RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bi12 Zvakazarurwa 1:1-22:21
  • Zvakazarurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakazarurwa
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa Kuna Johani

1 Zvakazarurwa+ naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,+ kuti aratidze varanda vake+ zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.+ Akatuma ngirozi yake,+ akaishandisa kuzvipa ichiita zvokuratidza+ muranda wake Johani,+ 2 uyo akapupurira shoko rakapiwa naMwari+ uye uchapupu hwakapiwa naJesu Kristu,+ kunyange zvinhu zvose zvaakaona. 3 Anofara+ uyo anoverenga zvinonzwika+ nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu,+ nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri;+ nokuti nguva yakatarwa yava pedyo.+

4 Johani, kuungano nomwe+ dziri muruwa rweEzhiya:

Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare ngazvive nemi zvinobva kuna “Iye aripo neakanga aripo uye ari kuuya,”+ nokumidzimu minomwe+ iri pamberi pechigaro chake choumambo, 5 uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ no“Mutongi wemadzimambo enyika.”+

Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake+— 6 uye akaita kuti tive umambo,+ vapristi+ kuna Mwari wake uye Baba vake—chokwadi, kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi.+ Ameni.

7 Tarira! Ari kuuya nemakore,+ uye maziso ose achamuona,+ nevaya vakamubaya;+ uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.+ Chokwadi, Ameni.

8 “Ndini Arufa naOmega,”+ anodaro Jehovha Mwari, “Iye aripo neakanga aripo uye ari kuuya,+ Wemasimbaose.”+

9 Ini Johani, hama yenyu neanogoverana nemi pakutambudzika+ nomuumambo+ nomukutsungirira+ ndiri pamwe chete naJesu,+ ndakava pachitsuwa chinonzi Patmosi nokuda kwokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.+ 10 Ini ndakava+ muzuva raShe+ ndaita zvokufuridzirwa+ uye ndakanzwa inzwi rakasimba+ shure kwangu rakaita serebhosvo, 11 richiti: “Zvaunoona nyora+ mumupumburu uzvitumire kuungano nomwe,+ muEfeso+ nomuSimina+ nomuPegamo+ nomuTiyatira+ nomuSadhisi+ nomuFiradhefiya+ nomuRaodhikiya.”+

12 Ndakatendeuka kuti ndione inzwi rakanga richitaura neni, uye, ndatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemarambi zvendarama zvinomwe,+ 13 pakati pezvigadziko zvemarambi pakanga paine mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu,+ akapfeka nguo yaisvika kutsoka, akasunga pachipfuva nebhandi rendarama. 14 Zvakare, musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena+ semvere dzemakwai chena, sechando, uye maziso ake akanga akaita somurazvo womoto;+ 15 tsoka dzake dzakanga dzakafanana nemhangura yakanatswa+ painenge ichipenya iri muvira; inzwi+ rake rakanga rakaita sokutinhira kwemvura zhinji. 16 Muruoko rwake rworudyi akanga aine nyeredzi nomwe,+ uye mumuromo make makabuda bakatwa refu rakapinza,+ rinocheka nekwose, uye chiso chake chakanga chakaita sezvinoita zuva parinopenya nesimba raro.+ 17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sokunge ndakanga ndafa.

Akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: “Usatya.+ Ndini Wokutanga+ noWokupedzisira,+ 18 nomupenyu;+ uye ndakanga ndakafa,+ asi, tarira! ndiri mupenyu nokusingaperi-peri,+ uye ndine kiyi dzorufu+ nedzeHadhesi.+ 19 Naizvozvo nyora zvinhu zvawaona, uye zvinhu zviripo nezvinhu zvichaitika pashure peizvi.+ 20 Kana chiri chakavanzika chitsvene chenyeredzi nomwe+ dzawaona paruoko rwangu rworudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvendarama zvinomwe:+ Nyeredzi nomwe dzinomirira ngirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvinomirira ungano nomwe.+

2 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muEfeso,+ kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaurwa naiye akabata nyeredzi nomwe+ muruoko rwake rworudyi, iye anofamba pakati pezvigadziko zvemarambi zvendarama zvinomwe,+ 2 ‘Ndinoziva mabasa ako,+ nebasa rako nokutsungirira kwako, uye kuti haugoni kushivirira vanhu vakaipa, uye kuti unoedza+ vaya vanozviti vaapostora,+ asi vasiri, uye wakawana kuti varevi venhema. 3 Uri kuratidzawo kutsungirira,+ wakashinga nokuda kwezita+ rangu uye hauna kupera simba.+ 4 Kunyange zvakadaro, ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.+

5 “‘Naizvozvo yeuka kuti wakawa pachii, upfidze+ uite mabasa ekare. Kana ukarega, ndiri kuuya kwauri,+ uye ndichabvisa chigadziko chako cherambi+ panzvimbo yacho, kunze kwokuti ukapfidza. 6 Zvisinei, une chinhu ichi, kuti unovenga+ mabasa eboka raNikorasi,+ andinovengawo. 7 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano, kuti: Anokunda+ ndichamubvumira kuti adye zvinobva pamuti woupenyu,+ uri muparadhiso yaMwari.’

8 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muSimina kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura, ‘iye Wokutanga noWokupedzisira,’+ akafa akavazve mupenyu,+ 9 ‘Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako—asi uri mupfumi+—uye ndinoziva kumhurwa kwaunoitwa nevaya vanozviti vaJudha,+ kunyange ivo vasiri asi vari sinagogi raSatani.+ 10 Usatya zvinhu zvawava kuda kutambura.+ Tarira! Dhiyabhorosi+ acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo,+ uye kuti mutambudzike+ kwemazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu,+ uye ndichakupa korona youpenyu.+ 11 Ane nzeve ngaanzwe+ zvinotaura mudzimu+ kuungano, kuti: Anokunda+ haangambokuvadzwi norufu rwechipiri.’+

12 “Nyorera ngirozi yeungano iri muPegamo kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura iye ane bakatwa refu rakapinza, rinocheka nekwose,+ 13 ‘Ndinoziva kwauri kugara, iko kune chigaro choumambo chaSatani; asi unoramba wakabatisisa zita rangu,+ uye hauna kuramba kutenda kwako mandiri+ kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu,+ munhu wangu akatendeka, akaurayirwa+ kwamuri, kuri kugara Satani.

14 “‘Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishomanana zvandinopesana newe, kuti ikoko une vaya vanobatisisa dzidziso yaBharami,+ uya akatanga kudzidzisa Bharaki+ kuisa chinhu chinogumbura pamberi pevanakomana vaIsraeri, kuti vadye zvinhu zvakabayirwa zvidhori uye kuti vaite ufeve.+ 15 Naizvozvo iwewo, saizvozvowo une vaya vanobatisisa dzidziso yeboka raNikorasi.+ 16 Naizvozvo pfidza.+ Kana ukarega, ndiri kukurumidza kuuya kwauri, uye ndicharwa+ navo nebakatwa refu romumuromo mangu.+

17 “‘Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano, kuti:+ Anokunda+ ndichamupa imwe mana+ yakavanzwa, uye ndichamupa hurungudo chena, uye pahurungudo yacho pakanyorwa zita+ idzva risina anoziva kunze kwouya ari kurigamuchira.’+

18 “Nyorera ngirozi yeungano iri muTiyatira+ kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura Mwanakomana+ waMwari, iye ane maziso akafanana nomurazvo womoto,+ uye ane tsoka dzakafanana nemhangura yakanatswa,+ 19 ‘Ndinoziva mabasa ako, norudo+ rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa+ ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.+

20 “‘Kunyange zvakadaro, ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti unoshivirira mukadzi uya Jezebheri,+ anozviti muprofitakadzi, uye anodzidzisa+ nokutsausa varanda vangu+ kuti vaite ufeve+ nokudya zvinhu zvakabayirwa zvidhori.+ 21 Ndakamupa nguva yokupfidza,+ asi haasi kuda kupfidza ufeve+ hwake. 22 Tarira! Ndava kuda kumukanda pamubhedha wourwere, uye vaya vanoita upombwe naye mukutambudzika kukuru, kunze kwokuti vakapfidza mabasa akafanana neake. 23 Ndichauraya vana vake nedenda rinouraya, zvokuti ungano dzose dzichaziva kuti ndini iye anoongorora itsvo nomwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nomumwe maererano nemabasa enyu.+

24 “‘Zvisinei, ndinoti kwamuri mose imi muri muTiyatira, vose vaya vasina dzidziso iyi, ivo vasina kusvika pakuziva “zvinhu zvakadzama zvaSatani,”+ sezvavanotaura kuti: Handisi kuisa pamuri mumwe mutoro+ chero upi zvawo. 25 Kunyange zvakadaro, batisisai zvamuinazvo+ kusvikira ndauya. 26 Iye anokunda ochengeta mabasa angu kusvikira pakuguma+ ndichamupa simba pamusoro pemarudzi,+ 27 rakafanana nerandakagamuchira kubva kuna Baba vangu, uye achafudza vanhu netsvimbo yesimbi+ zvokuti vachaputswa-putswa semidziyo yevhu,+ 28 uye ndichamupa nyamasase.+ 29 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano.’+

3 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muSadhisi kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura iye ane midzimu minomwe+ yaMwari nenyeredzi nomwe+ kuti, ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rokuti uri mupenyu, asi iwe wakafa.+ 2 Rinda,+ usimbise+ zvinhu zvasara zvakanga zvava kuda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akaitwa zvakakwana pamberi paMwari+ wangu. 3 Naizvozvo, ramba uchifunga nezvokugamuchira+ kwawakaita nokunzwa kwawakaita, uye ramba uchizvichengeta,+ upfidze.+ Chokwadi kunze kwokuti ukamuka,+ ndichauya sembavha,+ uye hauzombozivi kuti ndichauya kwauri paawa ipi.+

4 “‘Kunyange zvakadaro, une mazita+ mashomanana muSadhisi evasina kusvibisa+ nguo dzavo dzokunze, uye vachafamba neni vakapfeka nguo chena,+ nokuti vakakodzerwa nazvo.+ 5 Anokunda+ achashongedzwa nguo chena dzokunze+ saizvozvo; uye handingazombodzimi zita rake mubhuku roupenyu,+ asi ndichapupurira zita rake pamberi paBaba+ vangu nepamberi pengirozi+ dzavo. 6 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nomudzimu+ kuungano.’

7 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muFiradhefiya kuti: Izvi ndizvo zvaanotaura iye mutsvene,+ wechokwadi,+ ane kiyi yaDhavhidhi,+ anovhura zvokuti hapana anozovhara, nokuvhara zvokuti hapana anovhura, kuti, 8 ‘Ndinoziva mabasa ako+—tarira! ndaisa pamberi pako suo rakavhurika,+ risina anogona kuvhara—kuti une simba shoma, wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.+ 9 Tarira! Ndichapa vaya vanobva kusinagogi raSatani vanozviti vaJudha,+ kunyange vasiri asi vachireva nhema+—tarira! ndichaita kuti vauye, vapfugame+ pamberi petsoka dzako, ndoita kuti vazive kuti ndakakuda. 10 Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu,+ ini ndichakuchengetawo+ paawa yokuedzwa, ichauya munyika yose inogarwa, kuzoedza vaya vanogara panyika.+ 11 Ndiri kukurumidza kuuya.+ Ramba wakabatisisa zvauinazvo,+ kuti parege kuva neangatora korona yako.+

12 “‘Munhu anokunda—ndichamuita mbiru+ mutemberi+ yaMwari wangu,+ uye haazombobudi mairi, uye ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, iro Jerusarema idzva+ rinoburuka kudenga richibva kuna Mwari wangu, uye zita rangu riya idzva.+ 13 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano.’

14 “Nyorera ngirozi yeungano iri muRaodhikiya,+ kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura Ameni,+ chapupu+ chakatendeka+ nechechokwadi,+ wokutanga pane zvakasikwa naMwari,+ 15 ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana zvimwe kupisa. 16 Naizvozvo, zvaunodziya usingapisi+ kana kutonhora,+ ndichakusvipa mumuromo mangu. 17 Nokuti unoti: “Ndakapfuma+ uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,” asi hauzivi kuti unosiririsa, uye unonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu+ uye hauna kupfeka, 18 ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama+ yakanatswa nomoto kuti uve akapfuma, utenge nguo dzokunze chena kuti uve akapfeka, kuti kusapfeka kwako kunonyadzisa kurege kuoneka,+ uye utenge chizoro chemaziso chokuzora mumaziso+ ako kuti uone.

19 “‘Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga.+ Naizvozvo shingaira upfidze.+ 20 Tarira! Ndakamira pasuo+ ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu, akavhura suo,+ ndichapinda mumba make ndodya kudya kwemanheru naye, iye pamwe chete neni. 21 Ndichabvumira anokunda+ kuti agare neni pachigaro changu choumambo,+ ini zvandakakunda ndikagara+ naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.+ 22 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano.’”+

4 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! suo rakavhurika kudenga, uye inzwi rokutanga randakanzwa rakanga rakaita serebhosvo,+ richitaura neni, richiti: “Kwira kuno,+ uye ndichakuratidza zvinhu zvinofanira kuitika.”+ 2 Pashure pezvinhu izvi ndakabva ndava musimba romudzimu: uye, tarira! chigaro choumambo+ chakanga chiri panzvimbo yacho mudenga,+ paine akanga agere pachigaro chacho choumambo.+ 3 Iye akanga agere ipapo, aiva nechitarisiko+ chakaita sedombo rejaspa+ nedombo dzvuku rinokosha, uye chigaro choumambo chakanga chakakomberedzwa nomuraraungu+ une chitarisiko chakaita seemaradhi.+

4 Chigaro choumambo chakanga chakakomberedzwa nezvigaro zvoumambo makumi maviri nezvina, uye pazvigaro zvoumambo+ izvi ndakaona pagere vakuru+ makumi maviri nevana+ vakapfeka nguo dzokunze chena,+ uye mumisoro yavo makanga muine korona+ dzendarama. 5 Pachigaro choumambo paibuda mheni+ nemanzwi nokutinhira;+ uye paiva nemarambi manomwe+ omoto unobvira pamberi pechigaro choumambo, uye aya anomirira midzimu minomwe+ yaMwari. 6 Pamberi pechigaro choumambo paiva nerinenge gungwa rakaita segirazi+ rakafanana nekristaro.

Pakati pechigaro choumambo nemakakomberedza chigaro choumambo maiva nezvisikwa zvipenyu zvina+ zvakazara nemaziso mberi neshure. 7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba,+ chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nenzombe+ duku, chisikwa chipenyu chechitatu+ chakanga chiine chiso chakafanana nechomunhu, uye chisikwa chipenyu chechina+ chakanga chakafanana negondo+ rinobhururuka. 8 Kana zviri zvisikwa zvipenyu zvina,+ chimwe nechimwe chazvo chakanga chiine mapapiro matanhatu;+ kumativi ose uye nechepasi zvizere nemaziso.+ Hazvina zororo masikati nousiku sezvazvinoti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiJehovha+ Mwari, Wemasimbaose,+ akanga aripo uye aripo+ uye achauya.”

9 Nguva yose apo zvisikwa zvipenyu zvinoremekedza nokukudza nokuonga+ Uyo agere pachigaro choumambo,+ Uyo anorarama nokusingaperi-peri,+ 10 vakuru makumi maviri nevana+ vanowira pasi pamberi poUyo akagara pachigaro choumambo ndokunamata+ Uyo anorarama nokusingaperi-peri, uye vanokanda korona dzavo pamberi pechigaro choumambo, vachiti: 11 “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa+ nokuremekedzwa+ nesimba,+ nokuti makasika zvinhu zvose,+ uye nemhaka yokuda kwenyu+ zvakavapo uye zvakasikwa.”+

5 Zvino ini ndakaona mupumburu wakanyorwa mukati nokunze,+ wakasimbiswa+ zvakasimba nezvisimbiso zvinomwe uri muruoko rworudyi rwoUyo akanga agere pachigaro choumambo.+ 2 Ndakaona ngirozi yakasimba ichizivisa nenzwi guru kuti: “Ndiani akakodzera kuvhura mupumburu uye kukwatura zvisimbiso zvawo?” 3 Asi kwakanga kusina kana nomumwe zvake kudenga kana panyika kana pasi pevhu aikwanisa kuvhura mupumburu kana kutarira mauri. 4 Ndakasvimha misodzi kwazvo nokuti hapana akawanikwa akakodzera kuvhura mupumburu wacho kana kutarira mauri.+ 5 Asi mumwe wevakuru akati kwandiri: “Rega kusvimha misodzi. Tarira! Shumba yokudzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda+ kuti ivhure mupumburu nezvisimbiso zvawo zvinomwe.”

6 Ndakaona gwayana+ rimire pedyo nechigaro choumambo+ pakati pezvisikwa zvina uye pakati pevakuru+ sokunge kuti rakanga raurayiwa,+ riine nyanga nomwe nemaziso manomwe, maziso anomirira midzimu minomwe+ yaMwari yakatumirwa munyika yose. 7 Iro rakaenda, rikabva rautora muruoko rworudyi rwoUya akanga agere pachigaro choumambo.+ 8 Parakatora mupumburu wacho, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana+ vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe aine rudimbwa+ nendiro dzendarama dzakanga dzizere nerusenzi, uye rusenzi+ inomirira minyengetero+ yevatsvene. 9 Vakaimba rwiyo rutsva,+ vachiti: “Makakodzera kutora mupumburu nokuvhura zvisimbiso zvawo, nokuti makaurayiwa uye neropa renyu+ makatengera+ Mwari vanhu+ kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, 10 uye makaita kuti vave umambo+ nevapristi+ kuna Mwari wedu,+ uye vachatonga semadzimambo+ pamusoro penyika.”

11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi rengirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu nevakuru, uye kuwanda kwavo kwakanga kuri makumi ezviuru emakumi ezviuru+ nezviuru zvezviuru,+ 12 vachiti nenzwi guru: “Gwayana rakaurayiwa+ rakakodzera kuva nesimba nepfuma nouchenjeri nemasimba nokukudzwa nokubwinya nokurumbidzwa.”+

13 Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika uye pasi pevhu+ nomugungwa, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvichiti: “Kuropafadzwa nokukudzwa+ nokubwinya+ nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo+ nokuGwayana+ nokusingaperi-peri.” 14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvakatanga kuti: “Ameni!” uye vakuru+ vakawira pasi, vakanamata.+

6 Zvino Gwayana+ parakavhura chimwe chezvisimbiso zvinomwe+ ndakaona, uye ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chichiti nenzwi rakaita sokutinhira: “Uya!”+ 2 Ndakaona, uye, tarira! bhiza jena;+ uye akanga akaritasva+ akanga aine uta;+ akapiwa korona,+ uye akabuda achikunda+ kuti apedzise kukunda kwake.+

3 Parakavhura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri+ chichiti: “Uya!” 4 Rimwe rakabuda, riri bhiza dzvuku; uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa rugare panyika kuti vanhu vaurayane; uye akapiwa bakatwa guru.+

5 Parakavhura+ chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu+ chichiti: “Uya!” Ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye akanga akaritasva akanga aine chikero+ muruoko rwake. 6 Ndakanzwa inzwi raiita sokuti riri pakati+ pezvisikwa zvina+ richiti: “Rita regorosi richaita dhinari,+ uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta omuorivhi newaini.”+

7 Parakavhura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina+ richiti: “Uya!” 8 Ndakaona, uye, tarira! bhiza rakachenuruka; uye akanga akaritasva akanga aine zita rokuti Rufu. Hadhesi+ yakanga ichimutevera iri pedyo. Vakapiwa simba pamusoro pechikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu+ nokushomeka kwezvokudya+ nedenda rinouraya uye nezvikara+ zvepanyika.

9 Parakavhura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi peatari+ mweya+ yevaya vakaurayiwa+ nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwebasa rokupupura+ ravaimboita. 10 Yakashevedzera nenzwi guru, ichiti: “Changamire+ Ishe mutsvene nowechokwadi,+ mucharega kutonga+ uye kutsiva ropa+ redu pane vaya vanogara panyika kusvikira rini?” 11 Mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo refu chena;+ uye vakaudzwa kuti vazorore kwekanguva kaduku, kusvikira nhamba yevamwe varanda vakaita saivo nehama dzavo dzakanga dzava kuda kuurayiwa+ sezvavakanga vaitwawo yakwana.

12 Parakavhura chisimbiso chechitanhatu ndakaona, uye kudengenyeka kwenyika kukuru kwakaitika; uye zuva rakasviba semasaga+ emvere, mwedzi wose ukava seropa,+ 13 uye nyeredzi dzokudenga dzakawira panyika, sokudonhedza kunoita muonde maganga awo kana wazunzwa nedutu. 14 Denga rakabva somupumburu uri kupetwa,+ uye makomo ose nezvitsuwa zvose zvakabviswa panzvimbo yazvo.+ 15 Madzimambo enyika nevane nzvimbo dzepamusoro nevatungamiriri vehondo nevapfumi nevakasimba nevaranda vose nevanhu vose vakasununguka vakavanda mumapako nomumatombo+ makuru omumakomo. 16 Vakaramba vachiti kumakomo nokumatombo makuru: “Tiwirei+ mutivanze pachiso chaIye agere pachigaro choumambo+ nepahasha dzeGwayana,+ 17 nokuti zuva guru+ rehasha+ dzavo rasvika, uye ndiani anokwanisa kumira?”+

7 Pashure peizvi ndakaona ngirozi+ ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo+ ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti+ chero upi zvawo. 2 Ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kunobuda zuva,+ iine chisimbiso chaMwari mupenyu;+ uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa, 3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+

4 Zvino ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina,+ vakaiswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose+ evanakomana vaIsraeri:+

5 Mudzinza raJudha+ vane zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso;

mudzinza raRubheni+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raGadhi+ zviuru gumi nezviviri;

6 mudzinza raAsheri+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raNaftari+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raManase+ zviuru gumi nezviviri;

7 mudzinza raSimiyoni+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raRevhi+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raIsakari+ zviuru gumi nezviviri;

8 mudzinza raZebhuruni+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raJosefa+ zviuru gumi nezviviri;

mudzinza raBhenjamini+ zviuru gumi nezviviri zvakaiswa chisimbiso.+

9 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu,+ vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose+ nemadzinza nevanhu+ nendimi,+ vamire pamberi pechigaro choumambo+ nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena;+ uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe.+ 10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu,+ agere pachigaro choumambo,+ uye kuGwayana.”+

11 Zvino ngirozi dzose+ dzakanga dzakamira dzakakomberedza chigaro choumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina,+ uye dzakawira pasi nezviso zvadzo pamberi pechigaro choumambo dzikanamata Mwari,+ 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+

13 Mumwe wevakuru+ achipindura akati kwandiri: “Ava vakapfeka nguo refu chena,+ ndivanaani uye vabva kupi?” 14 Naizvozvo ndakabva ndati kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena+ muropa+ reGwayana. 15 Ndokusaka vari pamberi+ pechigaro choumambo chaMwari; uye vari kumuitira basa dzvene+ masikati nousiku mutemberi yake; uye Iye agere pachigaro choumambo+ achatambanudza tende+ rake pamusoro pavo. 16 Havazonzwizve nzara kana kunzwazve nyota, uyewo zuva harizovapisi kana chero kupisa kukuru kupi zvako,+ 17 nokuti Gwayana,+ riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza,+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura+ youpenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”+

8 Zvino Gwayana parakavhura+ chisimbiso chechinomwe,+ runyararo rwakavapo kudenga kweinenge hafu yeawa. 2 Ndakaona ngirozi nomwe+ dzinomira pamberi paMwari, uye dzakapiwa mabhosvo manomwe.

3 Imwe ngirozi yakasvika, ikamira paatari,+ iine mudziyo wendarama wokupisira rusenzi; uye yakapiwa rusenzi+ zhinji kwazvo kuti iipisire paatari yendarama yakanga iri pamberi pechigaro choumambo, minyengetero yevatsvene vose payainzwiwa. 4 Utsi hwerusenzi hwakakwira pamberi paMwari huchibva muruoko rwengirozi pamwe chete neminyengetero+ yevatsvene. 5 Asi ngirozi yacho yakabva yatora mudziyo wokupisira rusenzi, ikauzadza nomumwe moto+ wepaatari, ikakanda moto wacho panyika.+ Naizvozvo kutinhira+ nemanzwi nemheni+ nokudengenyeka kwenyika+ zvakavapo. 6 Ngirozi nomwe dzaiva nemabhosvo+ manomwe+ dzakagadzirira kuaridza.

7 Yokutanga yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo kwakava nechimvuramabwe nomoto+ zvakasangana neropa, uye zvakakandwa panyika; chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenyika chakatsva,+ chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvemiti chakatsva, uye zvinomera zvose zvakasvibirira+ zvakatsva.

8 Ngirozi yechipiri yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo chimwe chinhu chakafanana negomo guru+ raibvira moto chakakandwa mugungwa.+ Chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvegungwa chakava ropa;+ 9 uye chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvezvisikwa zviri mugungwa zvine mweya chakafa,+ uye chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvezvikepe chakaparadzwa.

10 Ngirozi yechitatu yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo nyeredzi huru yaibvira serambi yakawa kubva kudenga,+ ikawira pachikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenzizi nepamusoro pezvitubu zvemvura.+ 11 Nyeredzi yacho inonzi Chinovava. Chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvemvura chakaitwa kuti chivave, uye vanhu vazhinji vakafa nemvura yacho, nokuti yakanga yaitwa kuti ivave.+

12 Ngirozi yechina yakaridza bhosvo rayo. Naizvozvo chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvezuva chakarohwa pamwe chete nechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvomwedzi nechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvenyeredzi, kuti chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvazvo chisvibiswe+ uye kuti masikati arege kuva nechiedza kwechikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvawo,+ uye usiku huitewo saizvozvo.

13 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa gondo+ richibhururuka pakati pedenga,+ richiti nenzwi guru: “Vane nhamo, vane nhamo, vane nhamo+ vaya vanogara panyika nokuda kwokurira kwose kwemabhosvo engirozi nhatu dzava kuda kuridza mabhosvo adzo!”+

9 Zvino ngirozi yechishanu yakaridza bhosvo+ rayo. Ndakaona nyeredzi+ yakanga yadonha panyika ichibva kudenga, uye yakapiwa kiyi+ yegomba rakadzikadzika.+ 2 Yakavhura gomba rakadzikadzika, utsi+ hukabuda mugomba huchikwira soutsi hwevira guru,+ zuva pamwe chete nemhepo, zvikasvibiswa+ noutsi hwegomba racho. 3 Mhashu+ dzakabuda dzichienda panyika dzichibva muutsi; uye dzikapiwa simba, simba rakafanana nerezvinyavada+ zvepanyika. 4 Dzakaudzwa kuti dzirege kukuvadza zvinomera zvepanyika kana zvinhu zvose zvakasvibirira kana muti chero upi zvawo, asi vanhu vaya chete vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.+

5 Mhashu dzakabvumirwa kuti dzirege kuvauraya, asi kuti ava vanofanira kurwadziswa+ mwedzi mishanu, uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokurwadza kunoita chinyavada+ pachinoruma munhu. 6 Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu+ asi havangamboruwani, uye vachada kufa asi rufu rucharamba ruchivatiza.

7 Mhashu dzacho dzakanga dzakafanana nemabhiza+ akagadzirira hondo; uye pamisoro yadzo pakanga paine zvaiita sekorona dzakafanana nendarama, uye zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvevanhu,+ 8 asi dzaiva nebvudzi rakafanana nebvudzi revakadzi.+ Mazino adzo akanga akaita seaya eshumba;+ 9 uye dzakanga dziine zvinhu zvinovhariridza chipfuva+ zvakafanana nezvinhu zvinovhariridza chipfuva zvesimbi. Kutinhira kwemapapiro adzo kwakanga kwakaita sokutinhira kwengoro+ dzemabhiza mazhinji ari kumhanyira muhondo.+ 10 Uyewo, dzine miswe netumiromo tunoruma kufanana nezvinyavada;+ uye mumiswe yadzo ndimo mune simba radzo rokukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu. 11 Dzinamambo wadzo, iyo ngirozi yegomba rakadzikadzika.+ MuchiHebheru anonzi Abhadhoni, asi muchiGiriki anonzi Aporiyoni.+

12 Nhamo imwe chete yapfuura. Tarira! Dzimwe nhamo mbiri+ dziri kuuya pashure pezvinhu izvi.

13 Ngirozi yechitanhatu+ yakaridza bhosvo rayo.+ Naizvozvo ndakanzwa inzwi+ rimwe chete richibuda munyanga dzeatari yendarama+ iri pamberi paMwari, 14 richiti kungirozi yechitanhatu, yakanga iine bhosvo: “Sunungura ngirozi+ ina dzakasungwa+ parwizi rukuru rwaYufratesi.”+ 15 Ngirozi dzacho ina dzakasunungurwa, dzakanga dzakagadzirira nokuda kweawa iyoyo nezuva nomwedzi negore, kuti dziuraye chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvevanhu.

16 Kuwanda kwemauto anotasva mabhiza kwakanga kuri makumi ezviuru maviri emakumi ezviuru: Ndakanzwa kuwanda kwawo. 17 Aya ndiwo maonero andakaita mabhiza pane zvandakaratidzwa, nevaya vakanga vakaatasva: vakanga vaine zvinhu zvinovhariridza chipfuva zvakatsvuka somoto uye zvebhuruu sehiyasindi uye zvakaita yero sesarufa; misoro yemabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba,+ uye mumiromo yawo makabuda moto noutsi nesarufa.+ 18 Nematambudziko matatu aya chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvevanhu chakaurayiwa nomoto noutsi nesarufa zvakabuda mumiromo yawo. 19 Nokuti simba remabhiza riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakafanana nenyoka+ uye ine misoro, uye anokuvadza naiyoyi.

20 Asi vamwe vanhu vose vasina kuurayiwa nematambudziko iwaya havana kupfidza mabasa emaoko avo,+ kuti varege kunamata madhimoni+ nezvidhori zvendarama nezvesirivha+ nezvemhangura nezvematombo nezvematanda, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kufamba;+ 21 uye havana kupfidza umhondi+ hwavo kana tsika yavo yokuita zvemidzimu+ kana ufeve hwavo kana umbavha hwavo.

10 Zvino ndakaona imwe ngirozi yakasimba+ ichiburuka kudenga, yakashonga gore,+ muraraungu wakanga uri pamusoro payo, chiso chayo chakanga chakaita sezuva,+ tsoka+ dzayo dzakanga dzakaita sembiru dzomoto, 2 uye muruoko rwayo yaiva nomupumburu muduku wakavhurika. Yakaisa tsoka yayo yokurudyi pagungwa, asi yokuruboshwe panyika,+ 3 uye yakashevedzera nenzwi guru sezvinoita shumba+ painodzvova. Payakashevedzera, kutinhira+ kunomwe kwakabudisa manzwi akwo.

4 Zvino pakataura kutinhira kunomwe, ndakanga ndava kutoda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga+ richiti: “Isa chisimbiso pazvinhu+ zvataurwa nokutinhira kunomwe, uye usazvinyora.” 5 Ngirozi yandakaona imire pagungwa nepanyika yakasimudzira ruoko rwayo rworudyi kudenga,+ 6 uye yakapika naIye anorarama+ nokusingaperi-peri,+ akasika denga nezvinhu zviri mariri nenyika+ nezvinhu zviri mairi negungwa nezvinhu zviri mariri,+ ikati: “Hapazovizve nokunonoka;+ 7 asi mumazuva okuridza kwengirozi yechinomwe,+ painenge yava kuda kuridza bhosvo rayo,+ chokwadi, chakavanzika chitsvene+ chaMwari chichapedziswa maererano nemashoko akanaka aakazivisa kuvaranda vake ivo vaprofita.”+

8 Inzwi+ randakanzwa richibva kudenga rakataurazve neni richiti: “Enda utore mupumburu wakavhurika uri muruoko rwengirozi imire pagungwa nepanyika.”+ 9 Ndakaenda kungirozi yacho, ndikaiudza kuti indipe mupumburu wacho muduku. Iyo yakati kwandiri: “Utore uudye+ wose, iwo uchavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako uchatapira souchi.” 10 Ndakatora mupumburu wacho muduku muruoko rwengirozi, ndikaudya wose,+ uye mumuromo mangu wakanga uchitapira souchi;+ asi pandakanga ndaudya wose, mudumbu mangu makavaviswa. 11 Ivo vakati kwandiri: “Unofanira kuprofitazve pamusoro pevanhu nemarudzi nendimi nemadzimambo mazhinji.”+

11 Zvino ndakapiwa tsanga yakaita sekatanda+ pandakaudzwa kuti: “Simuka uyere nzvimbo tsvene yetemberi+ yaMwari neatari nevaya vanonamatira mairi. 2 Asi kana chiri chivanze chiri kunze+ kwenzvimbo tsvene yetemberi, chisiye uye usachiyera, nokuti chakapiwa mamwe marudzi,+ uye iwo achatsika-tsika guta dzvene+ kwemwedzi ine makumi mana nemiviri.+ 3 Ndichaita kuti zvapupu zvangu zviviri+ zviprofite+ zvakapfeka masaga+ kwemazuva ane chiuru chine mazana maviri nemakumi matanhatu.” 4 Izvi zvinofananidzirwa nemiorivhi miviri+ nezvigadziko zvemarambi+ zviviri uye izvo zvimire pamberi paShe wenyika.+

5 Kana munhu achida kuzvikuvadza, moto unobuda mumiromo yazvo woparadza vavengi vazvo;+ uye kana munhu akada kuzvikuvadza, anofanira kuurayiwa saizvozvo. 6 Izvi zvine simba rokuvhara denga+ kuti mvura irege kunaya+ mumazuva okuprofita kwazvo, uye zvine simba pamusoro pemvura rokuishandura kuva ropa+ nokurova nyika nematambudziko emarudzi ose pose pazvinenge zvichida hazvo.

7 Pazvinenge zvapedza kupupura kwazvo, chikara chinobuda mugomba rakadzikadzika+ chicharwa nazvo chozvikunda uye chozviuraya.+ 8 Zvitunha zvazvo zvichava mumugwagwa wakafara weguta guru rinonzi Sodhoma+ neIjipiti mupfungwa yomudzimu, umo Ishe wazvo akarovererwawo.+ 9 Vaya vanobva kuvanhu nemadzinza nendimi nemarudzi+ vachatarira zvitunha zvazvo kwemazuva matatu nehafu,+ uye havaiti kuti zvitunha zvazvo zvivigwe muguva. 10 Vaya vagere panyika vachafarira+ kufa kwazvo uye vachapembera nomufaro, uye vachatumirana zvipo,+ nokuti vaprofita vaviri ava vakarwadzisa vaya vanogara panyika.

11 Pashure pemazuva matatu nehafu+ mudzimu woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mazviri,+ izvo zvikamira netsoka dzazvo, uye vaya vaizviona vakabatwa nokutya kukuru. 12 Zvakanzwa inzwi guru+ richibva kudenga richiti kwazviri: “Kwirai kuno.”+ Zvakakwira kudenga zviri mugore, uye vavengi vazvo vakazviona. 13 Muawa iyoyo kudengenyeka kukuru kwenyika kwakaitika, chegumi+ cheguta chikawa; uye vanhu vane zviuru zvinomwe vakaurayiwa nokudengenyeka kwenyika, uye vamwe vose vakatya vakakudza Mwari wokudenga.+

14 Nhamo yechipiri+ yapfuura. Tarira! Nhamo yechitatu iri kukurumidza kuuya.

15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe+ wedu nohwaKristu+ wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.”+

16 Vakuru vane makumi maviri nevana+ vakanga vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zvoushe vakawira pasi nezviso zvavo+ vakanamata Mwari,+ 17 vachiti: “Tinokuongai,+ Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ Imi muripo+ uye makanga muripo, nokuti matora simba renyu guru+ uye matanga kutonga samambo.+ 18 Asi marudzi akava nehasha, hasha dzenyu dzakauya, uye nguva yakatarwa yokuti vakafa vatongwe, kuti mupe varanda venyu vaprofita+ nevatsvene nevaya vanotya zita renyu mubayiro+ wavo, vaduku nevakuru,+ kuti muparadze+ vaya vanoparadza nyika.”+

19 Nzvimbo tsvene yetemberi yaMwari iri kudenga+ yakavhurwa, uye areka+ yesungano yake yakaonekwa iri munzvimbo tsvene+ yetemberi yake. Naizvozvo pakava nemheni nemanzwi nokutinhira nokudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.

12 Zvino chiratidzo chikuru+ chakaonekwa kudenga, mukadzi+ akanga akashonga zuva, uye mwedzi wakanga uri pasi petsoka dzake, mumusoro make makanga muine korona yenyeredzi gumi nembiri, 2 uye akanga aine pamuviri. Akachema paairwadziwa+ uye paaigomera kuti asununguke.

3 Chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga, uye, tarira! paiva nedhiragoni+ huru tsvuku, yakanga ine misoro minomwe nenyanga gumi uye pamisoro yayo pakanga paine korona nomwe; 4 muswe+ wayo wakakweva chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu+ zvenyeredzi dzokudenga, uye wakadzikanda panyika.+ Dhiragoni yakaramba imire pamberi pomukadzi+ akanga ava kuda kusununguka,+ kuti paanenge asununguka, idye+ mwana wake.

5 Iye akasununguka mwanakomana,+ munhurume, achafudza marudzi ose netsvimbo yesimbi.+ Mwana wake akatorwa, akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo.+ 6 Mukadzi wacho akatizira kurenje,+ kwaaine nzvimbo yaakagadzirirwa naMwari, kuti vamupe zvokudya+ ikoko mazuva ane chiuru nemazana maviri nemakumi matanhatu.+

7 Zvino hondo yakavapo mudenga: Mikaeri+ nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa 8 asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. 9 Naizvozvo dhiragoni+ huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga,+ iyo inonzi Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ari kutsausa nyika yose inogarwa;+ akakandwa panyika,+ uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye. 10 Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:

“Zvino ruponeso+ rwazoitika nesimba+ noumambo hwaMwari+ wedu nechiremera chaKristu+ wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari+ wedu! 11 Vakamukunda+ nokuda kweropa reGwayana+ uye nokuda kweshoko ravaipupura+ nezvaro, uye havana kuda mweya+ yavo kunyange pakutarisana norufu. 12 Saka farai, imi matenga nemi munogara maari!+ Mune nhamo+ imi nyika negungwa,+ nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”+

13 Zvino dhiragoni payakaona kuti yakandwa panyika,+ yakatambudza mukadzi+ uya akasununguka mwanakomana. 14 Asi mukadzi uyu akapiwa mapapiro maviri egondo guru,+ kuti abhururukire kurenje+ kunzvimbo yake; ikoko ndiko kwaanopiwa zvokudya+ kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva+ kure nenyoka.+

15 Zvino nyoka yakabudisa mvura+ yakaita sorwizi mumuromo mayo ichitevera mukadzi, kuti anyudzwe norwizi rwacho.+ 16 Asi nyika yakabatsira mukadzi,+ uye nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi urwo dhiragoni yakanga yabudisa mumuromo mayo. 17 Dhiragoni yakaitira mukadzi hasha,+ ikaenda kunorwa nevana vake vakanga vasara, vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira+ Jesu.

13 Iyo yakamira pajecha+ regungwa.

Uye ndakaona chikara+ chichibuda mugungwa,+ chiine nyanga gumi+ nemisoro minomwe,+ panyanga dzacho paiva nekorona gumi, asi pamisoro yacho pakanga paine mazita okumhura.+ 2 Zvino chikara chandakaona chakanga chakaita seingwe,+ asi makumbo acho akanga akaita seemhuka inonzi bheya,+ muromo wacho wakanga wakaita somuromo weshumba.+ Dhiragoni+ yakapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.+

3 Ndakaona mumwe wemisoro yacho sokunge wakanga wakuvadzwa zvokufa, asi ronda rawo rinouraya+ rakapora, uye nyika yose yakatevera chikara ichichiyemura. 4 Vakanamata dhiragoni nokuti yakapa chikara simba, uye vakanamata chikara nemashoko okuti: “Ndiani akafanana nechikara, uye ndiani angarwa nacho?” 5 Chakapiwa muromo waitaura zvinhu zvikuru+ nokumhura,+ uye chakapiwa simba rokushanda kwemwedzi ine makumi mana nemiviri.+ 6 Chakashama muromo wacho chichimhura+ Mwari, kuti chimhure zita rake nenzvimbo yake yaanogara, kunyange vaya vanogara kudenga.+ 7 Chakabvumirwa+ kurwa nevatsvene uye kuvakunda,+ uye chakapiwa simba pamusoro pemadzinza ose nevanhu nendimi norudzi. 8 Vose vaya vanogara panyika vachachinamata; hapana kana nezita romumwe wavo rakanyorwa kubvira pakuvambwa kwenyika+ mumupumburu+ woupenyu weGwayana rakaurayiwa.+

9 Kana paine ane nzeve, ngaanzwe.+ 10 Kana paine munhu akakodzera kutapwa, achatapwa.+ Kana munhu achizouraya nebakatwa, iye anofanira kuurayiwa nebakatwa.+ Pano ndipo panodiwa kutsungirira+ nokutenda+ kwevatsvene.+

11 Zvino ndakaona chimwe chikara+ chichibuda pasi,+ uye chakanga chiine nyanga mbiri dzakafanana nedzegwayana, asi chakatanga kutaura sedhiragoni.+ 12 Chinoshandisa simba rose rechikara chokutanga+ chichionekwa nacho. Chinoita kuti nyika nevaya vanogara mairi vanamate chikara chokutanga, chaiva neronda rinouraya rakapora.+ 13 Chinoita zviratidzo zvikuru,+ zvokuti chinotoita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika pamberi pevanhu.

14 Chinotsausa vaya vanogara panyika, nokuda kwezviratidzo zvachakabvumirwa kuti chiite chichionekwa nechikara, pachinenge chichiudza vaya vanogara panyika kuti vagadzire mufananidzo+ nokuda kwechikara chakanga chiine ronda rebakatwa+ asi chikapora. 15 Chakabvumirwa kuti chipe mhepo yokufema kumufananidzo wechikara, kuti mufananidzo wechikara utaure uye uurayise vose vaya vasingazombonamati mufananidzo+ wechikara.

16 Chinogombedzera vanhu vose,+ vaduku nevakuru, vapfumi nevarombo, vakasununguka nevaranda, kuti ivava vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo,+ 17 uye kuti parege kuva nomunhu angakwanisa kutenga kana kutengesa kunze kwomunhu ane chiratidzo, zita+ rechikara kana nhamba yezita racho.+ 18 Pano ndipo panodiwa uchenjeri: Munhu ane ungwaru ngaaverenge nhamba yechikara, nokuti inhamba yomunhu;+ uye nhamba yacho mazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.+

14 Zvino ndakaona, uye, tarira! Gwayana+ rimire paGomo reZiyoni,+ riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina+ vakanga vaine zita raro nezita raBaba+ varo rakanyorwa pahuma dzavo. 2 Ndakanzwa ruzha rwaibva kudenga rwakaita soruzha rwemvura zhinji+ uye soruzha rukuru rwokutinhira; uye ruzha rwandakanzwa rwakanga rwakaita sorwevaimbi vanoimba norudimbwa+ vachiridza udimbwa hwavo. 3 Vaiimba+ rwaiita sokunge kuti rwiyo rutsva+ vari pamberi pechigaro choumambo nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina+ nepevakuru;+ uye hapana akakwanisa kunyatsodzidza rwiyo irworwo kunze kwevaya vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina,+ vakatengwa+ vachibva panyika. 4 Ava ndivo vasina kuzvisvibisa nevakadzi;+ chokwadi, vakaita semhandara.+ Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.+ Ava vakatengwa+ pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga+ kuna Mwari nokuGwayana, 5 mumiromo yavo hamuna kuwanikwa nhema;+ uye havana gwapa.+

6 Zvino ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga,+ uye yakanga iine mashoko akanaka+ asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu,+ 7 ichiti nenzwi guru: “Ityai Mwari+ mumukudze,+ nokuti awa yokutonga kwake yasvika,+ naizvozvo namatai Iye akasika+ denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.”+

8 Imwe ngirozi yechipiri, yakatevera, ichiti: “Rawa! Bhabhironi+ Guru rawa,+ iro rakaita kuti marudzi ose anwe waini+ yokutsamwa youfeve hwaro!”+

9 Imwe ngirozi yechitatu, yakadzitevera, ichiti nenzwi guru: “Kana munhu akanamata chikara+ nomufananidzo wacho,+ akagamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake,+ 10 iye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari inodururirwa mukapu yehasha+ dzake isina kuvhenganiswa, uye acharwadziswa+ nomoto nesarufa+ pamberi pengirozi tsvene nepamberi peGwayana. 11 Utsi hwokurwadziwa kwavo hunokwira nokusingaperi-peri,+ havana zororo masikati nousiku, vaya vanonamata chikara nomufananidzo wacho, nomunhu wose anogamuchira chiratidzo+ chezita racho. 12 Pano ndipo panoda kuti vatsvene vatsungirire,+ vaya vanochengeta mirayiro yaMwari+ uye vanotevera kutenda+ kwaJesu.”

13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Nyora kuti: Vanofara ndivo vakafa,+ vanofa vari pamwe naShe+ kubvira panguva ino.+ Chokwadi, mudzimu unoti, ngavazorore pamabasa avo, nokuti zvinhu zvavakaita zvinobva zvaenda navo.”

14 Zvino ndakaona, uye, tarira! gore jena, uye pagore racho pakanga pagere mumwe akafanana nomwanakomana womunhu,+ aine korona+ yendarama mumusoro make nejeko rakapinza muruoko rwake.

15 Imwe ngirozi yakabuda munzvimbo tsvene yetemberi, ichishevedzera nenzwi guru kune uya akanga agere pagore ichiti: “Tanga kushandisa jeko rako, ucheke,+ nokuti awa yokukohwa+ yasvika, nokuti zvinokohwewa zvepanyika zvanyatsoibva.”+ 16 Uya akanga agere pagore akapinza jeko rake panyika, nyika ikakohwewa.

17 Uyezve imwe ngirozi yakabuda munzvimbo tsvene yetemberi iri kudenga,+ iyowo, iine jeko rakapinza.

18 Uyezve imwe ngirozi yakabuda muatari uye yakanga iine simba pamusoro pomoto.+ Yakashevedzera nenzwi guru kune iya yakanga iine jeko rakapinza, ichiti: “Pinza jeko rako rakapinza uunganidze masumbu omuzambiringa wepanyika,+ nokuti mazambiringa awo aibva.” 19 Ngirozi yacho+ yakaisa jeko rayo panyika, ikaunganidza muzambiringa+ wepanyika, uye yakaukanda muchisviniro chikuru chewaini chokutsamwa kwaMwari.+ 20 Chisviniro chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta,+ ropa rikabuda muchisviniro chewaini rikakwira kusvika mumatomu emabhiza,+ rikayerera kwechinhambwe chemakiromita anenge mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nematanhatu.+

15 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo+ kudenga, chikuru uye chinoshamisa, ngirozi nomwe+ dziine matambudziko manomwe.+ Aya ndiwo okupedzisira, nokuti kutsamwa+ kwaMwari kunopedzwa nawo.+

2 Ndakaona chaiita sokuti igungwa+ rakaita segirazi rakavhenganiswa nomoto, uye vaya vanokunda+ chikara nomufananidzo+ wacho nenhamba+ yezita racho vakamira pedyo negungwa rakaita segirazi,+ vaine udimbwa+ hwaMwari. 3 Vaiimba rwiyo rwaMosesi+ muranda waMwari norwiyo rweGwayana,+ vachiti:

“Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ mabasa enyu makuru uye anoshamisa.+ Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,+ imi Mambo asingagumi.+ 4 Chokwadi ndiani asingazokutyii,+ Jehovha,+ nokukudza zita renyu,+ nokuti imi moga makavimbika?+ Nokuti marudzi ose achauya achizonamata+ pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaratidzwa pachena.”+

5 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye nzvimbo tsvene+ yetende rouchapupu+ yakavhurwa kudenga,+ 6 ngirozi nomwe+ dzine matambudziko manomwe+ dzakabuda munzvimbo tsvene, dzakapfeka nguo dzerineni+ yakachena, yaipenya uye dzakanga dzakasunga zvipfuva zvadzo nemabhandi endarama. 7 Chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chakapa ngirozi dzacho nomwe ndiro nomwe dzendarama dzakanga dzizere nokutsamwa kwaMwari,+ iye anorarama nokusingaperi-peri.+ 8 Nzvimbo tsvene yakazara noutsi nokuda kwokubwinya kwaMwari+ uye nokuda kwesimba rake, uye hapana akakwanisa kupinda munzvimbo tsvene kusvikira matambudziko manomwe+ engirozi dzacho nomwe apera.

16 Zvino ndakanzwa inzwi guru+ rakabva munzvimbo tsvene richiti kungirozi nomwe: “Endai mudururire ndiro nomwe dzokutsamwa+ kwaMwari panyika.”

2 Yokutanga+ yakaenda, ikadururira ndiro yayo panyika.+ Ronda rinorwadza uye rakaipa+ rakava pavanhu vakanga vaine chiratidzo chechikara+ uye vakanga vachinamata mufananidzo+ wacho.

3 Yechipiri+ yakadururira ndiro yayo mugungwa.+ Iro rakava ropa+ seromunhu akafa, uye mweya mipenyu yose yakafa, chokwadi, izvo zvinhu zvaiva mugungwa.+

4 Yechitatu+ yakadururira ndiro yayo munzizi+ nomuzvitubu zvemvura. Izvo zvakava ropa.+ 5 Ndakanzwa ngirozi yaiva nesimba pamusoro pemvura ichiti: “Imi, Muripo uye makanga muripo,+ Makavimbika,+ makarurama, nokuti izvi ndizvo zvamatonga,+ 6 nokuti ivo vakateura ropa revatsvene nerevaprofita,+ uye imi mavapa ropa+ kuti vanwe. Ivo vakakodzerwa nazvo.”+ 7 Ndakanzwa atari ichiti: “Chokwadi, Jehovha Mwari, Wemasimbaose,+ zvamakatonga ndezvechokwadi uye zvakarurama.”+

8 Yechina+ yakadururira ndiro yayo pazuva; uye zuva rakabvumirwa kuti ripise+ vanhu nomoto. 9 Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, asi vakamhura zita+ raMwari, ane simba+ pamusoro pematambudziko aya, uye havana kupfidza kuti vamukudze.+

10 Yechishanu yakadururira ndiro yayo pachigaro choumambo chechikara.+ Umambo hwacho hwakava rima,+ uye vakatanga kutsenga ndimi dzavo nokuda kwokurwadziwa kwavo, 11 asi vakamhura+ Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo uye nokuda kwemaronda avo, uye havana kupfidza mabasa avo.

12 Yechitanhatu+ yakadururira ndiro yayo parwizi rukuru rwaYufratesi,+ mvura yarwo ikaoma,+ kuti nzira igadzirirwe madzimambo+ anobva kunobuda nako zuva.

13 Ndakaona kutaura kutatu kwakafuridzirwa+ kusina kuchena kwakanga kwakafanana nematatya+ kuchibuda mumuromo medhiragoni+ nomumuromo mechikara+ nomumuromo momuprofita wenhema.+ 14 Chokwadi, iko kutaura kunofuridzirwa+ nemadhimoni uye kunoita zviratidzo,+ kunoenda kumadzimambo+ enyika yose inogarwa,+ kuti kuaunganidzire kuhondo+ yezuva guru+ raMwari Wemasimbaose.+

15 “Tarira! Ndiri kuuya sembavha.+ Anofara ndiye anoramba akamuka+ uye anochengeta nguo dzake dzokunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu vatarire nyadzi dzake.”+

16 Iko kwakavaunganidzira kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.+

17 Yechinomwe yakadururira ndiro yayo mumhepo.+ Inzwi guru+ rakabva rabuda munzvimbo tsvene richibva pachigaro choumambo, richiti: “Zvaitika!” 18 Mheni nemanzwi nokutinhira zvakavapo, uye kudengenyeka kwenyika kukuru+ kwakavapo, kwakanga kusati kwamboitika kubvira apo vanhu vakava panyika,+ kudengenyeka kwenyika kwakapararira kwazvo,+ kukuru kwazvo. 19 Guta guru+ rakatsemuka kuva mativi matatu, maguta emarudzi akaparadzwa; uye Bhabhironi Guru+ rakayeukwa pamberi paMwari, kuti aripe kapu yewaini yokutsamwa yehasha dzake.+ 20 Uyewo, zvitsuwa zvose zvakatiza, uye makomo haana kuwanikwa.+ 21 Chimvuramabwe+ chikuru chine matombo, rimwe nerimwe riine uremu hunenge hwetarenda chakawira vanhu chichibva kudenga, uye vanhu vakamhura+ Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe,+ nokuti dambudziko racho rakanga rakakura kwazvo.

17 Zvino imwe yengirozi nomwe dzakanga dziine ndiro nomwe+ yakauya ikataura neni, ichiti: “Uya, ndichakuratidza kutongwa kwehure+ guru rinogara pamvura zhinji,+ 2 iro madzimambo enyika akaita ufeve+ naro, asi vaya vanogara panyika vakadhakwa newaini youfeve hwaro.”+

3 Zvino yakanditakura musimba romudzimu+ tikapinda murenje. Ndakaona mukadzi akanga agere pachikara chitsvuku+ chakanga chakazara nemazita okumhura+ uye chakanga chiine misoro minomwe+ nenyanga gumi. 4 Mukadzi wacho akanga akapfeka nguo dzepepuru+ netsvuku,+ uye akanga akashonga ndarama nematombo anokosha nemaparera+ uye muruoko rwake akanga aine kapu yendarama+ yakanga izere nezvinhu zvinonyangadza+ nezvinhu zvisina kuchena zvoufeve hwake.+ 5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita, rakavanzika+ rokuti: “Bhabhironi Guru, amai vemahure+ uye vezvinhu zvinonyangadza zvenyika.”+ 6 Ndakaona kuti mukadzi wacho akanga akadhakwa neropa+ revatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.+

Zvinoka, ndakashamisika+ kwazvo ndichimuona. 7 Naizvozvo ngirozi yacho yakati kwandiri: “Nei washamisika? Ndichakuudza chakavanzika chomukadzi+ wacho nechechikara chakamutakura chine misoro minomwe nenyanga gumi:+ 8 Chikara chawaona chakanga chiripo,+ asi hachisisipo, asi zvino chava kuda kubuda mugomba rakadzikadzika,+ uye chichaenda kunoparadzwa. Pavanoona kuti chikara chakanga chiripo, asi hachisisipo, asi chichazovapo, vaya vanogara panyika vachashamisika vachiyemura, asi mazita avo haana kunyorwa mumupumburu woupenyu+ kubvira pakuvambwa kwenyika.+

9 “Pano ndipo panodiwa ungwaru pamwe chete nouchenjeri:+ Misoro minomwe+ inomirira makomo manomwe,+ anogarwa pamusoro pawo nomukadzi wacho. 10 Kune madzimambo manomwe: mashanu awa,+ mumwe aripo,+ mumwe haasati asvika,+ asi paanosvika achagara kwenguva pfupi.+ 11 Chikara chakanga chiripo asi chisisipo,+ ichowo ndimambo wechisere, asi chinobva muvanomwe, uye chinoenda kunoparadzwa.

12 “Nyanga gumi dzawaona dzinomirira madzimambo gumi,+ asati agamuchira umambo, asi achagamuchira simba semadzimambo kweawa imwe chete pamwe chete nechikara. 13 Iwaya ane kufunga kumwe, naizvozvo anopa chikara simba rawo nechiremera chawo.+ 14 Iwaya acharwa neGwayana,+ asi, nokuti iro ndiShe wemadzishe naMambo wemadzimambo,+ Gwayana richaakunda.+ Uyewo, vaya vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka vari pamwe chete naye vachakundawo.”+

15 Zvino iyo yakati kwandiri: “Mvura yawaona, pakagara hure, inomirira vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.+ 16 Nyanga gumi+ dzawaona, nechikara,+ izvi zvichavenga hure+ uye zvichariparadza nokuripfekenura, uye zvichadya nhengo dzaro dzine nyama uye zvichariroromesa nomoto.+ 17 Nokuti Mwari akaisa izvi mumwoyo mazvo kuti zviite kufunga kwake,+ kuti zviitewo kufunga kwazvo kumwe chete nokupa umambo hwazvo kuchikara,+ kusvikira mashoko aMwari aitika.+ 18 Mukadzi+ wawaona anomirira guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.”+

18 Pashure pezvinhu izvi ndakaona imwe ngirozi ichiburuka kudenga, iine simba guru;+ uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwayo.+ 2 Yakashevedzera nenzwi rakasimba,+ ichiti: “Rawa! Bhabhironi Guru rawa,+ uye rava nzvimbo inogarwa nemadhimoni uye nzvimbo inovanda mhepo yose isina kuchena+ uye nzvimbo inovanda shiri dzose dzisina kuchena nedzinovengwa!+ 3 Nokuti nokuda kwewaini yokutsamwa youfeve hwaro marudzi ose akawirwa nenhamo,+ uye madzimambo epanyika akaita ufeve+ naro, uye vanhu vaifamba vachitengesa+ vepanyika vakapfuma nokuda kwoumbozha+ hwaro hwakanyanyisa uye hunonyadzisa.”

4 Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu,+ kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro,+ uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro. 5 Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga,+ uye Mwari ayeuka mabasa aro okusaruramisira.+ 6 Riitireiwo sezvarakaita iro,+ uye riitirei nekane kaviri, chokwadi, kaviri kezvinhu zvarakaita;+ mukapu+ marakaisa muvhenganiswa riisireiwo+ muvhenganiswa wakawanziridzwa nekaviri.+ 7 Kusvikira parakazvikudza napo rikararama muumbozha hwokusanyara, kusvikira ipapo rirwadzisei nokurichemedza.+ Nokuti mumwoyo maro rinoramba richiti, ‘Ndinogara samambokadzi,+ handisi chirikadzi,+ uye handizombochemi.’+ 8 Ndokusaka matambudziko aro+ achauya nezuva rimwe chete, rufu nokuchema nenzara, uye richaroromeswa nomoto,+ nokuti Jehovha Mwari, akaritonga, ane simba.+

9 “Madzimambo+ epanyika akaita ufeve naro akararama muumbozha hunonyadzisa achachema nokuzvirova nemhaka yeshungu pamusoro paro,+ paanotarira utsi+ hwokutsva kwaro, 10 paanenge akamira kure zvishoma achitya kurwadziwa kwaro achiti,+ ‘Maiwe, maiwe, iwe guta guru,+ Bhabhironi iwe guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika muawa imwe chete!’+

11 “Uyewo, vanhu vaifamba vachitengesa+ vepanyika vachasvimha misodzi uye vacharichema,+ nokuti hapana achatenga zvinhu zvavo zvose, 12 zvinhu zvavo zvose+ zvendarama nesirivha nematombo anokosha nemaparera nemicheka yerineni yakanaka kwazvo neyepepuru neyesiriki nemitsvuku; uye zvinhu zvose zvemiti inonhuhwirira nezvinhu zvakagadzirwa nenyanga dzenzou zvemarudzi ose nezvinhu zvematanda anokosha kwazvo zvemarudzi ose nezvemhangura nezvesimbi nezvemabhura;+ 13 uyewo sinamoni nezvinonhuhwirira zvokuIndiya nerusenzi nemafuta anonhuhwirira nezvinonhuhwirira zvichena newaini nemafuta omuorivhi nefurawa yakatsetseka negorosi nemombe nemakwai, nemabhiza nengoro nevaranda nemweya yevanhu.+ 14 Chokwadi, michero yakanaka yaidiwa nomweya wako+ yabva kwauri, uye zvinhu zvose zvinofadza nezvinhu zvakanaka kwazvo zvaparara kwauri, uye vanhu havazombozviwanizve.+

15 “Vanhu vaifamba vachitengesa+ zvinhu izvi, vakapfumiswa naro, vachamira vari kure zvishoma vachitya kurwadziwa kwaro uye vachasvimha misodzi vachichema,+ 16 vachiti, ‘Maiwe, maiwe—guta guru,+ rakapfeka nguo dzerineni yakanaka kwazvo nedzepepuru netsvuku, uye rakashonga kwazvo zvishongo zvendarama nematombo anokosha nemaparera,+ 17 nokuti upfumi huzhinji hwakadaro hwaparadzwa muawa imwe chete!’+

“Vakuru vose vengarava nevanhu vose vanofamba nomugungwa kwose kwose,+ nevafambisi vezvikepe navose vanowana zvokurarama nazvo pagungwa, vakamira kure zvishoma,+ 18 vakashevedzera sezvavaitarira utsi hwokupiswa kwaro, vakati, ‘Iguta ripi rakafanana neiri guta guru?’+ 19 Vakakandira guruva pamisoro yavo,+ vakashevedzera, vachisvimha misodzi uye vachichema,+ vakati, ‘Maiwe, maiwe—guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa+ vakapfuma+ mariri nokuda kwoupfumi hwaro, nokuti raparadzwa muawa imwe chete!’+

20 “Fara pamusoro paro, haiwa iwe denga,+ nemiwo vatsvene+ nemi vaapostora+ nemi vaprofita, nokuti Mwari aritonga, akariranga nokuda kwenyu!”+

21 Zvino ngirozi yakasimba yakasimudza dombo rakaita seguyo guru,+ ikarikanda mugungwa,+ ichiti: “Bhabhironi guta guru richangoerekana rawisirwa pasi seizvi, uye harizombowanikizve.+ 22 Mutinhimira wevaimbi vanoimba norudimbwa uye wevaimbi nowevaridzi venyere nowevaridzi vemabhosvo hauzombonzwikizve mauri,+ iwe Bhabhironi, uye hapana mhizha dzebasa chero ripi zvaro dzichazombowanikazve mauri, uye hapana ruzha rweguyo ruchazombonzwikazve mauri, 23 hapana chiedza cherambi chichavhenekerazve mauri, uye hapana inzwi romuroori neromwenga richazombonzwikazve mauri;+ nokuti vanhu vako vaifamba vachitengesa+ ndivo vaiva vanhu vepanyika vane nzvimbo dzepamusoro,+ uye nokuti marudzi ose akatsauswa netsika yako yokuita zvemidzimu.+ 24 Chokwadi, mukati maro makawanikwa ropa+ revaprofita+ nerevatsvene+ nerevaya vose vakaurayiwa panyika.”+

19 Pashure pezvinhu izvi ndakanzwa inzwi guru rakanga rakaita sereboka guru revanhu vaiva kudenga.+ Vakati: “Rumbidzai Jah!+ Ruponeso+ nokukudzwa nesimba ndezvaMwari wedu,+ 2 nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama.+ Nokuti atonga hure guru rakaodza nyika noufeve hwaro, uye atsiva ropa revaranda vake paruoko rwaro.”+ 3 Vakabva vati kechipiri: “Rumbidzai Jah!+ Utsi hunobva pariri hunoramba huchikwira nokusingaperi-peri.”+

4 Vakuru vane makumi maviri nevana+ nezvisikwa zvipenyu zvina+ vakawira pasi, vakanamata Mwari agere+ pachigaro choumambo, vakati: “Ameni! Rumbidzai Jah!”+

5 Uyewo, inzwi rakabuda pachigaro choumambo rikati: “Rumbidzai Mwari wedu, imi mose varanda vake,+ vanomutya, vaduku nevakuru.”+

6 Zvino ndakanzwa rakanga rakaita seinzwi reboka guru revanhu uye soruzha rwemvura zhinji uye soruzha rwokutinhira kune simba. Ivo vakati: “Rumbidzai Jah,+ nokuti Jehovha Mwari wedu, Wemasimbaose,+ atanga kutonga samambo.+ 7 Ngatifarei tifarisise, uye ngatimukudzei,+ nokuti nguva yokuroora+ kweGwayana yasvika+ uye mudzimai waro agadzirira.+ 8 Chokwadi, abvumirwa kushonga nguo yerineni inopenya, yakachena, yakanaka kwazvo, nokuti rineni yakanaka kwazvo inomirira mabasa akarurama evatsvene.”+

9 Zvino ngirozi yacho yakandiudza kuti: “Nyora, kuti: Vanofara vaya vakakokwa+ kuzvokudya zvemanheru zvokuroora kweGwayana.”+ Uyewo, yakandiudza kuti: “Aya ndiwo mashoko echokwadi aMwari.”+ 10 Ndakabva ndawira pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate.+ Asi yakandiudza kuti: “Chenjerera! Usadaro!+ Ndinongovawo muranda pamwe chete newe nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu.+ Namata Mwari;+ nokuti kupupurira Jesu ndicho chinangwa chouprofita.”+

11 Zvino ndakaona denga rakavhurika, uye, tarira! kwaiva nebhiza jena.+ Akanga akaritasva anonzi Akatendeka+ uye weChokwadi,+ anotonga uye anorwa zvakarurama.+ 12 Maziso ake akanga ari murazvo womoto,+ uye mumusoro make makanga muine korona zhinji.+ Aiva nezita+ rakanyorwa risina anoziva kunze kwake iye oga, 13 akanga akashonga nguo yokunze yakasaswa ropa,+ uye iye anonzi Shoko+ raMwari. 14 Uyewo, mauto akanga ari kudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, uye akanga akapfeka nguo yerineni chena, yakachena, yakanaka kwazvo. 15 Mumuromo make makabuda bakatwa refu+ rakapinza, kuti ateme marudzi naro, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Iye anotsikawo chisviniro chewaini+ yokutsamwa kwehasha dzaMwari+ Wemasimbaose. 16 Panguo yake yokunze, ipo pachidya chake, pakanga pakanyorwa zita rokuti, Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.+

17 Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri+ dzose dzinobhururuka pakati pedenga: “Uyai kuno, muungane pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari, 18 kuti mudye nhengo dzine nyama+ dzemadzimambo nenhengo dzine nyama dzevatungamiriri vehondo nenhengo dzine nyama dzevanhu vakasimba+ nenhengo dzine nyama dzemabhiza+ nedzevaya vanoatasva, nenhengo dzine nyama dzevanhu vose, dzevanhu vakasununguka nedzevaranda nedzevaduku nedzevakuru.”

19 Zvino ndakaona chikara+ nemadzimambo+ enyika nemauto avo vakaungana kuti varwe+ naiye akanga akatasva bhiza+ neuto rake. 20 Chikara+ chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema+ aiita zviratidzo+ pamberi pacho zvaaitsausa nazvo vaya vakagamuchira chiratidzo+ chechikara nevaya vanonamata mufananidzo wacho.+ Vose vakakandwa mugungwa romoto unopfuta nesarufa,+ vachiri vapenyu. 21 Asi vamwe vose vakaurayiwa nebakatwa refu rouya akanga agere pabhiza,+ iro bakatwa riya rakabuda mumuromo make.+ Shiri dzose+ dzakaguta+ nenhengo dzavo dzine nyama.+

20 Zvino ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika+ uye cheni huru iri muruoko rwayo. 2 Yakabata dhiragoni,+ nyoka yepakutanga,+ iye Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ikamusunga kwemakore ane chiuru. 3 Yakamukanda mugomba rakadzikadzika,+ ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.+

4 Zvino ndakaona zvigaro zvoumambo,+ uye pakanga paine vaya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokutonga.+ Chokwadi, ndakaona mweya yevaya vakaurayiwa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, nevaya vakanga vasina kunamata chikara+ kana mufananidzo wacho+ uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo+ naKristu kwemakore ane chiuru. 5 (Vamwe vose vakafa+ havana kuva vapenyu kusvikira makore acho ane chiuru apera.)+ Uku ndiko kumuka kwokutanga.+ 6 Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara+ uye mutsvene;+ rufu rwechipiri+ haruna simba+ pana ivava, asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.+

7 Zvino makore acho ane chiuru paanenge angopera, Satani achasunungurwa mujeri rake, 8 uye achabuda kuti anotsausa marudzi iwayo ari kumakona mana enyika, iye Gogi naMagogi, kuti avaunganidze nokuda kwehondo. Ivava vazhinji sejecha regungwa.+ 9 Vakaenda kwose kwose panyika vakakomba musasa wevatsvene+ neguta rinodiwa.+ Asi moto wakaburuka kudenga ukavaparadza.+ 10 Dhiyabhorosi+ akanga achivatsausa akakandwa mugungwa romoto nesarufa, makanga muchitova nechikara+ nomuprofita wenhema;+ uye vacharwadziswa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

11 Ndakaona chigaro choumambo chikuru chichena naiye akanga agere pachiri.+ Denga nenyika zvakatiza pamberi pake,+ uye hazvina kuwanirwa nzvimbo. 12 Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku,+ vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu.+ Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.+ 13 Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa+ vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.+ 14 Rufu+ neHadhesi zvakakandwa mugungwa romoto. Iri gungwa romoto+ rinomirira rufu rwechipiri.+ 15 Uyezve, munhu wose akawanikwa asina kunyorwa mubhuku roupenyu+ akakandwa mugungwa romoto.+

21 Zvino ndakaona denga idzva+ nenyika itsva;+ nokuti denga rekare+ nenyika yekare+ zvakanga zvapfuura, uye gungwa+ rakanga risisipo. 2 Ndakaonawo guta dzvene,+ Jerusarema Idzva, richiburuka kudenga+ richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga+ akashongera murume wake.+ 3 Naizvozvo ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: “Tarirai! Tende+ raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara+ navo, uye ivo vachava vanhu vake.+ Mwari pachake achava navo.+ 4 Achapukuta misodzi yose+ pamaziso avo, rufu haruchazovipo,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.+ Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”+

5 Uya akanga agere pachigaro choumambo+ akati: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”+ Uyewo, akati: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” 6 Uye akati kwandiri: “Zvaitika! Ndini Arufa naOmega, mavambo nomugumo.+ Munhu wose anonzwa nyota ndichamupa mvura inobva muchitubu chemvura youpenyu asingatengi.+ 7 Munhu wose anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi, uye ndichava Mwari wake+ uye iye achava mwanakomana wangu.+ 8 Asi kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda+ nevanonyangadza mutsvina yavo+ nemhondi+ nezvifeve+ nevaya vanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori+ nevarevi venhema+ vose, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto+ nesarufa.+ Iri rinomirira rufu rwechipiri.”+

9 Zvino kwakauya imwe yengirozi nomwe dzakanga dziine ndiro nomwe dzakanga dzizere nematambudziko manomwe okupedzisira,+ uye yakataura neni ikati: “Uya pano, ndichakuratidza mwenga, mudzimai weGwayana.”+ 10 Naizvozvo yakanditakura musimba romudzimu ikandiendesa kugomo guru refu refu,+ uye yakandiratidza guta dzvene+ Jerusarema richiburuka kudenga richibva kuna Mwari,+ 11 riine kubwinya kwaMwari.+ Kupenya kwaro kwakanga kwakafanana nedombo rinokosha kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sekristaro.+ 12 Rakanga riine rusvingo rukuru rurefu refu+ uye raiva nemagedhi gumi nemaviri, uye pamagedhi acho paiva nengirozi gumi nembiri, uye paiva nemazita akanga akanyorwa, aya emadzinza gumi nemaviri evanakomana vaIsraeri.+ 13 Kumabvazuva kwaiva nemagedhi matatu, kuchamhembe magedhi matatu, kumaodzanyemba magedhi matatu, uye kumavirira magedhi matatu.+ 14 Rusvingo rweguta rwaivawo nematombo enheyo+ gumi nemaviri, uye paari paiva nemazita gumi nemaviri evaapostora gumi nevaviri+ veGwayana.

15 Zvino iye akanga achitaura neni akanga akabata chiyereso chetsanga yendarama,+ kuti ayere guta nemagedhi aro norusvingo rwaro.+ 16 Guta rakanga riine mativi mana akaenzana, uye kureba kwaro kwakanga kwakafanana nokufara kwaro. Akayera guta+ netsanga, zvikaita makiromita anenge zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi maviri; kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. 17 Akayerawo rusvingo rwaro, rukaita makubhiti zana nemakumi mana nemana, maererano nokuyera kwomunhu, kwakafananawo nokwengirozi. 18 Zvino rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspa,+ uye guta racho rakanga riri rendarama chaiyo yakafanana negirazi rinoonekera. 19 Nheyo+ dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa nematombo anokosha+ emarudzi ose: nheyo yokutanga yakanga iri yejaspa,+ yechipiri yesafaya,+ yechitatu yekaresidhoni, yechina yeemaradhi,+ 20 yechishanu yesadhonikisi, yechitanhatu yesadhiyo, yechinomwe yekrisoriti,+ yechisere yebheriri, yechipfumbamwe yetopazi,+ yechigumi yekrisoprasi, yechigumi neimwe yehiyasindi, yechigumi nembiri yeametesti.+ 21 Uyewo, magedhi gumi nemaviri akanga ari emaparera gumi nemaviri; gedhi rimwe nerimwe rakanga rakagadzirwa neparera+ rimwe chete. Mugwagwa wakafara weguta wakanga uri wendarama chaiyo, segirazi rinoonekera.

22 Zvino ini handina kuona temberi mariri,+ nokuti Jehovha+ Mwari Wemasimbaose+ uye Gwayana+ ndivo temberi+ yaro. 23 Guta racho haridi haro zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pariri, nokuti kubwinya kwaMwari kwakarivhenekera,+ uye rambi raro rakanga riri Gwayana.+ 24 Marudzi achafamba nechiedza charo,+ uye madzimambo enyika achaunza kubwinya kwawo mariri.+ 25 Magedhi aro haazombovharwi masikati,+ nokuti usiku hauzovipo imomo.+ 26 Vachaunza kubwinya nokukudzwa zvemarudzi mariri.+ 27 Asi zvinhu zvose zvisiri zvitsvene uye vanhu vose vanoramba vachiita chinhu chinonyangadza+ nenhema+ havazombopindi mariri;+ asi vaya chete vakanyorwa mumupumburu woupenyu weGwayana ndivo vachapinda.+

22 Zvino iyo yakandiratidza rwizi rwemvura youpenyu,+ inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana+ 2 ichidzika nepakati pomugwagwa wakafara weguta racho. Mhiri kuno kworwizi nemhiri uko kwakanga kuine miti+ youpenyu inobereka zvibereko zvomuchero gumi nezviviri, ichibereka michero yayo mwedzi mumwe nomumwe.+ Mashizha emiti yacho akanga ari okurapa marudzi.+

3 Hapachazovi nokutuka+ chero kupi zvako. Asi chigaro choumambo chaMwari+ necheGwayana+ zvichava muguta, uye varanda vake vachamuitira basa dzvene;+ 4 vachaona chiso chake,+ uye zita rake richava pahuma dzavo.+ 5 Uyewo, usiku hunenge husisipo,+ uye havazodi havo chiedza cherambi uyewo havazovi nechiedza chezuva, nokuti Jehovha Mwari achavavhenekera,+ uye ivo vachatonga semadzimambo nokusingaperi-peri.+

6 Zvino iyo yakati kwandiri: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi;+ chokwadi, Jehovha Mwari wemashoko akafuridzirwa+ evaprofita+ akatuma ngirozi yake kuti iratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.+ 7 Tarirai! Ndiri kukurumidza kuuya.+ Anofara munhu ari kuchengeta mashoko ouprofita hwomupumburu uyu.”+

8 Naizvozvo, ini Johani ndini ndakanga ndichinzwa uye ndichiona zvinhu izvi. Pandakanga ndanzwa uye ndaona, ndakawira pasi kuti ndinamate+ ndiri pamberi petsoka dzengirozi yakanga ichindiratidza zvinhu izvi. 9 Asi yakandiudza kuti: “Chenjerera! Usadaro! Ndinongovawo muranda pamwe chete newe nowehama dzako vaprofita+ nowevaya vari kuchengeta mashoko omupumburu uyu. Namata Mwari.”+

10 Iyo yakandiudzawo kuti: “Usaisa chisimbiso pamashoko ouprofita hwomupumburu uyu, nokuti nguva yakatarwa yava pedyo.+ 11 Uyo ari kuita zvisina kururama, ngaarambe achiita zvisina kururama;+ uye munhu ane tsvina ngaarambe achiva netsvina;+ asi munhu akarurama+ ngaarambe achiita zvakarurama, uye mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.+

12 “‘Tarirai! Ndiri kukurumidza kuuya,+ uye ndine mubayiro+ wandinopa, kuti ndipe mumwe nomumwe maererano nebasa rake.+ 13 Ndini Arufa naOmega,+ wokutanga nowokupedzisira,+ mavambo nomugumo. 14 Vanofara vaya vanogeza nguo dzavo,+ kuti vave nekodzero yokuenda kumiti youpenyu+ uye kuti vapinde muguta nepamagedhi aro.+ 15 Kunze ndiko kune imbwa+ nevaya vane tsika yokuita zvemidzimu+ nezvifeve+ nemhondi nevanonamata zvidhori nomunhu wose anoda nhema uye anoramba achireva nhema.’+

16 “‘Ini, Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikupupurirei pamusoro pezvinhu izvi nokuda kweungano. Ndini mudzi+ nomwana+ waDhavhidhi, uye nyamasase.’”+

17 Mudzimu+ nomwenga+ vanoramba vachiti: “Uya!” Munhu wose anonzwa ngaati: “Uya!”+ Munhu wose anonzwa nyota ngaauye;+ munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.+

18 “Ndiri kupupurira munhu wose anonzwa mashoko ouprofita hwomupumburu uyu ndichiti: Kana munhu akawedzera+ pazvinhu izvi, Mwari achamuwedzera matambudziko+ akanyorwa mumupumburu uyu; 19 uye kana munhu akabvisa chinhu pamashoko omupumburu wouprofita uhwu, Mwari achabvisa mugove wake pazvinhu zvakanyorwa nezvazvo mumupumburu uyu—haazomubvumiri kudya zvinobva pamiti youpenyu+ uye kuva muguta dzvene.+

20 “Iye anopupurira zvinhu izvi anoti, ‘Chokwadi; ndiri kukurumidza kuuya.’”+

“Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”

21 Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nevatsvene.+

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe