RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • pr chikamu 4 pp. 16-19
  • Chikristudhomu Chakachera Mwari neBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikristudhomu Chakachera Mwari neBhaibheri
  • Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidziso Dzisiri dzeBhaibheri
  • Zviito Zvisiri Zvoumwari
  • Haasati Ari echiKristu
  • Rutongeso rwaMwari Pa“munhu Wokusateerera Mutemo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • ChiKristudhomu Chinoratidzirwa Somutsigiri Wokunamata Kwenhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Shamwari Yenhema yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Rutongeso rwaJehovha Pavadzidzisi Venhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
pr chikamu 4 pp. 16-19

Chikamu 4

Chikristudhomu Chakachera Mwari neBhaibheri

1, 2. Neiko vamwe vanhu vasingaremekedzi Bhaibheri, asi chii chinotaura Bhaibheri?

1 Vanhu vari munyika dzakawanda vakadzivisa Bhaibheri uye havana kuriremekedza nemhaka yomufambiro wakashata waavo vanoti vanoritevera. Munyika dzakati kwakataurwa kuti Bhaibheri ibhuku rinotungamirira kuhondo, kuti ibhuku romuchena, uye kuti ibhuku rinotsigira kutongwa nenyika dzokumwe. Asi iyoyo mirangariro yakaipa.

2 Bhaibheri, rakanyorerwa muMiddle East, harisati richitsigira hondo dzenyika dzokumwe nokushandisa kwamakaro zvakapfuuridzirwa muzita rechiKristu kwenguva yakareba yakadaro. Mukupesana, kupfurikidza nokurava Bhaibheri nokudzidzisa dzidziso dzechiKristu chechokwadi chakadzidziswa naJesu, iwe uchaona kuti Bhaibheri rinoshurikidza zvakasimba kurwa, utere, uye kushandiswa zvakaipa kwavamwe. Mhaka ine vanhu vane makaro, kwete Bhaibheri. (1 VaKorinte 13:1-6; Jakobho 4:1-3; 5:1-6; 1 Johane 4:7, 8) Naizvozvo usarega mufambiro usakafanira wavanhu vane udyire vanorarama mukupesana nezano rakanaka reBhaibheri uchidzivisa kubetserwa kwako nepfuma dzaro.

3. Chii icho maidi enhau anoratidza pamusoro pechiKristudhomu?

3 Vanobatanidzwa pakati paavo vasingararami mukuwirirana neBhaibheri vanhu namarudzi vechiKristudhomu. Chi“Kristudhomu” chinorondedzerwa sorutivi rwuya rwenyika umo chiKristu chakatekeshera. Zvikurukuru inyika yokuMadokero namasangano ayo echechi, iyo kuvambira munenge muzana ramakore rechina N.V. yakava yakatanhamhara. ChiKristudhomu chakava neBhaibheri kwamazana amakore, uye vafundisi vacho vanoti vanoridzidzisa uye vanoti vamiriri vaMwari. Asi vakuru vakuru navafundisi vechiKristudhomu vanodzidzisa zvokwadi here? Ko zviito zvavo zvinomirira chaizvoizvo Mwari neBhaibheri here? Ko chiKristu chakatekeshera chaizvoizvo muchiKristudhomu here? Aiwa. Sezvo rudzidziso rwacho rwakatanhamara muzana ramakore rechina, chiKristudhomu chakabvumikisa kuva muvengi waMwari noweBhaibheri. Hungu, maidi enhau anoratidza kuti chiKristudhomu chakachera Mwari neBhaibheri.

Dzidziso Dzisiri dzeBhaibheri

4, 5. Idzidzisoi dzisiri dzeBhaibheri dzinodzidziswa nechechi?

4 Dzidziso huru dzechiKristudhomu dzakavakirwa kwete paBhaibheri asi pangano dzakare—dzedziya dzeGirisi, Egipita, Bhabhironi, uye dzimwe. Dzidziso dzakadai sokusafa kwomusikirwo kwomweya womunhu, kutambudzwa kusingagumi muhero yomwoto, purigatori, uye Utatu (vanhu vatatu muna Mwari mumwe) hadziwanwi muBhaibheri.

5 Somuenzaniso, rangarira dzidziso yokuti vanhu vakaipa vachatambudzwa nokusingaperi muhero yomwoto. Unonzwa seiko pamusoro peiyi pfungwa? Vazhinji vanoiwana yakaipa. Ivo vanowana kusina mufungo kuti Mwari aizotambudza vanhu nokusingaperi, achivachengeta vari mumarwadzo makuru. Pfungwa yakadaro yakaipa inopesana naMwari weBhaibheri, nokuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Bhaibheri rakajeka kuti dzidziso yakadaro ‘yakanga isina kupinda mumwoyo’ maMwari Wamasimba ose.—Jeremia 7:31; 19:5; 32:35.

6. Bhaibheri rinoramba sei dzidziso yokusafa kwomweya?

6 Nhasi marudzidziso akawanda, kubatanidza chechi dzechiKristudhomu, anodzidzisa kuti vanhu vane mweya usingafi, uyo parufu unoenda kudenga kana kuti hero. Iyi haisati iri dzidziso yeBhaibheri. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinoti nenzira yakajeka: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 10) Uye wezvamapisarema anotaura kuti parufu munhu ano“dzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.”—Pisarema 146:4.

7. Chii chakanga chiri chirango chaAdhama naEvha nokuda kwokupunza mutemo waMwari?

7 Yeukawo kuti apo Adhama naEvha vakapunza mutemo waMwari, chirango chacho kwakanga kusati kuri kusafa. Iyoyo ingadai yakava tuso, kwete chirango! Panzvimbo pezvo, vakaudzwa kuti vaizo“dzokera kuvhu; nokuti [ivo] wakatorwa kwariri.” Mwari akasimbisa kuna Adhama, kuti: “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Nokudaro, dzidziso yokusafa kwomusikirwo kwomweya haisati iri muBhaibheri asi yakatorwa nechiKristudhomu kuvanhu vasiri vechiKristu vakararama pamberi pavo.

8. Bhaibheri rinoramba sei dzidziso yoUtatu yechiKristudhomu?

8 Uyewo, dzidziso yoUtatu yechiKristudhomu inoratidzira Mwari saMwari akati wechienzi wavatatu mune mumwe. Asi dzidziso iyoyo haisati ichiwanwawo muBhaibheri. Somuenzaniso, pana Isaya 40:25, Mwari anotaura zvakajeka, kuti: “Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye?” Mhinduro iri pachena: Hakuna munhu anogona kuva muenzani wake. Uyewo, Pisarema 83:18 rinoti nenzira yakapfava: “Imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”—Onawo Isaya 45:5; 46:9; Johane 5:19; 6:38; 7:16.

9. Chii chatinogona kutaura pamusoro pedzidziso dzeBhaibheri uye pamusoro pedzidziso dzechechi dzechiKristudhomu?

9 Dzidziso dzeBhaibheri pamusoro paMwari namadonzo ake dzakajeka, dziri nyore kunzwisisa, uye dzine mufungo. Asi dzidziso dzechechi dzechiKristudhomu hadzisati. Zvakaipa zvikuru, idzo dzinopokanidza Bhaibheri.

Zviito Zvisiri Zvoumwari

10, 11. Dzidziso dzeBhaibheri dzinoda mhesano yeizvo chechi dzechiKristudhomu dzave dzichiita munzirai?

10 Mukuwedzera kukudzidzisa dzidziso dzenhema, chiKristudhomu chakachera Mwari neBhaibheri kupfurikidza nezviito zvacho. Izvo vafundisi nechechi zvakaita mumazana amakore akapfuura, uye zvakapfuurira kuita munguva yedu, imhesano yeizvo Mwari weBhaibheri anoda uye mhesano yeizvo Muvambi wechiKristu, Jesu Kristu, akadzidzisa ndokuita.

11 Somuenzaniso, Jesu akadzidzisa vateveri vake kusapindira muzvinhu zvamatongerwe enyika zvenyika ino kana kuti kubatanidzwa muhondo dzayo. Iye akavadzidzisawo kuva vanoda rugare, kuva vanochengeta mitemo, kuva norudo nokuda kwavanhu biyavo pasina kufungira mano akaipa api naapi, kunyange kudisa kubaira upenyu hwavo vamene panzvimbo pokutora upenyu hwavamwe.—Johane 15:13; Mabasa 10:34, 35; 1 Johane 4:20, 21.

12. Chii chakataura Jesu kuti chaizozivisa maKristu echokwadi?

12 Zvamazvirokwazvo, Jesu akadzidzisa kuti rudo nokuda kwavamwe vanhu rwaizova chiratidzo chaizozivisa maKristu echokwadi kubva mumaKristu enhema, vanyepedzeri. Iye akati kuavo vaizomutevera: “Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai ini nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”—Johane 13:34, 35; 15:12.

13, 14. Chii chinoratidza kuti chechi dzechiKristudhomu hadzimiriri Mwari?

13 Bva, zana ramakore pashure pezana ramakore, vafundisi vechiKristudhomu vakapindira mune zvamatongerwe enyika uye vakatsigira hondo dzamarudzi avo. Ivo vakatotsigira mativi anorwisana muhondo ari mukati mechiKristudhomu, zvakadai sehondo dzenyika mbiri dzezana rino ramakore. Murwisano idzodzo vafundisi vaiva parutivi rumwe norumwe vakanyengeterera rukundo, uye mitezo yorudzidziso rumwe yakabva kunyika imwe yakanga ichiuraya mitezo yorudzidziso rumwe cheterwo yakabva kune imwe nyika. Asi izvozvo ndizvo izvo Bhaibheri rinoti vana vaSatani vanoita, kwete vaMwari. (1 Johane 3:10-12, 15) Nokudaro, nepo vafundisi navateveri vavo vakataura kuva vechiKristu, ivo vakapikisa dzidziso dzaJesu Kristu, uyo akaudza vateveri vake ku‘bvisa munondo.’—Mateo 26:51, 52.

14 Kwamazana amakore chechi dzakabatira pamwe namasimba ezvamatongerwe enyika echiKristudhomu apo marudzi iwayo akakurira, akapinza muuranda, uye akadukupisa mamwe marudzi mukati mezera routongi hwokumwe. Ndizvo kwakanga kwakaita kwamazana amakore muAfrica. Chinawo yakatambura ikoku, apo marudzi okuMadokero akaita nharaunda dzepesvedzero kupfurikidza nesimba, somukati meOpium Wars neBoxer Rebellion.

15. Ndizvakaipai zvakapfuuridzirwa nechiKristudhomu?

15 Marudzidziso echiKristudhomu ave ariwo pamberi pokutambudzwa, kushushwa, uye kunyange kuurawa kwaavo vasina kubvumirana navo mukati mamazana amakore iwayo enhau anonzi Dark Ages. Mukati meBvunzurudzo, iyo yakagara kwamazana amakore, miitiro yakaipa, yakadai sokutambudza nokuponda, yakabvumirwa ndokuitwa pavanhu vakanaka, vasina mhaka. Vapfuuridziri vakanga vari vafundisi navateveri vavo, vose vaitaura kuva vechiKristu. Ivo vakatoedza kuparadza neBhaibheri kuti vanhu venhando vagogona kusarirava.

Haasati Ari echiKristu

16, 17. Neiko tichigona kutaura kuti chechi hadzisi dzechiKristu?

16 Aiwa, marudzi nechechi dzechiKristudhomu zvakanga zvisiri, uye hazvisiri, zvechiKristu. Ivo havasati vari vabatiri vaMwari. Shoko rake rakafuridzirwa rinoti nezvavo: “Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.”—Tito 1:16.

17 Jesu akataura kuti rudzidziso rwenhema rwaigona kuziviswa neizvo rwaibereka, zvibereko zvarwo. Iye akati: “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo. . . . Muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto. Saka muchavaziva nezvibereko zvavo [vaporofita venhema].”—Mateo 7:15-20.

18. Chii chakabva mudzidziso dzechiKristudhomu nezviito?

18 Nokudaro, kupfurikidza neizvo akadzidzisa uye zvaakaita, marudzidziso echiKristudhomu akaratidzira kuti kutaura kwawo kuti anodavira Bhaibheri uye kuti anotya Mwari uye ndeechiKristu inhema. Iwo akachera Mwari neBhaibheri. Mukuita saizvozvo, akasembura mamirioni avanhu ndokuaparira kubva mukudavira Musikavanhu.

19. Kundikano yechiKristudhomu inoreva kuti Mwari neBhaibheri zvakakundikana here?

19 Zvisinei, kundikano yavafundisi nechechi dzechiKristudhomu, pamwe chete nekundikano yamamwe marudzidziso ari kunze kwechiKristudhomu, hairevi kundikano yeBhaibheri. Uyewo hairevi kuti Mwari akundikana. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinotiudza pamusoro poMusikavanhu uyo aripo uye uyo anotiitira hanya uye nguva yedu yemberi. Rinoratidza kuti achatusa sei vanhu vane mwoyo wakatendeseka avo vanoda kuita chiri chakarurama, avo vanoda kuona ruramisiro norugare zvichipararira mupasi rose. Rinoratidzawo chikonzero nei Mwari akabvumira uipi nokutambura kuti zvivepo uye kuti achabvisa sei papasi avo vanokuvadza munhu biyavo, pamwe chete naavo vanoti vanomubatira asi vasati.

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Hero” yaDante

[Kwazvakatorwa]

Doré’s illustration of Barrators—Giampolo for Dante’s Divine Comedy

[Mufananidzo uri papeji 17]

Utatu hwechiKristudhomu

[Mufananidzo uri papeji 17]

Utatu hweHindu

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of The British Museum

[Mufananidzo uri papeji 17]

Utatu hweEgipita

[Kwazvakatorwa]

Museo Egizio, Turin

[Mifananidzo iri papeji 18]

Mukupesana nedzidziso dzaJesu, vafundisi pamativi ose ari maviri vakatsigira hondo

[Kwazvakatorwa]

U.S. Army photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe