RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 5
  • Mapepa Pasi Pemuchina Wekuwacha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mapepa Pasi Pemuchina Wekuwacha
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kutenda Kwaamai Kunoita Kuti Vave Netariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • Mararamiro Aiita vaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga ‘Vaiita Mabasa Epamba’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Zvakaitika
ijwex nyaya 5
Mapepa nepenzura zviri pasi pemuchina wekuwacha

Mapepa Pasi Pemuchina Wekuwacha

Paakabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha, Zarina akadzokera kumusha kwake kuCentral Asia achibva kuRussia. Aida kunorera vana vake achivadzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri. Sezvo akanga asina mari, aigara mukamuri rimwe chete nevabereki vake uye nehanzvadzi yake nemudzimai wayo. Vabereki vake vakamurambidza kudzidzisa vana vake Bhaibheri. Vakaudzawo vanasikana vake kuti vasataura naamai vavo nezveBhaibheri.

Zarina akafunga kuti angabatsira sei vana vake kuti vadzidze nezvaJehovha. (Zvirevo 1:8) Saka akanyengetera, achikumbira uchenjeri uye kutungamirirwa. Akabva atanga kuita zvaienderana nezvaakanyengeterera. Aipota achifamba-famba nevana vake achivaudza nezvekunaka kwezvinhu zvakasikwa. Kufamba kwavaiita ikoko kwakaita kuti vana vake vade kunzwa zvakawanda nezveMusiki.

Zarina akazotanga kuvabatsira achishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a Akakopa ndima nemibvunzo zviri mubhuku racho achizviisa pamapepa. Akawedzerawo mimwe mitsara kuti vana vake vawedzere kunzwisisa. Akabva aviga mapepa acho pamwe chete nepenzura pasi pemuchina wekuwacha. Vana vake vaibva vaverenga ndima dzacho vonyora mhinduro.

Zarina akashandisa nzira iyi kudzidzisa vana vake zvitsauko zviviri zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kusvikira pavakazowana imwe imba yekugara. Pavakazotama, akanga ava kukwanisa kurera vana vake asingavhiringidzwi. Muna October 2016, vana vake vakabhabhatidzwa, uye vanofara kuti amai vavo vakashandisa uchenjeri kuti vavadzidzise zvinhu zvekunamata.

a Mazuva ano vakawanda vava kushandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe