RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 23
  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Kubhabhatidzwa Kunomiririrei Uye Nei Kuchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 23
Chidzidzo 23. Mukadzi ari kubhabhatidzwa achiita zvekunyudzwa mumvura kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha.

CHIDZIDZO 23

Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Jesu akadzidzisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. (Verengai Mateu 28:19, 20.) Asi chii chinonzi kubhabhatidzwa? Munhu anofanira kuita sei kuti atore danho iroro?

1. Chii chinonzi kubhabhatidzwa?

Shoko rekuti “bhabhatidza” rinobva pashoko rechiGiriki rinoreva kuti “kunyudza” mumvura. Jesu paakabhabhatidzwa, akanyudzwa mumvura muRwizi rwaJodhani, akabva ‘abuda mumvura.’ (Mako 1:9, 10) Saka vaKristu vechokwadi vanobhabhatidzwa vachiita zvekunyudzwa muviri wese mumvura.

2. Munhu paanobhabhatidzwa anenge achiratidzei?

Kana munhu achibhabhatidzwa, anenge achiratidza kuti akazvitsaurira kuna Jehovha Mwari. Munhu anozvitsaurira sei? Asati abhabhatidzwa, munhu anonyengetera ari ega achiudza Jehovha Mwari kuti azvipira kumunamata nekusingaperi. Anovimbisa Jehovha kuti achanamata iye chete uye kuti achakoshesa kuda kwaMwari kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwake. Anosarudza ‘kuzviramba, oramba achitevera’ Jesu uye kuita zvaakadzidzisa. (Mateu 16:24) Kuzvitsaurira kwake uye kubhabhatidzwa zvinoita kuti akwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha nevamwe vaanonamata navo.

3. Munhu angaita sei kuti azokwanisa kubhabhatidzwa?

Unogona kugadzirira kubhabhatidzwa nekutanga wadzidza nezvaJehovha, wotanga kutenda maari. (Verengai VaHebheru 11:6.) Ruzivo rwako parunenge rwuchiwedzera uye kutenda kwako kuchikura, kuda kwaunoita Jehovha kunowedzerawo. Uchatanga kuva nechido chekuparidza nezvake nemitemo yake. (2 Timoti 4:2; 1 Johani 5:3) Kana munhu angotanga kurarama “zvinokodzerana nezita raJehovha,” achinyatsomufadza, anogona kusarudza kutsaurira upenyu hwake kuna Mwari obva abhabhatidzwa.—VaKorose 1:9, 10.a

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti tingadzidzei pakubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu uye kuti munhu angagadzirira sei danho iri rinokosha.

4. Tinogona kudzidza pakubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu

Verengai Mateu 3:13-17 munzwe zvakawanda nezvekubhabhatidzwa kwaJesu, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jesu akabhabhatidzwa achiri mucheche here?

  • Akabhabhatidzwa sei? Akangoita zvekumwayiwa mvura here?

Jesu akatanga basa rinokosha raakapiwa pasi pano naMwari paakabhabhatidzwa. Verengai Ruka 3:21-23 uye Johani 6:38, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jesu paakabhabhatidzwa, ibasa ripi raakatanga kuisa pekutanga muupenyu hwake?

5. Kubhabhatidzwa idanho rinokwanisika

Vamwe pavanonzwa mashoko ekuti kuzvitsaurira nekubhabhatidzwa vanobva vatya zvisingaite. Asi unogona kusvika pakuva nechivimbo chekuti unokwanisa kutora danho iroro rinokosha. Kuti tione vamwe vanhu vakaita izvozvo, ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Kuva Neushamwari naJehovha (1:11)

Verengai Johani 17:3 uye Jakobho 1:5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Munhu angaite sei kuti agadzirire kubhabhatidzwa?

A. Mukadzi ari kunyengetera achizvitsaurira kuna Jehovha. B. Mukadzi uya ava kubhabhatidzwa achiita zvekunyudzwa mumvura kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha.
  1. Kuzvitsaurira kuudza Jehovha kuti tazvipira kumunamata nekusingaperi

  2. Patinobhabhatidzwa, tinenge tichiratidza vamwe varipo kuti takazvitsaurira kuna Mwari

6. Kubhabhatidzwa kunoita kuti uve mumhuri yaJehovha

Patinobhabhatidzwa tinenge tava mumhuri iri pasi rese ine vanhu vakabatana. Tinotenda zvinhu zvakafanana uye tinotevedzera mitemo yekuzvibata yakafanana, pasinei nekuti tinogara kupi kana kuti tinobva kupi. Verengai Pisarema 25:14 uye 1 Petro 2:17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Kana munhu abhabhatidzwa anenge ava neushamwari hwakaita sei naJehovha uye nevamwe vaanonamata navo?

Mifananidzo: Hanzvadzi yakabhabhatidzwa iri kufara painofunga nezveshamwari dzakanaka dzainadzo muungano. 1. Iri kuudzawo hanzvadzi yechikuru zviri kuinetsa. 2. Yava kubatsira hanzvadzi iya yakura kufamba. 3. Ari kutandara neshamwari dzemazera akasiyana-siyana vachidya. 4. Iye neimwe hanzvadzi vari kuparidzira mumwe murume. 5. Ari kuzvitora pikicha aine hanzvadzi mbiri dzemarudzi akasiyana.

VAMWE VANOTI: “Handisati ndava kukwanisa kubhabhatidzwa.”

  • Kana ariwo maonero aunoita, unofunga kuti zvinokosha here kuti uronge kuzobhabhatidzwa?

PFUPISO

Jesu akadzidzisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. Kuti munhu akwanise kutora danho iroro, anofanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jehovha, kurarama maererano nemitemo yake yekuzvibata, uye kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.

Kudzokorora

  • Chii chinonzi kubhabhatidzwa, uye nei kuchikosha?

  • Kuzvitsaurira kunobatana papi nekubhabhatidzwa?

  • Matanho api anofanira kutorwa nemunhu kuti azozvitsaurira uye azobhabhatidzwa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe zvinonyatsorehwa nekubhabhatidzwa uye zvakusingarevi.

“Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona zvingaitwa nemunhu kuti azokwanisa kubhabhatidzwa.

“Kuda Jehovha Kunoita Kuti Ubhabhatidzwe” (Nharireyomurindi, March 2020)

Verenga uone kuti chii chakaita kuti mumwe murume ade kubhabhatidzwa.

“Vaida Kuti Ndizvionere Ndoga Zvinodzidziswa neBhaibheri” (Nharireyomurindi, February 1, 2013)

Ongorora zvimwe zvikonzero zvinoratidza kuti kubhabhatidzwa kunokosha uye kuti ungagadzirire sei kuti utore danho racho.

“Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?” (Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chitsauko 37)

a Kana munhu akambobhabhatidzwa kune imwe chechi, anofanira kubhabhatidzwa zvakare. Nei zvakadaro? Nekuti chechi iyoyo yakanga isingadzidzise chokwadi chiri muBhaibheri.—Ona Mabasa 19:1-5 uye Chidzidzo 13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe