RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bi12 Judha 1-25
  • Judha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Judha
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Judha

Tsamba yaJudha

1 Judha, muranda waJesu Kristu, asi ari munun’una waJakobho,+ kune vaya vakadanwa,+ vanodiwa muna Mwari Baba+ uye vakachengeterwa+ Jesu Kristu:

2 Ngoni+ norugare+ norudo+ ngazviwedzerwe kwamuri.+

3 Vadiwa,+ kunyange ndakanga ndichishingaira chose kuti ndikunyorerei pamusoro poruponeso rwatiinarwo tose,+ ndakaona zvakakodzera kuti ndikunyorerei, ndikurayirei kuti murwire kwazvo kutenda+ kwakapiwa vatsvene+ kamwe chete zvachose. 4 Chikonzero changu ndechokuti vamwe vanhu vakapinda pakati pedu vachiverevedza,+ vaya vakatemerwa+ kutongwa+ uku kare kare neMagwaro, vanhu vasingadi Mwari,+ vachichinja mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari wedu kuti vazvipembedze kuita mufambiro wounzenza,+ vachiramba+ Tenzi+ wedu chete uye Ishe,+ Jesu Kristu.

5 Ndinoda kukuyeuchidzai, pasinei nokuziva kwamunoita zvinhu zvose+ kamwe chete zvachose, kuti Jehovha, kunyange akaponesa vanhu kubva munyika yeIjipiti,+ pashure pacho akaparadza vaya vakanga vasingaratidzi kutenda.+ 6 Uye ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera,+ akadzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi+ murima gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.+ 7 Saizvozvowo Sodhoma neGomora nemaguta akanga akaapoteredza,+ pashure pokunge aita ufeve zvakanyanyisa uye atsvaka kufadza nyama kusiri kwomusikirwo+ sezvakaita ngirozi dzataurwa, anoiswa pamberi pedu somuenzaniso unonyevera+ nokutongwa kwawo achirangwa nomoto usingaperi.+

8 Saizvozvowo, kunyange zvakadaro, vanhu avawo, vachirota zvavo,+ vanosvibisa nyama vachizvidza ushe+ uye vachituka vaya vanokudzwa.+ 9 Asi Mikaeri+ ngirozi huru+ paakapesana naDhiyabhorosi uye achiita nharo+ pamusoro pomutumbi waMosesi,+ haana zvake kuda kumutonga nemashoko okutuka,+ asi akati: “Jehovha ngaakutsiure.”+ 10 Asi vanhu ava vari kushora zvinhu zvose zvavasingambozivi;+ vanoramba vachizviodza+ muzvinhu izvi, zvavanoberekwa vachingoziva semhuka dzisingafungi.+

11 Vane nhamo, nokuti vakapinda munzira yaKaini,+ uye vakamhanyira mugwara rokutadza raBharami+ kuti vawane mubayiro, uye vakaparara mukutaura kwokupandukira+ kwaKora!+ 12 Ava ndivo matombo akavanzika pasi pemvura mumitambo yenyu yokuratidzirana rudo+ pavanenge vachidya nemi, vafudzi vanodya vasingatyi;+ makore asina mvura anoendeswa uku+ nokoko nemhepo;+ miti yomunguva yokupera kwematsutso, asi isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;+ 13 ava ndivo mafungu egungwa anopenga ayo anopupuma zvinoita kuti anyare;+ nyeredzi dzisina gwara rakarongwa, idzo dzakachengeterwa zarima nokusingaperi.+

14 Chokwadi, Inoki,+ wechinomwe mumutsara kubva kuna Adhamu, akaprofitawo pamusoro pavo, paakati: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene,+ 15 kuti atonge vose,+ uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.”+

16 Vanhu ava vagunun’uni,+ vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu, vanoita maererano nokuchiva kwavo,+ uye miromo yavo inotaura zvinhu zvokuzvikudza,+ asi vachiyemura vanhu+ kuti ivo pachavo vabatsirwe.

17 Asi imi vadiwa, yeukai mashoko akambotaurwa nevaapostora vaShe wedu Jesu Kristu,+ 18 kuti vaimbotaura sei kwamuri, vachiti: “Panguva yokupedzisira pachava nevaseki, vanoita zvinhu zvokusada Mwari maererano nokuchiva kwavo.”+ 19 Ava ndivo vanoparadzanisa,+ vanoita semhuka,+ vasina mudzimu waMwari.+ 20 Asi imi vadiwa, muchizvivaka+ pakutenda kwenyu kutsvenetsvene,+ muchinyengetera nomudzimu mutsvene,+ 21 rambai muri murudo rwaMwari,+ pamunenge muchimirira ngoni+ dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.+ 22 Uyewo, rambai muchinzwira ngoni+ vamwe vasina chokwadi;+ 23 vaponesei+ nokuvabvuta mumoto.+ Asi rambai muchinzwira vamwe ngoni, muchiita saizvozvo nokutya, muchivenga kunyange nguo yomukati yakasvibiswa nenyama.+

24 Zvino uya anokwanisa kukurindai+ pakugumburwa uye kukuisai musina gwapa+ pamberi pokubwinya kwake nomufaro mukuru, 25 iye Mwari mumwe chete Muponesi+ wedu achishandisa Jesu Kristu+ Ishe wedu, ngaave nokubwinya,+ uchangamire, simba+ nechiremera+ mukusingagumi kwose+ kwakapfuura, zvino uye nokusingagumi kwose.+ Ameni.+

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe