RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 17
  • Jesu Munhu Akaita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Munhu Akaita Sei?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Jesu Ndiani?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • ‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 17
Chidzidzo 17. Jesu achiporesa mumwe murume.

CHIDZIDZO 17

Jesu Munhu Akaita Sei?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Patinodzidza zvinhu zvakaitwa naJesu uye zvaakataura paaiva pasi pano, pane zvatinodzidza zvinotiswededza pedyo naye uye naBaba vake Jehovha. Ndezvipi zvinhu zvakanaka uye zvinofadza zvatinodzidza nezvaJesu? Tingamutevedzera sei muupenyu hwedu?

1. Jesu akafanana papi naBaba vake?

Paaiva kudenga, Jesu aiona zvaiitwa naBaba vake vane rudo uye aidzidza kwavari kwemabhiriyoni emakore. Izvi zvakaita kuti ave nemafungiro uye maitiro akangofanana neaBaba vake. (Verengai Johani 5:19.) Jesu anonyatsotiratidza zvakaita Baba vake chaizvo zvekuti iye pachake akatomboti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Paunenge uchidzidza nezvaJesu, uchasvikawo pakunyatsoziva Jehovha. Mabatiro aiita Jesu vanhu netsitsi anoratidza kuti Jehovha anonzwawo sei nezvako iwe.

2. Jesu akaratidza sei kuti anoda Jehovha?

Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite.” (Johani 14:31) Paaiva panyika, Jesu akanyatsoratidza kuti aida Baba vake nekuvateerera kwaaiita kunyange pazvakanga zvakaoma. Jesu aifarira kutaura nezvaBaba vake uye aidawo kubatsira vamwe kuti vave neushamwari naBaba vake.—Johani 14:23.

3. Jesu akaratidza sei kuti anoda vanhu?

Bhaibheri rinotaura kuti Jesu “aifarira kwazvo vanakomana vevanhu.” (Zvirevo 8:31) Akaratidza rudo irworwo nekukurudzira kwaaiita vanhu uye kuvabatsira nemwoyo wese. Zvishamiso zvaakaita zvairatidza kuti ane simba uye ainzwira vanhu tsitsi. (Mako 1:40-42) Aibata vanhu zvakanaka uye ainge asingasaruri. Mashoko ake ainyaradza vanhu vanoda chokwadi uye aivapa tariro. Jesu akazvipira kutambura uye kufa nekuti anoda vanhu, kunyanya vaya vanoteerera zvaakadzidzisa.—Verengai Johani 15:13, 14.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvakawanda nezvekuti Jesu aiva munhu akaita sei. Dzidzawo kuti ungamutevedzera sei pakuva nerudo uye pakupawo vamwe zvauinazvo.

4. Jesu anoda Baba vake

Zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisa maratidziro atingaita kuti tinoda Mwari. Verengai Ruka 6:12 uye Johani 15:10; 17:26. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda Jehovha?

Jesu achinyengetera.

Jesu aida Baba vake vekudenga uye aigara achinyengetera kwavari

5. Jesu anonzwira tsitsi vanhu vanoda kubatsirwa

Jesu aitanga kufunga zvakanakira vamwe asati afunga nezvake iye. Kunyange paainge aneta, aishandisa nguva yake uye simba rake kuti abatsire vamwe. Verengai Mako 6:30-44, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Munyaya iyi, Jesu akaratidza sei kuti anonzwira vamwe tsitsi?—Ona vhesi 31, 34, 41, ne42.

  • Chii chakaita kuti Jesu ade kubatsira vanhu?—Ona vhesi 34.

  • Sezvo Jesu achitiratidza zvakaita Jehovha, zvese zvaakaita izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha?

  • Tingatevedzera sei Jesu pakunzwira vamwe tsitsi?

Jesu anoita chishamiso chekuti zvingwa 5 nehove mbiri zviwande kuti zvikwane zviuru zvevanhu. Anotambidza vadzidzi vake kuti vape varume, vakadzi uye vana.

6. Jesu anofarira kupa

Jesu akanga asinganyimi kunyange zvazvo ainge asina zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo, uye akatikurudzira kuti nesuwo tipe vamwe zvatiinazvo. Verengai Mabasa 20:35, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jesu akati tinofanira kuita sei kuti tifare?

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: “Kupa Kune Mufaro Kupfuura Kugamuchira”—Chidimbu (4:00)

  • Tingaita sei kuti tive vanhu vanopa kunyange tisina zvakawanda zvekurarama nazvo?

Waizviziva here?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinyengetere muzita raJesu. (Verengai Johani 16:23, 24.) Patinonyengetera nenzira iyoyo tinenge tichiratidza kuti tinoziva zvakaitwa naJesu kuti atibatsire kuva shamwari dzaJehovha.

VAMWE VANOTI: “Mwari haarwadziwe nekutambura kwatinoita.”

  • Sezvo Jesu achitiratidza zvakaita Jehovha, zvaakaita zvinoratidza sei kuti Jehovha anorwadziwa kana tichitambura?

PFUPISO

Jesu anoda Jehovha uye vanhu. Sezvo Jesu akafanana naBaba vake, paunenge uchidzidza nezvake uchasvikawo pakunyatsoziva Jehovha.

Kudzokorora

  • Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda Jehovha?

  • Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda vamwe?

  • Chii chaunonyanya kufarira pana Jesu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga kuti tingaita sei kuti tikwanise kutevedzera Jesu.

“Kuti Ukwanise Kutevedzera Jesu Unofanira . . .” (Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, peji 317)

Verenga uone kuti nei tichifanira kunyengetera muzita raJesu.

“Nei Tichifanira Kunyengetera Muzita raJesu?” (Nharireyomurindi, February 1, 2008)

Bhaibheri rinotaura here kuti Jesu aive nechimiro chakaita sei?

“Jesu Aitaridzika Sei?” (Nyaya iri paIndaneti)

Tinodzidzei pamabatiro aiita Jesu vanhukadzi?

“Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza” (Nharireyomurindi, September 1, 2012)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe