RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 163-167
  • Kusika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusika
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Kushanda Kwakaita Mudzimu Mutsvene Pakusika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Upenyu Hwakatanga Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ndiani Anogona Kutiudza?
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 163-167

Kusika

Tsanangudzo: MuBhaibheri, kusika kunoreva kuti Mwari Wemasimbaose akagadzira uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, kusanganisira vamwe vanhu vomudzimu uye marudzi ose ezvinhu zvipenyu zvepanyika.

Munyika yemazuva ano yezvesayenzi, zvine musoro here kutenda kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa?

“Mitemo yezvinhu zvose zvakasikwa yakarurama zvokuti hatiomerwi nokugadzira chitundumusere musere chinobhururuka kuti chiende kumwedzi uye tinogona kuronga zvakanyatsorurama nguva yokubhururuka kwacho. Mitemo iyi inofanira kunge yakaiswa nomumwe munhu.”—Mashoko aWernher von Braun, aiita basa guru rokutumira kumwedzi vanhu vokuAmerica vanoongorora zvomuchadenga.

Zvinhu zvakasikwa zvinooneka: Kana ukawana wachi inenge iine nguva yakarurama, waizoti yakangoerekana yavapo here? Zviri pachena kuti yakagadzirwa nomumwe munhu akangwara. Panotova ne“wachi” inotoshamisa zvikuru. Mapuraneti anotenderera zuva uyewo nyeredzi dzose dziri muchadenga, zvinofamba pamwero wakarurama zvikuru kupfuura wachi dzakagadzirwa nomunhu. Muboka redu renyeredzi mune mabhiriyoni anopfuura 100 enyeredzi, uye vanoongorora zvomuchadenga vanofungidzira kuti muchadenga mune mabhiriyoni 100 emapoka akadaro enyeredzi. Kana wachi ichiratidza kuti yakagadzirwa noungwaru, zvakadini nechadenga chakakura uye chakaoma kunzwisisa kudaro! Bhaibheri rinorondedzera Mugadziri wacho sa“Mwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wematenga, Iye Mukuru ari kuatatamura.”—Isa. 42:5; 40:26; Pis. 19:1.

Pasi: Paunenge uchipfuura nomugwenga, ukaona imba yakanaka, yakanyatsogadzirwa uye yakazara nezvokudya, waizofunga kuti yakangoerekana yavapo here? Kwete, waizoziva kuti yakavakwa nomumwe munhu ane uchenjeri. Masayendisiti akawana kuti pamapuraneti ose anotenderera zuva, pasi chete ndiro rine upenyu; uchapupu hunoratidza kuti mamwe mapuraneti haana upenyu. Bhuku rinonzi The Earth rinoti, puraneti rino “chinhu chinoshamisa pane zvose zvakasikwa, idenderedzwa rakasiyana nemamwe.” (New York, 1963, Arthur Beiser, peji 10) Chinhambwe chiri pakati pezuva nepasi chakakodzera kuti vanhu vararame, uye mafambiro arinoita anoita kuti rirambe riri mugwara raro rokutenderera zuva. Magasi akapoteredza pasi anongowanika ipapo chete akanyatsokwanirana kuti atsigire upenyu. Zvinoshamisa kuti chiedza chinobva pazuva, carbon dioxide inobva kumhepo, uye mvura nezvinhu zvinowanika muvhu rakaorera zvinobatana kuti zvigadzire zvokudya nokuda kwezvinhu zvinorarama panyika. Izvi zvakangoitika nokuputika kwezvinhu zvomuchadenga here? Magazini inonzi Science News inobvuma kuti: “Zvinoita sokuti zvinhu zvakarurama zvakadaro zvaisagona kungoitika zvoga.” (August 24 na31, 1974, peji 124) Bhaibheri rinotaura zvine musoro parinoti: “Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.”—VaH. 3:4.

Uropi hwemunhu: Vanhu vakanyatsoongorora uye vakanyatsogadzira kuti pave nemakombiyuta emazuva ano. Haana “kungoerekana avapo.” Zvakadini nouropi hwemunhu? Kusiyana nouropi hwemhuka, uropi hwemwana hunokura kakapetwa katatu mugore rake rokutanga. Masayendisiti haasati agona kunzwisisa kuti hunoshanda sei. Vanhu vanokwanisa kudzidza mitauro yakaoma, kukoshesa kunaka kwakaita zvimwe zvinhu, kugadzira mimhanzi, kufungisisa kwakabva upenyu uye zvahunoreva. Mumwe chiremba wouropi anonzi Robert White akati: “Handina chimwe chokuita kunze kwokubvuma kuti pane Munhu Akangwara Zvikuru, akagadzira uye akaita kuti pfungwa neuropi zvishande pamwe chete zvinoshamisa—chinhu chisingagoni kunyatsonzwisiswa nevanhu.” (The Reader’s Digest, September 1978, peji 99) Kukura kwechinhu ichi chinoshamisa kunotangira musero duku riri mudumbu raamai. Achiratidza uchenjeri hunoshamisa, munyori weBhaibheri Dhavhidhi akati kuna Jehovha: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.”—Pis. 139:14.

Sero benyu: Sero rimwe chete rine upenyu rinowanzonzi chinhu chipenyu chiri “nyore” kunzwisisa. Asi mhuka ine sero rimwe chete inogona kutsvaka zvokudya, kuzvigaya, kubudisa tsvina, kuzvivakira pokugara uye kuberekesana neimwe. Sero rimwe nerimwe riri mumuviri wemunhu rakafananidzwa neguta rine rusvingo, rine hurumende inoita kuti zvinhu zvive zvakarongeka, gwenya rinoita kuti pave nesimba, fekitari yokugadzira mapuroteni, urongwa hunoshamisa hwokufambiswa kwezvinhu, uye varindi vanodzora zvinhu zvinobvumirwa kupinda. Muviri womunhu une masero anosvika matiririyoni 100. Chokwadi mashoko ari pana Pisarema 104:24 akakodzera anoti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri”!

Bhaibheri rinobvumirana here nepfungwa yokuti Mwari akashandisa kushanduka-shanduka kuti zvinhu zvakasiyana-siyana zvinorarama zvivepo?

Genesisi 1:11, 12 inotaura kuti uswa nemiti zvakagadzirwa kuti chimwe nechimwe chibereke ‘maererano nerudzi rwacho.’ Ge 1 Ndima 21, 24, 25 dzinowedzera kuti Mwari akasika zvisikwa zvomugungwa, zvisikwa zvinobhururuka uye mhuka dzepanyika, “maererano nemarudzi azvo.” Pano hapataurwi kuti rudzi rumwe chete rwaizoshanduka-shanduka kana kuchinja ruchiita chimwe chinhu.

Ichitaura nezvomunhu, Genesisi 1:26 inotaura kuti Mwari akati: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” Saka aifanira kuva nounhu hwakafanana nehwaMwari, kwete zviito zvairatidza sokunge kuti akabva kumhuka. Genesisi 2:7 inowedzera kuti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu [kwete nechimwe chinhu chine upenyu changa chagara chiripo asi] neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu.” Pano hapasi kumbotaura nezvokushanduka-shanduka, asi panotsanangura nezvokusikwa kwechinhu chitsva.

Mwari akasika mamiriyoni emarudzi ose ezvinhu zvipenyu zviri panyika mazuva ano here?

Genesisi chitsauko 1 inongoti Mwari akasika zvose “maererano nemarudzi azvo.” (Gen. 1:12, 21, 24, 25) Achigadzirira kuuya kweMafashamo omunyika yose omuzuva raNoa, Mwari akarayira kuti mhuka dzaimiririra “rudzi” rumwe norumwe rwemhuka dzepanyika nezvisikwa zvinobhururuka dzipinzwe muareka. (Gen. 7:2, 3, 14) “Rudzi” rumwe norumwe rwaiva nesimba rokubereka mamwe marudzi akawanda. Saka kunonzi kune marudzi akasiyana-siyana anopfuura 400 embwa uye anopfuura 250 emabhiza. Mhando dzakasiyana-siyana dzemhuka chero ipi zvayo dzinongova “rudzi” rumwe chete maererano naGenesisi. Ndizvo zvimwe chetewo nemarudzi ose evanhu—Vokumabvazuva, vokuAfrica, vaCaucasia, vanhu varefu sevaDinka vokuSudan vakareba mamita maviri kana kupfuura, uye vapfupi sevaPygmy vakareba mamita 1,2 zvichidzika—vanobva pavanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha.—Gen. 1:27, 28; 3:20.

Chii chinoita kuti zvinhu zvipenyu zvifanane?

“Mwari akasika zvinhu zvose.” (VaEf. 3:9) Saka zvinhu zvose zvine Mugadziri Mukuru mumwe chete.

“Zvinhu zvose zvakavapo pachishandiswa iye [Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe chete, akazova Jesu Kristu paakanga ari pasi pano], uye kunze kwake hapana kunyange nechinhu chimwe chete chakavapo.” (Joh. 1:3) Saka Jehovha akashandisa Mhizha imwe chete pakuita mabasa ake okusika.—Zvir. 8:22, 30, 31.

Zvinhu zvakashandiswa kugadzira zvinhu zvose zvakasikwa zvakabva kupi?

Masayendisiti akaona kuti zvinhu izvi isimba guru kwazvo. Izvi zvinoonekwa nokuputika kwezvombo zvenyukireya. Mumwe anoongorora zvomuchadenga anonzi Josip Kleczek anoti: “Zvimwe zvinhu uye zvichida zvose zvinoumba simba zvinovapo nokuchinja kunoita simba richiva chinhu chinooneka.”—The Universe (Boston, 1976), Vol. 11, peji 17.

Simba rakadaro ringava rakabva kupi? Pashure pokubvunza kuti, “Ndiani akasika zvinhu izvi [nyeredzi nemapuraneti]?”, Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha Mwari richiti, “Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.” (Isa. 40:26) Saka ‘simba guru’ raidiwa pakusika zvinhu zvose rinobva kuna Mwari.

Zvinhu zvose zvakasikwa zvatinoona zvakaitwa mumazuva matanhatu chete here mumakore anenge 6 000 kusvika 10 000 akapfuura?

Zvinoitika chaizvo hazvipindirani nepfungwa iyoyo: (1) Chiedza chinobva kuboka renyeredzi rinonzi Andromeda nebula chinogona kuoneka usiku hwakajeka kunothern hemisphere. Zvinotora makore anenge 2 000 000 kuti chiedza chacho chisvike pasi, zvichiratidza kuti zvinhu zvakasikwa zvava nemakore anopfuura mamiriyoni. (2) Mamwe matombo ari muvhu paanoongororwa, anoratidza kuti anga ariko kwemabhiriyoni emakore.

Genesisi 1:3-31 haitauri nezvokusikwa kwezvinhu zvinoumba simba kana kuti zvinhu zvomuchadenga. Inotsanangura kugadzirirwa kwakaitwa pasi rakanga ragara riripo kuti vanhu vakwanise kugarapo. Izvi zvaisanganisira kusikwa kwemarudzi ezvinomera, zvisikwa zvomugungwa, zvisikwa zvinobhururuka, mhuka dzepanyika, uye vanhu vaviri vokutanga. Zvose izvi zvinonzi zvakaitwa mu“mazuva” matanhatu. Zvisinei, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “zuva” rinoreva zvakawanda, kusanganisira ‘nguva refu; nguva inoitika chiitiko chinoshamisa.’’ (Old Testament Word Studies, Grand Rapids, Mich.; 1978, W. Wilson, peji 109) Shoko rakashandiswa rinogona kureva kuti “zuva” rimwe chete raireva zviuru zvemakore.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe