RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 30
  • Kutakurwa Nemhepo Kunoitwa Mhodzi yeDandelion

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutakurwa Nemhepo Kunoitwa Mhodzi yeDandelion
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Tsinhirano Yose yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Mbeu yeNyoka—Inoziviswa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Musoro Mukuru weBhaibheri
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 30
Mhodzi dzedandelion dzichitakurwa nemhepo.

E+/IvanJekic via Getty Images

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kutakurwa Nemhepo Kunoitwa Mhodzi Dzemaruva Anonzi Dandelion

Mhodzi dzedandelion dzinogona kuramba dziri mumhepo kwenguva yakareba. Mhepo painovhuvhuta, tumhodzi twacho tudikidiki tunobva twatakurwa nemhepo, tuchiita setumaparashutu. Pasinei nekuti tumhodzi twacho tunotanga kutakurwa nemhepo turi pasi pasi, tunogona kutoramba turi mudenga kwedaro rinoda kusvika kiromita kana kupfuura. Chii chinoita kuti tugare mumhepo kwenguva yakareba kudaro? Munguva ichangopfuura, nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti zvatunoita patunenge turi mudenga zvinopfuura nekure zvinoitwa neparashutu.

Funga izvi: Mhodzi imwe neimwe inenge yakabatirira pane kanhu kakaita kunge kauswa kane tunhu twakaita kunge twubvudzi tunonzi pappus. Tubvudzi itwotwo tunonzi pappus tunoshanda separashutu inoita kuti mhodzi yacho irambe iri mudenga.

Vhidhiyo iri kuratidza kutenderera kunoita mhepo pamusoro pemhodzi yedandelion zvichibatsira kuti isakurumidza kuwira pasi.

Vamwe vaongorori vanofunga kuti kutenderera kunenge kuchiita mhepo pamusoro petubvudzi twacho kunoita kuti mhodzi isakurumidza kudonhera pasi

Asi panewo zvimwe zvinoitwa netubvudzi itwotwo kuti mhodzi yacho irambe iri mudenga. Mhepo painofamba ichipfuura nemutubvudzi twacho, inobva yabatwa yotanga kutenderera pamusoro patwo. Izvi zvinobatsira kuti mhodzi yacho isakurumidza kudonhera pasi.

Tubvudzi twacho hatuna kubatana uye hatubati mhepo sezvinoita parashutu, asi mashandiro atunoita anotopfuura parashutu nekure. Chinotoshamisa ndechekuti tubvudzi twacho hatuna zvakawanda.

Nyanzvi dzesainzi dziri kuongorora kuti dzingatevedzera sei zvinoitwa nemhodzi yedandelion. Vari kufunga kuti vanogona kugadzira zvinhu zvidikidiki zvisingashandisi simba rakawanda zvekutoresa mapikicha zviri mudenga zvinonzi madrone. Madrone acho anogona kushandiswawo pazvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira kuongorora kuti mhepo haisi kusvibiswa here.

Ona mhodzi yedandelion ichitakurwa nemhepo

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti mhodzi yedandelion ikwanise kutakurwa nemhepo kwenguva yakareba kudaro kana kuti pane akazvigadzira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe