Chokwadi Pamusoro Pemweya Chinokosha
“Muchaziva zvokwadi nezvokwadi ichakusunungurai.”—JOHANE 8:32.
ZVITENDERO pamusoro porufu uye Upenyu pashure porufu mugumisiro zvikurukuru noruzivo rwomunhu rworudzidziso netsika. Sezvataona, zvinobva pakutenda kuti mweya unosvika vavariro yawo yokupedzisira pashure bedzi pokuberekwazve kanoverengeka kusvika kupfungwa yokuti upenyu humwe hunosarudza nguva yemberi yokupedzisira yomunhu. Somugumisiro mumwe munhu anganzwa ane chivimbo chokubatana nechokwadi chikuru paanofa, mumwe chokuwana Nirvana, bva mumwe chokuwana mubayiro wokudenga. Chokwadi, zvino, ndechipi? Sezvo zvitendero zvedu zvichitapura mirangariro yedu, zviito, uye zvisarudzo, hatifaniri here kuitira hanya kuwana mhinduro yomubvunzo iwoyo?
2 Bhuku rekaresa riri munyika, Bhaibheri, rinoronda nhau yomunhu kudzokera shure kukusikwa kwemweya womunhu wokutanga. Dzidziso dzaro hadzina uzivi nemagamuchidzanwa evanhu. Bhaibheri rinotaura zvakajeka chokwadi pamusoro pemweya: Mweya wako ndiwe, vakafa havako chose chose, uye avo vanoyeukwa naMwari vachamutswa munguva yake yakafanira. Kuziva izvi kunogona kurevei nokuda kwako?
3 “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai,” akadaro Jesu Kristu kuvateveri vake. (Johane 8:32) Hongu, chokwadi chinosunungura. Asi chokwadi pamusoro pemweya chichatisunungura pachii?
Rusununguko Pakutya Nokupera Mwoyo
4 “Vanhu vazhinjisa vanotya rufu uye vanoedza kudzivisa kurufunga,” inodaro The World Book Encyclopedia. “Shoko rokuti ‘rufu’ pacharo rinenge razova risingachadudziki kuMadokero,” anodaro mumwe wezvenhau. Uye mune dzimwe tsika mashoko okunatsa akadai sa“kuenda” uye “kupfuura” anowanzoshandiswa kurondedzera kufa kwomunhu. Uku kutya rufu chaizvoizvo kutya chatisingazivi, sezvo kuvanhu vazhinjisa rufu ruri chinhu chakavanzika. Zivo yechokwadi pamusoro pezvinoitika patinofa inoderedza kutya uku.
5 Rangarira, somuenzaniso, murangariro waMichaelyn ane makore 15 okukura. Aive neleukemia uye akatarisana norufu runorwadza. Mai vake Paula vanoyeuka kuti: “Michaelyn akati akanga asina basa nokufa nemhaka yokuti aiziva kuti rufu rwaingova rwechinguvana bedzi. Takataura zvakawanda pamusoro penyika itsva yaMwari uye vose avo vachamutsirwa mairi. Michaelyn akanga ane kutenda kunoshamisa muna Jehovha Mwari uye rumuko—hapana paakanzwa asina chokwadi.” Tariro yorumuko yakasunungura musikana muduku ane ushingi uyu pakutya rufu kukuru.
6 Chokwadi chakatapura sei vabereki vaMichaelyn? “Rufu rwomusikana wedu muduku rwakanga rwuri chinhu chinorwadza zvikurusa chati chamboitika kwatiri,” anodaro Jeff, baba vake. “Asi tinovimba zvizere nechipikirwa chaMwari chorumuko, uye tinotarira mberi kune rimwe zuva tichibata mudiwa wedu Michaelyn mumaoko edu zvakare. Kuchave kubatanidzwazve kwakadini ikoko!”
7 Hongu, chokwadi pamusoro pemweya chinosunungura munhu pakupera mwoyo kusina tariro uko kufa kwomudiwa kungauyisa. Chokwadika, hapana chinhu chinogona kubvisa marwadzo norusuruvaro chose chose zvinowanwa apo mudiwa anofa. Tariro yorumuko, zvisinei, inoderedza kuchema uye inoita kuti marwadzo ave nyore zvikuru kutsungirira.
8 Chokwadi cheMagwaro pamusoro pechimiro chevakafa chinotisunungurawo pakutya vakafa. Kubva pavakadzidza chokwadi ichi, vazhinji vakanga vakambosungwa netsika dzokudavira mashura pamusoro pevakafa havachashushikani nokutuka, zvitsinga, mazango, uye matumwa, uyewo havachaiti zvibayiro zvinodhura zvokunyaradza madzitateguru avo ndokuvadzivisa kudzoka kuzonetsa vapenyu. Zvirokwazvo, sezvo vakafa “vasina chavanoziva,” miitiro yakadaro haibetseri.—Muparidzi 9:5.
9 Chokwadi pamusoro pemweya, chinowanwa muBhaibheri, zvirokwazvo chinosunungura uye chinogona kuvimbwa nacho. Asi rangarirawo kariro inoshamisa iyo Bhaibheri rinokupa.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Nei zvichikosha kuti tinzvere zvitendero zvedu pamusoro pemweya norufu?
2, 3. (a) Nei tichigona kuvimba nezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pemweya? (b) Sezvinotaurwa muBhaibheri, chokwadi pamusoro pemweya ndechipi?
4, 5. (a) Chokwadi pamusoro pemweya chinobvisa kutya kupi? (b) Tariro yorumuko yakapa sei wechiduku airwara zvikuru ushingi?
6, 7. Chokwadi pamusoro pemweya chinotisunungura pakupera mwoyo kupi? Enzanisira.
8, 9. Chokwadi pamusoro pechimiro chevakafa chinotisunungura pakutya kupi?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
Chokwadi pamusoro pemweya chinokusunungura pakutya rufu, pakutya vakafa, pakupera mwoyo norufu rwomudiwa