Baba Vedu Vokudenga Vakamboita Sei?
VANHU vakawanda vanoziva nomusoro Munyengetero waBaba Vedu, kana kuti waIshe Wedu, munyengetero wokuenzanisira uyo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake. (Mateu 6:9-13) Pose pavanonyengetera, vanoti nezvaMwari “Baba Vedu.” Zvisinei, vangani vangati vanonyatsovaziva?
Zvakadini newe? Unonyatsovaziva zvakadini? Une ukama hwakasimba navo here, unotaura navo here, unovaudza zvinokufadza uye zvinokusuruvarisa here? Chokwadi, zvinomborevei kuziva Mwari?
“Jehovha Ndiro Zita Rake”
Mwana muduku angangoziva baba vake saTata kana kuti Papa. Zvisinei, paanokura anotanga kuziva zita rababa vake uye unhu hwavo uye kazhinji anodada navo. Zvakadini noMupi Woupenyu wokudenga? Unoziva here zita rake uye zvarinoreva?
Kunyange zvazvo vakawanda vachidzokorora mashoko okuti “Zita renyu ngarikudzwe” pavanotaura Munyengetero waIshe, vangasakwanisa kupindura mubvunzo wokuti, “Zita rake ndiani?” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Denga rakazara nenyeredzi, makomo anoyevedza, zvisikwa zviri pasi pegungwa, zvinotipa uchapupu hwokuti Mwari ariko. Asi hazvitiudzi zita rake. Kuti tizive zita iroro, tinofanira kutarira muBhaibheri. Rinotaura zvakajeka kuti: “Jehovha ndiro zita rake.”—Eksodho 15:3.
Mwari anoda kuti timuzive nezita rake rokuti Jehovha. Nei? Nokuti zita rake rinomirira zvaari. Zita iroro rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Nemamwe mashoko, anogona kuva chero zvaanoda kuva kuitira kuti azadzise chinangwa chake. Somuenzaniso: Kuti baba vatarisire mhuri yavo, vanova muriritiri wemhuri yavo, mupi wezano, mutongi, murevereri, mudziviriri, uye mudzidzisi, zvichienderana nemamiriro ezvinhu emhuri yacho uye kuti iri kudei panguva iyoyo. Saizvozvowo, zita rokuti Jehovha, rinoita kuti tivimbe kuti Mwari anonyatsokwanisa kuita zvaanoda nechinangwa chokuti vose vanomushumira vakomborerwe chero zvodini.
Ngatimbokurukura mabasa akasiyana-siyana anoitwa naMwari wedu ane rudo anobudisa zvinorehwa nezita rake. Zvichakubatsira kuziva kuti Jehovha Mwari munhu worudzii, uyewo kudzidza zvaunofanira kuita kuti uswedere pedyo naye.
“Mwari Worudo Neworugare”
Muapostora Pauro akati, Musiki wedu ndi“Mwari worudo neworugare.” (2 VaKorinde 13:11) Nei? Jesu Kristu akanga amboti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Nokuti anoda vanhu zvikuru, Mwari akapa Mwanakomana wake waanoda kuti adzikinure vanhu, zvichiita kuti vaya vanotenda maari vararame nokusingaperi, vasingarwadziwi uye vasingatamburi pamusana pechivi. Ndosaka Pauro akatiwo: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Izvi hazvifaniri kuita kuti tide Mwari uye tiswedere pedyo naye here?
Mwari anoratidza rudo rwake kuvakatendeka vake somunhu mumwe nomumwe kwete kuvanhu vose seboka chete. KuvaIsraeri vekare vaiwanzotsauka, Mosesi akati: “Muri kuramba muchiitira Jehovha izvi here, haiwa imi mapenzi uye vanhu vasina kuchenjera? Iye haasi Baba vako vakakubereka here, Iye akakuita akakusimbisa?” (Dheuteronomio 32:6) Uri kunzwisisa zviri kurehwa nemashoko aya here? Sezvinoita Baba vane rudo, Jehovha aiva nehanya nevanhu vake pasinei nokuti aiziva kuti vaikanganisa. Uye akavapa zvose zvavaida pakunamata, zvinhu zvokurarama nazvo, uye akavada.
Muupenyu tose tinombofara uye tinombosuwa zvokuti pane dzimwe nguva tinonzwa tashungurudzika mupfungwa, kunyange kutoora mwoyo. Tinoda kuti mumwe munhu atibatsire kunzwisisa mamiriro edu ezvinhu nezvinetso zvedu. Ndiani anogona kutibatsira? Achishandisa Shoko rake Bhaibheri, Jehovha anova Mupi weZano noMutarisiri ane rudo. Bhuku iroro Dzvene rinotsanangura kuti nei tiri kutambura chaizvo uye kuti tingagona sei kurarama pasinei nokutambura uku. Sezvinoita baba vane rudo vanobatsira mwanakomana wavo anenge awira pasi obva akuvara, Jehovha norudo rwake rukuru anoita seanokotama kuti aenzane nesu otibatsira. Chokwadi, Jehovha anoda uye anokwanisa kubatsira vaya vanotenda maari.—Isaya 59:1.
Zvinoratidza kuti Mwari anotida zvinoonekawo pakuti “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Zvinodaro sei? Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kana ukanyengetera kuna Mwari nomwoyo wose wobvuma kutungamirirwa neShoko rake, iwewo unogona kuwana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”
“Mwari Wezivo”
Jehovha Mwari anorondedzerwa muBhaibheri se“ane zivo yakakwana.” Zvaari “Mwari wezivo,” anonzwisisa vanhu nezvatinoda kupfuura munhu upi zvake. (Jobho 36:4; 1 Samueri 2:3) Achishandisa mushumiri wake Mosesi akazivisa kuti “munhu haararami nechingwa chete, asi kuti munhu anorarama nemashoko ose omumuromo maJehovha.” (Dheuteronomio 8:3; Mateu 4:4) Saka kuti tinyatsogutsikana muupenyu, hatingodi zvinhu chete.
Musiki wedu anotitungamirira uye kutipa zano kuti tibatsirwe achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. Patinodzidza Bhaibheri uye kushandisa zano rake muupenyu hwedu, tinobatsirwa “nemashoko ose omumuromo maJehovha.” Somuenzaniso, mumwe mukadzi wechiKristu anonzi Zuzanna akataura izvi nezvoupenyu hwemhuri yake: “Muchato wedu wakasimbiswa nokuverenga Bhaibheri pamwe chete, kupinda misangano yechiKristu tose, uye kuudzawo vamwe zvatinenge tadzidza. Nokuti tinorayiridzwa naMwari, tine zvinangwa zvimwe chete uye tine ukama hwakasimba.”
Ungabatsirwa sei nezano uye nokutungamirirwa naMwari? Nokudzidza Bhaibheri nguva dzose uye kushandisa zano raro, unozviisa mumutsara wokuwana zvikomborero zvakawanda zvinobva kwaari.—VaHebheru 12:9.
‘Mwari Woruponeso’
Nyika nhasi izere nokusawirirana. Hakuna anonyatsoziva zvichaitika mangwana. Kana uchirarama munyika yasakadzwa nehondo, ungashuva rugare. Munyika dzakawanda, vanhu vanogara vachitya utsotsi nechisimba, kusagadzikana kwoupfumi hwenyika, uye ugandanga. Ndiani achatinunura pane zvose izvi? Iye zvino kupfuura kare, vanhu vava kuda kudzivirirwa uye kununurwa.
Bhaibheri rinoti, “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” (Zvirevo 18:10) Kuziva zita raMwari uye kuvimba naro kunoita kuti tifunge zvaakaita uye zvaachaita kuti anunure vaya vanotenda maari. Jehovha Mwari akaratidza zviri pachena kuti anogona kununura vanhu vake. Somuenzaniso, akanunura vaIsraeri paakaparadza ngoro dzehondo uye mauto aFarao. Jehovha akaratidza kuti ndiMwari akatendeka, Mwari asingakanganwi vanotambura uye anoda kuvabatsira.—Eksodho 15:1-4.
Remangwana rako risingagumi rinobva pakuti unotenda Jehovha Mwari soMununuri. Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare, akanga atsungirira matambudziko anoverengeka, akaratidza kutenda kwakadaro paakanyora nezvaJehovha achiti: “Muri Mwari wangu woruponeso.” (Pisarema 25:5) Muapostora Petro akataura noushingi kuti: “Naizvozvo Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—2 Petro 2:9.
Nezvomunhu anovimba kubatsirwa naye, Mwari akavimbisa kuti: “Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.” (Pisarema 91:14) Vashumiri vaMwari nhasi vakaona kuti vimbiso iyoyo ndeyechokwadi. Henryk wokuPoland akashumira Jehovha akavimbika kwemakore 70, pasinei nokutambudzika uye kutambudzirwa kunamata. Henryk paaiva nemakore 16, baba vake vakaendeswa kumusasa wevasungwa wokuAuschwitz. Henryk nomukoma wake vakaiswa mujeri revechiduku revaNazi. Zvadaro, aingogara achitamiswa kubva pamusasa wevasungwa achiendeswa kune mumwe. Henryk anoyeuka zvakaitika panguva iyoyo achitaura kuti: “Jehovha haana kumbondisiya pamatambudziko ose andakatarisana nawo. Aigara achindibatsira kuti ndirambe ndakavimbika, kunyange zvazvo ndakapotsa ndafa kanoverengeka.” Chokwadi, Jehovha anopa vashumiri vake kutenda uye simba rokuti vatsungirire.
Munguva pfupi, Mwari achanunura vose vanotenda maari uye vanovimba kuti vachanunurwa naye. Anozivisa kuti: “Ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.” (Isaya 43:11) ‘Pahondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,’ achaparadza vakaipa achivabvisa panyika uye achanunura vakarurama. (Zvakazarurwa 16:14, 16; Zvirevo 2:21, 22) Jehovha anotivimbisa kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
Kuva “Vana vaMwari”
Mumazuva omuprofita Maraki, vaIsraeri vaiti Jehovha ndiBaba vavo. Asi, kana pava pakumukudza uye pakuzvipira kwaari, vaipa zvibayiro zvechingwa chakanga chakasvibiswa uye mhuka dzaiva dzisingaoni uye dzakaremara. Ndosaka Jehovha akavabvunza kuti: “Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuri kupiko?”—Maraki 1:6.
Usakanganisawo sezvakaitwa nevaIsraeri ivavo vakanga vasina kutendeka. Naizvozvo, tinokukurudzira kuti udzidze nezvaJehovha Mwari uye uswedere pedyo naye. Mudzidzi Jakobho akakurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.
Kana Jehovha ari Baba vedu, zvinoreva kuti tinenge tiine zvatinofanira kuita. Kana ukaedza kukudza Mwari nokuchengeta mitemo yake wakavimbika, haazombokanganwi zvaunenge waedza kuita. Asi achatokubatsira kuti ufambe munzira yakarurama inoendesa kunyika itsva yakapikirwa, ‘muchange musisina rufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.’ (Zvakazarurwa 21:4) Panguva iyoyo, vanhu vose vanoteerera ‘vachasunungurwawo muuranda hwokuora vova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.’—VaRoma 8:21.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Mwari anoda kuti timuzive nezita rake rokuti Jehovha, rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Jehovha haana kumbondisiya pamatambudziko ose andakatarisana nawo.”—HENRYK
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
“Muchato wedu wakasimbiswa nokuverenga Bhaibheri pamwe chete, kupinda misangano yechiKristu tose, uye kuudzawo vamwe zvatinenge tadzidza.”—ZUZANNA