Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.*
58 Mungataura nezvekururama imi makanyarara here?+
Mungatonga zvakarurama here, imi vanakomana vevanhu?+
2 Pane kudaro, munoronga zvisina kururama mumwoyo menyu,+
Uye maoko enyu anoparadzira mhirizhonga munyika.+
5 Haizoteereri inzwi revanoita zvemashiripiti,
Kunyange vakashandisa mishonga yavo neunyanzvi sei.
6 Haiwa Mwari, gurai mazino avo mukanwa mavo!
Tyorai shaya dzeshumba idzi,* haiwa Jehovha!
7 Ngavanyangarike semvura inopwa yopera.
Iye ngaakunge uta hwake aite kuti vadonhe nemiseve yake.
8 Ngavaite sehozhwa inonyunguduka ichifamba;
Ngavaite semwana akazvarwa akafa, asingazooni zuva.
9 Hari dzenyu dzekubikira dzisati dzanzwa moto werukato,
Achakukura tsotso nyoro zvese nedziri kubvira, sezvinoita dutu.+
11 Vanhu vachabva vati: “Zvechokwadi munhu akarurama anowana mubayiro.+
Zvechokwadi kuna Mwari anotonga panyika.”+