2 VaKorinde
9 Zvino pamusoro pokushumirwa+ kwevatsvene, kuti ndikunyorerei kungava kunyanyisa, 2 nokuti ndinoziva chido chemwoyo yenyu chandiri kuzvirumbidza nacho kuvaMakedhoniya pamusoro penyu, kuti Akaya zvino yave yakagadzirira kwegore,+ uye kushingaira kwenyu kwakakurudzira vazhinji vavo. 3 Asi ndiri kutuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuva kusina zvakunobatsira pazvinhu izvi, asi kuti muve vakagadzirira,+ sezvandaitaura kuti maizoita. 4 Kana zvikasadaro, zvimwe kana vaMakedhoniya vakauya neni, vakakuwanai musina kugadzirira, isu—pamwe chete nemi—tichanyara nechivimbo chedu ichi. 5 Naizvozvo ndakafunga kuti zvakakodzera kukurudzira hama kuti dzifanouya kwamuri dzofanogadzirira chipo chenyu chorupo chakavimbiswa kare,+ kuti nokuita izvozvo chive chakagadzirirwa sechipo chorupo kwete sechimwe chinhu chokumanikidzwa.+
6 Asi pamusoro peizvi, anodyara zvishoma+ achakohwawo zvishoma; uye anodyara zvizhinji+ achakohwawo zvizhinji. 7 Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti+ kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.+
8 Zvakare, Mwari anokwanisa kuita kuti mutsa wake wose usina kukodzera kuwanwa uwande kwamuri, kuti, pamunenge muchigara muine zvinhu zvose zvakakwana, muve nezvakawanda nokuda kwebasa rose rakanaka.+ 9 (Sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Akapa norupo rukuru, akapa varombo, kururama kwake kunoramba kuripo nokusingaperi.”+ 10 Zvino iye anopa mudyari mbeu zhinji uye anopa chingwa chokudya+ achakupai uye achaita kuti mbeu iwande nokuda kwenyu kuti mudyare uye achawedzera zvibereko zvokururama kwenyu.)+ 11 Muzvinhu zvose muri kupfumiswa nokuda kworupo rwemarudzi ose, urwo runoita kuti Mwari aongwe nokwatiri;+ 12 nokuti kushumira pabasa rinoitirwa vanhu vose iri hakungoitirwi chete kupa zvinhu zvizhinji zvinoshayikwa zvevatsvene,+ asiwo kuti kupfumiswe nokuonga Mwari kazhinji. 13 Nokuda kwouchapupu hunopiwa nokushumira uku, vanokudza Mwari nokuti munoteerera mashoko akanaka pamusoro paKristu,+ sezvamunozivisa pachena kuti munodaro, uye nokuti mune rupo mukupa kwenyu mupiro kwavari nokune vose;+ 14 uye vachikuteterererai vanokusuwai nokuda kwomutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa+ waMwari wamakaitirwa.
15 Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki.+