Zvirevo
5 Mwanakomana wangu, haiwa, teerera uchenjeri hwangu.+ Rerekera nzeve dzako kuungwaru hwangu,+ 2 kuti urinde mano okufunga;+ uye miromo yako ngaichengetedze zivo.+
3 Nokuti miromo yomukadzi mutorwa inoramba ichidonha zvinotapira sezvinoita zinga rouchi,+ uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta.+ 4 Asi mugumisiro wake unovava sezvinoita muti unovava;+ wakapinza sebakatwa rinocheka nekwose.+ 5 Tsoka dzake dzinoburukira kurufu.+ Nhanho dzake dzinotungamirira kuSheori.+ 6 Haafungi nezvegwara roupenyu.+ Haazivi kuti makwara ake anotsaukira kupi.+ 7 Zvino, haiwa imi vanakomana vangu, nditeererei+ uye regai kutsauka pamashoko omuromo wangu.+ 8 Ramba uri kure naye, uye usaswedera pedyo nesuo reimba yake,+ 9 kuti urege kupa vamwe kukudzwa kwako,+ kana kupa makore ako kuzvinhu zvine utsinye;+ 10 kuti vamwe vanhuwo zvavo varege kuzvigutsa nesimba rako,+ uyewo kuti zvinhu zvawakawana uchirwadziwa zvirege kuva muimba yomunhu wokune imwe nyika,+ 11 uyewo kuti usazogomera mangwana+ nyama yako nomuviri wako pazvinopera.+ 12 Uchazoti: “Chokwadi ndakavenga kurangwa+ uye mwoyo wangu hauna kuremekedza kutsiurwa!+ 13 Handina kuteerera inzwi revarayiridzi vangu,+ uye handina kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu.+ 14 Ndakapinda mumarudzi ose ezvakaipa+ zviri nyore ndiri pakati peungano nepakati pegungano.”+
15 Inwa mvura yomumugodhi wako chaiwo, nemvura inoyerera yetsime rako chairo.+ 16 Zvitubu zvako zvinofanira kuparadzirwa kunze kwemasuo,+ uye hova dzako dzemvura dzinofanira kuparadzirwa munzvimbo dzinoungana vanhu here? 17 Ngazvive zvako woga, kwete zvevamwe vanhuwo zvavo vauinavo.+ 18 Tsime rako ngarikomborerwe,+ uye fara nomudzimai wouduku hwako,+ 19 iyo nondo hadzi yakanaka nembudzi yomumakomo inofadza kwazvo.+ Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose.+ Fadzwa norudo rwake nguva dzose.+ 20 Saka, mwanakomana wangu, nei iwe uchifanira kufadzwa nomukadzi mutorwa kana kuti kumbundira chipfuva chomukadzi wokumwe?+ 21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi pemaziso aJehovha,+ uye iye anofunga nezvemakwara ake ose.+ 22 Munhu akaipa achabatwa nokukanganisa kwake,+ uye achabatwa netambo dzechivi chake.+ 23 Iye ndiye achafa nokuda kwokusarangwa,+ uye nokuti anorasika nokuwanda kwoupenzi hwake.+