RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 16
  • Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tinodzidzei Pazvishamiso zvaJesu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Jesu Ndiani?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Jesu Munhu Akaita Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 16
Chidzidzo 16. Jesu ari kudzidzisa varume, nevakadzi, nevana vakagara pachikomo.

CHIDZIDZO 16

Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Vanhu vakawanda pavanofunga nezvaJesu, mupfungwa dzavo vanoona kamwana kacheche, muprofita akachenjera, kana kuti murume ari kufa. Asi tinogona kudzidza zvakawanda nezvake kana tikaongorora zvaakaita paaiva panyika. Muchidzidzo chino tichaongorora zvinhu zvinokosha zvakaitwa naJesu uye kuti zvingakubatsira sei.

1. Jesu ainyanya kuita basa rei?

Basa guru raiitwa naJesu “kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” (Verengai Ruka 4:43.) Akaparidza mashoko akanaka ekuti Mwari aizogadza umambo, kana kuti hurumende yaizogadzirisa matambudziko ese evanhu.a Jesu akashingaira pabasa iri rekuparidza mashoko akanaka kwemakore matatu nehafu.—Mateu 9:35.

2. Jesu aiitirei zvishamiso?

Bhaibheri rinotsanangura “mabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa naMwari” achishandisa Jesu. (Mabasa 2:22) Achishandisa simba raMwari, Jesu akakwanisa kudzora mamiriro ekunze, kupa zviuru zvevanhu zvekudya, kuporesa vairwara, kunyange kutomutsa vakafa. (Mateu 8:23-27; 14:15-21; Mako 6:56; Ruka 7:11-17) Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvakanyatsoratidza kuti ainge atumwa naMwari. Zvakaratidzawo kuti Jehovha ane simba rekugadzirisa matambudziko edu ese.

3. Tinodzidzei pamararamiro aiita Jesu?

Jesu aiteerera Jehovha mumamiriro ese ezvinhu. (Verengai Johani 8:29.) Pasinei nekupikiswa, Jesu akaramba akatendeka, achiita zvaaiudzwa naBaba vake kusvikira pakufa kwake. Akaratidza kuti vanhu vanogona kushumira Mwari kunyange pavanenge vakaomerwa. Saka akatisiyira ‘muenzaniso kuti tifambe tichitevera maakatsika namo.’—1 Petro 2:21.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza nezvemaparidziro aiita Jesu mashoko akanaka uye zvishamiso zvaakaita.

4. Jesu aiparidza mashoko akanaka

Jesu akafamba mazana emakiromita mumigwagwa yaiva neguruva, achiparidza mashoko akanaka kuvanhu vese vaaikwanisa kutaura navo. Verengai Ruka 8:1, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jesu aingoparidzira vanhu vainge vaungana vachida kumuteerera here?

  • Jesu aishanda zvakadii kuti awane vanhu vekuparidzira?

Mwari akagara ataura kuti Mesiya aizoparidza mashoko akanaka. Verengai Isaya 61:1, 2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jesu akazadzisa sei uprofita uhwu?

  • Unofunga kuti zvinokosha kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka here?

Jesu ari kufamba achipinda mune mumwe musha kuti aparidzire vanhu vemo.

5. Jesu akadzidzisa zvidzidzo zvinokosha

Jesu haana kungogumira pakuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari chete, asi akadzidzisawo vanhu zvidzidzo zvinoshanda muupenyu. Chimbonzwa zvimwe zvaakadzidzisa mumharidzo yake ine mbiri inonzi Mharidzo Yepagomo. Verengai Mateu 6:14, 34 uye 7:12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Zvidzidzo zvipi zvakapiwa naJesu mumavhesi aya zvinoshanda muupenyu?

  • Unofunga kuti zvaakadzidzisa zvichiri kushanda here?

Jesu ari kupa Mharidzo Yepagomo kuboka revarume, vakadzi nevana.

6. Jesu akaita zvishamiso

Jehovha akapa Jesu simba rekuita zvishamiso zvakawanda. Kuti tione chimwe chishamiso chaakaita, ngativerengei Mako 5:25-34 kana kuti ngationei VHIDHIYO tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Mukadzi Airwara Anorapwa (5:10)

  • Mukadzi airwara aiva nechokwadi chekutii?

  • Wanyanya kufarira chii pachishamiso ichi?

Verengai Johani 5:36, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zvishamiso zvakaitwa naJesu ‘zvaipupurirei’ kana kuti zvairatidzei nezvake?

Jesu akapfugama achitaura nemukadzi waari kubva kuporesa pachirwere chekubuda ropa.

Waizviziva here?

Zvinhu zvakawanda zvatinoziva nezvaJesu zvakanyorwa mumabhuku mana eBhaibheri anowanzoshevedzwa kuti mabhuku eEvhangeri anoti: Mateu, Mako, Ruka, naJohani. Mumwe nemumwe wevanyori vemabhuku aya ane zvaakanyora nezvaJesu zvisina kunyorwa nevamwe. Patinobatanidza zvese zvavakanyora tinosvika pakunyatsonzwisisa upenyu hwaJesu.

  • MATEU

    ndiye akatanga kunyora bhuku rekutanga reEvhangeri. Rinosimbisa nyaya yekudzidzisa kwaiita Jesu, kunyanya zvaaidzidzisa nezveUmambo hwaMwari.

  • MAKO

    ndiye akanyora bhuku reEvhangeri pfupi pane ese. Rakazara nenyaya dzezvishamiso zvaiitwa naJesu.

  • RUKA

    akanyanya kutaura nezveminyengetero uye mabatiro aiita Jesu vanhukadzi.

  • JOHANI

    akanyora mashoko aitaurwa naJesu paaikurukura neshamwari dzake dzepedyo uye nevamwewo vanhu. Izvi zvinotibatsira kuona kuti Jesu aiva munhu akaita sei.

VAMWE VANOTI: “Hapana chaishamisa pana Jesu; aingovawo munhu akanaka.”

  • Ko iwe unoti kudii?

PFUPISO

Jesu akaparidza nezveUmambo hwaMwari, akaita zvishamiso uye aiteerera Jehovha mumamiriro ese ezvinhu.

Kudzokorora

  • Jesu ainyanya kuita basa rei paaiva panyika?

  • Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvairatidzei nezvake?

  • Jesu akadzidzisa zvidzidzo zvipi zvinoshanda muupenyu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Jesu ainyanya kutaura nezvei?

“Umambo hwaMwari—Kukosha Kwahunoita Kuna Jesu” (Nharireyomurindi, October 1, 2014)

Verenga unzwe kuti nei tiine chokwadi chekuti zvishamiso zvaJesu zvakanyatsoitika zvechokwadi.

“Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?” (Nharireyomurindi, July 15, 2004)

Verenga unzwe kuti kuzvipira kwaiita Jesu kwakabatsira sei mumwe murume kuti achinje upenyu hwake.

“Ndairarama Ndichingozvifunga Ini Pachangu” (Nharireyomurindi, October 1, 2014)

Ona zvinhu zvinokosha zvakaitwa naJesu muushumiri hwake zvakarongwa zvichitevedzana maererano nenguva yazvakaitika.

“Upenyu hwaJesu Panyika” (Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva, Mashoko Ekuwedzera A7)

a Zvidzidzo 31-33 zvichataura zvakawanda nezveUmambo hwaMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe