RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 160-p. 161 ndim. 1
  • Jehovha Akavhura Mwoyo Yevakawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akavhura Mwoyo Yevakawanda
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mupanduki Aisatenda Kuti Kuna Mwari Ava Mushumiri waMwari
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndakaona Kuti Jehovha Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Ndakaona “Muduku” Achiva “Rudzi Rune Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 160-p. 161 ndim. 1

DOMINICAN REPUBLIC

Jehovha Akavhura Mwoyo Yevakawanda

Leonardo Amor

  • AKABEREKWA MUNA 1943

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1961

  • NHOROONDO YOUPENYU Akadzidza chokwadi achiri kuyaruka uye ashumira Jehovha mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 50.

Mufananidzo uri papeji 160

NDAKABHABHATIDZWA muna 1961 panguva yandaidzidza nezvemutemo pane imwe yunivhesiti, uye painge pava neunenge mwedzi mumwe chete Trujillo aurayiwa. Baba vangu vaida kuti ndiite basa rine chekuita nemutemo, asi ndaiona kuti dzidzo inobva kuna Mwari ndiyo inopfuura dzese. Saka, pasinei nekuti ndizvo zvavaida, ndakamira kuenda kuyunivhesiti. Pasina nguva refu, ndakagadzwa sapiyona chaiye.

Pane imwe nguva ndakatumirwa kuLa Vega, guta rava nenguva refu richizivikanwa kuti rine vanhu vakawanda vanopinda chechi yeRoma. Panguva yese yandaiva ikoko, hapana kana mumwe chete akava Chapupu chaJehovha. Wandaipayona naye ndiye ega aiva muvateereri pandaipa hurukuro dzavose. Asi, ndaiwana simba kubva kuna Jehovha pandaidzidza Bhaibheri ndiri ndega, pandaipinda magungano, uye pandainyengetera nemwoyo wese. Ndaimbonyengetera ndichibvunza Jehovha kana muLa Vega maizombofa makavawo neungano. Ndinofara kutaura kuti iye zvino mava neDzimba dzeUmambo 6, ungano 14, uye vaparidzi veUmambo vanopfuura 800.

Ndakachata naÁngela muna 1965, uye muna 1981 takashevedzwa kuti tinoshanda paBheteri. Pandakabhabhatidzwa, muDominican Republic maingova nevaparidzi 681 chete. Iye zvino mava nevaparidzi vanopfuura 36 000, uye vanhu vakawanda kupfuura ipapo vanopinda magungano edu. Ndikafunga kwatakabva, zvinoshamisa kuona kuti Jehovha akavhura mwoyo yevakawanda kuti vade chokwadi cheBhaibheri.

Mufananidzo uri papeji 161

Dare Rebazi, kubva kuruboshwe: Reiner Thompson, Juan Crispín, Thomas Dean, Leonel Peguero, Leonardo Amor, uye Richard Stoddard

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe