Zvirevo
2 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,+ ukachengeta mirayiro yangu,+ 2 kuti unyatsoteerera uchenjeri nenzeve dzako,+ kuti uite kuti mwoyo wako ude ungwaru;+ 3 uyezve, kana ukachemera kunzwisisa,+ ukashevedzera kuti uwane ungwaru,+ 4 kana ukaramba uchizvitsvaka sesirivha,+ ukaramba uchizvitsvaka sepfuma yakavanzwa,+ 5 ipapo uchanzwisisa kutya+ Jehovha, uye uchawana zivo pamusoro paMwari.+ 6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri;+ mumuromo make munobuda zivo noungwaru.+ 7 Achachengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira;+ iye inhoo yevaya vanofamba vakavimbika,+ 8 nokurinda makwara okururamisira,+ uye acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.+ 9 Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.+
10 Uchenjeri pahunopinda mumwoyo+ mako uye zivo yofadza mweya wako,+ 11 mano okufunga acharamba akakurinda,+ ungwaru huchakuchengetedza,+ 12 kuti zvikununure panzira yakaipa,+ pamunhu anotaura zvinhu zvakatsauka,+ 13 pane vaya vanosiya makwara okururama kuti vafambe munzira dzerima,+ 14 pane vaya vanofarira kuita zvakaipa,+ vanofarira zvinhu zvakatsauka zvouipi;+ 15 vaya vane makwara asina kururama uye vanonyengera munzira dzavo dzose;+ 16 kuti zvikununure pamukadzi mutorwa, pamukadzi wokumwe+ anoita kuti mashoko ake atapire,+ 17 iye anosiya shamwari yaaivimba nayo achiri muduku+ uye anokanganwa sungano yaMwari wake.+ 18 Nokuti imba yake inonyura ichienda murufu uye makwara ake anonyura achienda kune vaya vasina simba vari murufu.+ 19 Hapana vanorara naye vanozodzoka, uyewo havazowanizve makwara evapenyu.+
20 Chinangwa chacho ndechokuti ufambe munzira yevanhu vakanaka+ uye kuti uchengete makwara evakarurama.+ 21 Nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika,+ uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi.+ 22 Asi vakaipa vachaparadzwa panyika;+ uye vanyengeri, vachabviswa pairi.+