RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be pp. 39-42
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ongorora, Sarudza, uye Ronga
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be pp. 39-42

Kugadzira Pepa Rehurukuro

KANA vanzi vazopa hurukuro, vakawanda vanotamburira kuinyora yose, vachitanga nesumo kusvikira kumagumo. Hurukuro yacho isati yapera, mapepa akawanda angave anyorwa. Izvi zvingatora maawa akawanda.

Ndiwo magadziriro aunoita hurukuro dzako here? Ungada kudzidza mutoo uri nyore here? Kana ukadzidza kugadzirira pepa rehurukuro, hauzofaniri hako kunyora zvose. Izvi zvichakupa nguva yakawanda yokugadzirira kuikurukura. Hurukuro dzako hadzizongovi nyore kukurukura asi dzinonakidza kuteerera uye dzinomutsa zvikuru vateereri vako.

Chokwadi, kana dziri hurukuro dzavose dzinopiwa muungano, unopiwa pepa rehurukuro. Zvisinei, hazvina kudaro nedzimwe hurukuro zhinji. Ungangopiwa mashoko kana kuti musoro chete. Kana kuti ungakumbirwa kukurukura mashoko akananga akadhindwa. Dzimwe nguva ungangopiwa mirayiridzo mishomanana chete. Pahurukuro dzose dzakadaro, unofanira kuzvigadzirira pepa rehurukuro rako pachako.

Bhokisi riri papeji 41

Muenzaniso uri papeji 41 uchakupa pfungwa yokuti pepa rehurukuro pfupi ringarongwa sei. Ona kuti pfungwa huru imwe neimwe inotangira kumucheto wokuruboshwe uye yakanyorwa nemabhii makuru. Pasi pepfungwa huru imwe neimwe pakarongwa pfungwa dzinoitsigira. Mamwe mashoko okuwedzera achashandiswa pakukurukura pfungwa idzodzo akarongwa pasi padzo uye ari mukati zvishoma kubva kumucheto wokuruboshwe. Nyatsoongorora pepa rehurukuro iri. Ona kuti pfungwa huru mbiri dzinopindirana zvakajeka nomusoro mukuru. Cherechedzawo kuti, pfungwa duku hadzisi zvinhuwo zvinongonakidza. Asi imwe neimwe inotsigira pfungwa huru iri pamusoro payo.

Paunogadzira pepa rehurukuro, ringasaratidzika chaizvoizvo sezvakaita iri rokuenzanisira. Asi kana ukanzwisisa zvinodiwa, izvi zvichakubatsira kuronga mashoko ako ndokugadzirira hurukuro yakanaka munguva yakawanda zvakafanira. Unofanira kutanga sei?

Ongorora, Sarudza, uye Ronga

Unoda musoro mukuru. Musoro mukuru hausi nyayawo zvayo yakakura yakadai seingamirirwa neshoko rimwe. Ndiyo pfungwa huru yaunoda kukurukura nezvayo, uye inoratidza paunoda kutangira kukurukura nyaya yako. Kana wakapiwa musoro mukuru, nyatsoongorora shoko guru rimwe nerimwe. Kana uchizokurukura musoro mukuru wawakapiwa kubva pamashoko akadhindwa, dzidza mashoko iwayo uchifunga nezvomusoro mukuru wacho. Kana wakangopiwa mashoko chete, zvinenge zviri kwauri kuti usarudze musoro mukuru. Zvisinei, usati wadaro, ungazviwana zvichibatsira kumbotsvakurudza mamwe mashoko. Kana pfungwa dzako dzikaramba dzichida kugamuchira zvitsva, kazhinji uchawana pfungwa itsva.

Sezvaunoita matanho aya, ramba uchizvibvunza kuti: ‘Nei mashoko aya achikosha kuvateereri vangu? Chinangwa changu ndechei?’ Hachifaniri kungova chokukurukura mashoko kana kuti kupa hurukuro inonakidza, asi kuita chimwe chinhu chinobatsira vateereri vako. Kana chinangwa chako chajeka, chinyore. Ramba uchizviyeuchidza nezvacho sezvaunogadzirira.

Kana wasarudza chinangwa chako uye wasarudza musoro mukuru unopindirana nacho (kana kuti waongorora kuti musoro wako wawakapiwa unokodzerana sei nechinangwa ichocho), zvino ungachitsvakurudza une kwawakananga. Tsvaka mashoko achanyatsobatsira vateereri vako. Usangogutsikane nemashokowo zvawo, asi tsvaka pfungwa dzakananga dzinodzidzisa uye dzinobatsira zvechokwadi. Tsvaka mashoko akawanda zvakakodzera. Kazhinji nokukurumidza uchava nemashoko akawanda kupfuura aungashandisa, saka uchafanira kusarudza.

Sarudza pfungwa huru dzaunoda kutaura kuti ukurukure hurukuro yako wopedza chinangwa chako. Idzi dzichava musimboti wako, pepa rako rehurukuro. Rinofanira kuva nepfungwa huru ngani? Zvimwe mbiri dzakakwana pahurukuro pfupi, uye kazhinji shanu dzakatoringana pahurukuro yeawa. Kana pfungwa huru dziri shoma, zvichawedzera mukana wokuti vateereri vako vadziyeuke.

Kana wava nomusoro wako mukuru uye pfungwa huru mumusoro, ronga mashoko ako awatsvakurudza. Sarudza kuti ndeapi ane chokuita zvakananga nomusoro wako mukuru. Sarudza mashoko achaita kuti hurukuro yacho ive yako pachako. Paunosarudza magwaro okutsigira pfungwa huru, tarisa pfungwa dzichakubatsira kutsanangura magwaro iwayo nenzira inonzwisisika. Isa chinhu chimwe nechimwe pasi pepachinofanira kuva. Kana mamwe emashoko asingakodzeri ipi neipi yepfungwa dzako huru, arase—kunyange kana achinakidza kwazvo—kana kuti aise mufaira kuti uzoashandisa pane imwe nguva. Chengeta mashoko akanyatsokodzera chete. Kana ukaedza kukurukura zvakawandisa, uchafanira kutaura uchikurumidza uye hurukuro yako haizonyatsobatsiri. Zviri nani kupa pfungwa shomanana dzinobatsira chaizvoizvo vateereri uye kunyatsoita izvozvo. Rega kupfuudza nguva.

Panguva ino kana wanga usati watodaro, ronga mashoko ako achitevedzana zvinonzwisisika. Munyori weEvhangeri Ruka akadaro. Pashure pokunge aunganidza mashoko akawanda pamusoro pezvenhau yake, akaaronga a“chitevedzana nenzira inonzwisisika.” (Ruka 1:3) Ungagona kuronga mashoko ako sokutevedzana kwawo kana kuti nemisoro yacho, zvimwe, uchitanga nezvinokonzera wotevera nezvinozoitika, kana kuti chinetso nokupedzwa kwacho, maererano nokuti ndezvipi zvinonyatsoshanda kuti uite chinangwa chako. Hapafaniri kungova nokuchinja kwakamwe kamwe kubva kune imwe pfungwa uchienda kune imwe. Vateereri vako vanofanira kutungamirirwa zviri nyore kubva pane imwe pfungwa kuenda kune imwe, pasina kukamukana kusingagoni kunyatsobatanidzwa. Uchapupu hunopiwa hunofanira kuisira pachena vateereri zvinozoitika. Sezvaunoronga pfungwa dzako, funga kunzwika kuchaita kukurukura kwacho kuvateereri vako. Vachakurumidza kunzwisisa mafungiro auri kuita here? Vachakurudzirwa kuita chimwe chinhu pane zvavari kunzwa, maererano nechinangwa chaunacho mupfungwa here?

Izvi zvapera, gadzirira sumo inonakidza inoita kuti vateereri vave nechido nenhau yako uye inoratidza vateereri vako kuti zvauchataura zvinokosha chaizvoizvo kwavari. Zvingabatsira kunyora mitsetse yako mishoma yokutanga. Pakupedzisira, ronga mhedziso inokurudzira inoenderana nechinangwa chako.

Kana ukakurumidza kugadzirira hurukuro yako, uchava nenguva yokuinatsiridza usati wapa hurukuro yacho. Ungawana zvichidikanwa kutsigira dzimwe pfungwa nezvakaitika chaizvoizvo, mufananidzo, kana kuti nyaya yakaitika. Kushandisa chimwe chiitiko chichangobva kuitika kana kuti chimwe chinhu chomunzvimbo iyoyo chinofarirwa kungabatsira vateereri vako kunyatsoona kushanda kwemashoko acho. Sezvaunodzokorora hurukuro yako, ungaona mimwe mikana yokunyatsoita kuti mashoko acho akodzere vateereri vako. Chiito chokuongorora nokunatsiridza chinokosha pakuumba mashoko akanaka kuva hurukuro inobatsira.

Vamwe vakurukuri vangada mashoko akawanda kupfuura zvinoita vamwe. Asi kana ukaronga mashoko ako pasi pepfungwa huru shomanana, wobvisa zvisinganyatsodzitsigiri, woisa pfungwa dzako nokutevedzana kwakarongeka, uchawana kuti noruzivo rushoma, unenge usingachafaniri kunyora zvose. Izvozvo zvingakuchengetera nguva sei! Uye kunaka kwehurukuro dzako kuchavandudzika. Zvichava pachena kuti uri kubatsirwa zvechokwadi nedzidzo yako yeChikoro chaMwari Choushumiri.

MAGADZIRIRWO EPEPA REHURUKURO

  • Ziva kuti nei nhau yako ichikosha kuvateereri vako uye chiri chinangwa chako

  • Sarudza musoro mukuru, kana wakatopiwa, uongorore

  • Tsvaka mashoko anodzidzisa uye anobatsira

  • Sarudza pfungwa dzako huru

  • Ronga mashoko; chengeta akanakisisa chete

  • Gadzirira sumo inonakidza uye inoita kuti vateereri vave nechido

  • Ronga mashoko okupedzisira anokurudzira

  • Dzokorora hurukuro yako; inatsiridze

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe