RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July p. 32
  • Gadzirira Mhinduro Dzinokurudzira Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gadzirira Mhinduro Dzinokurudzira Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Jehovha Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kurudziranai Pamisangano Yeungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Vakanai Nokutsinhira Pamisangano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Gadzirira Mhinduro Dzinokurudzira Vamwe

Patinenge tiri pamisangano, tine mukana wekukurudzira hama nehanzvadzi dzedu nemhinduro dzatinopa. (VaH. 10:​24, 25) Zvii zvatingaita kuti tigadzirire mhinduro dzichanyatsovakurudzira?

  • Nyengetera kuna Jehovha. Mukumbire kuti akubatsire kupa mhinduro ichaita kuti iye akudzwe uye ichakurudzira vamwe.—Pis. 35:18.

  • Iva nechinangwa chekupa mhinduro usingaiti zvekuverenga. Paunopindura uchitaura zviri pamwoyo pako, vamwe vachabatsirwa pavachanzwa uchitaura manzwiro aunoita nezvaJehovha.

  • Usataura zvakawandisa. Mhinduro pfupi uye dziri nyore kunzwisisa ndidzo dzinowanzokurudzira vanhu uye dzinoita kuti vakawanda vawane mukana wekupindurawo pamusangano wacho.—Zvir. 10:19.

  • Ipa mhinduro dzinokurudzira. Usape mhinduro dzekutsiura kana kushora mumwe munhu ari muungano.

Kunyange kana ukasawana mukana wekupindura, unogona kukurudzira vamwe kana ukanyatsoteerera pavanenge vachipindura wozovatenda.—Zvir. 10:21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe