Funga “Nezvokuguma” Kwacho
MUUPENYU tinofanira kusarudza zvinhu zvakawanda. Chokwadi, kuchenjera kuti tizive kuti nzira yatinoda kufamba nayo ichaguma sei tisati tafamba mairi. Vamwe vakazozvidemba zvikuru nezvavakanga vambosarudza. Zvimwe iwewo wakamboti, ‘Kudai ndakaziva kuti zvaizoguma sei, ndingadai ndisina kumbobvira ndazvisarudza.’
Munhu ane ruzivo rwokufamba angada kuziva kuti nzira imwe neimwe ichamusvitsa kupi. Angatarisa pamepu kana kubvunza vamwe vanoziva nzvimbo yacho. Achanyatsocherechedza zvikwangwani zvaachaona paachange achifamba. Zvisinei, muupenyu ungava sei nechokwadi chokuti inzira ipi yakanaka zvikuru yaunofanira kufamba nayo? Achishandisa Mosesi, Mwari akambotaura nezvevaIsraeri vekare kuti: “Haiwa, kudai vakachenjera! Vaizofungisisa nezveizvi. Vaizofunga nezvokuguma kwavo.”—Dheuteronomio 32:29.
Zano Rakanaka Kupfuura Ose
Hatifaniri hedu kufungidzira “nezvokuguma” kwezvinhu zvatinosarudza pane zvatinosangana nazvo muupenyu. Sezvo Mwari achinzwisisa zvakajeka upenyu hwevanhu vose, ndiye akakodzera kuvapa mazano oupenyu akanaka zvikuru kupfuura avangapiwa nomumwe munhu. Akaona nzira dzakawanda dzakasarudzwa nevanhu ndokucherechedza kuguma kwadzo. Bhaibheri rinoti: “Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi pemaziso aJehovha, uye iye anofunga nezvemakwara ake ose.”—Zvirevo 5:21.
Jehovha ane hanya nevaya vanomuda. Achishandisa Shoko rake Bhaibheri, anovarayira nzira yakanaka kupfuura dzose yavanofanira kufamba nayo. Tinoverenga kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” Saka usati wasarudza zvokuita, kuchenjera kutsvaka zano raJehovha, sezvakaita Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare paakanyengetera achiti: “Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.”—Pisarema 32:8; 143:8.
Kufamba nenzira yaunenge warayirwa nomunhu anoziva uye waunovimba naye, kunoita kuti uve nechivimbo uye unzwe wakachengeteka. Haunetseki kuti nzira yacho ichakusvitsa kupi. Dhavhidhi akakumbira kurayirwa nokutungamirirwa naJehovha uye akazvitevedzera. Akagumisira ava norugare mupfungwa sezvinotsanangurwa zvinonwisa mvura muPisarema chitsauko 23. Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa. Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji. Anozorodza mweya wangu. Anonditungamirira mumakwara okururama nokuda kwezita rake. Kunyange ndikafamba mumupata wezarima, handityi zvakaipa.”—Pisarema 23:1-4.
Remangwana Ravo Richange Rakaita Sei?
Mumwe murume akafamba rwendo rwoupenyu, munyori wePisarema, zvimwe Asafi kana kuti mumwe wevemudzinza rake, akabvuma kuti ‘akanga ava kuda kutsauka’ kubva munzira yakarurama. Chii chakanga chaitika? Akanga aona kubudirira kwevanhu vakanga vasina kutendeseka uye vaiva nechisimba uye akanga aitira shanje “rugare rwevanhu vakaipa.” Aiona sokuti vaizogara “zvakanaka nokusingagumi.” Zvakatonyanya kuipa ndezvokuti munyori wePisarema uyu akanga asisina chokwadi chokuti akanga aratidza kuchenjera here kusarudza kufamba nenzira yakarurama.—Pisarema 73:2, 3, 6, 12, 13.
Munyori wePisarema uyu akabva apinda munzvimbo tsvene yaJehovha ndokunyengetera achifunga nezvezvaizoitika kune vanhu vakaipa. Akati: “Ndaida kunzwisisa nguva yavo yemberi.” Akafungisisa nezvezvinhu zvaigona kuzoitika kuvanhu vaakanga aitira shanje. Remangwana ravo raizova rakaita sei? Akanzwisisa kuti vanhu vakadaro vaiva “panzvimbo inotsvedza” uye ‘vaizopedzwa nezvinongoerekana zvavhundutsa!’ Zvakadini nenzira yaifambwa nayo nomunyori wePisarema? Akabvuma kuti: “Pashure paizvozvo [imi Jehovha] muchandiendesa kukubwinya.”—Pisarema 73:17-19, 24.
Kufunga nezvokuguma kwemabasa evanhu vanobudirira nenzira dzougiribidi kana kuti dzisina kururama kwakavimbisa munyori wePisarema kuti akanga achifamba nenzira yakarurama. Akagumisa achiti: “Asi ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.” Kana tikaramba tiri pedyo naJehovha Mwari, tichagara tichiwana migumisiro inobatsira nokusingaperi.—Pisarema 73:28.
“Ziva Kwawakananga”
Nhasi tinogona kusanganawo nezvakadai. Unogona kuwana basa rinokupa mazakwatira emari, kukwidziridzwa pabasa, kana kuti kuwana mukana wokuita bhizimisi rinokupa mari yakawanda. Chokwadi, basa ripi neripi raunenge watanga, rakangofanana nokuteya mariva murutsva. Kunyange zvakadaro, hauoni here kuti zvinokosha kutanga wafunga “nezvokuguma” kwezvaunenge wasarudza? Zvingangoguma sei? Uchange usingagari pamba here, izvo zvingazoita kuti iwe newawakaroorana naye muve mumuedzo? Uchange uchiita bhizimisi nevanhu vasina tsika dzakanaka here kana kuti vaunoonana navo mumahotera nedzimwewo nzvimbo? Kana ukanyatsoongorora zvakaita nzira yekwaunenge uchienda, uchagona kusarudza nokuchenjera. Teerera yambiro yaSoromoni, inoti: “Ziva kwawakananga.”—Zvirevo 4:26, Contemporary English Version.
Tose zvedu tingaita zvakanaka kufungisisa zano iroro, asi vaduku ndivo vanotofanira kunyanya kudaro. Rimwe jaya rakaona imwe firimu yaraiziva kuti yaiva nezvimwe zvinhu zvinomutsa chido chokurara nomumwe munhu. Rakazorondedzera kuti parakanga raona firimu yacho, rakanzwa rava kuda kuita zvepabonde zvokuti rakaenda kupfambi yaraiziva kuti yaigara pedyo. Rakagumisira rava kunzwa richinetseka zvikuru, riine mhosva, uye richitya kuti zvimwe rakanga rava nechirwere. Zvakaitika izvi zvakafanana chaizvo nezvinotsanangurwa muBhaibheri kuti: “Rinongoerekana ramutevera, sezvinoita nzombe inoenda kunourayiwa.” Zvose izvi zvingadai zvisina kuitika kudai jaya iri rakatanga rafunga “nezvokuguma” kwacho!—Zvirevo 7:22, 23.
Vimba Nezvikwangwani
Vanhu vakawanda vanobvuma kuti kupusa kusatevedzera zvinorehwa nezvikwangwani. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti izvi ndizvo zvinoitwa nevamwe muupenyu pavanopiwa mazano asingaenderani nezvavanoda. Chimbofunga zvakaitika kuvaIsraeri munguva yaJeremiya. Vanhu ava vaifanira kusarudza zvavaida, uye Jehovha Mwari akavayambira kuti: ‘Bvunzai nezvemigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka; mufambe mairi.’ Asi vanhu vakaomesa musoro vachiti vakanga vasiri “kuzofamba” nenzira yacho. (Jeremiya 6:16) Kupanduka kwavakaita ‘kwakazoguma’ nei? Muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vakauya vakaparadza zvachose guta reJerusarema ndokuendesa vaigaramo kuBhabhironi senhapwa.
Kana tikasatevedzera zvikwangwani zvatakapiwa naMwari hatizombobudiriri. Magwaro anotikurudzira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.
Yambiro dzatinopiwa naMwari dzinokosha pakutitungamirira. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Usapinda mugwara revakaipa, uye usafamba uchinanga munzira yevanhu vakashata.” (Zvirevo 4:14) Imwe nzira yakaipa yatinofanira kudzivisa inotsanangurwa pana Zvirevo 5:3, 4, inoti: “Miromo yomukadzi mutorwa inoramba ichidonha zvinotapira sezvinoita zinga rouchi, uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta. Asi mugumisiro wake unovava sezvinoita muti unovava; wakapinza sebakatwa rinocheka nekwose.” Kune vamwe, kuita unzenza kungavanakidza, vangaita nepfambi kana kuti nevamwewo vanhu. Asi kana munhu akatadza kutevedzera zvikwangwani zvinomunyevera kuti ave netsika dzakanaka, achangopinda muna taisireva.
Usati watanga kufamba nenzira younzenza, zvibvunze kuti, ‘Nzira iyi ichandisvitsa kupi?’ Kumbomira wofunga “nezvokuguma” kwacho kungakubatsira kuti urege kufamba nenzira inopedzisira yakupinza mungozi. AIDS nezvirwere zvinopomeranwa pabonde, nhumbu dzisingatarisirwi, kubvisa pamuviri, kusanyatsodanana, uye kunzwa uine mhosva ndizvo zvinhu zvakazara munzira yevaya vanosarudza kusatevedzera zvikwangwani. Magumiro achaita nzira yevaya vanoita unzenza anonyatsotsanangurwa nomuapostora Pauro. “Havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10.
“Iyi Ndiyo Nzira”
Dzimwe nguva zvakaoma kuona kuti zvatinenge tasarudza zvichaguma nei. Saka, tinoonga zvikuru kuti Mwari ane hanya nesu uye anotitungamirira zvakajeka! Jehovha akati: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” (Isaya 30:21) Nzira yatiri kuratidzwa naJehovha ichaguma nei? Kunyange zvazvo nzira yacho yakamanikana uye yakaoma, Jesu akati inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mateu 7:14.
Chimbotora kanguva ufunge nezvenzira yauri kufamba nayo. Yakarurama here? Iri kuenda kupi? Nyengetera uchikumbira kuti Jehovha akutungamirire. Tarisa ‘mepu yomugwagwa,’ Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, unogona kunzwa uchida kubvunza munhu anoziva, uyo ave achiteerera mazano aMwari. Kana ukaona kuti nzira yako haina kururama, kurumidza kuchinja usadya manonoko.
Kazhinji munhu ari parwendo anokurudzirwa kana akaona chikwangwani chinomuratidza kuti ari munzira yakarurama. Kana ukaongorora mararamiro ako ndokuona kuti uri munzira yakarurama, zvinofanira kukukurudzira kuti urambe wakadaro. Mubayiro mukuru zvikuru wokufamba nenzira iyi wava pedyo.—2 Petro 3:13.
Nzira dzose dzine kwadzinoenda. Kana wasvika kunoenda nzira yawakasarudza, uchange uri kupi? Dai ndakaziva haitungamiri, nokuti hazvizobatsiri kuti, ‘Maiwe, kudai ndisina kusarudza nzira iyi!’ Saka, usati watanga rumwe rwendo rwoupenyu, zvibvunze kuti: “‘Kuguma’ kwacho kuchange kwakaita sei?”
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]
‘Kuguma’ Kwacho KUCHANGE KWAKAITA SEI?
Vechiduku vanowanzotarisana nemiedzo uye vanowanzomanikidzwa kuti vamboona kuti zvinhu zvakakurumbira zvinoita sei. Hezvinoi zvimwe zvingaitika.
◼ Mumwe munhu anokuti unotya kusvuta fodya.
◼ Mudzidzisi ane vavariro dzakanaka anokukurudzira kuti utsvake dzidzo yepamusoro kuyunivhesiti.
◼ Unokokwa kupati uko doro nezvimwe zvinodhaka zvinenge zvichiwanikwa nyore nyore.
◼ Mumwe angati, “Wadii kuisa mifananidzo yako uye mashoko pamusoro poupenyu hwako paIndaneti kuti vanhu vataure newe?”
◼ Shamwari yako inokukoka kuti munoona firimu ine chisimba kana kuti ine unzenza.
Kana ukazosangana nemamiriro ezvinhu akaita seaya, uchaitei? Uchangoita gundamusaira here, kana kuti uchanyatsofunga kuti ‘kuguma’ kwacho kuchange kwakaita sei? Kungava kuchenjera kuzvibvunza kuti: “Munhu angatutira moto muchipfuva chake nguo dzake dzikasatsva here? Kana kuti munhu angafamba pamazimbe tsoka dzake dzikasatsva here?”—Zvirevo 6:27, 28.