Bhuku Rekutanga raSamueri
5 VaFiristiya pavakatora Areka+ yaMwari wechokwadi, vakabva nayo kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshdhodhi. 2 VaFiristiya vakatora Areka yaMwari wechokwadi, vakaipinza mumba* maDhagoni, vakaigadzika padivi paDhagoni.+ 3 VaAshdhodhi pavakafumomuka zuva rakatevera, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha.+ Saka vakatora Dhagoni vakamudzorera panzvimbo yake.+ 4 Pavakafumomuka zuva rakatevera racho, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha. Musoro waDhagoni nezvanza zvemaoko ake maviri zvakanga zvadimbuka, zviri pachidimbati.* Chikamu chakaita sehove ndicho chete* chakanga chasara paari. 5 Ndokusaka vapristi vaDhagoni nevaya vese vanopinda mumba maDhagoni vasingatsiki pachidimbati* chaDhagoni muguta reAshdhodhi kusvikira nhasi.
6 Ruoko rwaJehovha rwakatambudza vaAshdhodhi, uye akavarwisa nekuita kuti vanhu vekuAshdhodhi nenharaunda dzayo vabude zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 7 Varume vekuAshdhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika, vakati: “Musaita kuti Areka yaMwari waIsraeri irambe iinesu, nekuti ruoko rwake rwatitambudza isu namwari wedu Dhagoni.” 8 Saka vakatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya, vakaabvunza kuti: “Toitei neAreka yaMwari waIsraeri?” Akapindura kuti: “Areka yaMwari waIsraeri ngaiende kuGati.”+ Saka vakaendesa Areka yaMwari waIsraeri ikoko.
9 Pashure pekunge vaiendesa ikoko, ruoko rwaJehovha rwakarwisa guta racho, vanhu vakashaya zvekuita. Akatambudza vanhu veguta racho kubvira kumudiki kusvikira kumukuru, uye vakabuda zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 10 Saka vakaendesa Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni,+ asi pakangosvika Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni, vaEkroni vakatanga kuchema, vachiti: “Vaunza Areka yaMwari waIsraeri kwatiri kuti vatiuraye isu nevanhu vedu!”+ 11 Vakabva vatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya vakati: “Endesai Areka yaMwari waIsraeri; ngaidzokere kunzvimbo yayo, kuti isu nevanhu vedu tirege kuurayiwa.” Nekuti vanhu vese muguta vakanga vava kutya kufa; ruoko rwaMwari wechokwadi rwakanga rwavatambudza chaizvo ikoko,+ 12 uye vanhu vasina kufa vakanga vabuda zvimapundu kunobuda netsvina. Vanhu vese veguta racho vakachemera kubatsirwa zvekuti kuchema kwavo kwakasvika kudenga.