RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 4
  • Mapurisa Anoperekedza Joseph

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mapurisa Anoperekedza Joseph
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • ‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 4
Mota yemapurisa

Mapurisa Anoperekedza Joseph

Kana uri Chapupu chaJehovha, imbozvifungidzira uchiparidza paimba neimba uine mapurisa? Ndizvo zvakaitika kuna Joseph kuMicronesia muna 2017. Iye nezvimwe Zvapupu zvitatu vakanga vachiita mushandirapamwe wekuparidzira vanhu muzvitsuwa zviri kure.

Paakanga ava masikati, vakasvika pane chimwe chitsuwa chinogara vanhu vanenge 600 vachibva vagamuchirwa nameya wechitsuwa chacho. Joseph anotsanangura zvakazoitika: “Meya wacho akati taigona kuperekedzwa nemota yemapurisa kudzimba dzese. Takashamiswa nezvaakataura, tichibva tamutsanangurira zvakanaka kuti aiwa zvakanga zvisingaiti. Taida kuita zvatinongoita mazuva ese patinoparidzira vanhu mudzimba dzavo.”

Vaparidzi vacho vakabva vatanga kufamba netsoka, vaine shungu dzekutaura nevanhu vakawanda. Zvapupu zvacho zvakati: “Vanhu vaitigamuchira zvakanaka uye vaida kunzwa shoko redu. Izvi zvakaita kuti tipedze nguva yakawanda kupfuura yatinowanzopedzera paimba imwe neimwe.”

Zuva rava kunodoka, mota yemapurisa yakapfuura nepana Joseph kaviri, uye kechitatu yakabva yamira. Mapurisa acho akamubvunza kana aida kutakurwa nemota vachimuendesa kudzimba dzaakanga asati aparidzira. Joseph anoti: “Ndakaramba. Asi vakaramba vachisimbirira, vachiti, ‘Masarirwa nenguva shoma kuti mupedzise dzimba dzese idzi dzasara.’ Ndakabva ndazongobvuma nekuti zvechokwadi dzimba dzakanga dzichiripo. Pataisvika paimba imwe neimwe, mapurisa acho aindiudza zita revanogara pamba pacho uye vaiti kana pakasauya munhu kuzovhura dhoo, vaizoridza bhero remota.”

“Saka takakwanisa kupedza dzimba dzese musi iwoyo. Takasiya mabhuku akawanda uye takaronga kuzodzoka kuvanhu vainge vafarira.”

Mapurisa akaudza Joseph kuti “vakanakidzwa nekuudza vanhu mashoko akanaka.” Zvapupu zvacho pazvakazoenda zuva ranyura, mapurisa akavabhabhaisa achinyemwerera akabata mabhuku eBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe