RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 156-p. 159 ndim. 2
  • Tariro Inofadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Inofadza
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Misoro Midiki
  • Mukurumbira Wakanaka
  • Kutarisa Ramangwana
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 156-p. 159 ndim. 2
Mufananidzo uri papeji 158, 159

DOMINICAN REPUBLIC

Tariro Inofadza

Mukurumbira Wakanaka

Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore anenge 70 zviri muDominican Republic. Munguva yose iyi, zvaita mukurumbira wakanaka. Vanhu ndivo vanowanzotanga kutaura nevaparidzi muushumiri vachikumbira zvinyorwa, uye hazvishamisi kunzwa vanhu vari mundima vachitaura mashoko akadai seekuti: “Chechi iyi ndinoifarira” kana kuti, “Vanhu imimi munonyatsoita zvinotaurwa neBhaibheri.”

Semuenzaniso, chimbofunga zvakaitika pakavakwa Imba yeUmambo panzvimbo yakanga yapiwa ungano neimwe hama. Hama yacho payakaenda kunonyoresa nzvimbo yacho zviri pamutemo, yakashamisika kuti mumwe munhu akanga atoinyoresa zvechitsotsi, uye munhu iyeye akapomera hama iyi kuti yainge ichiedza kumutorera nzvimbo yake. Nyaya yacho yakaendeswa kumatare edzimhosva. Yaiva nyaya yaitenderedza musoro nekuti munhu wacho aiva nemapepa airatidza kuti nzvimbo yacho yakanga iri muzita rake.

Pane imwe nguva mutongi akabvunza gweta rehama yacho kuti rijekese kuti raimiririra ani. Gweta racho parakataura kuti raimiririra sangano reZvapupu zvaJehovha, mutongi wacho akabva ati: “Kana zvakadaro, hapana chikonzero chekufunga kuti zvavari kutaura ndezvenhema. Ndinoziva Zvapupu zvaJehovha, uye ndinonyatsoziva kuti vakavimbika. Havambofi vakaedza kubiridzira mumwe munhu votora zvinhu zvisiri zvavo.”

Umboo pahwakapiwa mudare, zvakabuda pachena kuti munhu uyu akanga ashandisa mapepa ekunyepera, saka mutongi akatonga achitsigira Zvapupu. “Iyi haisiriyo yega nyaya yakadaro,” rakadaro gweta raiva Chapupu. “Pese panotaurwa nezveZvapupu zvaJehovha munyika ino mumatare edzimhosva, nyaya dzavo dzinobatwa neruremekedzo rwakakura.”

Kutarisa Ramangwana

Nekufamba kwenguva zvichaoneka kuti vanhu vangani vanoda zvakarurama vachadzidza chokwadi cheBhaibheri vova vanamati vaMwari wechokwadi. Parizvino, Zvapupu zviri kuedza zvose zvazvinogona kuti zviwane vanhu vakadaro. Semuenzaniso, muna 2013 Zvapupu zvaJehovha zvemuDominican Republic zvakaita maawa anopfuura mamiriyoni 11 zvichiparidza, uye zvakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 71 922. Zvaikurudzira chaizvo kuti 9 776 vakaitawo basa roupiyona. Muna August wegore iroro, vaparidzi 35 331 vakanga vachishingaira mubasa reushumiri. Pamusoro pezvo, pane tariro yakajeka yekuti Zvapupu zvichawedzera nekuti vanhu 127 716 vakapinda Chirangaridzo.

Basa rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi riri kubudirira chaizvo muDominican Republic kubva pakatanga kusvika Lennart naVirginia Johnson vachitanga kuparidza mashoko eUmambo, uri musi weSvondo, muna April 1945. Zvapupu zvaJehovha zvemuDominican Republic zvinokoshesa nhaka yazvakasiyirwa panyaya dzekunamata. Zvinokoshesa kuzvipira kwakaitwa nevanamati vechokwadi vekare muDominican Republic. Asi, zvinotonyanya kukoshesa ropafadzo yazviinayo ‘yokupupurira kwazvo pamusoro poUmambo hwaMwari.’ (Mabasa 28:23) Zvinotarisira kuti rimwe zuva vose vari pachitsuwa ichi nevamwe vavanonamata navo vari pasi rose vachaimba pamwe chete vachiti: “Jehovha ava mambo! Nyika ngaifare. Zvitsuwa zvizhinji ngazvifare.”​—Pisarema 97:1.

Shedhi yeJW.ORG Yakabatsira Vakawanda

Shedhi iyi yaiva pazviratidzwa zvemabhuku zvakaitwa munyika yacho, uye yakakwezva vanhu 4 723 mumazuva 12 chete.

  • Vanhu vanoda kusvika 400 vaishanyira shedhi iyi zuva rimwe nerimwe.

  • Vanhu 265 vakakumbira kudzidziswa Bhaibheri.

  • Vanhu 1 159 vakaratidzwa kuti vangashandisa sei jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe