RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July pp. 20-25
  • Batsira Vamwe Kuti Vanyatsoziva Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vamwe Kuti Vanyatsoziva Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BATSIRA MUDZIDZI WEBHAIBHERI KUTI ANYATSOZIVA JEHOVHA
  • MUDZIDZISE KUTI JEHOVHA NDIMWARI AKAITA SEI
  • MUBATSIRE KUSHANDISA ZVAANENGE ADZIDZA NEZVAJEHOVHA MUUPENYU HWAKE
  • JEHOVHA ACHAKOMBORERA VAYA VANONYATSOMUZIVA
  • Batsira Mudzidzi Wako weBhaibheri Kuti Asarudze Kushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July pp. 20-25

SEPTEMBER 28–OCTOBER 4, 2026

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

Batsira Vamwe Kuti Vanyatsoziva Jehovha

“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi.”—JOH. 17:3.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tingabatsira sei vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vasvike pakuziva Jehovha, kuti ndiMwari akaita sei uye kuti ndezvipi zvaanofarira nezvaasingafariri.

1. Unonzwa sei mudzidzi wako weBhaibheri paanofambira mberi?

UNONZWA sei paunoona munhu waunodzidza naye Bhaibheri achitanga kupinda misangano, kupindurawo pamisangano yacho, kuudzawo vamwe zvaari kudzidza uye paanozozvitsaurira kuna Jehovha? Pakadaro, haungambotadzi kufara. Tinorumbidza Jehovha panoitika zvinhu zvakadaro nekuti tinoziva kuti Jehovha ndiye anenge amubatsira kusvika ipapo.—1 VaK. 3:​5-9; 3 Joh. 3, 4.

2. Jehovha anoda kuti vadzidzi veBhaibheri vaite sei? (1 Timoti 2:​3, 4)

2 Mwari anoda kuti “vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.” (Verenga 1 Timoti 2:​3, 4.) Jehovha anoda kuti vanhu vanyatsomuziva uyewo vazive zvinhu zvakanaka zvaakaita uye zvaachaita mune ramangwana. (Jer. 9:24) Kuti vanhu vakwanise kuita izvozvo, vanofanira kuva neruzivo rwakarurama pamusoro paJehovha. Asi zvinorevei kana munhu achinzi ane ruzivo rwakarurama? Zvinoreva kuti munhu wacho haangogumiri pakuziva zvinhu nezvaMwari. Mumwe muongorori weBhaibheri akatsanangura kuti: “Kuva neruzivo rwakarurama zvinoreva kuti munhu anoshandisa zvaanoziva nezvaMwari muupenyu hwake.” Kana mudzidzi weBhaibheri akasvika pakuziva Jehovha, ruzivo irworwo rwaanenge awana nezvaMwari runoita kuti achinje upenyu hwake. Uye kana akaita izvozvo, anova nemukana wekuwana “upenyu husingaperi.”—Joh. 17:3.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Jehovha akatipa basa rinokosha chaizvo rekubatsira vamwe kuti vazive nezvake. Munyaya ino, tichakurukura mibvunzo inotevera: Nei vadzidzi vedu veBhaibheri vachifanira kunyatsoziva Jehovha? Tingavabatsira sei kuti vanyatsoziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei? Uye tingavabatsira sei kuti vashandise zvavanenge vadzidza nezvaJehovha muupenyu hwavo?

BATSIRA MUDZIDZI WEBHAIBHERI KUTI ANYATSOZIVA JEHOVHA

4. Maererano naMako 12:​30, chinangwa chedu chikuru patinenge tichidzidza nemunhu Bhaibheri ndechei?

4 Jesu akataura kuti murayiro mukuru kupfuura mimwe yese ndewekuti munhu anofanira kuda Jehovha ‘nemwoyo wake wese, nemweya wake wese, nepfungwa dzake dzese uye nesimba rake rese.’ (Verenga Mako 12:30.) Kuti munhu watinenge tichidzidza naye Bhaibheri ade Jehovha, anofanira kutanga anyatsomuziva. Tinoda kuti munhu watinenge tichidzidza naye Bhaibheri abhabhatidzwe nekuti anoda Jehovha, kwete nekuti anoda kushamwaridzana nesu, nezvimwe Zvapupu kana kuti nekuti ane dzimwe dzidziso dzeBhaibheri dzaakafarira. Saka patinenge tichidzidza nemunhu Bhaibheri, chinangwa chedu chikuru ndechekuti tibatsire munhu iyeye kuti anyatsoziva Jehovha uye amude.

5. Kuda Jehovha kuchaita kuti mudzidzi weBhaibheri aitei?

5 Kana mudzidzi weBhaibheri akanyatsoziva Jehovha uye kana akamuda, zvichaita kuti adewo kumuteerera. Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite.” (Joh. 14:31) Mashoko iwayo anoratidza kuti munhu anoda Jehovha, anomuteererawo. Saka kana mudzidzi weBhaibheri achinyatsoda Jehovha zvichaita kuti amuteerere uye arambe akavimbika kwaari.—1 Joh. 5:3.

6. Kuziva Jehovha kunobatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti aite zvisarudzo zvakanaka? Taura muenzaniso.

6 Kana mudzidzi weBhaibheri akanyatsoziva Jehovha, zvinomubatsira kuti aite zvisarudzo zvakanaka. Izvi tinogona kuzvifananidza nezvinoitwa nemunhu kuti azova mutyairi akanaka. Haagumiri pakungoverenga mitemo yemumugwagwa asi anotoita nguva achidzidzira kutyaira kwacho. Izvozvo zvinomubatsira kuti azive kuti angatyaira sei mota mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye kuti aite zvisarudzo zvakanaka paanenge achityaira. Ndizvo zvazvakaitawo nemudzidzi weBhaibheri. Kungodzidza Bhaibheri chete handiko kuchamubatsira kuti anyatsoziva Jehovha. Asi achadzidzawo nezvaJehovha paachaita zvisarudzo zvinoenderana nezvaari kudzidza oona kuti zviri kumubatsira sei. Kana akaramba achiwedzera kuziva Jehovha uye achiona kuti Baba vake vekudenga vari kumubatsira sei, zvichaita kuti akwanise kuita zvisarudzo zvakanaka mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

7. Kunyatsoziva Jehovha kwakabatsira sei Josefa kuti aite chisarudzo chakanaka?

7 Kunyatsoziva Jehovha kwakabatsira Josefa kuti arambe kurara nemudzimai waPotifari. Paaiva mudiki, Josefa akadzidza nezvenyaya yaAdhamu naEvha uye yaAbrahamu naSara. (Gen. 2:24; 20:​3, 6) Nyaya idzi dzakaita kuti anyatsonzwisisa maonero anoita Jehovha nyaya yewanano uye yebonde. Kunyatsoziva zvaidiwa naJehovha kwakaita kuti Josefa arambe zvaidiwa nemudzimai waPotifari uye akamuudza kuti: “Ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?” (Gen. 39:​7-9) Josefa aiziva kuti zvinofadza Jehovha ndezvipi uye zvisingamufadzi ndezvipi. Ainyatsonzwisisa kuti ndezvipi zvaizorwadzisa Mwari wake. Izvozvo zvakaita kuti aite chisarudzo chakanaka. Kana tikabatsira vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vanyatsoziva Jehovha uye vazive zvaanoda nezvaasingadi, zvichaita kuti vakwanisewo kuita zvisarudzo zvinomufadza.

MUDZIDZISE KUTI JEHOVHA NDIMWARI AKAITA SEI

8. Ungashandisa sei bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! kuti ubatsire mudzidzi wako weBhaibheri kuti anyatsoziva Jehovha?

8 Ungabatsira sei mudzidzi wako weBhaibheri kuti azive kuti Jehovha ndiMwari akaita sei? Jehovha akashandisa mibvunzo kuti abatsire Jobho kuti awedzere kuziva nezvake. Akatomubvunza mibvunzo inopfuura 50! (Job. 38:​1–41:34) Nesuwo tinogona kushandisa mibvunzo patinenge tichidzidza nevanhu Bhaibheri. Mibvunzo iri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! inobatsira mudzidzi kuti arambe achidzidza nezvekuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (Onawo bhokisi rakanzi “Mibvunzo Inotibatsira Pakudzidzisa.”) Saka shandisa mibvunzo iyoyo kuti ubatsire mudzidzi wako kuti anyatsoziva Jehovha.

Hanzvadzi iri kunyatsoteerera mudzidzi wayo weBhaibheri achipindura mubvunzo uri pachidzidzo 17 mubhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!”

Mibvunzo Inotibatsira Pakudzidzisa

Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rine mibvunzo yakawanda inobatsira mudzidzi weBhaibheri kuti awedzere kuziva Jehovha. Ngatimboonei mimwe yacho:

  • “Jehovha anoona sei vanhu vanoparidza mashoko akanaka?” (chidzidzo 21)

  • “Zvawadzidza nezvaJehovha naJesu zvinokubatsira sei kuva nechivimbo chekuti zvavachaita [paAmagedhoni] zvichange zvakanaka uye zvakakodzera?” (chidzidzo 33)

  • “Jehovha anonzwa sei kana ukaratidza kuti wakachenjera womuteerera? Nei wadaro?” (chidzidzo 34)

  • “Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei kana tikaroora kana kuroorwa nemunhu asingamudi?” (chidzidzo 42)

  • “Kuregerera kwaJehovha kwakakura zvakadii?” (chidzidzo 56)

  • “Mabatiro anoita Jehovha vatadzi anoratidza sei kuti anonzwisisa, ane tsitsi, uye ane rudo?” (chidzidzo 57)

9-10. (a) Chii chinogona kubatsira mudzidzi weBhaibheri kuti awedzere kuziva nezvaJehovha paanenge achiverenga Bhaibheri? (Jakobho 5:11) (b) Nyaya dziri muBhaibheri dzinobatsira sei mudzidzi kuziva zvinofarirwa naJehovha uye zvaasingafariri? Taura muenzaniso.

9 Patinotanga kudzidza nevanhu Bhaibheri, tinovakurudzira kuti vave nepurogiramu yekuverenga Bhaibheri mazuva ese.a Tingavabatsira sei kuti vanyatsodzidza zvakawanda nezvaJehovha pavanenge vachiverenga Bhaibheri? Tinogona kuvakurudzira kuti pese pavanoverenga imwe nyaya iri muBhaibheri vafunge kuti nei Jehovha akaita kuti nyaya iyoyo inyorwe muShoko rake uye kuti inotidzidzisei nezvake. Ndizvo zvakaitwa nemudzidzi Jakobho paakadzidza nyaya yaJobho. Jakobho akadzidza kuti Jobho akatsungirira matambudziko akawanda. Akadzidzawo kuti Jehovha ndiMwari ane tsitsi nengoni.—Verenga Jakobho 5:11.

10 Tinoda kubatsira vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vaone kuti nyaya imwe neimwe iri muBhaibheri inovabatsira sei kuti vaone zvinodiwa naJehovha uyewo zvaasingadi. Ngatitii munhu watinodzidza naye Bhaibheri aenda pachati yakanzi “Kutanga Kuverenga Bhaibheri” iri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! achibva atiudza kuti asarudza kuverenga nyaya yaDhanieri mugomba reshumba. Tinogona kumukurudzira kuti afungisise nezvemibvunzo yakadai seiyi: ‘Nei Jehovha akanunura Dhanieri? Nyaya iyi yandiratidza kuti Jehovha anofadzwa nei?’ (Dhan. 6:​10, 22) Anogonawo kuzvibvunza kuti: ‘Zvii zvakaitika kuvarume vaitsvagira Dhanieri mhosva? Izvi zvinondiratidza kuti Jehovha haafarire zvinhu zvakaita sei?’ (Dhan. 6:​4, 5, 24) Uyewo tinogona kumukurudzira kuti afunge kuti ndezvipi zvimwewo zvaangadzidza nezvaJehovha panyaya iyoyo.—Dhan. 6:​26, 27.

11. Tinobatsira sei mudzidzi wedu weBhaibheri kuti aone kuti Jehovha ndiye ari kumudzidzisa uye nei zvichikosha kuti tidaro?

11 Tinofara mudzidzi wedu weBhaibheri paanoona kuti zvinhu zvaari kudzidza zviri kumubatsira muupenyu hwake. Asi zvinokosha chaizvo kuti timubatsire kuona kuti zvinhu zvaari kudzidza zviri kubva kuna Jehovha, Murayiridzi wedu Mukuru. (Isa. 30:​20, 21) Mudzidzi wedu weBhaibheri anogona kutitenda nezvaanenge achidzidza uye pamwe anogona kutotiudza kuti tinogona kudzidzisa. Hapana chakashata nekuti aite izvozvo asi tinofanira kuramba tichimuyeuchidza kuti anofanira kurumbidza Jehovha nekuti ndiye ari kumudzidzisa zvinhu izvozvo.

MUBATSIRE KUSHANDISA ZVAANENGE ADZIDZA NEZVAJEHOVHA MUUPENYU HWAKE

12-13. Kunyatsoziva Jehovha kungabatsira sei mudzidzi kana paine nyaya yemuBhaibheri iri kumuomera kunzwisisa? (Onawo mufananidzo.)

12 Kuti munhu anyatsobatsirwa neruzivo rwakarurama rwaanenge ava narwo, anofanira kushandisa ruzivo rwacho muupenyu hwake. Saka ungabatsira sei mudzidzi wako weBhaibheri kuti aite izvozvo? Kana ari kuomerwa nekunzwisisa imwe nyaya yaanenge averenga muBhaibheri, mudzidzise kuti ayeuke kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Ngatitii ari kuverenga nezvematongero akaita Jehovha imwe nyaya, obva atanga kunetseka kuti nei Jehovha akaparadza vamwe vanhu asi akasiya vamwe vanhu vachirarama. Ungamubatsira sei kuti asanetseka nezvemabatiro akaita Jehovha nyaya iyoyo?

13 Unogona kumukurudzira kuti afunge nezvezvinhu zvaakatodzidza nezvaJehovha. Anogona kuzvibvunza kuti, Jehovha anokoshesa vanhu zvakadii? (2 Pet. 3:9) Zvii zvaakaita kuti atinunure kunyange tiri vatadzi? (VaEf. 2:​4, 5) Jehovha anoranga vanhu vasina mhosva here? Ko kana munhu aine mhosva uye achifanira kurangwa, Jehovha anongomusiya akadaro here? (Eks. 34:​6, 7) Dzimwe nyaya dziri muBhaibheri hadzina mashoko akakwana anotibatsira kunzwisisa kuti nei Jehovha akaita chimwe chinhu. Asi hatifaniri hedu kuziva zvese nekuti tinoziva Mwari wedu. Tinonyatsoziva kuti Mwari wedu anogara achiita zvakarurama.

Mifananidzo: Hanzvadzi iya ichibatsira mudzidzi wayo kudzokorora zvavakadzidza. 1. Jehovha akagara pachigaro chake cheUmambo kudenga. 2. Adhamu naEvha vachida kudya muchero wavakarambidzwa. 3. Chitsitsinho chichipwanya musoro wenyoka. 4. Areka yakavakwa naNoa ichiyangarara pamusoro pemvura pakaitika Mafashamo. 5. Mozisi achipatsanura Gungwa Dzvuku. 6. Imba yaRakabhi ichiramba yakamira masvingo eJeriko paakawondomoka. 7. Ebhedhi-mereki achibudisa Jeremiya mumugodhi. 8. Jesu akaturikwa padanda.

Mudzidzi wako paanenge achitadza kunzwisisa imwe nyaya yaanenge averenga muBhaibheri, mubatsire kuti ayeuke kuti Jehovha ndiMwari akaita sei (Ona ndima 12-13)


14. Ungabatsira sei mudzidzi wako weBhaibheri kana paine mumwe munhu waari kutadza kuwirirana naye muungano?

14 Ngatimboonai pamwe patinogona kubatsira mudzidzi wedu kuti ashandise zvaanenge ava kuziva nezvaJehovha muupenyu hwake. Ngatitii ava kupinda misangano, asi pane mumwe munhu wemuungano waari kutadza kuwirirana naye. Pamwe akagumburwa nemunhu iyeye. Pakadaro, unogona kukurudzira mudzidzi wako kuti afunge kuti Jehovha anoona sei vanhu vari muungano. Zvii zvakatoitwa naJehovha zvinoratidza kuti anoda vanhu ivavo? (Joh. 3:16) Jehovha anonzwa sei paanoona vanhu vakabatana muungano? (Pis. 133:1) Anonzwa sei patinoita zvese zvatinogona kuti tirambe takabatana? (2 VaK. 13:11) Batsira mudzidzi wako kuti aone kuti Jehovha anofara patinoisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zvinoitwa nevamwe kwete pane zvavanokanganisa.

15-16. (a) Mudzidzi weBhaibheri angatevedzera sei Jesu kana achifanira kuita chisarudzo chakakura muupenyu? (Johani 8:29) (b) Marianne akabatsira sei mudzidzi wake weBhaibheri kuti aite chisarudzo chakanaka? (Onawo mufananidzo.)

15 Unogona kubatsirawo mudzidzi wako weBhaibheri kuti ashandise zvaanoziva nezvaJehovha kuti aite zvisarudzo zvakanaka. Unogona kutanga nekumuudza kuti averenge chidzidzo 35 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chine musoro wekuti, “Zvatingaita Kana Tichifanira Kusarudza Zvekuita.” Asi ngatitii mudzidzi wako atonyengetera nezvazvo uye atsvakurudza, asi achiri kunetseka kuti osarudza zvipi? Pamwe anogona kunge ari kuomerwa nekuziva kuti mavhesi api eBhaibheri anonyatsoshanda mumamiriro ake ezvinhu. Pakadaro, unogona kumukurudzira kuti atevedzere zvaiitwa naJesu. Jesu aiita sei zvisarudzo zvake? Akati: ‘Ndinogara ndichiita zvinhu zvinofadza Baba vangu.’ (Verenga Johani 8:29.) Kurudzira mudzidzi wako kuti azvibvunze kuti, ‘Kubva pane zvandakatsvakurudza uye zvandinoziva nezvaJehovha, ndechipi chisarudzo chichamufadza?’ Mubatsire kuona kuti kana akasarudza zvinofadza Jehovha, anenge aita chisarudzo chakanaka.

16 Funga zvakaitika kune mumwe mukadzi wekuChile aidzidza Bhaibheri naMarianne. Mukadzi uyu aifanira kuita chisarudzo chinokosha. Aimanikidzwa nevanhu vemumhuri make kuti abvume basa raibhadhara asi raizomutadzisa kupinda misangano. Marianne anoti: “Ndakamukurudzira kuti afunge kuti zvaaizosarudza zvaizoita kuti Jehovha anzwe sei. Zvaizoita kuti Jehovha afare here kana kuti zvaizoita kuti arwadziwe? Ndakamukurudzirawo kuti anyengetere kuna Jehovha achinyatsotaura nezvemamiriro ake ezvinhu oona kuti Jehovha aizomupindura sei. Akatozosarudza kuramba basa racho uye akazowana rimwe raimubvumira kuti apinde misangano.” Marianne aigona kuudza mudzidzi wake zvekuita, asi haana kudaro. Akangomubatsira kuti afungisise zvinhu zvaakanga ava kuziva nezvaJehovha. Zvakaitika izvi zvakaita kuti mukadzi uyu awedzere kuda Jehovha uyewo Marianne. Marianne akataura nezvemukadzi uyu achiti: “Akadzidza kuti Jehovha haamboregi kuchengeta vaya vanoisa zvinhu zvekunamata pekutanga muupenyu hwavo.”

Mudzidzi weBhaibheri ari kubasa. Maneja wake ari kuda kumutambidza bepa nechinyoreso kuti asaine achibvuma kuita rimwe basa asi mudzidzi wacho anoramba kuriita.

Batsira mudzidzi wako kuti adzidze kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha (Ona ndima 15-16)b


JEHOVHA ACHAKOMBORERA VAYA VANONYATSOMUZIVA

17. Chii chatinonyanya kuda kuti vadzidzi vedu vaite?

17 Patinodzidza nevanhu Bhaibheri, vanodzidza zvinhu zvakawanda zvinokosha. Vanodzidza zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri zvakadai sekuti chii chinoitika munhu paanofa, nyaya yerudzikinuro uyewo yeUmambo hwaMwari. Vanodzidzawo nezvemarongerwo akaitwa ungano zvakadai sekuti misangano yedu inoitwa sei, basa rinoitwa nevakuru uye rinoitwa neDare Rinotungamirira. Asi hatidi kuti vadzidzi vedu vangogumira pakuziva zvinhu izvi. Chatinonyanya kuda ndechekuti vasvike pakunyatsoziva Jehovha.

18. Makomborero api anowanikwa nevaya vanonyatsoziva Jehovha?

18 Jehovha akatipa basa rinokosha chaizvo rekudzidzisa vamwe kuti vanyatsomuziva. Vaya vanonyatsoziva Jehovha vane makomborero akawanda. Mazuva ano, vaya vanoziva Jehovha uye vanomushumira vanofara muupenyu. (Pis. 25:​12-15) Uye mune ramangwana, vaya vanoziva Jehovha vachawana upenyu husingaperi. (1 Joh. 5:20) Uyewo Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vanoshanda nesimba kuti vazive Jehovha uye vanomuda ‘vanozivikanwa naye.’ (1 VaK. 8:3) Pafunge, Mwari Wemasimbaose anotiziva uye anotiona seshamwari dzake. Hapana chikomborero chinopfuura ichocho!

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Nei mudzidzi weBhaibheri achifanira kunyatsoziva Jehovha?

  • Tingabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti azive kuti Jehovha ndiMwari akaita sei?

  • Tingabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti ashandise zvaanenge adzidza nezvaJehovha muupenyu hwake?

RWIYO 84 Kuwedzera Basa Redu

a Chikamu chakanzi Edza Izvi chiri pachidzidzo 05 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chinoti: “Verenga Bhaibheri nguva dzese uchishandisa chati yakanzi ‘Kutanga Kuverenga Bhaibheri.’”

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira mukadzi anodzidza Bhaibheri naMarianne achiramba basa raainge apiwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe