore 7.
3 Pakapera makore 7, mukadzi wacho akadzoka kubva kunyika yevaFiristiya, akaenda kunoteterera kuna mambo kuti apiwe imba yake nemunda wake. 4 Mambo akanga achitaura naGehazi mushandi wemunhu waMwari wechokwadi, achiti: “Ndiudze zvinhu zvese zvikuru zvakaitwa naErisha.”+ 5 Paakanga achiri kurondedzera kuna mambo nezvekumutsa kwaakanga aita munhu akafa,+ mukadzi aiva nemwanakomana waakanga amutsa akasvika kuna mambo, achiteterera kuti apiwe imba yake nemunda wake.+ Gehazi akabva ati: “Ishe wangu mambo, uyu ndiye mukadzi wacho, uye uyu ndiye mwanakomana wake akamutswa naErisha.” 6 Mambo akabva abvunza mukadzi wacho, uyo akabva arondedzera nyaya yacho kwaari. Mambo akabva amupa mumwe wevakuru vemumuzinda, akamuudza kuti: “Dzorera zvinhu zvake zvese nezvibereko zvese zvemunda wacho kubvira pazuva raakabva munyika kusvika iye zvino.”
7 Erisha akaenda kuDhamasiko+ mambo weSiriya Bheni-hadhadhi+ paakanga achirwara. Saka akaudzwa kuti: “Munhu waMwari wechokwadi+ auya kuno.” 8 Mambo akabva ati kuna Hazaeri:+ “Tora chipo uende unosangana nemunhu waMwari wechokwadi.+ Bvunza Jehovha nekwaari, uchiti: ‘Ndichapora here pakurwara uku?’” 9 Hazaeri akaenda kunosangana naye aine chipo, zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese zveDhamasiko, mutoro wengamera 40. Akasvika akamira pamberi pake akati: “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi, mambo weSiriya, andituma kwamuri achibvunza kuti: ‘Ndichapora here pakurwara uku?’” 10 Erisha akamupindura kuti: “Enda unoti kwaari, ‘Chokwadi uchapora,’ asi Jehovha andiratidza kuti achatofa.”+ 11 Akaramba akamuti nde-e kusvikira ava kunyara. Munhu waMwari wechokwadi akabva atanga kuchema. 12 Hazaeri akabvunza kuti: “Ishe wangu ari kuchemei?” Iye akapindura kuti: “Nekuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri.+ Uchapisa maguta avo akakomberedzwa nemasvingo, uchauraya varume vavo vane simba nebakatwa, uchapwanya-pwanya vana vavo, uye uchabvarura matumbu evakadzi vavo vane pamuviri.”+ 13 Hazaeri akati: “Ini muranda wenyu, imbwawo zvayo, ndingakwanisa sei kuita zvinhu zvakadaro?” Asi Erisha akati: “Jehovha andiratidza kuti uchava mambo weSiriya.”+
14 Pashure paizvozvo akabva kuna Erisha, akadzokera kunashe wake, uyo akati kwaari: “Erisha ati chii kwauri?” Iye akati: “Andiudza kuti chokwadi muchapora.”+ 15 Asi pazuva rakatevera, Hazaeri akatora jira repamubhedha, akarinyika mumvura, akaribata rakavhara chiso* chake kusvikira afa.+ Hazaeri akabva ava mambo panzvimbo yake.+
16 Mugore rechishanu raJehoramu+ mwanakomana waAhabhi mambo weIsraeri, Jehoshafati paaiva mambo weJudha, Jehoramu+ mwanakomana waMambo Jehoshafati weJudha akava mambo. 17 Aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema. 18 Akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nevaya veimba yaAhabhi,+ nekuti akanga aroora mwanasikana waAhabhi;+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+ 19 Asi Jehovha haana kuda kuparadza Judha achifunga muranda wake Dhavhidhi,+ nekuti akanga amuvimbisa kuti achaita kuti agare aine rambi nguva dzese,+ iye nevanakomana vake.
20 Mumazuva ake, Edhomu yakapandukira Judha,+ ikabva yagadza mambo wayo.+ 21 Saka Jehoramu akayambuka akaenda kuZairi, aine ngoro dzake dzese, uye akamuka usiku, akakunda vaEdhomu vakanga vakamupoteredza iye nevakuru vengoro; uye mauto acho akatizira kumatende awo. 22 Asi Edhomu yakaramba ichipandukira Judha uye ndizvo zvaichiri kungoita nanhasi. Ribna+ yakapandukawo panguva iyoyo.
23 Kana iri nhoroondo yese yaJehoramu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 24 Jehoramu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa pamwe nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ Mwanakomana wake Ahaziya+ akava mambo panzvimbo yake.
25 Mugore rechi12 raJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo weIsraeri, Ahaziya mwanakomana waMambo Jehoramu weJudha akava mambo.+ 26 Ahaziya aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwegore rimwe chete muJerusarema. Amai vake vainzi Atariya,+ vari muzukuru* waMambo Omri+ weIsraeri. 27 Akafamba nenzira yeimba yaAhabhi,+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvaiita imba yaAhabhi, nekuti aiva neukama neimba yaAhabhi.+ 28 Saka akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi kunorwa naMambo Hazaeri weSiriya kuRamoti-giriyedhi,+ asi vaSiriya vakakuvadza Jehoramu.+ 29 Saka Jehoramu akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda aakanga akuvadzwa nevaSiriya kuRama paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+ Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezreeri kuti anoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi, nekuti akanga akuvadzwa.*
9 Zvino muprofita Erisha akashevedza mumwe wevanakomana vevaprofita, akati kwaari: “Monera nguo dzako muchiuno, ukurumidze kutora kamudziyo aka kemafuta,* uende kuRamoti-giriyedhi.+ 2 Paunosvika ikoko, tsvaga Jehu+ mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimshi; pinda mukati uite kuti asimuke kubva pakati pehama dzake, wopinda naye muimba yemukatikati. 3 Utore kamudziyo kemafuta, uadururire mumusoro make uti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.”’+ Kana wadaro, vhura suo ubve wangotiza.”
4 Saka mushandi wemuprofita wacho akasimuka akaenda kuRamoti-giriyedhi. 5 Paakasvika ikoko, akawana vakuru veuto vakagara. Akati: “Ndine shoko renyu mukuru wangu.” Jehu akabvunza kuti: “Raani pakati pedu?” Iye akati: “Renyu imi mukuru wangu.” 6 Saka Jehu akasimuka akapinda mumba; uye mushandi wacho akadururira mafuta mumusoro make, akati kwaari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wevanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri.+ 7 Unofanira kuuraya imba yaAhabhi ishe wako, uye ndichatsiva ropa revaranda vangu vaprofita nerevashumiri vaJehovha vese vakaurayiwa naJezebheri.+ 8 Imba yese yaAhabhi ichaparara; uye ndichaparadza vanhurume vese* vekwaAhabhi, kusanganisira varombo nevasina simba muIsraeri.+ 9 Ndichaita kuti imba yaAhabhi iite seimba yaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha+ mwanakomana waAhija. 10 Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudyira mumunda uri kuJezreeri,+ uye hapana achamuviga.’” Akabva avhura suo akatiza.+
11 Jehu paakadzokera kuvaranda vashe wake, vakamubvunza kuti: “Kwakanaka here? Benzi iri ravingei kwauri?” Akavapindura kuti: “Munongomuzivawo murume wacho uye zvaanotaura.” 12 Asi ivo vakati: “Uri kunyepa! Tiudzewo zvaataura.” Akabva ati: “Ataura neni izvi, achibva azoti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.”’”+ 13 Mumwe nemumwe wavo akabva angotora nguo yake, akaiwaridza pamasitepisi kuti Jehu atsike,+ uye vakaridza hwamanda vakati: “Jehu ava mambo!”+ 14 Jehu+ mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimshi akabva apandukira Jehoramu.
Jehoramu ainge akarinda kuRamoti-giriyedhi,+ iye nevaIsraeri vese, kuti vasarwiswa naMambo Hazaeri+ weSiriya. 15 Gare gare Mambo Jehoramu akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda aakakuvadzwa nevaSiriya paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+
Zvino Jehu akati: “Kana muchinditsigira,* musarega chero munhu upi zvake achitiza muguta kuti anotaura izvi kuJezreeri.” 16 Jehu akabva akwira mungoro yake akaenda kuJezreeri, nekuti Jehoramu akanga akarara ikoko sezvo akanga akakuvara, uye Mambo Ahaziya weJudha ainge adzika kunoona Jehoramu. 17 Murindi paakanga akamira pashongwe iri muJezreeri, akaona boka guru revarume vaJehu richiuya. Akabva angoti: “Pane varume vakawanda vandiri kuona.” Jehoramu akati: “Tora murwi anotasva bhiza, umutume kuti anosangana navo, anoti, ‘Mauya murugare here?’” 18 Saka mutasvi webhiza akaenda kunosangana naye akati: “Zvanzi namambo, ‘Wauya murugare here?’” Asi Jehu akati: “‘Rugare’ rwekuita sei? Enda shure kwangu unditevere!”
Murindi wacho akabva ati: “Nhume yacho yasvika kwavari, asi haina kudzoka.” 19 Saka akatuma mutasvi webhiza wechipiri, uyo akasvika kwavari akati: “Zvanzi namambo, ‘Wauya murugare here?’” Asi Jehu akati: “‘Rugare’ rwekuita sei? Enda shure kwangu unditevere!”
20 Murindi wacho akabva ati: “Asvika kwavari, asi haana kudzoka, uye kutyaira kuri kuita mukuru wavo kwakaita sekutyaira kwaJehu muzukuru* waNimshi, nekuti anotyaira ngoro semunhu anopenga.” 21 Jehoramu akati: “Sungai ngoro!” Saka vakasunga ngoro yake yehondo uye Mambo Jehoramu weIsraeri naMambo Ahaziya+ weJudha vakabuda kuti vanosangana naJehu, mumwe nemumwe ari mungoro yake yehondo. Vakasangana naye mumunda waNabhoti+ muJezreeri.
22 Jehoramu paakangoona Jehu, akati: “Wauya murugare here nhai Jehu?” Asi iye akati: “Kungava nerugare rwei kana upfambi hwaJezebheri+ amai vako neuroyi+ hwavo huzhinji zvichiripo?” 23 Jehoramu akabva atendeutsa ngoro yake kuti atize, uye akati kuna Ahaziya: “Ahaziya, tanyengerwa!” 24 Jehu akatora uta hwake, akapfura Jehoramu pakati pemapendekete, uye museve wacho wakabuda nepamwoyo pake, achibva awira mungoro yake yehondo. 25 Jehu akabva ati kuna Bhidkari mubatsiri wake: “Musimudze umukande mumunda waNabhoti muJezreeri.+ Yeuka kuti ini newe takanga tichityaira ngoro dzaiva mumashure mababa vake Ahabhi, Jehovha paakataura chirevo ichi pamusoro pake chekuti:+ 26 ‘“Sekuona kwandakaita ropa raNabhoti+ nerevanakomana vake nezuro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndinopika kuti ndichakutsiva+ mumunda iwo uno,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ Saka musimudze umukande mumunda wacho, maererano neshoko raJehovha.”+
27 Mambo Ahaziya+ weJudha paakaona zvaiitika, akatiza nenzira yekuimba yaiva mumunda. (Gare gare Jehu akamutevera akati: “Naiyewo mubayei!” Saka vakamubaya ari mungoro yake paaiva munzira achikwidza kuGuri, iri pedyo neIbreyamu.+ Asi akaramba achitiza achienda kuMegidho, uye akafira ikoko. 28 Varanda vake vakabva vamutakura mungoro vakaenda naye kuJerusarema, vakamuviga muguva rake pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ 29 Ahaziya+ akanga ava mambo weJudha mugore rechi11 raJehoramu mwanakomana waAhabhi.)
30 Jehu paakasvika kuJezreeri,+ Jezebheri+ akazvinzwa. Saka akapenda maziso ake nezvekuzora zvitema, akagadzira musoro wake, akatarisa pasi nepahwindo. 31 Jehu paaipinda nepagedhi, Jezebheri akati: “Chii chakaitika kuna Zimri uya akauraya ishe wake?”+ 32 Jehu akatarisa kumusoro kuhwindo racho akati: “Ndiani ari kudivi rangu? Ndiani?”+ Vakuru vaviri kana vatatu vemumuzinda vakabva vatarisa pasi kwaari. 33 Akati: “Mukandei pasi!” Saka vakamukanda pasi, uye rimwe ropa rake rakatsatikira pamadziro nepamabhiza, achibva amutsika-tsika. 34 Pashure paizvozvo akapinda mukati, akadya nekunwa. Akabva ati: “Ndapota, onai zvekuita nemukadzi uyu akatukwa mumuvige. Handiti mwanasikana wamambo.”+ 35 Asi pavakaenda kunomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake netsoka dzake nezvanza zvemaoko ake.+ 36 Pavakadzoka vakamuudza, iye akati: “Izvi zviri kuzadzisa shoko raJehovha+ raakataura achishandisa muranda wake Eriya muTishbhi, achiti, ‘Imbwa dzichadyira nyama yaJezebheri mumunda wekuJezreeri.+ 37 Chitunha chaJezebheri chichava mupfudze paivhu remumunda uri muJezreeri, kuti varege kuzoti: “Uyu ndiJezebheri.”’”
10 Zvino Ahabhi+ aiva nevanakomana 70 muSamariya. Saka Jehu akanyora tsamba akadzitumira kuSamariya kumachinda ekuJezreeri, nekuvakuru,+ nekuvanhu vaichengeta vana vaAhabhi, achiti: 2 “Pachasvika tsamba ino kwamuri, muchange muine vanakomana vashe wenyu, nengoro dzehondo, nemabhiza, neguta rakakomberedzwa nemasvingo, nezvombo. 3 Pavanakomana vashe wenyu, sarudzai anopfuura vese uye akanyatsokodzera,* momugadza pachigaro cheumambo chababa vake. Mubve marwira imba yashe wenyu.”
4 Asi ivo vakakundwa nekutya, vakati: “Onai! Kana madzimambo maviri akatadza kumira pamberi pake,+ isu tingamira here?” 5 Saka mutungamiriri wepamuzinda,* nagavhuna weguta, nevakuru, nevaichengeta vana, vakatumira shoko iri kuna Jehu rekuti: “Tiri varanda venyu, uye tichaita zvese zvamunotiudza. Hapana watichagadza kuti ave mambo. Itai zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.”
6 Akabva avanyorera tsamba yechipiri, achiti: “Kana muri kudivi rangu uye kana muchida kunditeerera, uyai nemisoro yevanakomana vashe wenyu, muuye kwandiri kuJezreeri mangwana panguva ino.”
Zvino vanakomana 70 vamambo vakanga vaine varume vanokudzwa veguta avo vaivachengeta. 7 Tsamba yacho payakangosvika kwavari, vakatora vanakomana vamambo vakavauraya, varume 70,+ vachibva vaisa misoro yavo mutswanda, vakaitumira kwaaiva kuJezreeri. 8 Nhume yacho yakasvika, ikamuudza kuti: “Vauya nemisoro yevanakomana vamambo.” Saka akati: “Unganidzai misoro yacho pagedhi reguta muiite mirwi miviri, moisiya yakadaro kusvikira mangwanani.” 9 Paakabuda mangwanani, akamira pamberi pevanhu vese akati: “Hamuna mhosva.* Ndizvo hazvo kuti ndakapandukira ishe wangu uye ndakamuuraya,+ asi ndiani auraya vese ava? 10 Saka zivai kuti hapana kana shoko rimwe chete raJehovha, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi risingazoitiki,*+ uye Jehovha aita zvaakataura achishandisa muranda wake Eriya.”+ 11 Jehu akaurayawo vese vakanga vasara veimba yaAhabhi muJezreeri, pamwe chete nevarume vake vese vaikudzwa, neshamwari dzake, nevapristi vake,+ kusvikira pasisina wekwake akasara ari mupenyu.+
12 Akabva asimuka akaenda kuSamariya. Imba yekusungira makwai* yevafudzi yaiva panzira yacho. 13 Jehu akasangana nehama dzaMambo Ahaziya+ weJudha ipapo, akati kwavari, “Ndimi vanaani?” Ivo vakati: “Tiri hama dzaAhaziya, uye tiri munzira kuenda kunonzwa kuti vanakomana vamambo nevanakomana vaamai vamambo vakadii.” 14 Akabva ati: “Vabatei vari vapenyu!” Saka vakavabata vari vapenyu, vakavaurayira pamugodhi wemvura weimba yekusungira makwai, varume 42. Hapana kana mumwe chete wavo waakasiya ari mupenyu.+
15 Paaienda achibva ipapo, akasangana naJehonadhabhi+ mwanakomana waRekabhi,+ uyo akanga achiuya kuzosangana naye. Paakamukwazisa,* akati kwaari: “Mwoyo wako wakavimbika* kwandiri here, sezvakaita mwoyo wangu kumwoyo wako?”
Jehonadhabhi akapindura achiti: “Hongu.”
“Kana zvakadaro, ndipe ruoko rwako.”
Saka akamupa ruoko rwake, uye Jehu akamudhonza akamukwidza mungoro maaiva. 16 Akabva ati: “Handei tese unoona kuti handiregereri vanhu vanokwikwidzana naJehovha.”*+ Saka vakaita kuti aende naJehu ari mungoro yake yehondo. 17 Akabva asvika kuSamariya, uye akauraya vese vakanga vasara veimba yaAhabhi vaiva muSamariya kusvikira avatsvaira vese,+ maererano neshoko raJehovha raakanga ataura kuna Eriya.+
18 Jehu akaunganidzawo vanhu vese akati kwavari: “Ahabhi akanamata Bhaari zvishoma,+ asi Jehu achatomunamata kupfuura ipapo. 19 Saka shevedzai vaprofita vese vaBhaari,+ vanamati vake vese, nevapristi vake vese+ vauye kwandiri. Hapana anofanira kushayikwa, nekuti ndinoda kubayira chibayiro chikuru kuna Bhaari. Munhu achashayikwa haasi kuzorarama.” Asi Jehu akanga achivanyengera kuti aparadze vanamati vaBhaari.
20 Jehu akati: “Itai kuti pave negungano dzvene raBhaari.” Saka vakazivisa nezvaro. 21 Pashure paizvozvo Jehu akatumira shoko muIsraeri yese, uye vanamati vese vaBhaari vakauya. Hapana kana mumwe chete asina kuuya. Vakapinda muimba* yaBhaari,+ uye imba yaBhaari yakazara kubva kune rimwe divi kusvika kune rimwe divi. 22 Akabva ati kumunhu aiona nezvenzvimbo yaichengeterwa nguo: “Budisa nguo dzevanamati vese vaBhaari.” Saka akavabudisira zvipfeko zvacho. 23 Jehu naJehonadhabhi+ mwanakomana waRekabhi vakabva vapinda muimba yaBhaari. Akabva ati kuvanamati vaBhaari: “Nyatsotsvagai, uye onai kuti hapana mumwe wevanamati vaJehovha ari muno, musare vanamati vaBhaari chete.” 24 Vakazopinda kuti vape zvibayiro nemipiro inopiswa. Jehu akanga aisa vamwe varume vake 80 panze, akati: “Kana pakava neanopukunyuka pavanhu vandiri kuisa mumaoko enyu, imi ndimi muchafa panzvimbo pake.”*
25 Paakangopedza kupa mupiro unopiswa, Jehu akati kuvabatsiri nevarindi:* “Pindai muvauraye! Musarega kunyange mumwe chete achipukunyuka!”+ Saka vabatsiri nevarindi vakavauraya nebakatwa, vakavakanda panze, uye vakaramba vachienda kusvikira vapinda munzvimbo inoyera* yeimba yaBhaari. 26 Vakabva vabudisa shongwe dzinoyera+ dzeimba yaBhaari, vakadzipisa dzese.+ 27 Vakaputsa shongwe inoyera+ yaBhaari, uye vakaputsa imba yaBhaari+ vakaiita chimbuzi uye ndizvo zvaichiri nanhasi.
28 Saka Jehu akabvisa zvachose kunamatwa kwaBhaari muIsraeri. 29 Zvisinei, Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite panyaya yemhuru dzegoridhe dzaiva kuBheteri nekuDhani.+ 30 Saka Jehovha akati kuna Jehu: “Nekuti wakaita zvakanaka uye wakaita zvakarurama pamberi pangu pawakaita zvese zvaiva mumwoyo mangu zvandaida kuitira imba yaAhabhi,+ zvizvarwa zvina zvevanakomana vako zvichagara pachigaro cheumambo chaIsraeri.”+ 31 Asi Jehu haana kuchenjerera kufamba muMutemo waJehovha Mwari waIsraeri nemwoyo wake wese.+ Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+
32 Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kuita kuti dzimwe nharaunda dzeIsraeri dzitorwe zvishoma nezvishoma. Hazaeri akaramba achivarwisa munharaunda yese yeIsraeri,+ 33 kubvira kuJodhani nechekumabvazuva, nyika yese yeGiriyedhi, kureva yaGadhi, yaRubheni neyaManase,+ kubva kuAroeri, iri pedyo neBani reAnoni,* kusvika kuGiriyedhi neBhashani.+
34 Kana iri nhoroondo yese yaJehu, zvese zvaakaita uye simba rake rese, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 35 Jehu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muSamariya; uye mwanakomana wake Jehoahazi+ akava mambo panzvimbo yake. 36 Jehu akaita makore 28 achitonga vaIsraeri muSamariya.
11 Atariya+ amai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa,+ vakasimuka vakaparadza veimba yeumambo vese.*+ 2 Zvisinei, Jehoshebha mwanasikana waMambo Jehoramu, hanzvadzi yaAhaziya, akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vakanga vachizourayiwa, akamuchengeta pamwe chete nemureri wake muimba yekurara yaiva mukati. Vakakwanisa kuramba vakamuviga kuti asaonekwa naAtariya, saka haana kuurayiwa. 3 Akaramba ainaye kwemakore 6 akahwandiswa paimba yaJehovha, Atariya paakanga achitonga nyika.
4 Mugore rechi7, Jehoyadha akashevedza vakuru vemazana vevarindi veKariya nevevarindi vepamuzinda*+ akaita kuti vauye kwaari kuimba yaJehovha. Akaita chibvumirano* navo, akaita kuti vapike pamusoro pechibvumirano chacho paimba yaJehovha, achibva azovaratidza mwanakomana wamambo.+ 5 Akavarayira achiti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Rimwe boka revanhu venyu richauya paSabata, uye richanyatsorinda imba yamambo,*+ 6 uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye rimwe richava pagedhi riri shure kwevarindi vepamuzinda. Muchaita majana ekurinda imba yacho. 7 Mapoka enyu maviri anenge asiri kushanda paSabata anofanira kunyatsorinda imba yaJehovha kuti achengetedze mambo. 8 Munofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anosvika pamuri anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*
9 Vakuru vemazana+ vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata, uye vakapinda maiva nemupristi Jehoyadha.+ 10 Mupristi akabva apa vakuru vemazana mapfumo nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi, zvaiva muimba yaJehovha. 11 Varindi vepamuzinda+ vakabva vamira munzvimbo dzavo, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake, kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari+ uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 12 Jehoyadha akabva abudisa mwanakomana wamambo,+ akamupfekedza korona uye akaisa Chipupuriro*+ paari, uye vakamugadza kuti ave mambo, vakamuzodza. Vakatanga kuombera, vachiti: “Mambo ngaarambe achirarama!”+
13 Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 14 Akabva aona mambo amire pedyo nembiru sezvaigara zvichiitwa.+ Mambo aiva nevakuru nevanhu vairidza mabhosvo,+ uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro vachiridza mabhosvo. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 15 Asi mupristi Jehoyadha akarayira vakuru vemazana,+ vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 16 Saka vakamubata, uye paakasvika paipinda nemabhiza muimba yamambo,*+ akaurayirwa ipapo.
17 Jehoyadha akabva aita kuti mambo nevanhu vaite sungano naJehovha,+ yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha, uye akaitawo kuti mambo aite sungano nevanhu.+ 18 Pashure paizvozvo, vanhu vese vemunyika yacho vakaenda kuimba* yaBhaari, vakaputsa atari dzake,+ uye vakapwanya-pwanya mifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho.
Mupristi akabva agadza vatariri kuti vatungamirire imba yaJehovha.+ 19 Akatorawo vakuru vemazana,+ nevarindi veKariya, nevarindi vepamuzinda,+ nevanhu vese vemunyika yacho, kuti vaperekedze mambo kubva kuimba yaJehovha, uye vakasvika kuimba yamambo* nenzira yekugedhi revarindi vepamuzinda wamambo. Mambo akabva agara pachigaro chemadzimambo.+ 20 Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa paimba yamambo.
21 Jehoashi+ aiva nemakore 7 paakava mambo.+
12 Mugore rechi7 raJehu,+ Jehoashi+ akava mambo, uye akatonga kwemakore 40 muJerusarema. Amai vake vainzi Zibhiya uye vaiva vekuBheeri-shebha.+ 2 Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ese aaidzidziswa nemupristi Jehoyadha. 3 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira+ hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.
4 Jehoashi akati kuvapristi: “Torai mari yese yemipiro mitsvene inounzwa kuimba yaJehovha,+ mari inosarudzirwa munhu mumwe nemumwe,+ mari inopiwa inoenderana neukoshi hwemunhu,* nemari yese inounzwa nemunhu kuimba yaJehovha zvichibva pamwoyo pake.+ 5 Vapristi pachavo ndivo vachatora mari yacho kubva kuvanhu vanovapa,* voishandisa kugadziridza imba pese payakatsemuka.”+
6 Pakasvika gore rechi23 raMambo Jehoashi, vapristi vakanga vasati vagadziridza imba yacho.+ 7 Saka Mambo Jehoashi akashevedza mupristi Jehoyadha+ nevamwe vapristi akati kwavari: “Nei musiri kugadziridza zvakapazika paimba? Saka chiregai kutora mari kuvanhu vanokupai kunze kwekunge ichishandiswa kugadziridza imba.”+ 8 Vapristi vakabvuma kuti vaisazotorazve imwe mari kuvanhu uye kuti havasi ivo vaizoona nezvekugadziridzwa kweimba yacho.
9 Mupristi Jehoyadha akabva atora bhokisi,+ akaboora buri pachivharo charo, akariisa pedyo neatari kudivi rerudyi kana uchipinda muimba yaJehovha. Imomo ndimo maiiswa nevapristi vaichengeta masuo mari yese yaiunzwa muimba yaJehovha.+ 10 Pese pavaiona kuti mubhokisi mava nemari yakawanda, munyori wamambo nemupristi mukuru vaiuya voitora,* voverenga mari yacho yainge yaunzwa muimba yaJehovha.+ 11 Vaibva vapa mari yacho inenge yaverengwa kuvanhu vakanga vagadzwa kuti vatungamirire basa raiitwa muimba yaJehovha. Ivo vaizoishandisa kubhadhara vavezi nevavaki vainge vachishanda paimba yaJehovha,+ 12 nevanhu vaivaka nematombo nevaicheka matombo. Vakatengawo matanda nematombo akavezwa kuti vagadziridze mainge mapazika paimba yaJehovha uye vakashandisa mari yacho kubhadhara zvimwe zvese zvaidiwa pakugadziridza imba yacho.
13 Asi pamari yakaunzwa kuimba yaJehovha hapana yakashandiswa kugadzira mabheseni esirivha, nezvekudzimisa moto, ndiro, mabhosvo,+ kana mudziyo chero upi zvawo wegoridhe kana wesirivha zveimba yaJehovha.+ 14 Vaingoipa vanhu vaiita basa chete, uye vakaishandisa kugadziridza imba yaJehovha. 15 Vakanga vasingabvunzi mashandisirwo ayo kuvarume vacho vavaipa mari kuti vape vanhu vaiita basa, nekuti varume vacho vakanga vakavimbika.+ 16 Asi mari yemipiro yemhosva+ nemari yezvibayiro zvechivi, haina kuendeswa kuimba yaJehovha; yaiva yevapristi.+
17 Panguva iyoyo Hazaeri+ mambo weSiriya ndipo paakaenda kunorwa neGati+ akaitora, uye pashure paizvozvo akasarudza kurwisa* Jerusarema.+ 18 Mambo Jehoashi weJudha akabva atora mipiro mitsvene yakanga yatsaurwa nemadzitateguru ake Jehoshafati, Jehoramu, naAhaziya, iwo madzimambo eJudha, nemipiro yakewo mitsvene negoridhe rese raiva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha nemuimba yamambo,* akazvitumira kuna Hazaeri mambo weSiriya.+ Saka akarega kurwisa Jerusarema.
19 Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 20 Zvisinei, varanda vake vakabatana vachimupandukira+ uye vakauraya Jehoashi paimba yeMurwi Wevhu,*+ panzira inoenda kuSira. 21 Varanda vake Jozakari mwanakomana waShimeyati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, ndivo vakamubaya vakamuuraya.+ Vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi, uye mwanakomana wake Amaziya akava mambo panzvimbo yake.+
13 Mugore rechi23 raJehoashi+ mwanakomana waAhaziya+ mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu+ akava mambo weIsraeri muSamariya uye akatonga kwemakore 17. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akaramba achiita chivi chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuchirega. 3 Saka Jehovha akatsamwira+ vaIsraeri chaizvo,+ uye akavaisa muruoko rwaMambo Hazaeri+ weSiriya nemuruoko rwaBheni-hadhadhi+ mwanakomana waHazaeri mazuva avo ese.
4 Kwapera nguva, Jehoahazi akateterera Jehovha kuti amunzwire nyasha, uye Jehovha akamunzwa, nekuti akanga aona kudzvinyirirwa kwaiitwa Israeri namambo weSiriya.+ 5 Saka Jehovha akapa vaIsraeri muponesi+ kuti avasunungure paudzvinyiriri hweSiriya, uye vaIsraeri vakanga vava kukwanisa kugara mumisha yavo sezvavaimboita.* 6 (Asi havana kurega chivi cheimba yaJerobhoamu chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Vakaramba vachiita chivi ichi,* uye bango rinoyera*+ rakaramba rakamira muSamariya.) 7 Jehoahazi akasara neuto raingova nevatasvi vemabhiza 50, nengoro 10, nevarwi vaifamba netsoka 10 000, nekuti mambo weSiriya akanga avaparadza,+ akavatsika-tsika seguruva renguva yekupura.+
8 Kana iri nhoroondo yese yaJehoahazi, zvese zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 9 Jehoahazi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muSamariya;+ uye mwanakomana wake Jehoashi akava mambo panzvimbo yake.
10 Mugore rechi37 raMambo Jehoashi weJudha, Jehoashi+ mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 16. 11 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asingaregi zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Akaramba achiita zvivi* izvi.
12 Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvese zvaakaita uye simba rake nekurwa kwaakaita naMambo Amaziya weJudha,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 13 Jehoashi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, Jerobhoamu*+ achibva agara pachigaro chake cheumambo. Uye Jehoashi akavigwa muSamariya pamwe chete nemadzimambo eIsraeri.+
14 Erisha+ paakanga ava kurwara nechirwere chakazomuuraya, Jehoashi mambo weIsraeri akaenda kwaaiva, akachema akamutsamira achiti: “Baba vangu, baba vangu kani! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ 15 Erisha akabva ati kwaari: “Tora uta nemiseve.” Saka akatora uta nemiseve. 16 Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Bata uta.” Saka akahubata, Erisha achibva aisa maoko ake pamaoko amambo. 17 Akabva ati: “Vhura hwindo rekumabvazuva.” Saka akarivhura. Erisha akati: “Pfura!” Saka akapfura. Akabva ati: “Museve waJehovha wekukunda,* iwo museve wekukunda Siriya! Iwe uchakunda Siriya kuAfeki+ kusvikira waiparadza.”
18 Akabva ati: “Tora miseve yacho,” iye akaitora. Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Rova pasi.” Saka akarova pasi katatu achibva arega. 19 Munhu waMwari wechokwadi akamutsamwira akati: “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu! Kudai wadaro waizokunda Siriya kusvikira waiparadza, asi zvino uchakunda Siriya katatu chete.”+
20 Pashure paizvozvo Erisha akafa akavigwa. Kwaiva nemapoka evanhu vaipamba evaMoabhi+ aiuya munyika pakutanga kwegore.* 21 Vamwe varume pavakanga vachiviga mumwe murume, vakaona boka revapambi, saka vakakurumidza kukanda murume wacho muguva raErisha, vachibva vamhanya vachitiza. Murume wacho paakagumha mapfupa aErisha, akava mupenyu,+ akasimuka ndokumira.
22 Mambo Hazaeri+ weSiriya akadzvinyirira vaIsraeri+ mazuva ese aJehoahazi. 23 Asi Jehovha akavaitira nyasha nengoni,+ akavanzwira tsitsi achifunga sungano yaakaita naAbrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+ Haana kuda kuvaparadza, uye haana kuvarasa kusvikira nhasi. 24 Mambo Hazaeri weSiriya paakafa, mwanakomana wake Bheni-hadhadhi akava mambo panzvimbo yake. 25 Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akabva atorazve kubva kuna Bheni-hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atorera Jehoahazi baba vake muhondo. Jehoashi akamukunda katatu,+ akatorazve maguta eIsraeri.
14 Mugore rechipiri raJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amaziya mwanakomana waMambo Jehoashi weJudha akava mambo. 2 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jehoadhini.+ 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kusvika pana tateguru vake Dhavhidhi.+ Akaita zvese zvakanga zvaitwa nababa vake Jehoashi.+ 4 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ 5 Paakangosimbisa umambo hwake, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+ 6 Asi haana kuuraya vanakomana vemhondi dzacho, maererano nemurayiro waJehovha wakanyorwa mubhuku reMutemo waMozisi unoti: “Vanababa havafaniri kuurayirwa zvivi zvevanakomana vavo, uye vanakomana havafaniri kuurayirwa zvivi zvavanababa vavo; asi mumwe nemumwe anofanira kuurayirwa chivi chake.”+ 7 Akauraya vaEdhomu+ muBani reMunyu,+ varume 10 000, akatora Sera muhondo yacho,+ uye yakatumidzwa kuti Jokteeri uye ndiro zita rayo nanhasi.
8 Panguva iyoyo Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo weIsraeri, achiti: “Uya tirwisane.”*+ 9 Mambo Jehoashi weIsraeri akatumira shoko kuna Mambo Amaziya weJudha, achiti: “Utumbambeva* hwemuRebhanoni hwakatumira shoko kumuti wemusidhari wemuRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yesango yemuRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho. 10 Wakaparadza Edhomu,+ saka mwoyo wako wava kuzvikudza. Fara nekukudzwa kwako, asi gara mumba mako.* Unodirei kutsvaga dambudziko woparara, iwe pamwe chete nevaJudha?” 11 Asi Amaziya haana kuteerera.+
Saka Mambo Jehoashi weIsraeri akaenda, uye akarwisana naMambo Amaziya weJudha paBheti-shemeshi+ yeJudha.+ 12 Judha yakakundwa neIsraeri, saka mumwe nemumwe akatizira kumba kwake.* 13 Mambo Jehoashi weIsraeri akabata Mambo Amaziya weJudha, mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBheti-shemeshi. Vakabva vasvika kuJerusarema, uye akaputsa rusvingo rweJerusarema kubva paGedhi raEfremu+ kusvika kuGedhi Repakona,+ makubhiti 400.* 14 Akatora goridhe rese nesirivha nemidziyo yese yaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo, uye akatorawo vasungwa. Akabva adzokera kuSamariya.
15 Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvaakaita uye simba rake nekurwa kwaakaita naMambo Amaziya weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 16 Jehoashi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa muSamariya+ pamwe chete nemadzimambo eIsraeri; uye mwanakomana wake Jerobhoamu*+ akava mambo panzvimbo yake.
17 Amaziya+ mwanakomana waJehoashi+ mambo weJudha akararama kwemakore 15 pashure pekufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.+ 18 Kana iri nhoroondo yese yaAmaziya haina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 19 Akazopandukirwa+ kuJerusarema, achibva atizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko. 20 Saka vakamutakura nemabhiza vakadzoka naye, uye akavigwa muJerusarema pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ 21 Vanhu vese veJudha vakabva vatora Azariya,*+ uyo aiva nemakore 16,+ vakamugadza kuva mambo panzvimbo yababa vake Amaziya.+ 22 Akavakazve Erati,+ akaidzorera kuna Judha pashure pekunge mambo* aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+
23 Mugore rechi15 raAmaziya mwanakomana waJehoashi mambo weJudha, Jerobhoamu+ mwanakomana waMambo Jehoashi weIsraeri akava mambo muSamariya, uye akatonga kwemakore 41. 24 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 25 Akadzorera muganhu weIsraeri kubva kuRebhohamati*+ kusvika kuGungwa reArabha,*+ sezvakanga zvataurwa naJehovha Mwari waIsraeri achishandisa muranda wake Jona+ mwanakomana waAmitai, muprofita wekuGati-heferi.+ 26 Nekuti Jehovha akanga aona kutambudzika kukuru kwaiita vaIsraeri.+ Pakanga pasisina munhu aikwanisa kubatsira vaIsraeri, angava murombo kana munhu wepasi pasi. 27 Asi Jehovha akanga avimbisa kuti aisazoita kuti zita raIsraeri ridzimwe pasi pedenga.+ Saka akavaponesa neruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.+
28 Kana iri nhoroondo yese yaJerobhoamu, zvese zvaakaita uye simba rake, kurwa kwaakaita nekudzorera kwaakaita Dhamasiko+ neHamati+ kuJudha iri muIsraeri, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 29 Jerobhoamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, pamwe chete nemadzimambo eIsraeri; uye mwanakomana wake Zekariya+ akava mambo panzvimbo yake.
15 Mugore rechi27 raMambo Jerobhoamu* weIsraeri, Azariya*+ mwanakomana waMambo Amaziya+ weJudha akava mambo.+ 2 Aiva nemakore 16 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 52 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jekoriya. 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amaziya.+ 4 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ 5 Jehovha akarova mambo nedenda, akaramba aine maperembudzi+ kusvikira pazuva raakafa. Aigara muimba yake ega,+ Jotamu+ mwanakomana wamambo achitungamirira imba,* achitonga vanhu vemunyika yacho.+ 6 Kana iri nhoroondo yese yaAzariya,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 7 Azariya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake,+ uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi, mwanakomana wake Jotamu achibva ava mambo panzvimbo yake.
8 Mugore rechi38 raMambo Azariya+ weJudha, Zekariya+ mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemwedzi 6. 9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake. Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 10 Sharumu mwanakomana waJabheshi akabva amupandukira, akamubaya+ kuIbreyamu.+ Pashure pekunge amuuraya, akava mambo panzvimbo yake. 11 Kana iri nhoroondo yese yaZekariya, yakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 12 Izvi zvakazadzisa shoko raJehovha raakaudza Jehu, achiti: “Zvizvarwa zvina zvevanakomana vako+ zvichagara pachigaro cheumambo chaIsraeri.”+ Uye izvozvo ndizvo zvakaitika.
13 Sharumu mwanakomana waJabheshi akava mambo mugore rechi39 raMambo Uziya+ weJudha, uye akatonga kwemwedzi wakazara muSamariya. 14 Menahemu mwanakomana waGadhi akabva kuTiza+ akauya kuSamariya, akabaya Sharumu+ mwanakomana waJabheshi muSamariya. Pashure pekunge amuuraya, akava mambo panzvimbo yake. 15 Kana iri nhoroondo yese yaSharumu nekupanduka kwaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 16 Panguva iyoyo Menahemu ndipo paakabva kuTiza akaparadza Tifsa nevanhu vese vaiva mairi nemunharaunda yayo, nekuti haina kumuvhurira magedhi ayo. Akaiparadza akabvarura matumbu evakadzi vemo vaiva nepamuviri.
17 Mugore rechi39 raMambo Azariya weJudha, Menahemu mwanakomana waGadhi akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore 10 muSamariya. 18 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite,+ mazuva ake ese. 19 Mambo Puri+ weAsiriya akauya munyika yacho, uye Menahemu akapa Puri matarenda* 1 000 esirivha, achimubhadhara kuti amubatsire kusimbisa umambo hwake.+ 20 Menahemu akawana sirivha yacho nekubhadharisa varume vese vaikudzwa vakanga vakapfuma muIsraeri chitsama chaakavatemera.+ Akaita kuti murume mumwe nemumwe abvise mashekeri* 50 esirivha, akaapa mambo weAsiriya. Mambo weAsiriya akabva adzokera, haana kuramba ari munyika yacho. 21 Kana iri nhoroondo yese yaMenahemu,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 22 Menahemu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake; uye mwanakomana wake Pekahiya akava mambo panzvimbo yake.
23 Mugore rechi50 raAzariya mambo weJudha, Pekahiya mwanakomana waMenahemu akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore maviri. 24 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 25 Mubatsiri wake Peka+ mwanakomana waRemariya akabva amupandukira, akamuurayira muSamariya mushongwe yaishandiswa senhare* iyo yaiva muimba yamambo, naAgobhu naAriye. Aiva nevarume 50 vekuGiriyedhi; uye pashure pekunge amuuraya akabva ava mambo panzvimbo yake. 26 Kana iri nhoroondo yese yaPekahiya, zvese zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri.
27 Mugore rechi52 raMambo Azariya weJudha, Peka+ mwanakomana waRemariya akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 20. 28 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 29 Mumazuva aMambo Peka weIsraeri, Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya akapinda nechisimba akatora Ijoni, Abheri-bheti-maaka,+ Janoa, Kedheshi,+ Hazori, Giriyedhi,+ neGarireya, nyika yese yaNaftari,+ akatapa vagari vemo akaenda navo kuAsiriya.+ 30 Hoshea+ mwanakomana waEraa akabva apandukira Peka mwanakomana waRemariya, akamubaya, akamuuraya; uye akava mambo panzvimbo yake mugore rechi20 raJotamu+ mwanakomana waUziya. 31 Kana iri nhoroondo yese yaPeka, zvese zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri.
32 Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemariya mambo weIsraeri, Jotamu+ mwanakomana waMambo Uziya+ weJudha akava mambo. 33 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Amai vake vainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.+ 34 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uziya.+ 35 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ Ndiye akavaka gedhi rekumusoro reimba yaJehovha.+ 36 Kana iri nhoroondo yese yaJotamu, zvinhu zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 37 Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiriya naPeka+ mwanakomana waRemariya kunorwisa Judha.+ 38 Jotamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi tateguru vake. Uye mwanakomana wake Ahazi akava mambo panzvimbo yake.
16 Mugore rechi17 raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi+ mwanakomana waMambo Jotamu weJudha akava mambo. 2 Ahazi aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 3 Asi akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye akatopfuudzawo mwanakomana wake nemumoto,+ achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri. 4 Akarambawo achibayira zvibayiro nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira,+ nepazvikomo, nepasi pemiti yese yakasvibirira.+
5 Panguva iyoyo ndipo pakauya Mambo Rezini weSiriya naPeka mwanakomana waRemariya mambo weIsraeri kuzorwisa Jerusarema.+ Vakakomba Ahazi kuti vamurwise, asi havana kukwanisa kutora guta racho. 6 Panguva iyoyo Mambo Rezini weSiriya akadzorera Erati+ kuEdhomu, achibva abudisa vaJudha* muErati. VaEdhomu vakabva vapinda muErati, uye nanhasi vachiri kugara imomo. 7 Saka Ahazi akatuma nhume kuna Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya achiti: “Ndiri muranda wenyu uye mwanakomana wenyu. Uyai mundiponese paruoko rwamambo weSiriya neparuoko rwamambo weIsraeri, avo vari kundirwisa.” 8 Saka Ahazi akatora sirivha negoridhe zvaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo* akatumira mambo weAsiriya chipo.+ 9 Mambo weAsiriya akanzwa chikumbiro chake uye akaenda kuDhamasiko akaitora, akatapa vanhu vayo akavaendesa kuKiri,+ uye akauraya Rezini.+
10 Mambo Ahazi akabva aenda kunosangana naMambo Tigrati-pireseri weAsiriya kuDhamasiko. Mambo Ahazi paakaona atari yaiva muDhamasiko, akatumira mupristi Urija mufananidzo weatari yacho, wairatidza magadzirirwo ayakanga yakaitwa.+ 11 Mupristi Urija+ akavaka atari+ yacho achitevedzera mirayiridzo yese yakanga yatumirwa naMambo Ahazi kubva kuDhamasiko. Mupristi Urija akapedza kuivaka Mambo Ahazi asati adzoka kubva kuDhamasiko. 12 Mambo paakadzoka kubva kuDhamasiko achibva aona atari yacho, akaenda pairi akapa mipiro pairi.+ 13 Akaramba achiita kuti zvibayiro zvake zvinopiswa nemipiro yake yezviyo zvipfungaire paatari yacho; akadururawo pairi mipiro yake yezvinwiwa uye akasasa ropa rezvibayiro zvake zverugare pairi. 14 Akabva abvisa atari yemhangura+ yaiva pamberi paJehovha kubva panzvimbo yayo pamberi peimba; akaibvisa pakati peatari yake neimba yaJehovha, akaiisa kuchamhembe kweatari yake. 15 Mambo Ahazi akarayira mupristi Urija+ achiti: “Ita kuti chibayiro chinopiswa chemangwanani chipfungaire paatari huru,+ nemupiro wezviyo wemanheru,+ nechibayiro chinopiswa chamambo nemupiro wake wezviyo, pamwe chete nezvibayiro zvinopiswa zvevanhu vese, nemipiro yavo yezviyo, nemipiro yezvinwiwa. Unofanirawo kusasa pairi ropa rese rezvibayiro zvinopiswa, neropa rese rezvimwe zvibayiro. Asi kana iri atari yemhangura, rega ndione kuti ndichaita sei nayo.” 16 Mupristi Urija akaita zvese zvakanga zvarayirwa naMambo Ahazi.+
17 Mambo Ahazi akacheka-chekawo marata emumativi ezvingoro,+ akabvisa mabheseni pazviri,+ uye akabvisa Dziva pamikono yemombe yemhangura+ parainge rakagadzikirwa, akariisa pasi pakanga pakawaridzwa matombo.+ 18 Akabvisa nzvimbo yakanga iine denga yaishandiswa paSabata yakanga yavakwa muimba yacho uye akavhara paipinda namambo muimba yaJehovha achibva avhura pamwe; akaita izvi nemhaka yamambo weAsiriya.
19 Kana iri nhoroondo yese yaAhazi, zvinhu zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 20 Ahazi akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi; uye mwanakomana wake Hezekiya*+ akava mambo panzvimbo yake.
17 Mugore rechi12 raMambo Ahazi weJudha, Hoshea+ mwanakomana waEraa akava mambo weIsraeri muSamariya; akatonga kwemakore 9. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuzosvika pane zvakaitwa nemadzimambo eIsraeri akamutangira. 3 Mambo Sharimaneseri weAsiriya akauya kuzomurwisa,+ uye Hoshea akava muranda wake, akatanga kubhadhara mutero kwaari.+ 4 Asi mambo weAsiriya akaziva kuti Hoshea aironga kumupandukira, nekuti akanga atuma nhume kuna Mambo So weIjipiti+ uye akanga asina kuendesa mutero kuna mambo weAsiriya sezvaaiita makore akanga apfuura. Saka mambo weAsiriya akaramba akamuvharira mujeri akasungwa.
5 Mambo weAsiriya akapinda munyika yacho yese nechisimba, uye akaenda kuSamariya, akaikomba kwemakore matatu. 6 Mugore rechi9 raHoshea, mambo weAsiriya akatora Samariya.+ Akabva atapa vaIsraeri+ akavaendesa kuAsiriya, akavagarisa muHeira nemuHabhori kurwizi rwaGozani+ uye mumaguta evaMedhiya.+
7 Izvi zvakaitika nekuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti mavaiva pasi paFarao mambo weIjipiti.+ Vakanamata* vamwe vanamwari,+ 8 vakatevedzera tsika dzemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri, uye vakatevedzera tsika dzakanga dzatangwa nemadzimambo eIsraeri.
9 VaIsraeri vairamba vachiita zvinhu zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo. Vakaramba vachivaka nzvimbo dzakakwirira mumaguta avo ese,+ kubva kunharire kusvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo.* 10 Vakaramba vachizvimisira shongwe dzinoyera nemapango anoyera*+ pazvikomo zvese zvakakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira;+ 11 uye vaikwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzese dzakakwirira sezvaiitwa nemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pavo.+ Vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kuti vagumbure Jehovha.
12 Vakaramba vachishumira zvidhori zvaisemesa,*+ zvavakanga vanzi naJehovha: “Musazvishumire!”+ 13 Jehovha akaramba achinyevera Israeri naJudha achishandisa vaprofita vake vese nevaoni vese,+ achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa!+ Chengetai mirayiro yangu nemirau yangu, muchitevedzera zvese zviri mumutemo wandakarayira madzitateguru enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa varanda vangu vaprofita.” 14 Asi havana kuteerera, uye vakaramba vachiomesa misoro* yavo semadzitateguru avo, ayo asina kutenda muna Jehovha Mwari wawo.+ 15 Vakaramba vasingachengeti mirau yake nesungano yake+ yaakanga aita nemadzitateguru avo nezviyeuchidzo zvake zvaakanga avapa achivanyevera,+ uye vakaramba vachitevera zvidhori zvisingabatsiri,+ ivo vakavawo vanhu vasingabatsiri,+ vachitevedzera marudzi akanga akavapoteredza, avakanga varayirwa naJehovha kuti vasatevedzera.+
16 Vakaramba vachisiya mirayiro yese yaJehovha Mwari wavo, uye vakagadzira mifananidzo yesimbi* yemhuru mbiri+ nebango rinoyera,*+ uye vakapfugamira uto rese rekudenga,+ vakashumira Bhaari.+ 17 Vakapfuudzawo vanakomana vavo nevanasikana vavo nemumoto,+ vachishopera,+ vachitenda mashura, uye vakaramba vachizvipira kuita* zvakaipa pamberi paJehovha, kuti vamugumbure.
18 Saka Jehovha akatsamwira vaIsraeri chaizvo, zvekuti akavabvisa pamberi pake.+ Haana kana waakasiya kunze kwedzinza raJudha chete.
19 VaJudha havanawo kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo;+ vakafambawo mutsika dzaitevedzerwa nevaIsraeri.+ 20 Jehovha akaramba vana vese vaIsraeri akavanyadzisa uye akavaisa mumaoko evapambi, kusvikira avarasira kure naye. 21 Akabvisa vaIsraeri kuimba yaDhavhidhi, uye ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuti ave mambo.+ Asi Jerobhoamu akaita kuti vaIsraeri vatsauke pakutevera Jehovha, uye akaita kuti vaite chivi chakakura. 22 VaIsraeri vakaramba vachifamba muzvivi zvese zvakaitwa naJerobhoamu.+ Havana kuzvirega 23 kusvikira Jehovha abvisa vaIsraeri pamberi pake, sezvaakanga ataura achishandisa varanda vake vese vaprofita.+ Saka vaIsraeri vakatapwa vakabviswa munyika yavo, vakaendeswa kuAsiriya+ uko kwavachiri nanhasi.
24 Mambo weAsiriya akabva aunza vanhu kubva kuBhabhironi, Kuta, Avha, Hamati, neSefavhaimu,+ akavagarisa mumaguta eSamariya maimbova nevaIsraeri; vakatora Samariya vakagara mumaguta ayo. 25 Pavakatanga kugara imomo havana kutya* Jehovha. Saka Jehovha akatuma shumba pakati pavo,+ dzikauraya vamwe vavo. 26 Mambo weAsiriya akaudzwa kuti: “Marudzi amakatapa mukaagarisa mumaguta eSamariya haazivi manamatirwo aMwari* wenyika yacho. Saka iye ari kuramba achituma shumba pakati pavo dzichivauraya, nekuti pakati pavo hapana anoziva manamatirwo aMwari wenyika yacho.”
27 Mambo weAsiriya akabva arayira kuti: “Itai kuti mumwe wevapristi vamakatapa ikoko adzokere kunogara ikoko kuti avadzidzise manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 28 Saka mumwe wevapristi vavakanga vatapa kuSamariya akadzoka kuzogara muBheteri,+ uye akatanga kuvadzidzisa kuti vangatya* sei Jehovha.+
29 Zvisinei, rudzi rumwe nerumwe rwakagadzira mwari warwo,* uye marudzi acho akaisa vanamwari vacho mudzimba dzekunamatira dzaiva munzvimbo dzakakwirira dzakanga dzagadzirwa nevaSamariya; marudzi acho ese akaita izvozvo mumaguta awo aaigara. 30 Saka varume vekuBhabhironi vakagadzira Sukoti-bhenoti, varume vekuKuti vakagadzira Negari, varume vekuHamati+ vakagadzira Ashima, 31 uye vaAvhi vakagadzira Nibhazi naTataki. VaSefavhaimu vaipisa vanakomana vavo mumoto vachiitira Adramereki naAnamereki, vanamwari veSefavhaimu.+ 32 Kunyange zvazvo vaitya Jehovha, vakagadza vapristi venzvimbo dzakakwirira vavaisarudza pavanhu vese vese, kuti vavatungamirire padzimba dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira.+ 33 Saka vakatya Jehovha, asi vakanamata vanamwari vavo, sezvaingoitwa nemarudzi* avakanga vatorwa kubva kwaari.+
34 Nanhasi vachiri kutevedzera manamatiro avo ekare. Pakati pavo hapana anonamata* Jehovha, uye hapana anotevedzera mirau yake, zvaakatonga, kana Mutemo, uye murayiro wakapiwa naJehovha kuvanakomana vaJakobho, uya waakachinja zita akamuti Israeri.+ 35 Jehovha paakaita sungano navo+ akavarayira kuti: “Hamufaniri kutya vamwe vanamwari, uye hamufaniri kuvapfugamira kana kuvashumira kana kubayira kwavari.+ 36 Asi Jehovha, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti nesimba guru neruoko rwakatambanudzwa,+ ndiye wamunofanira kutya,+ uye ndiye wamunofanira kupfugamira, uye ndiye wamunofanira kubayira kwaari. 37 Munofanira kugara muchinyatsochengeta mirau, nezvakatongwa, neMutemo, nemurayiro zvaakakunyorerai,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 38 Hamufaniri kukanganwawo sungano yandakaita nemi,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 39 Asi Jehovha Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutya, nekuti ndiye achakununurai kubva mumaoko evavengi venyu vese.”
40 Asi havana kuteerera, uye vakatevedzera manamatiro avo ekare.+ 41 Saka marudzi aya akatya Jehovha,+ asi aishumirawo zvifananidzo zvawo zvakavezwa. Nanhasi vanakomana vavo nevazukuru vavo vachiri kuita zvaiitwa nemadzitateguru avo.
18 Mugore rechitatu raHoshea+ mwanakomana waEraa mambo weIsraeri, Hezekiya+ mwanakomana waMambo Ahazi+ weJudha akava mambo. 2 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vainzi Abhi* mwanasikana waZekariya.+ 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ sezvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 4 Ndiye akabvisa nzvimbo dzakakwirira,+ akaputsa shongwe dzinoyera, akatema bango rinoyera.*+ Akapwanya-pwanyawo nyoka yemhangura yakanga yagadzirwa naMozisi;+ nekuti kusvika panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachiikwidzira utsi hwezvibayiro, uye vaiishevedza kuti chifananidzo chenyoka yemhangura.* 5 Akavimba naJehovha+ Mwari waIsraeri; hakuna akanga akafanana naye pamadzimambo ese eJudha akamutevera kana aya akamutangira. 6 Akaramba akanamatira kuna Jehovha.+ Haana kutsauka pakumutevera; akaramba achichengeta mirayiro yainge yapiwa Mozisi naJehovha. 7 Jehovha aiva naye. Airatidza uchenjeri kwese kwaaienda. Akapandukira mambo weAsiriya, akaramba kuva pasi pake.+ 8 Akakundawo vaFiristiya+ kusvika kuGaza nenharaunda dzayo, kubva kunharire* kusvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo.*
9 Mugore rechina raMambo Hezekiya, kureva gore rechi7 raHoshea+ mwanakomana waEraa mambo weIsraeri, Mambo Sharimaneseri weAsiriya akauya kuzorwisa Samariya, akatanga kuikomba.+ 10 Vakaitora+ pakupera kwemakore matatu. Mugore rechi6 raHezekiya, iro raiva gore rechi9 raHoshea mambo weIsraeri, Samariya yakatorwa. 11 Mambo weAsiriya akabva atapa vaIsraeri+ akavaendesa kuAsiriya, akavagarisa muHeira nemuHabhori kurwizi rwaGozani uye mumaguta evaMedhiya.+ 12 Izvi zvakaitika nekuti vakanga vasina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakaramba vachiputsa sungano yake, zvinhu zvese zvakanga zvarayirwa naMozisi mushumiri waJehovha.+ Havana kuzviteerera kana kuzviita.
13 Mugore rechi14 raMambo Hezekiya, Saniheribhi mambo weAsiriya+ akauya kuzorwisa maguta ese eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, akaatora.+ 14 Saka Mambo Hezekiya weJudha akatumira shoko kuna mambo weAsiriya kuRakishi, achiti: “Ndini ndine mhosva. Rega kundirwisa, uye ndichakupa chero chaunenge wanditemera.” Saka mambo weAsiriya akabhadharisa Hezekiya mambo weJudha matarenda* 300 esirivha nematarenda 30 egoridhe. 15 Saka Hezekiya akamupa sirivha yese yaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo.*+ 16 Panguva iyoyo Mambo Hezekiya weJudha+ akabvisa masuo nemagwatidziro* etemberi+ yaJehovha aakanga aisa goridhe, akaapa mambo weAsiriya.
17 Mambo weAsiriya akabva atuma muTatani,* muRabsarisi,* nemuRabhisheki,* vaine uto guru kubva kuRakishi+ kuti vaende kuna Mambo Hezekiya kuJerusarema.+ Vakaenda kuJerusarema vakanomira pamugero wemvura unobva kudziva rekumusoro, riri pamugwagwa mukuru wekumunda wemugezi wenguo.+ 18 Pavakashevedzera kuti mambo abude, Eriyakimu+ mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba yacho,* naShebhina+ munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika vakabuda vakaenda kwavaiva.
19 Saka muRabhisheki akati kwavari: “Ndapota, itii kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiriya: “Uri kuvimba nei?+ 20 Uri kuti, ‘Ndine zvandakaronga uye ndine simba rekurwa,’ asi uri kuzvinyepera. Ndiani wauri kuvimba naye, zvekuti uri kushinga kundipandukira?+ 21 Inzwa! Uri kuvimba nerutsigiro rwetsanga iyi yakapwanyika, iyo Ijipiti,+ inoti kana munhu akazvitsigisa nayo inopinda muchanza chake yochibaya. Ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kune vese vanovimba naye. 22 Kana mukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’+ haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira neatari zvakabviswa naHezekiya,+ achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kupfugama pamberi peatari iyi iri muJerusarema’?”’+ 23 Saka iye zvino ndapota, bhejerana nashe wangu mambo weAsiriya: Ndichakupa mabhiza 2 000 kuti ndione kana uchikwanisa kuwana vanhu vanokwana kuatasva.+ 24 Zvino ungakwanisa sei kukunda kunyange gavhuna mumwe chete, mudiki pavaranda vese vashe wangu, iwe uchivimba neIjipiti kuti uwane ngoro nevatasvi vemabhiza? 25 Ini handina here kubvumirwa naJehovha kuti ndiuye kuzorwisa nzvimbo ino ndoiparadza? Jehovha pachake ndiye akati kwandiri, ‘Enda unorwisa nyika iyi, uiparadze.’”
26 Eriyakimu mwanakomana waHirikiya, naShebhina+ naJoa vakabva vati kumuRabhisheki:+ “Tapota, taurai henyu nevaranda venyu nemutauro wechiAramaiki,*+ nekuti tinounzwa; musataura nesu nemutauro wevaJudha vanhu vari parusvingo vachinzwa.”+ 27 Asi muRabhisheki akati kwavari: “Ishe wangu andituma kuti ndizongotaura mashoko aya kunashe wenyu nekwamuri chete here? Haana kunditumawo here kuvanhu vakagara parusvingo, avo vachadya tsvina yavo nekunwa weti yavo pamwe chete nemi?”
28 MuRabhisheki akabva amira akashevedzera nenzwi guru nemutauro wevaJudha, achiti: “Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiriya.+ 29 Zvanzi namambo, ‘Musarega Hezekiya achikunyengerai, nekuti haakwanisi kukununurai paruoko rwangu.+ 30 Uye musarega Hezekiya achiita kuti muvimbe naJehovha, achiti: “Chokwadi Jehovha achatinunura, uye guta rino harisi kuzoiswa muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 31 Musateerera Hezekiya, nekuti zvanzi namambo weAsiriya: “Yananai neni muzviise mega mumaoko angu, uye mumwe nemumwe achadya michero yemuzambiringa wake neyemuonde wake uye achanwa mvura yemumugodhi wake, 32 kusvikira ndauya ndokuendesai kunyika yakaita senyika yenyu,+ nyika ine zviyo* newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika ine miti yemiorivhi neuchi. Muchararama morega kufa. Musateerera Hezekiya, nekuti ari kukunyengerai achiti, ‘Jehovha achatinunura.’ 33 Pana mwari wemamwe marudzi akambonunura nyika yake paruoko rwamambo weAsiriya here? 34 Vanamwari veHamati+ neApadhi vari kupi? Vanamwari veSefavhaimu,+ Hena, neIvha vari kupi? Vakanunura Samariya paruoko rwangu here?+ 35 Pavanamwari vese venyika, ndeupi akanunura nyika yake paruoko rwangu, zvekuti Jehovha anganunura Jerusarema paruoko rwangu?”’”+
36 Asi vanhu vakaramba vakanyarara, uye havana kana shoko ravakamupindura, nekuti murayiro wamambo waiti,“Musamupindura.”+ 37 Asi Eriyakimu mwanakomana waHirikiya, uyo aitungamirira imba,* naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wezvaiitika, vakasvika kuna Hezekiya nguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza mashoko emuRabhisheki.
19 Mambo Hezekiya paakangozvinzwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akapinda muimba yaJehovha.+ 2 Akabva atuma Eriyakimu, uyo aitungamirira imba,* naShebhina munyori, nevakuru vevapristi kuti vaende kumuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga. 3 Vakati kwaari: “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rekutambudzika uye rekutukwa* nekunyadziswa; nekuti nguva yekuzvarwa kwevana yasvika,* asi hapana simba rekusununguka.+ 4 Zvichida Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ese emuRabhisheki, uyo akatumwa nashe wake mambo weAsiriya kuti ashore Mwari mupenyu,+ uye achaita kuti azvidavirire nemhaka yemashoko anzwiwa naJehovha Mwari wenyu. Saka nyengetererai+ vaya vakapona.’”
5 Saka varanda vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya,+ 6 uye Isaya akati kwavari: “Muti kunashe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha: “Usatya+ mashoko awanzwa, mashoko ekundimhura ataurwa nevashandi vamambo weAsiriya.+ 7 Pane pfungwa yandiri kuisa mumusoro make,* uye pane shoko raachanzwa odzokera kunyika yake; uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa munyika yake.”’”+
8 Pashure pekunge muRabhisheki anzwa kuti mambo weAsiriya akanga abva kuRakishi,+ akadzokera kwaari akamuwana achirwa neRibna.+ 9 Zvino mambo wacho akanzwa zvichinzi nezvaMambo Tihaka weItiopiya: “Auya kuzorwa newe.” Saka akatumazve nhume+ kuna Hezekiya, achiti: 10 “Muti kuna Mambo Hezekiya weJudha, ‘Mwari wako wauri kuvimba naye ngaarege kukunyengera achiti: “Jerusarema harizoiswi muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 11 Iwe wakanzwa zvakaitwa nemadzimambo eAsiriya kunyika dzese nekudziparadza kwaakaita.+ Zvino iwe wega ndiwe unganunurwa here? 12 Marudzi akaparadzwa nemadzitateguru angu akanunurwa here navanamwari vawo? Iri kupi Gozani, neHarani,+ neRezefi, nevanhu vekuEdheni vaiva muTeri-asari? 13 Ari kupi mambo weHamati, mambo weApadhi, mambo wemaguta eSefavhaimu, neweHena, neIvha?’”+
14 Hezekiya akatora tsamba dzaiva muruoko rwenhume dzacho akadziverenga. Hezekiya akabva aenda kuimba yaJehovha, akadzibhedhenura* pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akabva atanga kunyengetera+ ari pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ imi mega ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwese hwenyika.+ Ndimi makasika denga nenyika. 16 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu munzwe!+ Haiwa Jehovha, svinurai maziso enyu+ muone! Inzwai mashoko atumirwa naSaniheribhi kuti ashore Mwari mupenyu. 17 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza marudzi nenyika dzawo.+ 18 Uye akakanda vanamwari vawo mumoto, nekuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko emunhu,+ danda nedombo. Ndokusaka akakwanisa kuvaparadza. 19 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, tapota, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwese hwepanyika huzive kuti imi mega ndimi Mwari, haiwa Jehovha.”+
20 Isaya mwanakomana waAmozi akabva atumira shoko kuna Hezekiya, achiti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Ndanzwa kunyengetera kwawaita+ kwandiri pamusoro paMambo Saniheribhi weAsiriya.+ 21 Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha pamusoro pake:
“Mhandara yeZiyoni iri kukuzvidza, uye iri kukunyomba.
Mwanasikana weJerusarema ari kukudzungudzira musoro.
22 Ndiani wawashora uye wawamhura?+
Ndiani wawakwidzira inzwi+
Uye wawasimudzira maziso ako uchizvikudza?
Wazviita kuMutsvene waIsraeri!+
23 Washora Jehovha+ uchishandisa nhume dzako+ ukati,
‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo
Ndichakwira pamusoro pemakomo,
Idzo nzvimbo dziri kure chaizvo dzeRebhanoni.
Ndichatema misidhari yayo mirefu, mijunipa yayo yakanaka chaizvo.
Ndichapinda munzvimbo dzayo dziri kure kure, mumasango ayo azere nemiti.
24 Ndichachera matsime ndonwa mvura yekune imwe nyika;
Ndichaomesa hova dzese dzeIjipiti* netsoka dzangu.’
25 Hauna kuzvinzwa here? Izvi zvakasarudzwa* kare kare.+
Iye zvino ndichazviita.+
Uchaita kuti maguta akakomberedzwa nemasvingo asare ava mirwi yematongo.+
26 Vagari vemo vachapera simba;
Vachavhundutswa uye vachanyadziswa.
Vachaita sezvinomera musango neuswa hwakasvibirira,+
Seuswa hunomera pamatenga edzimba hunenge hwapiswa nemhepo yekumabvazuva.
27 Asi ndinonyatsoziva paunogara pasi, paunobuda nepaunopinda,+
Uye paunonditsamwira,+
28 Nekuti kunditsamwira kwako+ nekudzvova kwako zvasvika munzeve dzangu.+
Saka ndichaisa chirauro changu mumhino dzako nematomu+ angu pakati pemiromo yako,
Uye ndichakudzorera nenzira yawakauya nayo.”+
29 “‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri:* Gore rino muchadya zvinomera zvega;* uye mugore rechipiri muchadya zviyo* zvinobukira mamakambokohwa;+ asi mugore rechitatu muchadyara mbeu mokohwa, uye muchadyara minda yemizambiringa modya michero yayo.+ 30 Vaya vachapukunyuka veimba yaJudha, vaya vachasara,+ vachadzika midzi pasi vobereka michero kumusoro. 31 Nekuti pachava nevachasara vachabuda muJerusarema nevachapukunyuka vachabuda muGomo reZiyoni. Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.+
32 “‘Saka zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiriya:+
“Haazopindi muguta rino+
Kana kupfura museve imomo
Kana kurirwisa akabata nhoo
Kana kurikomberedza nemurwi wevhu kuti arirwise.+
33 Achadzokera nenzira yaakauya nayo;
Haazopindi muguta rino,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
34 “Ndicharwira guta rino+ ndoriponesa ndichiitira zita rangu+
Uye ndichifunga muranda wangu Dhavhidhi.”’”+
35 Usiku ihwohwo chaihwo ngirozi yaJehovha yakaenda ikauraya varume 185 000 mumusasa wevaAsiriya.+ Vanhu pavakafumomuka mangwanani, vakaona zvitunha zvacho zvese.+ 36 Saka Mambo Saniheribhi weAsiriya akasimuka akadzokera kuNinivhi,+ akagara ikoko.+ 37 Zvino paakanga akapfugama muimba* yamwari wake Nisroki, vanakomana vake Adramereki naSharezeri vakamuuraya nebakatwa+ vakatizira kunyika yeArarati.+ Mwanakomana wake Esari-hadhoni+ akabva ava mambo panzvimbo yake.
20 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+ 2 Akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha, achiti: 3 “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri, uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.”+ Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.
4 Isaya akanga asati asvika pachivanze chepakati shoko raJehovha parakasvika kwaari, richiti:+ 5 “Dzokera unoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wevanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako. Ndaona misodzi yako.+ Ndichakuporesa.+ Pazuva rechitatu uchaenda kuimba yaJehovha.+ 6 Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,* uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya,+ uye ndicharwira guta rino ndichiitira zita rangu uye ndichiitira muranda wangu Dhavhidhi.”’”+
7 Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa.” Saka vakauya naro vakariisa pamota, achibva apora zvishoma nezvishoma.+
8 Hezekiya akanga abvunza Isaya kuti: “Ndechipi chiratidzo+ chekuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichaenda kuimba yaJehovha pazuva rechitatu?” 9 Isaya akati: “Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura: Unoda kuti mumvuri uri pamasitepisi* uende mberi nemasitepisi gumi here kana kuti udzoke shure nemasitepisi gumi?”+ 10 Hezekiya akati: “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nemasitepisi gumi, asi kwete kuti udzoke shure nemasitepisi gumi.” 11 Saka muprofita Isaya akashevedzera kuna Jehovha, uyo akabva aita kuti mumvuri waiva pamasitepisi aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi pashure pekunge wambodzika nemasitepisi acho.+
12 Panguva iyoyo mambo weBhabhironi, Bherodhaki-bharadhani mwanakomana waBharadani, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekiya, nekuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga achirwara.+ 13 Hezekiya akavagamuchira* akavaratidza imba yake yese yepfuma,+ kureva sirivha, goridhe, mafuta ebharisamu nemamwe mafuta aikosha, zvombo zvake, nezvese zvaiva maichengeterwa pfuma yake. Hapana chavasina kuratidzwa naHezekiya muimba yake* uye munzvimbo yake yese yaaitonga.
14 Pashure paizvozvo muprofita Isaya akapinda maiva naMambo Hezekiya akabvunza kuti: “Varume ava vati chii uye vabva kupi?” Hezekiya akabva ati: “Vabva kunyika iri kure, kuBhabhironi.”+ 15 Akabva ati: “Vaonei mumba* mako?” Hezekiya akapindura kuti: “Vaona zvese zviri mumba* mangu. Hapana chandisina kuvaratidza munochengeterwa pfuma yangu.”
16 Isaya akabva ati kuna Hezekiya: “Inzwa shoko raJehovha,+ 17 ‘Mazuva achasvika pachaendeswa kuBhabhironi zvinhu zvese zviri mumba mako nezvakaunganidzwa nemadzitateguru ako kusvikira nhasi.+ Hapana chichasara,’ anodaro Jehovha. 18 ‘Uye vamwe vanakomana vako vauchabereka, vachatorwa+ uye vachava vakuru vemumuzinda wamambo weBhabhironi.’”+
19 Hezekiya akabva ati kuna Isaya: “Shoko raJehovha ramataura rakanaka.”+ Akatiwo: “Ishoko rakanaka kana pachizova nerunyararo nekugadzikana* panguva yandinenge ndiri mupenyu.”*+
20 Kana iri nhoroondo yese yaHezekiya, simba rake rese nekugadzira kwaakaita dziva+ nemugero, akapinza mvura muguta,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 21 Hezekiya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Manase+ akava mambo panzvimbo yake.+
21 Manase+ aiva nemakore 12 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 55 muJerusarema.+ Amai vake vainzi Hefizibha. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+ 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekiya,+ uye akavakira Bhaari atari, akagadzira bango rinoyera,*+ sezvakanga zvaitwa naAhabhi mambo weIsraeri.+ Uye akapfugamira uto rese rekudenga achirishumira.+ 4 Anewo atari dzaakavaka muimba yaJehovha,+ makanga manzi naJehovha: “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.”+ 5 Akavakawo atari dzeuto rese rekudenga+ muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ 6 Akaitawo kuti mwanakomana wake apfuure nemumoto; aiita zvemashiripiti, aitenda mashura,+ uye akagadza masvikiro nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.
7 Akatora mufananidzo wakavezwa webango rinoyera*+ waakagadzira akauisa muimba yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi uye kumwanakomana wake Soromoni: “Ndichaisa zita rangu nekusingaperi muimba iyi nemuJerusarema, iro guta randakasarudza pamadzinza ese aIsraeri.+ 8 Handichazoitizve kuti tsoka dzevaIsraeri dzidzungaire dzichibva panyika yandakapa madzitateguru avo,+ kana vakangochenjerera kuita zvese zvandakavarayira,+ Mutemo wese wavakarayirwa nemuranda wangu Mozisi kuti vatevedzere.” 9 Asi havana kuteerera, uye Manase akaramba achivatsausa, achiita kuti vaite zvakaipa kupfuura marudzi akanga aparadzwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+
10 Jehovha akaramba achitaura achishandisa varanda vake vaprofita,+ achiti: 11 “Manase mambo weJudha aita zvinhu zvese izvi zvinosemesa; aita zvakaipa kupfuura vaAmori+ vese vakamutangira,+ uye aita kuti vaJudha vatadze nezvidhori zvake zvinosemesa.* 12 Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndiri kuunza dambudziko paJerusarema+ neJudha, richaita kuti nzeve dzemunhu wese anorinzwa dziunge.+ 13 Ndichatambanudzira Jerusarema tambo yekuyeresa+ yakashandisirwa Samariya+ uye ndichashandisa tambo yekururamisa* yakashandisirwa imba yaAhabhi,+ uye ndichapukuta Jerusarema rosara rachena sezvinoita munhu anopukuta ndiro, anoipukuta obva aikwidibira.+ 14 Ndichasiya vaya vakasara panhaka yangu+ ndovaisa mumaoko evavengi vavo, uye vachatapwa vopambwa nevavengi vavo vese,+ 15 nekuti vakaita zvakaipa pamberi pangu uye vakaramba vachindigumbura kubvira pazuva rakabuda madzitateguru avo muIjipiti kusvikira nhasi.’”+
16 Manase akadeurawo ropa risina mhosva rakawanda chaizvo kusvikira razara muJerusarema kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera,+ tisingabatanidzi chivi chake chaakakonzera kuti vaJudha vaite, pavakaita zvakaipa pamberi paJehovha. 17 Kana iri nhoroondo yese yaManase nezvese zvaakaita uye zvivi zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 18 Manase akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waAza;+ uye mwanakomana wake Amone akava mambo panzvimbo yake.
19 Amone+ aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwemakore maviri muJerusarema.+ Amai vake vainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi wekuJotbha. 20 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Manase.+ 21 Akaramba achifamba munzira dzese dzakafambwa nababa vake, uye akaramba achishumira zvidhori zvaisemesa zvakanga zvashumirwa nababa vake, achizvipfugamira.+ 22 Saka akasiya Jehovha Mwari wemadzitateguru ake, uye haana kufamba munzira yaJehovha.+ 23 Varanda vaAmone vakazomupandukira, vakaurayira mambo mumba make. 24 Asi vanhu vemunyika yacho vakauraya vese vakapandukira Mambo Amone vachibva vagadza mwanakomana wake Josiya kuti ave mambo panzvimbo yake.+ 25 Kana iri nhoroondo yese yaAmone, zvinhu zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 26 Saka vakamuviga muguva rake mumunda waAza,+ uye mwanakomana wake Josiya+ akava mambo panzvimbo yake.
22 Josiya+ aiva nemakore 8 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 31 muJerusarema.+ Amai vake vainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wekuBhozkati.+ 2 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha uye akafamba nenzira dzese dzatateguru vake Dhavhidhi,+ haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
3 Mugore rechi18 raMambo Josiya, mambo akatuma Shafani munyori, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshuramu kuimba yaJehovha+ achiti: 4 “Enda kumupristi mukuru Hirikiya,+ uye ngaatore mari yese iri kuunzwa muimba yaJehovha,+ yakaunganidzwa nevachengeti vemasuo kubva kuvanhu.+ 5 Ita kuti vaipe vaya vakagadzwa kuti vatungamirire basa muimba yaJehovha, avo vachaipa vashandi vari muimba yaJehovha vachagadzira nzvimbo dzakatsemuka* dzeimba yacho,+ 6 kureva mhizha, vavaki, nevanhu vanovaka nematombo; uye vanofanira kuishandisa kutenga matanda nematombo akavezwa kuti vagadziridze imba yacho.+ 7 Asi havafaniri kubvunzwa mashandisiro avachaita mari yacho yavanopiwa, nekuti vakavimbika.”+
8 Gare gare mupristi mukuru Hirikiya akati kumunyori Shafani:+ “Ndawana bhuku reMutemo+ muimba yaJehovha.” Saka Hirikiya akapa Shafani bhuku racho, akatanga kuriverenga.+ 9 Munyori Shafani akabva aenda kuna mambo akamuudza kuti: “Varanda venyu vadurura mari yanga iri mumba, uye vaipa vaya vakagadzwa kuti vatungamirire basa muimba yaJehovha.”+ 10 Munyori Shafani akaudzawo mambo kuti: “Pane bhuku+ randapiwa nemupristi Hirikiya.” Shafani akabva atanga kuriverenga pamberi pamambo.
11 Mambo paakangonzwa mashoko ebhuku reMutemo, akabvarura nguo dzake.+ 12 Mambo akabva arayira mupristi Hirikiya, Ahikamu+ mwanakomana waShafani, Akibhori mwanakomana waMikaya, munyori Shafani, naAsaya mushandi wamambo, achiti: 13 “Endai munondibvunzira Jehovha, ini nevanhu, nevaJudha vese, pamusoro pemashoko ebhuku iri rawanikwa; nekuti kutsamwa kwaJehovha uko kwatungidzwa patiri kukuru,+ nekuti madzitateguru edu haana kuteerera mashoko ebhuku rino, paasina kuchengeta zvese zvakanyorwa pamusoro pedu.”
14 Saka mupristi Hirikiya, Ahikamu, Akibhori, Shafani, naAsaya vakaenda kumuprofitakadzi Huridha.+ Aiva mudzimai waSharumu mwanakomana waTikvha mwanakomana waHahasi uyo aiona nezvenzvimbo yaichengeterwa nguo. Aigara kuRutivi Rutsva rweJerusarema; uye vakataura naye ikoko.+ 15 Akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Udzai murume akutumai kwandiri kuti: 16 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichaunza dambudziko panzvimbo ino nevagari vayo, iwo mashoko ese ebhuku raverengwa namambo weJudha.+ 17 Kutsamwa kwangu kuchatungidzwa panzvimbo ino uye hakuzodzimwi+ nemhaka yekuti vakandisiya uye vari kuita kuti zvibayiro zvipfungaire kune vamwe vanamwari,+ vachindigumbura nebasa rese remaoko avo.’”+ 18 Asi muti kuna mambo weJudha akutumai kuzobvunza Jehovha, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kana ari mashoko awanzwa, 19 mwoyo wako zvawateerera,* ukazvininipisa+ pamberi paJehovha pawanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino nevagari vayo, kuti vachava vanhu vakatukwa uye vanhu vanovaona vacharohwa nehana, uye iwe wabva wabvarura nguo dzako,+ ukachema pamberi pangu, iniwo ndakunzwa, ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 20 Ndokusaka ndichakuisa kwakaiswa madzitateguru ako,* uye ucharadzikwa muguva rako nerugare, uye maziso ako haazooni dambudziko rese randichaunza panzvimbo ino.’”’” Vakabva vadzokera nemhinduro yacho kuna mambo.
23 Saka mambo akatumira shoko, uye vakaunganidza vakuru vese veJudha neveJerusarema.+ 2 Pashure paizvozvo mambo akakwidza kuimba yaJehovha aine varume vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, nevapristi, nevaprofita, vanhu vese zvavo kubvira kumudiki kusvikira kumukuru. Akaverenga mashoko ese ebhuku+ resungano+ rakanga rawanikwa muimba yaJehovha+ vanhu vachinzwa. 3 Mambo akamira pedyo nembiru, akaita sungano* pamberi paJehovha,+ yekuti aizotevera Jehovha uye aizochengeta mirayiro yake, zviyeuchidzo zvake, nemirau yake nemwoyo wake wese nemweya* wake wese, kuburikidza nekuchengeta mashoko esungano iyi akanga akanyorwa mubhuku iri. Uye vanhu vese vakabvuma kuva musungano yacho.+
4 Mambo akabva arayira mupristi mukuru Hirikiya,+ nevapristi vaiva vatevedzeri vake, nevachengeti vemasuo kuti vabudise mutemberi yaJehovha midziyo yese yakanga yagadzirirwa Bhaari, neyebango rinoyera,*+ neyeuto rese rekudenga. Akabva aipisira kunze kweJerusarema pamateru eKidroni, akatora madota acho akaenda nawo kuBheteri.+ 5 Saka akashayisa basa vapristi vevanamwari vekune dzimwe nyika, avo vakanga vagadzwa nemadzimambo eJudha kuti vakwidze utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta eJudha nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nevayawo vaikwidza utsi hwezvibayiro kuna Bhaari, nekuzuva, nemwedzi nemapoka enyeredzi, neuto rese rekudenga.+ 6 Akabudisawo bango rinoyera*+ muimba yaJehovha akaenda naro kumucheto kweJerusarema kuBani reKidroni, uye akaripisira+ muBani reKidroni, akarikuya akamwaya guruva racho pamakuva evanhuwo zvavo.+ 7 Akaputsawo dzimba dzepfambi dzechirume dzepatemberi+ dzaiva muimba yaJehovha, idzo dzaishandiswa nevakadzi kurukira temberi dzetende dzebango rinoyera.*
8 Akabva abudisa vapristi vese mumaguta eJudha, uye akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaishandiswa nevapristi pakukwidza utsi hwezvibayiro dzisare dzisina kukodzera kunamatira, kubva kuGebha+ kusvika kuBheeri-shebha.+ Akaputsawo nzvimbo dzakakwirira dzepamagedhi dzaiva pagedhi raJoshua, mukuru weguta, dzaiva kuruboshwe kana munhu achipinda nepagedhi reguta. 9 Vapristi venzvimbo dzakakwirira vakanga vasingashumiri paatari yaJehovha yaiva muJerusarema,+ asi vaidya chingwa chisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo. 10 Akaitawo kuti Tofeti+ isakodzera kunamatira, iyo iri muBani reVanakomana vaHinomu,*+ kuti parege kuva nemunhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto achipira kuna Moreki.+ 11 Akaitawo kuti mabhiza akanga apirwa* kuzuva nemadzimambo eJudha arege kupinda muimba yaJehovha achipfuura nemuimba* yemumwe mukuru wemumuzinda ainzi Natani-mereki iyo yaiva panzvimbo yaiva nedenga; uye akapisa ngoro dzezuva.+ 12 Mambo akaputsawo atari dzakanga dzavakwa nemadzimambo eJudha pamusoro peimba yepadenga+ yaAhazi, neatari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ Akadzikuya-kuya akamwaya guruva radzo muBani reKidroni. 13 Mambo akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaiva pakatarisana neJerusarema, dzaiva kumaodzanyemba* kweGomo Rekuparadza,* dzisakodzera kunamatira, idzo Soromoni mambo weIsraeri akanga avakira Ashtoreti, mwarikadzi anosemesa wevaSidhoni; naKemoshi, mwari anosemesa weMoabhi; naMirikomu,+ mwari anosemesa wevaAmoni.+ 14 Akaputsa-putsa shongwe dzinoyera, akatemawo mapango anoyera,*+ achibva azadza nzvimbo yazvaiva nemapfupa evanhu. 15 Akaputsawo atari yaiva muBheteri, nzvimbo yakakwirira yakanga yagadzirwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iyo yakaita kuti vaIsraeri vatadze.+ Pashure pekuputsa atari iyoyo pamwe chete nenzvimbo yakakwirira, akapisa nzvimbo yacho yakakwirira, akaikuya kuita guruva, akapisa bango rinoyera.*+
16 Josiya paakatendeuka achibva aona makuva aiva mugomo, akaita kuti mapfupa aiva mumakuva acho anotorwa achibva aapisira paatari, zvikaita kuti atari yacho isakodzera kunamatira, maererano neshoko raJehovha rakanga raziviswa nemunhu waMwari wechokwadi, uyo akagara ataura kuti zvinhu izvi zvichaitika.+ 17 Akabva ati: “Pane dombo repaguva randiri kuona uko iro. Iguva raani?” Varume veguta racho vakati kwaari: “Iguva remunhu waMwari wechokwadi akabva kuJudha,+ uyo akazivisa zvinhu izvi zvamaitira atari yeBheteri.” 18 Saka akati: “Muregei akadaro. Ngaparege kuva nemunhu anobvisa mapfupa ake.” Saka vakasiya mapfupa ake akadaro pamwe chete nemapfupa emuprofita akanga abva kuSamariya.+
19 Josiya akabvisawo dzimba dzese dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamariya+ dzakanga dzavakwa nemadzimambo eIsraeri achigumbura Mwari, uye akadziita zvaakanga aita dzekuBheteri.+ 20 Saka akabayira vapristi vese venzvimbo dzakakwirira vaiva ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa evanhu padziri.+ Pashure paizvozvo akadzokera kuJerusarema.
21 Mambo akabva arayira vanhu vese, achiti: “Itirai Jehovha Mwari wenyu Paseka+ sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.”+ 22 Hakuna kumboitwa Paseka yakaita saiyoyi kubvira mumazuva aitongwa Israeri nevatongi, kana mumazuva ese emadzimambo eIsraeri nemadzimambo eJudha.+ 23 Asi mugore rechi18 raMambo Josiya, Jehovha akaitirwa Paseka iyi muJerusarema.
24 Josiya akabvisawo masvikiro, vafemberi,+ neterafimu,*+ nezvidhori zvaisemesa,* nezvinhu zvese zvinonyangadza zvakanga zviri munyika yeJudha nemuJerusarema, kuti aite zvakataurwa neMutemo+ zvakanga zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa muimba yaJehovha nemupristi Hirikiya.+ 25 Hapana mambo akamutangira akanga akafanana naye, akadzoka kuna Jehovha nemwoyo wake wese nemweya*+ wake wese nesimba rake rese, maererano neMutemo wese waMozisi; uyewo hapana mumwe akamutevera akanga akafanana naye.
26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, kwaakanga aitira Judha nemhaka yezvinhu zvese zvinogumbura zvakaitwa naManase achimugumbura.+ 27 Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu,+ sekubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+
28 Kana iri nhoroondo yese yaJosiya, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 29 Mumazuva ake, Farao Neko mambo weIjipiti akaenda kunosangana namambo weAsiriya kuRwizi rwaYufratesi, uye Mambo Josiya akaenda kunorwisana naye; asi Neko paakamuona, akamuuraya paMegidho.+ 30 Varanda vake vakabva vatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho, vakamuunza kuJerusarema, vakamuviga muguva rake. Vanhu vemunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo yababa vake.+
31 Jehoahazi+ aiva nemakore 23 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 32 Akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha, achiita zvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+ 33 Farao Neko+ akamuisa mujeri kuRibra+ munyika yeHamati, kuti arege kutonga muJerusarema, achibva abhadharisa nyika yacho matarenda* 100 esirivha netarenda rimwe chete regoridhe.+ 34 Farao Neko akagadzawo Eriyakimu mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Josiya, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti,+ kwaakazofira.+ 35 Jehoyakimu akapa Farao sirivha negoridhe, asi akabhadharisa nyika mutero kuti awane mari yacho yaidiwa naFarao. Akatemera munhu mumwe nemumwe wemunyika yacho sirivha negoridhe zvaaifanira kubvisa, kuti iye ape Farao Neko.
36 Jehoyakimu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+ Amai vake vainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya wekuRuma. 37 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ maererano nezvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+
24 Mumazuva aJehoyakimu, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya kuzomurwisa, uye Jehoyakimu akava pasi pake kwemakore matatu. Asi akachinja akamupandukira. 2 Jehovha akabva atanga kumutumira mapoka evanhu vaipamba evaKadheya,+ evaSiriya, evaMoabhi, neevaAmoni. Akaramba achiatuma kuJudha kuti aiparadze, maererano neshoko raJehovha+ raakanga ataura achishandisa varanda vake vaprofita. 3 Chokwadi izvi zvakaitika kuJudha nekuti zvakanga zvarayirwa naJehovha, kuti avabvise pamberi pake+ nemhaka yezvivi zvese zvakanga zvaitwa naManase,+ 4 uyewo nemhaka yeropa risina mhosva raakanga adeura,+ nekuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kuvaregerera.+
5 Kana iri nhoroondo yese yaJehoyakimu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 6 Jehoyakimu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Jehoyakini akava mambo panzvimbo yake.
7 Mambo weIjipiti haana kuzombobudazve munyika yake, nekuti mambo weBhabhironi akanga atora nharaunda dzese dzaimbova pasi pamambo weIjipiti,+ kubva kuRwizi* rweIjipiti+ kusvika kuRwizi rwaYufratesi.+
8 Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema.+ Amai vake vainzi Nehushta mwanasikana waErinatani wekuJerusarema. 9 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa nababa vake. 10 Panguva iyoyo varanda vaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi vakauya kuzorwisa Jerusarema, uye guta racho rakakombwa.+ 11 Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akauya kuguta racho parakanga rakakombwa nevaranda vake.
12 Mambo Jehoyakini weJudha akabuda akaenda kuna mambo weBhabhironi,+ aina amai vake, varanda vake, machinda ake, nevakuru vemumuzinda wake;+ uye mambo weBhabhironi akamutapa mugore rechi8 rekutonga kwake.+ 13 Akabva atora pfuma yese yeimba yaJehovha neyeimba yamambo.*+ Akagura-gura midziyo yese yegoridhe yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsraeri mutemberi yaJehovha.+ Izvi zvakaitika sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naJehovha. 14 Akatapa Jerusarema rese, machinda ese,+ varwi vese vaiva nesimba, mhizha dzese, nevapfuri vese vesimbi,*+ vese pamwe chete vari 10 000, achibva aenda navo. Hapana akasiyiwa kunze kwevarombo vekupedzisira vemunyika yacho.+ 15 Saka akatapa Jehoyakini+ akamuendesa kuBhabhironi;+ akatorawo amai vamambo, madzimai amambo, vakuru vemumuzinda wake, nevarume vaikudzwa vemunyika yacho, akaenda navo kuBhabhironi vachibva kuJerusarema. 16 Mambo weBhabhironi akaendesawo kuBhabhironi varwi vese, 7 000, nevarume 1 000 vaiva mhizha nevapfuri vesimbi,* vese vaiva varume vane simba uye vakadzidziswa hondo. 17 Mambo weBhabhironi akagadza Mataniya, babamudiki vaJehoyakini+ kuti vave mambo panzvimbo yake, akachinja zita ravo kuti rinzi Zedhekiya.+
18 Zedhekiya aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 19 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 20 Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+
25 Mugore rechi9 rekutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya neuto rake rese kuzorwisa Jerusarema.+ Akadzika musasa kuti arirwise, akavaka rusvingo rwairipoteredza rwekurikomba,+ 2 uye guta racho rakakombwa kusvika mugore rechi11 raMambo Zedhekiya. 3 Pazuva rechi9 remwedzi wechina, nzara yakanga yanyanya+ muguta, uye vanhu vemunyika yacho vakanga vasisina zvekudya.+ 4 Rusvingo rweguta rwakaputswa,+ uye varwi vese vakatiza usiku nepagedhi raiva pakati pemasvingo maviri pedyo nemunda wamambo, vaKadheya pavakanga vakakomba guta; uye mambo akaenda nenzira yekuArabha.+ 5 Asi uto revaKadheya rakatevera mambo, rikamubatira murenje riri pedyo neJeriko, uye uto rake rese rakapararira richimusiya. 6 Vakabva vabata mambo,+ vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra, uye vakamupa mutongo wake. 7 Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Nebhukadhinezari akabva apofumadza maziso aZedhekiya, akamusunga nezvisungo zvemumakumbo zvemhangura, akaenda naye kuBhabhironi.+
8 Mumwedzi wechishanu, pazuva rechi7 remwedzi wacho, kureva gore rechi19 raMambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, mushandi wamambo weBhabhironi, akasvika kuJerusarema.+ 9 Akapisa imba yaJehovha,+ neimba yamambo,*+ nedzimba dzese dzemuJerusarema;+ akapisawo dzimba dzevarume vese vaikudzwa.+ 10 Rusvingo rwainge rwakapoteredza Jerusarema rwakaputswa neuto rese revaKadheya raiva nemukuru wevarindi.+ 11 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vese vakanga vasara muguta, nevakanga vatiza vakaenda kuna mambo weBhabhironi, nevamwe vanhu vese.+ 12 Asi mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vaiva varombo vekupedzisira munyika yacho kuti vashande muminda yemizambiringa uye kuti vaite basa rekumanikidzwa.+ 13 VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru dzemhangura+ dzeimba yaJehovha, nezvingoro+ neDziva remhangura+ zvaiva muimba yaJehovha, uye vakaenda nemhangura yacho kuBhabhironi.+ 14 Vakatorawo makeni, mafoshoro, zvekudzimisa moto, makapu, nemidziyo yese yemhangura yaishandiswa pabasa repatemberi. 15 Mukuru wevarindi akatora midziyo yekuisira moto nendiro izvo zvaiva zvegoridhe rakanatswa+ nesirivha yakanatswa.+ 16 Kana dziri mbiru mbiri, Dziva, nezvingoro zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naSoromoni, uremu hwemhangura yakagadziriswa zvinhu izvi hwakanga husingayereki.+ 17 Mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti* 18,+ uye musoro wayo waiva wemhangura; musoro wacho wakanga wakareba makubhiti matatu, uye mambure nemapomegraneti* izvo zvakanga zvakapoteredza musoro wacho, zvese zvakanga zvakagadzirwa nemhangura.+ Mbiru yechipiri nemambure ayo zvakanga zvakafanana neyekutanga.
18 Mukuru wevarindi akatorawo Seraya+ mutungamiriri wevapristi, nemupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu.+ 19 Uye akatora mumwe mukuru wemumuzinda muguta racho uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro muuto, nevanhu vashanu vaiva shamwari dzepedyo dzamambo vakawanikwa muguta, nemunyori wemukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vemunyika yacho, nevarume 60 pavanhu vemunyika yacho vakanga vachiri muguta. 20 Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akavatora, akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra.+ 21 Mambo weBhabhironi akavabaya akavauraya kuRibra munyika yeHamati.+ Saka vaJudha vakatapwa kubva munyika yavo.+
22 Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akagadza Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani+ kuti atungamirire vanhu vaakanga asiya munyika yeJudha.+ 23 Vakuru vese vemauto nevarume vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedhariya, vakabva vangoenda kwaiva naGedhariya kuMizpa. Paiva naIshmaeri mwanakomana waNetaniya, Johanani mwanakomana waKareya, Seraya mwanakomana waTanhumeti wekuNetofa, naJaazaniya mwanakomana wemuMaakati, pamwe chete nevarume vavo.+ 24 Gedhariya akaita mhiko kwavari nevarume vavo akati kwavari: “Musatya kuva varanda vevaKadheya. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi, uye zvichakufambirai zvakanaka.”+
25 Mumwedzi wechi7, Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba yeumambo* akauya aine varume gumi vakabaya Gedhariya akafa, pamwe chete nevaJudha nevaKadheya vaaiva navo muMizpa.+ 26 Pashure paizvozvo, vanhu vese kubvira kumudiki kusvikira kumukuru, kusanganisira vakuru vemauto, vakasimuka vakaenda kuIjipiti,+ nekuti vaitya vaKadheya.+
27 Mugore rechi37 rekutapwa kwaMambo Jehoyakini+ weJudha, mumwedzi wechi12, pazuva rechi27 remwedzi wacho, Mambo Evhiri-merodhaki weBhabhironi, akabudisa Mambo* Jehoyakini weJudha mujeri.+ Izvi akazviita mugore iroro raakava mambo. 28 Akataura naye zvakanaka, akasimudzira chigaro chake cheumambo kuti chive pamusoro pezvigaro zveumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 29 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzemujeri, uye nguva dzese aidya pamberi pamambo mazuva ese eupenyu hwake. 30 Aigara achipiwa zvekudya namambo zuva nezuva, mazuva ese eupenyu hwake.
Kureva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.”
Kana kuti “mweya wangu ngaukoshe.”
Kureva, munin’ina waAhaziya.
Kana kuti “mudenga.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Zvinoita sekuti pari kunzi “vanakomana vevaprofita” pari kureva boka revaprofita kana kuti vaprofita vane zvimwe zvinhu zvavaidzidziswa pabasa ravo.
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Kana kuti “zvikamu zviviri zvemweya wenyu.”
Kana kuti “mudenga.”
Kana kuti “mhepo yaJehovha yamusimudza ikamukanda.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye nyika iri kuita kuti pamuviri pabve.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pamuviri pabve.”
Kana kuti “uyo aiva mushandi waEriya.”
ChiHeb., “Chii kwandiri nekwamuri?”
ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”
Kana kuti “muimbi.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “vese vaisunga bhandi.”
Kana kuti “chirongo chine muromo mudiki.”
Kana kuti “mweya wake uri kushungurudzika mukati make.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Kana kuti “akanga aine chirwere paganda rake.”
Panogona kunge pari kureva Naamani.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “akazvikanda.”
ChiHeb., “nemusasa wake wese.”
ChiHeb., “chikomborero.”
ChiHeb., “wandinomira pamberi pake.”
Kana kuti “mutemberi.”
Iyi inzvimbo yemuSamariya, iyo inogona kunge yaiva chikomo kana kuti nzvimbo yakavakirirwa zvakasimba.
ChiHeb., “mwoyo wamambo.”
Kana kuti “Mushumiri.”
Kebhu uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 1,22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “pamisika yeSamariya.”
Kana kuti “vaponese mweya yavo.”
Kana kuti “akariisa pachiso.”
ChiHeb., “mwanasikana.”
Kana kuti “achirwara.”
Kana kuti “chinu ichi chemafuta.”
ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.
Kana kuti “Kana mweya yenyu ichinditsigira.”
ChiHeb., “mwanakomana.”
Kana kuti “uye akarurama kupfuura vese.”
ChiHeb., “weimba.”
Kana kuti “Makarurama.”
ChiHeb., “richawira pasi.”
Zvinoita sekuti iyi yaiva nzvimbo yaisungirwa makwai nevafudzi kuti aveurwe.
Kana kuti “Paakamukomborera.”
ChiHeb., “wakarurama.”
Kana kuti “kushingairira kwandinoita Jehovha.”
Kana kuti “mutemberi.”
Kana kuti “mweya yenyu ndiyo ichafa panzvimbo pemweya wake.”
ChiHeb., “nevamhanyi.”
ChiHeb., “muguta,” zvichida nzvimbo yakaita senhare.
Kana kuti “neRwizi rwaAnoni.”
ChiHeb., “mbeu yese yeumambo.”
ChiHeb., “nevevamhanyi.”
Kana kuti “sungano.”
Kana kuti “muzinda wamambo.”
ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”
Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Kana kuti “kutemberi.”
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”
Kana kuti “hwemweya.”
Kana kuti “vavanozivana navo.”
Kana kuti “voiisa muzvihomwe.” ChiHeb., “voisunga.”
ChiHeb., “Hazaeri akanangisa chiso chake kunorwisa.”
Kana kuti “nemumuzinda wamambo.”
Kana kuti “paBheti-miro.”
Kureva, kugara murunyararo vasina chekutya.
ChiHeb., “Akafamba machiri.”
ChiHeb., “Akafamba muzvivi.”
Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
Kana kuti “weruponeso.”
ChiHeb., “pakuuya kwegore,” munofanira kunge maiva mumasutso.
Kana kuti “tisangane chiso nechiso.”
Izvi zvakaita semasora uye zvine minzwa.
Kana kuti “mumuzinda wako.”
ChiHeb., “kutende rake.”
Mamita anenge 178. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
Kureva kuti “Jehovha Abatsira.” Anonziwo Uziya pana 2Mad 15:13; 2Mak 26:1-23; Isa 6:1; uye Zek 14:5.
Kureva, baba vake Amaziya.
Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
Kureva, Gungwa reMunyu, kana kuti Gungwa Rakafa.
Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
Kureva kuti “Jehovha Abatsira.” Anonziwo Uziya pana 2Mad 15:13; 2Mak 26:1-23; Isa 6:1; uye Zek 14:5.
Kana kuti “muzinda.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “varume veJudha.”
Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
Kureva kuti “Jehovha Anosimbisa.”
ChiHeb., “Vakatya.”
Kureva, munzvimbo dzese, dzingava dzaigarwa nevanhu vashoma kana vakawanda.
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
ChiHeb., “mitsipa.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
ChiHeb., “vachizvitengesa kuti vaite.”
Kana kuti “kunamata.”
Kana kuti “chitendero chaMwari.”
Kana kuti “vanganamata.”
Kana kuti “vanamwari varwo.”
Kana kuti “sezvaiitwa muzvitendero zvemarudzi.”
ChiHeb., “anotya.”
Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Abhija.
Kana kuti “vaiishevedza kuti Nehushitani.”
Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.
Kureva, munzvimbo dzese, dzingava dzaigarwa nevanhu vashoma kana vakawanda.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.
Kana kuti “mutungamiriri weuto.”
Kana kuti “mutungamiriri wevakuru vemumuzinda.”
Kana kuti “nemukuru wevadiri.”
Kana kuti “pamuzinda.”
Kana kuti “wechiSiriya.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “pamuzinda.”
Kana kuti “pamuzinda.”
Kana kuti “rekutsiurwa.”
ChiHeb., “vana vasvika pamuromo wechibereko.”
ChiHeb., “mweya wandiri kuisa maari.”
ChiHeb., “akaibhedhenura.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”
Kana kuti “migero yese yeNire kuIjipiti.”
ChiHeb., “zvakaitwa.”
Kana kuti “Ndakazviumba.”
Kureva, Hezekiya.
Kana kuti “zvinomera kubva pambeu inenge yadonhera pasi.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “mutemberi.”
ChiHeb., “pamazuva ako.”
Masitepisi aya anogona kunge aishandiswa kuona pava nenguva uchitarisa panenge pava nemumvuri.
Kana kuti “akavateerera.”
Kana kuti “mumuzinda wake.”
Kana kuti “mumuzinda.”
Kana kuti “mumuzinda.”
Kana kuti “nechokwadi.”
ChiHeb., “pamazuva angu.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Tambo iyi yaishandiswa kuvaka mudhuri wakatwasuka.
Kana kuti “dzakapazika.”
ChiHeb., “zvawapfava.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “akamutsidzira sungano.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”
ChiHeb., “apiwa.”
Kana kuti “nemuimba yekudyira.”
ChiHeb., “kurudyi.” Kureva, kumaodzanyemba kana munhu akatarisa kumabvazuva.
Kureva, Gomo reMiorivhi, kunyanya nechekwarinoperera kudivi rekumaodzanyemba uko kunonziwo Gomo reMhosva.
Kana kuti “navanamwari vemumba; nezvidhori.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
Kana kuti “neyemuzinda wamambo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”
Kana kuti “nemuzinda wamambo.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
ChiHeb., “wekumbeu yeumambo.”
ChiHeb., “akasimudza musoro waMambo.”