Zvirevo
3 Mwanakomana wangu, usakanganwa+ mutemo wangu, uye mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu,+ 2 nokuti uchawedzerwa mazuva mazhinji nemakore oupenyu+ norugare.+ 3 Mutsa worudo nechokwadi ngazvirege kukusiya.+ Zvisungirire mumutsipa mako.+ Zvinyore pahwendefa romwoyo+ wako, 4 uwane nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari uye pamberi pomunhu wepanyika.+ 5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,+ urege kuvimba nokunzwisisa kwako.+ 6 Funga nezvake munzira dzako dzose,+ uye iye acharuramisa makwara ako.+
7 Usazviti wakachenjera.+ Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.+ 8 Ngazvirape+ guvhu rako nokusimbisa mapfupa ako.+
9 Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha+ uye nezvibereko zvako zvokutanga pazvibereko zvose zvaunowana.+ 10 Ipapo matura ako achazara nezvakawanda;+ uye zvisviniro zvako zvichafashukira newaini itsva.+
11 Haiwa mwanakomana wangu, usaramba kuranga kwaJehovha;+ uye usasema kutsiura kwake,+ 12 nokuti Jehovha anotsiura waanoda,+ sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.+
13 Munhu anowana uchenjeri+ ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru,+ 14 nokuti kuva nahwo sepfuma kuri nani kupfuura kuva nesirivha sepfuma, uye kuva nahwo sezvibereko kuri nani kupfuura ndarama.+ 15 Hunokosha kupfuura matombo ekorari,+ uye zvimwe zvose zvinokufadza hazvigoni kuenzaniswa nahwo. 16 Mazuva mazhinji ari muruoko rwahwo rworudyi;+ muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.+ 17 Nzira dzahwo inzira dzinofadza, uye migwagwa yahwo yose ndeyorugare.+ 18 Ihwo muti woupenyu+ kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba+ vachanzi vanofara.+
19 Jehovha akavaka nheyo dzenyika achishandisa uchenjeri.+ Akasimbisa matenga achishandisa ungwaru.+ 20 Achishandisa zivo yake makungwa akakamukana,+ uye matenga ane makore anoramba achipfunha-pfunha mvura.+ 21 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pamaziso ako.+ Chengetedza uchenjeri hunobatsira nemano okufunga,+ 22 zvichava upenyu kumweya wako+ norunako mumutsipa mako.+ 23 Ipapo uchafamba wakachengeteka+ panzira yako, uyewo tsoka yako haizogumburwi nechinhu chero chipi zvacho.+ 24 Pose paunorara pasi hauzotyi;+ chokwadi ucharara pasi, uye hope dzako dzichava dzinofadza.+ 25 Hauzotyi chero chinhu chipi zvacho chinotyisa chinongoerekana chauya,+ kana dutu rinouya pane vakaipa, nokuti riri kuuya.+ 26 Nokuti chokwadi Jehovha ndiye wauchavimba naye,+ uye iye achaita kuti tsoka yako irege kubatwa.+
27 Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka,+ kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.+ 28 Usati kune wokwako: “Enda uzodzoka uye ndichakupa mangwana,” iwe uine chimwe chinhu.+ 29 Usarongera wokwako chinhu chakaipa,+ paanenge agere newe achifunga kuti akachengeteka.+ 30 Usapopotedzana nomunhu pasina chikonzero,+ kana asina kukuitira zvakaipa.+
31 Usaitira shanje murume anoita zvechisimba,+ kana kusarudza imwe yenzira dzake.+ 32 Nokuti munhu anonyengedzera+ anosemesa Jehovha,+ asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.+ 33 Jehovha anotuka imba yomunhu akaipa,+ asi anokomborera nzvimbo inogarwa nevakarurama.+ 34 Kana vari vaseki,+ iye achavanyomba;+ asi achanzwira nyasha vanyoro.+ 35 Vanhu vakachenjera vachakwidziridzwa,+ asi mapenzi achazvidzwa.+