RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 9 pp. 18-19
  • Vabatiri vaMwari Vanofanira Kuva Vakachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabatiri vaMwari Vanofanira Kuva Vakachena
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoda Vanhu Vakachena
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Jehovha Anoda Vanhu Vakachena
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Tingaita Sei Kuti Tive Vanhu Vakachena Kuna Mwari?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kucheneswa Sevanhu Vemabasa Akanaka Kwazvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 9 pp. 18-19

Chidzidzo 9

Vabatiri vaMwari Vanofanira Kuva Vakachena

Neiko tichifanira kuva vakachena munzira iri yose? (1)

Kunorevei kuva vakachena mumudzimu? (2) vakachena

mutsika? (3) vakachena mundangariro? (4) vakachena mumuviri? (5)

Tinofanira kudzivisa marudzii okutaura kusina kuchena? (6)

1. Jehovha Mwari akachena uye mutsvene. Anokarira vanamati vake kuramba vakachena—mumudzimu, mutsika, mundangariro, uye mumuviri. (1 Petro 1:16) Kunoda nhamburiko chaiyoiyo kuramba takachena mumeso aMwari. Tinorarama munyika isina kuchena. Tinewo rwisano nezvimiro zvendangariro zvedu timene zvokuita zvisakarurama. Asi hatifaniri kutera.

2. Rucheno Rwomudzimu: Kana tichida kubatira Jehovha, hatigoni kupfuurira kunamatira kuipi neipi yedzidziso kana kuti tsika dzorudzidziso rwenhema. Tinofanira kubuda murudzidziso rwenhema ndokusarutsigira munzira ipi neipi. (2 VaKorinte 6:14-18; Zvakazarurwa 18:4) Tangodzidza bedzi zvokwadi pamusoro paMwari, tinofanira kuva vanongwarira kusatsauswa navanhu vanodzidzisa nhema.—2 Johane 10, 11.

3. Rucheno Rwetsika: Jehovha anoda kuti vanamati vake vaite savaKristu vechokwadi panguva dzose. (1 Petro 2:12) Anoona chinhu chiri chose chatinoita, kunyange pakavandika. (VaHebheru 4:13) Tinofanira kudzivisa unzenza hwevatano nemimwe miitiro isina kuchena yenyika ino.—1 VaKorinte 6:9-11.

4. Rucheno Rwendangariro: Kana tikazadza ndangariro dzedu nemifungo yakachena, mitsvene, mufambiro wedu uchavawo wakachena. (VaFiripi 4:8) Asi kana tikafungisisa zvinhu zvisina kuchena, kuchaguma nezviito zvakaipa. (Mateo 15:18-20) Tinofanira kudzivisa zvimiro zvevaraidzo izvo zvingagona kushatisa ndangariro dzedu. Tinogona kuzadza ndangariro dzedu nemifungo yakachena kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari.

5. Rucheno Rwomuviri: Nemhaka yokuti vanomiririra Mwari, vaKristu vanofanira kuchengeta miviri yavo nezvipfeko zvakachena. Tinofanira kugeza maoko edu pashure pokushandisa chimbudzi, uye tinofanira kuageza tisati tadya zvokudya kana kuti kubata zvokudya. Kana musina muitiro wokurasa tsvina wakakodzera, tsvina inofanira kufushirwa. (Dheuteronomio 23:12, 13) Kuramba takachena mumuviri kunobetsera nokuda kwoutano hwakanaka. Musha womuKristu unofanira kuva wakatsvinda nowakachena kwose kuri kuviri kunze nomukati. Unofanira kuva wakatanhamara munzanga somuenzaniso wakanaka.

6. Kutaura Kwakachena: Vabatiri vaMwari vanofanira kutaura chokwadi nguva dzose. Varevi venhema havasati vachizopinda muUmambo hwaMwari. (VaEfeso 4:25; Zvakazarurwa 21:8) VaKristu havashandisi mutauro wakashata. Havateereri kana kuti kutaura majee akashata kana kuti nyaya dzisina kuchena. Nemhaka yokutaura kwavo kwakachena, vanotanhamara savakasiyana pabasa kana kuti kuchikoro nomunharaunda.—VaEfeso 4:29, 31; 5:3.

[Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Vabatiri vaMwari vanofanira kuva vakachena mumativi ose

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe