RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 10 pp. 20-21
  • Miitiro Iyo Mwari Anovenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Miitiro Iyo Mwari Anovenga
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Shamwari dzaMwari Dzinodzivisa Zvakaipa
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
  • Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 10 pp. 20-21

Chidzidzo 10

Miitiro Iyo Mwari Anovenga

Unofanira kunzwa sei pamusoro pezvinhu izvo Mwari anotaura kuti zvakashata? (1)

Marudzii omufambiro wevatano asina kururama? (2)

MuKristu anofanira kurangarira sei kureva nhema? (3) kubhejera? (3) kuba? (3) masimba masimba? (4) kudavira midzimu? (5) udhakwa? (6)

Munhu anogona sei kusununguka mumiitiro yakaipa? (7)

1. Vabatiri vaMwari vanoda chiri chakanaka. Asi vanofanira kudzidzawo kuvenga chiri chakashata. (Pisarema 97:10) Ikoko kunoreva kudzivisa miitiro yakati iyo Mwari anovenga. Ndeipi iri mimwe yemiitiro iyoyo?

2. Ufeve: Vatano yavasati varoorana, upombwe, vatano nemhuka, makunakuna, uye ungochani zvose zvivi zvakakomba kuna Mwari. (Revhitiko 18:6; VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinte 6:9, 10) Kana vaviri vasina kuroorana asi vari kugara pamwe chete, vanofanira kuparadzana kana kuti zvimwe kuroorana nenzira yapamutemo.—VaHebheru 13:4.

3. Kureva Nhema, Kubhejera, Kuba: Jehovha Mwari haagoni kureva nhema. (Tito 1:2) Vanhu vanoda tendero yake vanofanira kudzivisa kureva nhema. (Zvirevo 6:16-19; VaKorose 3:9, 10) Chimiro chiri chose chokubhejera chakashatiswa nemakaro. Naizvozvo vaKristu havatori rutivi murudzi rupi norupi rwokubhejera, rwakadai samarotari, mijaho yamabhiza, uye bingo. (VaEfeso 5:3-5) Uye vaKristu havabi. Havatengi zvinhu zvakabiwa vachiziva kana kuti kutora zvinhu pasina mvumo.—Eksodho 20:15; VaEfeso 4:28.

4. Hasha, Masimba Masimba: Hasha dzisingadzorwi dzinogona kutungamirira kuzviito zvamasimba masimba. (Genesi 4:5-8) Munhu ane masimba masimba haagoni kuva shamwari yaMwari. (Pisarema 11:5; Zvirevo 22:24, 25) Hakuna kururama kutsiva kana kuti kudzorera chakaipa nechakashata icho vamwe vangatiitira.—Zvirevo 24:29; VaRoma 12:17-21.

5. Zvitsinga Zvamashiripiti Nokudavira Midzimu: Vamwe vanhu vanotsvaka simba remidzimu kuti vaedze kurapa zvirwere. Vamwe vanokanda zvitsinga pavavengi vavo kuti vavarwarise kana kuti kunyange kuvauraya. Simba riri seri kweiyi miitiro yose ndiSatani. Naizvozvo vaKristu havafaniri kuva norutivi rupi norupi rwazvo. (Dheuteronomio 18:9-13) Kugara pedyo naJehovha ndiyo dziviriro yakanakisisa pazvitsinga izvo zvingakandwa patiri navamwe.—Zvirevo 18:10.

6. Udhakwa: Hakuna kuipa kunwa waini shoma, doro, kana kuti chimwe chinwiwa chinodhakisa. (Pisarema 104:15; 1 Timotio 5:23) Asi kunwa zvikuru noudhakwa hazvina kururama mumeso aMwari. (1 VaKorinte 5:11-13; 1 Timotio 3:8) Kunyanyonwisa kunogona kuparadza utano hwako ndokudzongonyedza mhuri yako. Kunogona kukuparirawo kutera nokukurumidza zvikuru kumimwe miedzo.—Zvirevo 23:20, 21, 29-35.

7. Vanhu vanoita zvinhu izvo Mwari anoti zvakashata havasati vachizo“dy[a] nhaka youshe hwaMwari.” (VaGaratia 5:19-21) Kana uchida Mwari chaizvoizvo uye uchida kumufadza, unogona kusununguka paiyi miitiro. (1 Johane 5:3) Dzidza kuvenga icho Mwari anoti chakashata. (VaRoma 12:9) Songanirana navanhu vane tsika dzoumwari. (Zvirevo 13:20) Shamwari dzechiKristu dzakakura mumudzimu dzingabvumikisa kuva manyuko ebetsero. (Jakobho 5:14) Kupfuura zvose, vimba nebetsero yaMwari kupfurikidza nomunyengetero.—VaFiripi 4:6, 7, 13.

7. Vanhu vanoita zvinhu izvo Mwari anoti zvakashata havasati vachizo“dy[a] nhaka youshe hwaMwari.” (VaGaratia 5:19-21) Kana uchida Mwari chaizvoizvo uye uchida kumufadza, unogona kusununguka paiyi miitiro. (1 Johane 5:3) Dzidza kuvenga icho Mwari anoti chakashata. (VaRoma 12:9) Songanirana navanhu vane tsika dzoumwari. (Zvirevo 13:20) Shamwari dzechiKristu dzakakura mumudzimu dzingabvumikisa kuva manyuko ebetsero. (Jakobho 5:14) Kupfuura zvose, vimba nebetsero yaMwari kupfurikidza nomunyengetero.—VaFiripi 4:6, 7, 13.

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Mwari anovenga udhakwa, kuba, kubhejera, uye zviito zvamasimba masimba

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe