RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 26
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 26
Chidzidzo 26. Vabereki vari kuratidza kunetseka vakagara pedyo nemwanakomana wavo ari muchipatara.

CHIDZIDZO 26

Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Mubvunzo wekuti “Seiko?” wagara uchibvunzwa nevanhu kana paitika zvakaipa. Zvinofadza kuti Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo zvinotisiya tagutsikana.

1. Uipi hwakatanga sei panyika?

Satani Dhiyabhorosi akapandukira Mwari. Satani aida kutonga vamwe saka akafurira vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha, kuti vabatane naye pakupandukira Mwari. Kuti aite izvi, Satani akaudza Evha mashoko enhema. (Genesisi 3:1-5) Akaita kuti Evha afunge kuti Jehovha aimunyima chimwe chinhu chakanaka. Mashoko ake aipa pfungwa yekuti vanhu vanofara kana vakasateerera Mwari. Satani akataura nhema dzekutanga paakaudza Evha kuti akanga asingazofi. Ndosaka Bhaibheri richiti Satani “murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44.

2. Adhamu naEvha vakasarudza zvipi?

Jehovha akanga apa Adhamu naEvha zvese zvavaida. Akavaudza kuti vaigona kudya chero muti wavada muEdheni, kunze kwemuti mumwe chete. (Genesisi 2:15-17) Asi vakasarudza zvavo kudya muchero wemuti iwoyo wavakarambidzwa. Evha “akatemha muchero wawo akatanga kuudya.” Pava paya, Adhamuwo “akatanga kuudya.” (Genesisi 3:6) Vese havana kuteerera Mwari. Kuita zvakanaka kwakanga kusina kuomera Adhamu naEvha nekuti vakanga vakasiyana nesu tinozvarwa tiine chivi. Saka pavakatadza vachiziva zvavo, vaitoramba kutongwa naJehovha. Zvavakasarudza kuita izvozvo zvakavaunzira nhamo nematambudziko.—Genesisi 3:16-19.

3. Zvakaitwa naAdhamu naEvha zvakatikanganisa sei?

Kutadza kwakaita Adhamu naEvha kwakaita kuti vave nechivi, saka vana vavakazobereka vaivawo nechivi. Bhaibheri rinotaura nezvaAdhamu richiti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese.”—VaRoma 5:12.

Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti titambure. Dzimwe nguva tinozviunzira tega matambudziko nezvatinenge taita. Dzimwe nguva tinotambura pamusana pezvinoitwa nevamwe vanhu. Dzimwe nguvawo, tinotambura nekuti zvinhu zvakaipa zvinogona kungoitika tiri panzvimbo yazvaitikira.—Verengai Muparidzi 9:11.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti nei tichiti Mwari haasi iye anokonzera zvinhu zvakaipa nematambudziko ari munyika uye kuti anonzwa sei kana tichitambura.

4. Ndiani anokonzera kutambura?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari ndiye ari kutonga nyika yese. Ichokwadi here ichocho? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese? (1:24)

Verengai Jakobho 1:13 uye 1 Johani 5:19, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Mwari ndiye anokonzera zvakaipa zviri kuitika uye kutambura kwevanhu here?

5. Ongorora zvakakonzerwa neutongi hwaSatani

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Nei Mwari Achibvumira Kutambura?—Chidimbu (3:07)

Verengai Genesisi 3:1-6, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Satani akataura nhema dzekuti chii?—Ona vhesi 4 ne5.

  • Satani akapomera sei Jehovha kuti ane zvakanaka zvaainyima vanhu?

  • Satani anoti ndezvipi zvinoita kuti tifare, kutungamirirwa naMwari kana kuti kuzvitungamirira tega?

Verengai Muparidzi 8:9, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Vanhu vari kutongana sei pavasiri kutungamirirwa naJehovha?

Mifananidzo: Mifananidzo iri kuratidza zviri kuitika panyika kubva payakasikwa uye zvichange zvakaita Paradhiso. A. Paradhiso yakanaka uye yakasvibirira. B. Utongi hwevanhu kwemakore nemakore hwakonzera kuti panyika pazare machechi enhema, kuvengana, hondo, uye kusvibiswa kwenyika. Dzimwe hurumende dzine simba dziri kuratidzwa pamufananidzo uye dzinosanganisira Egypt, China, Greece, Rome, Great Britain, uye United States. C. Vanhu vari kurarama munyika inenge yava Paradhiso.
  1. Adhamu naEvha vakanga vasina chivi uye vaigara muParadhiso. Asi vakateerera Satani ndokupandukira Jehovha

  2. Pavakapanduka, nyika yakabva yava nechivi, kutambura, uye rufu

  3. Jehovha achabvisa chivi, kutambura, uye rufu. Vanhu vachavazve sezvavaiva pakutanga uye vachararama muParadhiso

6. Jehovha anorwadziwa patinotambura

Mwari anonzwa sei kana tichitambura? Inzwa zvakataurwa naMambo Dhavhidhi nemuapostora Petro. Verengai Pisarema 31: 7 uye 1 Petro 5:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Unonzwa sei nezvaJehovha iye zvino pawava kuziva kuti, paunotambura, Jehovha anozviona uye zvinotomurwadza?

7. Mwari achapedza kutambura kwese kwevanhu

Verengai Isaya 65:17 uye Zvakazarurwa 21:3, 4, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zvinonyaradza zvakadini kuziva kuti Jehovha achagadzirisa zvese zvakaipa zviri kuitika kuvanhu?

Waizviziva here?

Satani paakataura nhema dzekutanga, aisvibisa zita raJehovha. Izvi zvinoreva kuti aiita kuti Jehovha aonekwe semutongi akaipa, asina rudo. Jehovha paachabvisa kutambura kwevanhu achange achenesa zita rake. Acharatidza kuti ndiye chete anotonga zvakanyatsonakira vanhu. Kurevererwa kana kuti kucheneswa kwezita raJehovha inyaya inokosha zvikuru pasi nekudenga.—Mateu 6:9, 10.

VAMWE VANOTI: “Mwari akagara aronga kuti tizotambura.”

  • Ukanzwa munhu achidaro ungamupindura sei?

PFUPISO

Satani Dhiyabhorosi nevanhu vaviri vekutanga ndivo honzeri huru dzezvinhu zvakaipa zviri panyika. Jehovha anorwadziwa nekutambura kwedu uye ava pedyo kukupedza.

Kudzokorora

  • Satani akaudza Evha nhema dzekuti chii?

  • Kupanduka kwaAdhamu naEvha kwakatikanganisa sei?

  • Tinoziva sei kuti Jehovha anorwadziwa kana tichitambura?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza kuti Bhaibheri rinoti chii chinonzi chivi.

“Chii Chinonzi Chivi?” (Nyaya iri paIndaneti)

Verenga zvimwe zvinotaurwa nezvenyaya yakamutswa naSatani Dhiyabhorosi muEdheni.

“Nei Mwari Achibvumira Kutambura?” (Nharireyomurindi, January 1, 2014)

Ongorora mhinduro dzinonyaradza dzemubvunzo wakaoma.

“Sei vaJudha Vakaurayiwa nevaNazi? Sei Mwari Asina Kupindira?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona zvakadzidzwa nemumwe murume nezvekutambura kwaakakura achiona.

Handisisiri Kusurukirwa (5:09)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe