RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 6
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • VaFiristiya vanodzorera Areka kuvaIsraeri (1-21)

1 Samueri 6:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 4:11; 5:1; Pis 78:61

1 Samueri 6:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 18:9, 10; Isa 2:6

1 Samueri 6:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:4, 17

1 Samueri 6:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva zvimapundu zvakafanana nezvinomera kunobuda netsvina.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:2, 3; 1Sa 6:16

1 Samueri 6:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:18
  • +1Sa 5:6, 11

1 Samueri 6:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:13; 8:15; 14:17
  • +Eks 9:14, 16; VaR 9:17, 18
  • +Eks 6:1; 11:1; 12:33

1 Samueri 6:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:3, 4

1 Samueri 6:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:10, 12; 21:8, 16; 2Mak 28:18

1 Samueri 6:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:8, 9

1 Samueri 6:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:7

1 Samueri 6:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:30, 31
  • +Jos 21:8, 16

1 Samueri 6:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 6:4
  • +1Sa 5:1
  • +1Sa 5:8
  • +Vat 1:18; 1Sa 5:10

1 Samueri 6:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “varume 70, varume 50 000.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 4:15, 20; 1Mak 13:10

1 Samueri 6:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 11:45
  • +Nu 17:12, 13; 2Sa 6:8, 9; Pis 76:7

1 Samueri 6:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:14; 1Mak 13:5, 6
  • +1Mak 16:1; 2Mak 1:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 6:11Sa 4:11; 5:1; Pis 78:61
1 Sam. 6:2Dhe 18:9, 10; Isa 2:6
1 Sam. 6:31Sa 6:4, 17
1 Sam. 6:4Jos 13:2, 3; 1Sa 6:16
1 Sam. 6:51Sa 6:18
1 Sam. 6:51Sa 5:6, 11
1 Sam. 6:6Eks 7:13; 8:15; 14:17
1 Sam. 6:6Eks 9:14, 16; VaR 9:17, 18
1 Sam. 6:6Eks 6:1; 11:1; 12:33
1 Sam. 6:81Sa 6:3, 4
1 Sam. 6:9Jos 15:10, 12; 21:8, 16; 2Mak 28:18
1 Sam. 6:121Sa 6:8, 9
1 Sam. 6:141Sa 6:7
1 Sam. 6:15Nu 3:30, 31
1 Sam. 6:15Jos 21:8, 16
1 Sam. 6:171Sa 6:4
1 Sam. 6:171Sa 5:1
1 Sam. 6:171Sa 5:8
1 Sam. 6:17Vat 1:18; 1Sa 5:10
1 Sam. 6:19Nu 4:15, 20; 1Mak 13:10
1 Sam. 6:20Re 11:45
1 Sam. 6:20Nu 17:12, 13; 2Sa 6:8, 9; Pis 76:7
1 Sam. 6:21Jos 18:14; 1Mak 13:5, 6
1 Sam. 6:211Mak 16:1; 2Mak 1:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 6:1-21

Bhuku Rekutanga raSamueri

6 Areka+ yaJehovha yakagara munyika yevaFiristiya kwemwedzi 7. 2 VaFiristiya vakashevedza vapristi nevanofembera+ vakavabvunza kuti: “Toitei neAreka yaJehovha? Tiudzei kuti tinofanira kuidzorera sei kunzvimbo yayo.” 3 Vakapindura kuti: “Kana mava kudzorera areka yesungano yaJehovha Mwari waIsraeri, musaidzorera musina mupiro. Munotofanira kuidzorera nemupiro wemhosva.+ Kana mukadaro, muchaporeswa uye muchaziva kuti nei ruoko rwake rwanga rusingabvi pamuri.” 4 Saka vakabvunza kuti: “Tomuendesera mupiro wemhosva wechii?” Ivo vakati: “Endesai zvimapundu* zvishanu zvakaumbwa negoridhe nembeva shanu dzegoridhe zvakaenzana nenhamba yemadzishe evaFiristiya,+ nekuti mese henyu nemadzishe enyu makabatwa nedenda rimwe chete. 5 Gadzirai zviumbwa zvemapundu enyu nezviumbwa zvembeva+ dziri kukuparadzirai nyika, uye kudzai Mwari waIsraeri. Zvichida angaita kuti ruoko rwake rusakutambudzai imi namwari wenyu nenyika yenyu.+ 6 Mungaomeserei mwoyo yenyu sekuomesa mwoyo kwakaitwa neIjipiti naFarao?+ Mwari paakavatambudza,+ vakarega vaIsraeri vachienda, ivo vakaenda havo.+ 7 Saka gadzirai ngoro itsva mutore mhou mbiri dziri kuyamwisa, dzisati dzambosungwa pajoko. Musunge mhou dzacho pangoro, asi mudzose mhuru dzadzo kumba, dzive kure nanamai vadzo. 8 Mutore Areka yaJehovha moiisa mungoro, uye isai zvinhu zvegoridhe zvamuchaendesa kwaari zvemupiro wemhosva mubhokisi, moriisa padivi peAreka.+ Muirege ichienda 9 muone zvichaitika: Kana ikakwidza nemugwagwa unoenda kuBheti-shemeshi,+ kunyika kwayo, ndiye akatiitira zvinhu izvi zvakaipa kwazvo. Asi ikasadaro, tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatitambudza; zvakangoitikawo kwatiri.”

10 Varume vacho vakaita saizvozvo. Vakatora mhou mbiri dzakanga dzichiyamwisa, vakadzisunga pangoro, vakavharira mhuru dzacho kumba. 11 Vakabva vaisa Areka yaJehovha mungoro, pamwe chete nebhokisi raiva nembeva dzegoridhe nezviumbwa zvemapundu avo. 12 Mhou dzacho dzakati tande nemugwagwa wekuBheti-shemeshi.+ Dzakaramba dziri mumugwagwa mukuru iwoyo, dzichingokuma dzichienda; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Munguva iyi yese madzishe evaFiristiya akanga achidzitevera kusvikira kumuganhu weBheti-shemeshi. 13 Vanhu vekuBheti-shemeshi vakanga vachicheka gorosi mubani. Pavakasimudza musoro vakaona Areka, vakafara chaizvo. 14 Ngoro yacho yakasvika mumunda waJoshua mugari wekuBheti-shemeshi, ikamira imomo pedyo nedombo guru. Vakabva vatsemura matanda engoro, vakabayira mhou+ dzacho sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha.

15 VaRevhi+ vakaburutsa Areka yaJehovha nebhokisi rayaiva naro raiva nezvinhu zvegoridhe, uye vakazviisa padombo racho guru. Varume vekuBheti-shemeshi+ vakapa mipiro inopiswa, uye vakapa Jehovha zvibayiro zuva iroro.

16 Madzishe mashanu evaFiristiya paakazviona, akadzokera kuEkroni zuva iroro. 17 Aya ndiwo mapundu egoridhe akapiwa Jehovha+ nevaFiristiya kuti ave mupiro wemhosva: rimwe chete reAshdhodhi,+ rimwe chete reGaza, rimwe chete reAshkeroni, rimwe chete reGati,+ rimwe chete reEkroni.+ 18 Mbeva dzacho dzegoridhe dzaienderana nenhamba yemaguta ese evaFiristiya, emadzishe mashanu, kureva maguta akakomberedzwa nemasvingo pamwe chete nemisha yekumaruwa.

Dombo guru ravakagadzika Areka yaJehovha riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua, mugari wekuBheti-shemeshi. 19 Asi Mwari akauraya varume vekuBheti-shemeshi, nekuti vakanga vatarisa Areka yaJehovha. Akauraya varume 50 070* pavanhu vacho, uye vanhu vakatanga kuchema nekuti Jehovha akanga auraya vakawanda chaizvo.+ 20 Saka varume vekuBheti-shemeshi vakabvunza kuti: “Ndiani achakwanisa kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene?+ Haagoni kuendawo kune vamwe here?”+ 21 Saka vakazotuma nhume kuvagari vekuKiriyati-jearimu,+ vachiti: “VaFiristiya vadzosa Areka yaJehovha. Dzikai kuno muitore mukwidze nayo kwenyu.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe