Zvirevo
4 Haiwa imi vanakomana vangu, inzwai kuranga kwababa+ uye teererai, kuti muwane kunzwisisa.+ 2 Nokuti ndichakupai murayiridzo wakanaka.+ Musasiya mutemo wangu.+ 3 Nokuti ini ndakava mwanakomana chaiye kuna baba vangu,+ mwana muduku uye mwana mumwe oga pamberi paamai vangu.+ 4 Baba vaindirayiridza+ uye vaiti kwandiri: “Mwoyo+ wako ngaubate zvakasimba mashoko angu.+ Chengeta mirayiro yangu urambe uchirarama.+ 5 Wana uchenjeri,+ wana kunzwisisa.+ Usakanganwa, usatsauka pamashoko omuromo wangu.+ 6 Usahusiya, uye ihwo huchakuchengeta. Hude, uye ihwo huchakuchengetedza. 7 Uchenjeri ndihwo chinhu chikuru pane zvose.+ Wana uchenjeri; uye pamwe chete nezvose zvaunowana, wana kunzwisisa.+ 8 Hukoshese kwazvo, uye huchakukwidziridza.+ Huchakukudza nokuti unohumbundira.+ 9 Huchapa musoro wako chishongo chakanaka chakaita sehata;+ huchaisa korona yorunako pauri.”+
10 Inzwa, mwanakomana wangu, ugamuchire mashoko angu.+ Ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.+ 11 Ndichakurayiridzawo munzira youchenjeri;+ ndichakufambisa mumakwara okururama.+ 12 Paunofamba, nhanho dzako hadzizopinganidzwi;+ uye kana ukamhanya, hauzogumburwi.+ 13 Batisisa kurangwa;+ usakuregedza.+ Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.+
14 Usapinda mugwara revakaipa,+ uye usafamba uchinanga munzira yevanhu vakashata.+ 15 Inzvenge,+ usapfuura pedyo nayo;+ tsauka pairi, upfuure hako.+ 16 Nokuti ivo havarari kana vasina kuita zvakaipa,+ hope dzavo dzinobvutwa kana vasina kugumbura mumwe munhu.+ 17 Nokuti vakadya zvokudya zvouipi,+ uye vanonwa waini yemabasa echisimba.+ 18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.+ 19 Nzira yevakaipa yakaita serima;+ havazivi chinoramba chichivagumbura.+
20 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu.+ Rerekera nzeve yako kumashoko angu.+ 21 Ngazvirege kubva pamaziso ako.+ Zvichengete zviri mumwoyo mako.+ 22 Nokuti izvo upenyu kune vaya vanozviwana+ uye utano kunyama yavo yose.+ 23 Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako,+ nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.+ 24 Bvisa kwauri kutaura kusina kururama;+ uye isa kunyengera kwemiromo kure newe.+ 25 Maziso ako ngaatarire mberi,+ chokwadi, iwo maziso ako anopenya ngaatarire mberi kwako.+ 26 Enzanisa nzira yetsoka yako,+ uye nzira dzako dzose ngadzisimbiswe kwazvo.+ 27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+ Bvisa tsoka yako pane zvakaipa.+