RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July p. 31
  • “Vasungwa Vanogona Kuchinjwa Here?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vasungwa Vanogona Kuchinjwa Here?”
  • Mukai!—2005
  • Mashoko Akafanana
  • “Machinja Maonero Andinoita Zvapupu zvaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuvachinja Chaiko Kunobvira Here?
    Mukai!—2001
  • Majeri ari Mumatambudziko
    Mukai!—2001
  • Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July p. 31

“Vasungwa Vanogona Kuchinjwa Here?”

Ndiwo mubvunzo waiva pabutiro re“Mukai!” yaMay 8, 2001. Vaverengi vakawanda vakaonga nyaya dzakatevedzana idzi, dzinosanganisira mushumo wourongwa hwokudzidzisa Bhaibheri huri kuitwa neZvapupu zvaJehovha mujeri rehurumende muAtlanta, Georgia, U.S.A. Mashoko anotevera zvikamu zvemashoko akatorwa mudzimwe dzetsamba dzakawanda dzakagamuchirwa.

◼ “Sezvo ndave ndiri musungwa kwemakore masere, ndinoona kuti basa rokudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha mumajeri ndiro rinonyatsobudirira. Pandakanga ndiri mujeri muAtlanta, ndakafara kushanda nevashanu vevaya vanotaurwa nezvavo mumagazini yenyu. Ndakafarira chaizvo rudo rwavo nokutsigira kwavo. Ndinoonga hama dzakadai, dzinoratidza rudo kune vamwe vedu vakakanganisa asi vari kuedza kugadzirisa kuti vave vanhu vari nani.”—R. J.

◼ “Panguva ino ndiri mujeri, uye hama dzine Imba yoUmambo iri pedyo dzakaita chirongwa chinoshamisa chokudzidzisa muno. Somugumisiro, mumwe musungwa akabhabhatidzwa, uye ini, kunyange ndakambodzingwa muungano yechiKristu, iye zvino ndakadzorerwa. Vamwe vakawanda vari kudzidza Bhaibheri. Zvinokurudzira kuziva kuti tiri kuitawo basa rokudzidzisa riri kuitwa pasi pose. Zvinofadza kwazvo kushumira Jehovha, pasinei nokuti tiri kupi!”—J. M.

◼“Muna 1970, ndakasungirwa mhosva yandakanga ndisina kupara. Ndakapika makore 14. Pandaiva mujeri, ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakashamiswa chaizvo nokutendeseka uye kuva nehanya kwazvo. Ndabudiswa, ndakaramba ndichidzidza uye ndakabva ndazobhabhatidzwa. Pane dzimwe nguva, ndichiri kungonzwa kurwadziwa uye kugumbukira kusaruramisirwa kwandakaitwa. Asi ndinozviyeuchidza kuti munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achagumisa kusaruramisira nokutambura kwose. Vasungwa vanogona kuchinjwa kana vakatevera mirayiro inowanikwa muBhaibheri. Vanogonawo kufara nezvinoedza kuitwa nehama dzedu dzinoshanda zvakaoma dzinozvipa nguva kuti dzivabatsire. Ini ndinofara!”—R. S.

◼ “Ndakauya kujeri ndichisvuta fodya, ndichishandisa zvinodhaka, ndichitaura mutauro wakashata, uye ndisingaremekedzi zviremera. Ndaivawo mumwe wechikwata chematsotsi. Kuwedzera pane zvose izvi, ndakanga ndadzingwa muungano yechiKristu. Iye zvino ndakadzorerwa, uye ndiri kufambira mberi zvakanaka. Ndinotenda chokwadi, ndinonzwa kuti ndakatosunungurwa nechakare!”—I. G.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe