2 VaKorinde
10 Zvino ini Pauro, ndinokutetererai nounyoro+ nomutsa+ zvaKristu, kunyange ndichioneka+ somunhu akaderera pakati penyu, asi kana ndisipo ndakashinga kwamuri.+ 2 Chokwadi ndinokumbira kuti, pandinenge ndava ikoko, ndirege kuzova noushingi hwandinotarisira kuva nahwo pandinotora matanho oushingi+ pamusoro pevamwe vanotiona sokunge tinofamba maererano nezvatiri panyama. 3 Nokuti kunyange tichifamba munyama,+ hatirwi maererano nezvatiri panyama.+ 4 Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama,+ asi zvinosimbiswa naMwari+ kuti zviputse zvinhu zvakadzika midzi. 5 Nokuti tinoputsa kufunga nechinhu chose chakakwirira chinomutsirwa kupesana nokuziva Mwari;+ uye tinotapa kufunga kwose kuti tikuite kuti kuteerere Kristu; 6 tinogara takazvigadzirira kuranga kusateerera kwose,+ pamunenge mangoratidza kuti munoteerera zvizere.+
7 Munotarira zvinhu maererano nokuoneka kwazvinoita kunze.+ Kana munhu achizvivimba kuti ndowaKristu, iye ngaafunge chinhu ichi, kuti, iye zvaari waKristu, nesuwo tiri vake.+ 8 Nokuti kunyange kana ndikanyanya kuzvirumbidza+ pamusoro pesimba ratakapiwa naShe kuti tikuvakei kwete kuti tikuputsei,+ handinganyadziswi, 9 kuti ndirege kuita sendinoda kukutyisidzirai netsamba dzangu. 10 Nokuti ivo vanoti: “Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba, asi kana avapo haana simba+ uye kutaura kwake kunozvidzika.”+ 11 Munhu akadaro ngaafunge izvi, kuti zvatiri mushoko redu netsamba patinenge tisiri ikoko, tichavawo vakadaro pane zvatinoita patinenge tava ikoko.+ 12 Nokuti hatitsungi kuzvifananidza nevamwe kana kuzvienzanisa nevamwe vanozvirumbidza.+ Chokwadi ivo pavanozviyera naivo pachavo uye pavanozvienzanisa naivo pachavo havanzwisisi.+
13 Isu hatizozvirumbidzi tichipfuura miganhu yedu yatakaisirwa,+ asi tinozvirumbidza tiri mukati momuganhu wenharaunda yatakagoverwa naMwari achishandisa chokuyeresa, nharaunda yacho inosvikawo kwamuri.+ 14 Chokwadi hatisi kupfuura pataifanira kusvika sokunge kuti makanga musiri munharaunda yataifanira kusvika, nokuti ndisu takatanga kuuya kwamuri tichizivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 15 Aiwa, hatisi kuzvirumbidza tichipfuura miganhu yedu yakaiswa mumabasa omumwe munhu,+ asi tine tariro yokuti, kutenda kwenyu zvakuri kuwedzera,+ isu tibudirire kwazvo pakati penyu kana tichitaura nezvenharaunda yedu.+ Ipapo ticharamba tichiwedzera 16 kuzivisa mashoko akanaka kunyika dziri kure nemi,+ kuti tisazvirumbidza munharaunda yomumwe munhu umo zvinhu zvakatogadzirwa. 17 “Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”+ 18 Nokuti anotenderwa haasi iye anozvirumbidza,+ asi munhu anorumbidzwa+ naJehovha.+