Zuva Rakadhirika Zvivako Zviviri Zvenhurikidzwa
ZVAKAITIKA musi waSeptember 11, 2001, muGuta reNew York, Washington, D.C., nomuPennsylvania hazvifi zvakadzimika mundangariro dzemamiriyoni, kunyange mabhiriyoni, evagari vepasi pose. Waivepi pawakaona kana kunzwa nhau dzacho dzokurwiswa kwakaitwa World Trade Center muNew York nePentagon muWashington?
Kuparadzwa ikoko kwokukurumidza zvinoshamisa kwezvinhu zvakawanda uye, zvinotokosha kupfuura zvose, kuparadzwa kwoupenyu hwakawanda zvakadaro, kwakapa vanhu chikonzero chokumbomira vofungisisa.
Takadzidzei nezvezvinhu zvatinofanira kuisa pakutanga uye zvisarudzo zvedu muupenyu? Zviitiko izvozvo zvinotyisa zvakaita kuti vanhu varatidze zvakadini unhu huri nani—kuzvipira, tsitsi, kutsungirira, uye kusaita udyire? Nyaya ino neinotevera dzichaedza kupindura mubvunzo wokupedzisira uyu.
Vapukunyuki Vanotaura Zvakaitika Kwavari
Chinguvana pashure pokuitika kwenjodzi yacho muNew York, mugwagwa unopinda nepasi wakavharika, uye vanhu vakawanda vaibuda muManhattan iri nechezasi netsoka—vazhinji vavo vachiyambuka mabhiriji eBrooklyn neManhattan. Vaigona kunyatsoona zvivako zvemahofisi nemafekitari zvedzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Vamwe vakatiza njodzi yacho vakabva vananga kuzvivako izvozvo.
Alisha (ari kurudyi), mwanasikana weChapupu, aiva pakati pevakatanga kusvika. Aiva azere huruva nemadota.a Akarondedzera kuti: “Pandakanga ndiri muchitima ndichienda kubasa, ndakaona utsi huchibuda muWorld Trade Center. Pandakasvika pakanga paitikira tsaona pacho, magirazi akanga akangoti mwarara, uye ndainzwa kupisa kwacho. Vanhu vaimhanya vachienda kwose kwose, mapurisa achiedza kubudisa vanhu panzvimbo yacho. Zvaiita sepane hondo.
“Ndakatizira muchimwe chivako chaiva pedyo. Ndopandakanzwa kuputika sezvo ndege yechipiri yakarova chivako chokumaodzanyemba. Zvakanga zvisingatsananguriki, utsi hutema huri pose pose. Takanzi tibve munzvimbo yacho ine ngozi. Ndakakwidzwa chikepe chaiyambuka East River ndichiendeswa kuBrooklyn. Pandakasvika kumhiri, ndakatarira mudenga ndikaona mabhii makuru akanzi, ‘WATCHTOWER.’ Dzimbahwe rechitendero chaamai vangu! Ndakabva ndananga kuchivako chemahofisi. Ndaiziva kuti hakuna imwe nzvimbo yandaigona kutarisirwa kupfuura iyi. Ndakakwanisa kugeza ndokuridzira vabereki vangu runhare.”
Wendell (ari kurudyi) aiva mugamuchiri wevaenzi pasuo reMarriott Hotel yaiva pakati pezvivako zvacho zviviri zvenhurikidzwa. Akarondedzera kuti: “Ndakanga ndiri pabasa mukamuri rinosvikira vanhu pakaitika kuputika kwokutanga. Ndakaona zvinhu zvakapwanyika zvichidonha pose pose. Ndakatarisa kumhiri kwomugwagwa, ndikaona mumwe murume achibvira akati rabada pasi. Ndakabvarura bhachi rangu nehembe ndokumhanya kuti ndiedze kudzima marimi acho. Mumwe aipfuura akabatana neni ndokubatsira. Zvipfeko zvose zvakatsvira pamurume wacho kunze kwemasokisi ake neshangu. Ipapo vanodzima moto vakauya vakamutora kuti anorapwa.
“Nguva pfupi pashure paizvozvo, Byrant Gumbel weboka renhau dzeTV reCBS akaridza runhare kuti ndimuudze zvandakanga ndichiona zvichiitika. Saka mhuri yangu kuVirgin Islands yakazvinzwa paTV ikabva yaziva kuti ndiri mupenyu.”
Donald, mumwe mushandi wepaWorld Financial Center ane mumhu muhombe akareba masendimita 195, aiva pauriri hwechi31 hwechivako ichi, chakanyatsotarisana nenhurikidzwa dzacho mbiri neMarriott Hotel. Akati: “Ndakavhunduka zvikuru ndikatyiswa nezvandakaona. Vanhu vaidonha uye vaisvetuka nepamahwindo echivako chokuchamhembe. Ndakaita sendava kupenga ndokumhanya ndichibuda muchivako nokukurumidza sezvandaikwanisa.”
Chimwe chiitiko ndechevamwe amai vane makore ari kuma60 nevanasikana vavo vaviri vane makore ari kuma40. Ruth nomunun’una wake Joni vaigara naamai vavo, Janice, paimwe hotera iri pedyo nenhurikidzwa dzacho mbiri. Ruth, mukoti ane rezinesi rehurumende, anotaura nyaya yacho achiti: “Ndakanga ndichigeza. Amai vangu nomunun’una wangu vakaerekana vava kudaidzira kuti ndibude muimba yokugezera. Taiva pauriri hwechi16, uye nepahwindo vaigona kuona zvinhu zvakapwanyika zvichidonha kubva mudenga. Amai vangu vakatoona mutumbi womumwe murume uchidonha nepamusoro pedenga rechivako chaiva pedyo sokunge kuti wakanga wakandwa.
“Ndakapfeka nokukurumidza, ndokutanga kudzika nemasitepisi. Vanhu vakawanda vakanga vachichema. Takabuda tikaenda mumugwagwa. Takanzwa kuputika tikaona pfarivari dzomoto. Takanzi tiende kumaodzanyemba kuBattery Park, uko kunowanikwa chikepe chinotakura vanhu pakati peManhattan neStaten Island. Tiri munzira, takarasana naAmai, vanorwara neasima. Vaizoita sei muutsi, madota, neguruva zvose izvi? Takapedza maminitsi makumi matatu tichivatsvaka asi takavashaya. Zvisinei, pakutanga hatina kunyanya kuvatyira nokuti munhu akachangamuka uye asingapapariki.
“Pakupedzisira, takanzi tifambe kuenda kuBrooklyn Bridge toyambukira kumhiri. Fungidzirai kuzorodzwa kwatakaitwa patakayambuka bhiriji reBrooklyn ndokuona mabhii makuru akanzi ‘WATCHTOWER’! Takaziva kuti takanga tachengeteka.
“Takatambirwa tikapiwa pokugara. Takapiwawo mbatya, nokuti taingova nedzaiva pamuviri chete. Asi Amai vaiva kupi? Takapedza usiku hwose tichiedza kubvunza nezvavo muzvipatara tikavashaya. Mangwana acho kuma11:30 dzemangwanani, takagamuchira mashoko. Amai vaiva muimba inosvikira vaenzi pazasi! Chii chakanga chaitika kwavari?”
Janice, amai vacho, vanopfuudzira nyaya yacho vachiti: “Patakamhanya tichibuda muhotera, ndaityira imwe shamwari yangu yechikuru, yaisagona kubuda pamwe nesu. Ndaida kudzokera ndonomutakura ndobuda naye ndoga. Asi zvaiva nengozi zvikuru. Mubishi raiitika ndakarasana nevanasikana vangu. Zvisinei, handina kunyanya kuvatyira, sezvo vari vanhu vakachenjera uye Ruth mukoti ane chitupa.
“Kwose kwandaitarisa, vanhu vaida kubatsirwa—zvikurukuru vana nevacheche. Ndakabatsira vakawanda sevandaikwanisa. Ndakaenda pairapwa vakuvara pavairongwa nokurapwa maererano nokuti vakuvara zvakadini. Ndakabatsira nokugeza maoko emapurisa nevanodzima moto, vaiva vazara utsi neguruva. Ndakaramba ndiripo kusvikira 3:00 dzemangwanani mangwana acho. Ndokubva ndazokwira chikepe chokupedzisira chokuenda kuStaten Island. Ndakafunga kuti zvichida ndiko kwatizira vanasikana vangu. Asi handina kuvawana.
“Ava mangwanani ndakaedza kukwira chikepe chokutanga kudzokera kuManhattan, asi ndaisakwanisa nokuti ndakanga ndisiri mushandi wokununura. Ndakabva ndaona mumwe wemapurisa andaiva ndabatsira. Ndakadanidzira ndichiti: ‘John! Ndiri kudawo kudzokera kuManhattan.’ Akapindura kuti: ‘Handei tose zvedu.’
“Pandakasvika muManhattan, ndakadzokera kuMarriott Hotel. Zvichida pakanga pachine mukana wokubatsira shamwari yangu yechikuru. Pakanga pasina! Hotera yacho yakanga yava ungwandangwanda. Nharaunda yacho yose yakanga isisina upenyu—kana nepawaimboona chipenyu. Kunze kwemapurisa nevanodzima moto, nezviso zvavo zvakanga zvakasuruvara.
“Ndakananga kuBrooklyn Bridge. Sezvandaiswedera kumucheto, ndaigona kuona zita randakarovedzana naro, ‘WATCHTOWER.’ Pamwe ndaizowana vanasikana vangu ikoko. Zvechokwadiwo vakadzika kumba inosvikira vaenzi kuzondikwazisa. Pakambundiranwa misodzi ikayerera!
“Zvinondishamisa kuti asima haina kumbondibata kana kamwe chete, pasinei noutsi, guruva, nemadota zvose izvozvo. Ndakaramba ndichinyengetera, nokuti ndaida kubatsira, kwete kuva mutoro.”
“Hapana Pokumhara!”
Rachel, mumwe mukadzi ane makore ari kumavambo ema20, akaudza munyori weMukai! kuti: “Ndakanga ndichifamba ndichitevedza mudhadhadha wepandinogara muManhattan yezasi pandakanzwa ruzha rwendege mudenga. Yaiita ruzha chaizvo zvokuti yakaita kuti nditarise mudenga. Handina kubvuma zvandaiona—raiva rino zindege rinotakura vanhu richitoratidza kuti riri kudzika. Zvakandinetsa kuti nei raiva pazasi zvakadaro richimhanya zvakadaro. Hapana pokumhara! Zvichida mutyairi aiva atadza kudzora ndege yacho. Ndipo pandakanzwa mumwe mukadzi achiridza mhere, ‘Ndege iya yarova chivako!’ Moto mukuru wakabvira munhurikidzwa yokuchamhembe. Ndakaona ziburi zidema panhurikidzwa yacho.
“Chaiva chiri chinhu chinotyisa zvikuru chandati ndamboona muupenyu hwangu. Zvaiita sezvisiri kuitika zvechokwadi. Ndakangoramba ndakamira ipapo ndakashama muromo. Munguva pfupipfupi, imwe nhurikidzwa yakarohwa neimwe ndege, uye pakupedzisira nhurikidzwa dzacho dzose dzakadhirika. Ndakaita kunge ndava kupenga. Ndakanga ndisingachazvinzwisisi!”
“Kana Ndichifanira Kushambira, Ndichashambira”
Denise, ane makore 16, akanga achangosvika pachikoro pake pedyo neAmerican Stock Exchange, iyo iri pamudhadhadha wechitatu kumaodzanyemba kweWorld Trade Center. “Nguva dzakanga dzichangopfuura 9:00 dzemangwanani. Ndakanga ndichiziva kuti pane zvaitika, asi ndaisaziva kuti chii. Ndakanga ndiri pauriri hwechi11 hwechikoro chacho, ndichiita zvidzidzo zvehistory. Vana vose vairatidza kuti vari kutya. Mudzidzisi akanga achiri kuda kuti tinyore bvunzo. Isu taida kubuda toenda kumba.
“Ipapo chivako chakadengenyeka sezvo ndege yechipiri yakarova nhurikidzwa yokumaodzanyemba. Asi takanga tisati taziva zvaitika. Kamwe kamwe takanzwa chiovha chomudzidzisi wedu chichiti: ‘Ndege mbiri dzarova Zvivako Zviviri Zvenhurikidzwa!’ Ndakafunga chinyararire kuti, ‘hazvina musoro kuramba takagara. Uhu ugandanga, uye iri kutevera kurohwa iStock Exchange.’ Saka takabva tabuda.
“Takamhanyira kuBattery Park. Ndakacheuka kuti ndione zvaiitika. Ndaigona kuona kuti nhurikidzwa yokumaodzanyemba ichadhirika. Ndakafunga kuti zvimwe zvivako zvichatevera kudhirika. Ndaitamburira kufema, sezvo mhino dzangu nepahuro zvakanga zvavharwa nemadota neguruva. Ndakamhanyira kuEast River, ndichifunga kuti, ‘Kana ndichifanira kushambira, ndichashambira.’ Pandaitiza, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andiponese.
“Pakupedzisira ndakakwidzwa chikepe chaienda kuNew Jersey. Zvakatora anopfuura maawa mashanu kuti amai vangu vandiwane, asi chero ndaiva mupenyu!”
“Rino Ndiro Zuva Rangu Rokupedzisira Ndiri Mupenyu Here?”
Joshua, ane makore 28, anobva kuPrinceton, New Jersey, aidzidzisa kirasi muuriri hwechi40 panhurikidzwa yokuchamhembe. Anoyeuka kuti: “Pakangoerekana paita kunge pane bhomba raputika. Pakava nokudengenyeka, ndikafunga kuti, ‘Aiwa, kwanga kuri kudengenyeka kwepasi.’ Ndakatarisa kunze ndikaona kusingaiti—utsi hwaipwititika uye zvinhu zvakapwanyika zvaingodonha zvakatenderedza chivako. Ndakati kukirasi, ‘Munhu wose ngaasiye zvinhu zvake. Handei!’
Takadzika nemasitepisi, ayo akanga achizara noutsi, uye mvura yaibuda mupombi. Asi ndakanga ndisinganyanyi kutya. Ndakaramba ndichinyengetera kuti tisasangana nomoto mumasitepisi atakanga tasarudza.
Pandaimhanya ndichidzika nemasitepisi, ndakazvibvunza kuti, ‘Rino ndiro zuva rangu rokupedzisira ndiri mupenyu here?’ Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha, uye ndakanzwa rugare rwandisina kumbova narwo. Handisati ndambonzwa rugare rwomumwoyo rwakadaro. Handifi ndakakanganwa nguva iyoyo.
“Patakazobuda kunze kwechivako, mapurisa aibvisa munhu wose ipapo. Ndakatarisa mudenga kunhurikidzwa ndikaona zvivako zvacho zvose zvadimburwa. Kwainge kurota.
“Ndakazonzwa rumwe ruzha rusinganzwisisiki—pakazonyarara kunge zviuru zvevanhu zvakanga zvamira kufema. Zvakaita sokuti New York yakanga yamira. Izvozvo zvakazoteverwa nokuchema. Nhurikidzwa yokumaodzanyemba yaidhirikira mukati! Zigore routsi, madota, neguruva raiuya rakatinanga. Zvaiita kunge uri kuona firimu. Asi izvi zvinhu zvaitoitika. Zigore riya parakatibata, takanga tisisakwanisi kunyatsofema.
“Ndakaenda kuManhattan Bridge kwandakacheuka ndikaona nhurikidzanwa yokuchamhembe nomureza wayo weTV ichiondomokera pasi. Sezvandaiyambuka bhiriji, ndakangoramba ndichinyengetera kuti ndisvike kuBheteri, dzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Handisati ndambofara zvakadaro kuona nzvimbo iyoyo muupenyu hwangu hwose. Uye ipapo pachidziro chefekitari paiva nemashoko anogona kuonekwa nezviuru zvevanhu zuva nezuva anoti, ‘Read God’s Word the Holy Bible Daily’ (Verenga Shoko raMwari Bhaibheri Dzvene Zuva neZuva)! Ndakafunga kuti, ‘Ndava kutosvika. Rega ndingoramba ndichifamba.’
“Pandinofunga nezvezviitiko izvi, zvakandiita kuti ndinyatsoziva kuti zvechokwadi ndinofanira kuva nezvandinoisa pakutanga—kuti zvinhu zvokutanga muupenyu zvinofanira kuva zvokutanga.”
“Ndakaona Vanhu Vachisvetuka Kubva Muchivako”
Jessica, ane makore 22, akaona zviitiko zvacho achibuda muchiteshi chepasi chiri pedyo naipapo. “Ndakatarira mudenga ndikaona madota, nezvimedu zvezvinhu nemasimbi orudzi rwakasiyana-siyana zvichidonha. Vanhu vaimirira kushandisa nhare dzoruzhinji uye vakanga vava kuwedzera kutya nokunonokerwa kwavaiitwa. Ndakanyengetera kuti ndidzikame. Ndokubva paitika kumwe kuputikazve. Simbi nemagirazi zvaidonha zvichibva mudenga. Ndakanzwa vanhu vachidanidzira kuti, ‘Yanga iri imwe ndege!’
“Ndakatarira mudenga, uye zvaityisa kuona—vanhu vachisvetuka kubva pauriri hwepamusoro paibva utsi nemarimi. Ndichiri kuzviona mumaziso angu—mumwe murume nomukadzi. Vakanga vakabatirira pahwindo kwekanguva. Ndokubva vazoregedza, ndokudonha, ndokudonha, ndokudonha. Zvakanga zvisingatarisiki.
“Ndakazosvika kuBrooklyn Bridge, kwandakasvikobvisa shangu dzangu dzainditadzisa kunyatsofamba ndokumhanyira kurutivi rwebhiriji rwokuBrooklyn. Ndakapinda muchivako chemahofisi cheWatchtower, mandakabva ndasvikobatsirwa kudzikama.
“Usiku ihwohwo, ndava kumba, ndakaverenga imwe yenyaya dzakatevedzana dziri muMukai! yaSeptember 8, 2001 dzinoti, ‘Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika’ Hakusi kuda kwandaiita mashoko iwayo!”
Kukura kwenjodzi yacho kwakaita kuti vanhu vabatsire nenzira dzipi zvadzo dzavaikwanisa. Nyaya inotevera inotsanangura nezvaizvozvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! yakabvunzurudza vamwe vapukunyuki vakawanda kupfuura vangagona kutaurwa munyaya ino pfupi. Kubvuma kutiudza zvakaitika kwakatibatsira kupedza uye kutsigira nouchapupu nhoroondo idzi.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
ZVAKAPARADZWA ZVACHOSE
1 NHURIKIDZWA YOKUCHAMHEMBE 1 World Trade Center
2 NHURIKIDZWA YOKUMAODZANYEMBA 2 World Trade Center
3 MARRIOTT HOTEL 3 World Trade Center
7 7 WORLD TRADE CENTER
ZVAKANYANYA KUPARADZWA
4 4 WORLD TRADE CENTER
5 5 WORLD TRADE CENTER
L LONE LIBERTY PLAZA
D DEUTSCHE BANK 130 Liberty St.
6 U.S. CUSTOMS HOUSE 6 World Trade Center
N S MABHIRIJI OKUYAMBUKA NETSOKA ROKUCHAMHEMBE NEROKUMAODZANYEMBA
ZVISINA KUNYANYA KUPARADZWA
2F 2 WORLD FINANCIAL CENTER
3F 3 WORLD FINANCIAL CENTER
W WINTER GARDEN
[Kwazvakatorwa]
Musi waOctober 4, 2001 3D Map of Lower Manhattan by Urban Data Solutions, Inc.
[Mifananidzo]
Pamusoro: Nhurikidzwa yokumaodzanyemba ndiyo yakatanga kudhirika
Pazasi pacho: Vamwe vakatizira kuzvivako zve“Watchtower”
Kurudyi: Mazana evadzimi vomoto nevashandi vokununura vakashanda vasinganeti Pakaitikira Njodzi
[Kwazvakatorwa]
AP Photo/Jerry Torrens
Andrea Booher/FEMA News Photo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
AP Photo/Marty Lederhandler
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
AP Photo/Suzanne Plunkett