RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 31
  • Rurimi Rweshiri Inonzi Tsodzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rurimi Rweshiri Inonzi Tsodzo
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kushandisa Kwaungaita Uchenjeri Pakutaura
    Mukai!—2011
  • Kutenda Kunotisunda Kuita Chiito!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 31
Tsodzo ichibudisa rurimi rwayo kuti inwe zvimvura zveruva.

Moment/Robert D. Barnes via Getty Images

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Rurimi Rweshiri Inonzi Tsodzo

Nyanzvi dzesainzi dzaifunga kuti rurimi rwetsodzo runosveta zvimvura zvemumaruva sezvingaitwa nemunhu paanonwa mvura iri mugirazi achishandisa kachubhu kana kuti straw. Asi munguva ichangobva kupfuura, nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti tsodzo ine nzira yainoshandisa kunwa zvimvura zvemumaruva inopfuura nekure zvavaifungidzira.

Funga izvi: Rurimi rwetsodzo parunopinda munenge muine zvimvura zveruva, runopatsananuka kuva zvikamu zviviri. Pachikamu chimwe nechimwe pane kakaita kunge kamugero. Tumigero twacho tunenge twakavharika. Rurimi rwacho parunosvika munenge muine zvimvura zveruva, tumigero twacho tunovhurika, kobva katanga kuita zvekukasva muto wacho. Hakaite zvekukwekweta sekunge kuti kari kushandisa straw. Pakanobudisa rurimi muruva, tumigero turi parurimi tunovhara uye muto unobva wavharirwa mukati.

Mapikicha: Tsodzo iri kunwa zvimvura zveruva. Pikicha iri kuratidza: 1. Rurimi rwayo ruchipinda muzvimvura zveruva. 2. Rurimi rwayo runopatsanuka kuita zvikamu zviviri rwobva rwakasva zvimvura zvacho.

Vaongorori vanoti Alejandro Rico-Guevara, Tai-Hsi Fan, naMargaret Rubega vakati kashiri aka kanokwanisa kuita zvese izvi munguva “isingasviki kunyange pahafu yesekondi.” Vakatiwo: “Rurimi rwekashiri aka runokabatsira kunwa zvimvura zveruva nenzira inoshamisa uye runochinja . . . zvinoshamisa parunopinda nekubuda muzvimvura zveruva.”

Chinotoshamisa ndechekuti kashiri aka hakana simba rakanotomboshandisa kuti kaite izvi. Rurimi rwacho runovhurika nekuvharika parunopinda nekubuda muzvimvura zveruva.

Vachitarisa kushanda zvinoshamisa kunoita rurimi rwetsodzo, vaongorori vanofunga kuti vanogona kushandisa zvavanodzidza parwuri pakugadzira zvinhu zvinoshandiswa pakurapa, pakugadzira marobhoti uye pane zvimwewo zvinhu zvakasiyana-siyana. Vanogonawo kuzvishandisa pakugadzira mamopu ekushandisa kuchenesa panenge parasikira zvinhu zvakaita mvura kana kuti oiri.

Ona tsodzo ichibudisa rurimi rwayo

Unofungei? Zvakaita rurimi rwetsodzo zvakangoitika zvega here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe